Kukura kweMunhu Wakarurama
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
2 Petro 1:5 Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva;
6 Napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari;
7 Napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo.
65-1128M Zvimbo yaMwari Imwe yatakapiwa yokunamatira.
Asi ndiro dombo rakarifukidza rose, ndiro rinoriita piramidhi mukudarika kwenguva nomwe dzese dzemakereke. Wedzera ... wedzera izvi, wedzera izvi, kune kuwedzerwa kunomwe, kuwedzera kwekupedzisira ndiko Kristu.
ChiKristu chinovakwa panheyo dzekutenda. Asi munhu mumwe nemumwe anofanira kuwedzera hunhu hunomwe hwakafanira hwakarurama pakutenda kwake. Kuwedzerwa kwechinomwe ndiko rudo rwaMwari, anova Kristu pachake ari Dombo remusoro wekona achisimbisa hupenyu hwemunhu serubapatidzo rweMweya Mutsvene. Tinofanira kuziva chinosimbisa kutenda kwedu.
Jakobo 2:20 Zvino iwe munhu wovupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa?
Saka Petro achatsanangura kwatiri hunhu hunomwe hwakasarudzika mukururama ndihwo hwatinoda kuwedzera pakutenda kwedu kuti kutenda kwedu kushande zviri nani kuti tizadzise kuda kwaMwari muhupenyu hwedu.
62-1014M Kukura kweMunhu Wakarurama
… Kune zvinhu zvinomwe zvinozadzisa kuita kwaMwari (kumunhu mumwe nemumwe).
... Petro ari kuti, pano, tinofanira kuva vashandiri vekuita kwemweya wake wakarurama. Zvino, munhu mumwe nemumwe wedu ari kuedza kukura mukuita kwaMwari.
... Kutenda ikiyi yekuvhura nzira yekuva muKristu akanaka mukukura naMwari uye kuti ave Tabernakeri inorarama kuti Mwari Mupenyu ararame maari.
VAEFESO 2:8 Nokuti makaponeswa nenyasha; nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri: asi chipo chaMwari.
9 Hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza.
Nyasha dzaMwari dzinoshanda nekutenda kwedu. Asi kutenda uku hakubvi kwatiri, Mwari anotipa kutenda kwatinoda sechipo chemahara uye chatisina kufanirwa nacho.
Ndipo pane nyaya yese. Kutenda kwedu kunofanira kubereka mabasa akanaka, asi anofanira kuva Kristu matiri anoita mabasa akanaka aya.
Mabasa akanaka anofanira kuzadzisa zvinhu zviviri zvinosvika kana kudarika zviviri zvinodiwa:
1. Zvatinoita zvinofanira kuva zvakanaka, mutsitsi, mukubatsira, mukunzwirana nezvimwe zvakadaro mumaziso evanhu.
2. Asi mabasa edu anofanira kuenderanawo neShoko raMwari rakaziviswa kunguva yedu yekereke yechinomwe kuRaodikia.
Kana mabasa edu asingateveri zvakanyorwa muMagwaro Mwari haangamatori seakanaka, chero kana vanhu vachifadzwa nawo.
… Mwari pamusoro pedu, munaBaba; Mwari anesu, muMwanakomana; Mwari matiri, muMweya Mtsvene.
Mwari mumwechete mukuratidzwa kutatu.
Mwari anozviratidza muvanhu (munhu mumwe nemumwe nekubata kwake). Mwari achizviratidzira mukereke (seboka).
Mwari anosika hunhu hwakasarudzika mumunhu umwe neumwe. Hakuna munhu anokwanisa kuzviitira hunhu uhwu nesimba kana kushingirira kwake chero zvidii.
VAROMA 4:5 Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
Hatifaniri kutora chero chinhu chatinoitira Mwari sekuti tachiita nesimba redu.
VAFIRIPI 2:13 Nokuti ndiye Mwari unoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka.
Mwari anotipa rudo rwekumubatira, Mwari anobva ashanda matiri kuti azadzise kuda kwake.
Tendai zvakanyorwa muBhaibheri chete.
62-1014M Kukura kweMunhu Wakarurama.
Kana kuti, gunguwo richiedza kudya nenjiva, gunguwo richiedza kuva njiva. Fungai nezvedzetse kwakadaro uko, roti, “Ndiri njiva,” roiswa mapapiro mashomanana, roti, “Tarirai, ndinoita se ...” mazviona? Rinenge risisina chimiro. Ndiye munhu anoedza kuzviita zvaasiri. Tarirai, hamugoni kuzviita.
Hamugoni kutaura kuti, “Zvino tarirai, ndiri kufanira kuva ndakanaka, saka ndakanaka. Ndiri kufanira kuva ndichinamata, saka ndinonamata.” Nei, muri kuedza chete kuisa mapapiro . Chero muchimawana, asi hamugoni kuisa mapapiro amawana pashiri isiriyo. Mazviona? Mungafunga here nezvedzetse rakaiswa mapapiro enjiva, roti, “Tarira pano, unovona here, ndiri njiva”? Mazviona? As tese tichiziva kuti idzetse. Mazviona? Ndizvo chete. Tinokwanisa kuona kuti idzetse.
Zvakanaka, zvino ndizvo zvazviri, kuedza kugadzira chiKristu. Hamugoni kuita saizvozvo. Chinhu chekutanga chamunofanira kuita, kuzvarwa patsva. Munofanira kushandurwa. Mazviona? Kana mashandurwa, munova chisikwa chitsva. Munenge makukwanira, zvino. Mazviona? Apa hamuchafunganyi nezvemapapiro, zvinozviita zvega, kana mazvarwa patsva. Hongu, baba. Sezvandinogarotaura. Mukatora nguruve, migesesa moipfekedza sutu, moiisa pakadaro apo; inotoenda kumatope zvakare yonoumburuka. Nekuti, munoona, haigoni kuita chero chinhu chakanaka. Inguruve. Ndiko kuita kwayo. Kuumburuka mumatope ndiko kuita kwayo, munofanira kushandura kuita kwayo, zvimwe zvese zvinozozviita zvega.
Zvino tarirai. Munofanira kuzvarwa patsva, ndiko, kushandurwa. Panofanira kuita shanduko. Munoti, “Nhai, Hama Branham, ndinoziva mukadzi uyo agere apo, nei, asina kubvira aita chakashata. Mukadzi akanaka. Kana kuti, munhu akadai uyu, murume akanaka. Haana chakaipa chaanoita. Munoziva haaitiri vanhu zvakaipa.” hazvirevi chinhu kana chimwechete izvozvo. Anokwanisa kuva muvakidzani akanaka, asi asiri muKristu kusvikira azvarwa patsva.
KUTENDA
62-1014M Kukura kweMunhu Wakarurama
Kutenda kunotenda muShoko raMwari ... “Kutenda kunouya nekunzwa, nekunzwa kunouya neShoko raMwari”. Ndizvo zvinosimbisa izvozvo. Zviri pachena.
VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neShoko raKristu.
Tinoratidzira kutenda kana tichitevera Magwaro chete.
Kutevera tsika dzakaitwa nevanhu kana dzidziso, zvisinei nekuti muri kuzviita mukunaka kwakaita sei, hakusiko kutenda kuri kutsvagwa naMwari.
VAROMA 14:23 … Zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi.
Kutenda hakuzorore. Saka munofanira kuva nenheyo dzekutenda. ChiKristu chese, zvese zvamuri, zvese zvamuchava, zvinobva pakutenda muShoko raMwari. Ndicho chikonzero nei ndichitenda Shoko.
... chekutanga, munofanira kuzvarwa patsva. Kana mazvarwa patsva, munowana kutenda; munotenda kuShoko. Kusvikira mazvarwa patsva, munotozvipikisa. Kana makangobatwawo muchitendero, mune ruzivo rushoma sevanhu rwekuti munofanira kuita zvakanaka, hamuzofa makagona kutenderana pamusoro peShoko raMwari. Hamuzozvigona. Munofanira kuzvarwa patsva. Uye, kuzvarwa patsva kunobereka kutenda. Zvakanaka. Zvino, kana mawana kutenda, ikoku, k-u-t-e-n-d-a, kutenda, munenge mava pachinzvimbo chekutanga kukura.
Kuti kutenda kwedu kukure tinofanira kusangana nemiyedzo.
1 Petro 1:7 Kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuvure ndarama inopera hayo, kunyange inoidzwa nomoto,
Kunatsa ndarama vanhu vaiwanzoirova kuti vabvise zvimwe zvese zvisiri zvayo kubva pairi kusvikira murovi aona chiso chake chakuonekwa pandarama inopenya. Tinorovererwa kusvikira takuratidzira Kristu neShoko rake.
Zvino tinosvika kune chimwe chezvinhu zvinosuwisa kwazvo muMagwaro.
RUKA 18:8 ... Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?
Panguva yekupedzisira hakuna achawanikwa achitenda kuBhaibheri.
Kuchave nekupikiswa kwechokwadi kuzhinji kwazvo. Vanhu havazowani simba rekupokana nezvakaipa.
Mateo 10:22 Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu: asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.
Kuponeswa kubva kunguva yekutambudzika kukuru. Tinoda simba rekushingirira.
KUNAKA
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama
Kutenda kwega hakugoni kukwanira. Petro akati, “Zvino wedzerai kunaka pakutenda kwenyu.” munofanira kuva nekunaka, kuitira kuti muwedzere kutenda kwenyu.
…. Kunaka isimba, simba.
…. Zvino, Petro ari kutaura pamusoro pekuvaka imba yaMwari, mazviona, Tembere yaMwari, achiigadzira pazvimbo... musati mapa kunaka, munofanira kuva nako imi pachenyu.
Zvirevo 31:10 Ndiyaniko ungawana mukadzi unoita zvakanaka?
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yechokwadi ndiyo Mwenga waKristu.
Ndiyani ane kunaka kwaMwari?
Kunaka kwakanakisa, kudzidza kuita chinhu, kunatsa, nesimba rekubereka zvibereko zvakatarisirwa.
ZIVO
Pakupedzisira, Shoko raMwari rakanyorwa richarambwa nekereke nekuti Jesu ndiye Shoko.
Zvakazarurwa 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza:
Nekurambwa kweShoko rakanyorwa vanhu vachida mazwi avakabata paitaura vanhu netsika dzakaitwa nevanhu, ruzivo rweBhaibheri runoita rushoma nerushoma mupfungwa dzevanhu.
Hosea 4:6 Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo;
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama
Zivo, zvino, izvi hazvirevi zivo yemunyika, ‘nekuti uhu hupenzi kuna Mwari; asi zivo yekutonga, kutonga chii? Zvakanaka kubva kuzvakaipa. Munozvitonga sei, zvino, mune ruzivo rwechiKristu nekunaka kwenyu nekutenda kwenyu here? Munotonga kuti Shoko rakanaka here kana kuti rakaipa. Uye kana muchigona kusiya zvimwe zvese zvamunotenda mazviri, nekusatenda kwese, nezvese zvamunoti makaita, munenge muine zivo yekutenda kuti Mwari haanyepe. “Shoko rese remunhu ngarive nhema, asi Rangu rive rechokwadi.” Mazviona? Zvino mava nezivo. Ndiyo zivo yepamusoro-soro.
… Kana muine kunaka kwechokwadi, kuwedzerei pakutenda kwenyu. Kana muchifamba kunze mumigwagwa, muchirarama semuKristu, muchiita semuKristu, ivai muKristu pachokwadi, muzviwedzere pakutenda kwenyu. Kana muine zivo.
Munoti, “Zvakanaka, handizivi kuti Rugwaro urwu rwakanaka here. Zvino kuno kuna Mabasa 2:38, handizivi kuti ndingariringanise sei naMabasa avapostora 28:19. handizivi.” Zvakanaka. Hamuwedzere chiro, ‘nekuti hamuna zvachose. Mazviona? Muchaita sei? Nekuti hamuna ruzivo rwakakwana kuti muzive nezvaMwari, kuti Bhaibheri harizvirwisi. Risiyei. Musataure zvakawanda nezvaro. Mazviona? Risiyei.
Asi pamunogona kuona kuti Magwaro haazvirwisi, izvozvo munogona kuzvitaura, mazviona, kuti, nezaruriro yaMwari, Shoko rese rakanyorwa muzvakavanzika, uye zivo yaMwari ndiyo inokwanisa kuzivisa izvozvo; zvino pamunowana nekutaura, nekutsanangura Shoko raMwari rimwe nerimwe “neAmen”. Wedzeraiwo izvozvo pakutenda kwenyu. Oh, munotanga kuva vanhu vakanakisa zvino. Mazviona? Muri kuuya nazvo,
… Tongai kuti zvakanaka here kana kuti zvakaipa, ndinofanira kuzvarwa patsva kana kuti ndinofanira kupinda kereke. Ipapo munenge matanga. Tongai zvakanaka, panonzi nemuparidzi, “Mazuva eminana akadarika.” Bhaibheri rinoti, “Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nekusingaperi haashanduki.” Apa muchatenda zvipi?
(Muparidzi kana kuti Bhaibheri.)
… Kristu haana kubvira andituma kuzovaka mapato. Kristu akandituma kunovaka vanhu vakazvimiririra mumwe nemumwe kuti aite saJesu Kristu, ivo vanokwanisa kuva simba kana mitumbi inogarwa neMweya, neShoko.
… Uye kana mazvarwa mazviri, izvi ndizvo zvinhu zvaakatarisira kuti muwedzere.
… Regai zivo yaMwari, kana zvasvika pazvakanaka nezvakaipa. Kana Satani akazivisa chimwe chinhu chisiri Magwaro, fambai mubve pazviri. Ndizvo chaizvo.
Zvirevo 1:7 Kutya JEHOVA ndiko kuvamba kwezivo; mapenzi anoshovora vuchenjeri nokurairirwa.
Zivo yechokwadi ndeapo patinotya kupokana nezvakanyorwa muBhaibheri.
Isaya 5:13 Saka vanhu vangu vakatapwa nokushaiwa zivo, vakakudzwa pakati pavo vanoziya nenzara:
Kushaiwa zivo yeBhaibheri kunotapa vanotenda vakamboponeswa nekuda kweruwadzano rwavo naJesu Kristu. Vanhu ava vanobvisa meso avo paBhaibheri zviri nyore sezvo vachinyengedzwa nevaparidzi vanoparidza zvinodakadza vanoparidza mumbure wekuraura kereke ichipinda mutsika nedzidziso dzakaitwa nevanhu. Nekukasika vanenge vava veimwechete kana dzimwe dzemakereke 45 000 akasiyana-siyana pachinzvimbo chekuva vaJesu Kristu.
Zvakazarurwa Chitsauko 18 inotaura kuita kwemakereke emasangano enguva yekupedzisira munezveMari. Haisi sirveri nendarama chete asi zvinosanganisa mweya yevanhu.
Nguva imwechete yakatsamwa Jesu yaive paakadzinga vaitengesa muTembere. Makereke nevanoita zvemari musanganiswa wakaipa kwazvo.
Zvakazarurwa 18:12 Nhumbi dzendarama, nesrveri, nedzemabwe anokosha, nedzemaparera, nedzomucheka wakanaka, nedzemichika mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava ...
13 … Nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu.
Kushaiwa zivo yeBhaibheri kwakatapa vanhu mukutadza kwemakereke emasangano. Vanhu vanova vatapwa kumakereke pavanosiya kuzvifungira voga.
Kuterera zvinodiwa nemakereke kwakatsiva kuterera Shoko rakanyorwa.
Zvakazarurwa 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe izwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu.
Tinoda zivo yekuti Jesu, Shoko rakaziviswa, ari kupi muzuva redu uye kuti chii chaanoda kuti titende machiri.
KUZVIDZORA
Kuzvidzora zvinoreva kuti kugona kudzora hasha dzako kana wadenhwa.
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama
Kuzvidzora hazvirevi kuti, “mira kunwa hwahwa,” zvakare. Kwete kwete. Kuzvidzora hazvirevi kurapa hudhakwa, kwete panyaya iyi. Ndiko kumwe kuita kwezvido zvenyama. Kuri pano kuzvidzora kunobva muBhaibheri, kuzvidzora kunobva paMweya Mutsvene ndiko kwatiri kutaura nezvako. Zvinoreva kudzora rurimi rwako, usava munhu anoropodza; kudzora hasha dzako, kwete kugumbuka nguva dzose panoita mumwe munhu anotaura akakutsamwira. Oh, maiwe zvangu!
Mukomana, vazhinji vedu vachawira pasi tisati tatanga, handizvo here? Mazviona? Tozvibvunza kuti nei Mwari asisiri mukereke make, achiita minana nezvimwe zvinhu zvaaimboita. Ndizvozvo. Mazviona? Wedzerai zvinhu izvi wedzerai kuzvidzora pazviri. Oh, kuzvidzora, kuti unodaira sei muhunyoro kana mumwe ataura kwauri nekutsamwa kukuru. Mumwe munhu anoti, “Imi boka rinozviti vanhu vatsvene muri apo!” musasimuke kuti mupete mavoko enguvo dzenyu. Mazviona? Kwete kwete. Asi taurai nerudo rwekunamata, kuzvidzora, nevunyoro. Ndizvo zvamunoda kuita here? Kana mukaitirwa chakaipa, musaitirewo chakaipa. Regai Jesu Kristu ave muenzaniso wenyu.
Pavakataura kuti, “Kana uri Mwana waMwari, shandura mabwe aya ave chingwa,” angadai akazviita, oratidza kuti aive Mwari. Asi aigona kuzvidzora. Pavakamudaidza kuti “Beerzebure,” akangoti , “ndichakuregererai,” Ndizvo chaizvo? Vakadzura ndebvu pachiso chake, vakamusvipa, vakati, “Buruka pamuchinjikwa!”
Iye akangodaira kuti, “Baba, varegererei. Havazivi zvavari kuita.”
… Zvino, kana mukazviita zvakadaro, zviwedzerei pakutenda kwenyu. Kana mukachiruka mukatsamwa, mukapopota, nekuita zvese zvakadaro. Hamugoni kuwedzera izvozvo, nekuti hazviwedzereke.
… Asi kana mukagona kwazvo, zvichibva pakunaka kwemoyo wenyu, kuregerera munhu wese, kuzvibata, regai zviende... munogona kuwedzera izvozvo pakutenda kwenyu.
Kudzora simbi zvinoreva kuti kupisa simbi kusvika yatsuka yobva yanyikwa mumvura.
Mwari anotiisa mumiyedzo yakadzama obva atisuka mumvura dzeShoko rake.
VAEFESO 5:26 Kuti aiite tsvene achiinatsa nekushambidza wemvura paShoko.
VAEFESO 4:26 Tsamwai: musingatadzi:
Kutsamwa kunoita kuti zvive nyore kwatiri kuti titadze. Saka zvakanaka kuti tizvidzore torega kuyedzwa kusvika pakutadza.
KUTSUNGIRIRIRA
Dambudziko revanhu guru nderekugadzira chinhu Mwari asati atanga kufamba panzvimbo.
JAKOBO 1:3 Muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
Mwari anotiedza kuti aone kuti tichamirira zano rake iye here kana kuti tichamhanya kumberi kunogadzirisa dambudziko redu nenjere dzedu.
Eva aifanira kumirira. Ipapo Mwari aizomushandisa kubereka Jesu ari mhandara.
Sara aifanira kumirira mwanakomana wake wechipikirwa. Kutadza kutsungirira kwake kwakabereka Ishmaeri nemaArabu vanova chipingaidzo chikuru kurunyararo rwepasi rese uyezve muvengi mukuru kumaJuda akabva kumwanakomana wake Isaka.
Vadzidzi veBhaibheri vakaita saDr Larkin vakaedza kunzwisisa mabhuku akaita saDanieri naZvakazarurwa hama Branham vasati vauya kuzozivisa zvakavanzika. Saka Scofield naLarkin vakakurudzira maKristu mazhinji anhasi kuti kune Tiriniti, makore manomwe enguva yeKutambudzika kukuru, kuti hakuna vatumwa kunguva dzemakereke, uye kuti Antikristu munhu wezvematongerwo enyika anobva mumubatanidzwa wenyika dzekuEurope, yavanoona sehushe hweRoma hwakamutsiridzwa, pachinzvimbo chekuti kutsiviwa kwemaPope. Vakatadza kuona kuti chikomo chikuru, paive neTembere yeJupita ndiwo waive muzinda wehushe hweRoma yechipegani, chakagamuchira ronda rekuuraya kubva kumarudzi evatorwa mugore 476 AD chikazomuka chava kereke yeRoman Catholic ine muzinda wayo paSt John Lateran pachikomo cheCealian. Kukanganisa uku kwese kunoita kuti zviome kuti vanhu vazive chokwadi chakaziviswa muMagwaro.
Vaparidzi vemharidzo (End time Massangers) vakazivisa zvimwe zvezvakaziviswa zveKutinhira kunomwe zvakasiyana siyana. Vaya vakaita munyama wekutenda tsananguro idzi vachange vasina kutarisira kutinhira kunomwe munguva inouya saka vanozokupikisa kana kukufuratira pakuchareva manzwi ako. Johane akaudzwa kuti asakunyore. Hamugoni kuziva zvinhu zvisina kunyorwa. Tariro yedu imwechete iri mukuzogona kuziva kureva kwako pakuchareva sezvo kuchave kuchibva muMagwaro neimwe nzira yakavanzika.
Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuziva Bhaibheri kuti tigone kuona nekuziva Kutinhira kunomwe pakuchareva.
Kuna Mabasa Chitsauko chekutanga mapostora nekumhanya mhanya vakasarudza Matiasi kuti atsive nzvimbo yaJudasi. Matiasi haana kuzotaurwa zvakare muBhaibheri. Mapostora vaisazobvira vasarudza Sauro wekuTarso sezvo vaimuona, zviri zvechokwadiwo, ari muvengi mukuru munguva iyoyo. Aive Sauro. Asi dai mapostora akangomirira vangadai vakaona kuti Mwari aizoshandura Sauro omushandura kuva mupostora mukuru, ava Pauro.
Kuedza kushandira Mwari kusiri kuda kwake, kunoparadza zvinhu zvakanyanya.
VAROMA 5:3 Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifare vo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira.
Kutambudzika kwehupenyu huno kwatisingagoni kudzivisa kunotimanikidza kuisa tariro munaMwari, saka tinodzidza kumirira Mwari. Ndicho chakavanzika chekuva makondo enguva yekupedzisira.
Isaya 40:31 Asi vanomirira JEHOVA vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.
Makondo ane meso akapinza. Tinoda maonero emweya akapinza kuti tizive nzira nemicherechedzo yeMagwaro.
Johane 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose.
Tinoda ruzivo rwechokwadi kuti tigone kunzwisisa Bhaibheri.
Zivo inobva kuna Mwari kana asarudza kutipa hake.
Hatigoni kumhanyira mberi kwaMwari muzivo dzedu tega.
Ipapo tinoshaisha zvinhu nekuti tiri vanhu venguva yeRaodikia, hatizozivi zvatatadza.
Zvakazarurwa 3:14 Nyorera Mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
17 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa handishaiwi chinhu; usingazivi , kuti ndiwe unevurombo nenhamo, uri murombo nebofu, usine chekufuka.
“Musingazivi” kuti makereke edu akarasika zvakadii. “
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama.
Ipapo, mumashure maizvozvo, chechina, munoda kuwedzera kutsungirira pakutenda kwenyu. Kana muine kutenda, “kunobereka kutsungirira”, ndizvo zvinotaura Bhaibheri.
… Kana muine kutenda, kwechokwadi, munoita kutsungirira kwechokwadi, nekuti kutenda kunounza kutsungirira. Kana Mwari akataura chero chinhu, munotenda machiri. Ndizvo chete. Munenge mune kutenda.
… Noa akaparidza makore zana memakumi maviri, asi. Kutsungirira kuzhinji. Hakuna kana dova rakawa pasi kubva kudenga. Kwaive kusina chiro. Raingova guruva sezvazvaive, kwemakore zana nemakumi maviri, asi akatsungirira.
Ipapo Mwari anoedza kutsungirira kwako ... kutsungirira wakabata vimbiso yaMwari.
… Mosesi. Chero nguva imwe, paya maJuda vamukiri vakashaiwa kutsungirira, vakaita kuti Mosesi aite zvakaipa. Asi, zvakadaro, pazvakasvika pakuratidzirwa, Mwari akatsamwiswa nekuita kwavo. Akati, “Zvibvise kwavari, Mosesi”. Ndichavuraya vose nditangidze patsva.
Mosesi akazvisasika nekuzviisa panjodzi akati, “Mwari, Musaita izvozvo.” Chii? Kutsungirira nevanhu vaimumukira. Ndinozvibvunza kuti tingazviita here? Kana usingakwanisi, musaedza kuvaka panheyo idzi, ‘nekuti hazvishanduki, munozviziva.
… Kana mukasadaro, hamusviki pakuita kwekugara munzvimbo yaMwari mupenyu, kana musina kutsungirira, kutsunga mumwe kune mumwe.
Ruka 21:19 Nokutsungirira kwenyu muchawana vupenyu bwenyu.
KUNAMATA
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama
Kunamata zvinoreva kuti “kufanana naMwari”.
… Mateo 5:48, “Muve ...” Jesu achitaura, kuruzhinji.
Muve vak-a-k-w-a-n-a, (Chii ichocho?) vakanaka, sababa venyu... vari kudenga vakakwana.
… VaEfeso 4, mutange nevhesi rechi 12. Zvakanaka. Ngatitangei pano pavhesi rechi 11.
Zvino wakapa vamwe, kuti vave vapostora, vamwe vaprofita; ...
Mucharangarira husiku hwadarika? Musaedza kutora nzvimbo dzevamwe vanhu. Mazviona?
... vamwe, Vangeri; vamwe vafudzi navadzidzisi;
“Pakunatsa kwaMwari”? Zvinoverengwa zvichidaro here? [ungano inoti, “kwete.” --Ed.] kunatswa kwei? [“Vatsvene”] Vatsvene ndivanani? Vakanatwa. Amen. Vaya vakatangira kuno.
Kukwanisirwa kwevatsvene, nekushandira kwehushumiri (hushumiri hwaJesu Kristu), pakukwanisirwa kwemuviri waKristu (pakukwanisirwa, Kuuvaka, kukwanisira): kusvikira ... kusvikira tese tauya pamwe pakubatana kwekutenda. Uye, zivo yeMwanakomana waMwari, uye kumunhu akanaka kusvika pakukwanisirwa kwake, (Oh, maiwe) kusvika pamupimo wekukura kwekuzara kwaKristu.
“Kunaka,” kunoda kunamata.
Kufanana naJesu.
… Ndiko kunamata. Paakarohwa rutivi rumwe rwechiso chake, akarinzira rumwe rwacho. Paakatukwa, haana kutaura. Haana kudavira. Mazviona?
Kuva saMwari, kugarotsvaga chinhu chimwechete, “Ndinogaroita icho chinofadza Baba chete”.
Kunamata zvinoreva kuti kuisa kuda kwaMwari pamberi pekuda kwedu.
Mateo 6:33 Asi tangai kutsvaka vushe bwaMwari, nokururama kwake; izvo zvese zvichawedzerwa kwamuri.
Ruka 22:42 … Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.
Chidzidzo chikuru maringe kunamata kumirira Mwari pachinzvimbo chekumhanya kutsvaga nekubvunza mazano evanhu. Hatigoni kunamata kusvika Mwari atanga kutonga nekubata hupenyu hwedu.
MAPISAREMA 118:8 Zviri nani kutizira kuna JEHOVA, pakuvimba namachinda.
ZVIREVO 3:5 Vimba naJEHOVA nomoyo wako wose; urege kusendama panjere dzako.
Vimba naMwari kudarika kuzvivimba kwaunoita.
ZVIREVO 14:12 Munhu unoona nzira achiti yakarurama; asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
Jeremia 17:9 Mwoyo unonyegera kupfuvura zvinhu zvose, wakavora chose, ndiyani ungauziva?
VAROMA 3:10 Sezvazvakanyorwa zvichinzi; hakuna wakarurama, kunyangwe nomumwe; hakuna unonzwisisa.
Isaya 64:6 Nokuti isu tose tava sounetsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo inetsvina;
Kuita kwedu kwatinovimba nako tichiti kwakanakisa kwakangofanana nenguvo dzinetsvina. Chimbofungai nezvenguva dzakatirwadzisisa.
RUKA 17:10 Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.
Kana tikaita zvese izvo Mwari aive akatarisira kuti tiite tinenge tichiri varanda pasina kuna Mwari nekuti tinoita zvakawanda zvakaipa kudarika zvakanaka. Tikapedza kuedza nepatinogona napo, Mwari anenge angosara nebasa rakawanda rekugadzirisa zvatakanganisa kudarika zvakanaka zvatinenge tichifunga kuti taita.
Saka tinoshanda zvakanyanya tiri kunze kwekuda kwaMwari kudarika zvatinoita mukuda kwaMwari.
Mwari haagoni kuvimba muvatsvene vake. Chero Kudenga hakuna kururama zvachose kwaari.
Jobo 15:15 Tarira, haatendi vatsvene vake; zvirokwazvo kudenga hakuno-kunaka pamberi pake.
16 Ndoda munhu unosemesa, wakavora, munhu unomwa zvakaipa semvura?
Isu vanhu tiri mumatope. Tiri kurarama munguva yakaipa izere hunyengeri. Tinofanira kudokwairira kwazvo kutendeuka sezvo Ropa raJesu chete ndiro rinogona kutinatsa. Zvino tinenge takupedza nguva shoma tichizvikorokotedza kuti tiri kugona pamberi paMwari.
Kukereke paRaodikia Mwari akati
Zvakazarurwa 3:19 Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova: naizvozvo shingaira utendevuke.
RUDO PAKATI PEHAMA/ VATENDI
62-1014 Kukura kweMunhu Wakanaka
Kuwedzera rudo pakati pehama kana rudo nevatendi. Zvakanaka. Kana tasvika ipapo, rudo kuhama kana kuita rudo nevatendi, kuzviisa pachinzvimbo chake,
“Hama yangu yanditadzira,” akadaro Petro. “Ndomuregerera here,” akati, “Kanokwana kanomwe pazuva rimwe.
Akati, “Kanokwana kamakumi manomwe kakapetwa kanomwe.
Nei chiverengo chakadai?
Muchiprofita chaDanieri maJuda akavimbiswa maviki makumi manomwe. 70 x 7 = mazuva 490.
Danieri 9:24 Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene,
Numeri 14:34 Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva anamakumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore anamakumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai.
Saka mazuva 490 anoita makore 490 akavimbiswa maJuda kusvika pakuguma, panova paAmagedhoni. Ipapo Kristu anozogadza makore 1000 erugare.
Saka 70 x 7 zvinoreva kuti “kusvika pakuguma”.
Rambai muchiregerera kusvika Mereniyamu ichitanga. Ipapo Mwenga waKristu achava akanaka kunenge kusisina kuregererwa kwezvivi kunodiwa ipapo.
Rambai muchiregerera kusvika pamagumo.
Zvinoreva kuti tese tinotadza zvakanyanya. Mumwe nemumwe wedu ibasa risati rapera. Tese tine rwendo rurefu rwekufamba uye tinofanira kushanduka kwazvo.
Asi hatigoni kuregererwa kuzvivi zvedu kusvikira taregerera vamwe.
RUDO
62-1014 Kukura kweMunhu Wakanaka
Chinhu chinotevera, zvino, wedzerai rudo, runonzi rudo. Ndiro dombo remusoro wekona. Rimwe remazuva aya, mukereke
… Zvino vakarindira Dombo reMusoro wekona, rinova rudo, nokuti Mwari rudo.
… Zvino Petro pano anoti, chekutanga, zvinhu zvinomwe: kutenda, kunaka, (tarirai tiri kukwidza), zivo, kuzvidzora, kutsungirira, kunamata, rudo kuhama/ kuvatendi kwotevera rudo rwaMwari. Mweya Mutsvene, Kristu mumunhu weMweya Mutsvene, anouya pamusoro pako, murubapatidzo rwechokwadi rweMweya Mutsvene, mobva mawana kunaka uku kwose kwakasimbiswa mamuri. Ipapo, Mwari anorarama mutabernakeri, inodaidzwa kuti Chivakwa, Tabernakeri inorarama yaMwari mupenyu yaanorarama ari.
… Rudo rwaJesu Kristu kuhama/ kuvatendi, nerudo rwaMwari, runova Jesu Kristu. Ndiye musoro unokutongai. Tsoka dzenyu ndidzo nheyo, kutenda. Amen! Zvichitongwa nemusoro. Munenge muripo. Munenge mava munhu waMwari akarurama, anenge awana kunaka kwese uku.
… Zvisinei nekuti zvakavakwa zvakasimba sei, izvi zvakavakwa; kana paine kuneta kuripo, ndipo papanotsemuka napo. Hazvina kusimba kudarika pakaneta ipapo. Zvino kana muine, kana muchiti mune ichi (kutenda), mune (kunaka), mune (zivo), musina (kuzvidzora) ndipo pazvinofira. Kana muime (kunamata) asi musina (kutsungirira), ndipo panoputsika napo ipapo. Mune (kutenda), musina (rudo kuhama/kuvatendi) panoputsika ipapo.
…Zvino vanhu vanobva vatarisa voti, “uyo munhu akanaka, ane zivo (anotenda kuShoko), kuzvidzora, kutsungirira, kunamata nerudo kuhama/kuvatendi, azere nerudo rweMweya Mutsvene. Muonei ari kufamba achitenderera.” Chii ichocho? Kuita kwekuti vasingatendi vanotarisa voti, “Paita muKristu. Paita murume kana mukadzi, anoziva zvaari kutaura nezvazvo. Hamuwane mumwe akazvirereka, akanaka uye munhu anonamata saye.” Wakasimbiswa. Chisimbiso chinoonekwa mativi ose ebepa. Uchienda kana kuti uchiuya, chisimbiso chinoonekwa nenzira imwechete chakangofanana. Ndizvozvo. Mazviona? Kana munhurume kana mukadzi aine izvi, dombo remusoro wekona rinoburuka romusimbisa kunopinda muHushe hwaMwari, hunova Mweya Mutsvene.
… Hupenyu hwavo hwakafa hukavigwa muna Kristu, kupfurikidza Mwari, vakasimbiswa ipapo neMweya Mutsvene. Vakorinte vekutanga 12. ndizvo chaizvo. Mazviona? Munozviona makafa, mobva maberekwa mukutenda.
Zvino kunaka nezvimwe zvinhu izvi zvese zvinobva zvawedzerwa kwamuri kusvikira maita mufananidzo waMwari wakarurama.
VAGARATIA 5:6 Nokuti munaKristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo.
Kutenda kunoshanda chete kana paine rudo. Saka rudo rwaMwari (runova musoro wekona kumunhu) runopa simba pakutenda kwemunhu kuti agamuchire zvizhinji kuna Mwari.
Nguva yekereke yeSmirna (Bhuku reNguva dzemakereke)
ZVINO KUNOBVA KWAUYA DOMBO REDU REMUSORO WEKONA RAKAKUNDA paRubapatidzo neMweya Mutsvene.
... tova naye nekusingaperi tigere munzvimbo dzedenga munaKristu Jesu.
Rubapatidzo rwemweya Mutsvene ndirwo Dombo reMusoro wekona kumunhu mumwe nemumwe
Zvino Mwari anoda kuisa mutendi mumwe nemumwe akazadzwa nemweya panzvimbo yake mumuviri wekereke yaMwari yeMweya yenguva nomwe dzemakereke.
1962-1231 Makwikwi
Fukidzai piramidhi rehupenyu hwedu, Mwari; isai Dombo remusoro wekona, Jesu Kristu, pamusoro peumwe neumwe wedu. Dai Hukuru hwake, nemaropafadzo ake matsvene ava pamusoro pedu tese. Dai moto weMweya Mutsvene wauya pamusoro pedu. Dai simba rerumuko raratidzwa. Mwari, tinokutendai sei, husiku huno. Tiri Venyu. Tinozvipa kwamuri zvizere, Ishe.
62-1104 Kusarudzwa
Muchiri kurangarira here chidzidzo chemangwanani anhasi? Kunaka uku kwese kunofanira kuvapo Dombo remusoro wekona risati ratombouya kuzofukidza pamusoro pacho. Oh, mungadanidzire. Mungaimbe. Mungataure nendimi, nekutamba. Izvozvo hazvina chekuita nezvazvo. Kusvikira zvinhu izvi zvese, zvichitsigirwa neMagwaro zvakasimbiswa mamuri, Mweya Mutsvene unokusimbisai semunhu mumwe nemumwe, mova mwanakomana nemwanasikana.
62-1104 Mazita ekumhura Mwari
Zvino pavanhu vakazvimiririra mumwe nemumwe, kunaka uku nezvinhu, ndizvo zivo, nekuzvidzora, zvinowedzerwa pakutenda kwedu. Zvino panosvika Musoro wekona, Mweya Mutsvene unozvisimbisa pamwechete. Ndirwo rubapatidzo rweMweya Mutsvene. Ndicho chikonzero nhasi uno zvisingatori nguva zvachose.
62-1230 Ichi ndicho chiratidzo chekuguma here Baba
Muchiri kurangarira Mharidzo yepiramidhi? Musoro wekona. Inoti kudii? Mweya Mutsvene wakafukidza musoro wemunhu mumwe nemumwe ukasimbisa, kana tikawedzera kutenda kwedu; kururama, nekunamata, nekutenda, nezvimwe zvakadaro, tichiramba tichiwedzera pazviri tinowana zvinhu zvinomwe. Chechinomwe chacho rwaive rudo, runova Mwari. Ndiko kuita kwaanoita munhu mumwe nemumwe, omufukidza nekumusimbisa neMweya Mutsvene.
Zvino, kana zvakadaro, ane nguva nomwe dzemakereke, akaita zvakavanzika zvinomwe zvakarehwa, vakarwira, kudzosa. Zvino Dombo remusoro wekona rinouya, kuzofukidza kereke. Kutinhira kwaireva izvozvo here, hama dzangu? Baba, ndipo patasvika here?
Kune Mabwe emusoro wekona maviri.
1. Dombo remusoro wekona rekutanga rudo rweMweya Mutsvene runofukidza nekusimbisa munhu mumwe nemumwe.
2. Kwouya Dombo guru remusoro wekona rinouya kuzofukida kereke yechokwadi pakupera kwenguva nomwe dzemakereke.
Kuuya Kwepiri kwaJesu Kristu idombo remusoro wekona rekereke yakamutswa yeTestamente Itsva.
Chekutanga vatsvene vakafa kubva munguva nomwe dzese dzemakereke vanofanira kumutswa vatsvene vanorarama vanofanira kushandurwa kupiwa miviri yekubwinya.
Kana Mwenga akabva munguva nomwe dzemakereke achiri muguva, Dombo remusoro wekona haringauyi.
Kusvikira Mwenga anorarama apihwa miviri mitsva, havagoni kutorwa kukwira kudenga mukubwaira kweziso.
1 VAKORINTE 15:52 Pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusavora nesu tichashandurwa;
Zvakazarurwa 8:1 Wakati azarura chisimbiso chechinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva.
Chisimbiso chechinomwe chakanyararwa, chakavanzika chakazara. Hatina chatinoziva nezvacho. Chinotaura Kuuya kwechipiri kwaJesu chinova chakavanzika chikuru Kudenga napanyika. Kuuya kwake kwechipiri kuchava ndiko Dombo guru reMusoro wekona.
Mumwedzi wekupedzisira wehupenyu hwavo, hama Branham vaive vachiri vakamirira kudzoka kweDombo reMusoro wekona.
1965-1128 Nzvimbo imwechete yaMwari yakapihwa yekunamatira.
Dzimwe nguva Dombo reMusoro wekona richadzoka, musoro wazvo zvese, anobva agamuchira Mwenga kwaari;
1964-0418 Jesu akaita zvese zvaaive akatarirwa
Zvino, zvakaramba zvichivakwa, izvozvi zvakamira, zvava pamusoro, zvagadzirira musoro wekona pauchauya.
1964. Gore rimwechete mumashure mekuziviswa kweZvisimbiso aive achiri akarindira Dombo remusoro wekona munguva yaizouya.
Kuuya kweDombo remusoro wekona kuzofukidza kereke chaive chiitiko chaive munguva inouya mukutaura kwehama Branham.
1963-0608 Gungano
Zvakauya kupfurikidza Luther, Wesley, Pentekositi. Tarirai, piramidhi richafukidzwa pamusoro paro rimwe remazuva.
… Dombo remusoro wekona rakarambwa. Asi richadzoka zvakare, rimwe zuva.
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama
Kune zvinhu zvinomwe zvinodiwa kuti tive pakukura kunodiwa naMwari (kumunhu mumwe nemumwe). Kune nguva nomwe dzekereke, dzakafambiswa kereke naMwari kuti isvike pazvinhu zvinomwe zvinodiwa izvi (pakupera kwenguva yekereke yechinomwe apo kereke inogadzirira rumuko.)
... Zvino Mwari, naizvozvo, akaunza zvakare Nguva nomwe dzekereke, kuti aratidze nhanho nomwe dzaakaunza, achivaka munhu wake kumuisa mumufananodzo Wake, anovaka kereke yakazara mumufananidzo wake.
Parumuko, Muviri wakazara uyu uchasimudzwa kuti urarame pamwechete naye nekusingaperi, nekuti Mwenga wake. Mazviona? Saka zvinobata panguva dzese, nguva imwe neimwe inouya.
… Mweya Mutsvene uri pamusoro peizvi zvese, uchibatanidza izvi zvese, uchivaka (chii?) kereke yakarurama, kuti Dombo remusoro wekona riifukidze.
Chii chazvakaitirwa zvakare? Zvakaratidzwa muNguva Nomwe dzeMakereke, nenhume nomwe kumakereke.
61-0806 Vhiki rechimakumi manomwe raDanieri.
Danieri akati akatarira nguva yevaHedeni iyi kusvikira Dombo rabva mugomo risina kutemwa nemavoko. Vaive vasina kubvira vaisa Dombo reMusoro rekufukidza piramidhi. Raive risina kutemwa nemavoko emunhu. Mavoko aMwari akatema Dombo. Mazviona manje? Rakabva raita sei? Rakarova mufananidzo rikapwanya kutsoka, rikaupwanya kuita mafufu, rikaupwanya kuita hundi. Hallelujah. Chii chakaitika ipapo, kuuya kweDombo? Kereke ikakwira kudenga mukubwinya pakukwira kudenga mukubwaira kweziso, ‘nekuti rakagumisa nguva kuvaHedeni. Mwari akaigumisa, kuuya kwedombo.
Vaparidzi vevaHedeni vakatora hutungamiri hwekereke, vachiparadza chokwadi nekudzivisa kuparidzwa kwechokwadi cheBhaibheri. Kuuya kweDombo remusoro wekona kuchaparadza kuita kwemakereke.
Kuchava kumutswa kwekupedzisira kukereke.
Mhandara mukadzi akachena. Izvi zvinomiririra maKristu akaponeswa.
Makereke ese echiKristu, vakangwara kana mapenzi, vose vakarara vakakotsira pakupedzisira. (makereke ese anoramba izvi nekuti “havazivi” pamusoro pehupofu hwavo).
Asi kumutswa kubva muhope dzedu kuri kuuya.
Ndipo panoudzwa munhu wese kuti abude munechero kereke yaari.
Ndipo panosangana vasikana mapenzi nekukatyamadzwa zvekuti vanotokumbira vasikana vakachenjera kuti vavabatsire.
Mateo 25:5 Zvino chikomba chakati chichinonoka, vakakotsira vose, vakavata.
6 Pakati povusiku vakanwa mhere-mhere; Chikomba chovuya! Budai Mumuchingamidzei.
Mhere-mhere inotaura pamusoro pekushungurudzika. Nyika yose iri munjodzi?
Mukushunguridzika vanhu vachangobva mudambudziko rinobata pasi rese (pamwe kudengenyeka kwenyika kukuru kwazvo) munhu wese anomuka oziva kuti kereke yake yakamuita kuti akotsire. Asisavimbi nevakuru vemakereke zvachose, vanotendeukira kuna Jesu, Shoko, ari kunze kwekereke.
“Budai mumuchingamidzei”. Jesu ari kunze kwemukova wekereke munguva yeRaodikia.
Zvakazarurwa 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza:
Mateo 25:7 Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
Vakatarisana nechiitiko chinobata pasi rese chakakonzereswa nenjodzi huru, kuenda kwedu kumakereke tichidekara mukuvarairwa kuchange kusisina maturo. Nguva yekugadzirisa mwenje ndipo tambo kana zvivi zvinochekwa kubva muhupenyu hwedu nekudokwairira kwedu kunosangana naShe.
Vanhu vachange vazvipira kutenda kuBhaibheri, dai vaizorinzwisisa.
Zvakazarurwa 10:7 Asi namazuva enzvi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa.
Zvakavanzika zvaMwari (Bhaibheri) richapedziswa.
Hama Branham vakazivisa zakakwanira kuti tinzwisise Bhaibheri asi vanhu vanomufuratira kana kuti vanoshandura zvaakataura pachinzvimbo chekuzvitsigira neMagwaro.
Saka kumaKristu mazhinji, zvakavanzika zvaMwari zvichange zvisina kupedziswa.
Havazozivi zvakakwana zveBhaibheri kuti vawane makwara anovaita vazonzwa kutinhira kunomwe. Saka vachange vasina kuzvigadzirira Kuuya kwaShe sezvo vachange vasina kutenda kwekukwira kudenga.
Hamugoni kutorwa kukwira kudenga mumuviri uyu.
Munowana kutenda kwekukwira kudenga chete kana mava mumiviri mitsva yakafuka kusavora.
Kutinhira kunomwe kwakabata kiyi yekushandurwa kwemiviri yedu.
Mateo 25:8 Mapenzi akati kunavakachenjera: tipeivo mamwe mafuta enyu; nokuti mwenje yedu yodzima
Mafuta akatsva anotipa chiedza. Chiedza chakakwana kuti tiverenge nekunzwisisa Bhaibheri.
Kana tisingagoni kunzwisisa Bhaibheri tinenge takatambisa makore ese atingadai taitsigira zvakataurwa nezvinobva muBhaibheri kupfurikidza kutora zvakataurwa tozvipima neBhaibheri. Ipapo taibva takwanisa kutsigira zvatinotenda mazviri nezvakanyorwa muBhaibheri. SemaKristu enguva yekereke yekutanga.
Chero dai Pauro aive mutumwa, havana kungotenda zvaakataura. Vainzvera Magwaro eTestamente Yekare, nekuti Testamente Itsva yakanyorwa panheyo dzeTestamente Yekare.
MABASA 17:10 Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Beria vusiku, ivo vakati vachisvika’po, vakapinda musinagoge ravaJuda.
11 Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira Shoko nomoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
Kereke
Munhu mumwechete
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama
Maona zvandinoreva here? Tarirai kuti kunaka uku, midziyo yekuvaka iyi, inoenderana nenhume kumakereke, nenguva yekereke yacho? Zvino, rimwe remazuva aya, tichatora rimwe nerimwe remazwi, tomadzidza, toratidza kuti zvinotsigira izvozvo. Zvinofambirana.
... totangira kushure kuno. Kereke yakatanga rini? Kereke yePentekositi yakatanga kutangwa rini? NaSt Pauro, paEfeso, nyeredzi yenguva yekereke yeEfeso.
Nguva yekereke yekutanga vaive madzibaba. Nguva yekereke yekupedzisira ndivo vana.
Mateo 17:11 Akapindura, akati: Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
Mutumwa wenguva yekupedzisira, William Branham akabva kuAmerica, aifanira kudzorera vatendi venguva yekupedzisira kuzvitendero zvemuBhaibheri zvemuprofita Pauro nekereke yekutanga.
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama.
Nguva yekereke yechipiri yaive Simirna. “Kunaka.” Irenaeus. Munhu akanakisa akasimudzira Evangeri raPauro.
Nguva yekereke yakatevera yaive Pergamos, Martin ive ani? Martin aive mumwe wevanhu vakanakisa vakararama. Pauro, Irenaeus, Martin.
MuTiyatira kwakauya Columba. Marangarira here? Zviri pano, zvakanyorwa ipapa. Columba. Mumashure maColumba ... Nguva yeRima yakabva yasvika.
Kwakabva kwauya Sardisi, zvinoreva rufu. Luther. Hareruya! Chii zvino? Chii chinotevera mumashure meSardisi, Luther?
Kwakabva kwauya Firadhefia. “kunamata”. “Wesey, hutsvene! “Vakarurama vanorarama nekutenda,” akadaro Luther. Kururamisirwa kupfurikidza Wesley.
Kwakabva kwauya rudo pakati pehama/ kana pakati pevatendi, mukati menguva yeRaodikia. Tinotenda Mharidzo huru yekuvonekwa kwechipiri kwaEria, mumazuva ekupedzisira, ichatsvaira nyika.
Pauro akaunza kutenda muShoko rakanyorwa.
Irenaeus aida kunaka kwesimba rekumira neShoko rakanyorwa.
Martin aida zivo yechokwadi kuti amire kupikisa kereke yeRoma yakatanga kuuraya chokwadi pakanzuru yeNecea kupfurikidza kuzivisa zvematongerwo enyika, chipegani nemazwi asimo muMagwaro akaita seTiriniti.
Columba akaparidza kuzvidzora kuti vanhu vagone kumira pakupikisa hutsinye nemhirizhonga yeNguva yeRima.
Luther kuGermany aida kutsungirira sezvo aikwanisa chete kudzosera chikamu chechokwadi, kururamisirwa nekutenda chete.
Wesley akaparidza hutsvene kuti vanhu vararame mukunamata votora Evangeri kuenda naro munyika kunoparidzira nechimishinari.
William Branham akadzidzisa tsitsi nekuti vanhu vaidzidza chokwadi cheBhaibheri chakawandisa zvekuti zvaiita nyore kuti vavenge nekurwisa chero munhu anopikisana navo.
Vafundisi vanonzi mapasita vakadzidza kupikisa vadzidzisi nekuvaramba sekuti vaive vava chipingaidzo nekuti vainzwisisa Bhaibheri zviri nani kudarika ivo.
Vafundisi vakasarudza nekusimbirira pakuva vakuru vemakereke saka vakazvibvisa pakugadziriswa nzira dzavanotonga nadzo makereke.
Makereke eMharidzo vakasimbirira pane zvavakabata zvichitaurwa pachinzvimbo cheMagwaro asi vasingagoni kutsigira zvavanotenda vachishandisa Bhaibheri.
62-1014 Kukura kweMunhu Wakarurama
Ndizvozvo, Nguva Nomwe dzeMakereke, nhanho nomwe. Mwari achivaka kereke yake, zvakafanana nemunhu mumwechete achizvimirira ega achizvipinda. Kubwinya, simba raMwari, richiburuka kupfurikidza, kunamwa uku. Saka, vanhu vePentekositi vakasiya vekwa Luther vachibuda, ivo vakaregawo vekwaWesley vachibuda zvinhu zvakadaro, vasingazivi kuti vari kutaura pamusoro pei. Mazviona, vairarama muchikamu ichicho chetembere. Ndiyo nzira, vamwe vanhu vanogona kuuya vari pamusoro soro ipapo vowira pasi. Asi pane chikamu chechokwadi pane izvozvo, chinoita kuti chivakwa ichocho chirambe chichikura. “Ndichadzorera”, ndizvo zvinotaura Ishe.
Mucharangarira here muti weMwenga? Mucharangarira Mharidzo pamusoro peMuti weMwenga? Vakaudya, asi akaupazurira. Vakawana mapazi emasangano; akamabvisa. Vakamutsa imwe kereke, mabazi emasangano; akamabvisa. Asi moyo wemuti wakaramba uchikura. “Munguva dzemadekwana kuchava neChiedza”. Mazviona ndipo panouya Kristu, Mweya Mutsvene. Jesu akaburuka Akazvigadza pamusoro pekereke, achamutsa Kereke yake, iri Muviri wake. Imomo mune Muviri.
Zvatakatarisirwa naMwari semunhu mumwe nemumwe akazvimiririra kukura, nenzira yaakaitira kereke yake kuti ikure mairi. Nguva imwe neimwe yeKereke, inozova kereke imwechete huru. Mazviona?