Marko 10 Kurambana nekuwanikwa kana kuroora zvakare hupombwe



Rufu rwega ndirwo rwunotenderwa kugumisa chitsidzo chewanano iri pamutemo. Wanano yekutanga muEdeni yaive yemurume nemukadzi. Tinofanira kudzokera pane zvazvaive pakutanga.

First published on the 18th of December 2024 — Last updated on the 18th of December 2024

Hamugoni kurambana mowana kana kuwanikwa neumwe munhu

 

Tinoona Mwari ari Munhu Jesu.

Mukadzi mucherechedzo wekereke.

Saka, wanano mucherechedzo wekuwadzana kwaMwari nekereke yevaHedeni.

Zvakadaro, Jesu akashandura chimiro chewanano kuvaHedeni.

Munofanira kuchengetedza zvitsidzo zvewanano. Kusvikira mumwe wenyu afa. Munofanira kuchengetedza Shoko renyu.

Sechikamu cheMwenga waMwari, munofanira kuchengetedza Shoko rake nenzira imwechete iyi.

Chinhu chimwechete chinotiyananisa neEdeni iwanano. Wanano ndiyo yega chikamu cheEdeni chatinogona kutevedzera. Saka tinofanira kudzokera kuzvimisikidzo zvekutanga zvewanano zvakaiswa naMwari muEdeni.

Nemamwe mazwi, wanano inofanira kukosheswa.

MARKO 10:1 Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudia, achigura nemhiri kwaJoridani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaakange ajaira, akavadzidzisa zvekare.

Rutivi rwerudyi rweJoridani ndirwo rwaive mhiri kweJoridani.

Gwara raipimwa richibva kuJerusarema.

Idzi dzaive nzvimbo dzekawandira vaHedeni.

Nekuuya Jorodani achibva nekurudyi, Jesu aisimbisa nhau yehushumiri hwake hwenguva inouya kumakereke manomwe evaHedeni.

 

 

MARKO 10:2 VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.

“Vafarise” harisi izwi rinowanikwa muTestamente yekare. Zvinzvimbo zvavo zvisimo muMagwaro zvekuzviita misoro yezvitendero zvechiJuda zvakavaita kuti vashaiwe kugadzikika saka vakada kurwisa Jesu, aive Musoro wechokwadi.

MaPasita havana simba ravanopihwa neMagwaro kuti vave misoro yemakereke. Saka vanorwisa chero munhu vachiedza kuparadza chero munhu anonongedzera nhau iyi.

Vatungamiri vemaJuda havana kutsvaga chokwadzo. Vaida kutapa Jesu. Vaive vamukiri muhutungamiri hwenhema pavaiedza kwazvo kutapa nekuparadza Jesu, aive Mutungamiri wechokwadi neMusoro wemaJuda.

Zvakafanana, pasita haana kubvira aiswa pakutungamirira kereke muTestamente Itsva, kana kudaidzwa mufudzi weboka. Mapasita haana chokwadi nezvigaro zvavo saka vanoda kwazvo kurwisa zvinotaurwa neBhaibheri parinoisa boka revakuru pakutonga keeke yepanzvimbo.

MABASA 20:17 Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kunodana vakuru vekereke.

MABASA 20:28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese, Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.

Jesu ndiye Shoko raMwari. Bhaibheri reKing James ndiro Musoro wechokwadi mukereke yedu yanhasi.

Zano raMwari rakagara riripo kuti awanane nekereke yevaHedeni yaanodaidza kuti Mwenga wake.

Izvi zvinosimudza nhau yekuroorana nekurambana.

MARKO 10:3 Akapindura, akati kwavari: Mosesi wakakurairai chii?

Mosesi akatii panhau iyi.

MARKO 10:4 Zvino vakati: Mosesi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.

Kunyora gwaro rekurambana nekumudzinga.

MARKO 10:5 Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu, wakakunyorerai murairo uyu.

Jesu akapindura kuti kurambana kwakavapo chete nekuda kwekuoma kwemoyo yedu.

MARKO 10:6 Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.

Mwari aive agara achida kuti pave nemurume mumwe nemukadzi mumwe muwanano mucherechedzo waKristu neMwenga wake. Pakutanga Mwari aive angosika Adamu nemukadzi. Akazoita zita rekuti Eva atadza. Mucherechedzo wekereke ichitora mazita akasiyana siyana akaita sekuti Roman Catholic, Anglican, Methodist, Lutheran, Mharidzo, nemamwe akadaro, mumashure mekurasika kubva pakutevera Magwaro zvakazara nekudaidzwa kuti maKristu chete.

Totenda kupindira kwezvivi muEdeni, wanano inogona kuva hukama hwakaoma kuchengetedza dzimwe nguva.

Saka munhu anosiya musha wevabereki kuti vasapindire.

Vabereki vazhinji vanoda kupindira nekutonga wanano dzevana vavo. Murume musoro wemusha. Kwete baba kana mai vake.

Asi vabereki vanotonga vanoda kupindira mudzimba dzvana vavo.

MARKO 10:7 Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;

Murume anofanira kusiya musha wevabereki vake kuti anoitawo musoro wemusha wake.

Murume anofanira kubatira pamukadzi wake mukuoma nekurwadza. Mukunaka kwezvinhu kana kuipa kwazvo. Munguva dzerugare nenguva dzehurwere.

MARKO 10:8 zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.

Ndangariro dzinotonga muviri. Munhu anogarotsvaga zvinoitira muviri wake. Saka, murume nemukadzi vanofanira kubatanidza ndangariro dzavo votenderana kuti vachengetane nekutsvaga kuchengetedzeka kwavo vose. Sekuti mumwe wako inhengo yemuviri wako.

MARKO 10:9 Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa.

Wanano iri pamutemo haikanzuriki kana kuguma, kunze kwekunge umwe afa.

Kurambana chinhu chakangoipa. Kana vasingagoni kugara pamwechete, vanofanira kupatsanurwa asi vachitsvaga kuti vagadzirisane.

Eva akatadza, Mwari vaizomuuraya, zvaizogumisa wanano yavo.

VAROMA 6:23 Nokuti mubairo wezvivi rufu

Asi Adamu amuda zvekuti akasarudza kutadza pamwe naye kuti agare naye, achitenda kuti Mwari aizomuitira zano rekumudzikinura. Mwari vakaita sekudaro, nekuvadzinga muEdeni, pasi peropa rakadeurwa nematehwe emhuka dzaaive auraya. Mhuka dzisina mhosva dzakaripira zvivi zvavo.

Kereke yaive yatadza, Jesu aitida zvekuti akava chivi kupfurikidza kutora zvivi zvedu akazvitakura iye paKawuvari.

Patinotendeuka, mhosva dzedu dzinoyambukira kwaari, kururama kwake kwoyambukira kwatiri.

Kawuvari yakabereka “kuyambukira” kwakanakisa.

Saka akatifira akatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure kure kugehena kuti tigare Naye.

Chiitsidzo chewanano pakati paKristu nekereke yevaHedeni hachigoni kuputswa.

Mwari anotarisirawo vanhu kuchengeta wanano dzavo nevakadzi vavo. Murume mumwe nemukadzi mumwe, nekusingaperi.

MARKO 10:10 Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.

Kereke yekutanga yaisanganirana mumba kwavaive vakasununguka kudzidzisana.

Chivakwa chekereke chekutanga chakawanikwa chaive chemakore anana AD 220. Kereke yekutanga muJerusarema yaisanganirana mudzimba kana muTembere kusvikira mugore AD 70, pakaparadzwa Tembere neJerusarema. Mamwe maguta ese nenzvimbo dzese dzakaitira misangano yechiKristu mudzimba kana pamhene. KuRoma, vaisangana mumapako ari pakavandika.

MARKO 10:11 Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari.

Jesu aitevera murairo zvisina kunyengera. Sungano yewanano pakati pemurume nemukadzi ndeyekuti pakuoma pakurwadza uye inogona kuputswa nerufu rweumwe wavo chete.

Kana munhu akaramba mukadzi wake wepamutemo, haagoni kuroora mumwe mukadzi. Hunenge huri hupombwe.

MARKO 10:12 Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe.

Zvakafanana, kana mukadzi akaramba murume wake, haatenderwi kuroorwa neumwe murume, nekuti anenge akuita hupombwe.

 

Vana vadiki vanomiririra vatendi venguva yekupedzisira

 

Pakupedzisira, vana vemweya vanofanira kutendeukira kuzvitendero zvevaprofita madzibaba akanyora Shoko.

MARKO 10:13 Zvino vakauya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.

Chero vadzidzi vakatadza kuona kukosha kwekuunza vana vaduku kuna Jesu, Shoko.

Munguva yekereke yekupedzisira, vaparidzi vemharidzo havana kuziva kukosha kwekuunza vatendi kunotsigira zvavanotenda neShoko raMwari, Bhaibheri reKing James.

Madzibaba ekereke mapostora enguva yekereke yekutanga.

Varume vechidiki vaive vamutsiridzi mumashure menguva yeRima vakashingirira kudzorera Kururamisirwa munguva yekereke yechishanu, Kunatswa nekuparidzira munguva yekereke yechitanhatu, yemamishinari.

 

 

Ipapo vana vePentekositi vakadzorera zvipo zvemweya unoshamisa munguva yekereke yechinomwe.

Mumashure maizvozvo, William Branham aive akufanira kuzivisa zvakavanzika zveMagwaro kuvana vaduku kuti vanzwisise Shoko raMwari.

Ndicho chikonzero nei vana vaduku vakaunzwa kuna Jesu kuti avabate.

Pakupedzisira, vana vaduku ndivo vanobatwa nezaruriro yeBhaibheri rakaziviswa.

Ipapo ivo voga ndivo vanenge vari munguva yekupedzisira yegondo vanofanira kudzorerwa kumadzibaba enguva yeShumba yekereke yekutanga.

 

 

MARKO 10:14 Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.

Vana vaduku pamweya vakadzokera pazvitendero zvekereke yekutanga zvemadzibaba ndivo vakanyanya kukosha mukereke yekupedzisira.

“Regai” zvinoreva kuti “vatenderei” muchitauro chakare.

Asi “Regai” muchitauro chanhasi zvinorevawo “kusiiwa uchipinda mune zvinorwadza” sezvo vana vaduku vanorambwa nemasangano emakereke nemakereke emharidzo. Kufamba kusina anokuperekedza.

MARKO 10:15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.

Vana vaduku vanodisa kuziva. Vanoramba vachibvunza mibvunzo pamusoro pezvinhu zvese uye kazhinji vanoudzwa kuti vanyarare vasanetse wavari kubvunza. Mwana muduku pamweya anodisa kuziva pamusoro pezvakanyorwa muBhaibheri reKing James.

Nei zuva richitsanangurwa semadekwana nemangwanani kuna Genesisi Chitsauko 1? Nei izvi zvakadzokororwa katanhatu?

Nei zuva rechipiri risina kunzi “rakanaka” semamwe mazuva mashanu?

Makereke havana mhinduro vanotora mibvunzo iyi seisina basa uye inogona kufuratirwa.

Vanoenda kumakereke havana basa nekunzwisisa zvakadzama zveBhaibheri nekuti zvinoda kuti vashandure zvakawanda zvezvavanotenda.

Havatodi kuziva kuti zita rababa, Mwanakomana naMweya Mutsvene nderekutii. Vanoramba munhu anobvunza mubvunzo iwoyo vomuona semuvengi anofanira kurambwa.

Zvakafanana, makereke emharidzo anoramba nekufuratira chero munhu anovayeuchidza nhau yekuti William Branham haana kubvira ataura kuti “Kutinhira kunomwe kwakareva”.

Hushe hwaMwari ndihwo Mweya Mutsvene uri mamuri.

RUKA 17:21 Uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.

Munguva imwe neimwe maifanira kuteerera Mweya Mutsvene kunguva iyoyo. Izwi rinotaura mumoyo rinotiudza zvinyoro nyoro kuti titevere Magwaro nekuzvimiririra pachinzvimbo chekugamuchirwa neruzhinji kupfurikidza kutenda muzvakaipa zvinotendwa nekereke.

Munguva yekereke yechishanu yaLuther, maifanira kuponeswa nekutenda.

Munguva yekereke yechitanhatu yaWesley, maifanira kurarama muhutsvene nekuparidzira.

Munguva yekutanga kwekereke yechinomwe, maifanira kudzorera zvipo zvemweya unoshamisa sechiratidzo kana humbowo hwehuvepo hwerubapatidzo rweMweya Mutsvene.

Pakupedzisira kwenguva yekereke yechinomwe, munofanira kuwana kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro sehumbowo hwerubapatidzo rweMweya Mutsvene.

JOHANE 16:13 Asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese;

MARKO 10:16 Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.

Kunzwisisa chokwadi hakusanganisiri kereke. Jesu amire kunze kwemukova wekereke pakupedzisira.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza;

Chaive chiitiko chaive pakati paJesu nemwana umwe neumwe.

Munofanira kuwana zaruriro yechokwadi chamunofanira kutsigira neBhaibheri reKing James sezvo Jesu ariye Shoko. Mwana umwe neumwe aida Jesu. Hachisi chiitiko chinosangana nekereke yese. Munofanira kuda Bhaibheri reKing James nezvarinotaura. Munoisa Magwaro pamusoro pemazano evanhu. Vadzidzi vakaudzwa kuti vauye nevana kuna Jesu. Vaparidzi vemharidzo vanofanira kuudzwa kuti vauye nezvavakabata paitaurwa kuMagwaro votsigira zvavanotenda neBhaibheri. Nhasi, tinoona Jesu ari Shoko rakaziviswa muBhaibheri reKing James.

 

Kukosha kwakasiyana kuri paGumi reMitemo

 

MARKO 10:17 Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?

Nekudaidza Jesu kuti “Mudzidzisi akanaka”, murume uyu aiedza kutaura kuti aive Mwari.

Kuziva Jesu ari Mwari kwaireva kuti aitenda muna Mwari unova Murairo wekutanga.

Akauya “achimhanya”. Paive pasina kusanganisirwa kwezvifananidzo zvakaitwa nevanhu, unova murairo wechipiri. Akauya pasina kunyenyeredza kutsime, kuna Iye Mwari pachake, akapfugama achizvipira kwaari.

Saka aiziva zita raMwari kuti raive Jesu Kristu. Ndiko kukosha kweMutemo wechitatu, Kusadana zita raMwari pasina. Makereke anodana zita raMwari pasina kupfurikidza kutaura kuti zvinzvimbo zvitatu Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene izita raMwari.

Mirairo mitatu yekutanga inobata kuzara kwehuMwari.

Nekuti akaziva kuti kuzara kwehuMwari kuri munani, Jesu akafuratira Mirairo mitatu yekutanga.

MARKO 10:18 Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.

Vanoenda kumakereke nhasi vakanyengerwa pakumhoresana. “Makadii?” “Ndakanaka”.

Izvi zvinorwisa kutaura kwaJesu kwekuti hakuna munhu akanaka. Saka, tinorasiswa zviri nyore nekugamuchira zvinhu zvenyika zvinenge zvichipisa nguva iyoyo.

Murairo wechina unotaura Sabata kana zororo. MuTestamente Yekare, kwaive kuzorora kubva kubasa musi weMugovera.

Izvi zvakashanduka kuita zororo kubva kuzvivi muTestamente Itsva. Kunova rubapatidzo rweMweya Mutsvene.

ISAYA 28:11 Zvirokwa zvo uchataura norudzi urwo navanhu vano miromo yorumwe rudzi.

Musi wePentekositi, vakataura nedzimwe ndimi. Rwaive rubapatidzo rweMweya Mutsvene.

ISAYA 28:12 Akati kwavari: Zororo riri pano, zorodzai vakaneta;

Mwari akaita basa rake rekusika akazorora. Haana kuzodzokera zvakare kubasa rekusika.

VAHEBERU 4:10 Nokuti wakapinda muzororo rake iyewo wakazorora pamabasa ake, saMwari pane ake.

MaJuda aishanda, ozorora musi weMugovera Sabata, vodzokera kumabasa avo musi weSvondo. Handizvo zvakaitwa naMwari, saka murairo wavo weSabata waive une kakukanganiswa pauri.

Tinogona chete kuwana zororo rechokwadi kupfurikidza rubapatidzo rweMweya Mutsvene, zvinotimisa kuita zvivi nekubvisa matiri rudo rwekutadza kuti tisadzokere kunonoita mabasa edu ezvivi zvakare.

MaJuda aisanzwisisa izvozvo, saka Jesu haana kutaura nezvemurairo wechina.

Mirairo mitanhatu yekupedzisira yakadai:

EKSODO 20:12 (5) Kudza baba vako naamai vako

(6) Usavuraya.

(7) usaite vupombwe.

(8) Usaba.

(9) Usapupurira wokwako nhema.

(10) Usachiva

Mitemo iyi ine zvirevo vakadzama pamweya zvakare pamusoro pekereke.

(5) Madzibaba edu emweya ndiwo mapostora naamai vedu kereke yaive kereke yekutanga. Tinovakudza nekudzokera kune zvavakatenda uye hatimbovazvidzi.

(6) Vakauraya rudo rwechokwadi paKanzuru yeNicaea muna AD 325 nekuzivisa mazwi asimo muMagwaro akaita seTiriniti, Baba neMwanakomana ndevekukosha kumwechete, Mwari Mwanakomana, Munhu weChipiri mukuzara kwehuMwari, Mwari Mumwe muVanhu vatatu, neChishanu Chakanaka.

(7) Kereke yeRoma yakatonga Europe muNguva yeRima ikazvidaidza kuti mai vemakereke. Kutenda dzidziso dzayo dzisimo muMagwaro zvinoreva kuti maizvipira kuita hupombwe nekereke yeRoman Catholic.

(8) Martin Luther akadzidzisa kuponeswa nekutenda chete akabuda mukereke yeRoman Catholic. Asi akaba dzimwe pfungwa kubva kukereke yeCatholic dzakaita seTiriniti, kumwaya vana vaduku mvura, katikasi, nekutaura kuti “muzita raBaba, reMwanakomana nereMweya Mutsvene” sekuti raive zita raMwari. Haana kubvira atsanangura kuti zita raive rekutii.

(9) John Wesley akadzorera hutsvene kana mabasa akanaka. Asi mushure mechinguva, vakafunga kuti ruponeso rwavo rwaibva pakutenda uye pamabasa akanaka. Kwaive kupupura kwenhema. Mabasa akanaka haagoni kuponesa munhu. Asi tinotarisirwa kuita mabasa akanaka.

(10) Musachiva chero chinhu chemumwe munhu.

Asi zvakadzama kudarika izvozvo, musachiva chero hushumiri hune umwe munhu.

Kana mukatora nechisimba hushumiri hweumwe munhu anogona kudzidzisa Bhaibheri kukudarikai, munenge matsotsa vanhu sezvo vanenge vasisakwanisi kudzidza chokwadi chakadzama.

Mapasita anochiva hushumiri hwekudzidzisa kuti varambe vaine kubata kwavo pamusoro peungano. Vanobva vanyararidza vadzidzisi veBhaibheri vanonzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri kudarika mapasita. Mapasita anovhara mapurupeti avo kuti vadzidziso veBhaibheri vanopikisana navo vasawane mukana. Asi mapasita haagoni kutsanangura zvakavanzika zveBhaibheri vachishandisa Bhaibheri chete. Ndivo vaNikoraiti sezvo vachizvisimudzira kuzviita misoro yekereke uye kuve vadzidzisi veMagwaro. Vanounganidza mari dzechegumi votsotsa vanhu nekuvapa dzidziso dzakaitwa nevanhu dzisina kubvira dzatendwa madziri nekereke yekutanga.

Kuna Zvakazarurwa kune zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe Kudenga.

 

 

Izvi zvinomiririra maBhuku mana eEvangeri.

ZVAKAZARURWA 4:6 Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.

7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka

Panyika, chigaro chaMwari cheHushe moyo wemunhu. Ndimo munogara Jesu.

VAEFESO 3:17 kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo;

 

 

Makamuri mana emoyo wemunhu anomiririra zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe uyezve anomiririra maBhuku mana eEvangeri anosunganidzwa kuzivisa hupenyu hwaKristu.

 

 

Marko anomiririra Jesu ari mhuru kana Dhonza duku, Muranda mukuru, Dhonza rinotakura mitoro yedu.

Marko anotipa makwara mazhinji kuti tobatira sei Mwari zvakanaka.

MARKO 10:19 Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.

Kana muchida kushandira Mwari, chamunokanganisa chekutanga kuzviita nhengo yekereke kwamunodzidza mitemo yakaitwa nevanhu. Chekutanga, musazvipinze mutsika dzeRoman Catholic. Hupombwe pamweya. Vakapikisa tsika dzeRoma vanoda kushandira Mwari vanotanga vaenda kuchikoro chekudzidza Bhaibheri (zano reCatholic), ikoko vanodzidza tsika dzekereke yavanenge vasarudza. Tsika idzodzo dzinosanganisira Tiriniti. Saka, vanotadza kubva pakutanga, asi vanenge varonga kushandira Mwari.

Vakapikisa chiCatholic kana vachida kushandira Mwari, vanotanga vapinda kereke. Vodzidza Tiriniti vanobva vapinda mugwara risiro kwehupenyu hwavo hwese.

Garirai kure “neTiriniti” uye “Chishanu chakanaka” zvakagadzirwa paKanzuru yeNicaea yakauraya rudo rwekutevera Magwaro zvakazara kupfurikidza kudzidzisa mazwi asimo muMagwaro.

Musaba mazano asimo muMagwaro kubva kune chero nzvimbo zvakaita sekushanduka hwemhuka dzichiita vanhu kana Big Bang kana marenti, kana nguva yeKutambudzika yemakore manomwe. Garai nezvakanyorwa muMagwaro.

Musapupura nhema kupfurikidza kunozvinongedzera kana kunongedza mabasa akanaka amakaita sekuti zvinobatsira vanhu kuti vaponeswe.

Mapasita havafaniri kutsotsa vanhu kupfurikidza kunyepedzera kuti vadzidzisi veBhaibheri. Hahusihwo hushumiri hwavo. Vanhu vanoguma vakutenda zvakaipa pane dzimwe nhau.

63-0724 MWARI HAVADAIDZI MUNHU KUNOTONGWA VASINA KUTANGA VAMUYAMBIRA

Mudzidzisi munhu akakosha. Anogara pasi pezodzo reMweya uye anogona kutora Shoko oriisa papwechete achishandiswa neMweya Mutsvene, izvozvo, pasita kana muvhangeri chero umwe wavo haagoni kuenzaniswa naye.

Pakupedzisira, Kudza Baba naMai vako.

Madzibaba ndivo mapostora vakatanga kereke yekutanga, mai vemakereke ese. Tinofanira kutora kereke yekupedzisira toidzorera kukereke yekutanga kana tichida kushandira Mwari zvakanaka.

Ndizvo zvinodiwa kwatiri zvikuru kana tichida kuva varanda vakanaka.

 

Jesu anowedzera kuti idai vavakidzani venyu paGumi reMitemo

 

Mateo anozivisa Kristu ari Mambo wavose maJuda nekereke kubva munguva nomwe dzemakereke uyezve Mambo wemaJuda 144,000 vanobuda mumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru.

MATEO 19:18 Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema,

19 kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe.

Nekuti Mateo akataurawo maJuda kubva kumaJuda 144,000 akatanga kuuraya rudo rwechokwadi nekuzivisa Tiriniti. MaJuda serudzi havatambiri Tiriniti (mamwe maJuda akazvimiririra anotambira Tiriniti nekuti vanoda kuva nhengo dzekereke). Saka, maJuda asingateveri Tiriniti 144,000 vanoramba kukanganisa kukuru uku.

MaJuda 144,000 vanofanira kugara kure neRoman Catholic nekuti kuita kwayo hupombwe pamweya.

Achitaura pamusoro pe 144,000:

ZVAKAZARURWA 14:4 Ava ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nokuti imhandara.

Mukadzi ikereke. MaJuda 144,000 vaive vachifunga zvekuti havana kuzvisanganisa nekereke. Saka maprofita avo maviri achagona kuvadzidzisa chokwadi. Havazobi tsika dzechero kereke kana kuba mazano emasangano.

Matambudziko nemhirizhonga zvenguva yeKutambudzika zvichavamisa kufunga kuti vanogona kuzviponesa nechero nzira sevapupuri venhema. Vachavimba nesimba rinoshamisa raMwari rinenge riine maprofita maviri, kwete nemabasa avo.

Mosesi naErija vachavatungamirira kudzidziso dzemapostora ekutanga madzibaba nemienzaniso yaamai kereke yekutanga.

Jesu akawedzera imwe pfungwa yaibatanidza mabasa ese akanaka ezvatinotarisirwa kuita neGumi reMitemo.

“Ida wekwako sekuzvida kwaunoita” zvinoreva kuti maJuda achagamuchira zvinotendwa nemaKristu echiHedeni, saka tese tichava hama mumashure maizvozvo.

Kuchava nenhau dzakadzama kudarika kuva mapoka maviri akasiyana kwevaHedeni. MaJuda 144,000 achaguma akutenda zvakafanana nezvatinotenda mazviri uye vachada kereke yevaHedeni. Vanodanwa kuva vachengetedzi veMwenga wechiHedeni.

RWIYO RWASOROMONI 4:12 Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa. Chitubu chakakomberedzwa, tsime rakafunhirwa.

Mwenga waKristu akafanana nemunda wakakomberedzwa nechidziro kana neruzhowa. Chidzoro ichocho chinozova maJuda 144,000.

Zvino Jesu zvaakazivisa pfungwa yekuda wekwako sezvanozviita, ari kuzivisa pfungwa yakadzama hazvisi pamusoro pekuteerera mitemo yakanaka kuti tizvide uye tifunge kuti tiri maKristu akanaka.

Zvese zviri pamusoro pekuterera mitemo kuti tipesane nekukanganisa kwekereke tosimbirira pakuda vamwe vanhu uye kuva muranda akarurama kwavari. Mwari havadi kuti ndive muKristu kuti ndirarame zvakanaka ndiende Kudenga. MaKristu anotanga kufunga kuti “Ndine rombo rakanaka ndichasvikako.”

Haasi mafungiro akanaka.

Mwari anoda kuti ndive muKristu kuti andishandise kubatsira vamwe kuti vaendewo Kudenga.

 

Rudo rwemari runodzikisira kutenda kwedu

 

Tinotarisa kuna Ruka akazivisa Krustu ari Munhu akarurama.

Kristu akataura nejaya mupfumi.

RUKA 10:26 Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?

27 Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nesimba rako rese, uye nefungwa dzako dzese; neumwe wako sezvaunozvida iwe

Mitemo inokwana mupfungwa mbiri dzakarurama. Chekutanga, kusimba pana Jesu neShoko rakanyorwa.

Mirairo mina yekutanga inotiudza kuti toda Mwari sei uye tomubatira sei. Kuna Mwari mumwe, hakuna mifananidzo kana munhu anokwikwidza naMwari. Pope anoti ndiye Vika yaKristu, ari pachinzvimbo chaKristu. Hazvina maturo. Hakuna munhu anogona kutora nzvimbo yaKristu.

Vanhu vemharidzo vanoti William Branham ndiye Izwi raMwari. Hazvina maturo. Iye izwi remutumwa wechinomwe. Bhaibheri ndiro Izwi raMwari.

Kana muchinzwisisa nekuparidza Magwaro dzidzai kuda vekwenyu kuti mugone kuvabatsira kugadzirira kunosangana naShe wamakadzidza kuda nemoyo wose.

Mitemo mitanhatu yekupedzisira inotiudza kuti toda sei nekubatira rudzi rwevanhu.

Mutemo wechina unotinamirira kuZano raMwari. Sabata rechokwadi rekuzorora ndirwo rubapatidzo rweMweya Mutsvene runotiita kuti tizorore kubva kumabasa edu ezvivi nekusatenda. Ipapo tega tinogona kubatanidza zano raMwari toshandiswa naMwari kubatsira vamwe vanhu.

Hatigoni kushandira Mwari naMammoni. Rubapatidzo rweMweya Mutsvene ndiMwari matiri anotibvisa parudo rwemari.

MARKO 10:20 Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.

Jaya mufumi aive achengeta murairo.

Asi rudo rwake rwakadzama rwaive pamari.

MARKO 10:21 Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvese zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.

Kuneta kukuru kuri mukereke yekupedzisira yeRaodikia kutaura kwekuti:

ZVAKAZARURWA 3:17 Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu,

Pfuma inodzikisira kutenda kwedu. Mabhiriyoneya mangani aoziva Jesu saMuponisi wavo? Mabhiriyoneya mangani anogona kurarama ari muwanano yakanaka yakasimba?

MARKO 10:22 Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti wakange ane nhumbi zhinji.

Nhumbi dzake dzakamubata.

Pfuma yake yakaita kuti arambe kutevera Mwari.

Dambudziko reCOVID rakatanga muna 2020 rakaparadza hupfumi pasi rese.

Kurwisa kwakaitwa Ukraine neRussia muna 2022 kwakakonzeresa kukwira kwezvinhu nekudhura kwehupenyu.

Saka tese tiri kuedzwa nemamiriro ehupfumi panyika.

MARKO 10:23 Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!

Vanhu vakapfuma vanoisa kutenda kwavo mumari dzavanadzo mumabhangi avo.

MARKO 10:24 Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;

 

Jesu anodzokorora yambiro pamusoro pepfuma

 

Mari haisi kiyi yekupinda denga Jesu akayambira kuti pfuma chipingaidzo kwete makomborero.

MARKO 10:25 zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.

Vanhu vanofunga kuti vapfumi vakakomborerwa naMwari. Zvisinei, vanhu ava vanodzidza zviri nyore kuda pfuma yavo kudarika Mwari akavapa pfuma yacho. Mwari paanotikomborera nepfuma tinotora makomborero iwayo zvisiriizvo, sekuti takafanira kuva nawo.

Dambudziko remari nderekuti rinozarura masuwo kuzvinhu zvizhinji. Zvinhu zvizhinji izvi zvinotibvisa pakuda kwaMwari. Haizi nyore kuwana kuda kwaMwari pakati pemikana mizhinji yatinosangana nayo. Mari inodaidzawo vanhu vasiriivo seshamwari.

Mari inosvibisa mafungiro edu tozvikudza asi isu tichifanira kurereka nekufa kuzvivi.

Inotipa rudo rwekuratidzira zvishandwa zvotiraramisa hupenyu huzere zvivi.

Pfuma kazhinji inotungamirira kutsvaga zvinhu zvakaipa kuti iwedzere nekufunganya kwainokonzeresa. Kunyanya kufunganya kwekuti mari inogona kutsakatika mumabhizimisi kana kutapudzwa kwemuhoro. Izvi zvinokonzera kuti vanhu vade kuwana mari nechero nzira iripo pamabasa avo. Dzimwe tsvagurudzo dzakaratidza kuti mari haikonzeresi kusagutsikana- asi, kushigiriria kusina magumo kuti munhu awane pfuma nemidziyo zvinosvika pakushaisa mufaro. Hudzamu hwepfuma hunowanzoyananiswa nekuneta kwekugutsikana muhukama.

Tsvagurudzo dzakati kuti dzakaona kuti vana vazhinji vanosangana nekushandisa zvinodhaka, nekuda kwekumanikidzika kukuru kwekuda kwekusavapo kwevabereki kana kugara vari kumabasa.

Hwaro hwese hwekufunganya, zvakafanana, nekutsaurwa kunowanzobva pashaiwa kwemhuri nguva yekuva pamwechete nekuda kwezvinodiwa nevabereki vanokurudzirwa nemabasa nezvakawanda zvevana zvinodiwa vabva kuchikoro.

Vana vanokurira mumhuri dzakapfuma vanogona kuita sevane zvese, asi kuwana zvese kunogona kuuya nemuripo. Vana vakapfuma vanowanzoshungurudzika kudarika vana vari mumhuri dzisina pfuma, uye vari panjodzi huru yekusangana nekufunganya hurwere hunokonzerwa nekushaiwa wekuudza zvinenge zvichinetsa, kushandisa zvinodhaka, kudyisa zvisina mwero, nekuba. Tsvagurudzo dzakawana kuti kushandiswa kuzhinji kwezvinodhaka kuri pavana vane vabereki vakapfuma varipo vese.

Munzvimbo dzepamusoro soro, vana kazhinji vanomanikidzwa kuti vasimuke muzvidzidzo nezvemitambo kuti vatsigire fundo yavo chinhu chinogona kukonzeresa kufunganya kukuru. Vana vakapfuma vari panjonzi yekumanikidzirwa netarisiro dzavakatarirwa kuzadzisa dzepamusoro soro.

Kubva pamaonero emweya, vana ndivo vanofanira kutendeukira kumadzibaba mapostora zvichibva kuna Maraki Chitsauko 4.

Muwanano, murume musoro wemukadzi. Kana mukadzi achimiririra kereke, murme anomiririra Kristu musoro wekereke. Anova Jesu. Asi nhasi, pasita anoonekwa semusoro wekereke chero zvazvo izvi zvisiri muMagwaro.

Saka jaya mupfumi rinomiririra mapasita ekereke. Vanochengetedza zvinzvimbo zvavo zvesimba, pfuma, simba rekutora mari dzevanhu. Misoro yekereke yakazvisimudzira vanoona zvisingagoni kunzwisisa Bhaibheri rakaziviswa sezvo vasiri vadzidzisi veBhaibheri. Havagoni kutsigira zvavanotenda neMagwaro chete. Ndicho chikonzero nei kuine zviuru zvakawandisa zvendudzi dzemasangano emakereke. Saka vanhu vavo vari kunyengerwawo kukanganisa zvinhu zvizhinji.

Kana zvakaipa izvi zvese zvikasangana, vashoma vanokunda.

MARKO 10:26 Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa?

Kana tikasangana nechokwadi tinoona kuti vanhu havagoni kuzvinunura.

MaKristu kazhinji anonyenyeredza chero dzidziso dzinozvidza nhau dzehupfumi. Nekuti, pasi pemoyo chaipo, pfuma ndiyo yatinoda.

MARKO 10:27 Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvese zvinobvira.

Mwari ega anogona kuva Muponesi. Tinogona chete kuponeswa nekuti Jesu akatakura zvivi zvedu. Tinofanira kutendera Jesu kuvhura meso edu. Hatizofari nezvatinoona pamusoro pehupenyu hwedu, saka tinofanira kudisa kwazvo kutendeuka. Tese umwe neumwe wedu ane zvakawanda zvaanofanira kutendeuka kwazviri. Mwari ega ndiye anotiruramisa.

Hatizodi kuona kuti zvatinofarira pane zvatinotenda zviri kure sei neMagwaro.

 

Mubaro chaiwo uri muhupenyu hunotevera

 

MARKO 10:28 Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese tikakuteverai.

Petro akabva ataura kuzvipira kwakaitwa nevadzidzi pakusiya misha yavo nemhuri dzavo kuti vatevere Jesu.

MARKO 10:29 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,

30 asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.

Asi Mwari akachengeta chinyorwa chezvese zvatakaita. Zvese zvichatiwanisa mubairo kana nguva yakwana. Kana pasiri panyika pano, zvinoreva kuti munyika inotevera. Asi kana tikamira kuverenga makomborero edu, tinowana mibairo mikuru yakapihwa kwatiri muhupenyu, zvisinei nekuomerwa kwese. Kusarudzwa nekusiiwa tega ndicho chimwe chinhu chatinosangana nacho panzira yekunosangana nekunzwisisa kwakadzama chokwadi cheBhaibheri.

Chinhu chikuru ndechekuisa tariro yedu pahupenyu hunotevera, kwete huno hwatiri. Hupenyu huno ndehwenguva duku nematambudziko ahwo nekurasikirwa kwese kwatinosangana nako. Hupenyu hunotevera hauna magumo uye huzere nemibairo kutsiva zvese zvatakarasikirwa nazvo muhupenyu huno.

MARKO 10:31 Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.

Jesu akaguma achiti hakufaniri kuva nemusiyano pakati pekereke yekutanga neyekupedzisira. Semurango, zvatinokoshesa nguva yekupedzisira zvinofanira kuva kudzokera kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga. Ndiro zano raMwari kuhupenyu hwedu hwanhasi. Ndicho chinhu chakakosha nhasi.

MARKO 10:32 Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika kwaari,

Jesu akatungamira vadzidzi vachitevera. Izvi zvinotidzidzisa kuti tinofanira kutevera Bhaibheri.

Jesu ndiye Shoko zvatinodzidza kubva kuMagwaro zvichatishamisa apo tinoona kuti kereke yakabva padzidziso dzekereke yeTestamente Itsva. Tinozotya patichaona kuti zvakatiomera kutarisana nekurambwa nekurovererwa kwevanhu apo tinodzokera kunoita zvakatendwa mazviri nekereke yekutanga, zvinova Zano raMwari kwatiri munguva yekupedzisira.

MARKO 10:33 achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,

Jesu aifanira kufa kuzadzisa budiriro yekereke. Budiriro yake yaive pakurasikirwa nezvinhu zvese.

Haana kuparidza Evangeri rekupfuma muhupenyu hwake.

Asi vakuru nevatungamiri vezvitendero kana vatungamiriri vemakereke vanongoda kusvibisa Shoko raMwari rechokwadi. Kereke yava riva rekunyengerwa rinoramba zvakanyorwa muBhaibheri reKing James.

MARKO 10:34 vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve.

Izvi zvakaitika kuna Jesu, saka zvichaitikawo kukereke inova muviri wake.

Vatendi vechokwadi vakabata Magwaro vachatsvinyirwa nekunyadziswa nekurovererwa.

Asi Jesu akamuka zvakare mushure memazuva matatu kuti chokwadi chidzorerwe munguva yemakereke matatu ekupedzisira anoti nguva yaLuther yaWesley nenguva yeRaodikia. Izvi zvinoreva kuti kuchava neMwenga muRaodikia achadzorerwa kunotenda zvakafanana nekereke yekutanga, totenda William Branham akavadzidzisa kutevera Magwaro. Kuchava nekumuka kubva kuvakafa kwekereke yeTestamente Itsva nekushandurwa kwemiviri yeMwenga anenge achiri kurarama. Ipapo vese vachasimuka kukwira Kudenga pavanotorwa kunosangana naShe kumakore.

 

Shungu dzekuzviunganidzira iwe nemhuri yako mukereke dzakaipa

 

MARKO 10:35 Zvino Jakobo naJohane, vanakomana vaZebedi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.

Zvisinei, pachinzvimbo chekukoshesa kumuka kwaJesu, Jakobo naJohane (tarisai kuda zvinhu nekuda kuti mhuri yavo idiwe) vaingoda chete kusimuka kwavo kuti vave vakakosha kukanganisa kukuru mukereke kutarira mhuri imwechete nekuita zvainoda. Mapasita zvinzvimbo zvavo zvinobva kuna baba kuenda kumwana. Nei? Zvinoita kuti mari irambe iri mumhuri. Mari ndicho chituko chikuru mukereke yeRaodikia. Asi kereke yakazadzwa nekumhanyisana nemari.

MARKO 10:36 Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?

Jesu akabvunza kuti vaida kuti avaitirei?

MARKO 10:37 Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.

Chavaida zvinzvimbo zviviri zvakakoshesesa zvekubwinya Kudenga, mumashure mekunge Jesu aita basa rakaoma rekufa mumarwadzo kuti kubwinya ikoko kuve kwake.

Regai Jesu atamburre ini nemukoma wangu tigotora mubairo wepamusoro soro.

Tarirai kuzvikoshesa kuri pamunhu nemhuri yake.

MARKO 10:38 Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo ini here?

Jesu akavaudza kuti vaive vasingazivi zvavaitaura nezvazvo. Kuneta kukuru kuri mukereke kusaziva chero chinhu pamusoro pezvavanoparidza. Tarisai vaparidzi vemharidzo vanoti vanoziva zvakarehwa neKutinhira kunomwe. Hakuna chakanyorwa panhau iyoyo saka vanongotipa fungidziro dzavo dzisina tsigiro yeMagwaro. Asi vanopihwa mari yakawanda nekuda kwaizvozvo.

Jakobo naJohane vakatiza pakasungwa Jesu. Vaive vasingazivi pamusoro pemweya wekutya waizoburuka pamusoro pevateveri vaJesu. Jesu ndiye ega munhu aikwanisa kumira pahusiku hunotyisa hwakaipa.

MARKO 10:39 Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo ini;

Vakati vaizogona kusangana nezvakasangana naJesu. Saka Jakobo aive mupostora wekutanga kuuraiwa Johane akabikwa mumafuta akasungwa ruviri mutoronga paPatmosi.

MARKO 10:40 asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.

Mwari aive neZano rakatarwa raizozadziswa. Zano iroro harivimbi nezvido zvevanhu.

 

 

Kugara kumativi aJesu kunoratidza kuti hakuna Tiriniti kana vanhu vatatu pagere Jesu paruoko rwaMwari rwerudyi. Saka Mwari ari kuruboshwe rwaJesu saka hakuna nzvimbo kuruboshwe rwaJesu yekuisa chigaro kuti munhu agare.

 

 

MARKO 10:41 Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.

Shungu dzehama mbiri dzakaita kuti pave nemukana pakati pevadzidzi. ChiKristu sebasa chakaipa sezvo shungu dzevanhu dzinoparadza kereke.

MARKO 10:42 Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.

Jesu anotaura nhau yekereke ichauya. VaHedeni vanoda kuva vatungamiri vakasimudzirwa vanotarisirwa vanoteererwa pasina mibvunzo.

MARKO 10:43 Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu;

Mushumiri muranda. Kereke yevaHedeni yaive yakapusa zvekusvika pakusimudzira mushumiri kana murevhi kana pasita kumuita musoro wekereke. Muranda ndiye ari pasi pasi pekereke, kwete musoro.

MARKO 10:44 Ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevese.

Nzira yekukwira kumusoro kuzvideredza. Shingairai kuva varanda kwete musoro wekereke.

MARKO 10:45 Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.

Jesu haana kuuya kuzoshandirwa. Akauya kuzodzikinura. Aive chipo chaMwari kwatiri.

Kutsanangurwa kwakaringana kwehushumiri hwake ndekwekuti “Chipo chakapihwa.”

 

Kuturikira Shoko zvisiriizvo kunoita kuti Shoko rishaiwe simba risabatsire

 

MARKO 10:46 Vakasvika kuJeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.

Batimio aigara muJeriko aive bofu.

Akamiririra vanhu mukereke yeRaodikia yakapofomadzwa kuti isaone chokwadi nevatungamiri vayo.

Saka Batimio aiziva kuti kana achida kuona, aifanira kubuda mukereke (zvinomiririrwa neguta reJeriko).

Sezvazviri munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia umo Jesu amire kunze kwekereke.

MARKO 10:47 Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!

Jesu weNazareta. Nazareta zvinoreva nguva nomwe dzemakereke. Nazareta izwi rechiGiriki, kwete chiHeberu sezvo Nazareta isina kutaurwa muTestamente Yekare.

Nazareta inobva pamazwi maviri.

Netizeri zvinoreva kuti davi muchiHeberu. Netzereti zvinoreva kuti nzvimbo yekupatsanurwa.

Nazara zvinoreva kuti chokwadi.

Nazara neNetzereti zvikabatanidzwa zvinoburitsa Nzvimbo yekupatsanurwa kwechokwadi.

Zvikaturikirwa muchiGiriki tinowana Nazareta.

Johane akaona Jesu pakati pechigadziko chemwenje zvaimiririra nguva nomwe dzemakereke umo chokwadi chinopatsanurwa.

Nguva yekereke yekutanga chete ndiyo ine chokwadi uye tinofanira kudzokera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.

 

 

Johane,mupostora mukuru akawira pamberi petsoka dzake seakafa. Hakuna munhu muprofita angakwikwidze nezvaive Jesu.

ZVAKAZARURWA 1:13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu,

Pakati pechigadziko chemwenje zvinoreva kuti nguva yekereke yekutanga chete ndiyo inofanira kuvimbwa nayo.

“Mwanakomana waDavidi” kuturikirwa kusiko kweapo Jesu akafamba panyika. Achave Mwanakomana waDavidi kana ava Mambo muMereniyamu.

MARKO 10:48  Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!

Batimio aida chokwadi nekuti Jesu ndiye chokwadi. Ndiye Shoko. SaBatimio hatifaniri kutadziswa nezvinotaura vanhu kana tichitsvaga chokwadi. Tinofanira kuramba tichikumbira Mwari kuti vavhure meso edu nechizodzo chemeso chekuna Zvakazarurwa.

MARKO 10:49 Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana.

Kudaidza Jesu kuti Mwanakomana waDavidi kwaisvibisa hushumiri hwake hwaizouya muMereniyamu. Nekudaro, Jesu akangomira asingakwanisi kumubatsira.

Jesu haagoni kubatsira makereke mapofu eRaodikia kuti vawane chokwadi cheShoko rake rakaziviswa. Vanowana ruponeso kubva kugehena asi havagoni kugadzirira Kuuya kwechipiri kunovaponesa kubva kunguva yeKutambudzika.

MARKO 10:50 Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.

Anogona kurasa guwo yetsananguro nedzidziso dzekereke dzaakadzidza kubva kuvatungamiriri vemakereke.

Makereke havazivi kuti tinofanira kudzokera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga. Saka, makereke haagoni kutitungamirira nenzira yakanaka pakuuya kwaJesu kwechipiri.

MARKO 10:51 Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabi, kuti ndionezve.

Akazodaidza Jesu kuti “Ishe”.

Akagona, Jesu ndiShe. Kuna Mwari mumwechete Ishe Jesu Kristu.

MARKO 10:52 Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.

Kuona Jesu sekuzara kwehuMwari, ari Ishe Mwari Wamasimbaose, zvakamupa meso ake kuti aone.

Nekutevera Jesu chete ndipo Batimio kawana nzira yakanaka yekubatira Mwari. Tinofanira kutevera Jesu muBhaibheri apo anotidzorera kunotenda zvakatendwa munguva yekereke yekutanga. Jesu anoonekwa pakati pechingadziko chemwenje chete. Nguva yekereke yekutanga chete ndiyo ine chokwadi.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23