MaJuda asingaparadzike



Mwari anoshandisa America kuchengetedza maJuda kubva kuhondo dzevavengi vanovenga chitendero chavo, vanovenga rudzi rwavo uye vanovenga nyika yavo Israeri.

First published on the 19th of November 2025 — Last updated on the 19th of November 2025

Roma yakauraya maJuda 1,100,000 mugore AD 70 nvamwe 580,000 nguva yakapoteredza AD 325. Vakaparadzira maJuda pasi rese vachibva kwavaive, vachienda kwavachiri vakavengwa kwavanourayiwa.

Mwari vakavimbisa kuti maJuda akapararira vachaunganidzwa zvakare vodzokera muNyika yavo yeChipikirwa.

England yakapa zvaive zvisiriizvo zvidimbu zveNyika yeChipikirwa kumaArabu ekuJorodani. Kuikamura raive risiri zano raMwari rekutanga. America ikamanikidza maJuda kubuda muGaza. Musanganiswa wekubika nguva yehondo inotyisa.

Mazita akaita saDavidi, Revi Eshikori, naMosesi akabva muzviuru zvemakore kuti agonese vatungamiri vemaJuda anhasi kuti vadzokorore zviitiko zvakaitika nguva yevaive nemazita avo.

Zita rekuti “Trump”rinoyananiswa nerumuko rwevakafa veTestamente Itsva.

Zita rekuti “Trump” rinoyananiswa neHwamanda. Hwamanda yekutanga (yehwamanda nomwe) inorira mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika Kukuru, kuti imanikidze maJuda kudzokera kuIsraeri, ndeapo chimvuramabwe chinonaya moto wobvira zvinoshamisa panyika. Sezvazvakaita rwendo rweEksodo yemaJuda yekubuda muEgipita isati yaitika.

TNT inoputika. Vatungamiri venyika yeAmerica Truman, Nixon, naTrump vakabatsira Israeri kuita nyika yakasimba inogona kumira pakuparadza kwemaArabu neruvengo rwemaMoziremu pamusoro pemaJuda.

Mutungamiri wenyika Truman ndiye mutungamiri wekutanga kuita Israeri nyika yakazvimiririra muna 1948. Ikozvino zita rake radzoka munhau apo ndege inopiwa simba nenyukiriya Harry S Truman iri kubhomba vamukiri veHouthi muYemen kuti vamire kurwisa Israeri nengarava dzinoshandisa Kanari yeSuez.

Chiratidzo chekuti kereke iri munguva yayo yekupedzisira Mwari asati adzokera kumaJuda.

Jesu ndiye wekutanga nekupedzisira. Mutungamiri wenyika Truman aive chikamu cheZano raMwari kuIsraeri.

Nyika yeParesitina inonyengera, kutanga nemuEgipita Yesser Arafati mushure mekukurirwa kwemaArabu muhondo yemaZuva maTanhatu muna 1967.

 

Rudzi rumwechete rwakasarudzwa naMwari rwunovengwa zvakanyanya naSatani


 

Hakuna rumwe rudzi rwakambovengwa nekuparadzwa kwemakore anoda kusvika 1900 apo vaiparadzirwa pasi rese semusaridzirwa unoraswa nechitauro chavo chechiJuda chakafa. MaRoma akavavenga setsime risina magumo rematambudziko. Europe nemaMoziremu vakavavenga munguva dzepakati (Middle Ages). Vakaurayiwa nemativi ose mumakurusedhi. Kuvenga maJuda zvaive zvinhu zvakajairwa zvaionekwa sezvisina dambudziko.

Vaingombeya mune chero kona yenyika yavanenge vaenda kubva kuparadzwa kunorwadza kwakaitwa Temberi mamereniyamu anokwana maviri adarika. MaJuda anonzwisisa kuti kuita chero musha, tisingarevi musha uri munhau dzenyika yavo yakataurwa muBhaibheri, chinhu chakakosha chakakurirwa chinofanira kutendwa zvakanyanya.

Mwari akabva asarudza kuita zvisingagoneki. Chitauro chechiHeberu chakamutswa kubva kuvakafa maJuda akatanga kudzoka kuNyika yechipikirwa.

Asi apo maJuda akatanga kudzokera zvishoma nezvishoma kuIsraeri, maMoziremu akatora nzvimbo zhinji dzakapoteredza Israeri.

Kusimuka kwemaMoziremu kwakavamba nhau yekuvenga maJuda pasi rese.

Ruvara rwegirini runoratidza marudzi emaMoziremu. Muri kuona here kanyika kadiki keIsraeri kari muruvara rweorenji.

Asi mamosiremu arikutoda kanyika kadiki ikako zvakare.

Makaro haana muganhu.

 

 

Hondo yekurwira kachidimbu kenyika pakati pevadziviriri vashoma nehondo yese yevari kuda kuitora.

Imwe nzira yekutarisa pfungwa yekusadiwa kwemaJuda nemaMoziremu inoratidzwa pasi apa.

 

 

Mwari akakonzeresa sei kamukana kekunzwirwa tsitsi kwemaJuda pakati pemarudzi akavenga maJuda aya?

MAPISAREMA 76:10 Zvirokwazvo kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai.

Umwe wevarume vakaipa kwazvo, akamborarama. Adolph Hitira.

 

 

 

Munguva yekuparadza kweHondo yePasi rese yechipiri (1939 – 1945) akauraya zvisina tsitsi maJuda 6 miriyoni muhorokasiti. Kutsamwa kwaHitira kwaive kwekuda kuparadza zvachose rudzi rwemaJuda. Asi, chaakakunda kuita apa kwaive kuita kuti vapihwe nyika yavo yechipikira kekutanga mumakore anoda kukwana 1900.

Kuuraya kusina tsitsi uku kwakanyorovesa moyo yemarudzi muMubatanidzwa wenyika dzePasi rese UN muna 1947. Nekukunda nehuwandu hushoma, vakasarudza kupa Israeri kodzero dzekurwira chidimbu cheNyika yeChipikirwa.

Muna 1948 vakakurira hondo yekutanga vakawana kuzvitonga kuzere. Rudzi ruduku rwakazvarwa vakasimudza mureza wavo, Nyeredzi yaDavidi. Mambo DAVIDI vakatonga Israeri makore 3000 akadarika. Mutongi wavo mutsva kana Praimu Minisita aive DAVIDI Ben Gurioni. Kudzorerwa kwavo kwaive kwatanga.

Negore 2025 vakanga varwa hondo gumi. Vasina yavakurirwa.

Kuenderana kwemazita mukufamba kwenguva yemakore 3000. Hakuna rumwe rudzi runokwikwidza nemagumo akadai.

 

Israeri inogona kuchengetedzeka here kubva kupasi rese rakaivenga?


 

Muhondo yeMazuva-Matanhatu, Israeri yakamira yega ichirwisa Egipita, Siria, Jordan, Iraq neLebanon. MaArabu aitsigirwa neAlgeria, Kuwait, Libia, Morocco, Pakisitani, Sudani, Tunisia nePLO (Palesitina Liberation Organization). Israeri yakarasikirwa nevanhu vasingasviki 1000 pahondo yakatora maArabu 20,000. maJuda akakurira pakufunga nepakurwa nevavengi vavo. Vakazotapa Gaza Strip, West Bank, Gorani Heights vakazotora zvakare Jerusarema mumazuva matanhatu. Vaive vatanga kukurira kutora nyika yavo yeChipikirwa sezvakafanoprofitwa naMwari. Asi vakazodarikira. Vakatora maRenje eSinai, nzvimbo yaive isina kupihwa Abrahama naMwari.

 

 

MaKristu anokanganisa chinhu chimwechete ichi pavanotendeuka vogashira Jesu saMuponesi wavo, chinova chinhu chakanaka. Vanobva vapinda mukunwa hwahwa, kuputa, kutuka, kupfeka zvepanyika kurambana nekuroorazve, nezvimwe. Tinofanira kudzidza kurarama mumiganhu yeMagwaro.

MaJuda aifanirawo kudzidza kurarama mumiganhu yakaisirwa Abrahama naMwari.

Zvakadaro, maJuda aive achizvivimba zvakanyanya akadzidziswa chidzidzo chakaoma muna 1973 paHondo yeYom Kippuri. Vakazokurira asi vakatambura kwazvo. Vakazodzosera maRenje eSinai kuEgipita muna 1982 vachiwana kuti vayanane vave nerunyararo.

Kudzorerwa zvinoreva kudzokera mumiganhu yavo yekutanga, kwete kuidarikira.

Mwari vakavimbisa kereke nemaprofita enguva yekupedzisira izwi remutumwa wechinomwe. (Zvakazarurwa 10:7). Vanhu veMharidzo, nekumudaidza kuti “Izwi raMwari”, havana kuwana kudzorerwa kwechokwadi. Kuita kwakaipa kwekubuda mumiganhu yeMagwaro vachiunza kumukira chokwadi cheBhaibheri nekukundikana kwevanhu kudzorerwa kuShoko rakanyorwa nemaprofita eTestamente Itsva.

Magwaro anotevera, ari pazasi apa, anovimbisa kudzorerwa kwemaJuda achamutsa zvekurima munyika yeIsraeri yakaitwa marenje payaitongwa naOttoman Tucks nemaArabu.

EZEKIERI 36:34 Nyika yakanga iri dongo icharimwa, iyo yakanga iri dongo pamberi pavose vaipfuvura nepairi.

35 ipapo vachati nyika iyi yaive dongo, yafanana nemunda waEdeni:maguta akanga akaparadzwa akasiiwa aiva matongo, iwo avakirwa ogarwa.

Chiprofita chinotevera chinotsanangura maJuda akaenda muhupoteri sevabvakure pakati pemarudzi.

Asi Mwari achavaunganidza ovadzosa munyika yavo muIsraeri.

Ichi chiitiko chiri kutoitika.

ISAYA 11:12 Uchasimudzira marudzi mureza, nokuvunganidza vadzingwa vaIsraeri, nokuvunganiza vaJuda vakaparadzirwa kumativi mana enyika.

MaJuda anosvika 7 miriyoni akadzokera muIsraeri negore 2025. Maingove nemaJuda anosvika hafu yemiriyoni muNyika yeChipikirwa makore 70 akadarika.

Muna 2025 pane maJuda 16 Miriyoni pasi rese.

JEREMIA 30:3 Nokuti tarira mazuva anovuya ndizvo zvinotaura JEHOVA, andichadzosa vanhu vangu vaIsraeri naJuda, pakutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura JEHOVA, ndichavadzosera kunyika yandakapa madzibaba avo, ive yavo.

“Kudzosa vakatapwa vevanhu vangu” zviri pachena zvinoreva kugumisa hutapwa hwavo apo Mwari anovimbisa kuvadzorera pavanodzoka munyika yavo.

Kudzoka kwemaJuda kuIsraeri mucherechedzo weMwenga, munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia, ichidzorerwa kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga yakatangwa nemapostora eTestamente Itsva.

MATEO 17:11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese

Zano raMwari nekereke yevaHedeni nemaJuda, nderekuvadzorera kune zvavaive makore 2000 akadarika mumazuva eTestamente Itsva.

Isaya akavimbisa kudzorerwa kwemaJuda kubva pasi rese kubva kuMabvazuva nekuMadokero. Kubva kuMusoro nekubva Zasi.

Izvi zvinoenderera mberi gore rega rega.

ISAYA 43:5 Usatya hako nokuti ndinewe ndichauisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuvunganidza ubve kumavirazuva.

6 Ndichati kurutivi rwekumusoro varege; nokrutivi rwezasi, usavadzivisa, uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumiganhu yenyika.

7 mumwe nomumwe unodanwa nezita rangu ...

Ezekieri akafananidza maJuda neboka rehwai dzinotetereka dzakarasika kubva kuMufudzi wadzo. Izvi ndizvo zvinotaurwa neMufudzi chaiye kuti achaita:

EZEKIERI 34:11 Tarira ini, ini ndimene, ndicharonda makwai angu nokuatsvaka.

12 mufudzi sezvaanotsvaga boka rake, nezuva raari pakati pamakwai ake, akapararira kwose, saizvozvo ndichatsvaka makwai angu, ndichaarwira panzvimbo dzose, kwaakapararira nezuva ramakore nererima.

13 Ndichabuditsa pakati pamarudzi avanhu, nokuvaunganidza kunyika dzose ndiasvitse kunyika yawo,

Bhaibheri harina kubvira rati Pasita ndiye musoro wekereke.

Bhaibheri harina kubvira rataura kuti Pasita Mufudzi. Chikonzero chimwechete ndechekuti kana ukapokana naPasita, nekutaura Magwaro anorwisa zvaanotaura, anoda kukudzingai asingadi kana kushuwira kukudzosai mukereke.

MAPISAREMA 23:1 “Jehova ndiye Mufudzi wangu”

Jesu, Shoko, ndiye Mufudzi wechokwadi.

Mwari anotsvaga kudzorera vose kereke yevaHedeni nemaJuda pamavambo avo.

JOERE 2:25 Ndichakudzoserai zve Makore amakadyirwa nemhashu negwata kwata nomupedzachose Nomuteteni, iyo hondo huru yandakatuma pakati penyu

Hatizivi kuti mupedzachose nomuteteni chii. Zvinomiririra vatumwa vakavanzika vanoshandiswa naMwari, semuurayi akaipa Hitira, akavenga maJuda asi asingadi akavawanira kukunda kuwana musha wavo wechipikirwa. Tichiwedzera, ruzhinji rusina tsitsi rwakauraya Stalin, aive akavenga maJuda asi kwemwedzi 18 akavatsigira akaita kuti Mubatanidzwa wenyika dzepasi rese uvape musha wavo.

Mwari ari kuruka Zano rakadzama rakavanzika rinonzwisiswa nevanhu vashoma. Vasikana vakachenjera chete vekuna Mateo Chitsauko 25.

DANIERI 12:10 “asi vakachenjera vachanzwisisa”

DEUTERONOMIO 30:3 Ipapo JEHOVA Mwari wako uchashandura kutapwa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuvunganidza zve pandudzi dzose kwaakakurashira kwadziri.

4 Kunyange vamwe venyu vakange varashirwa kumagumisiro okudenga, JEHOVA Mwari wako uchakuvnganidza po, uchandoktora po.

Asi zano raMwari rakajeka. MaJuda anofanira kudzokera kuIsraeri. Vanogona kuzviita ikozvino nekuda kwavo. Kana kuti vachamanikidzwa kudzokera nematambudziko emamiriro ezvinhu panyika anokonzerwa neHwamanda nomwe mumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru.

 

Kukamurwa kusiriiko kwakaitwa Israeri neEngland neAmerica


 

JOERE 3:1 Nokuti tarirai, namazuva iwayo nenguva iyo, kana ndichdzosa kutapwa kwaJuda neJerusarema,

JOERE 3:2 ndichaunganidza marudzi ose avanhu, nokuburutsira kumupata waehoshafati; ndichavatonga’po pamusoro pavanhu vangu, napamusoro penhaka yangu Israeri, vakaparadzirwa navo pakati pamarudzi avanhu, vakagovana nyika yangu

Nyika yechipikirwa yakagovaniswa nemaBritishi kuita Israeri neJorodani. Kukanganisa kukuru kwakakonzera hondo ina.

Muna 2025, America yakamanikidza maJuda kubuda muGaza ikapatsanura Israeri kubva kuGaza. Izvi zvakonzera hondo isingaperi yakaipa muGaza.

Izvi ndizvo zvakatanga kuitwa neBritain kupatsanura Paresitina.

 

 

Kachidimbu kari muruvara rwevhayoreti keIsraeri kaive kemaJuda emuParesitina. Nyika huru yegirini yaive yemaArabu emuParesitina.

Zvisinei nedambudziko rakakonzerwa nekupatsanura Nyika yeChipikirwa kuiita nzvimbo dzechiJuda nemaArabu, Mwari vakaenda mberi kudzorera maJuda muIsraeri.

 

Zita chairo rechokwadi richidzoka kwapera zviuru zvemakore


 

Israeri ndirwo rudzi rwega rwakabereka gamba nhasi rine zita rakafanana neremuIsraeri wekare ane zita rake rakanyorwa muTestamente Yekare.

Tataura Mambo Davidi kubva mumakoe 3000 adarika. Zita rake rakakurudzira mureza wemaJuda, Nyeredzi yaDavidi.

 

 

Mureza uyu wakatanga kupeperetswa muna 1948 Israeri payakawana kuzvitonga kuzere.

Munhu aive Praimu Minisita weNyika itsva iyi aive Davidi Ben Guriyoni.

Muna 1967, mumashure meHondo yeMazuva matanhatu, kukura kwenyika itsva iyi kwakapetwa katatu pavakawana chidimbu chenyika yavo chikuru chakadzoka kwavari.

Izvi zvine yanano inodakadza naAbrahama uyo akapihwa nyika yechipikirwa pakutanga naMwari.

GENESISI 14:18 Merkizedeki mambo weSaremi akavuya nechingwa newaini; iye wakanga ari muPrista waMwari woKudenga-denga

Merkizedeki aive Mwari akazviitira muviri wenguva pfupi kuti Auye kuzotaura naAbrahama.

Merkizedeki akasarudza zvinhu zviviri zvakashandiswa naJesu paChirayiro chekupedzisira chaakaita nevadzidzi vake, chingwa newaini. Jesu akagura chingwa mucherechedzo werufu rwake ari Chingwa cheHupenyu. Waini ine mweya mairi unomiririra kumuka kwaJesu mumuviri wekubwinya.

Chinangwa cheTestamente Yekare neTestamente Itsva ndechekubata kufa, kuvigwa nekumuka kwaJesu Kristu.

Jesu akapa zvese zvaaive nazvo paakatifira.

Ipapo, mukutenda, Abrahama akapa Merkizedeki, aive Mwari mumuviri wenyama, chegumi chezvese zvaaive nazvo.

Muzukuru mukuru waAbrahama Revi, akava mubati wezvegumi pakati pevaPrisita vevaRevi.

GENESISI 14:20 Mwari wokudenga denga ngaakudzwe wakapa vavengi venyu mukati memavoko enyu, Akamupa chegumi chezvose

Mumashure mehondo yemadzimambo, mambo weSodoma akada kupa Abrahama zvaive zvawanikwa muhondo.

Abrahama akaramba.

Asi Abrahama akaita chikumbiro chaive chisina kutarisirwa chaive chichiita sechisina musoro kusvikira makore 4000 adarika apo maJuda akakurira Hondo yemaZuva matanhatu.

Akakumbira Eshkori kuti atore chidimbu chake.

GENESISI 14:24 Ini handidi hangu asi zvakadyiwa namajaya chete, nemugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, Eshkori, naMamre ngavatore migove yavo.

Bhaibheri harina zvarinotiudza pamusoro paEshkori. Saka nei akataurwa?

Mumshure mehondo yemazuva matanhatu, Mutungamiri wenyika yeIsraeri akapihwa chidimbu chikuru cheNyika yeChipikirwa aive Levi Eshkori.

Kufanana kwemazita kunosanganisa vanhu vatatu kunopinda kunobudira seri kwemakore 4000 enhorondo hakugoneki. Asi, Mwari neimwe nzira vakazviita.

Kukunda uku kunodakadza kunoshanda seyambiro kwatiri kuti tinofanira kukoshesa mazita akanyorwa muMagwaro zvakanyanya.

Hondo yemazuva matanhatu yaive nerimwe zita rakafanana zvaidakadza.

Kukurira marudzi matatu mumazuva matanhatu chishamiso. Hakuna rumwe rudzi mumazuva edu ano rwati rwagona kuita izvi.

Hondo yakatangwa neupokana kwakaramba kuchikura kusanganisa kurwisa kwemagorira eParesitina, nekutumirwa kwemauto nenyika dzemaArabu, kunyanya Egipita, Siria, neJodani. Israeri yakaronga kurovawo kwaive kwakanakisa kukaunza kukunda.

Mosesi akati tinofanira kushanda mazuva matanhatu tozorora zuva rechinomwe kubva kumabasa edu.

MaJuda akarwa mazuva matanhatu akazorora zuva rechinomwe.

Mukuru wavo wemauto aive Moshe (Mosesi) Dayani aive neziso rimwechete.

 

Tarisai zita richibuda sezvariri pachokwadi paizwi rekuti “trump”


 

Izwi rekuti “trump” (hwamanda) rinoonekwa kaviri muTestamente Itsva.

Nguva dzese rinoyananiswa nerumuko rwevakafa veTestamente Itsva. Chiitiko ichi chinoratidza kupera kwenguva yekereke yevaHedeni Mwari achitendeukira kumaJuda.

I VAKORINTE 15:52 nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.

Zvino taane matambudziko. Kana tichinzwisisa “hwamanda yekupedzisira”, tinofanira kuzivawo zvinoreva “hwamanda yekutanga”. [Ndapota tarirai muChirungu pakanzi hwamanda yekupedzisira pakanzi last trump hapana kupedziswa kuti trumpet kureva kuti mazwi aya ane musiyano saka panoti trump tichange tichipati nehwamanda].

Izvi zvinoshamisa munhu wese. Nekuti “hwamanda inorehwa panonzi trump” haizi “hwamanda inorira” nekuti mazwi maviri anoti “trump” (nehwamanda) nekuti “hwamanda” zvinotaurwa makasiyana.

Zvakazarurwa Chitsauko 1 inoisa kukosha “paKutanga neKupedzisira”.

“Kutanga nekupedzisira”, Alfa naOmega”. “Mavambo nemagumo” zvinotaurwa kashanu.

Izvi zvine kukosha kukuru mumamiriro ezvinhu panyika nekuti, chekutanga, mbeu inodyarwa yofa yomera. Inopinda nemuzvikamu zvakasiyana siyana chikamu chekupedzisira ndeapo mbeu yekupedzisira inokohwewa pagoho inofanana nezvaive zvakaita mbeu yekutanga yakadyarwa.

 

 

Kereke pakupedzisira inofanira kufanana nezvaive kereke yemapostora pakutanga.

Pachinzvimbo chekubvuma kusaziva kwavo pamusoro pezvinoreva izwi rekuti “nehwamanda trump” kudarika 80% yemaBhaibheri echirungu akafuratira izwi rekuti “trump” vakashandura kuriita izwi rekuti “hwamanda trumpet”.

Vanoti kuti nehwamanda (trump) kupfupiswa kwezwi rekuti hwamanda trumpet.

Asi hachisi chokwadi sezvo vhesi riri pamusoro iri rine izwi rekuti “nehwamanda” uye hwamanda.

Asi hatigoni kushandura chero izwi riri muBhaibheri reKing James.

DEUTERONOMIO 4:2 Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirayiro yaJEHOVA Mwari wenyu, yandinokurayirai.

DEUTERONOMIO 12:32 Chinhu chipi nechipi chandinokurairai, chenjerai kuti muzviite, musawedzere kwazviri, kana kutapudza kwazviri.

MUPARIDZI 3:14 Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi: hakuna chinhu chingawedzerwe kana kutapudzwa kwazvivi; Mwari vakazviita izvozvo kuti vanhu vamutye.

ZVAKAZARURWA 22:18 Nokuti ndinopupura kune wese anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;

ZVAKAZARURWA 22:19 uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.

I VAKORINTE 15:52 nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.

“Hwamanda” inoreva rumuko rwevakafa.

Ko “nehwamanda” (trump) zvinorevei? Kunyanya “nehwamanda yokupedzisira”. Nekuti ipapo munofanira kutsanangura nehwamanda “trump” yokutanga zvakare.

Chenjerai. Musatarise Mutungamiri wenyika Trump semunhu, sezvo iye ane zvaanotadza nezvaanogona. Mwari ari kushandisa zita rake seCHIRATIDZO chenguva.

Makiyi maviri anoyanana nezwi rekuti “trump.”

Kune “hwamanda” ne “rumuko”.

Iyambiro ipi yatinowana kubva kunhau mbiri idzi?

Rumuko runotiudza apo Mwari anopedza nekereke.

Jesu akamuka mazuva makumi mana akatevera akakwira Kudenga.

Saka, kana vatsvene veTestamente Itsva vamutswa kubva kuvakafa tinenge tasara nemazuva anoda kuita makumi mana kuti Jesu atore Mwenga wake kukwira Kudenga.

Saka, Zita rekuti Trump kumutswa kwedu kuti vakafa vari kugadzirirwa kumuka kubva kuvafi uye kuti ino ndiyo nguva kuti maKristu akazvarwa patsva arurame pamberi paMwari.

Zvakare, haasi munhu Donald Trump, asi zvinomiririrwa nezita rake.

Mwari ari kuedza kutiuda kuti zita rinogona kuita chirevo chakakosha nekuti kereke inotongwa naMwari weTiriniti asina zita.

Hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu.

Asi Mwari anofanira kuita zita rimwechete rinoshandiswa nenyika kutuka, kunova kumhura Mwari. Murairo wechitatu unoti tisadane zita raMwari pasina.

Zita raMwari ndiJesu Kristu.

Kune mapoka maviri akakosha pakupedzisira.

Mwenga kana kereke yechokwadi koita maJuda 144,000 vakagashira Kristu samuponesi wavo mumakore matatu nehafu eKutambudzika Kukuru.

Izwi rekuti “trump” rinoyananiswa nekereke nekuti CHIRATIDZO chekuti rumuko rwava pedyo kuitika.

 

Trump chiratidzo chehwamanda nomwe dzinomanikidza maJuda kudzokera


 

Mwari anoda kuti maJuda adzokere kuIsraeri. Mwari achamanikidza maJuda kudzokera kuIsraeri pakupedzisira.

Asi “trump” rinoyanana zvakare, zviri pachena, nezwi rekuti hwamanda.

Zvino kutaura kuti “nehwamanda” (trump) yekupedzisira zvinoreva kuti kunofanira kwaive, neimwe, yekutanga. Uhu huwandu, kuratidza kuti zvinofanira kuva zvakadarika imwechete, saka kana dzaive shoma dzinoita mbiri. Kwete munhu, asi nguva dzake mbiri muhofisi ari Mutungamiri wenyika dzinoratidzira chiratidzo chenguva.

Chikonzero chikuru chakaita kuti Donald Trump akurire sarudzo muna 2016 chaive chei? Chinhu chekuti akazvipira kuti achaita Jerusarema Guta guru reIsraeri.

Nei zvaive zvakakosha? Nekuti zvinozadzisa chiprofita chekuti Israeri ichadzorerwa kuva musha wemaJuda.

Kuzadzisa chiprofita ndicho chinhu chakanyanya kukosha chingaitwe nemunhu.

Tarisai zita JerUSArema. Rine izwi rekuti USA pakati.

Makore 3000 akadarika, apo mambo Davidi vakapa Guta iri zita rekuti Jerusarema, Mwari aive atotarira kuti United States of America ive muchengetedzi weIsraeri.

Mwari haanei nezvematongerwo enyika zveAmerica sezvo Hutungamiri hunobata pakati pemaPabhurikeni nemaDhemokirasi. Asi Mwari anokoshesa kuchengetedzeka kweIsraeri sezvo Mwari ane zvakaprofitwa zvekuti maJuda anofanira kudzokera kuNyika yavo yeChipikirwa.

Asi kuita Jerusarema Guta guru reIsraeri kunotsamwisa maMoziremu anodarika 2 bhiriyoni vanorarama panyika.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, chero zvazvo vaive vanhu vakanaka, vaitya kupikisa maMoziremu nekuita Jerusarema Guta guru reIsraeri. Vaitya kurwisa kukuru kwemaMoziremu.

Muna 1995, seneta weAmerica akaisa murairo wekuti Mutungamiri wenyika anokwanisa kuita Jerusarema Guta guru. Mwedzi mitanhatu yega yega aifanira kusaina pepa achiti hongu kana kuti kwete.

Mutungamiri wenyika Clinton akati kwete, kagumi.

Mutungamiri wenyika George W Bush akati kwete kagumi nekatanhatu.

Mutungamiri wenyika Obama akati kwete kagumi nekatanhatu. Asi aienda kuAfrica kunovakurudzira kugashira kodzero dzengochani. Neimwe nzira, mutungamiri wenyika airasika.

Chaishaikwa apa hwaive hushingi.

Trump akaitwa mutungamiri wenyika nekuti aive nehushingi hwekuringana nemaMoziremu 2 bhiriyoni vasina kubvira vaedza kumupikisa nechero nzira.

Jerusarema rakaitwa guta guru reIsraeri muna 2018 Mwari akashandisa “trump” kuchinangwa chake CHAICHO , kuchengetedza Israeri.

Chiratidzo chaicho chezita rekuti Trump, ndechekuti ikozvino ndiyo nguva apo Mwari ari kutanga kusiya kereke ine zvitendero zvakawanda zvisimo muMagwaro, Mwari arikutendeukira kumaJuda.

Kukosha kwenguva yaTrump yechipiri yekutonga hazvisi zvaachaitira America, asi kuchengetedza nekurwira kwaanoita Israeri. Akatoratidzira izvi nekutumira ndege mbiri dzinoshanda nenyukiriya kumahombekombe eYemen kunorwisa Houthis akapotsera maroketi muIsraeri.

Kana vakafa vakamuka, kutama kwaMwari kubva kukereke kuenda kumaJuda kunoitika.

I VAKORINTE 15:52 pahwamanda (trump) yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira;

Nehwamanda yekupedzisira kutaura pamusoro pekuti hazviko kamwechete. Mutungamiri wenyika Trump akasarudzwa kaviri kakasiyana kuti atonge. Zvinhu zvisingaitiki itiki. Asi 2025 yakaona Trump achipinda munguva yake yechipiri uye yekupedzisira yekutonga. (makore mana kunze kwekunge azowana imwe nguva achitonga).

Nehwamanda (trump) “yekupedzisira” (zvinotaura kuti kakadarika kamwe) saka zvinoyanana nekugoneka kuwanikwa kwehwamanda zhinji.

Zvinogona kuva mucherechedzo wei?

Kuna Zvakazarurwa Chitsauko 8 ne 9, Hwamanda nomwe dzakataurwa.

Hwamanda yekutanga yakanangana nemaJuda zviri pachena.

Inotaura pamusoro pechimvuramabwe chakanaya nemoto unowa kubva kudenga uchipisa. Izvi ndizvo zvakaitika Mosesi paaigadzirira maJuda kuti abude muEgipita akaita Eksodo ine mbiri pakubuda muEgipita.

EKSODO 9:24 Chimvuramabwe chikavapo nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo chisina kumbovapo panyika yose yaEgipita, chisina kumbovapo kubva pakutanga kwerudzi.

MAPISAREMA 105:32 Kwakavapo chimvuramabwe panzvimbo yemvura, vuye moto wakapfuta panyika yavo.

Mumashure mekutorwa kwekereke yechokwadi kukwira Kudenga kunosangana naIshe Jesu, Mwari anotendeukira kumaJuda. Nhasi, vanhu vasingadariki hafu yemaJuda vanogara muIsraeri. Saka, nhanho inotevera yaMwari ichave yekufudza maJuda, vari kurarama pakati pevaHedeni kudzokera kuIsraeri.

Ndicho chinangwa chehwamanda nomwe. Zviitiko zvinoshamisa zvinoshandisa chisimba kukanganisa zvinhu kutyisa maJuda kuti vabve munzvimbo dzavagere vaende kuIsraeri. Simba rinoshamisa iri rinokanganisa zvinhu richapiwa maprofita maviri, Mosesi naErija.

Kereke yevaHedeni haina zaruriro yakakwana pamusoro peHwamanda nomwe neNdiro nomwe nekuti zviitiko izvi zvinoitika munguva yeKutambudzika. Mwenga achatorwa kukwira kudenga opunyuka nguva inotyisa iyi. Saka, hakuna chikonzero chekuti Mwari atiudze zvinhu izvozvo.

ZVAKAZARURWA 8:7 Zvino mutumwa wekutanga wakaridza, ndokuvapo chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, ndokukandwa panyika; nechetatu chemiti chakapiswa, neuswa unyoro hwese hwakapiswa.

Rimwe zuva chimvuramabwe chichanaya nyika yotsva nomoto. MaJuda achange achiziva chiratidzo ihi nekuti izvi zvakamboitika Mosesi asati avatungamirira paEksodo yekuenda Israeri. MaJuda mazhinji anotanga kudzokera kuIsraeri.

“Ropa” zvinoreva kuti ichava nguva yeKutambudzika kukuru nekudeuka kweropa zhinji. Mwari vachashandisa nhamo nomwe kudzorera maJuda kuIsraeri.

Muti mucherechedzo wemunhu anorarama.

MAPISAREMA 1:3Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura”.

Mwari anoona ndudzi nhatu dzevanhu: maJuda.. VaHedeni vasiri maJuda. NevaSamaria musanganiswa wemaJuda nevaHedeni.

Chetatu chemiti chinotaura pamusoro pemaJuda.

Ndivo vanokanganiswa nemhirizhonga dzemamiriro ezvinhu idzi. Asi zvakagadzirwa kuti zvivadzure nekuvatumira kudzokera kuIsraeri. Nzira dzakaoma dzinodiwa kuti dzishande nevanhu vane hukukutu mumoyo.

Panguva ino, hatizivi zvinomiririrwa nemicherechedzo iyi yose sezvo ichashanda munguva dzinouya kumaJuda munguva yeKutambudzika. Asi tinoziva kuti zvinoshanda kurudzi rwechitatu rwevanhu vanodaidzwa maJuda.

ZVAKAZARURWA 8:8 ... chetatu chegungwa ndokuva ropa;

ZVAKAZARURWA 8:9 ndokufa chetatu chezvisikwa zviri mugungwa zvine upenyu, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.

ZVAKAZARURWA 8:10 Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa kubva kudenga nyeredzi huru, ichipfuta semwenje, ndokuwira pamusoro pechetatu chenzizi, nepamusoro pezvitubu zvemvura.

ZVAKAZARURWA 8:11 ... chetatu chemvura ndokuva gavakava,

ZVAKAZARURWA 8:12 Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva ndokurohwa nechetatu chemwedzi nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo.

Nguva imwe neimwe inorira hwamanda, maJuda vanowana imwe nguva yakaoma inovadzosera kuIsraeri.

MaJuda achada kuchengetedzwa nemaprofita maviri, Mosesi naErija, vachange vaine simba rinoshamisa kutonga mamiriro ezvinhu panyika.

I VAKORINTE 15:52 “… nehwamanda yekuparadza, nekuti hwamanda icharira”.

Izwi rekuti “nehwamanda” (trump) rinoyanana nerekuti “hwamanda” rinomiririra nguva yakaoma kumaJuda. Saka, zita rekuti Trump chiratidzo chenguva yakaoma ichatarisana nemaJuda vachitambura.

Tinoona izvi muhondo yakaoma inotyisa yeHamasi.

Nhasi, vanhu vekuAmerica pasi peMutungamiri wenyika Trump, vari kuchengetedza maJuda.

Vanopa maJuda nhau dzesetiraiti, mabhomba, nevarwi vakadzidza kwazvo kudarika vamwe vese pasi rese, veF 35.

Rubatsiro rukuru kumaJuda kuvepo kwendege mbiri dzinoshandisa simba renyukiriya dzakaiswa pedyo nechitsuwa cheYemeni. Muna Kubvumbi 2025 vakatanga kukuvadza zvinhu vachibhomba Houthi. Izvi zvinorerutsa kuipa kunokwanisa kukonzerwa neHouthis kuIsraeri.

America iri kuita basa rayo kuchengetedza Israeri kusvikira kusvika kuchaita maprofita maviri echiJuda.

 

TNT iri padyo kuputika sezvinoita zvimbambaira


 

KuIsraeri, TNT zvinomiririra Truman Nixon naTrump.

Vatungamiri veAmerica vane mbiri ava vakashandiswa naMwari kudzorera nyika yeIsraeri yaive yaiswa muhupoteri kwemakore 1900.

America neEngland dzaive dzisingatsigiri Israeri zvakanyanya pakasarudzwa neUN mubatanidzwa wenyika dzepasi rese kutendera Israeri kuwana chidimbu chemusha wayo. Zvakadaro, Stalin muRussia aive nehutsinye ndiye akavabatsira kwenguva inoda kukwana gore nehafu. Stalin akabva ashandura pfungwa dzake. Nehurema, muna 1952, Stalin akaronga kuuraya vanachiremba vechiJuda. Akafa muna Kurume 1953 zvakakonesa zano rake.

Kabhineti yeAmerica muna 1948 haina kutsigira Israeri vaitya vaArabu kuita Israeri nyika. Mutungamiri wenyika yeUS Harry Truman akaita sarudzo yehushingi. Aive ndiye mutungamiri pasi rese akatanga kuita Israeri nyika yevaJuda yakazara muna Chivabvu 14, 1948, maminetsi gumi nerimwe mushure mekuzvarwa kwayo.

Sarudzo iyi yaive yakaoma sezvo yaipa simba guru kuNyika yeIsraeri zvakasunungura ruvengo rukuru kubva kumaMoziremu. MaArabu akadaira nekurwisa Israeri nehondo tanhatu nemauto emaArabu. Hondo yerusununguko iyi ndiyo yekutanga pahondo gumi dzemarwadzo ekuzvarwa kweIsraeri apo maArabu akaramba achirwisa vaIsraeri.

Asi totenda Truman nerubatsiro rwake, Israeri yakaitwa nyika ikava pamepu. Chiprofita chakatanga kuzadziswa.

Muna 1967, Israeri yakakurira Hondo yemazuva matanhatu. Zvinhu zvishoma zvakaipa kuvanhu kudarika budiriro isina kutarisirwa. Kushaya, kuzvikudza, kusaziva nekushaiwa hanya zvakapindira. MaArabu akavarwisa vasina kutarisira muna 1973 vakakuvadza maJuda. Puraimu Minisita wemaJuda Golda Mer akaisa chikumbiro kumutungamiri wenyika Nixon. Nixon akapikisa zano raSekiritari wake wechiJuda State Kissinger, akasarudza kubatsira maJuda.

Noxon akaronga kusimudza ndege huru kwazvo kudarika zvakamboitwa neAmerica nguva iyoyo. VaEgipita vaive vaisa mamiziri e SAM, epasi nemudenga mukanari yeSuezi.

Chero ndege yemaJuda yaive yaonekwa netekinoroji yeSAM yaidonhedzwa.

Pasina ruchengetedzo rwemuchadenga, maJuda aive pachinzvimbo chakaoma.

Nixon akatumira maJeti eAmrica Wild Weasel aikwanisa kupfura mamisiri pamaradha e SAM achiaparadza. Nekutya, vaEgipita vaibata basa rekushanda kwemaSAM radha vakadzima maradha avo pavakaona ndege dzeWild Weasel. Saka, maJuda akatora zvakare simba rawo rekurwa nemchadenga akakurira maArabu.

MaJuda akadzorera renje reSinai kuEgipita vachichinjana nerunyararo. Egipita yakabva yabva kurutivi rweRussia ikatsgirana neAmerica. Pasina Egipita semuvengi, kurarama kweIsraeri muMiddle East kwakava nyore. America yakakoshesa kubatsira Israeri muhondo.

Totenda Nixon, Israeri yakararama mukuda kukurirwa kwayo muhondo yeYom Kippur ikasimba.

Rugare pakati peEgipita neIsraeri rwakaita kuti zvinhu zvidzikame muMiddle East nemukuchengetedzeka kweIsraeri.

Dambudziko rimwechete raive rasara.

Kuzadzisa chiprofita chavaive vatarirwa naMwari chekuti Mwari aizodzorera Israeri kuva nyika, zvaive zvakakosha kuti erusarema riitwe Guta guru reIsraeri. MaArabu aipikisa pfungwa iyi. Kuita kunoshamisa nekuti chero dzimwe nyika dzakasununguka kusarudza Guta radzinoda kuti rive Guta guru. Sarudzo iyoyo haina chekuita nevavakidzani kana dzimwe nyika.

Kubva muna 1995, Mutungamiri weAmerica akapihwa simba, neKongiresi yeAmerica kuti aite Jerusarema Guta gru reIsraeri pachinzvimbo cheTel Aviv.

Vatungamiri venyika vese vaitya kuita izvi nekutya kutsamwa kwemaMoziremu.

Kusvika Trump asvika.

Donald Trump ane zita rake rakanyorwa muBhaibheri. Bhaibheri reKing James ndiro rega rakarurama shoko kushoko rekuturikirwa kweBhaibheri.

Akatarisira pasi maArabu ese, akaita Jerusarema Guta guru rinoonekwa akazadzisa chiprofita chaMwari muna 2018.

Kutonga kwake kwegore 2016 – 2020 kunotipa chirevo chakakodzera “chenehwamanda yekutanga” (first trump) nekuti Bhaibheri rakataura pamusoro “penehwamanda yekupedzisira” (last trump)[ndapota tarirai ndiri kushandisa kuti nehwamanda kuti zviite musiyano pakati pezwi rekuti trump netrumpet].

Ndapota rangarirai, nehwamanda haisi hwamanda. MaBhaibheri anodarika 80% eChirungu anokanganisa ipapo.

TNT. Zviitiko zvechitendero nezvematongerwo enyika zvine njodzi.

1. Truman. Nyika itsva yeIsraeri yakazvarwa nekugadzwa zvisinei nehupikisi hwemaArabu.

2. Nixon. Nyika yeIsraeri yakararama kurasikirwa kwekutanga. Ikararama ikadzorera marenje eSinai kuti pave nerunyararo. Sinai haina kubvira yava yaAbrahama kana maJuda.

Saka, kurarama kunobva pakugara mumiganhu yakatarwa neShoko raMwari.

3. Trump. Akaipa asi akashinga. Vatungamiri venyika “vakanaka” havana kubvira vaita hushingi hwekuchengetedza Israeri kubva kumaMoziremu vachizadzisa chiprofita.

Trump humbowo hwekuti Mwari anokoshesa Israeri kudarika America.

Mwari anogona here kushandisa munhu ane mhosva dzinosvika 34 dzekufojera mapepa emabhizimisi?

Mwari vanongotarisa chete kuti zvakaprofitwa zvazadziswa.

Kana Mwari vapedza nekereke, vanodzokera kuIsraeri.

Saka, nyika yeIsraeri inofanira kuvapo neJerusarema riri Guta rayo guru. Ndiko Pope wekupedzisira, munhu wezvivi, (zvichida Petro II) achasangana nekuparadzwa kwake pahondo yeAmagedhoni.

Israeri inofanira kudzorerwa kune zvayaive apo Guta guru raisarudzwa naMwari riri Jerusarema. Ndiko kwakaenda Abrahama kunobaira Isaka mugomo reMoria guta risati rambovakwa. Isaka akatakura huni dzekupisa chibairo kuri kuratidzira Jesu akatakura Muchinjikwa. Tinotya here kutakura muchinjikwa wemarwadzo, kuomerwa kunyadziswa nekuvengwa?

Haasi Mutungamiri wenyika Trump ari munhu.

Hazvisi zvinoitwa naTrump semutungamiri wenyika kuAmerica. Izvi hazvina kukosha kuna Mwari.

Nekukasika, hwamanda nomwe dzemweya dzicharira sekumanikidzwa kwemamiriro ezvinhu. Izvi zvichamanikidza maJuda ese kudzokera kuIsraeri pasi pehutungamiri neruchengetedzo rwemaprofita maviri.

Parizvino, chakanyanya kukosha kumutungamiri weAmerica kuchengetedza Israeri kubva kumaArabu akazadzwa nemadhimoni anova Hamasi, Hezbollah, Houthis, neIrani. Zvese Iraq neSiria inyika dzakakundikana parizvino zvinoderedza kuipa kwadzingakonzerese kuIsraeri.

Trump akapa basa muna 2020 rekuti arch-terorisiti wekuIrani Soleimani aurawe. Izvi zvakatanga kuwira pasi kwemapurokisi eIrani airwisa Israeri.

Makore mashanu adarika, Qassemi Soleimani, mukuru we IRGCQF (QF Qods Force) akauraiwa muIraq pamwechete naAbu Mahdi al Muhandes mutungamiri weHash al Shabi, boka rinotsigirwa neIrani. Kuuraiwa kwake kwaive kurohwa kwakaoma kumaterorisiti muMiddle East zvakanetesa kurudziro yemaSiria echiIslamu, kunyanya Iraq, Siria neLebanoni.

Tichipihwa kuziva kwake nembiri yake pakati pemapoka ematerorisiti, kushaikwa kwaSoleimani hakuna kugona kutsiviwa neakamutsiva Ismail Qa’ani. Kuuraiwa kwaSoleimani kwaive kutanga kwekuwira pasi kweboka rematerorisiti emuIrani. Kubva ipapo, nyika dzechiIsramu dzakatarisana nekudzokera shure kuzhinji dzakarasikirwa nevaidzitsigira: Hamasi, Hezbollah neAssadi Regime muSiria.

 

Mwari anoshandisa vanhu vakaipa


 

Mwari akapa nyika yechipikirwa kuna Abrahama. Haizi yemaArabu.

Mwari anoshandisa vanhu vakaipa here?

Abrahama akasiya mukadzi wake kuti abereke mwana Ishmaeri kubva kune umwe mukadzi.

Davidi aive mhombwe akaronga kuuraya murume wemunhu waaida.

Mosesi aive mhondi.

Jona akatiza Mwari akakakavara naMwari.

Gidion akateerera vaHedeni vaviri vakawana mazano avo muhope nekuturikirwa kwawo.

Vanhu ava vakaita zvakaipa asi vakazadzisawo zano raMwari kuzuva ravo. Tinorangarira vanhu ava nekukudza nekuda kwezvavakaita pamberi paMwari. Hativatuki nekuda kwekurasika kwavo panyama.

Einstein akakanganisawo. Asi tinomurangarira nekuda kwemuono wake unodakadza waakagona.

Mugore 2025, chakakoshera America pamberi paMwari kudzikisira kurwisa kwerwendo rurefu kwemaroketi pamusoro peIsraeri ichirwiswa neYemen Houthis. Chechipiri, kumisa Houthis kurwisa mungarava dzemabhizimisi dzinoshandisa Suezi Kanari. Kuchengetedza Israeri ndiko kwakakosha pachinangwa chaMwari.

Asi Houthis yakaoma uye yakafushira maasenari ayo emaroketi echimanje manje mumakomo ese nemumarenje. Zviri kutorera America mari inosvika bhiriyoni rimwechete remadhora pamavhiki maviri kuti vaite kuti ndege dzinoshanda nenyikiriya dzive mumahombekombe eYemen. Ndege dzehondo dzinoramba dzichirwisa nzvimbo dzemauto zviri kuomesa hupenyu mumapoka eHouthi. Hupfumi hweIsraeri hunokudzwa zvakanyanya nekubatsirwa pazvinhu zvinoda mari kwairi. Mauto eIsraeri akasununguka kutarisana nematerorisiti eHamasi muGaza neHezbollah muRebanoni.

Ndege imwechete yeAmerica ine zita rekuti Harry S Truman. Zita iri rinoshanda sechiratidzo.

Truman akanga ari mutungamiri wekutanga kutaura kuti Israeri yasununguka muna 1948. Mwari ari kuyeuchidza vanhu kuti akashandisa sei Mutungamiri wenyika Truman pakutanga kuchengetedza Israeri.

Ikozvino, makore 77 adarika, zita raTruman riri kubuda pedyo nemagumo, Mwari asati adzokera kuIsraeri mumakore matatu nehafu ekutambudzika kukuru. Truman nderimwe zita reMutungamiri weAmerica akabata basa guru pakudzorera Israeri.

“Mavambo nemagumo” uye “Kutanga nekupedzisira” zvinotaura zvinzvimbo zvaJesu zvakataurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 1.

Jesu acharamba aine maJuda apo vanotambudzika kudzorera musha wavo kuti vagamuchire Messiasi.

ZVAKAZARURWA 1:8 Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose.

Ndiye weKutanga kupinda muhondo uye ndiye weKupedzisira kubuda muhomdo. Saka, aripo kuti achengetedze imi munguva yese yehondo.

ZVAKAZARURWA 1:11 richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira;

ZVAKAZARURWA 1:17 Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;

Mauto akabvisa Mutungamiri wenyika Assad muSiria akabvisa zvenguva duku hupikisi hweSiria pamusoro peIsraeri apo mutungamiri mutsva akanetseka kugadza hurumende pakati pemapato airwa muSiria. Rubasiro rwaive rusina kutarisirwa kuvaIsraeri.

Mwari ari kukweva tambo dzakasiyana pakurwira kwake Israeri.

 

Zvitendero zvakawanda nhasi zvakazara hunyengeri nemanyepo


 

Makereke anohwanda kuseri kwemazwi asimo muMagwaro akaita “seKisimusi”, “25 Zvita”, “Chishanu Chakanaka”, “Pasita ndiye musoro wekereke”, Tiriniti nezvimwe zvakadaro.

“Pasita nemwanakomana wake” hazvimo muMagwaro asi ibhizimisi rakanaka kwazvo rinochengetedza mari mumhuri. Kutadza kunoda mari zhinji kuti kurambe kuchienda mberi.

Makereke emharidzo anohwanda kuseri kwezvakabatwa paitaura vanhu nekuti havagoni kutsigira zvavanotenda neMagwaro. William Branham anonzi haatadzi, zvisinei nekukanganisa kwaaiita mune dzimwe nzvimbo.

MaMoziremu anovanda seri kwenhema dzekuti kwaive kwagara kuine rudzi rwevaParesitina.

“Palestina” yakazosimuka munana 1900. Haina nhorondo yekutanga yekare kare.

Tarisai zviitiko izvi apo vaiedza kugadza Siria yemaArabu kuiita Paresitina.

Kuita kunotevera kwakatorwa nekongiresi yekutanga yemaMoziremu nemaKristu yakasangana kuJerusarema muna Kukadzi 1919 kuti vasarudzi mumiririri “weParesitina” kuMusangano weParisi werunyararo.

“Tinoona ‘Paresitina’ sechikamu cheSiria yemaArabu. Sezvo isina kubvira yapatsanurwa kubva kwairi chero nguva. Tinoyanana nayo nekuda kwechitendero, chitauro, chibrekerwo, zvemari, nemiganhu yenyika.”

Muna 1937, mutungamiri wechiArabu, Auni Bey Abdul-Hadi, akaudza Peel Komisheni, yakakurudzira kukamurwa kweIsraeri”

“Hakuna nyika yakaita [seParesitina]! ‘Paresitina’ kutaura kwakagadzirwa nevaZioni! Hakuna Paresitina muBhaibheri. Nyika yedu yaive chikamu cheSiria kwemasenturi akawanda.

Nhorondo yeArabu neAmerica yakanyorwa, Profesa wePrinceton Univhesiti Philipi Hitti, akapupura kuti kwaive kusina kupatsanurwa Anglo American Komiti isati yavako muna 1946, akati:

“Hakuna chinhu chinonzi ‘Paresitina’ munhorondo, hakuna zvachose.

Mumiririri wekomiti yePamusoro yemaArabu kuMubatanidzwa wenyika dzepasi reseakaendesa kutaura kumukuru wemauto muna Chivabvu 1947 kwati:

“Paresitina” yaive chikamu chedunhu remuSiria” uye izvozvo, “panezvematongerwo enyika, maArabu ekuIsraeri aive asina rusununguko munhau dzekugadzira miganhu yezvematongerwo enyika padivi”.

Ahmed Shukairy haana kubvunza, semutungamiri weBato rezveRusununguko reParesitina, pakutaura kuKanzuru yeUN :

“Zvinhu zvinozvikanwa kuti Paresitina haisi chinhu asi Siria yeZasi” musi wa Kubvumbi 31, 1956.

Kutaura kwakabatwa uku kwese nekumwe kuri mumabhuku “TheClaim of Depossession” (Arieh Avneri, 1982 uye mubhuku “From Time Immemorial” (Joan Peters Harper, 1984).

Zviri pachena, maArabu munzvimbo yeParesitina aiona kudaidzwa kuti muParesitina kuri kutukwa.

MaArabu akatidzidzisa chidzidzo chakakosha.

Vanopa Mwari chitendero chakachena chavanozvipira kufira.

Asi zvitendero zvavo zvizhinji zvinovakirwa pamanyepo akazara.

Makereke nhasi ane dambudziko rimwechete saka Mwari akavimbisa kurutsa makereke ese mumuromo make. Vese veMharidzo nevasiri veMharidzo.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:

15 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori uye haupisi. Ndaida kuti dai uchitonhora kana uchipisa.

Kutonhora zvinoreva kushaiwa Magwaro. Mwari anosarudza kuti vanhu vave vasingatendi zvachose nekuti vasingatendi havanyengeri munhu nekunyepera kuva maKristu. Kunyengera ndiko muvengi wedu mukuru.

Munhu wamunofunga kuti ishamwari. Munhu wamunofunga kuti aikuudzai chokwadi.

Munhu aive achitaura chimwe chokwadi (achitevera Magwaro munzvimbo idzodzo) achikanganisa zvimwe (asingateveri Magwaro dzimwe nzvimbo.)

Kupisa zvinoreva kuti kutevera Magwaro zvakazara.

Vachida kubvisa chero zvinhu zvisiri muMagwaro mune zvavanotenda.

Kuda kwazvo kuwana kunzwisisa kwakadzama pane zvakanyorwa muMagwaro.

ZVAKAZARURWA 3:16 Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu.

Shoko raMwari rakanyorwa rakatanga kutaurwa kubva mumuromo Make.

Chero musiyano neShoko raMwari rakanyorwa unobva kuna Satani.

Masuwo eGehena ndiwo miromo yakazaruka yevaparidzi vanotaura zvinhu zvisimo muMagwaro.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23