Kukanganisa kwakaitwa Mumharidzo “Vhiki raDanieri Rechimakumi Manomwe”. Ndapota ongororai Zvakataurwa zvakanaka.



First published on the 17th of December 2020 — Last updated on the 17th of December 2020

Mharidzo “Vhiki raDanieri Rechimakumi manomwe” ine kukanganiswa kwayakaitwa. Ndapota tinofanira kudzidza kuongorora zvinotaurwa.

 

 

57-0825 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHIPIRI. 1

MuTestamente yekare, mashoko emuprofita asati apupurirwa, aifanira kuongororwa nekuyedzwa. Vaive vasina zinyekenyeke pazviri, sezvatiri nhasi.

59-1123 TAURA NEGOMO IRI

Ndicho chikonzero chakandizivisa kuti Mutumwa waMwari, nekuti aive neShoko raMwari. Uye kana Mutumwa iyeye dai akandiudza chinhu chisiri muMagwaro, ndaisamutenda. Zvaifanira kuva neShoko poshi. Shoko raMwari harigumi. ‘Nokuti mutumwa anogona kuuya oparidza chimwe chinhu, Pauro anoti, Shoko raMwari harigumi, zvaive zvisiri zvechokwadi. Asi kana riri Shoko raMwari, Mutumwa waMwari anotsigira Shoko iroro kuti ichokwadi nguva dzese, kana ari mutumwa wechokwadi anobva kuna Ishe. Kana chiri chimwe chinhu, musachiterera. Asi kana mutumwa akauya akataura sezvazviri chaizvo zvakataurwa neShoko, anenge ari mutumwa abva kuna Mwari.

Tinofanira kuongorora zvinhu zvese kuti tive nechokwadi kuti ndizvo.

MABASA 17:10 Pakarepo hama dzikatumwa Pauro naSairasi Berea vusiku. Ivo vakati vachisvikapo vakapinda musinagoge ravaJuda.

11 Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira Shoko nomoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.

Vanhu vekuBerea vaive vakarurama nekuti vaitarisa kuti zvaparidzwa naPauro zvaive muMagwaro here.

Kuongorora mharidzo yemutumwa wekutanga kwaive kusiri kukanganisa. Vakayemurwa nekuita izvozvo.

CHINHU CHAKAKOSHA

William Branham aive nedzidziso zhinji dzine kurudziro zhinji dzairatidzira zvakavanzika zveMagwaro. Asi zvaakataura hazvisizvo Mukuru wedu.

62-1007 KIYI YEMUKOVA

... Vari kuparidza kuti varume vanofanira kusiya vakadzi vavo vohvima vavakafanira kuva navo pamweya, uye kuti ini handitadze zvachose, kuti hakuna ... uye, oh, zvimwe zvezvinhu zvakaipisisa zvamakambonzwa.

Aitovawo mutadzi.

Semunhu wenyama aitokanganisawo dzimwe nguva.

Kukanganisa kwakati kuti kwakaitwa mumharidzo yake “Vhiki raDanieri Rechimakumi Manomwe”.

Kukanganisa uku kuchanongedzerwa kuitira kuti musaedze kuvaka dzidziso dzamunoti chokwadi zvichibva pakukanganisa. Runenge ruri rwendo rusina kwarunosvika.

Kukanganisa uku hakuna kunongedzerwa kuti tidzikisire hamaBranham. Aive mutumwa wechinomwe kukereke yenguva yekupedzisira .

Kunongedzera kukanganisa uku kuchagona kukuitai kuti mungwarire zviri nani musati mangotevera zvakataurwa, nekuti vamwe vati muite saizvozvo.

“Ndine zvandakanzwa zvakataurwa” hazvifanirwi zvachose kutsiva, “Zvakanyorwa zvichinzi ...”

Johane Mubapatidzi aive mukuru wenzira yeKuuya kwaJesu Kwekutanga. Akakanganisa zvikuru nekufunga kuti Jesu aive asiri Messiasi. Zvisinei nekukanganisa uku, Jesu haana kumuzvidza kana kumudzikisira. Jesu akagadzirisa kukanganisa kwake akabva arumbidza Johane nekuona mabasa ake akanaka aaive aita.

 

 

Messiasi zvinoreva kuti Wakazodzwa. Jesu aive azodzwa neMweya Mutsvene wakaburuka pamusoro pake ukazorora paari. Mweya Mutsvene hauna kupinda maari.

Jesu akava Messiasi Muchinda werugare paakabapatidzwa nemvura muna AD29.

 

JOHANE 1:32 Johane akapupura, akati: Ndikavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.

33 Neni ndakanga ndisingamuzivi, asi wakandituma kubapatidza nemvura ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake akagara pamusoro pake, ndiye unobapatidza noMweya Mutsvene.

Mweya Mutsvene hauna kupinda munaJesu. Wakangoburuka sezodzo repajekerere.

Messiasi zvinoreva kuti Wakazodzwa.

Munhu anodyara mhodzi yehupenyu muchibereko chemukadzi ndiye Baba vemwana. Mweya Mutsvene wakazadza Maria kuti uve Mwari Baba. (“Mwari Baba” havana kubvira vataurwa muTestamente yekare).

MATEO 1:20 Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira, mutumwa waShe akazviratidza kwaari pakurota, akati Josefa Mwanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, Mukadzi wako: nokuti chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.

Saka, Mweya Mutsvene ndiwo Baba vaJesu uye Mweya Mutsvene wakati, “Ndiwe Mwanakomana wangu unodikanwa”.

Izwi reMweya Mutsvene rakataura richibva Kudenga.

MARKO 1:10 Pakarepo achibuda mumvura, akavona Denga richizarurwa, noMweya uchiburuka pamusoro pake senjiva.

11 Inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu unodikanwa, ndinokufarira.

SeMwanakomana waMambo, Jesu aive Muchinda pakubapatidzwa kwake.

 

 

Kutaura kunotevera kwakaitwa nehama Branham kwakabva kuna Clarence Larkin mubhuku “Dispensational Truth”.

Hachisi chokwadi nekuti musi weSvondo yemichindwi Jesu akapembererwa saMambo, kwete Muchinda.

Akazodzwa pajekerere parubapatidzo rwemvura kuti ave Messiasi.

Saka Messiasi Muchinda zvinotaura rubapatidzo rwemvura rwemuna AD 29, kwete Svondo yemichindwi yemuna 33 AD.

Saka zuva raAD 30 harisiro.

Chikamu cheduramazwi cheBhaibheri reScofield chinopa mazuva ekarenda raAchibishopu Ussher. Mazuva atinopihwa erufu rwaJesu ndeegore 33 AD. Hama Branham vakafuratira zuva iri (zvisinei nekuti vakashandisa mazuva aUssher chinguvana mumashure maizvi mufungidziro dzake dzezvaizoitika mugore 1977).

Pakarepo hama Branham vakabata kutaura kwakabva mubhuku raLarkin rinonzi “Dispensational Tuth”.

Larkin anoshandisa zuva 30 AD kuti ndipo pakaitika chiitiko chepaCalvari papeji 70.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvino, zvino Jesu, Messiasi, akapinda muguta reJerusarema, nekukunda, akatasva mwana webhiza muchena, musi weSvondo yemichindwi, zuva rechipiri remwedzi waKubvumbi AD30. Jesu akapinda muJerusarema musi weSvondo yemichindwi A.D. 30. Zvino, zvino, kubva mugore 445 B.C kusvika mugore A.D. 3O, makore 475 akakwana”.

AD 30 hazvisizvo. Jesu akafa muna AD 33.

Mbongoro chena? Ruvara “ruchena” rwakabvepi? Kwete muMagwaro.

Jesu haana kubvira atasva mwana webhiza. Jesu akatasva mbongoro nekamwana kayo kakono.

… Kana pavakaramba Kristu vakamuvuraya mugore A.D. 33

Zvino mumharidzo imwechete iyi, hama Branham vakashandisawo mazuva aUssheer ekuti AD33 sezvakapihwa muduramazwi reBhaibheri reScofield reKing James Vhezheni. Mazuva maviri akasiyana mumharidzo imwechete? Larkin naUssher.

Saka, kushandisa kwavaiita mazuva kunokanganisa mafungiro. Aibata kutaura kwakabva kuvanhu vaviri vakasiyana.

Ndapota tarisai. Aive nezuva raAD 30 uye AD 33 ese ari ekufa kwaJesu muchidzidzo chimwechete. Saka, rimwechete remazuva aya rinofanira kuva risiriro.

Mumharidzo yegore 1955 hama Branham vakakanganisawo pavakataura nezvemwana webhiza. Vakazvidzurudzuta nekutaura nezvebhiza. Tinofanira kutarisa zvinhu izvi tozvigadzirisa kana tiri vekuzoburitsa chokwadi kuvanhu.

55-0122 MUTUMWA MUKURU UYU, MOSESI

“Rudzi rwazvo rwakanaka apo Jesu akataura ari murenje akati Iye aive Ibwe raive murenje. Hazvishamisi kuti nei vanhu vakaridza mhere zuva iroro, paakapinda muJerusarema, akatasva bhiza, kamwana kebhiza. Kwakava nekuchema, vanhu veNazareta vachichema, “Hosana, hosana kunaIye anouya Muzita raShe.”

Kwete bhiza. Kweete mwana webhiza. Yaive mbongoro nemwana wayo (mbongoro duku hono).

Shoko raMwari rechokwadi rakatorwa kupinda mukereke nevapostora vaitungamirira kereke yekutanga. Vapostora ivavo vakava madzibaba ekereke. Zvino vana munguva yekereke yekupedzisira vanofanira kudzorerwa pakutenda kwemadzibaba, kwenguva yekereke yekutanga.

Kusanzwisisa kuri kuitwa pamusoro paZvakazarurwa Chitsauko 6 kusvika kuchitsauko 19. neimwe nzira hama Branham vakafunga kuti zvitsauko izvi zvaitaura pamusoro pemaJuda chete.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

... chinhu chekupedzisira chaive mutumwa wekupedzisira wenguva iyoyo. Tobva tatarisana nemaJuda kusvika pakudzoka kwake neMwenga muchitsauko 19. Kubva pachitsauko 6 kusvika chitsauko 19 inguva yemaJuda.

“Kubva pachitsauko 6 kusvika pachitsauko 19 maJuda chete”. Uku hakusi kutaura kwechokwadi.

Zvakazaruwa 6:1-7 inobata nguva nomwe dzemakereke nekusimuka kwemweya waantikristu.

Makore matatu nehafu ekutanga anobata zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe zvinochengetedza kereke.

Zvakazarurwa 8:1 Chisimbiso Chechinomwe, Kuuya kwaShe kuzotora kereke yake kuenda nayo Kudenga.

63-1110 MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO

Chisimbiso chechinomwe chinomudzosa panyika.

Zvakazarurwa Chitsauko 10. Mutumwa Mukuru anoburuka panyika kuzomutsa vatsvene vakafa.

64-0119 SHAROMI

Kana Mutumwa wekunaZvakazarurwa Chitsauko 10, akaisa tsoka panyika neimwe mugungwa nemurarabungu pamusoro pake, anopika, “Nguva haizovipo zve”. Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vavo vese vanenge varere pakadaro apo, muchapinda.

ZVAKAZARUWA 12:6 Mukadzi akatizira kurenje kwaakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.

Vhesi iri rine kuzadziswa kunoreva zvakati wandei.

Mazuva 1260 anotaura pamusoro pemaJuda munguva yeKutambudzika kukuru nemakore 1260 kukereke murenje reAlps muNguva dzeRima kusvika vatizira kuAmerica paPlymouth Rock. Rugwaro urwu rwunotaura maJuda munguva yeKutambudzika kukuru uye kereke muNguva yeRima.

 

 

Munguva yeKutambudzika kukuru vasikana mapenzi, kunyange dai vakaponeswa zvavo asi vakanyengerwa nemakereke avo nevatungamiri vawo kuti vatende zvisimo muMagwaro, vachauraiwa naDiaborosi.

ZVAKAZARURWA 12:17 Zvino shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navamwe vana vake vanochengeta mirairo yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Rangarirai, munguva huru yekurwadziswa, mamiriyoni evaHedheni vachafa imomo, mwenga akarambwa, vashoma vakasara vevana vemukadzi, musikana akavata.

ZVAKAZARURWA 7:9 Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu , nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi peGwaiana, vakapfeka nguvo chena vakabata michindwe mumavoko avo.

14 … Ava ndivo vanobva kukutambudzika kukuru

Vasikana mapenzi vanoponeswa nguva yeKutambudzika isati yatanga. Vanobva vabviswa patsika dzemakereke avo nekukanganisa kwawo nemarwadzo enguva yeKutambudzika, vasati vauraiwa.

63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU

Dai tine nguva ndaikwanisa kuratidza zvichaitika kukereke yevaHedeni. Bhaibheri rinoti chikara, Satani, aive ashatirwa (kutsamwa.) nemukadzi (muJuda, Israeri); saka iye nevakasara vevana vemukadzi (Zvakazarurwa 13). (Hazvisizvo. Zvakazarurwa 12]. Zvino, muri kuona here apa? Tinazvo izvozvo. Ndipo paanotumwa neIsraeri, ndinoreva, Roma inotumira hondo yayo mumashure mevakasaririra, vakasara vevana vemukadzi.

Zvino, tarirai. Kekutanga mumawoko emuvengi wavo, kana avaburutsa, zuva rinoshanduka -- rinodzima sedzoto. Zvino iyi inguva yechipiri, kupera kwenguva yeKutambudzika.

 

 

Zvakazarurwa Chitsauko 13. uku ndiko kusimuka kwekereke yeRoman Catholic ichinonamata munhu wechikara wechitendero chakarongwa nekusimuka kwemasangano anopikisa echiKristu vachiita kereke ine muzinda wayo muNew York, semufananidzo wechikara.

Zvakazarurwa 14 inotaura pamusoro pevatumwa vatatu kana nhume kukereke, Luther, (Kururamisirwa) Wesley (Kunatswa), kouya hama Branham (Kuzivisa zvakavanzika zvenguva yekupedzisira nekukanganisa kukuru kuri mumakereke).

Zvakazarurwa 17 : Kusimuka kwemweya weRoma yechipegani mukereke yeRoman Catholic kuti utonge pasi rese.

Zvakazarurwa 18:1-7 Mutumwa mukuru wechiedza, hama Branham, kuzomhura zvitendero zvakarongwa nerimwe izwi rinobva Kudenga (kutsiura kwehana yako pachako munhu) richiti, “Budai maari vanhu vangu”. Rwendo rwechitatu rwemutendi mumwe nemumwe achibuda mukuita kwekereke.

Saka hazvina kukwanira kutaura kuti Chitsauko 6 kusvika 19 zvakamiririra maJuda.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Chero chinhu chinobva kuna Zvakazarurwa Chitsauko chechitatu kusvika chitsauko 19 hachina chekuita nekereke.

Kutaura uku hakuenderane neMagwaro.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvakapatsanurwa muzvikamu zvitatu, sezvatinowana kuna Danieri 9 – nhambo dzenguva nhatu, nguva yemavhiki manomwe; kwoita makumi matanhatu nemaviri, 62; kwoita vhiki rimwechete. Zvakapatsanurwa muzvikamu zvitatu zvenguva zvakasiyana.

Mavhiki manomwe, mavhiki makumi matanhatu nemaviri, vhiki rimwe.

Vhiki rimwechete rinomiririra makore manomwe.

GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyi, tigokupa mumwe vo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwe zve.

7 x 7 = makore 49 62 x 7 = makore 434 1 x7 = makore 7

Mufananidzo unotevera unoratidza vhiki rekupedzisira rakapatsanurwa nepakati kuita mahafu maviri. Hafu yevhiki ine (ruvara rutsvuku) yehushumiri hwaJesu nehafu yeVhiki yekupedzisira (yeyero) apo maprofita maviri anodaidza maJuda 144,000.

Mumharidzo yavo hama Branham vakabata zvakataurwa naClarence Larkin aitaura kuti pane vhiki rakazara remakore manomwe rasara. Asi tinozoona kuti izvi hazvitenderane neMagwaro.

 

 

Mufananidzo uyu unoratidza zaruriro yaLarkin iri kutorwa kutaura uku nehama Branham.

 

Larkin akati Jesu akafa muna AD 30 saka maJuda ane makore manomwe ekutambudzika pakupedzisira, riri vhiki rekugumisira.

Zuva rimwechete rinomiririra gore rimwechete muchiprofita.

 

 

 

Kutaura kunotevera kuri kuratidza kuvakwazve kwemasvingo eJerusarema.

Hama Branham vakangodzurudzuta izvi nekuvakwazve kweTembere mumashure mehutapwa kuBabironi.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Kusvika parwakapedziswa, zvakatora makore makumi mana nemapfumbamwe kuti Tembere ipedziswe neguta, kuti rivakwezve. Sekutaura kunoita Bhaibheri pano, Danieri anotaura – kana Mutumwa kuna Danieri, kuti rusvingo -- narwo rwunofanira kuvakwa munguva dzematambudziko.

Hazvina kutora makore 49,

Zvakatora makore 21 kuti Tembere ipere yakapedziswa makore akapoteredza 516 BC .

Makore 49 haanawo chekuita nekuvakwa kwemasvingo eguta.

Izvi zvakatora mazuva 52.

Ezra 1:1 Zvino negore rokutanga raKoreshi ...

Iri raive gore 538 BC pakarwiswa Babironi. Koreshi akabva atendera maJuda kudzokera Kumusha kwavo kunovaka Tembere muJerusarema.

Ezra 3:8 Zvino negore rechipiri rekusvika kwavo paimba yaMwari paJerusarema ...

Ezra 3:10 … Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzeTembere yaJehova ...

Gore rechipiri rinogona kuva 536 BC

Wikipedia.

Darius I anonyanya kuzivikanwa nekunzi Darius the Great, aive mambo wePersia wechitatu wemadzimambo ehushe hweAchaemenid, akabata hushe kubva muna 522 BCE kusvika afa muna 486 BCE.

EZRA 6:15 Imba iyi yakapedzwa ... pagore retanhatu rekubata vushe kwamambo Dariusi.

Darius akatanga kubata hushe mugore 522 BC.

Saka gore rake rechitanhatu rinogona kuva 516 BC, pakapedziswa Tembere.

Saka, Tembere yakavakwa pakati pegore 536 BC negore 516 BC, nguva yemakore anoda kuita 21.

Kuvaka kwakatora makore anoda kuita mana, asi kwemakore gumi nemanomwe vavengi vavo vakakwanisa kuvatadzisa.

 

 

Makore akapoteredza 459 BC Ezra akatora midziyo inokosha yemuTembere akanoidzoseramo.

Mugore rechimakumi maviri ramambo Artashasta, Nehemia akapuhwa mvumo yekuvakazve masvingo eguta reJerusarema.

Wikipedia.

Artashasta ndaive mambo wehushe hweAchaemenid kubva gore 465- 424 BC. Aive mwanakomana wechitatu waXerxes I

Kana Artashasta akaita gore rake rekutonga muna 465 BC saka gore rake rechimakumi maviri raizova 446 BC.

 

 

Saka, murairo wekudzorera masvingo eJerusarema wakapihwa muna 446 BC.

Aya aive makore 70 mumashure mekupedziswa kweTembere muna 516 BC.

 

 

Ipapo hama Branham vakatsanangura karenda idzva reRoma kana karenda raJurio rakabva Egipita.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE.

Zvino, tine makarenda maviri- - matatu akasiyana. Tinodzokera kukarenda rakare, tinowana kuti mukarenda raJurio mune mazuva 365 ¼ pagore. Vakariita nekufamba kweSardisi nenyeredzi dzakasiyana siyana nezvimwe zvakadaro, vakarigadzira.

Zvino, tinoona kuti mukarenda reRoma, ratiri kurarama naro nhasi, mazuva 365 pagore ndiwo ari pakarenda.

[chokwadi ndechekuti mazuva 365 ¼ ]

“Hakuna nyeredzi inonzi Sardis”.Hama Branham vaida kutaura kuti Sirius.

Mudzvanyiriri weRoma Jurio Kesari, akatora karenda kubva kuEgipita. Vakapima karenda ravo kubva pakusimuka kwenyeredzi yakanyanya kujekesesa, Sirius, kumabvazuva zuva rakuda kubuda. Izvi zvakangofambiranawo nenyeredzi yekufashukura kweNairi, saka zvakaiita nguva yakanaka yekutanga kwegore ravo.

 

 

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvino, kana kwaive nemanomwe, ... Tarisai, kwaive nemakore makumi mana nemapfumbamwe akazara, panguva yekuvakwa kweTembere, mavhiki manomwe echiprofita, mavhiki manomwe, ‘kwaive nemavhiki manomwe aitariswa paTembere, kuti tembere ivakwe patsva; uye yakavakwa makore 49 akakwana. Zvino, tine chirevo chenguva dzemavhiki, ‘nekuti kana Bhaibheri rakati, Mutumwa akati zvinotora mavhiki manomwe kusvika pakupera kuvakwa kwetembere ... Asi akaita makore 49 akakwanavachivaka Tembere kubva muna Kurume musi wa 14 kusvika muna –B.C. 538 kusvika tembere yavakwazve migwagwa yadzoserwa pakare, makore 49 akazara.

Makore 49 aive asina chekuita neTembere.

Mugore 538 BC mambo wePersia Koreshi akapa mvumo.

Vakatanga kuvaka mugore 536 BC vakazopedza makore 21 akazotevera negore rinenge 516 BC.

Zvino makore 70 akazotevera vakapuhwa mvumo kubva kuna mambo wePersia Artashasta kuti vavake masvingo patsva zvakatorera Nehemia mazuva 52.

NEHEMIA 6:15 Naizvozvo rusvingo rwakapera ... tavaka mazuva anamakumi mashanu namaviri.

Danieri akagovanisa mavhiki 70 muzvikamu zvitatu. Mavhiki manomwe, mavhiki makumi matanhatu nemaviri, nevhiki rimwechete.

 

 

7 + 62 = 69 mavhiki kuti tisvike panaMessiasi.

69 X 7 = makore 483

 

 

Gadziriso ichange ichionekwa mumabhuraketsi esikweya [Zvisizvo. Zvoteverwa nemhinduro yakanaka].

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvakanaka, kubva pakuvakwa zve kweTembere [Zvisiriizvo. Kuvakwazve kwemasvingo] kusvika pakuuya kwaMessiasi pakaita makore 438 [Zvisiriizvo. Makore 483]

Saka, makore 434 ne 434 “zvikapetwa” ka 49 zvinotipa makore 483.

[Zvisiriizvo. 434 “kuwedzera” 49 = 483]

Zvinorova pakati pemeso chaipo kusvika pamusi, kubva pamusi uyu kuenda pamusi uyu. Amen. Ndizvozvo. Messiasi Muchinda achauya. Mazviona? 7 x 69 tinoburitsa makore 484 akakwana.

[Zvisiriizvo. 7 x 69 = 483]

49 + 434 = makore 483

Zvichibva kuna Dr. Scofield, vanoshandisa mazuva aArchibhishopu Ussher anoonekwa muBhaibheri reKing James Vhezheni rine duramazwi reScofield, muprofita Maraki akaprofita muna 397 BC.

Hama Branham vaishandisa mazuva aUssher mune dzimwe nzvimbo.

397 BC rakauya makore 49 mumashure mekupuhwa kwemurairo wekunovakazve masvingo muna 446 BC.

Saka, maJuda aive nemakore 49 (kana kuti mavhiki manomwe) maari vaitarisira kutungamirirwa nechiprofita.

 

 

Vakazoita mavhiki 62 vasina maprofita kusvikira Johane Mubapatidzi aonekwa muna 29 AD.

 

 

Augustus, Mubati weRoma wekutanga, akafa muna AD14.

Nechekumberi gore rimwechete iroro Seneta akaita Tiberio mubati.

RUKA 3:1 Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari ...

2 Shoko raMwari rakavuya kuna Johane ...

14 + 15 = 29 Saka, iri igore AD 29.

Johane akaparidza kunenge kwemwedzi mitanhatu akabapatidza Jesu Gore 29 AD risati rapera. Gwaiana rechibairo raifanira kusukwa risati rapirwa sechipiriso.

RUKA 3:23 Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu.

Mazuva aya ayanana zvakanakisa.

Kuparidza kwaJohane nerubapatidzo rwaJesu zvinounza rubatsiro rusingadi chiprofita panguva yemavhiki makumi matanhatu nemaviri kuti igumiswe.

Zvino kwaive nemakore manomwe chete, kana vhiki rimwechete, raive rasara kuhushumiri hwaJesu.

Asi akagurirwa panzira pakati nepakati, mumashure memakore matatu nehafu.

 

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Makore makumi mana nemapfumbamwe kusvika pakuvakwa zve kwetembere.

[Zvisiriizvo. Tembere yakavakwazve pakati pegore 336 BC negore 316 BC makore anoda kuita 21].

Zvino, mutsara uri pamusoro apa unomiririra maJuda achiyambuka. Iyi yaingove nguva, payakadzika apa, yakadzika kubva kunguva dzerudzi rwemaJuda kuenda kunguva dzerudzi rwemaHedeni, yozokwidzazve kunobata maJuda zvoenderera mberi.

Mufananidzo uyu unofanira kutsanangura zvaaitaura. Asi uchipokana “nemakore manomwe asarira maJuda”.

 

 

Hushumiri hwaJesu hwakatanga paaive anemakore anoda kuita 30, pedyo nepakunopera kwegore AD29.

Hushumiri hwake hwaive hwemakore matatu nehafu.

Zvakadaro, maJuda angosarirwa nemakore matatu nehafu.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

... mamwe manomwe aya – aya mavhiki manomwe akasara – rimwe makore manomwe, toti – mazuva manomwe, makore manomwe, zvinosangana zvakakwana sekureva kunoita Magwaro.

.... Zvino kwasara vhiki rimwechete, vachiri kutarisira vhiki rimwechete.

… Vhiki rechimakumi manomwe iri rinotangira papi? Panongogurwa kereke. Mwari odzokera kumaJuda.

… Nguva yaanotanga vhiki rechimakumi manomwe kana makore manomwe, kereke inenge yaenda.

Asi hakugoni kunge kwasara makore manomwe.

Clarence Larkin aitenda munguva yeKutambudzika kukuru yemakore manomwe yaizouya, zvakare hama Branham vaitora zvavaitaura muBhuku raLarkin.

 

 

Tinosvika pafungidziro yekuti haizobudi iri yechokwadi.

John Kennedy, Mutungamiriri weAmerica aive muCatholic wekutanga, aive achangosarudzwa muna 1961.

Nekuziva kuti chiCatholic chaizotora America zvakazara (zvaive zvakamiririrwa neMukadzi akanaka muchiratidzo chake), hama Branham vakatya kuti kubata kweCatholic kwakasimba pamusoro pezvematongerwo enyika yeAmerica kwaizoenda mberi.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

VaEisenhower vakabuda, mupikisi wekupedzisira muAmerica pamutungamiri wenyika, zvandisingafungiri kuti kuchava neumwe zvakare,

Fungidziro iyi yaive isiri yechokwadi. Hakuna kuzobvira kwaita umwe mutungamiri wenyika anonamata Catholic mumashure maJohn Kennedy akatonga muna 1961, gore rakaparidzwa izvi.

Mukadzi waKennedy, aive akanaka chiso Jackie Kennedy aive mucherechedzo weKereke yeCatholic inodaidzwa kuti Jezebel munguva yekereke yechina. Mutungamiriri wenyika John Kennedy aizova mufananidzo wemurume waJezeberi ainzi Ahabu. Kwaifanira kuva naAhabu naJezeberi pachigaro muAmerica kuti hama Branham vave Eria wenguva yekupedzisira.

Ahabu akaba munda wemizambiringa waNaboti. Kristu ndiye Muzambiringa, kereke ndiyo bazi. MaCatholic akaba mabazi ese evanoipikisa vakabuda mairi kupfurikidza kuvaita kuti vatende dzidziso dzisimo muMagwaro. Mukombe wendarama wezvinonyangadza wakabatwa neRoma pamusoro penyika kuna Zvakazarurwa Chitsauko 17. Tiriniti, Kisimusi, Chishanu chakanaka, nguva yeKutambudzika yemakore manomwe, Eva akadya apura, munhu mumwechete ari mukuru wekereke, mune zvakakanganiswa muBhaibheri reKing James Vhezheni. Zvinhu zvese zvakakanganiswa izvi zvakutendwa mazviri nevemasangano.

 

 

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Muchinda achauya, anova antikristu, achaita sungano nemaJuda, kuna Danieri 9:27. Zvino pakati pevhiki, makore matatu nehafu, chikara chichaita sungano ...

… Zvino, aya ndiwo makore matatu nehafu ekupedzisira kuvanhu. Zvakare, kana mukatarisa, ndiyo nguva apo Mwari achadaidza venezvuru zana nemakumi mana nevana vechiJuda mumakore matatu nehafu ekupedzisira aya.

Hakuna Magwaro anotaura pamusoro pesungano inoitwa pakati pevhiki.

Sungano inozadziswa (kwete kuitwa) kwemakore manomwe.

Hakuna Magwaro anoti Sungano inoputswa pakati pevhiki. Sungano yakasimbiswa haigoni kuputswa.

DANIERI 9:27 Zvino iye uchaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe: pakati pevhiki uchagumisa chibayiro nechipo;

Kristu akafa pakati pevhiki mumashure memakore matatu nehafu.

Asi izvi hazvina sungano yazvakaputsa yaive yaitwa.

Rufu rwake rwakazadzisa sungano yakaitwa naMwari kuvana vaAbrahama kuna Genesisi Chitsauko 15.

VAGARATIA 3:16 Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kunaAbrahama nokumwana wake. Haarevi achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji, asi saanenge ari mumwe, unoti: Kumwana wako, uyu ndiye Kristu.

17 Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti: Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo

Apa ndipo pega pakataurwa pamusoro pekusimbisa sungano muBhaibheri, kuvese vana vepanyama veIsraeri kunyika yeChipikirwa muMereniyamu kwemakore 1000 erugare neMwana waAbrahama wemweya Kristu kumusha usingagumi.

GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo JEHOVA akaita sungano naAbrahama, akati: Vana vako ndavapa nyika iyi; kubva parwizi rweEgipita kusvika kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi.

MuMereniyamu kana makore 1000 erugare, maJuda achagara munyika yeChipikirwa kusvika kurwizi Yufratesi.

 

 

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvino, hama, kune 144,000. patinosvika kuna Zvakazarurwa 11 muchavaona. Akati, “kune marudzi gumi nemaviri aGadi, marudzi gumi nemaviri aAseri, marudzi gumi nemaviri aReubeni, marudzi....” Vese vaive vakamira kupi? Pagomo reSinai.

[Zvisiriizvo. Gomo Zioni.]

ZVAKAZARURWA 14:1 Zvino ndakatarisa ndikaona Gwaiana rimire pagomo reZioni, rinavamwe vanezvuru zvine zana namakumi mana nevana, vane zita raro, nezita rababa varo, rakanyorwa pahuma dzavo.

 

 

Chikamu chinotevera chinozivisa kuti kukanganisa pakuverenga kunoburitsa sei fungidziro dzenhema.

Nei pasina akazvitarisisa?

Vaitya zvakanyanya here kugadzirisa hama Branham, sekutyiwa kunoita vafundisi vemharidzo nhasi uno?

James Ussher aive achibishopu weIreland kubva muna 1625 kusvika 1656.

Bhaibheri reKing James rinoshandisa zvinyorwa zveScofield rinoshandisawo mazuva aUssher pamusoro pepeji.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Kutaura kunotyisa: Kubva panguva apo Mwari akaita sungano naAbrahama (musapesane neizvi.) kubva panguva Mwari paakaita sungano naAbrahama, Genesisi 12:3, kusvika panguva yekurambwa kwaKristu nemaJuda muna AD 33, zvichibva kuna Vagaratia 3:16 ne 17, uye zvichibva kuzvinyorwa zvaUsher (U-s-h-e-r-s) zvechiHeberu, simba raMwari raive nemaJuda makore 1954 akazara. Mwari akashanda nemaJuda makore 1954 zvichibva muzvinyorwa zvemaJuda uye zvichibva kuna Vagaratia 3:16 ne 17. Ndine mamwe Magaro akawanda, asi ndongokupai iwaya. Zvino mumashure mekuramba Kristu, akatendeukira kumaHedeni kuti azvitorere vanhu kuZita rake. Munoda Magwaro pana izvozvo, pazviri chaipo? Mabasa 15:14.

Zvino kuverenga nguva, tinoona kuti tine (Tererai.) makore makumi manomwe asara, uye tichava nenguva yakangofanana neiyi yatakapihwa naMwari achishanda nesu musimba reMweya Mutsvene kubva muna AD 33 kusvika mugore 1977, nguva yakangofanana naiyoyo yemakore 1954. Mwari anoshanda nesu nenzira imwechete yaakashanda nayo nemaJuda. Mazviona? Zvakadii izvozvo.

Mazuva aUssher esungano yaAbrahama aive egore 1921 BC. Saka 1921 + 33 = makore 1954.

Apa hama Branham vakashandisa mazuva aUsher emuna 33 AD, kwete aLarkin a 30 AD pakufa kwaKristu.

Asi 33 + 1954 = 1987 kwete 1977.

Kukanganisa kukuru.

Hakuna akambobvira atarisa kuverenga uku.

Vanhu vakatya kugadzirisa hama Branham. Uku kwaive kukanganisa nekuti kufungidzira uku kwakakonzera matambudziko akawandisa muna 1977.

Mune mamwe masangano emharidzo, kana maisatenda kuti Ishe aiuya muna 1977 maitodzingwa. Zvino zvechokwadi vafundisi vakawanda vakaparidza kuti Ishe aiuya muna 1977, mumakore akazotevera vakatanga kuramba kuti vakaita izvozvo. Mugore 1978, mumwe muparidzi aive nesimba kwazvo akaparidza kuuya kwaShe kuti kwaive mugore 1977 akazviramba pachena kuti haana kubvira ataura zvakadaro.

Mumwe muparidzi wemharidzo, paakaudzwa kuti 1977 yaingove fungidziro, kwete chiprofita, akadaira kuti “Fungidziro dzemuprofita dzakakwana dzakadaro kwandiri”. Vaya vaisatenda kuti Ishe aizouya muna 1977 vakagumbuka zvinotyisa.

Saka vakawanda vanotenda kumharidzo vaifunga kuti 1977 ndiko kwaive kuguma kwezvose. Vamwe vanhu vandaiziva mukadzi nemurume vakaita muchato wekukasika nekuti nyika yaive yakuguma. Asi mumashure megore 1977 ndiyo imba yakakasika kuparara.

Vaparidzi vakaramba kuti vaive nechekuita nezvinhu zvakadaro. Kwaivewo nevaya vakaramba mabasa avo kuti varatidze kuti vaitenda kuti magumo asvika. Apa vaive vangogara vasisina mabasa. Nekuti vaive mapenzi zvakakwana kusvika pakutenda kuti muparidzi wemharidzo aiziva zvaaiparidza.

Toenda kumberi kugore 2016 vafundisi vemakereke emharidzo, vakakanganisa kuturikira zvakataurwa, vakafungira kuti Hillary Clinton aizokunda sarudzo dzemutungamiri wenyika muAmerica. Zvimwe zvinhu hazvimboshanduki.

MaKristu paBerea vakanzvera Magwaro kuti vave nechokwadi chekuti Pauro, mutumwa wekutanga kukereke, aive asina paaikanganisa.

 

Saka chidzidzo kwatiri ndechekuti tinofanira kunzvera nekugadzirisa chero kukanganisa kwatinowana.

 

Nekuti, tinongounganidza dutu revatadzi.

Kurwira chakaipa kunotiita vatadzi.

Kurwira zvakaipa uku kunoendesa vamwe vanhu kurutivi rusirirwo kwovaita kuti varambe zvese zvakataurwa nehama Branham. Vanobva varamba kuti aitombove mutumwa kukereke yechinomwe.

William Branham haasi Nzira.

Jesu ndiye Nzira.

William Branham chikwangwani chinotiratidza nzira kupfurikidza kuzivisa zvakavanzika zveShoko raMwari.

JOHANE 14:6 Jesu akati kwaari: ndini nzira, nezvokwadi novupenyu:

William Branham angoriwo nyeredzi muruvoko rwaJesu rwerudyi.

Zvisinei nekuti unofunga kuti hama Branham vakakura sei, Jesu ndiye mukuru pazvose .

ZVAKAZARURWA 1:16 Muruvoko rwake rwerudyi wakanga akabata nyeredzo:

 

 

Zvino tosvika pane kumwe kuverenga.

MuTestamente yekare, makore 49 aizodarika gore rechi 50 roita gore rejuberi rekusunungurwa. Zvikwereti zvese zvinokanganwirwa. Vanhu vanosunungurwa.

Hama Branham vakafunga kuti gore rejuberi rechimakumi mamomwe rinenge riri rekuuya kwaShe.

70 x 49 = makore 3430.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Mwari anoita sununguro makore makumi mana nemapfumbamwe ega ega; gore rechimakumi mashanu ndiro Juberi. Tinozviziva. Tinozvinzwisisa. Kubva paJuberi yekutanga kuna Revitiko 25:8 muna 1977 rinenge riri gore reJuberi yechimakumi manomwe, kuita makore 3,43o akazara.

… Richava Juberi rekukwira kudenga kweMwenga wemuHedeni nekudzoka kwaKristu kumaJuda pavanobuda muhuranda

Bhaibheri rineduramanzwi reScofield rinopa mazuva aUssher kuna Revitiko 25 riri gore 1491 BC.

Zvakare, mazuva aya haafambirane

1491 + 1977 = makore 3468 kwete makore 3430.

Saka, 1977 raive risiri kuzoita gore rakakosha munhorondo.

Mugore 1977 vaparidzi vemharidzo vakaramba vachiti, “Ndine kutaura kwandakabata kwekuti 1977” asi vaingove nemazai kuzviso zvavo aida kupukutwa kuti vaone chokwadi.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Iri raive gore 1933 ndikafungidzira kuti kuchava nedambudziko guru richaitika muUnited State muna 1977 kana kuti risati rasvika. Vangani vanorangarira ndichitaura izvi.

Fungidziro iyi yakakonzeresa nyakanyaka zhinji (yakurambwa parizvino) asi hapana chakazadziswa nezvayo gore iroro.

Tinofanira kungotarisa zvinhu zvakakosha chete.

Hama Branham vakaita kukanganisa kukuru mukuverengedza kwavo mazuva.

Asi, chii?

Nei vanhu vese vasina kutarisisa nekuongorora zvaakataura nekumugadzirisa?

Saka vanhu vanongofanira kuzvipomera pamusoro pekutya kukuru kwavanoita vafundisi vavo vanovaudza kuti chivi kutsiura nekugadzirisa muprofita.

 

 

Paaive mujere Johane Mubapatidzi akatanga kukakavara kuti Jesu aive Messiasi. Kwaive kukanganisa kwakaipa. Asi hazvina kubvisa Johane pakuva muprofita. Jesu akaramba achitaura zvakanaka pamusoro pake.

MATEO 11:2 Zvino Johane, ari mutorongo, wakanga anzwa mabasa aKristu, akatuma Shoko navadzidzi vake.

3 Achiti kwaari: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here, kana tichakamirira mumwe?

Chinhu chaityisa chaive chekuti vadzidzi vaJohane vaviri vakatenda mukukanganisa uku, nekuti Johane aive ataura izvozvo.

Havana kana kuita simba rekumupikisa.

Asi, hakuna kuzonyorwa zve nezvevadzidzi vaviri ava zvakare.

Vadzidzi vaviri ava vakasarudza kuramba varinaJohane, vakabva kuna Jesu paakatanga kuparidza.

MATEO 11:7 Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane, akati: Makanga mabuda kundovonei kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?

Sezvinoita vanhu vanotevera mharidzo nhasi. mukavaratidza zvakanyorwa muBhaibheri vanobva kwauri, vakabatirira pane zvavakabata zvichitaurwa zvekuti havatonzwisisi saka vanozviturikira zvisizvo.

Asi kwaive nevamwe vadzidzi vaJohane vaviri vainzwisisa.

JOHANE 1:35 Ava mangwana zve Johane akanga amire navadzidzi vake vaviri;

36 Akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarira Gwaiana raMwari!

37 Ivavo vadzidzi vaviri vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.

Kana mukanzwa mukanzwisisa zvaitaurwa nehama Branham, munotevera Bhaibheri motsigira zvamunotenda kubva kumagwaro chete.

Rangarirai, tinoziva Jesu seShoko chete.

Kana tikaramba kana kufuratira chero chikamu cheMwagwaro tinenge tichiramba nekufuratira Jesu.

 

 

Chokwadi, hama Branham vane zvavakakanganisa.

Asi uyo asina kubvira atadza ngaakande ibwe rekutanga.

Tinofanira kudzidza kuona pakanganiswa, topagadzirisa, toenderera mberi nezaruriro yeMagwaro yechokwadi yakaziviswa nehama Branham.

Chidzidzo chinoda kudzidzwa apa? Hamugoni kungovaka kutenda kwenyu kubva pazvinhu zvakataurwa. Munofanira kutsigira zvamunotaura neMagwaro emuBhaibheri.

 

 

Tosvika pachiratidzo chakakanganisa kuturikirwa nevafundisi veMharidzo mugore 2016.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvino, ndakataura kare ndikati, “Ndaona mukadzi mukuru kwazvo achisimuka, akanaka, akapfeka nguwo tsuku dzehumambo, ndikaedza kuzvitsanangura pano, “Aive mutongi mukuru kuUnited States, zvichida kereke yeRoman Catholic. Mukadzi, mukadzi ... handizivi anogona kuva kereke yeCatholic.handizivi. Handigoni kuzvipatsanura. Chinhu chimwe chandinoona, ndinoona mukadzi; ndizvo chete.

Hama Branham havana kutaura kuti aitove mukadzi chaizvo chaizvo aizotonga America. Vakati anogona kuva mucherechedzo wekereke yeCatholic.

Saka Hillary paakaedza kuita mutungamiri wenyika yeAmerica mugore 2016, vafundisi vemharidzo vakabva vati achakunda kuita Mutungamiri wenyika. Vaiedza kumanikidzira chiprofita ichi kuti chireve Hillary. Vakaguma nenyadzi pazviso zvavo.

Hillary akanaka here? Kwete. Vafundisi vemakereke emharidzo vanofanira kuziva zviri nani.

Chidzidzo chekudzidza apa ndechekuti vafundisi vemakereke emharidzo vanodisa kwazvo kuturikira zvakataurwa vovaka dzavo dzidziso.

Saka, vanotaura zvinhu zvisina kubvira zvataurwa nehama Branham.

Hama Branham vakataura kuti mukadzi aikwanisa kuva ari kereke yeCatholic. Tinoziva kuti chiCatholic chichatora pasi rese munguva yeKutambudzika kukuru panenge pakutonga Pope waantikristu.

 

 

Hama Branham havanawo kubvira vataura kuti, “Kutinhira kunomwe kwakareva”.

Asi izvi zvinogaroparidzwa nevaparidzi vemakereke emharidzo vanoti vari kutaura zvaakataura.

Izvi zvinosimbisa mafungiro “akagadzirwa mudzimba”.

Kugadziriswa kwemashoko akataurwa kuti vanhu vabude nedzidziso isina kubvira yataurwa nehama Branham kukanganiswa kwechokwadi kunotyisa. Vafundisi veMharidzo vakavata pavhiri.

 

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Uye, oh, tarirai maprofita matatu aya-- kana maprofita maviri aya, pavanosimuka pano. Pakati pevhiki vanogurwa saizvozvo, kwototanga hondo yeAmagedhoni. Zvino Mwari anobva atanga kutaura. Anobva amira otanga kurwa. Maprofita iwayo anenge achirova nyika.

Hondo yeAmagedhoni inotanga pakati pevhiki rekupedzisira here?

Izvi zvinenge zvakureva kuti hondo yeAmagedhoni inotora makore matatu nehafu. Hakuna Magwaro anotaura izvozvo.

… Makore matatu nehafu aya, ndiyo Zvakazarurwa 11:3; makaiverenga kakawanda. “Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviprofite, mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu”. Mangani aya, chiuru chinamazana maviri nemakumi matanhatu? Makore matatu nehafu. Ipapo vachavurawa mumigwagwa, pakati chaipo pevhiki rechimakumi manomwe iri.

Hakuna Magwaro anoisa kuuraiwa kwemaprofita pakati penguva yekutambudzika.

Nguva yeKutambudzika yakagara yakapihwa ari makore matatu nehafu.

Kare mugore 1954 hama Branham vaive vachiparidza nguva yeKutambudzika yemakore matatu nehafu.

54-0718 KUMUTSWA KUKURU KURI KUUYA NEKUDURURWA KWEMWEYA MUTSVENE

Messiasi aifanira kuuya kunopforita, uye pakati pevhiki rechimakumi manomwe raDanieri, aizobviswa, akabviswa: Akaparidza makore matatu nehafu kumaJuda chete. Haana kubvira aenda kuvaHedeni, asi akaenda kumaJuda. Kuchibva kwasara makore matatu nehafu emaJuda, ekuparidzirwa Evangeri rekuyananisirwa kunaKristu.

Vakapofomadzwa kumashure uko kuitira kuti maHedeni vadanwewo.

Zvakare vanotaura kuti kune makore matatu nehafu chete asara kumaJuda

55-0109 KUTANGA NEKUGUMA KWEKUVUNGANIDZWA KWEVAHEDENI

"Zvino, kuzviratidzo izvi zvese akaratidza pachange pakamira marudzi. Akavaratidza kuti kwaive sei nemakore mazhinji aive asara kumaJuda. Akati Messiasi achavuya hake. Achaprofita muvhiki rechimakumi manomwe paachaita makore matatu nehafu, pakati paro achagurirwa panzira, anova makore manomwe. Mavhiki makumi manomwe akatarirwa vanhu vake, makore makumi manomwe kumaJuda. Akati, “Messiasi Muchinda achauya kuzoprofita pakati pemazuva manomwe, obva agurwa. Kana nyangadzi yokuparadza yamira panzimbo payo, vachafamba mumasvingo eJerusarema, vaHedeni, kwenguva, neimwe nguva, nehafu yenguva.”

Zvino, pakauya Messiasi, Jesu, akaparidza makore matatu nehafu akazara akabva agurwa kuti ave chipiriso. Chipiriso chemazuva ose chakabviswa nyangadzi, kuparadza kunonyangadza, Mosiki yaOmar imire panzvimbo yeTembere nhasi. Mosiki yaOrmar nhasi iri chaipo chaipo paive netembere. Akataura akati vachafamba mumasvingo eJerusarema, muJerusarema, kusvikira kuvunganidzwa kwemaHedeni kwapera.

Mosiki yaOmar iri chinhambwe chinoda kukwana hafu yekiromita kubva paive pakavakirwa Temberi chaipo.

61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU. 2

Gwaiana, Messiasi, Muchinda anofanira kuuya uye anofanira kuvapo kwemavhiki makumi manomwe (ndiwo makore manomwe).

[Hazvisizvo. Rechimakumi manomwe kana vhiki rekupedzisira]

Ndizvo zvakaprofitwa kuvanhu vake. Muchinda aizogurirwa pakati, makore matatu nehafu, hafu yemakore manomwe makore matatu nehafu, obva agurirwa panzira. Chipiriso chemazuva ese chinenge chabviswa; nyangadzi inoparadza (yakamiswa nemaMosiremu aOmar panzwimbo yetembere pazuva ravakapisa tembere) uyezve kune makore matatu nehafu asarira vaIsraeri.

Apa Hama Branham vanotenda kuti maJuda angosarirwa nemakore matatu nehafu (hafu yevhiki)

Saka hama Branham vakaparidza “makore matatu nehafu akazara” vasati uye vatoparidza Vhiki raDanieri rechimakumi nanomwe.

Nei akashandura pfungwa dzake muna 1961 akashandisa zvakataurwa naClarence Larkin mubhuku rake “Dispensational truth” achitaura kuti kwakasara makore manomwe, itsoro.

… (apo mamosiremu aOrmar imire panzvimbo yetembere zuva ravakapisa temberi)

Mutsara uyu wakakanganiswa munzvimbo nhatu.

Hakuna chinonzi maMosiremu aOmar.

Kune Mosiki yaOrma parizvino (parutivi asi kuri kuzasi kwekereke yeHoly Sepulchre) yakavakwa muna 1193 iripo mamita anokwana 500 kubva paDome of the Rock panova pakati chaipo penzvimbo yaive yakavakirwa Temberi (Haram Al-Sharif), inoonekwa sekarekitengo kachena kurudyi.

 

 

Kana tembere iri paive neTembere yaSoromoni chaipo chivakwa chimwechete chiri pakati chaipo penzvimbo yaive yakavakirwa Tembere iDome of the Rock, iyi haisi Mosiki. Asi mune ibwe guru mukati macho, risingaiti kunge uriri hwakatengwa naDavidi. Hapana pekuchera mvura panzvimbo yeTembere yakapoteredzwa nemasvingo makuru asi vaida mvura kuti vasuke zvipiriso zvese nekusuka ropa. Saka, vanhu vazhinji vanobvunza kuti Temberi yaimbova panzvimbo iyi here sezvo maRoma akawisira pasi mabwe ese vachiedza kuparadza nzvimbo yeTembere mugore 70 AD vari pasi pemukuru wemauto Tito muna 135 AD pasi pemubati Hadrian. Hadrian aivenga maJuda saka aida kubvisa humbowo hwese hwekuti Tembere yavo yaive papi. Kusiya nzvimbo iyi yakapoteredzwa nemasvingo mana zvakaita kuti zvive pachena kuti Tembere yaive papi.

Pakutanga Ormar akavaka imba duku yekunamatira muna AD 637, apo pakatapwa Jerusarema nemaArabu, pakamiswa mosiki yeAl-Aksa nhasi pakakona kenzvimbo yeTembere.

Asi aya aive makore 567 mumashure mekupiswa kweTembere nemukuru wemauto Tito muna AD 70.

Nekufamba kwenguva Mosiki yaOrmar yakavakwa kumuganhu wekumabvazuva wekereke yeHoly Sepulchre. Yakazonyangarikawo.

 

 

61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU. 2

Kristu akauya akaparidza akaprofita makore matatu nehafu akakwana, chipiriso chemazuva ose chikabviswa, zvakanakisawo sezvazvingava. MaMosiremu aOrmar akataura chokwadi... yakavakwa nzvimbo imwechete iyoyo ichiripo nanhasi. Vachafamba mumasvingo eJerusarema kusvika kuvuganidzwa kwevaHedeni kwapera, kereke inotorwa kukwira kudenga (Vakasarudzwa, Mwenga) kubva imomo.

Maprofita maviri, Eria naMosesi, vanotendeukira kuIsraeri kwemamwe makore matatu nehafu.

Zvakare,vasati vaparidza mavhiki makumi manomwe aDanieri, hama Branham vaitenda kuti kwaive nemakore matatu nehafu, kwete makore manomwe.

61-0723 MWARI ACHITADZA KUNZWISISWA

Mugore A.D. 96, Tito akasvika akapamba Jerusarema akapisa Temberi, vakavaka mosiki yaOmar (chitendero chaMohammedi) panzvimbo paimbove neTembere chaipo, ichiri ipapo nanhasi.

Kukanganisa kuviri. Mukuru wemauto eRoma Tito akapisa Tembere muna AD 70.

Mosiki yaOmar iri chinhambwe chemamita mazana mashanu kubva panzvimbo yeDome of the Rock saka iri kunze kwenzvimbo yeTembere.

AD 96 ndiro gore rakafa mubati weRoma Domitian, aive amboisa Johane mutorongo muchitsuwa chePatmosi. Vasungwa vese vezvematongerwo enyika vakabva vasunungurwa Johane akazobva kuchitsuwa chePatmosi ava mutana. Akazokurudzirwa kusarudza mabhuku ese eTestamente Itsva akazoguma nerake iye “Zvakazarurwa zvaJesu Kristu.”

Akapedzisa Bhuku rekupedzisira iri achiti:

ZVAKAZARURWA 22:18 … Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi ...

19 Kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuprofita uku

Yambiro pakutaura kuti Baibheri reKing James harisi Mukuru uye rine zvakakanganiswamo. Hatitenderwe kushandura chero chinhu nechero nzira.

Hatitenderwi kutsiva Magwaro nezvakataurwa nemunhu.

Tinogona chete kushandisa zvakataurwa kutsanangura Magwaro.

DEUTERONOMIO 12:32 Chinhu chipi nechipi chandinokurairai, chenjerai kuti muzviite; musawedzera kwazviri kana kutapudza kwazviri.

Kushandura kana kutadza kutenda chero chinhu chiri muBhaibheri munenge mava mudambudziko.

63-0116 MUTUMWA WEMADEKWANA.

Tarirai, kana kereke yemaHedeni ichifanira kutanga kutorwa, kumaJuda, kupera kwevhiki rechimakumi manomwe kunobva kwauya. Makore matatu nehafu Messiasi akaprofita, akabva abviswa, Muchinda, pakati pevhiki rechimakumi manomwe. Uye, ipapo, kune mavhiki matatu nehafu akasara.

Mwedzi miviri hama Branham vasati vazivisa zvisimbiso zvinomwe, vaive vakutoziva kuti kwaive nemakore matatu nehafu aive asara.

Tsoro yacho iri pakuti nei akaparidza makore matatu nehafu asati aparidza Vhiki raDanieri rechimakumi manomwe” akazoriparidza mumashure.

“Vhiki raDanieri rechimakumi manomwe”.

Nei akasiya bhuku raClarence Larkin “Dispensational Truth” richimukurudzira zvakadaro pamharidzo “Vhiki raDanieri reChimakumi manomwe”.

 

 

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Zvino, tarirai, Maraki 4. anenge ari mupfofita achidzorera kutenda kwekutanga kwemadzibaba. Panguva yekupedzisira, panozouya nguva yeKutambudzika kukuru ... Zvino, pano pane chinhu chiduku; tichadzokera shure zvishoma, makore matatu nehafu eVhiki raDanieri rechimakumi manomwe (hafu yekupedzisira yevhiki raDanieri rechimakumi manomwe rinova makore matatu nehafu) ... Zvino tino ... Vangani vanorangarira izvozvo kubva munguva dzemakereke? Chokwadi mazviona? Kunemavhiki makumi manomwe anotariswa: tarirai kuti zvaive zvakanaka sei; akati, “Messia achauya, achabviswa kuti ave chibairo pakati pevhiki, zvipo nezvibairo zvinobva zvagumiswa.

[Paakati “mavhiki makumi manomwe” aireva vhiki rechimakumi manomwe” kana kuti makore manomwe ekupedzisira]

Kunobva kwangosara makore matatu nehafu akamirirwa kuti kudzidziswe dzidziso dzaMessiasi kumaJuda, uye Mwari haashandi nemaJuda nevaHedeni nguva imwechete.

 

 

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Zvino, mavhiki makumi manomwe ndiwo aitariswa, zvakanakisa, sekutaura kwakaita Danieri kuti Messiasi aizodzoka ogurirwa panzira pakati pevhiki. Jesu anoprofita makore matatu nehafu.

Zvino, pakati pemakore matatu nehafu aDanieri aya, pakati pawo akabviswa.

Mutsetse wekupedzisira uyu wakatadzikwa. Haana kubviswa pakati pemakore matatu nehafu.

Akabviswa MUMASHURE memakore matatu nehafu, paive pakati pemakore manomwe. Makore manomwe ekupedzisira aive vhiki rechimakumi manomwe.

Saka, makore manomwe ekupedzisira hafu yawo ndiyo yakazadziswa naJesu, imwe hafu yevhiki rekupedzisira yakasairirwa kuseri kwemakore anoda kuita 2000 munguva inouya kuti agozadziswa munguva yeKutambudzika kukuru.

 

 

Musaise kuvimba kwenyu mune zvakataurwa kusvika makukwanisa kuzvitsigira neMagwaro makuziva zvinhu chaizvo.

Tsvagai panoratidzirwa Magwaro nezvinenge zvataurwa zvacho moisa kuvimba kwenyu muMagwaro.

Zvimwe zvinotaurwa hazvisizvo.

Tarisai kutaura kutatu kwakasiyana kwakaitwa nehama Branham pamusoro peGore rakaonekwa musi wa28 Kukadzi 1963. muchinhambwe chemakoromita 42 muchadenga kwaive kudenga zvakanyanya kuti rive gore rakaitwa nemamiriro ekunze. Paive pasina chiso mugore.

Akati gore raive rakarembera muchamweya, rikaburuka rikaenda.

Pachokwadi kwaive nemakore maviri akaonekwa kwemaminetsi 28 zuva ratodoka achifamba achibva kumadokero achienda kumabvazuva.

Hama Branham havana kubvira vaona gore zvakare vaive vasingazivi zvinhu izvi.

Iri ndiro gore guru rakatorwa mifananidzo nevekuTucson paraive riri kumusoro kweFlagstaff muArizona.

 

 

Chiso (nechiedza chakajeka parutivi rwacho) chakangoonekwa mumifananidzo yakafotositetwa.

 

 

Hama Branham havana kubvira vaona gore. Vakatanga kutaura nezvaro mwedzi yakati kuti yadarika muna Chikumi 1963.

63-0628 ISHE MUMWE MUKANA MUMWECHETE.

Zvino vesainzi vakatora mifananidzo yaro, munouona, ukaiswa mubepanhau reAssociated Press. Havana kuziva kuti chaive chii. Paive negore rakarembera, mamaira makumi maviri nematanhatu mudenga.

Chokwadi. Gore rakaonekwa chete kwemaminetsi 28 zuva richangovira rikagara chinhambwe chemakiromita 42 mudenga. Harina kuonekwa richiburuka kana kukwira zvakare. Raifamba richibva kumabvazuva kuenda kumadokero.

63-0630 HUPENYU HWAKO HWAKAFANIRA EVANGERI HERE

Akati, ngatiti, pamwe mamaira gumi nemashanu kusvika kwatinenge tisisakwanisi kuwana hunyoro. Asi aya mamaira makumi maviri nematanhatu, rikaramba riri ipapo zuva rese. Mazviona? Havazivi kuti chii. Asi, totenda Mwari, isu tinoziva.

Hachisi chokwadi. Gore rakangoonekwa kwemaminetsi 28 zuva richangodoka.

Gore riri pamusoro pemakiromita 20 (kana mamaira 12) rinenge rakapararira zvakanyanya zvekuti harigoni kuonekwa muchiedza chezuva kana denga rakajekeswa nezuva. Rinogona kuonekwa chete kana zuva rakudoka muchadenga mane rima.

Saka hakuna anogona kuona Gore rinenge riri chinhambwe ichocho masikati. Saka kutaura kuti raive riripo zuva rese hazvisirizvo.

Makore chaiwo kazhinji haaonekwe muchiedza chezuva kunze kwekunge ari pazasi pemamaira gumi nemaviri (makiromita makumi maviri) muchadenga.

Mutsetse une madonhwe asinganyatsoonekwe unoratidza makore emuchadenga asingakwanisi kuonekwa muchiedza chezuva.

 

 

Asi kana zuva rikadoka kumadokero rinokwanisa kuratidzira makore ari mudenga zvakanyanya anoitwa nechiutsi, mvura inenge yapwa kubva mumaekizozo edzimota kana maroketi nemajeti, nezvimwe zvigadzirwa. Zvinoshamisa kwazvo, kana garoni regasi kana peturu rikatsva muinjini rinoitawo garoni remvura muchiutsi chinobuda muekizozo.

 

 

Chinhambwe chegore chakaratidzwa nekukwanisa kwaro kuonekwa kwechinguvana mumashure mekudoka kwezuva.

Hama Branham vaiziva kuti vatumwa vakavashanyira ndivo vakaita gore zvakare asi havana kuziva kuti zvaive zviitiko zviviri zvakasiyana zvakapatsanurwa nemazuva masere nemamaira mazana maviri.

 

 

Gore remweya unoshamisa iri rakatorwa mifananidzo kumusoro kweFlagstaff zuva richangodoka musi wa28 Kukadzi 1963.

Vatumwa vanomwe vakamushanyira musi wa 8 Kurume 1963 nguva dza 8 mangwanani pedyo nemakomo eSunset Peak, mamaira anoda kukwana 2oo kumusoro kweFlagstaff.

65-0725 CHII CHINOKWEZVA MESO PAMUSORO PEGOMO

Kumusoro zvakanyanya harigoni kuita guti iroro, kana chimwe chinhu kumusoro ikoko. “Chii chakariita? Riri pai?” vakatoshamiswawo neGore rinoshamisa rakarembera muchadenga

Ndizvozvo. Raive rakarembera muchinhambwe chimwechete risingakwiri kana kudzika kubva paraive.

Hama Branham havana kuziva kuti nei vesainzi Dr. James MacDonald vakashamiswa nekuti vemagazini reLife rakaratidza mufananidzo wegore harina kutaura kuti aive makore maviri.

Mufananidzo unotevera wakatorwa kubva paWinslow iri munzira yegore raifamba.

 

 

Gore rimwechete raive remweya unoshamisa rakaitwa nevatumwa rimwe gore raive rechiutsi rakaitwa nekuputika kweroketi pabhesi rendege dzehondo reVandenburg muCalifornia.

Vesainzi vakagona chete kutsanangura gore rimwechete vachiti rakaitwa nechiutsi cheroketi raive raputika, kwete makore maviri. Ndicho chikonzero nei vesainzi vakashamiswa.

Mufanaidzo unotevera tinouti dhayagiramu kwete fotogirafu. Unoratidza kuti makore maviri aya aifamba sei achibva kumadokero achienda kumabvazuva akazoonekwa kwemaminetsi 28 zuva richangodoka.

 

 

Vamwe vafundisi vemakereke emharidzo vanorambisisa kuti paive nemakore maviri. Asi pane humbowo hwemifananidzo kubva paWinslow.

Nei gore rechiutsi raifanira kuva pamwechete negore remweya unoshamisa?

Joere akataura pamusoro peshongwe dzovutsi sezvishamiso nezviratidzo zvedenga.

JOERE 2:30 Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: ropa, nomoto, neshongwe dzovutsi.

65-1127 KUEDZA KUBATIRA MWARI KUSIRI KUDA KWAMWARI

Mapapiro ake aive akatarisa shure saizvozvo. Ndizvo zvinoita mapapiro engirozi chaizvo painokwira kudenga. Mazviona, paino ... saka vakatanga kutora mifananidzo nekuti chaive chinhu chinoshamisa. Asi mufananidzo wekupedzisira, pawakanozviita muchadenga nezvimwe zvakadaro, ndizvo izvi tarisai zvakarongedzwa pano. Munoona kusimuka kwacho sekutanga kwavanoita kuzviona, mazviona. Zvino kuchibva kwauya – mufananidzo chaiwo uri wekupedzisira, pawakarigadzira.

Havazivi kwarakabva kana kwarakaenda, havasati vaziva nazvino. Vesainzi vakakatyamadzwa nazvo,havazivi zvakaitika. Asi isu tinoziva; “Kuchaita zvishamiso kumusoro kudenga.”

“Zvishamiso mudenga” aitaura nezvaJoere. Zvese chishamiso chemweya unoshamisa, gore rakaitwa nemapapiro evatumwa, nechimwe chishamiso shongwe dzevutsi refu mbiri dzakaita gore rechivutsi raive kumusoro kudarika kusimuka kunowanzoita chivutsi.

MABASA 2:19 Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi; Ropa, nomwoto, nemhute yovutsi.

Saka mhute yevutsi yakanga yaprofitwa zvakare.

 

Izvi zvaive chiratidzo chekuti Mwari aive ava pedyo kuzivisa Zvisimbiso zvinomwe.

Asi pano hama Branham vanofunga kuti vatumwa vakaita gore pavakabva pavari vachikwira kudenga.

Izvi hazvisizvo.

Hakuna gore rakaitwa zuva ravakashanyirwa nevatumwa.

Ndapota chenjerai.

Inodaidzwa nevanhu veMharidzo kuti “dzidziso yegore”, yavakakudza kuita kuuya kwaShe kana kuuya panyika kweMutumwa Mukuru wekunaZvakazarurwa 10, kunyengereka kunobva pakukanganisa kwakaita hama Branham vasingatozivi.

Vakafunga kuti gore rakaitika zuva rakabva vatumwa kwavari.

Vakakanganisa.

63-0623 KUMIRA PAMUPATA

Zvino, handina kuziva panguva iyoyo, kuti vaitora mifananidzo yaizvozvo, vesainzi vaive, apo vatumwa vaidzika kubva Kudenga, vachiuya neShoko.

... Tarirai piramidhi reGore? Ndaive ndimire pasi paro.

Kukanganisa kukuru. Havana kubvira vamira pasi pegore.

Sunset Peak yaive mamaira mazana maviri kumusoro kweFlagstaff. Yaive nzvimbo isiriyo zuva risiriro sezvo vatumwa vakasangana naye mazuva masere mumashure mekutorwa mifananidzo kwegore.

Kutaura kuti Gore raive rakarembera mudenga zuva rese, uye kuti vatumwa vakakwira kudenga pavakaita gore, apa vaive vakutaura kuti gore rakaburuka kwavari apo vatumwa vakadzika vachibva kudenga.

Kana vatumwa vakaita gore vakaburuka kana kukwira kudenga, zvinoreva kuti gore raive risiri mudenga.

Saka hama Branham ari kungosanganisa fungidziro dzake.

Rangarirai. Haana kubvira aona gore paaivhima.

Gore rakatorwa mifananidzo musiwa 28 Kukadzi 1963 kumusoro kweguta reFlagstaff muArizona.

Hama Branham aive asingavhimi ipapo sezvo nguva yekuvhima yakavhurwa musi wa 1 Kurume ichizovharwa musi wa 10 Kurume. Akaparidza “Mukuru” kuHouston, muTexas musi wa 4 Kurume 1963. Houston iri mamaira 1000 kubva kuSunset Peak. Saka,aisakwanisa kuva akasvika kuSunset Peak musi wa6 Kurume usati wasvika.

Saka haana kubvira aona gore.

Kubva pane zvakataurwa nemwanasikana wake Becky, muchinyorwa chake “Kudzoka kuSunset” kana “Nzira kuenda kuSunset”, vatumwa vanomwe vakaita gore musi wa 28 Kukadzi zuva richangodoka vakazoonekwa nehama Branham na 8 mangwanani musi wa 8 Kurume 1963 pedyo neSunset Peak. Zuva iroro havana kuita gore muchadenga.

Aya aive mazuva masere mumashure uye mamaira 200 kuzasi kwenzvimbo yakaonekwa gore.

Vatumwa vakauya kwari vakamusiya vasina kubvira vaita gore musi wa8 Kurume 1963.

Hama Branham havana chavaiziva pamusoro pegore kusvika patodarika mwedzi yakati kuti. Kutaura kwake kwekutanga pamusoro peGore iri ari paruzhinji akakuita muna chikumi 1963.

Asi, Zvisinei, akafungidzira kuti gore rakaonekwa zuva raakashanyirwa nevatumwa pamakomo eSunset Peak.

Uku kwaive kukanganisa kukuru. Gore rakawonekwa mazuva masere vatumwa vasati vauya kwaari.

Munokwanisa kuona kuti aitoita kufungidzira pamusoro peGore.

“Rakanga riri kudenga zuva rese”. Manyepo.

Chero gore rinenge riri chinhambwe chiri pakati pemakiromita 20 nemakiromita 80 muchadenga harigoni kuonekwa masikati muchiedza chezuva chakateya denga reruvara rwebhuru.

Anokwanisa chete kuonekwa kana zuva radoka zuva risati rabuda zve (apo nyeredzi nezvemuchadenga zvinenge zvichionekwa zvakanaka.)

Ndicho chikonzero nei achidaidzwa kuti makore enokutirusenti (noctilucent) nekuti anoonekwa usiku.

65-0718 KUDYA KWEMWEYA NEMWAKA WAKAFANIRA

uye ini nehama Gene Norman, takamira pakadaro apo parakakwira kudenga. Vakatora mifananidzo, asi nazvino havazivi nezvaro.

Zvino, kuwedzera pamusoro pekukanganisika kwavo, vakataura futi kuti Gore rakakwira kudenga pakabva vatumwa kwaari.

63-1201 MUKURU

Rimwe zuva, ndakamira apo, ndakanonga chinyavada, kana dzvatsvatsva kubvisa pagumbo rangu, sezvaive; ipapo vatumwa vanomwe vakabva kudenga vakazunza nzvimbo yese, kusvika, mabwe anorema mapaundi makumi mashanu kana makumi matanhatu, akunguruka achibva mugomo. Pakamira vatumwa vanomwe pakadaro apo, vakandipa basa rekudzoka kuzopa Shoko iri, vakati, “Umwe nemumwe” vaizo “sangana vachitaura zvakaitika.” zvikaitika saizvozvo. Pavakakwira kudenga, saizvozvo, vakakwira mamaira makumi matatu kudenga kumhepo; uye zuva rimwechete iroro, vakatora mifananidzo yaro, vesainzi vakaita izvozvo, ikatenderera pasi rese.

Zvakare vanotaura kuti gore rakakwira kudenga.

Saka vakati gore rakakwira kudenga, rakaburuka, rakaramba riri mudenga zuva rese.

Vakanga vakanganisika kuti chokwadi ndechipi apa.

Raive risitori zuva rimwechete zvakare.

Gore rakawonekwa mazuva masere vatumwa vasati vauya kwaari.

Makore anenge ari kudenga mamaira anokwana gumi nemaviri haaonekwe muchiedza chezuva chemasikati.

 

 

Ichi chidzidzo chakanaka kuti tione kuti vafundisi vemakereke emharidzo vanotevera Magwaro zvakadii.

Vazhinji vanoti Mutumwa mukuru wekunaZvakazarurwa Chitsauko 10 ndiye aive Gore achiburuka.

Kuburuka? Kukwira kudenga? Kana kugara muchadenga zuva rese marisingagoni kuonekwa muchiedza chezuva pachinhambwe charaive?

Dzidziso iyi haisiyo.

Hama Branham vakatii pamusoro pemutumwa mukuru wekunaZvakazarurwa Chitsauko 10?

64-0119 SHAROMI

Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.” Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.

Izvi ndizvo zvaakataura pamusoro pemutumwa gore rimwechete mumashure mekuonekwa kweGore. Mutumwa achauya munguva inouya. Saka Gore raive risiri Mutumwa Mukuru.

Mutumwa anoburuka panyika kuzomutsa vakafa. Izvi zviri pachena kuti hazvisati zvaitika. (muna Chikunguru 2020).

65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA

Kuna Mwari, munguva ino, ichava nguva senguva ino apo kuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kudenga nekudanidzira, nenzwi reMutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari, vakafa munaKristu vachamuka.

Mwedzi umwechete asati afa Hama Branham vaive vachiri vakamirira Mutumwa Mukuru, Mutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10, kuti auye panyika kuzomutsa vakafa.

Saka, Gore raive risiri Kuuya kweMutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10.

Nhau dzeNhema.

Mufananidzo uyu wakatenderera mumasangano eMharidzo.

Unoti gore raive “Kristu mugomo reSunset”.

 

 

Gore harina kubvira raonekwa Mugomo reSunset. Raive mamaira 200 kumusoro kweFlagstaff.

Gore harina kubvira raburuka panyika. Rakangoonekwa kwemaminetsi 28 parakagara pachinhambwe chemamaira makumi matatu (makiromita anoda kukwana 42).

Gomo reSunset kana kuti Sunset Peak riri murenje guru reSonorani.

 

 

AsiKristu haasi kuzosvikira murenje.

MATEO 24:26 Zvino, kana vakati kwamuri: Tarira, uri kurenje, regai kubuda; tarira uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.

Nhasi vanhu havazivi Bhaibheri saka vanonyengereka zviri nyore.

Saka Gore raive chiratidzo chei?

64-0112 SHAROMI

Zvino ririmo muMagazini reLife, richiri chakavanzika kwavari. Asi akazviita kudenga asati azviita panyika. Anogaroita saizvozvo. Anotanga kuratidza zviratidzo zvake kudenga.

MATEO 24:29 Pakarepo shure kwokutmbudzika kwamazuva iwayo

Nguva yekuratidzira Kutambudzika kukuru yaEichimann naHittler, inodaidzwa kuti Horokasiti, kwavakauraya maJuda mamiriyoni matanhatu muHondo yepasi rese yechipiri.

zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga,

Zuva mucherechedzo weBhaibheri. MaKristu haachaoni Bhaibheri reKing James Vhezheni serisina zvakakangainswamo zvachose uye seMukuru wedu. Saka chiedza cheMagwaro chinobva chasviba.

Mwedzi unomiririra kereke. Kereke haicharatidziri chiedza cheMagwaro. Kereke yakuratidzira mifungo yamufundisi wayo. Musanganiswa werima nekunyengera. Kereke yekupedzisira yeRaodikia inotsanangurwa neMagwaro sebofu. Vadzidzisi veBhaibheri vanodzingwako nekuti vanoshandisa Bhaibheri kutsigira zvavanenge vachitaura. Vanhu vemharidzo vanoda dzidziso dzezvakataurwa nevanhu nekuti vane husimbe hwekudzidza Magwaro.

Nyeredzi ndidzo vana vaAbrahama. Vaparidzi vanowira pasi kubva pakudanwa kwavo nedenga kuti vaparidze Shoko chete. Vakuparidza zvine mbiri nezvinopfumisa. Ndicho chikonzero nei vasikana gumi vese (makereke ese) vakarara vakakotsira.

namasimba okudenga achazununguswa:

Gore remweya unoshamira riri mamaira 30 muchadenga rinotyora simba rese nemirairo yezvemuchadenga nefizikisi dzayo. Sainzi hadzigoni kutsanangura vatumwa vaMwari vachiita zvinhu zvisingagoneke izvi.

MATEO 24:30 Ipapo chiratidzo chemwanakomana wemunhu chichavonekwakudenga;

Asi gore rinoshamisa raive chiratidzo chekuti vatumwa vanomwe vachataura nemaprofita mazuva masere aizotevera nekumupa basa rekuzivisa Zvisimbiso Zvinomwe

65-0718 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAKE

Zvino muongororo huru, kuti nyika yaizopererwa, vachiri kushaya kuti chii chakaitika. MuTucson, vaongorori vakuru vakatora mufananidzo waro ipapo; vachiri kunetseka kuti chii chakaitika. Chaimbove chii? Vakazviisa mumapepanhau, “Kune munhu anozivawo chiro pamusoro pezvakaitika here, uye kuti zvakaitika sei? Hakuna guti kudenga, hakuna mhepo, hakuna hunyoro; mamaira makumi matatu kumusoro kudenga. Oh, maiwe!
Kuchaitika zviratidzo kudenga. Kana zvinhu izvi zvaitika, kudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana siyana, zvino kunoonekwa chiratidzo kudenga, cheMwanakomana wemunhu.”

Gore raive chiratidzo Mudenga chekuti zvakavanzika zveMagwaro zvaive zvakuzoda kuziviswa.

... Bhaibheri rinoti kuna Maraki 4, zvichaitika nhasi. Zvakazarurwa 10, kuti Zvisimbiso zvinomwe zvinozarurwa sei uye kuziviswa sei zvakavanzika zvese zvaive zvakavanzwa munguva dzevaMutsiridzi vese! Anotaura kuti zvichaitwa sei. Zviri muBhaibheri, ZVANZI NAJEHOVA. Mwari akazivisa izvozvo zvakazara uye zvakanakisa akazvisimbisa kuva chokwadi, nezviratidzo, nezvishamiso mudenga, kumakore, nezvimwe zvese, kwemakore makumi matatu nematatu.

Zvishamiso: gore remweya unoshamisa negore rechivutsi riri mudenga-denga.

Zvinhu zvinokonzerwa nemamiriro ekunze nezvinhu zvinokonzerwa neMweya unoshamisa zvinobatana kuita chiratidzo chekutanga Eksodo kana rwendo rwechitatu.

Vanhu vemuMwenga waKristu vakazvimiririra vachibuda mukereke yakarongwa.

Mosesi akaona gwenzi richibvira asi risingatsvi.

Zvemweya nezvenyika zvakabatana sechiratidzo chekukwezva vanhu kuti rwendo rwekutanga rwutange.

MARAKI 4:4 Rangarirai murairo waMosesi muranda wangu, ...

5 Tarirai ndichakutumirai muprofita Eria

 

 

ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaprofita.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23