Kuteerera hazvirevi kuti Kunzwa



Tinokwanisa kuteerera dzidziso tisingainzwisisi. Kunzwa zvinotaura munhu kunotiita kuti tinzwisise zvotishandura.

First published on the 22nd of April 2023 — Last updated on the 22nd of April 2023

Munosvika chete pakunzwa kana manzwisisa zvinenge zvichitaurwa

 

“Kuteerera” zvinoreva kuzvipira kupa nzeve asi hazvirevi kuti uri kunzwisisa zvinoreva ruzha rwemashoko acho. Nekudaro, zvinenge zvataurwa hazvishanduri hunhu hwedu.

Kunzwa” zvinoreva kuti kuziviswa chimwe chinhu nezvinenge zvataurwa kana zvanzwikwa. Kunzwisisa kwenyu kunodzamiswa.

Zvamunonzwa zvinokurudzira hunhu hwenyu zvinova zvamunoita.

DEUTERONOMIO 5:1 Zvino Mosesi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, "Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita.

MATEO 15:10 Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, tererai munzwisise.

Kunzwa kunofanira kuyananiswa nekunzwisisa nekuti kunzwa kune chiremerera.

VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.

Munowana chete kutenda kubva kuMagwaro amunonzwisisa.

Dambudziko redu nderekuti hatizivi zvakawanda zvezvakavanzika zveBhaibheri zvatinoedza kuwanira mhinduro dzakaneta dzisina zvadzinoreva.

VAHEBERU 5:11 Tinamashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasichagoni kunzwisisa kwazvo.

“Vasichagoni kunzwa” zvinoreva kuti kusagona kunzwisisa.

Kunzwisisa chimwe chinhu kunoda kushanda nesimba.

PaBaberi, vanhu vakanzwisisana pazivo yavo yekutaura zvekuti vakava nehungwaru muzviito zvavo zvenyika zvekuti Mwari akasvika pakuvaparadzira nekushandura mitauro yavo.

Vaifanira kungwara sezvo vaive vakadzidza kudarika hungwaru hwavo.

Nhasi tine mabhomba enyukiriya ane simba kwazvo. Isu vanhu hatina huchenjeri hwekushandisa simba rakadaro. Zvakare isu vanhu takadzidziswa zviri pamusoro pezivo yatinayo takugona kuzvibvisa kubva pakurarama. Sekunge chinhu chakanaka chezvesainzi.

Kungwarisa zvinoreva kuti vanhu tinogona kuita nzira dziri nani dzekuzviparadza.

Sezvakataurwa naEinstein, hakuna gonzo ringagadzire chikirimbani.

 

Tinoti Alexander Mukuru ndiye aive muvaki wehushe mukuru kwazvo kumadokero. Asi akawana mbiri yake nekuuraya vanhu vaisvika miriyoni. Nekuda kwaizvozvo, tinomuti “Mukuru”. Pane zvisina kuita zvakanaka pamafungiro edu. Musavimbe nezivo dzenyika.

Nekukasika mumashure meMvura yaNoa, pamasvingo eBaberi, vanhu vakatanga kugadzira zivo dzavo dzenyama.

Saka, Mwari akasarudza kupindira paBaberi.

GENESISI 11:6 JEHOVA akati, "Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chi­nhu chavangada kuita chavangadziviswa.

7 Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo,." kuti varege kunzwana kana votaurirana.

Kusagona kunzwisisa zvakataurwa zvinoreva kuti ruzivo rwavo haruna kubvira rwakura.

Mwari haadi kuti zivo dzevanhu dzikure zvakanyanya sezvo vanozongoguma vakugadzira zvombo zvehondo kuti Rufu ashandise.

Vanhu vepaBaberi vakapararira vachibva kune vamwe vavo nekuti vaive vasisina chavainzwa sezvo dzimwe ndimi dzaive dzakutaurwa nevamwe vavo dzaisanzwikwa.

Kuteerera hakurevi chinhu. Tinogona tese kuteerera kumunhu achitidzidzisa asi vangani vanokwanisa kunzwisisa?

Kuteerera kunoreva kuti zivo inopinda munzeve imwe ichibuda neimwe.

MARKO 8:18 Zvamunameso, hamuvoni here? Zvamunenzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here?

Tese tinoteerera kuruzha rwezwi totenda nzeve dzedu dzinogashira ruzha. Izvi zvinodaidzwa kuti mhere mhere kana kodhi.

Asi kwaive nezvimwe zvinhu zvaiveko zvaitaurwa zvaifanira kunzwisiswa mundangariro. Zvinodaidzwa kuti zviratidzo kana kuti zvirevo zvemakodhi.

Mumazuva eteregiramu, vaingotumira zvinhu zvishomanana (madhotsi) kana kuti zvakati rebei (madheshi).

Zvainzwikwa nevanhu zvaive zvekuti dhoti dhoti dhoti dheshi dheshi dheshi dhoti dhoti dhoti”.

Makodhi aya akavanza micherechedzo SOS (Save our Souls Ponesai Mweya yedu) kudana kwechimbi chimbi kwekukumbira rubatsiro.

Vaya vakanzwa micherechedzo vaizodaira nekufamba kuenda kunobatsira vanhu. Izvi zvairatidza kuti vaive vachinzwisisa.

Vamwe vakagona kuteerera madhotsi vakapinda asi havana kuziva zvazvaireva.

Saka, vaigona kuteerera asi vasingagoni kuita chero chinhu pamusoro pezviratidzo zvaiita sekuti hazvina zvazvaireva.

“Ndinzwei” zvakangotaurwa kamwechete muBhaibheri kuna Isaya 49:1.

ISAYA 49:1 Ndinzwei, imi zviwi, teererai, imi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;

ISAYA 49:4 Asi ndakati, "Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo; asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu.

Vanhu vaive vateerera kuna Isaya nekuti izwi rake rainzwika, asi havana kunzwisisa kuti aiedza kuvaudza kutii. Vaive vasinganzwisisi zvaaitaura.

Kwaive kusina kugovana panhau nekuda kwekuoma kwemoyo yavo uye havana kunzwa micherechedzo yaive mukutaura kwake yaivajekesera.

Saka, kubata uku kwaive pasina. Kwaive kusina mhinduro kune zvaakataura. Vanhu vaingomufuratira.

Munofanira kugamuchira zvinotaurwa nemuprifita musati manzwa zvaanotaura.

Eriya yewairesi kana chivhiti vhiti inofanira kuiswa isati yabata masai sai ezvinenge zvichishambadzwa.

Hazvibatsiri kungoterera kumuprofita nekuti munowana kunzwisisa kushomanana.

Asi kana mukanzwa zvataurwa nemuprofita mozviyananisa nezvimwe zvakataurwa muBhaibheri munowana nzira dzendangariro dzinobva muMagwaro.

Nhasi tinowana muonero wakaneta wezviri muBhaibheri nekutsvaga zvirevo zvisina kusimba pamusoro pemicherechedzo mizhinji nezviitiko nekuti tinotya kushanda nesimba kunodiwa kuti titsvage nekufukunura chokwadi.

JEREMIA 29:13 Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomoyo wenyu wose.

Tinoedza kutsanangura vhesi nezvirevo “zvakagadzirwa” kunge vhesi iroro rakazvimiririra.

Asi nenzira iyoyo hatigoni kutsanangura vhesi rimwe nerimwe muzvikamu zvemamwe mavhesi akafanira kubva kuTestamente dzese Itsva neYekare.

Chokwadi chinoziviswa mukushandidzana kwemavhesi anoyanana.

Nyama mucherechedzo wedzidziso.

Nyama yakachena inofanira kuva nemahwamba akaparadzama kana tsoka dzakaparadzana akafanana neemombe kana nzombe.

REVITIKO 11:3 Zvose pakati pemhuka zvinamahwanda akaparadzana, kana zvinetsoka dzakaparadzana, zvinodzeya, mungazvidya

Mahwamba akaparadzana anoisa tsimba mbiri muvhu.

 

 

Pamweya izvi zvinoreva kuti dzidziso inofanira kuwanikwa muTestamente Itsva neTestamente Yekare. Tinobva tatanga kunzwa chaizvo zvinoreva Bhaibheri nekuti tinogona kunzwisisa zvinenge zvichitaurwa kubva muMagwaro.

Kudzeya zvinoreva kuti munogona kutora mavhesi ese eBhaibheri anosanganisirwa munhau inenge iripo kusvika zvese zvakwana “mumufananidzo” mumwechete kana zaruriro imwe.

Hamutendi mazviri nekuti kune munhu azvitaura.

Munofanira kutenda mazviri nekuti Bhaibheri ndiro rinotaura izvozvo.

64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO 1

Asi vanogamuchira Shoko mukuzara kwaro,

Kwete nekuti ndini ndazvitaura, nekuti Shoko rataura izvozvo.

Vanogamuchira izvozvo vakasununguka, nekuti Shoko rakatongwa kare.

KUZIVISWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9. NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA

Nekuti muprofita wechokwadi anotungamirira munhu kuShoko nekusungira vanhu panaJesu Kristu haaudze vanhu kuti vamutye kana kutya zvaanotaura, asi kuti vatye Shoko raMwari.

62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA 2

Zvino, zvinhu izvi zvose zvandareva, kana zvisingafambirane neBhaibheri, kana kutaura zvakafanana nezvinorehwa neShoko raMwari, zvakaipa, zvakaipa.

65-0801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA

... kuti vanhu vakatenda kuMharidzo

Kuti Ishe Jesu Kristu vakapa ini kunguva ino, vanokwanisa kuziva zviri kuitika,

Vozviisa muMagwaro.

Kudzeya zvinoreva kuti munotenda chete dzidziso nekuti munenge makugona kuitevera muTestamente Yekare neTestamente Itsva.

 

Chinhu chiduku duku chamunopotsa zvinoreva kuti mukana mukuru wasara wakashama pazivo yenyu

 

Chero mubvunzo watisingagoni kudaira tinowanzoufuratira tichiti hauna maturo. Uku kukanganisa kukuru.

Tsananguro yaNewton yesimba rekudonha inotsanangura maonero evanoita zvemuchadenga zvakanakisa, kunze kwekutenderera kwepuraneti Mekiyuri iri pedyo zvakanyanya neZuva. Yaive kunze, masekondi 43 eaki musenturi. Kamusiyano aka kakafuratirwa kachinzi chinhu chisina maturo nevanhu vesainzi vakawanda asi zvakashungurudza Einstein. Akazotangawo tsananguro dzake dzekuyanana dzaigona kutsanangura kuita uku. Muonero wake “munguva yemuchadenga” wakatsiva tsananguro dzaNewton zvakazara. Mekiyuri, nekuti iri pedyo nezuva, yaikurudzirwa zvakanyanya nesimba rezuva rekugona kubvisa nguva yemuchadenga.

Saka, chinhu chiduku chaive chisina kunzwisiswa chaive gwara rekusvika “pamukova” wakazarura muonero wakadzama pasi pedenga nenyika.

Nemamwe mazwi, chinhu chiduku duku chisina kushanda pakutenderera kweMekiyuri yaive nzira yaMwari yekuudza vanhu vesainzi vemazuva iwayo kuti kwaive kuchiri nezvizhinji zvavaive vasinganzwisisi.

Vaive vachiri kufanira kudzidza tsananguro dzaEinstein dzekufanana.

Saka, kana paine zvinhu zviduku muBhaibheri zvamusinganzwisisi zvinoreva kuti kuchiri nezvinhu zvizhinji zvamuchiri kufanira kudzidza.

Tarirai zvimwe zvezvinhu zvinotevera

MuEvangeri raMateo, Maria Magadarina akabata tsoka dzaJesu kunze kwebwiro risina munhu. Kuna Johane, Jesu akaudza Maria kuti asamubate pavaive kunze kwebwiro. Musiyano muduku uyu unotidzidzisei?

Kuna Mateo, hakuna kutaurwa nhau yekukwira kudenga kwaJesu. Chii chakakosha chatinodzidziswa nenhau iyi?

Kuna Ruka, hakuna kutaurwa pamusoro paJesu achifamba pamusoro pemvura. Ruka akasiirei izvi?

Zvinoda muono wakadzama muBhaibheri kutsanangura izvi zvose.

Kana tikateerera kuBhaibheri tinofuratira misiyano iyi yose sekuti zvinhu zvisina basa.

Tinofanira kunzwa zvinotaura Bhaibheri kuti tibate micherechedzo yakavanzwa inotsanangura kuti nei zvinhu zvakanyorwa nenzira iyi. Asi izvi ibasa rakaoma kwazvo kutsvaga zvirevo zvakadzama.

Zviri nyore kwazvo kungoterera panoverengwa zvinhu izvi misiyano yacho haina zvainoreva kwatiri. Vanoteerera vanoda tsananguro dzakareruka dzisina zviratidzo kana micherechedzo chaiyo.

ZEKARIA 4:10 Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku?

Kana tisingagoni kutsanangura zvinhu, chikonzero ndechekuti hatina kunzwisisa kwakadzama pamusoro penhau dziri kutaurwa nezvadzo.

 

Kupa vanhu 4000 zvekudya nevanhu 5000 zvine gwara rechiverengo chechi 7 uye chechi12

 

Tinoterera minana yekupihwa kwevanhu 4000 nevanhu 5000 zvekudya kubva pambuva yemwana wechikoro. Tinofara apo Jesu akaratidzira kuti aive Musiki.

Asi tinobva tafuratira zviverengo zvakasarudzika zvakabuda paminana iyi.

Tichiwedzera, tinotarisira pasi chikonzero nei Jesu akaisa kukosha pachiverengo chematengu emafufu aive araswa akanongwa nevadzidzi vake.

MARKO 8:6 Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.

7 Vuye vakanga vanehove duku shomanene; zvino akadziropafadza, akati zviiswe vo pamberi pavo.

8 Vakadya, vakaguta, ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.

9 Vanenge vaiva zvuru zvina; akavaendisa.

Vanhu 4000 vakapihwa zvekudya matengu manomwe emafufu aive araswa akanongwa.

Pane chiitiko chaive chadarika, vanhu 5000 vaive vapihwa zvekudya pakanongwa matengu gumi nemaviri emafufu aive araswa.

MATEO 14:19 Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavuswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.

20 Vakadya vose vakaguta. Vakavunganidza zvimedu zvakasara matengu anegumi nemaviri azere.

21 Vakanga vadya vaiva varume vane zvuru zvishanu vakadzi navana vasingaverengwi.

Asi zvinoshungurudza kuti tinoramba tichifuratira zvimwe zvakakosha patinoteerera Bhaibheri richiverengwa.

1. Nei akaita izvi kaviri chete?

2. nei kwaive nemafufu akaraswa? Jesu saMwari, aiziva kuti munhu mumwe nemumwe aizodya zvakadii.

3. Nei vadzidzi vakazononga mafufu aive araswa pakataurwa kuti akazadza matengu mangani emafufu? Taingokwanisa kufunga kuti hazvina kukosha. Saka, tiri kupesana nei kana tichiverenga pamusoro pemunana uyu?

4. Nei kupihwa chekudya kuvanhu 5000 kuchiwanikwa mumabhuku mana ese eEvangeri?

5. Nei munana wekupa vanhu 4000 zvekudya wakataurwa kuna Mateo naMarko chete?

Zvinhu zviduku, sekutaura kwedu, nekuti hatigoni kupindura mibvunzo. Kushaiwa zivo kwedu kunotiudza kuti mibvunzo iyi haina kukosha. Sekunge kune chinhu chiri muBhaibheri chisina kukosha.

Shoko rimwe nerimwe riri muBhaibheri rakakosha.

ZVIREVO 30:5 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa;

Asi kushaiwa zivo kwedu pamusoro pezvinhu zviduku kunotiudza kuti tinonzwisisa zvinhu zvishoma muBhaibheri.

Saka, vakawanda vedu havatorangariri kuti matengu emafufu akanongwa aive mangani.

Takaterera kutsanagurwa kwemunana asi hatina kunzwisisa kuti mafufu akarambwa aimiririra mucherechedzo wechii?

Kana tisinganzwisisi zvinotaurwa zvinoreva kuti hatina kunzwa micherechedzo yaiedza kuiswa kwatiri naJesu paakaita minana miviri iyi.

Nei akaita munana uyu kaviri akasazozviita zvakare?

Jesu anoshanda nemapoka maviri. MaJuda nevaHedeni.

Paakauya kumaJuda akagara kwavari muNyika yeIsraeri akasashanda nevaHedeni kusara kwevashoma vavo. MaJuda akamuramba akatendeukira kukereke yevaHedeni akafuratira vaJuda.

Mafufu enchingwa nenyama akaraswa aiisa kukosha kuEvangeri rakarambwa nemaJuda pavakaramba nekuroverera Jesu.

Nekukasika Jesu achatora kereke yake yechokwadi kuenda nayo Kudenga. Achadzokera zvakare kumaJuda kunotora maJuda 144,000 ofuratira maKristu emasangano akaponeswa vanenge vakandirwa munguva yemakore matatu nehafu ekutambudzika kukuru. Kuipa kwezvavanosangana nazvo kunoita kuti vasikana mapenzi vashaiwe shungu muzvitendero zvemakereke avo zvisimo muMagwaro.

Jesu akapa vanhu 5000 zvekudya pedyo nemahombekombe ekumusoro eGarirea munzvimbo yeguta rechiJuda reBetisaida.

 

 

Kana tikangoterera zvinyorwa zveBhaibheri zvekupihwa chekudya kwevanhu 5000 nevanhu 4000 tinenge takafanana nevanhu vari kuverenga gwaro renhorondo yeminana mikuru miviri tisina kunzwisisa kwakadzama kwatinako.

Zvinyorwa izvi zvinenge zvisina huremu chaihwo nekuti minana iyi inenge isina kuyanana nezano kana nzira ine zvainoreva.

Asi Jesu aitarisira kuti tinzwisise zvakavanzika zvakadzama maringe nezviverengo zvemafufu echingwa nenyama zvaive zvanongwa.

Saka tinofanira kuvhima gwara rakadzama.

Chingwa mucherechedzo weShoko raMwari. Mbiriso mucherechedzo wedzidziso dzakawodzwa dzinodzidziswa nevakuru vezvitendero vasina kugona kunzwisisa chokwadi cheShoko raMwari. Vatungamiri vezvitendero vakafanana nevaFarise, vakarasa vanhu nekutadza kwavo kwaive kusina chekuita neMagwaro kusvika vanhu vasisanzwisise zvaireva Shoko raMwari. Vanhu vanoguma vakutenda musanganiswa wechokwadi cheBhaibheri (chingwa) nedzidziso netsika dzisimo muMagwaro (mbiriso). Kutadza uku kwakavamisa kunzwisisa mavhesi eBhaibheri akawandisa avanofuratira vachiti haana kukosha, kuti varwire zvitendero zvavo zvisimo muMagwaro.

Saka vanoterera mharidzo dzavo vhiki rega rega paMagwaro “akanaka” asi vachinzwisisa zvishoma kwazvo pakati peMagwaro ese.

Kusaziva Bhaibheri idambudziko riri kukura mumakereke.

 

Kunzwisisa chiverengo chematengu emafufu akaraswa

 

Jesu akati kuvadzidzi vake:

MATEO 16:9 Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu n amatengu amakawana kuti aiva mangani?

10 Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?

Saka, Jesu anoda kuti tinzwe zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pekupihwa kwevanhu vazhinji zvekudya nenzira yekuti tinzwisise muono wakadzama waaiedza kutidzidzisa.

Tinobva taziva kuti nei akaita minana iyi kaviri chete.

Tinobva tazivawo kuti nei paifanira kuita mafufu echingwa nehove akaraswa.

Tinobva taziva kuti nei pakaita matengu 12 nematengu manomwe emafufu AKARASWA.

Kana tisingagoni kudaira mibvunzo iyoyo tinenge tateerera panotaurwa nezveminana iyi asi tisina kuinzwa.

Kuterera kwakafanana nekuti “zvinopinda neimwe nzeve zvichibuda neimwe”.

Kana tisina kunzwisisa kwakadzama tinenge tichiteerera asi tisinganzwi.

Kuita kwekunzwisisa kunotapa mazwi kumaisa mundangariro dzedu kwomayananisa nenzira dzakadzama dziri muMagwaro.

MuTestamente Yekare mutabernakeri, maive nechigadziko chemwenje minomwe netafura ine zvingwa gumi nezviviri zvekuratidzira.

Saka, 12 ne 7 zviverengo zvine chirevo chakadzama kuna Mwari.

 

 

Musoro wenyu wakabatanidzwa nemuviri nemabhinzo emutsipa. Mabhonzo anodaidzwa kuti vhetebhureyi 7 ekutanga anobva kumutsipa anotevera 12 anobatanidzwa nembabvu.

Jesu ndiye Musoro. Vatendi ndivo vanoita muviri wake. Mucherechedzo ndewei?

Hukama hwepedyo hwaachaita nemunhu ndehwekuti munhu achava mwenga wake.

Mwenga waKristu anomiririrwa nemabhonzo 7 evhetebhureyi ekutanga anoita mutsipa.

Mabhonzo 7 evhetebhureyi mucherechedzo wenguva nomwe dzemakereke umo Jesu anotora Mwenga wake kubva maari.

Vanhu 4000 vakapihwa zvekudya kuzasi kwegungwa reGarirea pamahombekombe enzvimbo yevaHedeni yeDekapori, maguta gumi.

 

 

Jesu akasvika kumuganhu wekuzasi weGungwa reGarirea kubva kuzasi achipinda nemunzvimbo dzevaHedeni dzeDekapori, maguta gumi.

Jesu aiisa kukosha pavaHedeni.

MARKO 7:31 Zvino wakati achibva zve munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kugungwa reGarirea, napakati penyika yeDekapori.

MARKO 8:1 Namazuva iwayo zvakwakanga kunavazhinji-zhinji, vakanga vasinazvavangadya akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:

Munguva dzaaive muDekapori, akapa vanhu 4000 zvekudya.

 

 

Gungwa reGarirea riri pakati peGarirea (maJuda) neDekapori (nzvimbo dzevaHedeni).

Chingwa nenyama mucherechedzo wedzidziso.

Jesu akashandisa zvingwa zvinomwe vadzidzi vakaunganidza matengu emafufu akaraswa. Nemamwe mazwi, Evangeri raJesu raizorambwa nemaJuda asi vadzidzi vake, vakazova vapostora venguva yekereke yekutanga, vakateya nheyo dzeTestamente Itsva kubva kuEvangeri raive rarambwa nevaJuda. Evangeri iri raizosangana nenguva nomwe dzemakereke kuti ritungamirire kereke kuenda kuna Kristu.

Jesu akapa vanhu 5000 zvekudya kubva muzvidimbu zvechikafu zvinomwe (zvingwa zvishanu nehove mbiri) vadzidzi vake vakanongapo matengu gumi nemaviri emafufu akaraswa kubva kunzvimbo dzaive pedyo neBetiseda.

Uyu mucherechedzo wekuti Evangeri raJesu raive rarambwa nevaJuda. Mumashure memakereke manomwe, Evangeri rinozodzokera kumarudzi gumi nemaviri evaJuda kunotora maJuda 144,000.

 

Nzira yechiverengo chechi 7 uye chechi12 muTabernakeri

 

Ngatitarisei nzira iyi kubva pamaonero eTabernakeri.

AMOSI 9:11 Nezuva iro ndichamutsa tabernakeri yaDavidi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare;

Tabernakeri yeTestamente Yekare “Tabernakeri yaDavidi” yaizovakwa zve sei muTestamente Itsva.

Jakobo, achitaura akamiririra mapostora, akati:

MABASA 15:14 Simeoni [Simoni Petro] wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.

Petro aive muredzi. Akakweva kuunza maJuda maSamaria, nemaHedeni nesimba reMweya Mutsvene.

Kuna Mabasa Chitsauko 2 Petro akakweva kuunza MaJuda pazuva rePentekositi.

MABASA 2:5 Zvino paJerusarema pakanga pagere vaJuda, varume vakarurama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga

MABASA 2:14 Zvino Petro amire navanegumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti: Varume veJudea, nemi mose mugere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muterere mashoko angu

Petro akaparidza kutendeuka nekubapatidzwa kwevabva zera muzita raJesu Kristu kuti vachingamidzane nechipiwa kana kuti rubapatidzo rweMweya Mutsvene.

MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.

39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.

MABASA 2:41 Zvino avo vakagamuchira nomufaro shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zvuru zvitatu vakawedzera.

Chipikirwa ndiwo Mweya Mutsvene.

Nzvimbo inofanira kugara vaHedeni iri muShoko raMwari. Tinofanira kurarama neMagwaro.

Saka Nyika yeChipikirwa kukereke yevaHedeni ndeapo Mweya Mutsvene wazivisa kwatiri Shoko raMwari seChokwadi chedu chikuru.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;

Petro akatendeukira kuvaSamaria vaive vabapatidzwa naFiripo.

MABASA 8:5 NaFiripo wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu.

14 Zvino vaapostora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petro naJohane kwavari.

15 Ivo vakaburukira’ko, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene;

16 nokuti wakanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobapatidzwa muzita raShe Jesu bedzi.

17 Ipapo vakaisa mavoko avo pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene

Saka, Petro, muredzi mukuru akakwevawo vaSamaria kuti vauye vagamuchire rubapatidzo rweMweya Mutsvene runogonesa ivo kuti vagone kunzwisisa Shoko raMwari kuti Chokwadi chivemo munguva yekereke yekutanga yakatungamirirwa nevapostora.

 

Petro muredzi, akakweva maJuda, maSamaria, nemaHedeni, akasiira Pauro, mukaki wematente kuti asone nekubatanidza Murairo neNyasha nekubatanidza Testamente Itsva neTestamente Yekare kuri kuzadziswa kweTestamente Yekare yakava mumvuri kana munongedzo weTestamente Itsva.

MABASA 15:15 Namashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:

MABASA 15:16 Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabernakeri yaDavidi, yakawa; Ndichavaka zve matongo ayo, Ndichiimutsa;

Tabernakeri yeTestamente Yekare yakava mumvuri kana munongedzo wechokwadi cheMweya cheTestamente Itsva apo vaHedeni vakagamuchira Evangeri mukati menguva nomwe dzemakereke.

MABASA 15:17-18 Kuti vakasara kuvanhu vatsvake Ishe , Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu, ndizvo zvintaura Ishe, unozivisa izvozvi zvose kubva pakutanga kwenyika.

Petro akatanga sei kuvakwazve kweMweya kweTabernakeri uku?

MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.

Midziyo yemuTabernakeri inokwana mumufananidzo wakaita semuchinjiko.

 

 

“Tendevukai”. Iaritari yechipiriso pamunoona kuti Jesu akafira zvivi zvenyu kuti aripire muripo wamaisazogona kuripira.

Mufananidzo wemuchinjikwa muTabernakeri unomiririra kuyambukira apo munotendeuka kubva kuzvivi zvenyu zvoenda kuna Jesu kwoita kuyambukira apo kururama kwake kunopinda mamuri.

Saka, kutendeuka kunokuponesai kubva kugehena apo zvivi zvenyu zvinobviswa pamunotendeuka.

“Mubapatidzwe muZita raJesu Kristu”. Ndiro dziva rizere mvura.

“Mugopiwa chipiwa choMweya Mutsvene”. Ndiyo Nzvimbo Tsvene.

Mapoka maviri anogamuchira Mweya Mutsvene anoti kereke inopinda munguva nomwe dzemakereke. Kereke inomiririrwa nechigadziko chemwenje minomwe.

Nzvimbo Tsvene inewo Tafura ine zvingwa zvekuratidzira zvingwa gumi nezviviri zvinomiririra marudzi gumi nemaviri aIsraeri. Vanofanirawo kukwana muZano raMwari reruponeso.

ZVAKAZARURWA 2:7 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke;

Magwaro haatauri kuti “terera” sezvo zvichisanganisira kushaiwa kunzwisisa.

Nguva imwe neimwe inoudzwa kuti “Inzwe”.

Mwenga anofanira kunzwisisa zviri kuitika munguva dzakasiyana siyana dzemakereke.

Tinofanira kunzwisisa kuti muvengi wedu mukuru kutsauswa.

Zvingwa gumi nezviviri zvekuratidzira paTafura zvaifanira kudyiwa nevaprista muNzvimbo Tsvene. Izvi mucherechedzo wemaJuda 144,000 kubva mumarudzi gumi nemaviri evaIsraeri vanofanira kudzokera kuNyika yeIsraeri kuti vanosangana naMessiasi wavo pakupera kwemakore matatu nehafu ekutambudzika kukuru.

Aritari yezvinonhuwira inoreva minamato.

Boka rimwe nerimwe renguva imwe neimwe rakasangana nematambudziko akasiyana nezviitiko zvavakatarisana nazvo zvakasiyana.

Chinhu chimwechete chine vanhu kuti vagone kurarama muzviitiko zvinovawira kugara paminamato inokwira kudenga kunaMwari sezvipiriso zvinonhuwira.

MAPISAREMA 141:2 Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira;

ZVAKAZARURWA 8:4 Vutsi bwezvinonhuwira bwukakwira pamberi paMwari bwuchibva muruvoko rwomutumwa pamwe chete neminyengetero yavatsvene

Nzvimbo tsvene inomiririra Rubapatidzo rweMweya Mutsvene runodiwa kutitungamirira muzvokwadi yose.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;

Mweya Mutsvene unotidzidzisa Chokwadi chinotitora kutiisa kusi kwechidzitiro chemukati uko areka yeSungano ndiyo inomiririra Shoko raMwri. Nzvimbo iyoyo inozivikanwa ichinzi Nzvimbo Tsvene Tsvene Muprista Mukuru chete ndiye anobvumidzwa kupindamo kamwechete pagore.

Izvi mucherechedzo weMuprista wedu Mukuru, Jesu, akaripira muripo kamwechete kuti atisunungure kubva kugehena akazarura meso edu kuti tifuratire zvenyika takatarira pana Jesu.

Jesu, ari Shoko raMwari risingatadzi, ndiye ega anogara muNzvimbo Tsvene Tsvene.

Tinoona Jesu nhasi ari Bhaibheri reKing James Vhezheni rakaziviswa.

Zvese zvamunotaura pamusoro peBhaibheri, muri kuzvitaura pamusoro paJesu.

Bhaibheri rinotiudza ndangariro dzaJesu. Kana aive pano ari Munhu akarurama, aizotaura zvakafanana nezvinotaurwa neBhaibheri.

Nekuziviswa kwezvakavanzika zveBhaibheri kwatiri nemuprofita wenguva yekupedzisira, William Branham, takava chikamu cheShoko raMwari. Chikamu cheMuviri waKristu inova Tabernakeri huru yaakavaka mukati memakore 2000 enhorondo yekereke.

Shoko rimwechete iroro rakanyorwa nemapostora ndiro Shoko rimwechete ratinofanira kutenda mariri panguva yekupedzisira. Ishe vobva Vauya.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23