Kugadzirisa nyaya yePaseka nemakore matatu nehafu ehushumiri



Evhangeri harizvirwisi asi tinofanira kuturikira zvarinotaura zvakanaka nekuti zvakaoma kwazvo kuzivisa chakavanzika.

First published on the 10th of May 2022 — Last updated on the 10th of May 2022

Dambudziko riri panhau yePaseka

 

Hatizivi zuva nemweddzi wakaberekwa Jesu.

Mazuva edu ede anopa kana kubvisa mwedzi.

MaBhuku eEvangeri anorwisana here kana takatarisa nhau yePaseka?

Kwete. Kwete kana muchiziva mimwe mirairo yaishanda paPaseka.

Dambudziko guru nderekuti makereke anhasi anotenda muChishanu chakanaka (Good Friday), vanoti Jesu akafa musi weChishanu.

Izvi hazvisi zvechokwadi.

Jesu aifanira kufa musi weChina kuti aite husiku hutatu mubwiro asati amuka musi weSvondo mangwanani.

Hakuna vhesi remuBhaibheri rinoti “Chishanu chakanaka” (Good Friday) kana kuti “Muvhuro weIsita” (Easter Monday).

 

 

RUKA 22:1 Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi paseka, wakaswedera.

Rimwe dambudziko nderekuti China yaivewo Paseka (uye chaidadidzwa kuti zuva rekugadzirira paiuraiwa gwayana) Chishanu chinogona kudaidzwawo kuti Paseka. Chishanu chinowanzodaidzwa kuti Mutambo wePaseka panodyiwa gwayana.

Asi Chishanu chinogona kudaidzwawo kuti paseka.

Rimwe dambudziko rinogona kunetsa kunzwisisa nderekuti Zuva rechiJuda rinotanga nekudya chirayiro na1800, kwete pakati pehusiku.

Saka Chirayiro chekupedzisira chaive naJesu nevadzidzi vake waive musi weChina pakarenda redu chiri Chishanu pakarenda remaJuda.

Zvakare, ndapota rangairirai vaive nenzira mbiri dzekutarira nguva nadzo.

MaJuda aitanga kutara nguva dzavo dzepazuva na 0600 mangwanani pakubuda kwezuva. Saka, awa ravo rechitanhatu rinenge riri 1200 masikati.

MaRoma aishandisa nguva dzedu dzinotanga pakati pehusiku.

Saka, awa ravo rechipfumbamwe rinenge riri 09:00 mangwanani.

Zvakare, rangarirai kuti Mutambo wePaseka (musi weChisanu) waive mutambo weZvingwa zvisina Mbiriso uye raive Sabata rakakosha. Asi Mugovera waive sabata ratagara tiri naro. Saka kwaive nemasabata maviri aive akatevedzana.

Zvibereko zvekutanga zvaizunguzirwa musi weSvondo. Ramamgwana kana kuti zuva raitevera Sabata remusi weMugovera.

Zvibereko zvekutanga zvaimiririra kumuka kwaJesu musi weSvondo paakazunguzira achioneka rufu, gehena, neguva.

REVITIKO 23:10 "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana muchisvika munyika yandichakupai, mukakohwa zviyo zvayo, munofanira kuuya nechisote chezvitsva zvokukohwa kwenyu kumupirisiti,

11 iye anofanira kuzunguzira chisote icho pamberi paJEHOVA, kuti chigamuchirwe kwamuri; mupirisiti anofanira kuchizunguzira nomusi unotevera Sabata.

Ramangwana mumashure meMugovera weSabata ndiyo Svondo.

Gwayana rePaseka rakasarudzwa zuva rechigumi rikauraiwa zuva rechigumi nemana.

EKSODO 12:3 Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, `Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.

EKSODO 12:6 zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana

 

 

Jesu akasarudzwa saMambo wemaJuda musi weSvondo yeMichindwi (zuva rechigumi). Saka akauraiwa musi weChina masikati (zuva rechigumi nemana).

Izvi zvakamutendera Iye, saJonah, kuita husiku hutatu ari mumoyo wenyika.

MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.

Husiku hutatu: China husiku, Chishanu husiku neMugovera husiku.

Akamuka mangwanani emusi weSvindo, kusati kwachena.

JOHANE 20:1 Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akavona ibwe rabiswa pabwiro.

Paseka (China) raive zuva rimwechete tisati tasvika paMutambo wePaseka (Chishanu).

Asi Chishanu, Mutambo wePaseka waivewo zvakare Mutambo weZvingwa zvisina Mbiriso. Zuva rekutanga remazuva manomwe pavanodya zvingwa zvisina mbiriso chete.

 

 

Zuva rekutanga nezuva rekupedzisira remazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso aive maSabata kana kuti mazuva Makuru. Mazuva manomwe aya anotaura pamusoro penguva nomwe dzemakereke emaKristu akatevera mumashure merufu rwaKristu. Kushaiwa mbiriso kana kuwodzwa zvinomiririra hutsvene hwaKristu mukereke make munguva nomwe dzemakereke. Aya ndiwo mazuva kubva pazuva rechi 15 kusvika rechi 21.

Zuva rimwechete rezvingwa zvisina mbiriso pazuva rechigumi nemana rinomiririra hutsvene hwaKristu paakafa achifira zvivi zvedu. Aive chipiriso chakarurama.

Zuva rekutanga reMutambo weZvingwa zvisina mbiriso raive zuva rechigumi nemashanu remwedzi, Chishanu.

Paseka raive zuva reKugadzirira (zuva rechigumi nemana kana China) apo Gwayana raiurayiwa robikwa.

Zuva rechiJuda rinotanga na1800 saka pavakadya gwayana madekwana, raive ratova zuva raitevera kwavari. Saka, Mutambo wePaseka waive musi wechishanu. (Chishanu chemaJuda chinotanga musi weChina manheru).

Chishanu ichocho, izuva remitambo miviri, raive Sabata rakakosha rakasarudzika raidaidzwa kuti zuva guru.

Zuva remaJuda rinotangira pachirayiro.

Paseka yaive musi weChina wakatanga pachirayiro chemusi weChitatu. Yaidadzwa kuti Paseka.

Chaive chirayiro sechemazuva ese chaive nenyama nechingwa chisina mbiriso.

Chimwe chinhu chatinofanira kurangarira.

Zuva rePaseka raikwanisa chete kuwana chingwa chisina mbiriso. Asi zuva iroro raisaverengwa sechikamu chemazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso.

Chirayiro cheChina (mavambo eChishanu chemaJuda) kwaidyiwa gwayana rakagochwa, mutambo wePaseka.

Kana mukachengeta zvinhu izvozvo mundangariro dzenyu munowana kuti hakuna kurwisana kurimo mumaBhuku eEvangeri.

 

Musina nhorondo yakakwana yenheyo idzi, hamugoni kuti muyananise izvi pamwechete monongedzera maBhuku mana eEvangeri moapomera kuti anorwisana.

Zvigunwe zvenyu zvitatu zvinokunongedzerai imi kuratidza kune kukanganisa chaiko. Isu vanhu, hatisati taedza kunzwisisa Bhaibheri. Kana kuti, hatitodi kunzwisisa Bhaibheri tiri kungotsvaga zvakakanganiswa kana kurwisana muBhaibheri kuti tiyananisire kuramba kwedu kwatinoita Magwaro.

Mwari haana kubvira aita kuti Bhaibheri rive nyore kunzwisisa kuti vaya vanoridza zvepamusoro kana kuti vanozvitutumadza kuti vanoziva kwazvo vagone kuritsanangura sezvariri.

Bhaibheri Chiedza.

Sesainzi dzemakanikisi ekwandamu. Chiedza chedenga chinoita hunhu hwechinhu chakabatana chakaita sedombo rinofamba nerutivi rumwechete panguva imwechete kana kuti semafungu anoenda mativi ose nguva imwechete. Kana kuita sechimwe chinhu chisiri mafungu kana kuti dombo asi kuti chinhu chatisingagoni kunzwisisa zvachose. Chiedza chinogona kuva panzvimbo dzakasiyana dzakawanda panguva imwechete. Nzvimbo inodaidzwa kuti ine chinhu handiyo yatinoogona kuti ine chinhu.

Saka, Mwari haana kuita fizikisi dzakareruka, nyika chaiyo yatinorarama mairi, haina kureruka kunzwisisa.

Asi vesainzi vakazvipira vanoedza kufambidzana nezvakavanzika izvi uye nekushanda nesimba vakagadzira mareza, mabhurureyi, intaneti, ikozvino vamumakombiyuta ekwandamu anokurira mafungiro edu.

Nekuramba vachishanda nesimba nekufunga zvakadzama nenzira itsva vanhu vesainzi ava vari kuwana ruzivo pazvakavanzika zvenyika nezviri mairi.

Saka, tinofanira kudzidza Bhaibheri zvakasimba toramba tichiongorora mavhesi atinoti “anorwisana” kusvikira takurira kusaziva kwedu taziva kuti zaruriro ndidzo dzinozivisa zvakavanzika. Zvakavanzika hazvizivisa zvakavanzwa zvazvo zviri nyore. Tinoturikira zvisiriizvo zvakavanzika zveBhaibheri.

Vesainzi vepamusoro soro vakaramba kuti kuputa kunokonzera gomarara. Vakaramba kuti vanhu vanokonzeresa ozoni horo nemishonga yavo. Vakarambawo kuti marata easibhesitosi anokonzera njodzi. Vanorambawo kuti shanduko dzemamiriro ekunze dzinokonzereswa nekupisa marasha kachiburitsa kabhoni dhayokusaidhi.

Vakasvika pakuramba vhakisini rekudzivirira hutachiwana hweCOVID-19.

Nenzira imwechete, vatungamiri vemakereke epamusoro soro vanoramba zaruriro dzezvakavanzika zveBhaibheri vachiramba vakabatirira pazvinhu zvisimo muMagwaro zvakafanana nekuti “Kisimusi” “kupemberera kuzvarwa kwaShe”, “25 Zvita”, “Chishanu chakanaka”, “munhu nanofanira kuva musoro wekereke”.

“Pachinzvimbo cheShoko rakanyorwa tinokwanisa kungotenda zvinotaurwa nevanhu vakakosha panyika”, nezvimwe zvakadaro.

 

MaBhuku eEvangeri haarwisani

 

Bhuku rimwe nerimwe reEvangeri rine maonero akasiyana neamwe. Asi zviri zviitiko zvimwechete zvinenge zvichitsanangurwa.

Tarisai mimwe mienzaniso yemavhesi anobva mumaEvangeri akasiyana anotaura pamusoro penguva yePaseka. Anoyanana zvinofadza ese.

MATEO 26:19 Vadzidzi vakaita pavakarairwa napo naJesu; vakagadzirira paseka.

Zuva rekugadzirira raive zuva rePaseka. Rinotanga neChirayiro chekupedzisira husiku hweChitatu manheru pakasungwa Jesu akabviswa kuvadzidzi vake. Asi chitatu manheru ndipo panotanga China chemaJuda kana kuti Paseka.

Saka Jesu akabviswa kubva kuvadzidzi vake musi weChitatu madekwana epakarenda revaHedeni, panova pakati pevhiki revaHedeni. Akasungwa akabviswa kuvadzidzi vake vakatiza nekuda kwemweya wekutya wavakazadzwa naDiaborosi.

 

 

MARKO 14:1 Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwepaseka nomutambo wezvingwa zvisinembiriso

(Saka Mutambo wePaseka neMutambo wezvingwa zvisina mbiriso yaivepo zuva rimwechete, Chishanu zuva rechi 15.

Mutambo wezvingwa zvisina mbiriso (musi weChisanu zuva rechi 15) raive zuva rekutanga remazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso rakatevera kuurawa kwegwayana paPaseka (China zuva rechi 14).

 

 

MARKO 14:12 Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso; musi wavaibaira Paseka nawo, vadzidzi vakati kwaari: Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadyira Paseka?

(China zuva rechi 14 raive zvakare zuva rezvingwa zvisina mbiriso asi raive risiri chikamu chemazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso.

Rinogona kudaidzwa kuti zuva rekutanga rezvingwa zvisina mbiriso nekuti zuva rekutanga remazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso (Chishanu) rinogarodzaidzwa kuti Mutambo weZvingwa zvisina Mbiriso)

RUKA 22:7 Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa paseka naro.

China raive zuva rimwechete rezvingwa zvisina mbiriso raive rakapesana nemazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso.

Hutsvene hwaKristu seChibairo chedu chisina chipomerwa pazuva rimwechete reKalvari akaripira muripo wezvivi zvedu. Iye oga ndiye aigona kuita Chibairo ichocho.

Zvino, mumashure mezuva iroro, hutsvene hwaKristu mukereke yake yechokwadi hwaizogonesa vanhu kukurira zvivi nekuwana chokwadi munguva nomwe dzemakereke.

Nguva yekereke yekutanga yaive yakasarudzika nekuti vaive nechokwadi chevapositora, chakazorasika.

Nguva yekereke yechinomwe ichava yakasarudzika kana tikadzorerwa kuchokwadi chenguva yekereke yekutanga.

Mazuva manomwe eZvingwa zvisina Mbiriso kunguva nomwe dzemakereke.

EKSODO 12:1 "Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri.

Pasina mbiriso kana kuvodzwa kunotenderwa zvachose kwemazuva manomwe. Izvi zvinotiudza isu pamusoro pehutsvene hwaKristu paanotungamirira kereke yake munguva nezviitiko zvakasiyana siyana zvenguva imwe neimwe yekereke.

EKSODO 12:16 Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi.

Hakuna basa rinogona kuitwa pazuva rekutanga kana rechinomwe. MaSabata akakosha.

Izvi zvinotiyeuchidza pamusoro “kutanga nekupedzisira” “Arfa naOmega” (mavara ekutanga nekupedzisira earufabheti rechiGiriki) anotonga Chitsauko chekutanga cheBhuku raZvakazarurwa.

Tiri munguva yekupedzisira yenguva yekereke yechinomwe. Hatitenderwe kuita chero basa rakafanana nekugadzira zvitendero zvedu tega zvemukereke. Hatitenderwi kuzviitira mabasa edu echitendero. Tinofanira chete kuita nekutenda zvakatendwa nekereke yekutanga. Tinofanira kudzorerwa kwavari.

Mbeu inokohwewa inofanana nembeu yakadyarwa muTestamente Itsva.

 

 

EKSODO 12:17 Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi.

Pamazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso, Mwari akaisa kukosha pazuva rekutanga remazuva mamomwe. Zuva iroro chete rinodaidzwa kuti Mutambo weZvingwa zvisina Mbiriso.

Nguva imwechete yakakosha inguva yekereke yekutanga.

Kukosha kwedu kwoga kuna Mwari ndipo patinotenda zvavakatenda mazviri.

MATEO 7:21 Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

Kuda kwaMwari ndekwekuti tidzokere pane zvakatendwa nekereke yekutanga.

MATEO 7:22 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?

Hushumiri hunoshamisa kwazvo haufadzi Mwari kunze kwekunge uchitevera zvakatendwa nekereke yekutanga.

MATEO 7:23 Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.

Kana vasingatenderane nekereke yekutanga vanenge vazviitira zvitendero zvavo kana kuteedzera mamwe makereke. Asi munenge musingatenderwi kuita mabasa enyu musi weSabata. Saka munenge makatukwa.

JOHANE 19:31 Zvino zvawaiva musi wokugadzirira paseka, vaJuda vakakumbira kunaPirato kuti makumbo avo avhunwe, vabiswe, kuti mitumbu irege kugara pamuchinjikwa nesabata, (nokuti Sabata raive zuva guru) nokuti zuva iro resabata raiva guru

(Jesu akafa musi weChina masikati, zuva rechi14, aifanira kuvigwa 1800 dzisati dzakwana nekuti ndipo paitanga Chishanu chavo, raive zuva rekuzorora rakakosha (sabata) rekupemberera vasingazoiti mabasa. Iri raizove zuva rechi 15. Zuva rekutanga remazuva manomwe rezvingwa zvisina mbiriso raigarodzaidzwa kuti Mutambo weZvingwa zvisina Mbiriso.)

 

Vamwe vanoti Johane akati Jesu akafa “Chidyo chePaseka” chisati chaitwa. Mamwe maBhuku matatu eEvangeri anoti mumashure mechidyo chePaseka.

Asi hakuna “chidyo chePaseka” chakataurwa muBhaibheri.

Paive nePaseka (musi weChina 14 waitanga musi weChitatu chepakarenda revaHedeni). Kunobva kwauya Mutambo wePaseka pamwechete neMutambo weZvingwa zvisina Mbiriso musi weChishanu 15.

Paseka chaive Chirayiro Chekupedzisira.

China chaive “paseka” kana kuti Zuva reKugadzirira pavaiuraya gwayana rePaseka voribika.

Chishanu raive zuva “reMutambo wePaseka” pavaidya gwayana.

Saka Jesu akafa mumashure mePaseka kana Chirayiro cheKupedzisira.

Husiku hwakatevera waive Mutambo wePaseka. Saka aive mubwiro.

Saka Jesu akafa mumashure mePaseka asi Mutambo wePaseka usati watambwa.

Johane aiedza kutii?

JOHANE 13:1 Zvino “mutambo wepaseka” usati wasvika,

Saka Johane anoti Jesu akafa mutambo wePaseka usati waitwa. Haana kuti Jesu akafa Paseka isati yaitwa.

JOHANE 19:14 Zvino wakanga uri musi wokugadzirira paseka;

Zuva reKugadzirira raive China. Saka kuedzwa kwaJesu kwaive musi weChina.

Johane anotenderana nemamwe maEvangeri hapana kurwisana.

 

Kune umwe mukana wekukanganisika unokwanisa kuwanika kana tikasangwarira.

RUKA 22:1 Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi paseka, wakaswedera.

Asi Mutambo weZvingwa zvisina Mbiriso waive zuva rimwechete neMutambo wePaseka. Vakadya zvingwa negwayana rakagochwa.

Asi dzimwe nguva mutambo uyu wePaseka uyu unongodaidzwa kuti Paseka.

Munzvimbo yaPirato yekutongera:

JAHANE 18:28 kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya paseka.

Izvi zvinoreva here kuti Paseka kana kuti Mutambo wePaseka?

JAHANE 19:14 Zvino wakanga uri musi wokugadzirira paseka; yaiva nguva inenge yechitanhatu. (nguva dzetanhatu mangwanani munguva dzechiRoma.)

Paseka kana kuti Chirayiro chekupedzisira chaive chadyiwa zuva raive radarika.

Saka vaigadizirira mutambo wePaseka sezvo raive zuva reKugadzirira.

Hapana kurwisana pamaBhuku eEvangeri. Tinofanira kungoverenga zvakanaka.

 

Kana mukaverenga zvakanaka chaizvo munoona kuti hapana kurwisana mumaBhuku eEvangeri. Anongopa mativi mana ekuratidzirwa kwehupenyu hwaJesu.

NdiMambo asi ariwo Muranda akatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure. Hamugoni kumutsanangura saMambo kuna Mateo nerudzi rwehumambo rwaDavidi uye seMuranda kuna Marko, nenzira imwechete.

Muranda haafaniri kuzivikanwa kuti anobva kurudzi rwupi. Anongoita basa rake. Kanenge kasere kuna Marko Chitsauko 1 munoverenga kuti “Pakarepo” “ipapo” “nokukasika.”

Jesu aive akazara nemabasa zvekuti akayeuchidza Marko pamusoro penzombe yakasimba yaigona kutakura mutoro onotisvitsa kumucheto kwendima zvisinei nekuipa kwedu. Senzombe anoendeswa kunourawa akazvipira hupenyu hwake kuti aripire muripo wezvivi zvedu.

Mambo anowana simba rake pakuberekwa kwake. Mateo akaita vazivi vatatu vekumabvazuva vakapa Mwana aive nemakore anoda kuita maviri zvipo zvitatu mumba kuti vasimbise chinzvimbo chake chaakaberekwa nacho. Madzimambo haaberekwe muchidyiro saka chikamu ichocho chakafuratirwa kuna Mateo. Varanda havapihwi zvipo zvakanaka kana vari vana vaduku, saka Marko akafuratira chikamu chezvipo.

Ndarama zvinoreva Mwari. Zvinonhuwira zvinopiswa zvopa mweya wakanaka kuti mweya unonhuwa zvakaipa wenyama yatsva usanzwike kuti chipiriso chitambirike. Mura inoshandiswa kuzodza zvitunha.

Zvipo zvavo zvinoratidza Jesu kuti vaifunga kuti aive ani. Mwari pamuviri. Akauya kuzova Chibairo chinotambirika chaizofira zvivi zvedu.

Zvipo zvamunopa kuna Jesu zvinomuratidza kuti munofunga kuti Ndiye Ani.

 

Jesu aifanira kuita hushumiri hwemakore matatu nehafu

 

Akauya kuzofira zvivi zvedu, saka ziso ngaritarire pamuchinjikwa, kwete kuti akatora nguva yakadii kuti asvikepo.

Hapadi kutaurwa kuti hushumiri hwake kwaive hwenguva yakadii, kunze kwemuchiprofita chaDanieri Chitsauko 7.

Jesu aizosimbisa sungano yechibairo chemhuka yakaitwa naMwari kuna Abrahama muvhiki rimwechete kana mazuva manomwe.

Zuva rinomiririra gore muzviprofita.

GENESIS1 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve."

DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo,

Asi pakati pevhiki remakore manomwe sungano yechibairo yakaitwa naMwari kuna Abrahama yaizozadzikiswa paiguma chibairo chemhuka.

Nemamwe mazwi, Jesu paaizofa, Rufu rwake rwaizobvisa zvipiriso zvemhuka zvese.

Jesu aive aripira muripo zvakazara.

Izvi zvaireva kuti hushumiri hwake hwaifanirwa kuita makore manomwe asi akaripira zvivi pamakore matatu nehafu, raive hafu revhiki.

Mazuva matatu nehafu kana makore matatu nehafu.

Izvozvo zvairevawo kuti hafu yevhiki ichiri kukweretwa kumaJuda.

Iyi ndiyo nguva chaiyo yenguva yeKutambudzika kukuru.

ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.

3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.

Mazuva 1260 mwedzi 42 yemazuva 30 yemuBhaibheri inoburitsa makore matatu nehafu.

Makore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru anopedzisa vhiki rekupedzisira, kana mazuva manomwe echiprofita chaDanieri.

 

 

 

Jesu akabapatidzwa mugore AD 29 kuti atange Hushumiri hwake

 

Mubati Augusto akafa muna AD 14.

Tiberio akaitwa mubati naseneta mwedzi wakatevera.

Izvi zvese zvakaitwa chipatapata. Augusto aive Mubati asi achinyepera kunge asiri mambo.

Mwanakomana wamambo anoitwa mambo kana baba vake vakafa.

Izvi hazvifaniri kuitika kumubati.

Saka, kunyebera kuita saizvozvo, pakafa Augusto Seneta aifanira kukumbira Tiberio kuti ave mambo.

Tiberio akaita mazuva mazhinji achinyepera kunge aisada chinzvimbo ichi asi aive atouraya aimupikisa kare.

Akazotaura kuti aizotambira chinzvimbo chaaive apihwa naSeneta, akaitwa Mubati.

Gore rake rechi 15 raizove 14 + 15 = AD 29.

Vabati veRoma vaidaidzwa kuti vana Kesari.

RUKA 3:1 Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari,

2 Anasi naKayafasi vari vaPirisita vakuru, shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje.

3 Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka nekanganwiro yezvivi;

Mugore AD 29 Johane Mubapatidzi akatanga hushumiri hwake. Gore AD 29 rakunopera (mwedzi inenge yana Chikunguru) gore AD 30 rakuda kusvika, akabapatidza Jesu.

RUKA 3:21 Vanhu vose vakati vabapatidzwa, naiye Jesu abapatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa

23 Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu,

Ruka anoti Jesu aive akuda kuita makore anenge 30. Kuwirirana kwemazuva kwakanaka.

Saka Johane akabapatidza Jesu mwedzi mitatu gore AD 29 risati rapera.

 

MaPaseka mana anoratidza kuti makore matatu aive adarika

 

Paseka inowanzoitwa mwedzi unenge wechitatu wegore idzva.

Saka kubva pakubapatidzwa kusvika paPaseka yekutanga mwedzi inenge mitanhatu.

Inoda kuita mwedzi mitatu pakupera kwegore 29 AD nemwedzi mitatu yekutanga kwegore 30 AD.

Saka takufanira kutsigira kuti kwakaita mapaseka mana muhushumiri hwake zvinoita nguva yemakore matatu.

Kana Jesu akaita hushumiri hwemakore anoda kuita matatu nehafu anenge akafa muna 33 AD.

Ngatitarisei makore matatu nehafu ehushumiri hwaJesu. Tinongoda Evangeri rimwechete kuti ritiudze kuti toringanisa sei izvi.

Rangarirai Danieri akataura pamusoro pehafu yevhiki inova makore matatu nehafu.

 

 

Paseka yekutanga.

JOHANE 2:13 Paseka yavaJudha yakanga yava pedo; zvino Jesu akakwira Jerusarema.

Nekunge akabapatidzwa muna Gumiguru muna AD 29, iri raizova gore AD 30.

Paseka yechipiri.

Mukati megore AD 30 Jesu akataura nemaSamaria vasati vatanga kukohwa baari yaikohwehwa muna Kurume naKubvumbi.

JOHANE 4:35 Ko imi hamuti: Kwasara mwedzi mina, kucheka kwasvika?

Mwedzi mina Kurume naKubvumbi vasati vasvika vegore AD 31 kuti vacheke bhari mutambo wePaseka unozova muna Mbudzi naZvita wegore AD 30 paitaura Jesu.

JOHANE 5:1 Shure kwaizvozvo, mutambo wavaJuda waivapo; Jesu akakwira Jerusarema

Paseka waive mutambo wekutanga pagore.

Saka, chero mutambo wawaizova, Paseka yegore 31 AD yaive yatoitwa kare.

Paseka yechitatu.

JOHANE 6:4 Paseka mutambo wavaJuda, wakanga uri pedo.

Iyi yaive Paseka yegore AD 32.

Paseka yechina.

JOHANE 11:55 Zvino paseka yavaJuda yakanga yava pedo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusarema, paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.

Iyi yaive Paseka yegore AD 33.

Mapaseka mana zvinoreva kuti hushumiri hwake hwaive hwaita makore anosvika matatu neimwe mwedzi.

Aive oda kukwanisa makore 30 paakabapatidzwa saka paive nemwedzi miviri kana mitatu yegore 29 AD yaive yasara.

Saka paive nemwedzi mitatu yaifanira kuwedzerwa pagore rake rekutanga, AD 30, kuti tisvike paPaseka.

Izvi zvakamupa hushumiri hwemakore matatu nehafu.

Hazvina kuringana nemwedzi. Hazvina kuringana nezuva.

Asi mukawedzera makore matatu nehafu pedyo nepakunopera kwegore AD 29 munosvika gore AD 33.

Ndiro raive gore rekufa kwake.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23