Marko 09 Tendai muna Jesu chete kwete chero umwe munhu



Maprofita anotsakatika muHuvepo hwaJesu. Musaraire kana kutuka vana venguva yekupedzisira vanotsvaga chokwadi cheBhaibheri.

First published on the 27th of November 2024 — Last updated on the 27th of November 2024

Kuratidzirwa kweKuuya kwaShe panguva yekupedzisira

 

MARKO 9:1 Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.

“Vasingazoraviri rufu”. Izvi zvinois kukosha paMwenga anorarama.

Jesu aizoratidza vadzidzi vatatu zviratidzo zvenguva yekupedzisira.

Jesu aizotora vadzidzi vatatu ava (vakamiririra vatumwa kukereke yechi 5, 6, ne7 vakaita kuti chokwadi chenguva yekereke yekutanga chidzorerwe mumashure mekurasika munguva dzerima).

Nhanho yekutanga ndiko kudanidzira apo mwenga anodzidza kutevera Magwaro zvakazara mune zvaanotenda. Kudanidzira kwaive kusiri hama Branham vachiparidza mharidzo yavo yemuMagwaro. Kudanidzira ndeapo Mwenga anotsigira zvaakadzidzisa achishandisa Magwaro.

65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA

Kuna Mwari akanaka, munguva ino yakadai, ichava nguva yakaita seino pakuchava nekurira kwekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva Kudenga nekudanidzira, nenzwi remutumwa mukuru, Hwamanda yaMwari icharira vakafa muna Kristu vachamutswa.

Mwedzi mumwechete vasati vafa, hama Branham vaive vachiri vakatarisira kudanidzira kwaizouya Hama Branham vakaita chikamu chavo kuzivisa zvakavanzika, ikozvino takufanira kutevera Magwaro nekutsigira zaruriro yavo vachishandisa Bhaibheri Kudanidzira kusati kwaitika.

Mumashure mekudanidzira kunouya izwi reMutumwa mukuru kuzomutsa vakafa munguva nomwe dzemakereke.

Jesu aizovapa chiratidzo chekuti nguva nomwe dzemakereke dzichaguma sei mukumuka kwevatsvene vakafa. Kunobva kwaitika chimwe chinhu chinoshamisa, kushanduka kana kushandurwa kwemuviri wemwenga anorarama. Ndiro richava basa guru eKutinhira kunomwe kwakavanzika kunofanira kukosheswa neMwenga anorarama anodzidza kunzwisisa Shoko rakanyorwa totenda dzidziso dzemuprofita kuvaHedeni William Branham. Mwenga wese anotorwa kuenda Kudenga. Mumashure maizvozvo, Mwari anoenda kumaJuda mumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru achishandisa maprofita echiJuda.

Kushandurwa kunoshamisa apo miviri yeMwenga anorarama inoshandurwa choita chiitiko chikuru chinobatwa neChitsauko chino. Inhau ine kukosha kukuru mumaziso aMwari. Ndiko kuratidzirwa kweMwanakomana waMwari panyika.

MARKO 9:2 Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari vega; akashandurwa chimiro pamberi pavo.

Jesu “akavatungamidza” zvinoreva kuti vadzidzi vachadzidza kutevera Shoko rakanyorwa. Vadzidzi vaitevera Jesu, kwete umwe munhu kana rimwe bokawo haro.

Nhasi tinoona Jesu ari Shoko raMwari.

Zvamunotaura pamusoro peBhaibheri reKing James ndizvo zvamunotaura pamusoro paJesu.

Mukatuka Bhaibheri nechero nzira munenge muchituka Jesu.

Saka, munofanira kutenda kuti Bhaibheri reKing James rakarurama, ndiro Chokwadi Chikuru.

“Gomo guru” zvinoreva kuti chokwadi cheBhaibheri rakaziviswa chiri pamusoro pezvinofungwa nevanhu vakachenjera. Jesu ega anogona kutora chikero mumaziso edu kuti tione chokwadi. Vadzidzi vatatu vaimiririra vatumwa kunguva nhatu dzemakereke dzekupedzisira. Tinofanira kuvatevera nekuti ivo vakatevera Shoko. Tendai zvavanokudzidzisai neMagwaro chete.

“Mumashure memazuva matanhatu” izuva rechinomwe, mucherechedzo wenguva yekereke yechinomwe yekupera kwenguva dzevaHedeni. Dzinoguma nekushandurwa kweMwenga anorarama achipihwa muviri wekubwinya otorwa kukwira Kudenga.

Akashandurwa” zvinomiririra Mwenga anorarama achishandurwa kupihwa muviri wekubwinya, magumo enguva nomwe dzemakereke kana vatendi venguva yechinomwe vakugona kudzorerwa kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.

“Gomo guru” zvinoreva kuti nhau iyi kutatarika kuchasanganisa zvinorema zvakawanda, kurovererwa, nekurambwa. Asi muono unoonekwa uri pamusoro unoita kuti zviringane kune avo vanoda havo Magwaro.

“Pachavo vari vega”. Bhaibheri nezvakavanzika zvaro zvakaziviswa rinopatsanura zvitendero zveMwenga kubva kuzvitendero zvine mbiri zvemakereke nevasikana vakapusa.

 

I VAKORINTE 15:52 Nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.

Chekutanga kunouya “Kudanidzira” apo Mwenga anorarama anodzidza kutevera Magwaro zvakazara. Kouya Izwi reMutumwa mukuru kuzomutsa Mwenga. Kozouya kushandurwa kunoshamisa kweMwenga anorarama achipihwa miviri isingawori. Ndiko kuchava kuratidzirwa kwezvamakasangana nazvo semaKristu apo muchararama mumiviri isina zvivi.

I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;

17 kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi.

 

Vadzidzi vakawanda vanofunga kuti Gomo Rekubwinya igomo rinonzi Tabho. Asi uku kungori kufungidzira. Gomo chairo rakaitwa chakavanzika nekuti harina kutaurwa nezita. Chakavanzika ichocho chakakodzera nekuti Kuuya kweChipiri kwaShe ndiko chakavanzika chikuru Kudenga nepanyika.

Kutinhira kunomwe kunoreva mumashure mekumuka kwevatsveve veTestamente Itsva ndikowo chimwe chakavanzika chikuru chisina kunyorwa muMagwaro. Vanotonga kushanduka kwemuviri, kunoshandura vatsvene vanorarama. Ichiwo chakavanzika chinoziviswa chete kana chaitika.

MARKO 9:3 Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika, angagona kuzvichenesa zvikadaro.

 

 

Ruvara ruchena mubatanidzwa wemavara makuru manomwe ari pamurarabungu.

Kuchena semazaya echando zvinoreva kuti nguva nomwe dzemakereke dzakabatana kuumba Mwenga akazara munguva nomwe dzese dzekereke. Zano guru raMwari rekudzikinura Mwenga.

Kuzadziswa kwenguva nomwe dzese dzekereke kunoumba nguwo chena yerokwe remuchato weMwenga.

Nguva yekupedzisira inofanira kudzokera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga kuti nguva nomwe dzemakereke dzizadziswe.

Shoko rakaziviswa renguva yechinomwe yegondo rinofanira kufanana neShoko remapostora enguva yeShumba.

 

 

MARKO 9:4 Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMosesi, uye vaitaurirana naJesu.

 

KuMwenga,

Eria chiGiriki chekudaidzwa Erija. Eria zvinomiririra muprofita wenguva yekupedzisira William Branham akazivisa Magwaro kuti adzorere vana vekereke yechinomwe kunotenda zvakatendwa nemadzibaba mapostora ekereke yekutanga.

Eria, ari munhu mumwechete, anomiririrawo Mwenga anorarama panguva yeKuuya kweChipiri kwaJesu. Eria akatorwa kukwira Kudenga mungoro yemoto saka haana kufa. Zvakadaro anomiririra Mwenga anorarama vachashandurwa miviri yavo voumba boka rakasarudzika kwazvo. Boka rimwechete revanhu munhorondo yevanhu risina kufa. Vachatorwa kukwira Kudenga kunosangana naShe kumakore.

Mosesi, ari munhu mumwechete, anomiririra kumuka kwemwenga kubva munguva nomwe dzemakereke panguva yeKuuya kweChipiri.

 

KumaJuda,

Eria naMosesi vanomiririra maprofita maviri vachatora Evangeri kuti vanotora maJuda 144,000 munguva yemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.

 

Pakupedzisira vatungamiriri vemakereke vacharasika

 

MARKO 9:5 Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabi, zvakanaka kuti tiri pano; ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMosesi, uye rimwe raEria.

Pakarepo Petro akakanganisa zvikuru nenzira yaizorasika nayo kereke zvakare, kuona vanhu vatatu vakaita rudzi rwechitendero cheTiriniti nenzimbo nhatu dzekunamatira.

Zviitiko zvenguva yeKupedzisira izvi zvakakatyamadza Petro. Nehupenzi (sevasikana mapenzi) akaedza kuturikira zvaaisanzwisisa.

Petro akakanganisa zvikuru zvakaitwawo nevanotenda kuMharidzo nhasi. Akakudza muprofita kumuisa padanho rimwechete naJesu. Petro aida kuvaka Tabernakeri kuti anamate muprofita Eria. Vanotenda kumharidzo anodaidza William Branham kuti Mwanakomana wemunhu uye kuti izwi raMwari sezvo vachisarudza kutenda mune zvaakataura pachinzvimbo cheShoko rakanyorwa. Saka vanosimudzira hama Branham zvisizvo kuvaisa pahuMwari.

“Ndakanzwa kuti” zvakatsiva kuti “Zvakanyorwa zvichinzi” mundangariro dzavo.

Vanotaura zvisizvo vachiti, “Ini ndiri pakanaka kana ndichiverenga mabhuku ehama Branham nekuteerera makaseti avo, sezvo asingatadzi uye ariwo Shoko raMwari Guru.

SaPetro, vanosimudzira hama Willam Branham kumuisa muhuMwari.

ZVIREVO 29:18 Kana Jehova asingazviratidzi vanhu vanoramba kudzorwa.

Tinofanira kuva nemuono wezviitiko zvichauya kana tichida kuzogona kuziva Kutinhira kunomwe kana koitika.

Vanoramba pfungwa yekuturikira Magwaro vachishandisa zvakataurwa nehama Branham havazozivi zvakakwana kuti vaturikire Kutinhira kunomwe kana kwareva mazwi ako akavanzika kana vakafa vamutswa. Iyi ichava nguva ine kukanganisika kukuru.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Asi fungai, zvino anonyora izvi, asi paakatanga kunyora Kutinhira kunomwe uku, akati, “Usazvinyora.” aive apiwa basa rekunyora zvese zvaaona. Asi paakasvika pakutinhira kunomwe kuri kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 kuchireva, akati, “Usazvinyora zvese.” Zvakavanzika hatizivi kuti kwaive kudii; asi ndinofunga kuti zvichaziviswa.

Kana zvikaitika, zvichapa Kutenda kwekukwira Kudenda nenyasha kukereke kuti ibude.

Tinongofamba muzvinhu zvese zvatinoziva; munguva dzose takawona zvese. Takaona zvakavanzika zvaMwari. Takaona kuonekwa kweungano huru iri pamwechete kweMwenga mumazuva ekupedzisira, asi zvakadaro kune chimwe chinhu chatisingagoni kuzvijekesera. Kune chimwe chinhu.

Asi ndinofunga kuti zvakavanzika pazvinotanga kuuya... Mwari akati, “Mira pano. Mira zvishoma. Ndichazvizivisa nezuva iro. Usazvinyore zvachose, Johane, nekuti zvichavaremera. Siyana nazvo. (Mazviona?).

Asi ndichazivisa muzuva razvo kana zvakuda kuzviviswa”.

Tese ticharemerwa kana Kutinhira kunomwe kwareva. Kuchava kwakasiyana nezvese zvatinofungira.

Hatigoni kutorwa kukwira Kudenga mumiviri yedu ino. Kutenda kwekukwira Kudenga kunowanikwa chete panguva iyo miviri yedu inenge yashandurwa kuitwa miviri mitsva isingawori kana kurwara kana kufa.

HOSEA 4:6 Vanhu vangu vaparadzwa nekushaiwa zivo: Zawaramba zivo neni ndichakurambawo;

Tinofanira kuziva Magwaro akaziviswa, kana kuti tinorasikirwa neZano raMwari.

Tinofanira kunzwisisa zvakavanzika zvakaziviswa nehama Branham zveMagwaro.

 

Vadzidzi vaityiswa nezviitiko izvi Petro paakarasika.

Kutya kwake kwakaita kuti ataure zvisizvo. Mukutya kwake, aifanira kungomiriria Mwari kuti vafambe pachinzvimbo chekutevera pfungwa dzake dzaive dzakarasika.

MARK0 9:6 Nokuti wakange asingazivi chekutaura; nokuti vaitya zvikuru.

Vaitya vasingazivi kuti chii chaiitika. Kumwe kukanganisa kwekereke. Kutaura chinhu nekugadzira dzidziso musingazivi zvamuri kutaura nezvazvo.

Hatina chatinoziva pamusoro peKutinhira kunomwe kana Kuuya kwaShe, kana Zita rake idzva nekuti zvinhu izvi hazvina kunyorwa muBhaibheri. Tiri kufanira kudzidza zvakavanzika zvakanyorwa. Vanhu vanozvinyengera ivo nevamwe nekutura kuti vanoziva asi zviri zvinhu zvisina kunyorwa.

MARK0 9:7 Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, inzwai iye.

Kukanganisa kukuru kwaPetro kwakaita kuti Mwari vavhare chiitiko chese nekuvaudza kuti vateerere Jesu chete. Ndiye Shoko. Tendai zvakanyorwa muShoko chete.

Panguva yekumutswa kwevakafa neKutinhira kunomwe kuchava nenyaka nyaka huru ichavhara chaizvo zvinenge zvichiitika. Munofanira kuzotevera Magwaro zvakazara nekuti hakuna chamuchatenda machiri.

MARKO 9:8 Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochaona munhu, asi Jesu chete anavo.

Iyi yaive nguva yakakosha. Vakaona Jesu ega. Maprofita maviri makuru Erija naMosesi vakagona kunongedzera vanhu kuna Jesu, asi tinofanira kutenda Jesu chete. Ndiye Shoko. Hakuna mumwe munhu akakosha. Maprofita makuru Mosesi naErija vakanyangarika pakasvika Jesu.

Tinofanira kuisa kutenda kwedu kwese mu Bhaibheri chete.

JOHANE 1:35 Ava mangwana zve, Johane akanga amire navadzidzi vake vaviri;

36 Akatarisa Jesu achifamba, akati: Tarirai Gwaiana raMwari!

37 Ivavo vadzidzi vaviri vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.

Johane Mubapatidzo aive munhu mukuru kwazvo aive nehushumiri hwakasimba. Asi paakanongedzera vadzidzi vake kuna Jesu ari Munhu, vadzidzi ivavo vakatevera Jesu, kwete Johane.

William Branham zvaakataura zvinonongedzera kuna Jesu ari Shoko raMwari rakaziviswa. Kana tikanzwisisa zvaakataura nezvazvo, tinofanira kutevera Bhaibheri reKing James Vhezhesi rakaziviswa, kwete William Branham. Zvakavanzika zveBhaibheri izvi zvinotidzorera kunotenda zvakatendwa nemapostora ekereke yekutanga. Ndizvo zvinotipa gwara remweya rekufamba naro.

Ndiri kutenda here mune zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga?

MARKO 9:9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavakange vaona kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.

Zvavaive vaona zvakabata nguva nomwe dzemakereke. Saka Jesu akavayambira kuti vanyarare kusvikira amuka kubva kuvakafa sezvo chiitiko ichi chaive chisiri chemaJuda ezuva iroro. Saka, vaisazonzwisisa chero chinhu. Kereke payakatanga musi wePentekositi ndipo kufa, kuvigwa nekumika kwaizoreva chimwe chinhu kuvanhu.

MARKO 9:10 Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.

Vakashamisika nenhau yekumuka kwevakafa.

Uku kuratidzirwa kwemwenga pakupedzisira. Kumuka kwevatsvene veTestamente Itsva kuchave nguva inoshamisa ichasimudza mibvunzo mizhinji.

 

Kuuya kuviri kwaErija

 

MARKO 9:11 Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria anofanira kutanga kuuya?

Vakaziva kuti Jesu aive Messiasi. Asi nei Magwaro akati Erija, muprofita, achatanga kuuya Jesu asati auya?

MARKO 9:12 Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo anotanga kuuya, avandudze zvinhu zvese; kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti achatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?

Jesu akapa mhinduro inokatyamadza.

Akataura pamusoro peKuuya kwaErija munguva inouya mugwara rekunovandudza zvinhu zvose.

Asi Johane Mubapatidzi haana chaakavandudza. Johane Mubapatidzi aive mavambo eEvangeri reTestamente Itsva.

MARKO 1:1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;

MARKO 1:4 Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;

Tichiwedzera, Johane akazivisa maJuda Messiasi. MaJuda vaive vasina kumbobvira vaita Messiasi, saka uku kwaive kusiri kudzorerwa. Chaive chiitiko chitsva.

Johane akazivisa rubapatidzo rwekutendeuka. MaJuda vaive vasati vambobapatidzwa. Vaive vasangana nemucherechedzo werubapatidzo pavakayambuka Gungwa dzvuku, asi vakasara vakaoma. MaJuda akazvimiririra ega havana kubvira vanyudzwa pasi pemvura murubapatidzo.

Johane Mubapatidzi haana kubvira adzorera kutenda kwawo mukunamata kwemuTembere sezvo aigarira kure neTembere achizvidza vatungamiri vese kuti vana venyoka.

Saka Erija aizodzorera zvinhu zvose aive asiri Johane Mubapatidzi.

MARKO 9:13 Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvese zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.

Jesu akazotaura pamusoro paJohane kuti aive auya kare akaurayiwa.

Saka, pane chimwe chakavanzika pano.

Chitsauko chino chine chakavanzika cheKuuya kwaShe kunotevera chakavanzika chekushandurwa pachashandurwa miviri yedu. Izvi zvinotevera chakavanzika chekumuka kwevatsvene veTestamente Itsva, zvinotevera chakavanzika chaErija achadzorera dzidziso dzese dzechokwadi dzaive nekereke yekutanga.

Kereke yekutanga yaive nechokwadi chakazara chakabva kumapostora.

Kereke yechipiri yakakanganisa pakuisa bhishopu pakutonga kereke paguta rega rega. Tsika dzevaNikoraiti. Kusimudzira munhu kumuita musoro wekereke kuti atonge ungano kana sangano.

 

 

Rudo rwune kereke nechokwadi cheBhaibheri rwakauraiwa muna AD 325 pakanzuru yeNicene apo Tiriniti isimo muMagwaro neChishanu Chakanaka chisimo muMagwaro zvakamanikidzirwa pakereke munguva yekereke yechitatu. Kukatevera nguva yakaipa kwazvo Nguva yeRima apo chokwadi cheBhaibheri chakarasika chikavigwa mutsvina nerima renguva yekereke yechishanu.

 

 

Munguva yekereke yechishanu Martin Luther akadzorera kuponeswa nekutenda chete. Bhaibheri reKing James rakaturikirwa rikaongororwa kwemakore anosvika 160.

Munguva yekereke yechitanhatu John Wesley akadzorera hutsvene nekuparidzira. Izvi zvakasvitsa panguva huru yemamishinari yakatakura Bhaibheri reKing James kuriendesa pasi rese.

Nguva yekereke yechinomwe yakaona Pentekositi ichidzorera simba reMweya. Ipapo William Branham akadzorera chokwadi chenguva yekereke yekutanga nekuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri reKing James.

William Branham ndiye aive Erija aizouya akataurwa naJesu. Hushumiri hwake hwaive hwekuzivisa Jesu ari Shoko raMwari.

Juhane Mubapatidzi aive Erija akadarika aitaurwa naJesu. Akazivisa Jesu ari Munhu.

 

Kana tikasanzwa Shoko tinenge tiri mapenzi

 

Bhaibheri ndiro rega chokwadi. Tinofanira kunzwa Bhaibheri tisati tataura zvinoreva Magwaro.

ZVAKAZARURWA 1:3 Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita,

“Unoverenga” zvinoreva kuti kuverenga uchinzwisisa. “Nevanonzwa” zvinoreva kuti kunzwa kune kunzwisisa mukati.

Kana tisingatauri zvinorehwa neMagwaro, kuva pamaonero echokwadi, tinenge riri mapenzi.

Dambudziko gurusa mukereke nhasi kusaziva Bhaibheri.

Bhaibheri reKing James rakatsiviwa nemavhezheni anodarika zana eBhaibheri ese akasiyana. Diaborosi ari kuita chokwadi chekuti vanhu vasanzwe Bhaibheri reKing James zvachose.

Satani akakurudzira vanhu zvakare kuti hakuna Bhaibheri rine Chokwadi Chikuru.

Vanoenda kumakereke havachaedze kutsigira zvavanotenda neBhaibheri.

Ndudzi 45,000 dzakasiyana dzemakereke nemasangano akaita kupokana kwawo kusingagumi. Makereke yangova njake njake yemweya yemazano akasiyana siyana, kereke imwe neimwe ichiti ndiyo inogona uye yakanaka.

MARKO 9:14 Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.

Vanyori vaive vatungamiriri vechiJuda vaitongesa vadzidzi pamusoro pekuti nei vaive vatadza kudzinga madhimoni.

MARKO 9:15 Pakarepo chaunga chese chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, ndokumumhanyira, chikamukwazisa.

Asi vanhu pavakaona Jesu, vakaziva pakarepo kuti ndiye aive nesimba rese.

MARKO 9:16 Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo?

Akabvunza vanyori kuti yaive mibvunzo yezvei. Asi vanyori vakaramba vanyerere. Vaiziva zviri nani pakuedza kupikisana naJesu. Vanyori vaizivawo kuti zvaive zvakaipa kuti vatongese vadzidzi kuti nei vaive vatadza kudzinga mweya yakaipa. Dai vakataura izvozvi, Jesu aizongovabvunza kuti ivo vaive varegererei kuita izvozvo.

Baba vemwanakomana aive akazadzwa nemadhimoni vakataura.

Kutaurwa kwekereke yevaHedeni kunodakadza uko madzibaba enguva yekereke yekutanga aive nechokwadi. Nguva yekereke yechinomwe yakazadzwa nemadhimoni, isina chakanaka chinotaurwa naMwari pamusoro payo, ndivo vanakomana kana vana vanofanira kudzorerwa kuzvitendero zvemadzibaba avo.

Mwari anofanira kuburitsa dhimoni iri munguva yedu rinoita kuti tisade kunzwa kubva kuBhaibheri reKing James saka hatigoni kutaura chokwadi kubva kuBhaibheri reKing James. Saka, zvakadaro tiri matsi nembeveve kana tichitarisa panhau dzechokwadi.

MARKO 9:17 Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauisa kwamuri mwanakomana wangu, ane mweya wechimumumu.

Mwanakomana wangu chimumumu. Mwanakomana anomiririra vana munguva yekereke yekupedzisira vasingagoni kutsigira zvavanotenda neBhaibheri reKing James. Havazivi zvinoreva Bhaibheri munzvimbo dzakawandisa zvekuti havagoni kutaura vachishandisa Shoko.

MARKO 9:18 pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye anooma; zvino ndakataura nevadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.

Vadzidzi vaive vasina simba pamusoro pedhimoni rakasimba iri.

Nhasi tinofanira kuziva kuti kune mweya wakasimba wekusatenda uri kusunungurwa munguva yedu.

MARKO 9:19 Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuyisei kwandiri.

Jesu akagumbuka nekushaiwa kwedu kutenda. Anotiona serudzi rwusina kutenda. Tinoshaiwa kutenda zviri nyore muzvinhu zvakawanda.

MARKO 9:20 Vakamuuisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.

Dhimoni raiziva kuti Jesu aizoridzinga saka dhimoni rakarwadzisa mwanakomana zvakaomarara neparaigona napo. Kazhinji munguva dzakaoma, zvinhu zvinowedzera kuoma Jesu asati agadzirisa zvinhu. Kuwedzerwa kwekuoma kwezvinhu kuedzwa kwekutenda kwedu. Tinogona here kuramba tichitenda zvinhu zvichioma? Chero munhu anotenda kana zvinhu zvatanga kureruka.

MARKO 9:21 Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.

Dhimoni raive rapinda mumwana.

Nguva yekereke yekupedzisira yakatsanangura isu sevana vanofanira kudzorerwa kumadzibaba mapostora venguva yekereke yekutanga. Saka kunofanira kuita kudururwa kukuru kwemadhimoni munguva yedu kuti vanhu vamiswe kutenda muzvakavanzika zvakaziviswa muBhaibheri reKing James. Kumisa kereke kutenda zvakafanana nezvakatendwa pakutanga muKereke yeTestamente Itsva.

Madhimoni akasunungura mweya wehudzvanyiriri muHondo yepasi rese yeKutanga. Vadzvanyiriri ava vakaita saStalin naHitira vakasunungura mweya wekuuraya nekuparadza pavaIsraeri muHorokasiti muHondo yepasi rese yechipiri. MaJuda 6 miriyoni vakafa.

Madhimoni akasunungurwa aya mumashure mekupera kweHondo yepasi rese yechipiri, kuchibva kwapinda kanzuru yepasi rese yemakereke kuti iunze makereke evakapikisa chiCatholic, Israeri yemweya, mukunamata pamwechete nekereke yeCatholic. Kutenda zvinhu zvisimo muMagwaro zvechitendero cheCatholic chemasangano akarongwa nevanhu ndiko kunoita kufa pamweya kwemakereke emasangano akapikisa chiCatholic asisatendi muBhaibheri reKing James.

MARKO 9:22 Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.

Mukomana uyu aive kuratidzirwa kwenguva nomwe dzemakereke dzaizouya.

Moto wehondo mbiri dzepasi rese. Mvura dzegungwa risina kugadzikika remarudzi airwa hondo zhinji kuti asununguke. Koita hondo dzepasi pevhu dzemarudzi nekupandukirana. Kune nzvimbo dzinosvika 40 dziri kurwiwa hondo nepfuti muAfrica negore 2022. Koitawo hondo yematerorisiti iri kutsvaira pasi rese.

Ikozvino mudzvanyiriri, Putini, anotonga nyika hurusa pasi rese, Russia, anoita sarudzo dzese kuti ari kuda kuti Europe iite nyika huru imwechete, Ukraine, muna 2022. Makaro evanhu haana muganhu. Kurwiswa kukuru kwekuparadza kusina maturo kunokonzeresa shanduko huru papfuma yepasi rese.

Nyika yedu izere hondo, nevanhu vayo vakawanda varombo, dzatarisana nekurema kwezvinhu apo chikafu nemafuta ekufambisa motokari zviri kukwira kwazvo. Vana vanoda kufanana nemadzibaba avo emweya mapostora vanofanira kusangana nenguva dzakaoma vodzikurira.

Tinoda Mwari kuti atibatsire nekutichengeta nekuti Jesu ndiMwari.

MARKO 9:23 Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvese zvinogoneka kune anotenda.

Kutenda kwedu muMagwaro. Saka tinofanira kutenda zvese zvakanyorwa muBhaibheri reKing James chete.

Bhaibheri rega ndiro rinokwanisa kuzivisa Chokwadi chezano raMwari kwatiri.

MARKO 9:24 Uye pakarepo baba vemwana vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.

Baba vaitenda muna Mwari umwechete sezvo vakati, “Ishe”. Nguva yekutanga yekereke yemapostora yaitenda nekuti vaive vanamata kuna Mwari kuti vabvisirwe kusatenda kwavo.

Saka, vakanzvera Shoko raMwari mazuva ose vakatenda zvakanyorwa.

MABASA 17:10 Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge reVaJudha

11 Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese,

vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.

Nguva yekereke yekupedzisira yevana inonyengera. Tine ndudzi dzinodarika 45 000 dzemakereke, ese akasiyana, asi imwe neimwe inoti ndiyo kereke chaiyo. Kune ndudziwo dzinodarika zana dzakasiyana dzemaBhaibheri eChirungu, saka itai sarudzo yenyu. Kunewo ndudzi dzinodarika zana dzemharidzo dzaWilliam Branham, zvakare, itai sarudzo dzenyu. Saka hapana munhu anotenda kuti Bhaibheri reKing James Vezheni ndiro Chokwadi Chikuru. Zvakadaro, kusatenda kuri mumakereke ese kuri kukura nekuti Jesu amire panze pemukova wekereke panoswedera magumo.

MARKO 9:25 Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, urege kupindazve maari.

Jesu anoona matambudziko chaiwo. Mwanakomana aive chimumumu asinganzwi. Ndicho chikonzero aisagona kutaura.

Mwanakomana kana mwana anotaura pamusoro pemaKristu enguva yekupedzisira. Baba vanomiririra nguva yeKutanga yekereke yemaKristu. Erija anofanira kutendeutsira vana kumadzibaba avo.

Kana tisina kunzwa kuMagwaro, hatigoni kutaura zvinotaurwa neMagwaro.

Diaborosi haadi kunzwa zvinotaura King James Vhezheni yeBhaibheri.

Saka nekushandura Bhaibheri reKing James kuriita mamwe maBhaibheri. Nekuzadza ndangariro dzevanhu nemazwi asimo muMagwaro akaita seTiriniti, Kisimusi, 25 Zvita, neChishanu chakanaka nezvimwe kereke inoita chokwadi chekuti vanhu vasanzwe chokwadi chaMwari. Zvakadaro zvapachena kuti havazogoni kutaura chokwadi havanzwi chokwadi chinotaurwa. Idhimoni rine simba rinosungirira kereke yanhasi pakutadza kwakaitwa nevanhu kusingabvi muMagwaro. Ndicho chikonzero nei vanhu vemakereke vasingagoni kutaura chokwadi pamusoro pekuzara kwehuMwari nerubapatidzo rwemvura nenguva nomwe dzemakereke.

Kuungana kwevanhu kunomiririra kubatana kwemakereke ese kuti aumbe kereke imwe inobatanidza Catholic nevakabuda mairi vemasangano. Ndiyo nguva iyo mweya wakaipa, usingazonzwi Magwaro usingatauri uchishandisa Magwaro unoburitswa kubva muMwana (vatendi vechokwadi).

MARKO 9:26 Zvino mweya ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.

Kuburitsa mweya wekusatenda kwaive kwakaoma pamwanakomana. Zvakamurwadza. Zvakaita sekuti aive ambofa. Vanhu vekereke vakamuona seakafa pamweya nekuti akaramba zvitendero zvemakereke avo. Paive pasina zvakawanda zvaiitika muMwanakomana. Kuwana chokwadi kunogona kuoma nekuuya nematambudziko mazhinji.

MARKO 9:27 Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.

Chakavanzika chekusangana nechokwadi kuita hukama naJesu iwe pachako mumoyo mako.

Hatifaniri kuvimba nekereke pane zvatinoita. Vanhu nhasi vanokoshesa kubvumirana nekereke pachinzvimbo chkubvumirana neBhaibheri. Kune makereke akawanda akasiyana ane mazano akasiyana. Saka munowana sei chokwadi?

Tinofanira kurangarira kuti Jesu akamira pamukova kunze kwekereke. Iye ega ndiye ane Chokwadi. Jesu ega anogona kuzarura meso evanhu umwe neumwe akazvimiririra kuti anzwisise Shoko raMwari.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nekumutumwa wekereke yeVaRaodhikia nyora uti:

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu,

Jesu haasi kutsvaga kereke seboka zvachose. Ari kutsvaga kusimudzira vanhu vakazvimiririra.

Vanhu vakazvimiririra vanosimuka vachibatsirwa naJesu muruzivo rwavo rwezvakavanzika zvakaziviswa zveMagwaro, anova nheyo dzekutenda.

VAROMA 10:17 Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.

Nekuti Kutenda kwedu kwekuti tisimbe, tinofanira kutenda kuti King James vhezheni reBhaibheri ndiro Chokwadi Chikuru.

MARKO 9:28 Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega vachiti: Sei isu takange tisingagoni kuubudisa?

Vadzidzi vaive vakundikana mukutenda kwavo.

MARKO 9:29  Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.

Dhimoni rekutadza kunzwa Bhaibheri reKing James iri nekurega kutaura zvakataurwa muBhaibheri reKing James rine simba. Kunamata nekutsanya zvakakosha zvinoda kuti munhu ange aine kuzvidzora.

 

Nguva yekumuka kubva kuvakafa ichave nguva inokanganisa mafungiro

 

MARKO 9:30 Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akange asingadi kuti chero ani azvizive.

Jesu akadarika mekuGarirea asi aisada kuti paite anoziva.

MARKO 9:31 Nokuti aidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa achamuka nezuva retatu.

MARKO 9:32 Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.

Hatinzwisisi kuti zvinhu zvichava zvakaita sei pachamutswa vakafa kubva munguva nomwe dzemakereke.

Jesu akayambira, mumufananidzo wemurume mupfumi naRazaro, kuti kana vakafa vakamutswa vanhu havazovatendi pavanotaura. Nei?

Nekuti kumuka kubva kuvakafa kuchave maringe neMagwaro zvakazara, hakuna kereke ichiri yakadaro zvachose.

Saka vanoenda kumakereke nhasi, vanogona kutaura vachitsigira tsika dzemakereke avo, vachapokana nekereke ichamutswa kubva kuvakafa voramba zvavachataura.

RUKA 16:31 Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mosesi nevaporofita, havangatendiswi kunyange kana umwe akamuka kubva kuvakafa.

Ngatitii vakafa vamutswa musi weKisimusi. Hatina kubvira tanzi tipemberere kuzvarwa kwaShe. Kisimusi nemusi wa25 Zvita nekutaura kuti “Meri Kisimusi” hazvimo muMagwaro. Kwaive kusina mutambo wakadaro munguva mbiri dzekutanga dzekereke. Kisimusi yakazoziviswa kukereke makore akapoteredza 350 AD naPope Jurio I. Vakafa vakamutswa vaachange vasingazivi zviri kuitwa nekereke naSanta Claus nenguwani dzavo tsvuku. Vanoenda kumakereke vanoramba kupikisa kunenge kuchiita vatsvene vanenge vamutswa, vachitaura kuti kereke yanhasi haina kudzorerwa pakutenda kwemadzibaba mapostora. Rwiyo rwune mbiri “Jingu bherozi” ruyo rusina chekuita neBhaibheri.

“Havana kunzwisisa,” semaKristu nhasi. Kune zvizhinji zvavasinganzwisisi muBhaibheri reKing James uye vanotya kuvunza munhu asiri wemukereke mavo nekuti vanotya kuti vanozouritsa pachena miganhu yekereke yavo. Vanoda kwazvo kutenda kuti kereke dzavo ndidzo dzinogona dzine chokwadi chese zvisinei nekuti kune ndudzi dzinodarika 45,000 dzemakereke dzese dzinotenda zvakasiyana.

 

Kutukwa kwevatungamiriri vemakereke vane shungu dzekutonga

 

MARKO 9:33 Zvino wakasvika muKapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?

Kapenaume zvinoreva kuti “guta rekudekara”.

Ndizvo zvinonyanya kutsvagwa nevanoenda kumakereke. Kutenda kune kudekara mukati kusingadi kushingirira kukuru mavanozorora vovarairwa havo. MaKristu nhasi vanoda korona pasina kutakura muchinjiko.

Ndicho chinonzero nei makereke emazuvano, ese, achitsanangurwa nemufananidzo wevasikana gumi kuna Mateo 25. Mukadzi anotaura pamusoro pekereke. Musikana mukadzi akachena, anotaura pamusoro pemaKristu akaponeswa ari mukereke. Asi vashanu vaive vakapusa apo vaive vaponeswa vakanyengerwa nezvakaipa zvetsika dzakagadzirwa nevanhu mukereke.

Asi vese vakachenjera nevakanyengerwa vaive vakarara vakakotsira, vakamirira mhere yekumutswa. Izvi zvinotsanangura maKristu ese mumakereke nhasi. Vakarara vakakotsira.

Panouya mhere yekumutswa ichavaudza kuti vabude mumakereke avo.

Kereke inofanira kuva nzvimbo yehutiziro asi ikozvino ingori riva rekunyengerwa nekurasiswa.

MATEO 25:5 Zvino chikomba chakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.

6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, chikomba chouya, budai munomuchingamidza!

Mufananidzo unotaura kuti hakuna munhu mukereke akagadzirira kusangana naShe. Izvi zvakadaro nekuti Jesu amire kunze kwemukova wekereke imwe neimwe.

Asi vadzidzi vaive muchiKristu chemakwikwi chaiti “Ini ndiri nani kudarika iwe.” ndakakosha kudarika iwe.” kereke yangu iri nani kudarika kereke yako.”

Kuzvitutumadza kwawandisa mumakereke.

Asi vadzidzi vaive vachinyara kubvuma izvi pamberi paJesu. Munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia, Jesu haana chakanaka chaanotaura pamusoro pekereke asi anototuka kereke yanhasi nekuti yakarasika, ibofu, isingazivi kuti ine nhamo, haipisi kana kutonhora marutsi mumuromo maMwaro. (Zvakazarurwa 3:14 -20).

MARKO 9:34 Asi vakanyarara, nokuti munzira vakange vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.

Havana kugona kutaura nekuda kwenyadzi. Mumwe nemumwe aifambisa chinangwa chake.

Kuda kusimudzirwa nekuzivikanwa.

Kereke ine zvinzvimbo nesimba. Vanhu vane shungu dzekutonga vanoda simba nemari.

Vanoda simba rekutora mari dzenyu.

Kutukwa kwemakereke ndidzo tsika dzavaNikoraiti. Kusimudzirwa kwemunhu mutsvene pamusoro pesangano kana ungano.

ChiKristu chemakwikwi. Akanyanya kukosha ndiyani.

MARKO 9:35 Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, achava wekupedzisira kune vese nemushandi wevese

Musafe makazviona semakakosha. Zvitori nani kushaya kukosha moshandira vamwe. Kana muchitsungirira kuonekwa, munenge muri kunze kweKuda kwaMwari.

MARKO 9:36 Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:

Mwana mucherechedzo wevatendi munguva yekereke yekupedzisira. Vana vanofanira kutendeutsirwa kumadzibaba mapostora enguva yekereke yekutanga.

Vana vanoshamiswa nenzvimbo dzavasingazivi dzavanosvika, vanenge vachida kunzwisisa nezvadzo zvekuti vane mibvunzo mizhinji.

Tinofanira kufanana nevana kana tasvika panhau dzeBhaibheri. Kuda kudzidza tiine mibvunzo yakawanda yatinobvunza.

MARKO 9:37 Ani nani anogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, anogamuchira ini; uye ani nani anogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.

Tinoda kukurudzirana kunzvera chokwadi muBhaibheri reKing James. Tinofanira kugamuchira mibvunzo yakaoma kudaira yatisingagoni kupindura sezvo zvinotiita kuti titsvage mhinduro tobvisa miganhu yatakaisirwa nemakereke edu.

MATEO 7:7 Kumbirai, uye muchapiwa; tsvakai, uye muchawana; gogodzai, uye muchazarurirwa.

MARKO 9:38 Zvino Johani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.

Kumwe kutukwa kwekereke. Kupatsanurana. Kana asiri mukereke mangu, Mwari haagoni kumushandisa.

“Takamudzivisa”. Kumurambidza nekuti haasi umwe wedu.

Jesu haana kufadzwa nazvo.

MARKO 9:39 Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba muzita rangu, anogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.

40 Nokuti asingapikisani nesu, ndewedu.

ChiKristu chemakwikwi iriva rinotyisa. Mwari vanoshandisa vanhu nzvimbo dzese.

I VAKORINTE 1:12 Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu.

Boka rimwe nerimwe rinofunga kuti riri nani kudarika rimwe.

MARKO 9:41 Nokuti ani nani anokupai mukombe wemvura kuti munwe muzita rangu, nokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborasikirwi nemubairo wake.

Vanoenda kumakereke vanotuka vavasingawirirane navo.

Asi tsitsi dzine mubairo wadzo.

Vaive netsitsi kuMwenga, zvichibva pahunhu hwevanhu, vachapihwa mubairo wavo.

Saka musatambise nguva muchituka vanhu nekuti hamupindirane nedzidziso dzavo. Munogona kutuka dzidziso, asi musatuka munhu. Zviri nani kuitira munhu tsitsi.

Munhu wamunopokana naye anogona kunge atori nechokwadi.

PaZuva reKutongwa munenge mumire pari nani kana makaitira munhu iyeye tsitsi.

Kana munhu iyeye achikanganisa hapana kuipa kuzhinji kunoitwa kana mamuitira tsitsi sezvo zvichigona kubatsira munhu iyeye kuti ashandure pfungwa dzake.

 

Musanyengere vana pamazuva ekupedzisira

 

MARKO 9:42 Uye ani nani anogumbusa umwe wevadiki ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.

Kereke imwe neimwe nhasi inozvichengetedza nekutuka chero munhu anopokana nayo. Asi hakuna chiprofita cheBhaibheri kana mufananidzo unotsanangura zvakanaka pamusoro pekereke mazuva ekupedzisira.

Saka munhu wamunotuka ndiye anogona kunge ari umwe wevana vari kudzorerwa kumadzibaba mapostora. Kana zvakadaro, zvinoreva kuti muri kuzvituka.

Ibwe guru rinoshandiswa kugaya mbeu kugadzira chingwa chatinodya nekugaya mudumbu medu. Ndizvo zvatinofanira kuita. Tinofanira kunge tichiita kuti mavhesi eBhaibheri anzwisisike nekumaisa pazaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri. Asi iri ibasa guru rinoda kushanda nesimba kukuru ipapo tinogona kutsanangura Magwaro kuvana venguva yekupedzisira kuti vadzorerwe kunotenda zvakatendwa nemadzibaba mapostora eguva yekereke yekutanga.

MARAKI 1:1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;

Kana tisingagoni kutsanangura Magwaro, tinenge tisina kunzwisisa zvakavanzika zvakaziviswa naWilliam Branham. Zvatinokanganisa zvese zveBhaibheri Zvinobva zvaturikwa pamafudzi edu sebuwe rinotinyudza mugungwa risina kugadzikika revanoenda kumakereke nezvitendero zvavo zvakaitwa nevanhu netsika dzechipegani. Havagoniwo kutsanangura mavhesi eBhaibheri akawanda. Vanofuratira zvakaprofitwa pamusoro penguva yekupedzisira zvese nemifananidzo inotaura zvakaipa pamusoro pekereke yanhasi. Vanorarama mukurasika kunovaitira.

MARKO 9:43 Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,

Bvisai zvose zvimire pamberi penyu zvinokutadzisai kuteerera Magwaro pamabasa enyu.

Hakuna mabasa ekereke anokugadzirirai Kuuya kwaShe.

Munogona kuzadzisa zvishoma pachenyu zviri nani kudarika kuzadzisa zvakawanda netsika dzemakereke. Mubairo wekuwodza Magwaro wakaoma.

MARKO 9:44 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.

Moto wegehena haugoni kudzimwa muri mugehena. Moto wegehena unozodzima kana mutadzi wekupedzisira apihwa murango wake mugehena. Moto wegehena unogona kurarama nekusingagumi, kana kuti munogona kuita hupenyu hwese muri mugehena. Asi hupenyu husingaperi ndihwo hunokuponesai kubva kugehena.

MARKO 9:45 Uye kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena, mumoto usingadzimiki,

Makereke anotarira tsika dzawo kuti dzikupe gwara remafambiro semuKristu uye kuti wotora nzira ipi. Ibvai kune zvaanotaura. Gwara rimwechete rekufamba naro nderinotidzorera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga. Zviri nani kukamhina zvishoma nezvishoma muchienda kune zvakatendwa nekereke yekutanga pachinzvimbo chekumhanya negwara reEvangeri rebudiriro yepfuma.

MARKO 9:46 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.

Gehena harina nzira yekutiza nayo moto.

MARKO 9:47 Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,

Maziso enyu anokugonesai kuona. Ibvai pamazano enyu akachenjera asimo muMagwaro. Ibvai pamazano nemafungiro enyu anokuitai kuti muone zvinhu zvakasiyana nezvinotaura Bhaibheri.

MARKO 9:48 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.

Mubairo wekusatevera Magwaro wakakurisa. Tizai mazano enyu netsika dzemakereke zvisingatsigirwi neMagwaro.

Tese tinofanira kupinda mumoto wekuedzwa.

MARKO 9:49 Nokuti wese acharungwa nemoto uye chibairo chese chicharungwa nemunyu.

Munyu unomisa nyama kuora. Kuomerwa kunotiedza kuti tinogona kunyatsotenda nekuvimba neBhaibheri here. Hatitenderwi kudzikisa hwaro hwedu. Kunyepedzera kwese nekukanganisa kunofanira kupiswa kuchibviswa patiri kuti zvatinotenda chaizvo zviratidzwe.

MARKO 9:50 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.

Munofanira kuva nerudo chairwo neMagwaro neshungu dzekunzwisisa Magwaro zvisinei nekuomerwa kana nekupikiswa kwese kuri munzira dzenyu.

Munogona kutenda here kana zvinhu zvikaoma?

Kana zvinhu zvarema munofanira kusimbawo kuti mufambe.

Takazvipira here kutakura Muchinjiko?

Kana zvakadaro munofanira kuva nerugare nevamwe, zvisinei nekuti vanotevera chokwadi here kana kwete. Isarudzo dzavo. Hamugoni kuvaita kuti vatende chokwadi.

 

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23