Marko 02 Nazareta inoramba Jesu
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Jesu akatarisana nehupikisi kubva kunyangwe kuvadzidzi vaJohane Mubapatidzi. Simba rake raidiwa asi dzidziso dzake dzairambwa.
- Muprofita anofanira kukunongedzererai kuShoko kwete kwaari iye
- Jesu akarambwa neNazareta pavakaedza kumuuraya
- Nazareta yaive nzvimbo yedavi
- Nazareta raive guta rakazvidzika risina airiona raive rivete
- Kapenaume rakava guta rezviitiko zvizhinji
- Vanhu vana vanomiririra zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe
- Jesu aifunga nenzira dzakasiyana nedzevanhu
- Sabata rakava zororo kubva kuzvivi kwete zororo kubva kumabasa emaoko
Muprofita anofanira kukunongedzererai kuShoko kwete kwaari iye
Johane Mubapatidzi aive mukuri wenzira akatumwa kuzonongedzera vanhu kuna Jesu.
JOHANE 1:6 Kwakanga kunomunhu wakatumwa naMwari, zita rake rainzi Johane.
Nemamwe mazwi, vanhu vaifanira kucherechedza zvaitaurwa naJohane kusvikira vakukwanisa kunzwisisa nekutenda kuChiedza cheShoko.
JOHANE 1:7 Iye wakavuya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye.
Vanhu vaifanira kutarisa pakadzama pemazwi aJohane kuti vanzwisise kuti Jesu aive ani.
Tinofanira kutarisa pakadzama pezvakataurwa nehama Branham kuti tinzwisise zvinoreva mavhesi eBhaibheri anorema kuzwisisa.
Chinhu chakakosha chinonzwisiswa kwazvo nevanhu vashoma ndechekuti Johane aive mwenje kwete iye Chiedza.
Johane aive mwanakomana wemunhu (muprofita) asi asiri iye Mwanakomana wemunhu.
Johane aive Kristu (aive akazodzwa) asi asiri Iye Kristu.
Jesu ega ndiye Mwanakomana weMunhu.
Johane akazivisa Jesu seMunhu kumaJuda.
Hama Branham vakazivisa Jesu seBhaibheri reKing James (Shoko) rinogona kunzwisiswa.
65 – 0725 VAKAZODZWA MUMAZUVA EKUPEDZISIRA
Chimbori chii? Kwete kuti mutumwa ndiye mwanakomana wemunhu; asi mutumwa ari kuzivisa Mwanakona wemunhu. Munogona here kuzvipatsanura? Ndipo pazvinoita sekuti omei kwamuri, mazviona.
Haasi Mwanakomana wemunhu, Iye pachake; asi mutumwa wechinomwe, nhume yechinomwe, iri kuzivisa ruzhinji Mwanakomana wemunhu.
JOHANE 1:8 Uyo wakanga asati ari icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupurire chiedza.
Zvakataurwa nemuprofita hazvisi “Izwi raMwari”. Vanotsanangura Bhaibheri rinova Izwi raMwari.
65-0801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA
... kuti vanhu vakatenda Mharidzo
Yandakapihwa naShe Jesu kuti ndizivise kunguva ino, kuti vazive zviri kuitika.
Vozvidzosera kuMagwaro.
Munofanira kutsigira mharidzo iyi neBhaibheri reKing James.
64 -0614 BHORA RAKASIYANA
Ndizvo zvandakaudzwa nemutumwa, “Ita kuti vanhu vatende mune zvaunotaura.”
Kana ndikakuudzai Shoko raMwari, “musatende mandiri”, Tendai muShoko.
63-0630 (EKSODO) RWENDO RWECHITATU
... nekuti vanonzwa Izwi raMwari richidaidza zvakajeka, kupfurikidza Shoko rake.
... Tererai kuBhaibheri, Shoko raMwari richikudaidzai muzuva ranhasi.
Jesu akarambwa muNazareta aifanira kunotangira kuKapenamu kana Johane Mubapatidzi abva panhandare avharirwa mutorongo.
Vadzidzi vaJohane vaive vakaputirwa kwazvo nezvavakabata paitaura Johane Mubapatidzi zvekuti havana kuziva kuti Jesu aive auya.
RUKA 12:48 Wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari;
Vadzidzi vaJohane Mubapatidzi vakagamuchira matangiro makuru kwazvo kana takatarisa nhau dzechokwadi. Saka, Mwari aive akatarisira zvizhinji kubva kwavari. Asi vakaramba kubva kwaari vachitevera Jesu, Shoko.
Saka vadzidzi vaJohane Mubapatidzi vakaita dambudziko pakutanga kwehushumiri hwaJesu. Vaive vakatendeka kwazvo kuna Johane vakanyengedzeka nehushumiri hwaJohane zvekuti vakava mapofu pakuziva kuti Jesu aive papi paMufananidzo uyu wese.
Vakafara kwazvo pamusoro pekutaura kwaJohane zvekuti vakaramba Jesu.
Hama Branham havanongedzere Jesu semunhu asi vanonongedzera Jesu seShoko rakaziviswa ratinokwanisa kunzwisisa pakupedzisira.
Nekutaura kuti William Branham ndiye Izwi raMwari uye aisakanganisa, vanhu vemharidzo vari kumisa Magwaro akaziviswa kuti asaparidzwe sezvo vanhu vemharidzo vasisatozivi Bhaibheri.
62-1007 KIYI YEMUKOVA
... Vakaparidza kuti vanhu vanofanira kusiya vakadzi vavo votsvaga vadiwa vavo vepamweya, uye kuti ndiri munhu asingatadzi. Kuti hakuna ... uye, oh, nezvimwe zvinhu zvakaipisisa zvamungafungira kana kunzwa.
“Ndakanzwa kuti” zvakatsiva kuti “Zvakanyorwa zvichinzi”.
Vaya vanoramba Shoko kuti vatevere zvakataurwa nevanhu vane mhosva huru.
Johane paaive asisipo ava mutorongo ndipo Jesu akagona kutanga hushumiri hwake.
MATEO 4:12 Jesu wakati anzwa kuti Johane wasungwa. Akaenda Garirea.
Takayambirwa.
Kana ukatenda kumukuri wenzira zvinoita nyore kubvisa meso ako kuShoko reBhaibheri. Mukuri wenzira akafanouya kuzotsanangura Bhaibheri kwatiri.
Vanotenda kuMharidzo vanotevera William Branham vasingagoni kutsigira zvavanotenda neMagwaro vachava munjodzi huru. Vakapihwa zvakawanda asi vakabva vabvisa meso avo pachinangwa chinova zaruriro yeBhaibheri.
64- 0823 MIBVUNZO NEMHINDURO. 1
Asi vaya vanogona kugamuchira Shoko mukuzara kwaro,
Kwete ini ndiri kuriparidza, nekuti iBhaibheri rinodaro.
Vaya vanogamuchira izvi vakakasunungurwa, nekuti Shoko rakatongwa kare.
Johane aifanira kutorwa kubviswa panzvimbo kuti Jesu afambe apinde muGarirea.
Jesu akasarudza Garirea nekuti kwaive kure neruvengo rwaive nevaprista vemuTembere pamusoro pake. Jesu akanga aisa mari yavo panjodzi. Vatungamiri vezvitendero vari pabasa ravo nekuda kwemari.
Tembere mucherechedzo wemapato emakereke anovenga chimwe chokwadi chemuBhaibheri. Ndicho chikonzero nei nguva yekereke yekupedzisira Raodhikia, Jesu akamira kunze kwekereke ari Shoko rakarambwa.
Jesu akarambwa neNazareta pavakaedza kumuuraya
Nhanho inotevera yakatorwa naJesu yaive yekurambwa nevanonyatsomuziva, maJuda vepaNazareta kwaakakurira.
RUKA 4:16 Akasvika paNazareta, paakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
Akavaparidzira ivo vakada kumuuraya. Ndizvo zvinoitika kana vanhu vakavarairwa vanoenda kumakereke vanzwa chokwadi. Jesu akataura pamusoro paNaamani muHedeni aive aporeswa naErisha kubva kumaperembudzi. Naamani aifanira kuzviwisira kanomwe murwizi rweJorodhani. Akabva ataura pamusoro pekutumwa kwaErija kumukadzi muHedeni aifanira kuriritirwa mukati memakore matatu nehafu enzara. Zvazvaireva zvaive pachena. Mwari aizotendeuka kubva kumaJuda kutarisa vaHedeni.
MaJuda vakaramba kupfurikidza kuedza kuuraya munhu aive avaudza chokwadi ichi.
Zvimwechete nhasi. Makereke anoramba chero munhu anoedza kuvagadzirisa sezo makereke vachiramba kugamuchira kuti vanokwanisa kutadzawo.
RUKA 4:29 vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi.
RUKA 4:30 Asi iye wakapinda napakati pavo, akaenda.
Akafamba sei pakati pemaJuda akatsamwa aive amukomberedza?
Tiri kufamba munzvimbo nhatu dzinoti hurefu, kupamhi nekudzamu.
Nguva chikamu chenzvimbo yechina inova nzvimbo yemweya yakanaka nemweya yakaipa kunogarawo Satani nemadhimoni ake, sezvo ikoko nguva ichagumira mugungwa remoto. Hatina kusununguka kufamba munguva sezvo tichikwanisa chete kufamba kubva kunguva yakadarika tichipinda munguva inouya. Mweya yedu yevanhu, inova misanganiswa yezvakanaka nezvakaipa, inoshandisa ndangariro dzedu kuyanana nenzvimbo yechina iyi.
Asi Jesu anokwanisawo kufamba munzvimbo yemweya yepamusoro soro yechitanhatu nzvimbo yeDenga.
JOHANE 3:13 Hakuno munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga,
iye Mwanakomana womunhu.
Paakasarudza kufamba munzvimbo yechitanhatu hakuna munhu aikwanisa kumubata.
Ndicho chikonzero nei, mumashure mekumuka kuvakafa, aikwanisa kuonekwa mumba kunyange mikova yayo yakapfigwa.
Jesu akakurura muNazareta. Asi vanhu ivavo vaimuziva zvakanyanya vakamuramba paakatanga kuparidza pamusoro paMwari achibata nevaHedeni. Vakaona kuti zvaireva kuti Mwari aive otendeuka kubva kumaJuda. Vanhu vemuzvitendero vanogaronzwa kunge vakarurama pamberi paMwari. MaJuda eNazareta vaida kumuvuraya nekuti akavaudza kuti vaive vasina kururama pamberi paMwari.
Saka, vanhu vaiziva hama Branham zvakanyanya havana mukana kana tasvika pakuziviswa kwechokwadi kubva kuBhaibheri reKing James.
Vanhu vanotenda kuMharidzo vakanyengereka kusvika pakutenda kuti munhu anofanira chete kuverenga zvakataurwa havazivi kuti vodii kana vakasvika pane zvakataurwa zvichitaura zvinhu zvakasiyana vanotya chinhu chekuti Mwari ari kuvasiya, sezvaakaita maJuda paNazareta, vanotsvaga kuparadza mbiri yevaya vanotenda zvakataurwa zvinowana tsigiro yeBhaibheri. Nekuti Jesu ndiye Magwaro.
Pakupedzisira, Jesu Shoko akakosha kudarika mharidzo yemuprofita.
Nazareta yaive nzvimbo yedavi
Izwi rechiHeberu rekuti Netzer rinoreva kuti Davi.
Netzeret zvinoreva kuti nzvimbo yeDavi.
Kuizwi rechiHeberu Netzeret tinowana Nazareta muTestamente Itsva yechiGiriki.
ISAYA 11:1 Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko.
ZEKARIA 3:8 Zvino chinzwa iwe Joshua, mupirisiti mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi.
9 Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe;
Mwenje minomwe yekupa chiedza kumaziso manomwe. Vatumwa vaMwari vanomwe kunguva nomwe dzemakereke.
Izvi zvinotaura pamusoro pechigadziko chemwenje minomwe chine madavi matanhatu anobva padavi repakati.
EKSODO 25:31 Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;
32 kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.
Jesu ndiye Davi repakati pechigadziko chemwenje. Akashandisa mapostora kugadza nguva yekereke yekutanga sechokwadi cheTestamente Itsva.
Kubva pahupenyu hwaKristu panobukira nhoroondo yenguva nomwe dzemakereke mukati memakore 2000.
Namani muHedeni achinyura kanomwe murwizi rweJorodhani mucherechedzo wekuti vanhu vakazvimiririra mukereke yevaHedeni munguva nomwe dzemakereke apo munhu mumwe nemumwe akagezwa mumvura dzeShoko kuti vabviswe pakusatenda.
MaHedeni havaponeswe sekereke, vanoponeswa munhu mumwe nemumwe akazvimiririra.
Kuenda kukereke hazvirevi kuti wava muKristu zvakafanana nekugara mugaraji hazvirevi kuti wave motokari.
Makore akapoteredza AD 170 nguva yekereke yechipiri yakatanga apo Bhishopu akazviita musoro wekereke, pachinzvimbo chekuti boka revakuru ritungamirire kereke yepanzvimbo. Kereke imwe neimwe ine munhu mumwechete anotungamirira kereke. Izvi hazvina kubvira zvaitika mukereke yekutanga. Ipapo, nenzira imwechete yakashandiswa nevaJuda muNazareta kuedza kuuraya Jesu, maBhishopu emakereke aya akagamuchira kurudziro yezvematongerwo enyika yaibva kumubati weRoma munguva yekereke yechitatu (vaibhadharwa kwazvo kuita izvi). Constantine akazivisa Tiriniti isimo muMagwaro nekutaura kuti Baba neMwanakomana vaive vekuita kumwechete achishandisa izwi rekuti esenzi. Izwi rekuti esenzi harimo Mumagwaro uyezve rinoreva chero zvamada kuti rireve.
Izvi zvakauraya rudo rwevanhu kuchokwadi cheBhaibheri zvikavhura musuwo kumakereke kuti ave nezvitendero zvakawanda zvisimo muMagwaro. Kisimusi. 25 Zvita. Muti weKisimusi. Chishanu Chakanaka (Good Friday). Muvhuro weIsita. Rendi. MaIsita egi. MaIsita bani. Nezvimwe zvakadaro.
Munguva refu dzeRima dzenguva yekereke yechina, makumi emamiriyoni emaKristu akaurayiwa semombe.
Saka rudo rwechokwadi cheBhabheri, nerwemaKristu mazhinji, rwakafa.
ZVAKAIPA (EVIL) zvinoreva kuti kubva pane zvaitendwa nekereke yekutanga.
Apo vanhu vaiedza kuuraya Jesu muNazareta, vanhu vakaedzawo kuuraya Chokwadi cheBhaibheri pakati penguva yakaitwa Kanzuru yeNicene muna AD 325 nenguva dzeRima dzakazoguma makore akapoteredza 1520. Jesu ndiye Shoko. Ndiye chokwadi cheBhaibheri.
Nazareta raive guta rakazvidzika risina airiona raive rivete
Munguva dzerima, vatendi vechokwadi vakanyangarika apo vazhinji vaitsvaga hutiziro munzvimbo dzemarenje dzakafanana nenzvimbo dzeAlps. Mugore 1620 madzibaba ePilgrimi akatizira kuAmerica kuti vapunyuke kubva mukurwadziswa.
Nazareta ravewo guta raisaverengwa raive riri kure nemugwagwa mukuru.
MuTestamente Itsva nemamwe magwaro enhorondo hakuna kutarwa kana kamwechete pamusoro penzvimbo dzaigara vanhu dzeNazareta dzaive dziri kure kumachonyonyo.
Nazareta raive guta risina airikoshesa, raive rakakanganikwa, rivete kure nemugwagwa mukuru, chero neGarirea. Kutanga kutaurwa kweNazareta kunze kweTestamente Itsva kwakaitwa nemunhu wenhorondo gore rinenge AD 200.
Kubva kuJerusarema kwaive “kudzika” - kwete pamepu chete asi chero pamagariro. Asi zvakadaro, takatarisa nhorondo yake yekuzviratidza nayo apo Mwari-akava-nyama, Mwanakomana waMwari “ akadzika navo akauya navo kuNazareta”.
Jesu akakura asina aimuverenga munzvimbo yaisaverengwa.
RUKA 2:51 Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavaterera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.
Jesu nekufamba kwenguva nekumanikidzwa kwekurambwa kuNazareta akabva aenda kuKapenamu kwaakazobatira ari.
Kapenaume rakava guta rezviitiko zvizhinji
RUKA 4:31 Zvino wakaburukira Kapernaume, raiva guta reGarirea; akasivadzidzisa nemisi yesabata;
Kapernaume (zita rinoreva kuti nzvimbo yekuchengetedzeka) yakava nzvimbo yehushumiri hwaKristu kwenguva yakati kuti. Vakamunzwa achiparidza vakaona simba rake nerudo rwake runoshamisa. Asi vakamuramba. Hupenyu hwakachengetedzeka hune kudakara hwaive hwavabira chidokwa dokwa chavo panhau dzemweya.
Hutefetefe hwakauraya kutsungirira kwavo vakafamba vachiungudza parufu (Omar Khayyam).
Nguva yekupedzisira yekereke yechinomwe yakapfuma uye ine zvinhu zvizhinji.
ZVAKAZARURWA 3:17 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu; usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
Kuda zvinhu zvepanyama kwakadzikisira hwaro hwemweya.
Mukushingirira pahupenyu hwemazuva ese tinonzwa kuti hazvina kukosha kuzvipira kuwana nguva yekunzwisisa Magwaro akaoma. Kuedza kugadzirisa tumatambudziko twedu nekuchengetedzeka kwedu zvenguva duku ndizvo zvatiri kuda zvakanyanya muhupenyu.
MATEO 4:13 Zvino wakabva Nazareta akandogara Kapenaume pagungwa. Pamiganhu yeZabhuroni neNaftarimi.
Miganhu yemarudzi aZeburoni (muGiriki) naNaftarimi (muGiriki) vakasangana paguta reKapernaume.
GENESIS 49:13 Zeburoni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa;
Jakobo aiprofita zvinhu zvaive mberi pamusoro paJesu apo aive muKapernaume, iri mumuganhu waZeburoni naNaftarimi.
Mhenderekedzo izvimbo yekuchengetedzeka yekutizira. Ndizvo Jesu, Shoko raMwari, aive akamiririra. Kana mukanzwisisa Magwaro munenge muri munzira yeChokwadi Chikuru. Zaruriro yeMagwaro ndiyo hutiziro hwemweya yedu vanhu.
Kunzwisisa Magwaro kunguva yedu yekupedzisira kunotidzosera kuKereke yekutanga kwakakosha kwazvo kudarika zvatinofunga. Tinopingaidzwa nezviitiko zvenyika nezvatinoda muhupenyu tofunga kuti kugadzirisa matambudziko iwayo ndiko kwakakosha. Saka tinonyegerwa tobatana nevasikana mapenzi.
GENESISI 49:21 Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.
Jesu ndiye Shoko raMwari tsime remashoko akanaka. Hakuna mashoko akanaka atingade kuteerera kana kutenda maari.
Asi Jesu akaisirwa miganhu pakutanga saka aifanira kusunungurwa kubva kukurudziro huru yaive naJohane Mubapatidzi pavadzidzi vake. Vakapofomadzwa nekuzvipira kwaJohane, kwaive kusina vadzidzi vaJohane vakawanda vaizotevera Jesu.
JOHANE 3:22 Shure kwaizvozvo Jesu wakasvika munyika yeJudea, navadzidzi vake, akagara’ko navo achibapatidza.
Jesu Shoko paaive neboka revadzidzi vake, vadzidzi vaJohane Mubapatidzi vakaita boka ravo vega. Vese vaiita chinhu chimwechete, vaibapatidza.
Asi vadzidzi vaJohane vakaramba vachitevera Johane kwete Jesu.
JOHANE 3:23 NaJohane wakanga achibhabhatidza vo paAinoni, pedo neSarimi, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakavuya, vakabapatidzwa.
Johane paakasunungurwa akukwanisa kushanda, vadzidzi vake vakasarudza kugara naJohane saka vaizviona sevari pedyo neChokwadi pavaiteerera zvaitaurwa naJohane. Vakafuratira Jesu Shoko mukuita kwavo uku.
JOHANE 3:24 Nokuti Johane wakanga achigere kuiswa mutirongo.
25 Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohane nomumwe muJuda.
Vadzidzi vaJohane vakaedza kudaira mubvunzo wemaJuda vasina kubvunza Jesu. Vanotenda kumharidzo vanoona pasina chikonzero chekutevera Magwaro nhasi chero vachiedza kuturikira zvakataurwa. Saka, vakasarudza kuti Hillary Clinton aizova Mutungamiriri wenyika muna 2016. vakarasika ipapo.
JOHANE 5:35 Iye wakanga ari mwenje unopfuta nounovheneka; imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake.
Johane aive nehushumiri hunodakadza vadzidzi vake vakaramba kutenda kuti Johane aive asiri Mukuru asingatadzi.
JOHANE 5:36 Ini ndinechapupu chikuru kunaJohane;
Zvakabatwa paitaurwa zvinotidzidzisa kunzwisisa Magwaro asi zvakakosha kwazvo kuti mugone kutsigira chokwadi chezvakataurwa neMagwaro.
“Zvakanyorwa zvichinzi” zvine simba kwazvo kudarika “zvakataurwa kuti”.
JOHANE 3:30 Iye [Jesu] unofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.
Kutsigira chokwadi muchishandisa Bhaibheri zvakakosha kudarika kutevedzera zvakataurwa kunzi zvakarehwa nehama Branham.
KUTSANANGURWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9. NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA
... muprofita wechokwadi anotungamirira vanhu kuShoko osungirira vanhu pana Jesu Kristu haaudze vanhu kuti vamutye kana kutya zvaanotaura, asi kuti vatye Shoko nezvarinotaura.
Nekuvimba naJohane, vadzidzi vake vakadzidza kutevedzera zvaikanganiswa naJohane. Zvadaro, vakaita dzidziso yekuti hamugoni kugadzirisa muprofita.
RUKA 7:19 Johane akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kunaJesu neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here, kana tichakatarira mumwe?
Vadzidzi vaJohane vaviri ava vaive pasi pekurudziro yaJohane zvakanyanya zvekuti vakatenda kukanganisa kukuru kwaive kwaitwa naJohane paakapokana nekuti Jesu aive Messiasi. Hatina kuzoverengazve pamusoro pevadzidzi ava zvakare.
Jesu haana kubvira atuka Johane Mubapatidzi. Johane aive munhu vanhu vanokanganisa. Vaive vadzidzi vaJohane vaive vakanganisa. Saka vakazvibhabhadzira kuti kukanganisa kwaJohane kwaive chokwadi. Vaive vasina chikonzero chekuita izvozvo.
Andrea Mudzidzisi waJohane mumwechete akazova mumwe wevanegumi nevaviri vevadzidzi vaJesu.
JOHANE 1:35 Ava mangwana zve Johane wakanga amire navadzidzi vake vaviri;
[Mumwe wevadzidzi vaviri vaJohane aive Andrea.]
36 Akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari!
Muprofita Johane haana kutumwa kunozvikudza asi kunonongedzera Jesu seMunhu paAifamba.
Muprofita William Branham haana kutumwa kuti azvikudze asi kuti anongedzere Jesu seShoko rakaziviswa apo aifamba nemapeji eBhaibheri.
JOHANE 1:37 Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.
Vadzidzi vaJohane vaviri vakapedzisira vatevera Jesu mumashure mekunongedzera kwakaitwa naJohane kuna Jesu.
Ndiyo yaive nzira yakanaka yekutarira nayo muprofita kana hushumiri hwemukuri wenzira. Kuziva Jesu akaziviswa seShoko nekutevera Shoko nekurarama nekutenda zvakanyorwa.
Kutendera muprofita William Branham kuti akudzidzisei zaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri kusvika makugona kutsigira zvamunotenda nekutevera nzira dzekuyananisa mavhesi eBhaibheri. Munobva matevera Magwaro. Shoko raMwari.
Chakakanganiswa chekutanga. Vadzidzi vaJohane vakasarudza iye pachinzvimbo chaJesu.
Chakakanganiswa chechipiri. MaJuda ekuNazareta vaiziva Jesu, paaikura, vaida kumuuraya paakati Mwari aizotendeukira kuvaHedeni.
Chakakanganiswa chechitatu. Guta reKapernaume rakaona zvishamiso zvikuru rakaramba Jesu rikava nzvimbo yaisagarika kwemasenturi mazhinji.
Iyi iyambiro. Kuziva hama Branham nekusarudza zvaakataura pachinzvimbo cheMagwaro nekufara musimba rehushumiri hwake hazvirevi kuti muri mugwara rakanaka.
Vanhu vana vanomiririra zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe
MARKO 2:1 Akapindazve Kapernaume pashure pamamwe mazuva zvikazikamwa kuti uri mumba.
“Pashure pemamwe mazuva”. Kunonotswa kunoshamisa. Kuita kwevanhu kwakaipa kana takatarisa chokwadi zvinoita kuti zviome kuti chokwadi chiparidzwe.
MARKO 2:2 Pakarepo vazhinji vakavungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamukova, akaparidza shoko kwavari.
Vanhu vazhinji idambudzo. Makereke makuru vanoita mazano avo kusvikira chokwadi cheBhaibheri charasika pakati petsika dzekereke. Vaparidzi vanoramba vaine mbiri nekuudza vanhu zvavanoda kunzwa. Nevateveri vazhinji, haugoni kuswedera kuna Jesu. Vanhu vanokurudzirwa nemafungiro evanhu vakavapoteredza saka havasangane nezaruriro yechokwadi cheShoko.
Zvinotora kushinga kukuru kuti mugone kuita kuti munhu ave pahuvepo hwaJesu.
58 -1005 MWARI AKADANA VANHU
Patinoona vanhu vachipinda, ndakamira pamukova, mazana evanhu vakafuratira kereke duku, zvinotiyeuchidza kuti Jesu haashanduke zuro nhasi nekusingaperi. Zvekuti mumazuva aakatishanyira pano ari nyama, vemapepanhau vaigona kwazvo, vakamuunza pano nepamusoro pemba. Tinonamata, Mwari, kuti husiku hwanhasi munhu wese akakwanisa kusvika nenzira iyi acharopafadzwa sezvakaitwa munhu uyu.
PaKuuya kwake kwekutanga, Jesu akaratidzwa seMwanakomana weMunhu.
PaKuuya kwake kwechipiri, akaratidzwa seShoko rakaziviswa, Bhaibheri reKing James Vhezheni rinonzwisisika.
MARKO 2:3 Vakavuya vakaisa kwaari munhu wakanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
Munhu akafa mitezo akatorwa nevarume vana vakamukwidza nepadenga remba. Vakaboora denga remba vakamudzikisa akapinda mumba.
MARKO 2:4 Zvino vakanga vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari, vakati variputsa vakaburusa nhovo pakanga pavete munhu wakanga akafa mitezo.
Izvi zvaive mucherechedzo wekutenda kwevanhu vechiHedeni vakazvimiririra munguva nomwe dzemakereke. Vanhu vana vaive micherechedzo wezvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chaMwari chehushe zvinounza zaruriro dzemweya kubva kudenga kuzotungamirira vanhu. Izvi zvakagonesa vaHedeni vane kutenda kwakakuvadzwa netsika dzavo dzechipegani netsika dzekereke kuti vasimuke pavanosvika pahuvepo hwaJesu neShoko rakaziviswa. Hatiponeswe nekuva nhengo yekereke asi nekuda kwekuwadzana kwedu naJesu munhu umwe neumwe.
ZVAKAZARURWA 4:7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.
Denga remba raive rakavakwa kuti isu tichengetedzeke panyama nekuchengetedza hupfumi hwedu raitimisa zvakare kutarisa Kudenga nekuisa kutenda kwedu muna Mwari. Hatigoni kuona kusi kwekuchengetedzeka kwezvinhu zvedu zvatakazviunganidzira nekuchengetedzeka kwehutano hwedu. Hupenyu hwedu tichinamata hunotenderera pahutano hwedu nehupfumi, mabasa edu mhuri neshamwari dzedu. Mari dziri mumatura emari ndidzo kazhinji muganhu wekutenda kwedu tinotenda nekuita chero chinhu chero chichichengetedza mari dzedu.
Tinotanga kuponeswa nezviitiko zvinotiwira kupfurikidza Jesu, chinhu chakanaka, tozvivakira “denga” remazano emakereke ari muMagwaro roita chipingaidzo pakati pedu nechokwadi cheBhaibheri. Saka, kereke imwe neimwe inogovera “zvidimbu” mifananidzo “yemafungiro eboka ravo” zvitendero zvakaitwa nevanhu zvinofanira kutendwa nevanhu vose sezvo pasina nhengo dzemakereke dzinotenderwa kupokana nemitemo yekereke yakarongwa nedzidziso dzayo. Izvi zvakakonzeresa kuti kuve nendudzi dzemakereke dzinodarika 45,000 dzakasiyana siyana dzakavambwa.
Buri rinofanira kuvhurwa pamaonero echiChechi chechi aya anotsvaga pfuma zvekuti tinotarisa kudenga kuna Mwari totora kutenda kubva kwaari kuti tizadzise Kuda kwake tonzwisisa zvakavanzika zveShoko rake. Shumba, mhuru, munhu negondo zvakapoteredza chigaro chaMwari chehushe mabasa azvo ndeekuita kuti makereke atevere Magwaro munhorondo yawo yemakore 2000.
Zvisikwa zvina zvinotsanangura hunhu hweMweya Mutsvene waKrustu unotungamirira kereke mukati menguva nomwe dzemakereke.
Kubva kudenga, vakadzikisa munhu akafa mitezo akasvika pahuvepo hwaKristu.
Kurudziro yese inobva kuMweya Mutsvene weKudenga uri pabasa rekuunza vanhu vakazvimiririra pahuvepo hwaJesu Shoko raMwari rakaziviswa rinogona kunzwisiswa. Ndiko kwaive kubudirira kwakaitwa nenguva nomwe dzemakereke. Kwete kushaiwa dzidzo kwenhengo dzekereke asi simba revanhu vakazvimiririra rekuuya pamberi paJesu uko kutenda kwavo kwakauraiwa mitezo kunosimbiswa nemazano ekereke nebudiriro dzenyika, kunoshandurwa kuva hukama naKristu hunorarama kumunhu umwe neumwe.
Munhu akazvimiririra anogona kumira netsoka dzake nekunzwisisa chokwadi chezvakavanzika zveBhaibheri pachake kubva kuMagwaro akawanikwa totenda muonero wegondo wakaziviswa nemuprofita wenguva yekupedzisira.
Zvakavanzika zvakaziviswa izvi zvinotidzosera kunotenda zvitendero zvenguva yeShumba nguva yekereke yekutanga yemapostora. Nguva yenzombe ndiyo chisikwa chipenyu chekuuraiwa apo makumi emamiriyoni emaKristu akaurayiwa muNguva dzeRima dzakatora nguva refu kwazvo umo mhuru yakatora nguva ichikura kuita nzombe. Munhu mucherechedzo wedzidzo yakawanikwa nevanhu yenguva yaMartin Luther kuGermany akadzosera kuponeswa nekutenda chete. Dzidzo yevanhu yakavagonesa kuturikira nekukuongorora Bhaibheri reKing James Vhezheni kubva muna 1604 – 1769 kusvikira rashambadzwa riri Shoko raMwari Guru risina kukanganiswa.
John Wesley kuEngrendi akadzosera hutsvene nekuparidzira zvakaunza nguva huru yemamishinari. Makumi ezviuru zvemamishinari akabva kuEngrendi achienda kunoparidza Evangeri, zvichibva paBhaibheri reKing James Vhezheni.
MARKO 2:5 Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kunowakanga akafa mitezo, mwana wakangamwirwa zvivi zvako.
Pano Jesu akasvika pamoyo wenyaya.
Hurwere handihwo dambudziko. Dambudziko rimwechete guru rinotarisana nenyika zvivi.
Dai zvivi zvisina kupindira paEdeni hurwere hwaisazovapo panyika. Zvinhu zvese zvinokanganisika zvinokonzerwa nezvivi.
Asi zvivi zvatinoona zvingori zvibereko zvematambudziko akadzama.
Tsime rezvivi zvedu ndiko kusatenda.
Ndinonyepa nekuti handitendi. Kana kusatenda kwangu kukapera, ndinobva ndamira kunyepa.
JOHANE 16:9 Pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri
Tinofanira kutenda kuna Jesu iye ndiye Shoko raMwari. Saka, tinofanira kutenda kuBhaibheri.
Jesu haana kungoporesa munhu aive nemitezo yakafa kuti aratidze Simba rake. Ari kushandisa munhu uyu semucherechedzo wemaKristu akazvimiririra akauraiwa mitezo nekusatenda kusvika vazvipira kugamuchira Jesu saMuponesi wavo. Vanhu vakazvimiririra ava vanoita kereke yake mukati memakore 2000 enhorondo yekereke pavanodzidza kutenda kuBhaibheri.
Munhu mumwe nemumwe haana maturo kusvikira auya akazvimiririra pamberi paJesu.
Hatiponeswe nekereke. Hatiponeswe nemabasa akanaka. Tinoponeswa nekuita kwedu tiri munhu umwe nemumwe patinotendeuka nekugamuchira Jesu.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti:
ZVAKAZARURWA 3:16 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yechinomwe kana yekupedzisira yakatarirwa kuperera munguva yeKutambudzika kukuru.
Mwari vanoti vachasvipa kereke yekupedzisira yeRaodikia kubva mumuromo Wavo.
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye ucharayira neni.
Asi haangasvipi munhu akazvimiririra aiterera Izwi rake rinova Bhaibheri.
Munhu anotaura pamusoro pevanhu vakazvimiririra mukereke.
Pachiri netariro kuvanhu vakazvimiririra vanoda havo kutevera Magwaro.
63- 06 30 RWENDO RWECHITATU
... Nekuti vanonzwa Izwi raMwari zvakajeka richivadana, kupfurikidza Shoko rake
... tererai kuBhaibheri, Izwi raMwari richikudaidzai muzuva ranhasi.
MARKO 2:6 Zvino vamwe vanyori vakanga vageremo vakafunga mumoyo yavo vachiti,
7 uyu unorevereiko kudaro? Unomhura Mwari, ndianiko unogona kukanganwira zvivi asi mumwe chete ndiye Mwari?
8 Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumoyo yavo akati kwavari, munofungireko zvinhu izvi mumoyo yenyu?
Jesu aikwanisa kuziva ndangariro dzemoyo wemunhu. Izvi zvinofanira zvakavakurudzira kuti aive Mwari nekuti Mwari amene ndiye anogona kuverenga moyo.
I MADZIMAMBO 8:39 inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, (iye wamunoziva moyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;)
MARKO 2:9 Chinyiko chakareruka kuti kunowakafa mitezo, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka tora nhovo dzako ufambe?
Hurwere chibereko chezvivi.
Saka, Jesu arikungovapa mucherechedzo kana muenzaniso.
Kana Jesu ari Mwari zvinoreva kuti anogona kuona ndangariro dzemunhu nekuregerera zvivi. Saka hurwere haugoni kumira panzira yake zvakare.
MARKO 2:10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kumunhu wakanga akafa mitezo.
MARKO 2:11 Ndinoti kwauri, simuka tora nhovo dzako, uende kumba kwako!
Uku kwaive kuratidzira kwemabasa. Hurwere hwakatiza pakaregererwa zvivi zvake. Kutsigira kuti Jesu aive Mwari.
MARKO 2:12 Pakarepo akasimuka akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose. Naizvozvo vose vakashamiswa vakarumbidza Mwari vachiti, hatina kumbovona zvakadai.
MARKO 2:13 Wakabudazve akaenda kugungwa, vazhinji vose vakavuya kwaari akavadzidzisa.
Imba yaive kumamhenderekedzo muganhu pakati pegungwa nenyika. Gungwa mucherechedzo wevazhinji vasina kugadzikika, marudzi asina kuponeswa. Nyika mucherechedzo wevakarurama vakazvarwa pasva vanotsvaga chokwadi cheBhabheri.
Jesu, Shoko raMwari, ndiye muganhu pakati pevazhinji vasina kuponeswa nekugadzikika nevanotevera fashoni kwete Magwaro nemazano anotsvaira kereke, nevatendi vechokwadi.
Dzidziso dzaJesu dzakaisa muganhu mukuru unoonekwa pakati pezvakanaka nezvakaipa. Mhenderekedzo dzegungwa muganhu wakajeka usina anogona kupokana nawo.
Jesu aifunga nenzira dzakasiyana nedzevanhu
MARKO 2:14 Wakati achipfuvura akavona Revi mwanakomana waArfeo agere panotereswa, akati kwaari, nditevere. Akasimuka akamutevera.
Marko akaratidza Kristu ari Muranda mukuru.
Varanda vanhu vanoshanda vachiripira mutero.
Saka, Marko semuranda akabvuma kuti hakuna chakaipa pakuripira mutero. Mari yemutero inoita kuti nyika igadzire migwagwa, nhandare dzendege, zvikoro, zvipatara, zviteshi zvemapurisa mauto nezvimwe zvakadaro.
Asi vanhu vanoita mabasa ekutambira mari dzemutero havana mbiri. Mwari akasarudza munhu asina mbiri kuti ave mudzidzi Wake.
MARKO 2:15 Zvino wakati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera
Jesu akatsamwisa maJuda vaizviita vatsvene paakanodya nevatadzi.
MARKO 2:16 Zvino vanyori navaFaraise vakati vachimuvona achidya navatadzi navateresi vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi unodyireiko navateresi navatadzi?
17 Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari, usingarwari haatsvaki chiremba asi unorwara. Handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke.
Kuti agone kushumira ari muvhangeri, munhu anofanira kusangana nevatadzi vanoda kuponeswa.
MARKO 2:18 Vadzidzi vaJohane navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya, vakavuya vakati kwaari, vadzidzi vaJohane navadzidzi vavaFarise vanozvinyimireiko zvokudya asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?
Vanhu vanozvidza vanoda kuenzanisa kana kupima nekuzvidza. Nei vadzidzi vaJohane vakatsanya asi vadzidzi vaJesu vasina.
Nekutaura kuti Chikomba chekereke yeMwenga, Jesu akati hakuna kutsanya kwaidiwa iye paaive achiri panyika. Izvi zvaive zvakadaro nekuti iye oga aiziva zvaida kuitwa.
MARKO 2:19 Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingazvinyima zvokudya seiko chikomba chichiri kwavari? Havangazvinyimi zvokudya chikomba chichiri kwavari.
Asi Jesu paakadzokera Kudenga kereke yaive yakuda kutsvaga kutungamirirwa kupfurikidza kutsanya.
MARKO 2:20 Asi mazuva achasvika achazobviswa chikomba kwavari, zvino nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
Zvinhu zvaizoshanduka pazuva rePentekositi. Paive pasina nzira yaizoita kuti vadzidzi vanzwisise izvozvo Jesu asati afa. Vaisatoziva kuti Jesu aizofa.
MARKO 2:21 Hakuno munhu unosonera chiremo chitsva panguvo yakasakara nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguvo yakasakara vuri rikanyanya.
Jira idzva rinobvarura jira sharu. Saka yaifanira kuva kereke itsva yaizotanga paZuva rePentekositi pakaburuka Mweya Mutsvene. Magungano echitendero aiitwa kare echiJuda aisakwanisa kubatirana nerubapatidzo rweMweya Mutsvene nedzidziso dzeTestamente Itsva dzaikoshesa zvinhu zveMweya pachinzvimbo chezvenyama.
MARKO 2:22 Hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo tsaru nokuti waini inoparusa hombodo, waini nehombodo zvikafa asi waini itsvainodirwa muhombodo itsva.
Vaichengeta Murairo vaisazogona kunzwisisa Evangeri reNyasha. Zvaive zvakatosiyana zvachose.
Sabata rakava zororo kubva kuzvivi kwete zororo kubva kumabasa emaoko
MARKO 2:23 Wakati achifamba muminda, nomusi wesabata, vadzidzi vake vakatanga kutanha hura vachifamba
Sabata izuva rechinomwe rinomiririra nguva yekereke yechinomwe panokohwewa. Kukohwa ndeapo mbeu dzinobviswa padavi radzakakurira rinenge rafa. Ndipo apo Mwenga anotorwa kukwira Kudenga kunosangana naShe kumakore.
MARKO 2:24 VaFarise vakati kwaari, tarirai vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi wesabata?
MaJuda vakaedza kutora zvanza zvinoverengeka zvehura zvakatanhwa sebasa rezuva rese.
Vakapokana kwazvo pamusoro pekuti chii chaive basa kana kuti chaive chisiri.
MARKO 2:25 Akati kwavari, hamunakurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga ashaiwa, aziya, iye navakanga vanaye?
Davidi akatyora Murayiro. Aive nenzara akadya chingwa chekuratidzira chaitenderwa kudyiwa nevaprista chete. Saka Davidi akagona sei kupunyuka panhau iyi?
MARKO 2:26 Kuti wakapinda mumba maMwari, Abiatari ari muPrista mukuru akadya zvingwa zvokuratidza zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa asi navaPirisita voga, akapavo vaivanaye?
Vaifanira kuona mumwe mufananidzo wakadzama.
Jesu ndiye Mwanakomana waDavidi. Saka Davidi akaratidza hushumiri hwaKristu muhupenyu hwake. Davidi aive iye ega aikwanisa kukurira Goriyati. Davidi akatora mabwe mashanu kubva mumvura. Izvi mucherechedzo waMwari ari pachigaro chevushe nezvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe.
Ipapo akatema nebwe pahuma yaGoriati. Izvi zvakafanana nekubvunza mubvunzo mukereke inotevera tsananguro dzevanhu yakakura panyama.
“Zita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene” nderekutii? Havana mhinduro. Hakuna zita rimwechete rekudaidza Mwari weTiriniti. Huma yechero munhu, pane pfungwa dzake, haagoni kuwana mhinduro. Mubvunzo uyu unouraya dzidziso yeTiriniti inotonga makereke sezvaiita Goriati.
Saka Davidi akaponesa mauto echiJuda kubva kuna Goriati wavaisagona kukurira.
Jesu akarwisa dambudziko guru raive Rufu paKalvari akabvisa rumborera rwarwo paakafira zvivi zvedu. Zvivi ndirwo rumborera rwerufu nekuti kana tikafa tinofanira kuripira zvivi zvedu. Jesu akaripira zvivi zvedu. Saka, Rufu haruchakwanisi kutiparadza.
Davidi akararama chimwe chikamu chehupenyu hwaKristu.
Akazodzwa kuva Mambo asi haana kukwanisa kuva mambo muvengi wake Sauro asati aurawa.
Jesu akazodzwa kuva Mambo pamhenderekedzo dzerwizi Jorodani neMweya Mutsvene. Asi haagoni kuva Mambo muMereniyamu yemakore 1000 kusvikira muvengi wake, Pope wekupedzisira aurayiwa paAmagedhoni.
Parizvino, Jesu ari kubata seMuprista Mukuru werudzi rwaMerkizedeki.
Mumashure mekuzodzwa kuti ave mambo, Davidi akatenderwa kubata chinzvimbo chemuprista nekudya kwaakaita chingwa chekuratidzira asati ava mambo iye pachake. Nekuti Davidi akaratidzira chimwe chikamu chehushumiri hwaKristu muhupenyu hwake.
MARKO 2:27 Akati kwavari, sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa sabata.
Sabata harisisiri mirairo kana mitemo yezvatisingatenderwi kuita muzvikamu zvemabasa.
Kuzorora kubva kuzvivi nekusatenda zvinoreva kuti hatitenderwi kuita chero chimwechete chezvivi zvataimboita.
Tinogona chete kuita izvi kana Kristu ava matiri nekuti ipapo ndipo patinorasikirwa nerudo rwekuita zvivi.
MARKO 2:28 Naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo.
Jesu ndiye Ishe weSabata rechokwadi, sezvo Mweya unogara maari uchiita kuti tizorore kubva kuzvivi zvedu nemabasa edu. Mweya waKristu uri matiri ndiwo zororo redu rechokwadi kubva kuzvivi nekushushikana.