Kudanidzira apo Ishe vanoburuka



Hama Branham vaitevera Magwaro. Mhere ichave apo Mwenga anenge akutevera Magwaro. Vanhu vanokonzeresa mhere, kwete munhu mumwechete.

First published on the 6th of March 2025 — Last updated on the 6th of March 2025

Paakabvunzwa nezvenguva yekupedzisira Jesu akayambira pamusoro pevanhu vakaponeswa vachinyengerwa nezvitendero zvekereke zvisimo muMagwaro. Pachinzvimbo chekutiuraya, makereke anoita zvakachenjera kuti mazano akaipa apinde mumisoro yedu. Ipapo kufunga kuti tiri kushandira Mwari nekuti tiri kuita zvakanaka, tinenge tichitokudza zvitendero zvakaipa.

Zvinotiita varanda pasina, (Ruka 17:10)

Hunyengeri hukuru ndeapo hurongwa hwekereke hunenge huinapasita achizvidaidza kuti musoro wekereke. Izvi hazvina kumboitika muTestamente Itsva. Kusimudzira pasita kuti ave mutongi wekereke itsika dzevaNikoraiti zvinotibvisa paShoko. Pasita anogadzira dzidziso itsva dzinobva pane zvakabatwa vanhu vachitaura nemazano ake.

Tarirai zvinotaura Mwari kunguva yechinomwe kereke yekupedzisira.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:

“Kereke iri paRaodikia” vanozviitira zvitendero zvavo vega zvisimo muMagwaro. Vanotevera chitendero chavo zvakanyanya asi vasina Murairo. Havagoni kutsigira mazano avo neBhaibheri.

Mvura yakadarika imvura yedzidziso inonzwisisa zvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri.

Haisi mvura yehufudzi yemisiro yemakereke yakasimudzirwa vanoedza kuturikira zvakataurwa nevanhu zvavanoita zvekusarudza kuti izvi.

Hama Branham vakazivisa zvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri kuMwenga. Mwenga anofanira zvino kuita basa rakaoma rekugona kutsvigira zvakaziviswa izvi achishandisa Magwaro. Izvi zvichagoneka chete kana vadzokera kunotenda zvakatendwa nemapostora eTestamente Itsva naPauro.

Kana Mwenga, vasikana vakachenjera, vakanzwisisa Bhaibheri reKing James, ichave mhere ichaudza Jesu kuti takagadzirira Kuuya kwake kweChipiri.

Jesu haazoonekwe mumuviri wekubwinya kusvikira tashandurwa kupihwa muviri wekubwinya.

Izwi rekuti “Hwamanda (Trump)” rinoonekwa kaviri muTestamente Itsva. Ino ndiyo nguva yake yechipiri kutonga nyika.

Mutungamiri wenyika Trump akazadzisa zvakaprofitwa paakaita Jerusarema guta guru reIsraeri.

 

Kudanidzira kuchaitika Jesu asati aonekwa

 

I VATESARONIKA 4:16 Nokuti iye Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira nenzwi remutumwa mukuru nehwamanda yaMwari: vakafa muna Kristu vaachatanga kumuka.

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO

“Zvinhu zvitatu zvinoitika: Kudanidzira, izwi, hwamanda zvakaitika

Jesu asati aonekwa”.

“Kudanidzira” kunofanira kuitika Jesu asati aonekwa.

Kana kudanidzira vaive hama Branham vachiparidza, vari pasita weMharidzo zvinotaura zvisizvo, zvinoreva kuti Jesu aisazoonekwa vachiri kuparidza panyika. Hama Branham vaifanira kupedzisa kuparidza Jesu asati aonekwa.

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO

“Kudanidzira: mharidzo inogadzirira vanhu”.

Mudzidzisi anogadzirira vana vake kuti vanyore bvunzo. Mudzidzisi anoziva basa rake asi bvunzo ndidzo dzinoedza vana kuti vari kuziva kusvika papi kwete mudzidzisi.

Hama Branham vakatsigira dzidziso dzavo neMagwaro. Munogona here kutsigira dzidziso dzavo neMagwaro kana kuti mungori maparoti anodzokorora zvakataurwa pasina kunzwisisa Magwaro.

Bhaibheri harina kubvira rataura pamusoro peparoti.

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO

“Zvinhu zvitatu zvinoitika: kudanidzira, izwi , nehwamada, zvakaitika

Jesu asati aonekwa”.

... “Chechipiri izwi rerumuko”.

Izwi remutumwa mukuru anomutsa vakafa rinofanirawo kuitika Jesu asati aonekwa.

Asi hakuna kumboitika rumuko rwevatsvene veTestamente Itsva mumakore makumi matanhatu kubva kufa kwehama Branham.

“kudanidzira: mharidzo ichigadzirira vanhu”.

“Kudanidzira” uku kunofanira kuitika Jesu asati aonekwa kuti vanhu vagadzirire kuonekwa kwake.

Vanoti Jesu akaonekwa, vane chavakatadza kunzwisisa.

Mharidzo dzemuprofita dzinobatsira kuti vanhu vagadzirire nekuvadzorera kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga yemapostora. Mapostora anoita kuti vatevere Magwaro zvakazara.

MATEO 17:11 “Eria achatanga hake kuuya avandudze zvinhu zvose.

63-0324 – CHISIMBISO CHECHINOMWE

“Ishe, ndinonamata kuti hurwere hubve kwatiri. Ngazvizadziswe, kuti kana vanhu vakarwara, vanorangarira

Kuti chipo cheropa raShe Jesu Kristu rakarurama riri paaritari,

Kuti rinatse zvivi zvedu. Ndinonamata kuti vachaponeswa nekukasika”.

Pakupedzisira kwezaruriro yake yeZvisimbiso Zvinomwe, nyasha dzaive dzichiri dzakazarurwa. Ropa raJesu raive richiri pachigaro chenyasha.

Nyasha hadzina kubvira dzapera pakaziviswa zvisimbiso.

1964-0418 JESU ANOZADZISA ZVESE ZVAAKAVIMBISA

Jesu pazuva rino rekupedzisira,

ASATI Aonekwa pamuviri wenyama,

Kupinda netsoka dzine tsvina. Munoda here kuuya kuzozvimiririra, kunotora simba kuZita Rake?

Kudaidza, O mutadzi, huya kumba!”

1964 Jesu aive asati aonekwa pamuviri wenyama, saka Jesu aive achiri pachigaro chenyasha. Ruponeso rwaive ruchiri rwakazarurwa kuvatadzi.

Saka, Nyasha dzaive dzichiri dzakazarurwa, zvinoreva kuti Jesu aive achiri pachigaro cheNyaasha muna 1964.

1965 -0801 – ZVIITIKO ZVAKAJEKESWA NECHIPROFITA

“O Ishe Jesu, huyai pakati pedu. Musatipfuure. Huyai, garai husiku hwese munesu kusvikira husiku huno hwapera, motirega toenda nemi magwana; tinogona kukuzivai musimba rerumuko, kuti rudo rwenyu nenyasha dzenyu netsitsi dzenyu dzive nesu.

Asati afa muna Zvita 1965, Hama Branham vaive vachiri kutenda mutsitsi dzaMwari.

61-0108 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA. 3

“Kana ropa richiri pachigaro chenyasha chete, zvinoratidza kuti pane chakafa kuti kutongwa kudzoserwe shure.

Asi kana kereke yatorwa kukwira Kudenga, chigaro chenyasha chinoitwa chigaro chekutongwa.

... chigaro chenyasha ndicho aritari yamunopfugamira muchikumbira nyasha”.

Kune nyasha kusvikira Ishe vabva paChigaro cheNyasha.

Anobva pachigaro chenyasha kana auya kuzotora mwenga wake kuti akwire Kudenga kana miviri yedu yenyama yashandurwa tichipihwa miviri yekubwinya.

1965-01 – MWARI VAZERE NETSITSI

Asi Mwari, vazere netsitsi dzavo, vakatumira Mweya Mutsvene, uri pano nhasi kuti uzadzise Shoko, kuzivisa kuti haashanduke zuro, nhasi, nekusingaperi. Nekuti dzakatifanira? Nekuti Mwari vazere netsitsi dzavo! Amen”.

1964-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO #3

Hama Branham, vamwe vanoti tsitsi dzakapera uye hakuna achaponeswa. Zvino, ichokwadi here? (Ndofara kuti ichi ndakachibata.) tinotarira nekunamata... tinotarisa minamato, zvinoita sekuti vamwe vachiri kuwana tsitsi.

Zvino, ndiwo mubvunzo wekutanga, mune miviri.

“Tsitsi dzakaguma here?” musafe makafunga izvozvo!

Mazviona? Garai muchiita zvinhu zvese zvamungona kusvikira matorwa. Mazviona?

“tinoona muminamato kuti vamwe vanowana tsitsi.” Chokwadi! Tsitsi zhinji masuwo akazarurwa.

Mazviona? Ndinofunga kuti makazvitora kupi, pfungwa iyi inogona kuva iri pakati ... Mazviona, handina nguva yekupa rimwe nerimwe remagwaro aya nzvimbo yaakafanira, (Mazviona?, rimwe nerimwe rezvinhu izvi panzvimbo paro chaipo. Ano ... Mumunamato munowana tsitsi, zviri pachena.

Dai ndaiziva kuti Jesu ari kuuya masikati ano, ndingadai ndingori kuita zvandiri kuita ikozvino (mazviona?), kungoenderera mberi.

Tsitsi dzakazarurwa nguva dzise. Mazviona?

Kudanidzira kuri munguva inouya kunoitwa nemwenga.

Tisati tadzidza “kudanidzira” ngatitarisei zvakapedzisira kutaurwa nehama Branham

Mwedzi umwechete vasati vafa.

65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA

“Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichave nguva yakaita seino pakuchave nekurira kwekutinhira rimwe ziva,

Mwanakomana waMwari ACHAburuka kubva kudenga NEKUDANIDZIRA,”

“Kudanidzira” kuchaitika munguva inouya, mumashure mekunge muprofita asisipo.

Saka kudanidzira kwaive kusiri muprofita achitevera Magwaro paaidzidza zvakavanzika zvaMwari achitapa mharidzo dzake zvinogonesa isu kuti titsigire zvitendero zvedu tichishandisa Magwaro.

62-1111 NEI NDICHIPIKISA CHITENDERO CHAKARONGWA NEVANHU

Tarirai chii? Mumashure mei? Mumashure memharidzo yekuti “ Budai maari!” mumashure mezvinhu izvi,” tarirai,

“kudanidzira kweMwenga mutsvene, aine Chikomba,

Kuenda kuMuchato weGwaiana.”

“Kudanidzira” Kunoitwa neMwenga achinzwisisa mavhesi eBhaibheri.

Nei Jesu asati adzoka? Achamirira kuti tinzwisise zvakavanzika zveBhaibheri.

DANIERI 12:10 “Asi vakachenjera chachanzwisisa”.

Hatigoni kuzvidaidza kuti vasikana vakachenjera kunze kwekunge tichinzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri.

Takararama makore 60 kubva zvafa hama Branham muna 1965 munguva iyoyo Mwari ari kutarisira kuti Mwenga atevere Magwaro zvakazara apo vanotsigira zaruriro dzehama Branham neMagwaro vachizviita vega.

Kirasi yevadzidzi haitongwe nekuziva kunoita mudzidzisi wayo, vanotongwa nekuziva kwavanoita. Mwana ega ega anoongororwa ari ega anofanira kuziva basa racho pachake.

Kuonekwa kwaJesu kuchiri munguva inouya.

1965-0425 – NZVIMBO YAMWARI YATAKAPIHWA YEKUNAMATIRA
“... Vakasarudzwa vakadanwa kubva panyika, vana vaMwari vakatsaurwa, munguva ino huru, munguva ino yatiri kurarama, pasi petarisiro huru yekuona Mudiwa wedu Ishe Jesu chero nguva”.

1965 Ishe vaive vasati vaonekwa.

64-0416 MESO AVO PAAKAZARURWA, VAKAMUZIVA

“Uye, Baba, tinokumbira nyasha, uye, kuti muzarure meso edu kuti tinzwisise Shoko renyu, kuti tinzwisise nguva yatiri kurarama, kuti tizvigadzirire kuonekwa kwake, apo tinotenda pachokwadi kuti nguva yasvika”.
Nekunzwisisa Magwaro chete ndipo patinokwanisa kuzvigadzirira kuonekwa kwaShe.

I JOHANE 3:2 Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.

Jesu haasi kuzoonekwa mumuviri wake wekubwinya kusvikira tashandurwa kupihwa miviri yekubwinya wo.

Jesus haana kukwanisa kuonekwa zvakazara mumuviri wehama Branham nekuti muviri wavo waive usina kururama, usiri wekubwinya. Hama Branham vaive vachiri mumuviri uzere zvivi.

Kuzara kwehuMwari kunogara chete mumuviri wakarurama.

65-0718 KUEDZA KUSHANDIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI

“Mutipe tsitsi dzenyu nerudo, kuti titevere nzira nekudzidziswa nemoyo yese, kuti tiwanikwe, zuva iro, munaKristu, tisina zvipomerwa, nekuti tinotenda, Ishe

Kuti kuonekwa Kwake kwaapedyo.

Tinoona zviratidzo zvose zvaakataura kuti zvichaitika kuuya kwake kwakuda kuitika,

Zviri kuzadziswa.

Tichafanana naye chete kana miviri yedu yashandurwa tichipiwa miviri mitsva isingafuki kuwora.

VAKOROSE 3:4 ”Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.”

Kristu achaonekwa mumuviri wake wekubwinya kana isu tashandurwa tapihwa miviri yekubwinya.

I PETRO 5:4 Zvino Mufudzi mukuru paachaonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.

Ishe Jesu paachaonekwa, muchagamuchira korona, muviri wekubwinya usingachemberi, usingarwari, kusingafi.

56-0304 KUITA NZIRA

“Kana maneta nehupenyu hwakare uhu, maakuda kuonekwa kwaShe kudarika kuda kwamunoita chikafu chiri patafura yenyu, kana mukadzi wenyu, kana vana venyu, zvinoreva kuti kune korona yakakumirirai.

Kwete korona, korona yendarama yekuisa mumusoro. Asi muviri, wakasunungurwa kumarwadzo.

Korona mukubwinya kwaShe, korona muhupenyu hwaKristu husingagumi. Ndizvo zvakakumirirai, ndiye Ishe, mutongi akarurama achakupai zuva iro. Ndiro zuva ratakatarisira tese. Mwari akaita nzira yekupunyuka kumunhu wese. Chokwadi akaiita”.

I VATESARONIKA 2:19 Nokuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamusi imwizve here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?

Paachaonekwa tichamuda. Tichave muhuvepo hwake Pakuuya kwake.

Saka, hapana musiyano pakati peKuonekwa kwake nekuuya kwake.

I JOHANE 2:28 Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake.

1963- 0804 KUDAIDZA JESU PANZVIMBO

“ ... kuvasimbisa muhushe hwaMwari kusvikira KUUYA nekuONEKWA kwemuviri unobatika waShe Jesu kuti atore Mwenga wake kuenda naye”.

Muna 1962 hama Branham vakati paive nemusiyano pakati pekuonekwa neKuuya kwaShe Jesu.

Asi muna 1963 akatora zvinhu izvi zvese sechinhu chimwechete. Kuonekwa kwaJesu Kristu mumuviri unobatika kuchiri munguva inouya. Kwakafanana neKuuya Kwake.

1965 BHUKU RENGUVA YEKEREKE
- KUZIVISWA

“... nekuti kubva munguva kunouya Zvisimbiso, uye muZvisimbiso munobva Hwamanda, muHwamanda munobva Ndiro. Sekuputika kwekutanga kwekenduru reRoma, nguva dzemakereke dzakauya nekuratidzira kwekutanga, pasina izvi kwaisazoitika chiedza. Asi kunaka kweNguva Nomwe dzeMakereke kukangopihwa zaruriro yeMweya, chiedza pamusoro pechiedza chinopenya, kusvikira Zvakazarurwa yese yazarurwa zvakazara pamberi pemeso edu anodzungaira.

Uye isu, tinowedzerwa nekunatswa neMweya, kuti tigadzirirwe kuonekwa Kwake kwekubwinya.

Iye Ishe wedu Muponesi, Mwari wechokwadi mumwechete, Jesu Kristu.

Bhuku renguva dzemakereke rakadhindwa muna 1965, gore rakafa hama Branham.

Saka, muna 1965 taive tichiri kugadzirirwa Kuonekwa kwaShe.

Saka, Ishe haana kuonekwa pamuviri wenyama munguva yehushumiri hwehama Branham yekuprofita nekuona ndangariro dzevanhu.

1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE – 3 NGUVA YEKEREKE YEEFESO

“Asi takaona kuti Shoko rinotidzidzisawo zvakare kupindira kwechakaipa kusvikira paita kudzima kwakazara kwechokwadi mumazuva ekupedzisira.

Kana Ishe akuda konekwa”

Kana Ishe vaive vachiri kufanira kuonekwa muna 1965, zvinoreva kuti vaive vasati vamboonekwa.

 

Kana Ishe achiri kufanira kuonekwa munguva inouya, chii chakaonekwa munguva yehushumiri hwehama Branham?

58-0528 CHIRATIDZO CHAMESSIASI

Kuonekwa kwaShe Jesu.

Chiratidzo chekupedzisira kuvaHedeni ndechekuuya kwake ari Mweya weMweya Mutsvene.

Kudzoka mukereke make”

64 0618 -HUVEPO HWAMWARI HAHUNA KUZIVIKANWA

Saka nhasi anodaro,

Kudururwa kweMweya Mutsvene uku ndiko CHIRATIDZO chekuonekwa Kwake.

Chero munguva ino, sezvaakavimbisa.

Chiratidzo chinopihwa chiitiko chisati chasvika.

Simba remweya rakaonekwa muhushumiri hweHama Branham raive risiriiro kuratidzwa kwaShe mumuviri wekubwinya.

Chaive CHIRATIDZO chekuonekwa kwaShe munguva inouya ari mumuviri wake usina kufuga kuora.

CHIRATIDZO chaive chekukwezva ruzhinji.

Zvino taizonzwa apo zvakavanzika zvaiziviswa kuti tione Kristu achiziviswa muShoko rake tisati tamuona achiziviswa mumuviri wake wekubwinya apo Anotitora Kuenda Kudenga.

54-0302 KUMUTSWA KWEMWANASIKANA WAJAIROSI
“Ndinoziva ikozvino kuti zodzo reMweya Mutsvene riri pedyo nepandimire nhasi.

Mutumwa waMwari wamunoona mumufananidzo pano, ari pedyo nepandimire ikozvino.

Mufananidzo waaitaura waive Shongwe yomoto yakatorwa mifananidzo pedyo nehama Branham.

Shongwe yoMoto yaive PEDYO naye.

52-0810 JESU KRISTU HAASHANDUKI ZURO NHASI NEKUSINGAGUMI

“Mutumwa waMwari, wandiri muranda wake, amire pedo pasina kana nhanho nhatu kubva pandiri, ikozvino.

Munofunga kuti ndichati ndaisaziva zvandaitaura? Ari kupinda. Munokwanisa kunzwa uchipinda. Ndihwo huvepo hwake.

Zvino, Ishe Jesu, swederai pedyo.

Dai simba dzvene rinoyera rauya pamusoro pevanhu venyu. Dai kwaita kupupurwa kwenyu.

Maikwanisa kufunga nhasi kuti ndaiedza kutaura izvozvo pamusoro pangu, nekuti ndaironga mharidzo ino. Handina chekuita neZvayo kana, hapana chinodarika kungoshandisa izwi rangu chete. Izwi rangu chero richipimwa nematongero angu; ndaingoda kungova mufambi. Asi kuda kwa Baba vangu kwandakasarudza kuita, uye kwandinoda kuita.

1965 – 0725 VAKAZODZWA MUMAZUVA EKUPEDZISIRA

“Handisirini ndakaonekwa zasi kwerwizi, ndaive ndakangomirawo ipapo paakaonekwa. Handisirini ndinoita zvinhu izvi nekufanotaura zvinhu izvi zvisati zvaitika zvichizoitika sezvazviri.

Ndingori munhu anenge ari pedyo paanozviita. Ndaingove izwi raAkashandisa, kuti azvitaure.

Hazvisi zvinhu zvandaiziva; zvaingove zvinhu zvandakazvipira kwazviri, iye waAitaura kupfurikidza. Handisirini, aive arisi mutumwa wechinomwe, Oh, kwete; kwaive kuratidzirwa kweMwanakomana weMunhu. Aive asiri mutumwa, nhume yake, chaive chakavanzika chaMwari chichiziviswa. Aive asiri munhu; ndiMwari.

Mutumwa aive asiri Mwanakomana wemunhu: aive mutumwa akabva kuMwanakomana wemunhu.

Mwanakomana wemunhu ndiKristu: Ndiye Chingwa chamunodya. Hamusi kudya munhu: munhu, mazwi ake anoshanduka. Asi muri kudya kuMuviri usingakundikane Shoko reMwanakomana wemunhu.”

Kuzara kwehuMwari kwaive kusiri muhama Branham paaitaura zvaive mundangariro dzevanhu.

Kuzara kwehuMwari kwaive pedyo naye.

 

Kudanidzira ndeapo Mwenga anotevera Magwaro zvakazara

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO

“Zvino, kudanidzira ...

Jesu anoita zvese zviri zvitatu paanotaura zviri mundangariro dzevanhu.
Kudanidzira, chii kudanidzira? Imharidzo inenge ichiziviswa,

Chekutanga, Chingwa cheHupenyu chinorarama

Chichiuya neMwenga.

Zvichatora nguva kuti Mwenga atevere Magwaro zvakazara.

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO

Chinhu chekutanga chinouya, kana Akatanga kutaura ndangariro dzevanhu kubva Kudenga, kune Kudanidzira. Kumbori chii? Imharidzo, kuti vanhu vakokorodzwe vaunganidzwe.

Mharidzo inouya, kutanga. Zvino, nguva yekugadzira mwenje.

‘Mukai mugadzire mwenje yenyu.’ Chaive chii ichocho? Chechinomwe kwete chechitanhatu. Chechinomwe. ‘Tarira, Chikomba chinouya. Mukai mugadzire mwenje yenyu.’ vakamuka. Vamwe vavo vakawana kuti vaive vasitorina mafuta mumwenje yavo. Mazviona? Asi yaive yanguva yekugadzira mwenje”.

Mukadzi mucherechedzo wekereke. Musikana mukadzi akachena, mucherechedzo wevanhu vakaponeswa mukereke.

Vamwe vakachenjera vanonzwisisa Magwaro. Vamwe mapenzi kana kuti vakanyengerwa nevafundisi vemakereke avo. Vanotenda zvinhu zvisimo muMagwaro zvakaita seChishanu Chakanaka, 25 Zvita, muti weKisimusi nezvimwe zvakadaro.

Bhaibheri harina kubvira rati tipemberere kuzvarwa kwaShe.

Makereke anonyengereka kusvika pakufunga kuti vanokwanisa kubatira Mwari nemaonero avo etsika dzekereke.

Vanofunga kuti Mwari anofadzwa nemazano avo.

Mukadzi mucherechedzo wekereke.

Kuzvigadzira kwavanoita zviso kunomiririra kugadzira vega kwavanoita zvitendero zvemukereke.

MATEO 25:5 Chikomba chakati chichinonoka vakakotsira vose vakavata.

Vanhu vose vakaponeswa mukereke vakavata.

Vakanyegerwa vakavata musi weSvondo wega wega nemazano asingagoni kutsigirwa neBhaibheri. Havachine hanya uye vakavarairwa vakadekara nechinhu chekuti mune zvakawanda muBhaibheri zvavasinganzwisisi. Testamente Itsva haina kubvira yataura pamusoro “pezwi raMwari”. Kutaura kusimo. Pope anoti haatadzi. Kudaidza hama Branham kuti havatadzi kuvaita umwe Pope.

Mharidzo inounza nguva yekugadzira mwenje inozouya chete mumashure memhere kana kudanidzira kwekumutswa pakati pehusiku.

Kunofanira kuita nguva yekugadzira mwenje nguva inouya. Kuongorora zvakare mararamiro uye zvitendero zvedu.

Tiri kutevera Magwaro here? Tiri kunzwisisa Bhaibheri here?

“Tinofanira kuziva” ndizvo zvichange zvichiitwa neMwenga nekukasika.

“Tinofanira kuziva here” ndiko kutaura kwemaKristu akaponeswa anozvitemba mumakereke vanomiririrwa nevasikana mapenzi.

Asi, pakupedzisira, Mwenga anobuda mumakereke avo onogadzira mwenje wake.

MATEO 25:6 Pak ati pohusiku vakanzwa mhere-mhere, Chikomba chavuya! Budai mumuchingamidzei.

Hamugoni kusangana naKristu mukereke sezvo iye amire kunze kwekereke, achigogodza pamukova.

Kristu ari kutsvaga vanhu vakazvimiririra, kwete kereke.

Ave pedyo nekusvipa kereke kubva mumuromo make.

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira ndimire pamukova ndichigogodza: kana munhu akanzwa izwi rangu akazarurwa mukova, ndichapinda kwaari, ndicharaira naye, naiye neni”.

Kuchema kwemarwadzo pasi rese.

Matambudziko anoda mari zhinji akaita sekudengenyeka kwenyika kuchinyudza Los angeles, Holllywood, Silicon Valley, nekuremadwa panezvemari kweAmerica. Nyika zhinji dzine hukama nemari yeAmerica.
“Kudanidzira” ndeapo mwenga akazvimiririra anenge agadzirira. Pavanenge vakutevera Magwaro zvakazara.

Zvinobereka izwi rerumuko.

Vatsvene vanenge vamutswa vachatevera Magwaro. Saka, kana tisingateveri Magwaro zvakazara, hativazivi.

19-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA

“Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakadai apo

Kuchava nekutinhira rimwe zuva,

Mwanakomana waMwari achaburuka kubva Kudenga neKUDANIDZIRA,

NENZWI remutumwa mukuru, NEHWAMANDA (TRUMP) yaMwari, vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. “

Izvi zvakaparidzwa mwedzi mumwechete hama Branham vasati vafa.

Vaive vachiri vakatarisira kudanidzira kwaive munguva inouya.

Chakanyanya kukosha.

Kudanidzira, izwi, hwamanda zvese zvichiri munguva inouya.

Kutinhira kumwechete kuchaitika panozarurwa Chisimbiso chekutanga kuchiri munguva inouya.

Kubva mugore 2016 Mutungamiri wenyika Trump aive CHIRATIDZO chenguva.

Izwi rekuti “hwamanda (trump” rinoyanana nekumuka kwevakafa.

Zvinoita sekuti Mwari ari kushandisa zita seyambiro kwatiri kuti nguva yakuda kukwana.

Pfungwa inodakaddza kusvomho.

Mutungamiri wenyika Trump aive mutungamiri wechi45.

Akazadzisa chiprofita kupfurikidza kuita Jerusarema Guta guru reIsraeri.

45 x 45 = 2025 adzoka zvakare pachigaro.

Zvakangoitikawo? Kana kuti Mwari atanga kuvaka pamweya?

Guta guru raMwari, Jerusarema Idzva, rine nheyo dzesikweya.

ZVAKAZARURWA 21:16 Zvino guta rakange rakamiswa rakaenzana mativi mana, nekureba kwaro kwakakura kudai sekufara;

Sikweya rinotevera (46 x 46) rinenge riri makore 91 kure negore 2116. kuresa kuti chive chiratidzo kwatiri.

64 -0719 MUTAMBO WEHWAMANDA

“Chisimbiso cheChinomwe hachisati chazarurwa, munozviziva. Ndiko kuuya kwake”.

Saka, Chisimbiso cheChinomwe hachisati chazarurwa. Vanozarura chete mushure mekunge Mwenga akwira Kudenga kuna Zvakazarurwa 6.

Rangarirai, Zvisimbiso ZVISATI zvazarurwa, zvinofanira kuziviswa.

AMOSI 3:7 Zvirokwazvo Ishe JEHOVA havangaiti chiro vasina kuzivisa varanda vavo ivo vaprofita.

Hama Branham havaikwanisa kuzarura Zvisimbiso nekuti kwaive kusina mumwe munhu ivo vasati vauya akagona kuzivisa Zvisimbiso Zvinomwe.

Hama Branham vakagona kuzivisa zvitanhatu zveZvisimbiso Zvinomwe. Ndicho chikonzero nei kuine Zvisimbiso zvitanhatu chete kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6.

Chisimbiso Chechinomwe chinozivisa Kuuya kwaShe chakavanzika chakazara. Chisimbiso Chechinomwe kuna Zvakazarurwa Chitsauko 8. 8 anomiririra chimisikidzo chitsva. Kutinhira kunomwe kunoreva kuratidza kuti toshandurwa sei miviri yedu. Nepfungwa itsva dzekubwinya munenge manyanya, kuchenjera muchigona kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama.

Zvakazarura Chitsauko 8 chiitiko chitsva chakazara chinoitika paKuuya kwaShe, chatisingagoni kunzwisisa ikozvino, sezvo tichashandurwa kupiwa miviri mitsva panoreva Kutinhira kunomwe.

 

 

Bhuku iri rakatanga kushambadzwa muna 1967. Zvakanyorwa nemavara maduku igwaro Zvakazarurwa 10:7 rinoti:

“Nemazuva ezwi remutumwa wechinomwe kana vodo kuridza zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakataura kuvaranda vake ivo vaprofita.

Pakavha, hama Branham vaitaurwa saivo “izwi remutumwa wechinomwe” kwete “Izwi raMwari”.

Muna 1967 mushambadzi webhuku ainzi “Spoken Word (Izwi rakataurwa”).

Taernakeri yepaTucson yakadhidha mubatanidzwa wemharidzo dzake unonzi IZWI REMUPROFITA (The voice of the prophet).

Kwakazouya shanduko huru.

Muna 1993 vakazodhidha zvakare vaive vashandura kuriita “Izwi raMwari” Rekodhingi. Nei pakaita shanduko?

“Izwi raMwari” harina kutaurwa muTestamente Itsva. Inhanho inotyisa pakunosimudzira hama Branham. Dzidziso dzekusimudzira vanhu kuvaisa pahuMwari.

Asi kavha remuna 1993 rinoti “Mumazuva ezwi remutumwa wechinomwe”.

“Izwi raMwari” kana “Izwi remutumwa wechinomwe?”

Kurwisana uku kunorasisa. Tiri kurarama munguva dzinonyengera.

Rangarirai, Judasi munyengeri mukuru aive mupostora, mutungamiri wekereke.

Kudanidzira kune mbiri kwazvo muTestamente yekare kwakawisa masvingo aive akakomberedza guta reJeriko.

Kuwa kwemasvingo eJeriko kunomiririra kuwa kwekupedzisira kwemasangano nemakereke anodzidzisa dzidziso dzevanhu.

JOSHUA 6:5 Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondobwe, kana imi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru, ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose navanhu vanofanira kupinda mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.

JOSHUA 6:10 Zvino Joshua akaraira vanhu, akati: Regai kudanidzira namazwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu; kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira”.

Kudanidzira aive asiri Joshua aidanidzira.

Vanhu vose vakadanidzira nokudanidzira kukuru.

Asi vanhu vaisatenderwa kutaura mazano avo. Tinofanira kudzokorora zvinotaura Magwaro chete.

Kana vanhu vese vari muMwenga vakatevera Magwaro, ndiko kuchava kudanidzira munguva inouya.

 

Hama Branham vaitotadzawo

Kudanidzira kwenhema vaive vanhu vaidaidza munhu ane mbiri, Herode, kuti “izwi ramwari”, sekuti anodarika munhu.

MABASA 12:22 Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu

Kudanidzira uku kwakatsamwisa Mwari akarova Herode akafa.

Nhasi, kudanidzira kwenhema ndekwevateveri veMharidzo vehama Branham vachiti ndiye “Izwi raMwari”. Sekuti zvaanotaura hazvina kana kumbokanganiswa, zvinosuwisa kuti zvinomuita Pope.

“Izwi raMwari” harina kutaurwa muTestamente Itsva.

Kudanidzira kwenhema uku, kwekuti hama Branham ndivo Izwi raMwari uye tinofanira kuterera matepi avo chete nekudzokorora zvavakataura, zvakafamba pasi rese kwemadhekedzi akati kuti zvisina kuunza Kuuya kwaShe Jesu kweChipiri. Masvingo ekereke neemasangano haasati awa.

Asi makereke emharidzo akavaka masvingo awo asimo muMagwaro vakazvipoteredza nawo. Pachinzvimbo chekufumura zviuru zvemakereke evasikana mapenzi, vakabatana navo nekugadzira mamwe masangano akasiyana anodarika zana emharidzo yemazuva ekupedzisira.

Kudanidzira kunonzi “Izwi raMwari” inhau dzenhema. Kutaura kuti tinofanira kuvakira kutenda kwedu pane zvaakataura chete.

Vanotenda kumharidzo vanotevera hama Branham vakataura kuti Ishe vaizouya muna 1977 uye America inozoparadzwa.

Vakataurawo kuti Hillary Clinton aizokurira sarudzo dzemutungamiriri wenyika dzemuma 2016.

Vakafungidzirawo kuti Kamala Harris aizokurira Sarudzo dzemutungamiriri wenyika dzemuma 2024.

Mazano matsva akaramba achinyuka sehutachiwana mundangariro dzake.

Kusaziva kwavo Bhaibheri kwakavagonesa kuramba vachirasika.

Asi havadzidzi.

Vakapesana nedanho rekutanga reruponeso. Kutendeuka nekureurura zvakaipa zvamakaita nguva yakadarika. Hapana chinovanzwa. Hapana kutsvairira dzimwe nhau pakavanda.

62-1007 KIYI YEMUKOVA

“... uye kuti ndakarurama handitadzi. Kuti hakuna, ... uye, Oh, nezvimwe zvezvinhu zvakaipisisa zvamunganzwe”.

64- 0830 MIBVUNZO NEMHINDURO #3

Kundiita Munhu waShe Jesu Kristu, ndinenge ndiri antikristu (Mazviona?)”

64- 0830 MIBVUNZO NEMHINDURO #3

“Zvino. hama Branham, ichokwadi here kuti hakuna munhu anofanira kuparidza asi imi? Takaona vanhu vakazarudzwa. Hatitendi kuti maizoita izvozvo kana vasingazoparidzi.

Tsitsi! Hama, hanzvadzi, chero akakuudzai kuti hakuna achaparidza kunze kwangu,

Ndinenge ndiri munhu akaipa kuna Mwari naizvozvo. Kwete! Munhu wese anonzwa kudana kwaMwari pamusoro pehupenyu hwake, anopinda muhushumiri otanga kuparidza; tinovada.

Vanhu vaMwari vakazodzwa pasi rese kuti vaparidze Evangeri. Mazviona? Ndingori ibwe duku pamahombekombe egungwa pakati pemabwe makuru. Mazviona? Kune vakawanda vanokodzera zvakanyanya, vakakodzera kwazvo, vanofanira kuparidza kudarika ini; ndingoriwo ibwe duku, munhu akazvininipisa agere pano. Ndiri mbeu imwechete yegorosi mudura rakazara. Mazviona? Saka ndingori ... munoziva zvandiri kutaura.

Chero munhu akadanwa naMwari anofanira kuparidza Evangeri.”

Kudanidzira kuchave apo Mwenga anotevera Magwaro. Zvichatora vanhu vazhinji kuti vadanidzire.

I SAMUERI 4:6 VaFirisitia vakati vachinzwa izwi rokupururudza, vakati, Izwi iro rokupururudza riri kumisasa yavaHeberu rinoti kudiniko? Vakanzwa kuti Areka yaJEHOVA yasvika kumisasa.

Areka mucherechedzo weShoko raMwari rechokwadi sezvo Mwari achiziviswa muShoko rake.

Kana Mwenga achinzwisisa Bhaibheri achiona Mwari vachiratidzirwa muShoko ravo, ndiko kuchava KUDANIDZIRA KUKURU kuchaburutsa Jesu kubva Kudenga.
Kuonekwa kechipiri kwakafanana nekuuya kechipiri.

Tichange tisina zvivi kana tashandurwa tapihwa miviri mitsva yekubwinya.

VAHEBERU 9:28 saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.

 

Mweya waJesu uchionekwa musimba chaive chiratidzo

 

MaJuda mumazuva aMosesi aimiririra zvinhu zvitatu zvinokwanisa kuitika kukereke.

Vasikana vakachenjera, Mwenga, achashandisa zaruriro yaWilliam Branham kuziva mafambiro ezvakavanzika zveMagwaro kuti vanzwisise Magwaro.

DANIERI 12:10 Asi vakachenjera vachanzwisisa.

Kana munhu mumwe nemumwe muMwenga anzwisisa Bhaibheri, vachaita mhere pakukunda kwavo kuchaurutsa Jesu kubva Kudenga.

EKSODO 32:18 Iye akati: Haazi manzwi evanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana manzwi anodanidzira pakukunda kwavo, asi ndinonzwa mhere mhere yavanhu vanoimba.

Vasikana mapenzi vachachema mumarwadzo apo vanoona kuti vakakurirwa nehunyengeri hwevatungamiriri vemakereke avo. Vanobva vaziva kuti vanofanira kubuda mukereke. Asi vanenge vanonoka. Vanoguma vamunguva yeKutambudzika kukuru.

Ikozvino, vasikana mapenzi vari kunyengerwa nekugona kwavo kuimba zvakanaka.

Vanofunga kuti zvese zvavanorasika muBhaibheri nezvavasingazivi hazvina kukosha nekuti vanogona kwazvo kuimba nziyo dzekurumbidza. Kuimba zvakanaka hakuna zvakunobatsira kana dzidziso dzenyu dzakaipa. Mosesi haana kufadzwa nekuimba kwavo kwaiita seruzha nekuti vaive vakashama vachinamata mari, chimufananidzo chendarama.

Kana ndangariro dzedu dzisina kushongedzwa nekutenda muchokwadi cheMagwaro chakaziviswa, Mwari anotiona takashama.

Zviitiko zvizhinji zvinoshamisa muhushumiri hwehama Branham zvaive Mweya waKristu uchionekwa pamberi pevanhu. Kwete Jesu achionekwa mumuviri wenyama.

64-0619 KUSHINGIRIRA

Husiku huno, nekuda kwekuonekwa kwenyu pamberi pedu, zvaita kuti vanhu vatsikirire chero zviitiko kuti vasvike kuno, kutenda kuti kune nguva dzekuti zvivi zvavo zvicharegererwa, uye kuti vachasunungurwa, kubva pahusiku huno”.

Mweya waJesu waionekwa pamberi pevanhu paiitika zviitiko zvemweya unoshamisa. Ruponeso rwaive rwuchiriko muna 1964. Mumashure mekuziviswa kweZvisimbiso.

63-0324 -CHISIMBISO CHECHINOMWE

“Zvino, Baba, hatizivi kuti chiitiko chikuru ichi chichave rini.

Asi kana tikaona zviratidzo izvi zvichionekwa, uye zvakarehwa muMagwaro zvichiitika.

Zvinodziisa moyo yedu zvisina mupimo.”

Munana unoshamisa waive zviratidzo zvakareruka zvaionekwa kuti vanhu vaone kuti hama Branham vaive muparidzi wechokwadi.

64-0320 MWARI VACHIZVIRATIDZA NEHUNHU HWAVO

“Tarira, Abrahama, achionekwa pachiratidzo, kumwe kudanwa; chiratidzo, kudanwa, kudanwa chiratidzo; akamirira mwanakomana akavimbiswa. ASI CHIRATIDZO CHEKUPEDZISIRA CHAAKAONA, KUONEKWA KWEKUPEDZISIRA, kushanya kwaMwari kwekupedzisira mwanakomana akavimbiswa asati asvika, chaive Erohimu panyama. Kuchizouya mwanakomana akavimbiswa.

Mwana waAbrahama akamirira Mwanakomana akavimbiswa Jesu Kristu.

Vakaona ZVIRATIDZO, kudururwa kweMweya Mutsvene.

Vachitaura nendimi, kuponesa kwemweya, nezvimwe.”

Nguva yakapedzisira Mwari kuzviratidza kuna Abrahama mumuviri wenyama CHAIVE CHISIRI CHIITIKO CHAKAZVIMIRIRIRA, chaive CHIRATIDZO chechiitiko chichauya, kuuya kwemwanakomana akavimbiswa, kwaive kwakuda kuitika.

Mwari vakamira pedyo nemuprofita Abrahama vakazivisa ndangariro dzaSara.

Mweya waMwari wakamira pedyo nemuprofita William Branham ukazivisa ndangariro dzekereke, yakamiririrwa nemukadzi Sara.

Zvemweya zvakawanda zvakadururwa pamusoro pemakereke ePentekositi.

Mweya unoshamisa waMwari unoonekwa nguva ZHINJI pamberi pevanhu URI CHIRATIDZO kuti vagadzirire kuonekwa kwemuviri waJesu wenyama KAMWECHETE pamusoro pevanhu kuti avatore vakwire Kudenga.

1955- 0302 ISHE JESU VAKAMUKA KUBVA KUVAKAFA

“Nhau yedu nhasi, ndeyekuti, Ishe Jesu Kristu vakamutswa kubva kuvakafa. Inoita senhau isina kukosha yekuparidza. Musoro wenhau yedu unobva kuna Vaheberu 13:8, inoti “Jesu Kristu anogara akadaro zuro nhasi nekusingaperi”. Kuti haashanduke pakuita kwake, parudo rwake, pasimba rake, haashanduke anoramba akadaro; haashanduki mukereke make.

Zvino, haasi pano mumuviri wenyama. Ari pano paMweya uye muviri wake wakatorwa kukwira Kudenga.

Jesu haaonekwe mumuviri wenyama kusvikira auya kuzotora Mwenga wake kuenda naye Kudenga mukubwaira kweziso.

1964-0312 – MESO AVO PAAKAZARURWA, VAKAMUZIVA

“Munogona kurangarira here tarisiro dziriko pamusoro pekuonekwa kwaJesu Kristu?”
...

“Asi ndichamuziva sei? Jesu akati ‘Vanozivikanwa nezvibereko zvavo. Zvino dai Jesu ari pano,

Angadai asiri mumuviri unoonekwa seni,

Nekuti muviri iwoyo ugere kurudyi rwaIshe.

Asi hupenyu hwake huri pano”.

Kana Jesu akaonekwa kutorwa kwevatsvene mukubwaira kweziso kusati kwaitika, haazoonekwe ari Munhu.

1965-0801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA

“Ndakati, ‘Muri mutendi here? Muri muKristu here?’

Akati, ‘Kwete, bambo.’ akati, ndine,,,’

Ndinogona kusataura mazwi aakataura, asi anofanira aive nekutya maari.

Ndakamubvunza pamusoro pezvinhu zveMutumwa waShe achionekwa”.

Musasanganise kuonekwa kweMweya Mutsvene mumusangano wake kwaanotaurawo achiti kuonekwa kweMutumwa waShe, nekuonekwa kwaJesu mumuviri wenyama paKukwira Kudenga mukubwaira kweziso.

1964-0614 KUZIVISWA KWAMWARI

“Ngatinzverei moyo yedu nhasi, neShoko renyu, tione kana tiri muKutenda, kwatingange takagadzirira, kuti,

Nguva yeKuonekwa Kwake.

Kuti tive zvakataurwa neMagwaro kuti tinofanira kuva,

Titorwe kukwira pamwechete, neavo varere, tisangane naShe kumakore, tive naye nekusingaperi’.

... nekuti tinokumbira izvi Muzita raShe Jesu Kristu.

Mufudzi wedu mukuru, watakatarisira kuti aonekwe. Amen”.

1963 -0317 – MWARI AKAZVIVANZA MUKURERUKA ACHIZOZVIRATIDZA ZVAKARE NENZIRA IYOYO

“... nekuti chiedza chezuva chinotevera, kuchiedza chemadekwana; kuti tiuye nekunyaradzwa nekutenda kuvanhu vakamirira avo vakamirira Kuuya kweChikomba,

Kuti Mwenga ashongedzwe Evangeri raKristu,

Kuti Ishe vamutambire”.

1965-0725 CHII CHIRI KUKWEZVA PAMUSORO PEGOMO

“Tinotumira kwaziso mumakomo, Prescott, Arizona, kuhama Mercier neboka riri pamusoro ipapo

Vakamirira Kuuya kwaShe.

Tinotumira kwaziso kuTucson, vakaungana nhasi,

Vakamirira Kuuya kwaShe.

KuHouston, Texas, neavo vari

Kumirira Kuuya kwaShe.

Kumusoro kuChicago, kune avo vaka

Mirira Kuuya kwaShe.

Kumusoro kumahombekombe eKumabvazuva, New York, neConnecttcut, neboka guru riri kumusoro ikoko, iro

Rakamirira Kuuya kwaShe.

Hatina nzvimbo pano dzekuti vagare, saka tinovatumira Shoko nerunhare. Tinotumira kwaziso kune Hama Junior Jackson husiku hwanhasi, neboka riri kuClarksville. Hama Ruddell, kumusoro uko pa62, neboka ravo,

Vakamirira Kuuya kwaShe.

Uye takaungana pano husiku hwanhasi pakereke yepamba, muTabernakeri,

Takamirira Kuuya kwaShe.”

Muna 1965, gore rekupedzisira rehupenyu hwavo, vaive vachiri vakamirira Kuuya kwaShe.

62-1111 NEI NDICHIPIKISA CHITENDERO CHAKARONGWA NEVANHU

Tarirai kuti chii? Mushure mei? Mushure memharidzo yekuti “ Budai maari!” mushure mezvinhu izvi,’ tarirai, kune kudanidzira kweMwenga wevatsvene neChikomba.

Vachienda kuMuchato weGwaiana”.

Ndiye Mwenga anodanidzira, kwete muprofita ari ega.

Muprofita wenguva yekupedzisira anofanira kubatana neMwenga wevatsvene paShoko nekuita kuti vanzwisise Shoko rakanyorwa.

Hatigoni kuita Kutenda muMagwaro atisinganzwisise.

 

Hwamanda dzine chirevo chikuru

 

“Hwamanda” nomwe dzinodaidza maJuda kudzokera kuIsraeri.

“Hwamanda (Trump)” inodaidza Mwenga kuChirayiro cheMuchato Kudenga.

Donald Trump anoshanda seCHIRATIDZO chenguva.

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO

“Saka, Mharidzo inounganidza Mwenga pamwechete, mazviona, kudanidzira.

Hwamanda ...

Umwechete Iyeye, Iye, nezwi guru, akadanidzira nemhere iyoyo nezwi, akamutsa Razaro. Nezwi guru Akachema, Razaro, Buda. Mazviona?

Izwi rakamutsa Mwenga akarara, vakarara vakafa.

Hwamanda, ‘nekurira kwehwamanda.’ uye, painorira, inodana. Nguva dzese, hwamanda inodana Israeri kuMutambo weHwamanda. Mazviona? Waive Mutambo wePentekositi, Mutambo mukuru kudenga; Mutambo wehwamanda.

Uye, zvino, hwamanda inozivisa kudanwa pamwechete, “Huyai kuMutambo.” Uye Zvino Chirayiro cheGwaiana kudenga”.

Hwamanda mbiri nerwendo rweMwenga Muhedeni uyewo kumaJuda.

NUMERI 10:2 Uzviitire hwamanda mbiri dzesirveri, unofanira kudziita nesirveri yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana vungano, nokuraira kuti mapoka afambe.

Hwamanda mbiri dzinodana mwenga kuChirayiro cheMuchato Kudenga. Hwamanda mbiri ndiWilliam Branham achitidzorera kudzidziso dzaPauro.

Nhengo dzemwenga dzinoungana nekudzoka kuShoko rakaziviswa. Nguva yekupedzisira inobatana nekereke yekutanga pazvitendero zvayo. Kwouya kumutswa kwevakafa Mwenga anotora rwendo rwake rwekupedzisira kubva panyika achienda Kudenga apo vanotorwa kunosangana naShe Kumakore.

Nguva imwechete iyoyo, Mosesi naErija vanotanga hushumiri hwavo hwakanakisa hunoshamisa hunodaidza maJuda 144,000 kuti vaungane kuIsraeri. Vanodzoka vachibva kwese kwavari panyika kuti vasangane naMessiasi muJerusarema. Vanozotenda zvakafanana nezvinotendwa neMwenga.

Mutambo wemweya, kuMwenga nemaJuda 144,000, kutenda zvakafanana nevashandiri vekutanga vekereke yekutanga yemapostora.

Kudzorerwa kwenguva yekereke yekupedzisira yeMwenga kuzvitendero zvemapostora eTestamente Itsva. Zvino kumutswa kwemaJuda 144,000 kuti vatende chokwadi chimwechete cheBhaibheri.

Kutinhira kunomwe kunoreva kuMwenga, nekuna Mosesi naErija.

Mwenga anenge ane simba rinoshamisa rekushandura miviri kuti agone kutorwa kukwira Kudenga.

Mosesi naErija vanopihwa simba rinoshamisa kuti vaite zvavanoda nemamiriro ekunze nezvinhu panyika.

Mapoka maviri anonzwa Kutinhira Kunomwe.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

“Ndizvozvo chaizvo. Ndinotenda izvozvo, mukati meKUTINHIRA KUNOMWE, kuchiziviswa mumazuva ekupedzisira kuti Mwenga aunganidzwe kuti apihwe kutenda kwekukwira Kudenga.

62-1230 -ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA?

“Ndiko here chaiko KUTINHIRA KUNOMWE, kuri kugadzirira kureva, kuti boka duku rakaungana pamwechete rigashire kutenda kweKukwira Kudenga, kuti vakwire Kudenga muKubwaira kweziso kana Auya? Nekuti tichashandurwa,’ nekukasika semauyiro evatumwa, ‘pakarepo, mukubwaira kweziso; vachatorwa pamwechete neavo vakarara, kunosangana naShe kumakore. “

63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
“Mirirai kusvikira KUTINHIRA KUNOMWE kwareva mazwi ako kuboka rinogona kutora Shoko raMwari variisa pakadaro apo, rinocheka nekugura. Vanozarira matenga. Vanogona kuvhara ichi nechocho, chero chavada kuita. Ngaakudzwe! Achaurawa neShoko rinobuda mumuromo make, rakapinza kudarika munondo unocheka kwese. Vanogona kudaidza mazana emamiriyoni enhunzi kana vachida havo”.

Erija akadaidza nzara yemakore matatu nehafu muTastamente yekare.

Mosesi akadaidza hosha yenhunzi muEgipita.

64-0726 KUZIVA ZUVA RAKO NEMHARIDZO YARO

“Zvino, mharidzo yemutumwa wechinomwe iripo kuzarura zvakavanzika zveZvisimbiso.

Kudaidza mushandi wechiHedeni wenguva yegumi neimwe kuti agamuchire muhoro wakafanana nevemushandi wenguva yekutanga.”

Tinofanira kutenda sezvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.

Mbeu inokohwewa pakupedzisira inofanira kufanana nembeu yakadyarwa nemapostora pakutanga.

Mbeu inokohwewa inobviswa pamuti wakaoma. Mwenga anobviswa kana akutorwa kukwira Kudenga. Kubviswa kubva panyika nemumakereke akafa pamweya kupfurikidza kuramba zvakavanzika zveMagwaro zvakaziviswa. Vanhu ava vanofa panyama munguva yeKutambudzika Kukuru apo chikara cheRoma neChikara cheAmerica chinotongwa neCatholic chavauraya.

Kana kukohwa kwapera, mombe (chipfuwo chemumunda) chinopinda mumunda chodya mashanga akafa.

Kana Mwenga akatorwa kukwira Kudenga, chisikwa chipenyu chinoparadza ruzhinji rwevanhu.

62- 0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA 1

“Chinangwa changu, ndinotenda, kunyika, ndechei? Ndechekukura nzira yeShoko rinouya, mazviona, Shoko rinouya rinova Kristu”.

Johane Mubapatidzi akazivisa Kristu ari munhu achifamba pakati pevanhu.

William Branham akazivisa Kristu achifamba mukati meShoko rake achizivisa zvakavanzika zveShoko kwatiri kuti tinzwisise zvakanyorwa muBhaibheri.

65-0725 VAKAZODZWA MUNGUVA YEKUPEDZISIRA
“Zvino, ndinoda kuti muzive izvi pachokwadi, imi makateerera kutepi rino. Munogona kufunga kuti nhasi ndiri kuedza kutaura izvozvo pamusoro pangu, nekuti ndini ndakagadzira Mharidzo. Handina zvakawanda zvekuita naro, ndingori izwi. Uye, izwi rangu, chero richipikisa maonero angu; ndinoda kuva mutapi. Asi hakusi kuda kwaBaba vangu kuti ndinosarudza kuzviita, uye ndinoda kuzviita.
Ndaive ndisirini ndakaonekwa kuzasi kurwizi; ndaive ndakangomirawo ipapo paAkaonekwa.

Handisirini ndinoita zvinhu izvi nekuudza vanhu zvichaitika sezvazviri; ndingoriwo munhu anenge ari pedyo paanozviita. Ndaingove izwi chete raakashandisa kutaura izvozvo. Hazvisi zvinhu zvandaiziva.

Ndezvandakazvipira kwazviri, kuti ataure kupfurikidza ini. Handisini, aive asiri mutumwa wechinomwe, oh, kwete; kwaive kuratidzirwa kweMwanakomana weMunhu. Aive mutumwa, nhume yake; chaive chakavanzika chaMwari chaiziviswa. Haasi munhu ndiMwari.

Mutumwa aive asiri mwanakomana wemunhu.

Aive mutumwa anobva kuMwanakomana wemunhu. Mwanakomana weMunhu ndiKristu.

Ndiye wamuri kugutswa naye. Hamusi kugutswa nemunhu; munhu, Shoko rake rinowira pasi. Asi muri kudya muviri weShoko weMwanakomana wemunhu usingawiri pasi.

Paaitaura ndangariro dzevanhu, Mwari vaitaura kupfurikidza izwi rehama Branham nekuti hama Branham vaive vasingazivi ndangariro dzevanhu. Vaisaziva zvavaitaura pavakatsanangura zvaive mundangariro dzevanhu.

Asi muhushumiri hwavo hwese hwekuparidza, izvi hazvina kushanda nekuti vaiziva zvavaitaura.

64-0614 BHORA RAKASIYANA

“Ndizvo zvandakaudzwa nemutumwa, ‘ita vanhu vatende zvaunotaura.”

Kana ndikavaudza Shoko raMwari, ndinenge ndisingati tendai mandiri,’ asi kuti ‘tendai muna Mwari.”

63-0630 RWENDO RWECHITATU

“Nekuti vanonzwa zvakajeka Izwi raMwari, richidaidza, kupfurikidza Shoko rake.

... Tererai ku Bhaibheri, Izwi raMwari

Riri kudana kwamuri nhasi uno”.

Bhaibheri ndiro Izwi raMwari. Hama Branham havasi Izwi raMwari, ndivo Izwi reMutumwa wechinomwe watinogona kuteerera pamharidzo dzake dzakatapwa pamakaseti. Kana kuverenga mumabhuku paIntaneti.

62-1230 MUKURU

“Uye tinoziva, Ishe kuti tiri vapfuuri.

Zvisinei nekuti tiri vanani, tinoparara. Asi, kwete muparidzi, asi Mharidzo.

Tipei Ishe.

Ndiko kwatakanongedzera, kuna Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.

Kuti ave chokwadi kumunhu wese ari pano nhasi, chero kuvana vaduku.

Kuti ave Mukuru weungano yese.”

62-0727 TICHAONA JESU

“Saka, ndinotenda kuti Bhaibheri ndiro chokwadi chaMwari chikuru,

54-0217 JESU SIMBA RESHOKO

“Zvino, tichataura nguva shomanana pamusoro “peSimba reShoko raMwari.”

Zvino, Shoko raMwari rimwe nerimwe rakanyorwa, rine simba.

Ndizvo zvakanaka kumutendi kuti atambire izvi seChokwadi chisingarasiki, nekuti iShoko raMwari.”

54-0302 KUMUTSwA KWEMWANASIKANA WAJAIROSI

“Nemutsa Baba veKudenga, tinouya kwamuri nekuda kweShoko iri rakanyorwa. Kuti tione kuti chibairo chakadii chakabairwa kuti tiwane Shoko rino nhasi ... Ndiro Bhuku rakarovererwa zvakanyanya pasi rese asi richitengwawo pazvinyorwa zvese zvakambonyorwa.

Ndiro rega bhuku guru rekuti Izwi rimwe nerimwe hariwiri pasi”.

63-1110 UYO ARI MAMURI

“Tendai Mharidzo yese. Tendai izvozvo. Kana zvisina kunyorwa muBhaibheri, musazvitenda.

Asi kana zviri mu Bhaibheri, zvino Mweya Mutsvene unorarama matiri une basa rekuzviita kana tichitenda mazviri.

Ndinoziva kuti zvakaoma. Tarirai, hakuna chinouya zviri nyore.

65-0801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA

“... kuti vanhu vakatenda muMharidzo

Kuti Jesu Kristu akandipa kunguva ino, vazive kuti chii chiri kuitika.

Vachizviisa muMagwaro.

Kana muchifunga kuti mune chamakadzidza kubva kune zvakataurwa nevanhu, ivai nechokwadi chekuti munogona kuzvitsigira neMagwaro.

62-0627 TICHAONA JESU

“Zvino, muMharidzo yandiri nayo. Ndichaedza kuita kuti ireruke, nekuti kana iri nguva yekutanga kuti mu ... zvichida vanhu vaive mumisangano. Zvinogona kuita sekuti zvinoshamisa kwamuri pakutanga. Uye kana zvichidaro, ndinokumbira kuti mundinzwisise zvishoma (Mazviona?)

Uye nguva dzese nzverai zvandinotaura. Kana zvisina kufanana neMagwaro, musazvitenda.

1064 0719 MUTAMBO WEHWAMANDA

“Uye Messiasi achaita sei ... vanhu vanotenda maari vanozviziva, kunze kwekunge vachitevera Shoko nguva dzese, kuti vazive kuti ambori chii!

Danieri 12:10 anoti, “Vakachenjera vacha [nzwisisa]; asi mapenzi, vasina kuchenjera, havangzivi. Vachaziva Mwari wavo.’

Zvino, zvino,

Achaonekwa sei mazuva ekupedzisira, achadzosa vanhu kuShoko.

Saka Mwenga achaziva murume wake, achaziva mumwe wake, Shoko rakaziviswa. Ndicho chikonzero nei izvi zvichafanira kuitika.

Zvaive zvisiko kuvamutsiridzo; zvaive zvisiko kwaLuther, Wesley, nevePentekositi, navo. Magwaro anoti zvaive zvisina kudaro.

Asi zvichauya. Ndicho chivimbiso chake kunguva ino.

Tiri kurarama munguva ichasangana neKuuya kwake.”

Muna 1964 akataura pamusoro pekuuya kwaShe munguva inouya. Saka, Jesu haana kuuya muna 1963.

1965-0725 – CHII CHINOKWEZVA PAMUSORO PEGOMO?

“Ishe tiri tese husiku huno takabatana, isu vatendi,

Takamirira Kuuya kwaMessiasi.

Tinonamata, Baba veKudenga, kuti muchamutumira nekukasika kukereke yenyu.”

Muna 1965 vaive vachiri vakamirira Kuuya kwaJesu.

64 0719 MUTAMBO WEHWAMANDA

“Mwenga waKristu anofanira kuzivikanwa Naye, nekuti vaviri ava munhu Mumwe; Iye ndiye Shoko, kwete sangano. Shoko! Tinofanira kuva vana veChiedza.

Chiedza ndiro Shoko rinoitwa Chiedza chenguva.

Tinoziva sei Chiedza kunze kwekunge chauya neShoko? Zvakanaka.

Shoko rakaitwa nyama ndiro Chiedza chenguva; kana mukachiona, Bhaibheri rinodaro”.

Shoko rakaitwa nyama zvine chirevo chakakura.

Kristu, Munhu, aive Shoko akaitwa Nyama. Jesu ndiye Musoro.

Asi Mwenga ndiwo muviri waKristu.

Kana mukaona Shoko zvinoreva kuti munonzwisisa zvakanyorwa mariri.

Saka, kana muchinzwisisa mavhesi eBhaibheri, Shoko rinoitwa nyama mamuri.

Shoko raifanira kuva nyama mumiviri yeMwenga nekuti iye akanzwisisa Magwaro.

1964-0719 MUTAMBO WEHWAMANDA

“Zvino, zvino, akachaonekwa sei mumazuva ekupedzisira, achadzosera vanhu kuShoko, saka Mwenga achaziva Murume wake, achaziva mumwe wake, Shoko rakaziviswa. Ndicho chikonzero nei izvi zviri kufanira kuitika.

... garai makarurama muna izvozvo mochengetedza kufamba naro, motarira richizarurwa nekuzvizivisa kwamuri.

Patinonzwisisa Magwaro, Chiedza chinofamba imwe nhano kuti chizivise kunzwisisa mamwe Magwaro.

Kana muchitevera Magwaro zvakazara chete ndipo pamunoziva vatsvene vakamutswa kuvakafa, nekuti vachange vachishandisa Magwaro chete.

RUKA 16:31 Akati kwaari, Kana vasinganzwi Mosesi nevaprofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23