Madzimambo mashanu akarasika ekuna Zvakazarurwa 17 vhesi 10



Kereke yeRoma ndiyo kumuka kwehushe hweRoma yechipegani hwaive huzere humhondi nehutsinye hwaive hwakavakirwa pazvikomo zvinomwe zveRoma.

First published on the 31st of May 2025 — Last updated on the 31st of May 2025

Jurio Kesari aida simba nemari kuti zvigare mumhuri yake yechipegani yeRoma.

Kesari. Agustus. Tiberio. Caligula. Craudiyasi. Ava vese vaive vafa apo Nero aiuraya maKristu akauya kuzotonga ari Mubati uye Pontifekisi.

Hongu, chinzvimbo chimwechete chakafanana nechaPope aiuraya maKristu makumi emamiriyoni muNguva dzeRima. Nero akafa mutungamiri wemauto Galba akatora nzvimbo yake kwechinguvana akazviita Mubati kwemwedzi minomwe.

Kutaura kwekuti “iye antikristu” hakumo muMagwaro. Antikristu mweya, kwete munhu.

Munhu wekupedzisira wezvivi achange ari munhu waSatani akasimba Pope wekupedzisira. Achatora chiPope nechisimba nerubatsiro rwemauto evadzvanyiriri gumi kwenguva duku yemakore matatu nehafu.

Mufundisi neMwanakomana wavo ibhizimisi rakanaka chaizvo rinopikisa chiCatholic rinochengetedza mari iri mumhuri.

Kusvikira Jesu auya kuzotsvaira vose vanoita mari nechitendero mumasangano avo.

 

Roma yakauraya ikateeresa mitero ikaramba ichitonga

Kare Roma yaimbotonga ikagara pakutonga kupfurikidza kutapa vatapi vayo.

Marudzi evatorwa akatapa hushe hweRoma negore 476 asi kereke yeRoman Catholic yakavatapa nekuvashandura kuvaita vetendi vekereke yeCatholic, muNguva dzeRima, Pope aive munhu ane simba pamusoro pavo vose muEurope.

Vemasangano pasi paMartin Luther vakakurira Pope ku Europe yekumusoro, Roma yakarwa ichidzosera nekusvibisa makereke emasangano nechitendero cheRoman Catholic. Zvaireva kuti kuisa munhu semusoro wekereke imwe neimwe. Zita rekuti “muprista” rakashandurwa zvine huchenjeri rikanzi “pasita”. Hapana muTestamente Itsva Pasita paakaiswa pakutonga kereke panzvimbo. Vemasangano vakagamuchira mazwi echiRoma asimo muMagwaro akaita seTiriniti, Kisimusi, Chishanu Chakanaka, Renti, kudya hove nechishanu Achibhishopu, sabata yemusi weSvondo, 25 Zvita, nezvimwe zvakadaro. Saka makereke emasangano anopikisa chiCatholic anoramba achiti kukanganisa, kutaura kweChirungu, chemuBhaibheri reKing James Vhizheni. Nekudaro vemasangano ava havasisina chokwadi Chakazara chekushandisa senheyo dzekutenda kwavo. Havazivi pamusoro pemuprofita wekupedzisira anouya kuzotidzorera kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga yemapostora. Vemasangano pavanopesana neKuuya kwaShe nekuda kwezvitendero zvavo zvisimo muMagwaro, vachazviona vave munguva yeKutambudzika kukuru vachitongwa naPope wekupedzisira. Achavauraya. Ndiko kuchava kukunda kwenguva pfupi kweRoma Jesu asati auya kechitatu paAmagedhoni.

ZVAKAZARURWA 17:3 Zvino wakandisengera kurenje mumweya, uye ndakaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere nemazita ekunyomba, chine misoro minomwe nenyanga gumi.

Guta reRoma rakatanga apo masvingo (anomiririrwa nemutsetse mutsvuku) akavakwa akapoteredza dzimba dzakavakirwa muzvikomo zvinomwe. Aya aive mavambo ehushe hweRoma yemapegani hwaitongwa neSeneti nemakanzera maviri aisarudzwa gore rega rega. Muzinda weHushe hweRoma waive Temberi yeJupita yaive pachikomo cheKapitoraini. (Denderedzwa dema.)

 

 

Mubati weRoma paakarasikirwa nesimba rake, simba rakaenda kumuzinda weLaterani uri pachikomo cheCealia paigara Pope (donhwe dema riri kurudyi.)

ZVAKAZARURWA 17:9 Zvino heino fungwa ine njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe mukadzi paagere pamusoro pawo.

ZVAKAZARURWA 17:18 Zvino mukadzi wawaona ndiro guta guru, rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.

Mukadzi mucherechedzo wekereke. Asi mukadzi uyu iguta! Vatican City. Kereke imwechete iri guta zvakare. Nyika yakazvimiririra isingadarika sikweya kiromita rimwechete iine vanhu 150 vanogaramo zvachose. Nyika dukusa pasi rese, “nyanga duku” yechiprofita chaDanieri.

Guta richaita simba guru pasi rese. Kune maRoma 1.4 bhiriyoni vanotarisira kuhutungamiriri muguta reVatican muRoma.

Mweya wakaipa uyu wakapinda mukereke yeRoma, wakatangwa nemuRoma mukuru wechipegani Jurio Kesari, aive nehutsinye kwazvo nemakaro, akagumisa hushe hweRoma yechipegani paakaitwa mutongi mukuru nekuzviita mudzvanyiriri kwehupenyu hwese.

Varume vanomwe, Kesari nevatongi vatanhatu vekutanga, vaibva mumhuri imwechete, totenda murairo wekurera apo vakaedza kuchengetedza vatsivi vavo, nemari, mumhuri. MaPope vanovimba nekutaura kwavo kwenhema kwekuti vakatsiva Sendi Pauro. Mapasita vanochengetedza mari nesimba mumhuri dzavo nekuita vanakomana vavo mapasta pamwe navo apo vanoedza kugadzira hushe hwavo. Simba rechitendero rinoenda kumwanakomana richibva kuna baba mweya weRoma yechipegani uye mweya weRoman Catholic.

Vadzvanyiriri vanomwe ava vakabva mumhuri yakesari vakazivisa hunhu hwakaipa hwakaonekwa mukutsiviwa kwemapope kwakazotevera. Pakafa Roma yechipegani muna AD 476, yakazomutswa patsva kuva mhenyu kubva mumatongo ehushe hweRoma yechipegani kuita kereke yeRoman Catholic. Vanhu vakafa, asi kwete mweya weRoma yechipegani. Nhasi Pope ndiye ega mudzvanyiriri muEurope.

ZVAKAZARURWA 17:10 uye ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, uye umwe aripo, umwe haasati asvika; uye kana achisvika, anofanira kugara chinguvana.

Jurio Kesari ndiye muRoma aizivikanwa kwazvo uye muRoma wekutanga kunamatwa samwari mushure mekufa kwake. Aive abhadharawo chiwoko mhomwe kuti aitwe muPrista mukuru wezvakavanzika zveBabironi. Akakurira Seneti akazviita mudzvanyiriri wehupenyu hwese. Vabati veRoma vagarova ndivo vana Pontiffi kusvikira muna AD 382 apo mubati Theodosius akapa chinzvimbo ichi kuna Damasasi. Ndipo pakapinda mweya wakaipisisa wezvakavanzika zveBabironi mukereke yeRoma. Nhengo dzechiprista cheBabironi dzakapihwa zvinzvimbo mukereke yeCatholic. Pope achiri kudaidzwa kuti Pontiffi.

Kesari akabva aurayiwa. Muzukuru wake aive nehutsinye Augustusi akaparadza hupikisi hwese akazviita mubati wekutanga nekuparadza simba reSeneti apo ainyepedzera kufarirana navo. Hutsinye uhu hwakaratidzwa nekereke yeRoman Catholic mukurwisa kwayakaita Spain vachirwadzisa nekupisa vanhu vari vapenyu. Guta rePergamosi, kwakagara Pontiffi weBabironi mumazuva evaPersia nevaGiriki, akatanga kunamata Augustusi achiri mupenyu. Augustusi akatora Tiberio kumuita mwana wake wekurera. Tiberio aive akaoma moyo aine hutsinye, uye ari mumbunyikidzi wevana. Zvirimo mumakereke anhasi.

Nhau dzekumbunyikidzwa kwevana dzichirimo mukereke yeRoma muAmerica chero hazvo Kamala Harisi akaramba kutonga nhau idzi muCalifonia. Nenzira iyoyo akasimbisa kuvhoterwa kwake nekereke yeRoma.

Mwanakomana wemukoma waTiberio akatevera kuita mubati Karigura akasimbisa kunamatwa kwake samwari.

Mumazuva aMartin Luther, makore akapoteredza 1 500, Pope akatengesa kuregererwa kwezvivi. Asi Mwari ega ndiye anogona kuregerera zvivi. Saka, Pope aiti ndiye Mwari. MaPope akaita mari zhinji kubva mukutengesa kuregererwa kwezvivi uku zvekuti vakakwanisa kupenda Chapero yeSisitine nekuvaka kereke yeSt Peter’s muVatican City.

Carigura akaurayiwa nemurindi wake sekuru vake Kraudio vakatora chinzvimbo. Kraudio akaitwa mubati nemauto, kwete neSeneti. MaPope mazhinji vakaurayiwa nevaivapandukira vaida chinzvimbo ichocho vaitokwanisa kubhadhara chioko muhomwe.

Kraudio akaroora mai vaNero akaisirwa muchetura namai vaNero muhowa.

Ava vaive vashanu vaive vawa. Kesari, Augustusi, Tiberio, Karigura naKraudio.

Nero ndiye akaita wekupedzisira wemhuri yaKesari yekurera. Akazviita mwari, akauraya mai vake, akauraya mukadzi wake aive akazvitakura amukava mudumbu, akapisa Roma muna AD 64, akatanga mupomera kuuraiwa kwemaKristu kuti ndiko kwakakonzera moto. Akati vanhu vakapfuma vasiire pfuma yavo kwaari mumawiri avo pavaiita izvi, aivaita kuti vazviuraye kuti atore mari dzavo.

Nero akatanga kuurayiwa kwemaKristu. MuNguva yeRima kereke yeRoma yakauraya makumi emamiriyoni evanhu vaive vasiri maKristu vaivapikisa. Kuuraya uku kwakaenderera kwemakore anodarika 1000.

Johane Muzaruriri akaita musungwa wezvematongerw pachitsuwa chePatmosi enyika nekuda kwekutenda kwake. Nero paakafa muna AD 68 Johane, nevamwe vasungwa vese vezvematongerwo enyika, vakaburitswa. Saka, chikamu chaZvakazarurwa chaive chanyorwa negore AD 68 Tembere yemaJuda yaive ichiripo.

“Umwe achipo”. Aive Nero. Kuratidza kuti Johane aive pachitsuwa chePatmosi munguva yeKuurayiwa kwaNero.

Kutevera Nero ari Mubati kwakauya Galba Ortho, Viteriusi, Vespasian, Tito naDomitian.

Domitian aive mubati kubva muna AD 81 kusvika 96. Akauraya maKristu Johane akatongerwazve kugara mutorongo pachitsuwa chePatimosi. Ndiko kwakanyorera Johane Bhuku raZvakazarurwa. Pakafa Domitian, Johane akasunungurwa zvakare.

Mutongi wechinomwe aive Galba. Aive mutungamiri wemauto akatora nechisimba chinzvimbo chemubati pakafa Nero. Asi Galba akangotonga kwemwedzi minomwe akaurayiwa. Izvi mucherechedzo waPope wekupedzisira achava munhu wezvivi achatora chiPope nechisimba otonga makore matatu nehafu.

DANIERI 11:21 Panzvimbo yake kuchamuka munhu unofanira kuzvidzwa, Wakanga asina kupiwa kukudzwa kwovushe, Asi iye uchasvika nenguva yokufara kwevanhu, ndokutora vushe nokubata kumeso.

Pope wekupedzisira haangaiti Kadhinari akasarudzwa neKanzuru yemaKadhinari. Achauya kubva kunze neimwe nzira otora nzvimbo yake zvechitsotsi oita Pope. Asi, saGalba, achaurawa pahondo yeAmagedhoni atonga pasi rese kwenguva duku.

Mhuri yaKesari yaive yekutanga yevatongi veRoma. Asi vakagadzira nekugadza mweya wekereke yeRoman Catholic yaizotevera.

Kereke yeCatholic iRoma yechipegani yakamutswa kubva pamusoro pezvikomo zvinomwe mumatongo ehushe hweRoma.

Saka, Roma yechiPegani yakashanduka kuita Roma yemaPope, Papal Rome.

ZVAKAZARURWA 13:3 Zvino ndakaona umwe wemisoro yacho wakaita sewakaurawa kusvika parufu; asi vanga racho rekufa rakange rapodzwa; nyika yese ikashamisika shure kwechikara.

Misoro minomwe inomiririra zvikomo zvinomwe zvaive zvakavakirwa Roma pakutanga.

Chikara chine hukasha chakasimuka mugungwa remarudzi asina kugadzikika aigara paane Europe nhasi, ndihwo hushe hweRoma. Izvi zvinoratidzwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 13.

 

 

Zvakazarurwa Chitsauko 17 inoratidza kuti mukadzi anotonga, kereke yeRoma yakutonga mweya wechikara weRoma. Chikara chaane ruvara rutsvuku, ruvara rwakafanana nenguwo yemukadzi. MaKadhinari eRoma anotungamirira kereke anopfeka nguwo tsvuku.

 

 

Tarirai mukadzi ari parutivi pemisoro minomwe. Izvi zvinomiririra guta reVatican riri parutivi pezvikomo zvinomwe zveRoma.

 

 

Muzinda wehushe hweRoma yemapegani waive Temberi yeJupita pachikomo cheKapitoraini. Chikomo ichi chakarasikirwa nesimba racho muna AD 476 pakatapwa hushe hweRoma nemarudzi evatorwa. Simba rehushe hweRoma rakaparadzwa. Asi pamatongo ehushe hweRoma, kereke yeRoman Catholic yakamukapo nehutsinye hwemweya wechipegani huri chipegani chakabapatidzwa chikazvidaidza kuti kereke.

Muzinda wekereke yeRoman Catholic waive, uye uchiri, Basirika (kereke huru) iri parutivi rwemuzinda weRaterani pachikomo cheCealia.

Chiverengo chechinomwe chinoreva kupedziswa. Mazuva manomwe pavhiki.

Chiverengo chechisere chimisikidzo chitsva.

Chisikwa chipenyu, kana Kereke yeRoman Catholic, ndiyo yechisere uye ndiyo “yechinomwe” zvichireva kuti kereke yeRoman Catholic ndeyekuita kwevadzvanyiriri vanomwe vekutanga veRoma.

ZVAKAZARURWA 17:11 Uye chikara chaivapo, uye chisipo, ndiyewo werusere, uye anobva pavanomwe, uye anoenda mukuparadzwa.

Jurio Kesari aive mudzvanyiriri kwehupenyu hwese. Pope ndiye ega mudzvanyiriri muEurope uye anotonga kwehupenyu hwese. MaPope maviri chete ndiwo ega akasarudza kusiya basa ega munhorondo yekereke.

Chipope ibasa remunhu mumwechete apo maKadhinari, semaseneta pasi paAugustusi, anoita kunge aine simba asi sarudzo chaidzo dzichiitwa naPope.

SaTiberio, mudzvanyiriri wepwere aisemesa, nhorondo yerima yekumbunyikidza mukereke yeRoma inoziviswa zvishoma nezvishoma.

Karigura aifunga kuti aive Mwari. Pope agere muVatican anoti anoregerera zvivi. Mwari ega ndiye anoita izvozvo. Bhaibheri rinoda kuti tireurure zvivi zvedu kuna Jesu Kristu, kwete kumunhu. Muna 1302 Pope akazivisa kuti hamugoni kuwana ruponeso kana musiri pasi paPope. Saka Pope anotora nzvimbo yaKristu. Chinzvimbo chake chinonzi Vicarius Kristu “panzvimbo paKristu”. Asi Kristu ndiye Mwari. Saka Pope agere panzvimbo yaMwari.

II VATESARONIKA 2:3 Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,

II VATESARONIKA 2:4 anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvese zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvikira agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.

Nero akaita muurayi wemaKristu wekutanga. Makumi emamiriyoni evaisatenda muchiCatholic vakaurayiwa muNguva yeRima.

Kutaura kwekuti “iye antikristu” hakusi muMagwaro. Antikristu mweya, kwete munhu.

Munhu wekupedzisira wezvivi achave muchinda mukuru waSatani. Satani paachadzingwa kudenga apo Jesu anodzoka kuzotora Mwenga wake, chinzvimbo chemunhu wezvivi uyu chaachatora chichava chaPope. Zvichamupa hupfumi nesimba rekutonga maCatholic 1.4 bhiriyoni. Basa guru rinotanga anenge aine makore matatu nehafu chete ekutora nekutonga nyika. Saka, achashandisa simba remauto evadzvanyiriri gumi vachamupa masimba avo kuti asimbe.

ZVAKAZARURWA 17:12 Nenyanga gumi dzawaona, ndiwo madzimambo gumi, asati agamuchira ushe, asi achagamuchira simba semadzimambo pamwe nechikara awa rimwe.

13 Ava vane fungwa imwe, uye vanopa simba neutongi hwavo kuchikara.

Pakufamba kwemasenturi, Pope akararama mumuzinda weLaterani pachikomo cheCealia kubva muna AD 312, anotanga zvishoma nezvishoma kuita simba rakarasikirwa nanaKesari veRoma. Chakarasika pachikomo cheKapitoraini nekuda kwemunondo wemarudzi evatorwa, chinodzoswa nemaPope mukereke yeLaterani pachikomo cheCealia.

 

 

Chipoko chaKesari wechipegani chinomuka chiri Pope paguva rehushe hweRoma yemapegani.

Kereke yeLaterani (kana basirika) pachikomo cheCealia ndiwo muzinda wekereke yeRoman Catholic, chero hazvo Pope ikozvino akugara muguta reVatican.

ZVAKAZARURWA 17:8 Chikara chawakaona, chaivapo, uye chisipo; uye choda kukwira chichibva mugomba risina chigadziko, chichienda mukuparadzwa; uye vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku reupenyu kubva pakuvambwa kwenyika vachashamisika vachiona chikara chaivapo uye chisipo, kunyange chiripo.

Roman Catholic inoti, zvekunyepa, Petro ndiye Pope wavo wekutanga uye mamwe maPope ese vatsivi vaPetro.

Saka, pavanokwanisa napo kudzokera munhorondo yekereke, vanotaura zvekunyepa kuti kwakanga “kuina” Pope.

“haachipo” Pope anofa.

“avapo” Pope mutsva anosarudzwa.

MaPope ndiwo mutsetse mukurusa wevatongi munyika dzekuMadokero. Hazvishamisi pasi rese rinoyemura nekushamiswa navo.

 

 

Hazvishamisi kuti nei maPasita emasangano anoteedzera mweya uyu votaura kuti vanakomana vavo ndivo vanovatsiva kuva maPasita anotevera.

Pasita neMwanakomana wake inzira yebhizimisi rakanaka rinochengetedza mari iri mumhuri.

Kusvikira Jesu achiuya kuzotsvaira vanoita mari nechitendero kuti vabude muTemberi.

Mutsetse wevatsivi ndiwo wakagonesa kereke yeRoman Catholic kurarama.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23