Kereke yangu haizi zvainofanira kuva iri



Hakuna zvakaprofitwa pamusoro penguva yekupedzisira kana mufananidzo uri pamusoro penguva yekereke yekupedzisira unotaura zvakanaka pamusoro pekereke.

First published on the 23rd of May 2023 — Last updated on the 23rd of May 2023

Hakuna ane simba rekutonga pamusoro pemukuru mukereke panzvimbo

 

Vamwe vakuru (maeredha) anoparidza vamwe havaparidzi, asi iboka revakuru panzvimbo rinofanira kutungamirira kereke imwe neimwe.

Hakuna kereke yakachengetedzeka kuva utiziro sezvo vose vanonzi-vanotenda nevasingatendi vanoungana nevatendi.

62-0704 TICHAONA JESU

Nguva dzese rangarirai, chengetai mapoka matatu evanhu mundangariro dzenyu. Vanogara variko, vanoti: vatendi, vanonzi-vatendi, nevasingatendi. Vari muboka rimwe nerimwe. Mazviona?

Pese pane vatendi, kune vanonzi-vanotenda nevasingatendi zvakare. Saka muri kuwadzana nanani? Idambudziko rine makereke ese.

65-1206 ZVIITIKO ZVEMAZUVA ANO ZVINOJEKESWA NEZVAKAPROFITWA

Rangarirai, kwagara kuine mapoka matatu evanhu muboka rimwe nerimwe revanhu vamunoungana navo, ndivo, vanonzi-vanotenda, vasingatendi nevanotenda. Tinavo mumapoka ese. Vaive navo nguva dzese.

Chero muTabernakeri yekwaBranham yaive ichisanganawo nekupindira kwevaFirisitia.

Saka, tinogona kufunga kusvika pakuti vaFirisitia vakapindira zvakadii mune mamwe makereke emharidzo. Mumashure mazvose, vakasvika pedyo kwazvo nechokwadi saka vanenge vatori panjodzi huru nemuvengi.

59-0628 KEREKE YAKATSAUSWA NENYIKA

“Munhu haangararame nechingwa chete, asi neShoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari”. Vafirisitia vari pamusoro pako Tabernakeri yekwaBranham. Vafirisitia vari pamusoro pako iwe Pentekositi.

“Nekuti vaFirisitia vanemi, mese, nguva refu yakadarika pamakazvironga makasunga zvakasimba, hakuna chaigona kupinda ‘dai maive maPresbeterio, veBaptisiti, maMethodist, maCatholic, kana vamwewo.

Maishaiwa chekuita navo vose.

Kereke imwe neimwe inozvironga kuti ive boka rakasimba isingapangwe zano kubva kunze kwayo. VaParestina vakatora kereke.

Kusimba mukereke hakusi kuzotibatsira kuti tizive chokwadi cheBhaibheri.

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO

Chinhu chekutanga chinouya, paanotanga kuburuka kubva Kudenga, pane kudanidzira. Kumbori chii? Mharidzo, kuti vanhu vaungane. Mharidzo inouya, pekutanga. Zvino, nguva yekugadzira mwenje, “Simukai mugadzire mwenje yenyu”. Tarirai kuti chaive chii? Wechinomwe, kwete wechitanhatu. Wechinomwe, “Tarirai, Chikomba chakuuya. Simukai mugadzirire mwenje yenyu .” vakaita saizvozvo. Vamwe vavo vakazoona kuti vaive vasina kana mafuta. Mazviona? Asi iri nguva yekugadzirira mwenje.

... Kudanidzira, Kudanidzira chii? Imharidzo iri kuenda, pekutanga Chingwa cheHupenyu chinorarama chichiunza Mwenga.

“Kudanidzira” iMharidzo, asi haisi apo hama Branham vakazivisa Bhaibheri kwatiri.

“Kudanindzira” ndeapo nhengo dzeMwenga dzakazvimiririra dzinogona kuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri reKing James Vhezheni pachadzo.

Mharidzo yakabatwa inotevera vakaiparidza mwedzi umwechete vasati vafa. Hama Branham vaive vachiri vakamiririra “kudanidzira” kuti kuuye. Saka, havana kutora kuparidza kwavo ivo vachishandisa Magwaro sekuzadziswa kwekudanidzira.

Vakatsigira zvavaitenda neMagwaro. Asi ikozvino Mwenga anofanira kugona kutsigira zvitendero izvozvo kubva kuMagwaro pachake. Ipapo chete ndipo hushumiri hwehama Branham hunokwanisa kuzadzisa chinangwa chahwo.

1965-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA

Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.

“Kudanidzira” kuchauya kunofanira kubva kuMwenga akazvimiririra, kwete kubva kuhama Branham sezvo vakabva vafa mwedzi umwechete mushure meizvi.

62-1111 NEI NDICHIPOKANA CHECHITENDERO CHAKARONGWA

Tarirai, chitsauko 19 ndicho chinotevera, “Mushure mezvinhu izvi.” maona here pano muchitsauko chechi19, “Mumashure mezvinhu izvi”? Kuona chii? Mumashure mei?

Mumashure meMharidzo yekuti “Budai mariri!” “Mumashure mezvinhu izvi”, tarirai, pane kudanidzira kweMwenga akarurama neChikomba, vachienda kumutambo weMuchato weGwaiana.”

Tinofanira kubuda mumakereke nemitemo yavo yakaitwa nevanhu inosimudzira munhu pamusoro pevamwe vanhu.

Kereke yepanzvimbo inotongwa nevakuru vepanzvimbo ipapo.

Mukuru munhu wechirume akura uyo basa rake nderekuudza vanhu zviri muBhaibheri saka anoedza kuvamisa kuti vasatende zvisimo muMagwaro.

Hakunasimba guru rinodairika remukuru pakereke yepanzvimbo. Hakuna munhu ari pamusoro pake.

57-0908 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHISHANU NECHECHITANHATU 1

Ndiratidzei muchishandisa Bhaibheri kuti chikuru chii, muBhaibheri, kudarika mukuru pakereke yepanzvimbo?

 

Hakuna akabvira ambobvunzwa kuti pasita wake aive ani

 

MaKristu anoonekwa semaprista.

I PETRO 2:9 Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, vuPirisita bwamambo,

Maprista ose akaenzana. MuPrista Mukuru chete ndiye ari pamusoro pavo.

Zvakadaro, Muprista Mukuru Jesu ndiye ari pamusoro pemukuru (eredha) mukereke. Ndangariro dzaJesu dzakanyorwa muBhaibheri reKing James Vhezheni. Tinoteerera iye oga.

I VAKORINTE 12:28 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapostora, rwechipiri vaprofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.

Mwari akagadza kereke achishandisa vaapostora kuyora Testamente Itsva nevaprofita vakanyora Testamente Yekare. Mwari akabva aisa vadzidzisi kuti vasone pamwechete Testamente Itsva neTestamente Yekare.

Nguva nomwe dzemakereke dzinozivisa zano rakavanzwa muBhaibheri rakaumba kare kedu richikwenenzvera ramangwana redu.

Nguva yekereke yechinomwe “yeRaodikia” (umo vanhu veRaodikia vanozviitira zvimiro zvavo vega zvekereke nemitemo) yakasvipwa kubva mumuromo waMwari pakupedzisira Jesu, akamira kunze kwemukova wekereke imwe neimwe, ari kutaura nevanhu vakazvimiririra, kwete kuboka rekereke.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti:

ZVAKAZARURWA 3:16 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye ucharayira neni.

Mwari anosvipa kereke dzese pakupedzisira asi, kumira akarambwa ari kunze kwemakereke ese, anoramba achizviratidza kumunhu anoda Shoko kudarika madiro aanoita kereke yake.

 

Hushe hwenyika ino hunovakirwa pamusoro peropa nedikita revaranda.

Hushe hweKudenga hwakavakirwa pamusoro peRopa neDikita raJesu.

Bhaibheri reKing James, Bhaibheri rimwechete rechokwadi rakagamuchira kusvika mugore 1880. Mumashure maizvozvo rakazorambwa rikatsiviwa nemavhezheni anhasi emaBhaibheri.

Kurudziro yemaGiriki inoonekwa pakati pemufananidzo weMuhedeni wakaonekwa naNebukadinezari, yaive yakasimba kwazvo iine nheyo dzekuzvikudza nerudo rwakasimba rwekuita makwikwi nekuva vari nani kudarika vamwe vese.

MaGiriki vaive vakasimba kwazvo pakureverera zvakaipa, kuita ikoko kwakaenderera mberi apo kereke nekuchenjera yakarwira shanduko dzakaitwa nemavhezheni matsva emaBhaibheri.

Kuita uku kwakawodza makereke.

II VATESARONIKA 2:1 Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuvungana kwedu kwaari;

Tinogona chete kuungana pamwechete zvinobudirira kana tikadzokera kunotenda Magwaro akanyorwa muBhaibheri reKing James Vhezheni. Hatigoni kuungana zvinobudirira pasi pehutungamiriri hwemunhu.

“Pasita wako ndiyani?” Kutaura uku hakumo muMagwaro.

“Pasita” mumwechete haana kutaurwa muTestamente Itsva.

Hakuna kereke yeTestamente Itsva yaive ichitungamirirwa napasita ari musoro wayo. Pasita zvinoreva chero mukuru aive neruzivo rwekupa hufundisi nekuchengetedza vatendi zvaikurudzira vavhu kuti vararame vachikunda matambudziko akasiyana avaisangana nawo, matambudziko emabasa, matambudziko emunhu akazvimiririra, matambudziko ehutano, matambudziko ekushaiwa kurudziro, matambudziko emari nemamwe akadaro. Izvi zvose zvinotora nguva zvekuti pasita umwechete anokwanisa kubatsirana nevanhu vashoma kwazvo. Mumwe pasita anozoda kushanda nerimwe boka revanhu vakazvimiririra. Mamwe mapasita vanenge vaine mabasa akasarudzika avanogona. Uyu aive mubatsiri munezvewanano, umwe ari ainzwisisa zviitiko zvenzvimbo dzemabasa. Umwe ainzwisisa zviri nani nhau dzezvekurambwa uye kushungurudzika mundangariro. Hakuna munhu mumwechete anogona kugadzirisa zvinhu izvi zvinosangana nevanhu vose. Boka remapasita rine mukana uri nani wekugona kubatsira nekukurudzira vanhu.

Nhau dzedzidziso dzinosangana nevanhu dzaigadziriswa zviri nani nevadzidzisi veBhaibheri. Mhinduro dzavo dzaigarodzokera kuMagwaro. Saka, havaizobvunza mibvunzo isiri muMagwaro yakafanana nekuti, “Pasita wako ndiyani?” Zvinokonzeresa kurasika.

“Chegumi ndechapasita” hazvisi muMagwaro. Asi vanhu vanoita mapasita kuti vaise ruoko pamari dzechegumi. Ritori basa kwavari. Vanorwira zvinzvimbo zvavo zvenhema zvekuzviita misoro yemakereke kuitira kuti vachengetedze simba rekudya mari. Simba ravo rekutora mari dzenyu.

 

Mwari vakaita kereke vasina kumbotaura pamusoro pemapasita

 

I VAKORINTE 12:28 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapostora, rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.

Mwari paakagadza kereke panzvimbo, akashandisa hushumiri hutatu. Mapostora, vaprofita nevadzidzisi. Hapana kutaurwa mapasita. Mapasita haana nzvimbo zvichibva muMagwaro, asi nzvimbo yekungobatsira vanhu nematambudziko avo nezvinovanetsa.

I VAKORINTE 11:17 Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa.

Zvakatoipa kana tikaungana mukereke inotungamirirwa nemunhu semusoro wayo.

Chimiro chisimo muMagwaro chiri pasi pehutungamiri hwemunhu mumwechete itsika dzevaNikoraiti haigoni kutisvitsa kuChokwadi cheShoko raMwari. Ndicho chikonzero nei zvinobatwa panotaura vanhu zviri kutsiva Magwaro zvakanyanya nhasi, rinova dambudziko. Vanhu vanotenda kuKisimusi, Chishanu Chakanaka (Good Friday), Chipiri chechisi, makore manomwe enguva yeKutambudzika vachitaura kuti vanoziva kuti Kutinhira kunomwe kumbori chii.

61-0218 ZODZO PAGIRIADI

Ndikati, “Ndakadzoka kuna mai vekereke kubva zvandagamuchira Mweya Mutsvene.” ndakati, “Munoreva mai vemapato, kwete mai vemakereke. Takaberekerwa mairi, kwete kuti takaipinda nekuda, kuberekerwamo.” ndizvo chaizvo. Zvakanaka.

1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9 KEREKE YENGUVA YERAODIKIA.

Tsungirirai mutendeuke.” Kereke yenhema iyi ine kutsunga; musakanganise ipapo. Kutsunga kwayo kwakaita sekwemaJuda, Johane 2:17, “Kushingairira Imba yenyu kuchandipedza.” asi kushingairira kwakaipa.

Ndezveimba yekuvaka kwavo ivo pachavo. Ndezvekuda kwavo, zviyera yera zvavo, hurongwa hwavo

Kururama kwavo.

Vakaisa Shoko zvichibva kumazano avo.

Vakabvisa Mweya Mutsvene vakaisa vanhu pahutungamiriri.

Vakasendeka Hupenyu Husingagumi seMunhu parutivi, vakahuita mabasa akanaka, kana kubvumira kwekereke pachinzvimbo chemabasa akanaka.

Vanhu vakaita chitendero kuti varuramisire kurasika kwavo.

Hushumiri hwepazvivhiti vhiti nemabhuku: kutengesa rudzi rwechitendero chekuzvibatsira, kana kukudza chimisikidzo “chekupa kuti uwane chimwe chinhu” zvinogutsva hupenyu hwavo hunoyevedza.

 

Hamugoni kungovaka dzidziso kubva pane zvakataurwa nevanhu

 

Takazvarwa patsva muMweya Mutsvene. Kumanikidza vanhu kupinda kereke mweya weBabironi.

Nebukadinezari akamanikidza vanhu vese vemuBabironi kunamata mufananidzo waDanieri, muprofita akaziviswa. Nhasi, makereke emharidzo anomanikidza vanhu kunamata zvakataurwa nemuprofita wenguva yekupedzisira Willam Branham. Kana zvaakataura zvichirwisa Magwaro, vanoti ivo vanoramba vachitevera zvaakataura. Kana chimwe chezvaakataura chikarwisa chimwe, vanoita sevanokanganisa vongotora chero chavaitira. Idzi hadzisi nheyo dzekuzivisa chokwadi.

“Mumavhiki aDanieri makumi manomwe” hama Branham vakataura nezvemakore manomwe enguva yeKutambudzika kukuru.

“Muzaruriro yeZvisimbiso zvinomwe” vakataura nezvemakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru. Kutaura kwechokwadi ndekupi apa zvakare nei?

DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo,

Sungano haina kuitwa. Sungano yakaitwa naMwari makore anodarika 2 000 aive adarika kuna Abrahama nevana vake yaive yasimbiswa munaKristu, Mwana waAbrahama.

Jesu aifanira kuita hushumiri hwemakore manomwe (vhiki rimwe rechiprofita) asi akagurirwa panzira mumashure memakore matatu nehafu.

Rufu rwake rwakagumisa zvipiriso nezvibairo zvemuTembere. Saka kwasara makore matatu nehafu chete achange akatarirwa maJuda. Mwari vachadzoka kwavari mukati memakore matatu nehafu (mazuva 1260 kana mwedzi 42) yenguva yeKutambudzika kukuru.

Mumavhiki aDanieri makumi manomwe hama Branham vakataura pamusoro peAmerica vachiti ichaparadzwa mugore 1977 hazvina kana kuitika.

Vachitaura pamusoro peGore rakaonekwa muna 1963 ravasina kubvira vaona ivo nemeso avo kana kumira pasi paro, vakati vatumwa vakatorwa mifananidzo vachikwira kudenga. Mune dzimwe nzvimbo vanoti vatumwa vakatorwa mifananidzo vachiburuka. Humbowo hwavaive nahwo chete pamusoro pevatumwa hwaive hwemufananidzo waive seri kwemagazini reLife.

Vakatiwo Gore rakanga richionekwa muswere wese wezuva. (Rakaonekwa kwemaminetsi 28 chete zuva ratodoka).

Saka, hamugoni kungoshandisa kutaura kwake kumwechete kuti muumbe dzidziso yakasimba. Zviri nani kutonyarara.

65-1127 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI

Yaive nguva iyi, pakafa munhu uyu, apo Davidi nezodzo akaona zvakaipa zvaaive aita. O Davidi, pasita wenyu, hamuone here chitendero chenyu chakafa nemasangano amunobatira paari? Hamuone here zvazviri kuita? Zviri kuuraya Uzziah.

Rufu rwemweya, moshaya kuti nei kusina kumutswa; kuti mudzimai wenyu agere musoro wake, kunyora chiso chake, kupfeka zvipfupi; kuendesa vanakomana kuzvikoro zvezvigure, nezvimwe zvakadaro, kumwe kwavanodzoka hafu yavo dzava ngochani, nezvimwe zvese.

65-1127 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI

Tarirai chinangwa chaDavidi: aiunza areka kumba kwake.

Raive risiri guta, yaive isiri nzvimbo, yaive yeJerusarema. Asi Davidi aiiunza kumba kwake,

Aida kuti kumutswa kuve paungano yake.

“Oh, kana maungana, zvakanaka. Kana muri pachimwechete, zvakanaka. Kana muri vePentekositi, zvakanaka.”

Pasita umwe neumwe anoedza kuunza kumutsawa kukereke yake ega.

65-1128 NZVIMBO YAMWARI IMWECHETE YAKAPIHWA YEKUNAMATIRA

Uko kuTucson, vari kuterera mangwanani ano, ndakamborangarira ...

Ndaimbokurudzira vanhu, “Endai kukereke, zvisinei nekuti maendepi.”

Ndinoona vanhu vachidududza, vachienda nerumwe rutivi. Ndikafunga, “Chii chaizvo chiri kuitika?”

Ndakaenda kune vamwe vavo,

“Zuva rekutanga muriko, vanosvika kwamuri voti, “huyai muve nhengo yekereke yedu.’ kana mukasadaro, hatikugamuchirei.’ mazviona? Mazviona?

Chinhu chekumanikidzwa, zvinomanikidzirwa pamuri, mazviona, ndiyo Babironi.

Asi muna Kristu, munouya nekusarudzwa; kwete nekumanikidzwa, moyo wenyu unokukwezvai.

Mwari haana kuisa zita rake paBabironi nguva iyoyo. Zvava pedo zvino.

Haagoni kuisa zita rake paBabironi, makereke.

Oh, vano, vanoisa zita rake ikoko, asi Iye haana kubvira aita saizvozvo. Kwete.

Mapasita emharidzo vakatora mweya weBabironi wekumanikidzira munhu wese kuti azvininipise kwavari.

Bhaibheri harina kubvira rataura kuti, “Pindai kereke yangu.”

Bhaibheri harina kubvira rataura kuti, “Endai kukereke”.

Bhaibheri harina kubvira rataura kuti, “Pasita wenyu ndiyani?”

Bhaibheri harina kubvira rataura kuti, “Chegumi ndechapasita.”

 

Kupinda kuita nhengo yekereke kunongobereka husungwa

 

64-0629 MWARI WAMASIMBAOSE ACHIZIVISWA PAMBERI PEDU

... Kuti Mwari ari kudanidzira rwendo,

Kubva kumashure kwechidzitiro chenyama chinoedza kurovedzera, anoedza kupinda kuva nhengo yekereke.

Kwete Methodist, Baptisiti, Presbyterian, vose asi makereke ePentekositi.

Inhau yemunhu akazvimiririra ega. Iwe naMwari. Munofanira kupinda, kwete boka renyu, kwete kereke yenyu, kwete pasita wenyu, asi imi ndimi munofanira kupinda.

Pasita wenyu haagoni kukupinzai. Kereke yenyu haigoni kukupinzai.

Saka, chimisikidzo chekereke nhasi basa racho nderei? Haigoni kuva nebasa rakanyanya nekuti

Kupinda kereke kunongoita kuti munzi muri muKristu.

 

Ndiko kuneta kukuru kwechinamato chemukereke. Rudo rwekuva chikamu cheboka runoita kuti munhu ave muranda kutsika dzekereke.

Imi, semunhu akazvimiririra, munofanira kusvika paKuda kwaMwari muhupenyu hwenyu nekutevera Bhaibheri reKing James vhezheni.

“Pasita wenyu ndiyani?” Hausi mubvunzo wakabvunzwa munguva yekereke yekutanga.

Tinofanira kudzokera pazvitendero zvekereke yekutanga. Hakuna kereke ina pasita semukuru wayo.

Saka, hatifaniri wo kubvunza mumbvunzo iwoyo sekuti kuna pasita mumwechete anofanira kutonga kereke.

Testamente Itsva inotaura mapasita (mazhinji) sezvo kuine mapasita anodarika mumwechete mukereke.

Pasita semusoro wekereke itsika dzevaNikoraiti sezvo kereke yekutanga isina kubvira yaita izvozvo.

Asi “mapasita” akazvidzwa kana kutukwa kanokwana katanhatu kuna Jeremia.

Kwaive kusina mapasita muTestamente Yekare, saka Jeremia akatuka mapasita enguva inouya achiprofita. Nekuva musoro wekereke, pasita akazviisa pakutuka kwaJeremia.

Mwana weMukadzi (Jesu) achatswanya musoro (mumwechete) wenyoka. Kana pasita akazviita musoro wekereke Jesu, seShoko raMwari, anotswanya pasita iyeye.

GENESISI 3:15 Ndichaisa ruvengo pa­kati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwa­nya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo."

Kereke ingori nemusoro mumwechete, Jesu Shoko.

VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.

Kereke inotongwa neboka revakuru (maeredha) vakaenzana pamasimba avo.

Vakuru ava vanogona kuva nehumwe hushumiri hwavanahwo kana kutoshaya humwe hushumiri. Asi hakuna munhu anoenda pamusoro pavo.

I TIMOTIO 5:17 Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.

Havasi vakuru vese vanogona kuparidza.

Pfungwa yeboka rekereke yakashanduka kubva pakasimuka intaneti mugore 2 000. kubva ipapo zvinhu zvakashanduka.

Pasita anogaroti ndiye chamangwiza wekereke panzvimbo.

Asi paintaneti, vanhu vakazvimiririra vakukwanisa kunamata vachisangana nevamwe vazhinji pasi rese. Hatisisina kusungirirwa pamakereke epanzvimbo dzatigere. Kusanganisa vanhu pasi rese kupfurikidza intaneti kwasika rudzi rutsva rweruwadzano.

Vanhu vanonetseka kuti vashanduke nekuti zvinoti tyisei, zvinonetsa kuzvitsanangura uye hazvizivikanwe kuti zvinoenda kupi. Shanduko dzinonetsa kujaira, dzinokwanisa kukonzera kushungurudzika kana kufunganya kune vamwe vanhu. Kubatsira vanhu kugamuchira shanduko, zvakakosha kupa rutsigiro, kunzwisisa, nezvikwanisiro kune vari kuda rubatsiro urwu. Zvakakoshawo kuti pave nekutaurirana kwakajeka pamusoro peshanduko dzakadai uye kubatsira vanhu kunzwisisa kuti nei shanduko iri kuitika. Ivai nechokwadi chekuti munhu anopihwa nguva yekujaira nekutendera kuita shanduko idzi nenzira dzinomuitira. Kurudzirai nhaurirano dzakatambanuka uye kupa vanhu mukana wekubvunza nekutaurawo zvavanofunga. Chekupedzisira, onai simba riri kuiswa nevanhu kuti vajaire shanduko mufarire zviduku zvinenge zvakurirwa munzira idzi.

Maonero edu akawodzwa pamusoro pezvinhu anoita kuti tifuratire zvimwe zvinhu kana kutarisira paasi zvimwe. Ndangariro dzedu dzinoita sedzinotinyengera dzoshanda zvakare kuburitsa pachena kurasika kwedu. Tinoisa mazita kana zvinzvimbo kuzviitiko. Takapfigirwa munguva dzeshanduko. Tinoda kuziviswa zvatinosangana nazvo kuti zvisatiremere. Kuita kuri kusi kwesimba redu. Bhaibheri rinotiudza kuti tiripi uye kuti tiri kuenda kupi.

 

Intaneti inogona kuvamba boka rekereke yepasi rese

 

Kune mifananidzo minomwe yeHushe hweDenga (nguva nomwe dzemakereke) Kuna Mateo Chitsauko 13.

Mufananidzo wechinomwe unotaura nezverutava (NETI).

Intaneti inotsvaira mugungwa remarudzi asina kugadzikika ichitakura Evangeri kunosvika kumiganhu yenyika.

MATEO 13:47 Vushe bwokudenga hwakafanana norutava runokandirwa mugungwa. Runovunganidza marudzi ose ehove.

Chokwadi chinoshambadzwa pamawebhisaiti anoshambadza zvinhu pamasaibhasipesi kuti zvisvike kuminganhu yenyika. Marudzi ese anoteerera.

MATEO 13:48 Kana rwazara varunokwevera pamhenderekedzo. Vakagara pasi vakavunganidzira dzakanaka mumidziyo asi dzakaipa vanodzirasha.

Asi chokwadi chinonetsa kuwana, kunyanya mukushaiwa kutenda kwakavanzwa mukuchenjera kwazadza nyika pakupera kwenguva yekereke yechinomwe zviri kupofomadza vanhu kuti vatadze kushandisa Bhaibheri reKing James Vhezheni. Zvakatora vatumwa vanomwe kuti vazivise chokwadi cheZvisimbiso Zvinomwe kuhama Branham.

Hatizivi kuti tinoda rubatsiro zvakadii kubva kuvatumwa vatisingaoni kuti tigone kuziva chokwadi. Kurasa zvataitadza kare nezvakaipa chinhu chakaoma kwazvo kuita.

MATEO 13:49 Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakaraurama.

Pakupedzisira ihondo yemweya pamusoro pezivo yemweya nekunzwisisa kwatisingagoni kuwana kubva pasimba redu renyama.

Tinoda rubatsiro rwese rwatingawane kuti tibatsirike.

MATEO 13:50 Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

Nguva yeKutambudzika kukuru yakamirira vasikana mapenzi vakanyengerwa.

Vakaponeswa nekuteerera Bhaibheri richivaudza kuti Jesu akavafira. Mumashure maizvozvo, vakatanga kukoshesa tsika dzemakereke avo semapenzi vakasarudza kuti zvaive zvisina kufanira kutevera Magwaro akazvimiririra ega.

MATEO 13:51 [Jesu akati kwavari:] manzwisisa izvozvo zvose here? Vakati kwaari, hongu [Ishe]. Zvigadzirwa zvemakore ana1900 zvaisanganisira motokari, ndege, tepi rekodha, nenhepfenyuro yewairesi. Hama Branham vakashandisa zvese.

Pakupedzisira, Jesu akaisa kukosha pakunzwisisa zvakavanzika zvakaziviswa.

Vasikana vakachenjera chete ndivo vachanzwisisa Bhaibheri Shoko rakaziviswa.

DANIERI 12:10 ... asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.

Takufanira kushandisa intaneti kugadzira kereke yepasi rese ine vanhu vendudzi dzakasiyana siyana. Munhu mumwechete anenge abva kune imwe nzvimbo anozotora mharidzo oenda nayo kuruzhinji mumigwagwa. Mumwe anenge ari mufundisi anopa ruchengetedzo rwemufudzi achidzidzisa kuti munhu anokunda sei matambudziko munyika inorema. Mumwe mune imwe nyika anenge ari mudzidzisi weBhaibheri. Vanhu vakasiyana ava vanogona kusangana paintaneti.

MATEO 18:20 Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.

 

Boka revakuru panzvimbo ndiro rinotungamirira kereke yepanzvimbo

 

Hushumiri hwese huri muhuwandu saka kunogona kuwanikwa vanhu vakati wandei vanoita zvakafanana mukereke imwechete.

VAEFESO 4:11 Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;

Tarirai. Hushumiri hwese hwakataurwa muhuzhinji. Kunogona kuwanikwa vanoita hushumiri hwakafanana vanodarika umwechete mukereke imwe neimwe.

Mapostora akanyora Testamente Itsva. Vaprofita vakanyora Testamente Yekare. Saka, kana tikagara tichitevera Magwaro zvizere tinenge tine mapostora nemaprofita vanotitungamirira.

VAHEBERU 13:17 Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingazviiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.

Vhesi iri harina kunyorerwa mukuru (eredha) mukereke.

Hakuna anofanira kuita simba pamusoro pevakuru mukereke.

57-0908 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHISHANU NECHITANHATU.1

Ndiratidzei neBhaibheri kuti chikuru chii, muBhaibheri, kudarika mukuru mukereke yepanzvimbo.

Teererai “Ivo”.

“Ivo” iboka revakuru vepanzvimbo vakaenzana pahukuru hwavo

Kana vakaramba vachitevera Magwaro ega vanenge vachiteerera mapostora akanyora Testamente Itsva neTestamente Yekare. Hama Branham ndivo muprofita wenguva yekupedzisira anotitora kutidzorera kumadzibaba mapostora vakavakira kutenda kwavo pamiganhu yemaprofita eTestamente yekare pavairatidza kuti Jesu akazadzisa sei Murairo.

 

Tiri kurarama munguva yekudzorerwa

 

Hatitevere hama Branham vari munhu. Tinotevera zvakavanzika zveBhaibheri zvavakazivisa. Zvakavanzika izvi, kana tichizvinzwisisa zvakanaka, zvinotidzorera kunotenda zvakatendwa nevapostora. Dzidziso hadzisi dzechokwadi nekuti Hama Branham ndivo vakataura kudaro. Dzidziso ndedzechokwadi kana dzaive pakati pezvaitendwa mazviri nekereke yekutanga.

Izvozvo zvega zvinotiudza kuti toenda nerutivi rwupi. Bhaibheri rinoita munongedzo unotitungamirira.

Munobapatidzwa muzita raJesu Kristu nekuti ndizvo zvakataurwa naPetro. Kwete nekuti ndizvo zvakataurwa nehama Branham. Maprofita enguva yekupedzisira anongotidzorera kune zvakatendwa mazviri nekereke yekutanga.

Nguva nomwe dzemakereke dzinomiririrwa nezvigadziko zvemwenje yechiJuda.

 

 

Nguva yekereke yekutanga yaive nechokwadi chakazorasika panguva yekereke yechina yaive muNguva yeRima.

Kumutsiridzwa munguva yekereke yechishanu yaMartin Luther yakatanga rumutsiridzo kuti vanhu vadzoserwe kunguva yekereke yekutanga.

 

 

Nguva yedu yekereke yechinomwe inofanira kuzadzisa mutsiridzo iyi.

Ndiro rega gwara ratiri kutarisirwa kuti tifambe naro. Muonero wegondo wemutumwa wenguva yekupedzisira achitidzosera kuchokwadi cheshumba chenguva yekereke yekutanga.

 

 

Hatisi nguva yechinomwe kana iri nguva yakazvimiririra.

Tiri chikamu chezano remakore 2000 apo nguva yechinomwe inofanira kudzorerwa kunguva yekereke yekutanga.

Mbeu yechibage inodyarwa inofa dzinde rechibage rosangana neshanduko dzakati wandei rotaridzika zvakasiyana kwazvo.

 

 

Asi pakupedzisira mbeu yekutanga inodzorerwa ichiri padzinde kuti goho riitike. Pazuva rekupedzisira, mbeu inokohwewa chete kubva padzinde pakupedzisira kana yafanana nembeu yakadyarwa pakutanga.

VAHEBERU 13:17 Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo;

“Pavo” haasi munhu, pasita.

Pauro ari kunyora kusangano rinofanira kuteerera kune zvinotaurwa nevakuru vepanzvimbo.

MABASA 20:17 Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke

MABASA 20:28 Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake

Pauro akaita kuti vakuru vekereke vepanzvimbo paEfeso vave vatariri vekereke yeEfeso vafudze boka nekuparidza nekuridzidzisa.

Petro akatenderana nazvo.

I PETRO 5:1 Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:

2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa;

Musaparidza kuti muite mari. Musaedza kuva vakuru (madzishe pakati pevanhu vaMwari. )

I PETRO 5:3 Musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka.

Vakuru vanofanira kushingirira nguva dzose kuti vanhu vatevere Magwaro zvakazara.

Kuterera Bhaibheri ndiyo yega nzira apo vanhu vakazvimiririra vachatongwa.

BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE. KEREKE YEPERGAMO DZIDZISO DZAVANIKORAITI

Mabhishopu aya, (hazvishamisi nei vaine ndangariro dzezvematongerwo enyika uye vachida simba kwazvo) pachinzvimbo Pauro akavaudza zvinoreva kuti

“Vatariri” vaive vakadarika vakuru vekereke panzvimbo vaive nesimba mukereke mavo chete.

Kwavari bhishopu aive ava munhu mumwechete aive nesimba guru pamusoro pevakuru vakawanda mukereke yepanzvimbo. Chinhu chakadai chaive chisiri muMagwaro kana munhorondo, asi chero munhu akaita saPorikepu akavimba nechimisikidzo chakadaro.

Saka, chinhu chakatanga sekungoitawo munguva yekereke yekutanga chakaitwa dzidziso sezvairi nhasi uno.

Bhishopu achiri kuzviita ane simba rekutonga vanhu nekushanda navo sekuda kwake, achivaisa paanoda muhushumiri. Izvi zvinorambidza hutungamiri hwemweya Mutsvene anoti “Patsanurai ini Pauro naBanabasi kubasa randakavadanira” izvi hazvisi zvaKristu tinozviti anti-Kristu.

 

Kereke yekutanga yaisanganirana mudzimba

 

Kereke iboka revanhu vanowadzana pamwechete kuti vadzidzisane.

Nhasi uno, vanhu vakazvimiririra pasi rese vave kusangana vachishandisa intaneti kuita kereke yepasi rese sezvo vasingagoni kusangana panyama. Vakawanda vanoshandisa tekinoroji yeZOOM vari mudzimba dzavo.

Kereke haisisiri boka repanzvimbo imwechete rinosangana muchivakwa “chekereke”. “Chivakwa chekereke” hazvisi muMagwaro.

Kereke yekutanga haina kubvira yavaka chivakwa chekereke (sekudaidzwa kwachinoitwa zvisiriizvo). Vaisangana mudzimba panzvimbo dzisina kuvakwa kana pasi penyika kana kwaive nemapako nedzininga. “chivakwa chekereke” chekutanga tanga chakaonekwa nevanoita tsvagurudzo dzezvivakwa nemabwe chakaonekwa chiri chegore AD 220, makore 120 mumashure mekufa kwemupostora Johane.

Kusangana kupfurikidza intaneti kwatiri kuita tiri mudzimba kuri kutidzosera pakunonamata mudzimba, sezvazvaive pakutanga.

Sauro paaiuraya vanhu mukereke yekutanga, aifanira kutsvaga maKristu mudzimba.

MABASA 8:3 Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo.

Pauro akamhoresa Akwira naPrisira kuRoma vaive nekereke (boka revatendi) raisanganirana mumba mavo.

VAROMA 16:3 Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.

5 Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo.

Kudaidza chivakwa kuti kereke zvakaipa handizvo zvachose. Ndicho chikonzero nei Bhaibheri risina kubvira rati “Endai kukereke”.

Muri nhengo yekereke yenyu yepanzvimbo.

Pauro akanyorera vaKorose akataurawo kuvanhu vepaRaodikia. Iri igwara kunguva yekereke yedu yechinomwe. Nimufa nevamwe vatendi vaisangana mudzimba.

VAKOROSE 4:15 Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba mavo.

Tinoita zvimwechete nhasi patinogara mudzimba tichiwadzana kupfurikidza intaneti.

Munhu mukuru wechirume anotenda mukuru (ndieredha). Hakuna munhu ane simba kudarika mukuru, kunze kweBhaibheri reKing James.

Vadzidzisi veBhaibheri vanofanira kushandisa zvakataurwa nehama Branham kuwana kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro zvakaziviswa. Havashandisi zvakataurwa kusimbisa kutadza kwavo kana kwezvitendero zvemakereke zvakarongwa.

 

Mweya Mutsvene unotiudza kuti tibude mumakereke ese

 

Kudanwa kwekupedzisira kunouya mumashure mekunge hushumiri hweMutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 18, hunova kutsanangurwa kwakanakisa kwehushumiri hwehama Branham. Simba reMweya unoshamisa muhushumiri uhu raidakadza. Kutukwa kwavaiita masangano emakereke akarokwa kwaive pamberi.

ZVAKAZARURWA 18:1 Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.

2 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.

Mharidzo yemutumwa yaivepo kutuka zvimisikidzo zvemakereke eBabironi zvisimo muMagwaro uye zvinovimba nechisimba, vachiita varanda vanozvininipisa kubva muvanhu vaMwari.

ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.

Haasi mutumwa akati “Budai mariri”.

Saka, musatsvage hama Branham kuti muti muri kubuda kereke yenyu.

Rimwe izwi rikabva Kudenga” kuzvitongesa kwemumoyo kunouya naMweya Mutsvene mumoyo yevatendi. Harisi izwi remunhu ari panyika.

Nekutiudza kuti tibude mukereke, Mweya Mutsvene uri kubvuma kuti Kristu, Shoko, ari kunze kwekereke.

Izvi zvinoreva kuti makereke ese ane chimiro chakakanganisika uye ane zvisiriizvo zvakaipa zvaanotenda mazviri zvisingadiwi naMwari.

Kana mukaterera dzidziso dzehama Branham, modzitsigira kubva kuBhaibheri reKing James, hamugoni kuzotenda zvimwe zvinhu kunze kwekuti makereke emharidzo haana musiyano nemakereke emasangano. Vose vakawira mumweya wevaNikoraiti wekusimudzira munhu pamusoro pavo vachitendera mutungamiriri wavo kuturikira zvakataurwa nehama Branham nenzira yekutokutungamirirai kubva paMagwaro.

Kana muchida kutevera Magwaro zvakazara, munoteeerera kuvadzidzisi veBhaibheri vanodzidzisa kubva muBhaibheri, kwete nekuturikira zvakataurwa.

Vadzidzisi veBhaibheri vanoshandisa zvavakabata paitaura vanhu kuti vanzwisise Bhaibheri, havashandisi zvavakabata kutsiva Bhaibheri.

63-0724 MWARI HAADANI VANHU KUNOTONGWA ASINA KUTANGA AVAYAMBIRA

Asi, munoona, mukereke muna pasita, pasita iyeye munhu anokosha. Akavaka kusvika pakugona kushanda nekunetsa kwevanhu. Mutakuri wemitoro, ndiye nzombe yeboka. Ndiye munhu anogona kugara pasi kana kuine munhu ane chinomunetsa pamusoro peumwe munhu, ovagarisa pasi vari vaviri (orega kutora divi) ovaringanisa ogadzirisa zvinhu kuti zvinake pakati pavo. Mazviona? Ndipasita, anoziva kuti zvinhu zvinogadziriswa sei.

Hufudzi hakusi kutonga kereke.

“Mapasita” muTestamente itsva vakataurwa nezvavo kamwechete, vari muhuzhinji. Pasita haazi munhu anotonga sezvo kubva muBhaibheri zvinonzi vafudzi, vari vazhinji.

Chero mukuru anopa mazano pamatambudziko akaita sekubatsira vanhu nezviwira vanhu zvakaita sezvemumabasa, mudzimba, matambudziko emunhu akazvimiririra, nemamwe. Anenge achitopa rubatsiro rwemufudzi saka anogona kudaidzwa kuti pasita.

Mutsetse unotevera ndiwo murongo unofanira kufamba nezvinhu.

VAEFESO 4:11 Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;

Mapostora anoratidza kuti Testamente Itsva yakazadzisa sei Murairo wemaprofita eTestamente Yekare.

Testamente Itsva neTestamente Yekare dzakaumba nheyo dzekereke.

Mwari anoshandisa vavangeri kuita kuti vanhu vaponeswe.

Mwari anoshandisa zvakare mapasita vafundisi kubatsita vanhu kuti vakurire matambudziko anovawira.

Chekupedzisira, Mwari vanoshandisa vadzidzisi kugadza vanhu vakaponeswa muShoko raMwari. Padanho rakadai, havatariri kune mumwe munhu, vanotarira kuna Jesu Kristu chete anova Shoko raMwari. Nekuti vanenge vashanda nevanhu vakawanda vakasiyana, havazonamate nekusimudzira munhu mumwechete uye vanogona kutenda kuMagwaro zviri nyore.

Bhaibheri rega ndiro rinogona kururamisa kutenda kwavo.

63-0724 MWARI HAADANI VANHU KUNOTONGWA ASINA KUTANGA AVAYAMBIRA

Muvhangeri munhu akakosha. Munhu anopisa sebhora remoto. Anomhanya kupinda muguta achinoparidza mharidzo, obuda ikoko nekumwe. Mazviona, munhu akakosha.

Muvhangeri haafaniri kusungirirwa kuva nhengo yekereke imwechete. Anoshanda ari kunze kwekereke. Mumigwagwa mekuti vehumwe hushumiri havawanikwi. Dzimwe nguva zvichibva pakutya nekuti rinogona kuva basa rakaoma rekuti anotarisiana nemaguruvha akaoma.

Muvhangeri mukuru zvakare saka zvakadaro haana munhu ari pamusoro pake. Anofanira kuva munhu akashinga anowanzova panjodzi kana ari mumigwagwa.

Muvhangeri munhu akasiyana nevamwe. Anoona hupenyu nenzira yake ega huchitenderera saka anofanira kutema mabwe nebanga guru nesando. Harizi basa rakapfava. Hakuna anokwanisa kumuudza zvekuita nekuti akambosangana nezviri munguva dzakaipa idzodzo.

Vehumwe hushumiri vanoparidzira vamwe vakatendeuka zvekuti vanenge vachiziva kuti vakachengetedzeka vari kuseri kwepurupeti.

63-0725 MWARI HAADANI VANHU KUNOTONGWA ASINA KUTANGA AVAYAMBIRA

Mudzidzisi munhu akasarudzika. Anogara pasi pezodzo reMweya anogona kutora Shoko oribatanidza kupfurikidza Mweya Mutsvene, zvekuti pasita kana muvhangeri chero umwe wavo haagoni kuzvienzanisa naye.

Mudzidzisi weBhaibheri ane basa rekuumba dzidziso dzeBhaibheri.

Pasita haana simba rekuzviita mudzidzisi weBhaibheri nekuti mapasita haagoni kugara achitevera Bhaibheri sezvariri. Haana chipo chekuturikira Magwaro nekutevera dzidziso maringe neMagwaro, kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa.

Mudzidzisi weBhaibheri haagoni kuumba dzidziso kubva kune zvakabatwa paitaura munhu.

Anoshandisa zvakataurwa kuzivisa mavhesi eBhaibheri.

Mudzidzisi weBhaibheri haafi akatsiva zvakataurwa muBhaibheri nezvakataurwa nevanhu.

Mumwe munhu anosimbisa zvaanotenda nezvakataurwa nemunhu kana kutaura kusimo muBhaibheri vanenge vachingozivisa kuti havasi mudzidzisi weBhaibheri.

Vese vari muhushumiri hutatu uhu vanoti vavhangeri, mapasita nevadzidzisi vese vakuru. Saka havana munhu ari pamusoro pavo kuti avaudze zvavanofanira kuita.

Vese vari vatatu vanenge vachishandiswa nesimba reShoko raMwari.

Vese vari vatatu vanoshanda seboka nekuzvininipisa vachibvuma kugadziriswa kana munhu avanongedzerera pavanenge vasingateveri Magwaro.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23