Jesu, Gwaiana rePaseka, akafa musi weChina – kwete musi weChishanu



First published on the 10th of July 2020 — Last updated on the 10th of July 2020

Paseka neEksodo (rwendo) micherechedzo yei?

#1:MaJuda vaifanira kupunyuka vachibuda muhunhapwa nemukushungurudzwa kwavo muEgipita. Rufu rwegwayana risina mhoswa raigochwa pamoto rwakatenga rudzikinuro rwavo. Chingwa chisina mbiriso hachina kuvodzwa kana kuviriswa. Izvi zvakadaro nekuti hapana mbiriso inofutisa chingwa inoburitsa kabhoni dhayokusaidhi.

Zuva remaJuda rinotanga kumanheru, nguva dzinoda kuita 6 pm (18:00).

 

 

Zuva rechiJuda rinotanga manheru, richipera pakutangazve kwekumwe kudoka kwezuva.

Zuva revaHedeni rinotanga pakati pehusiku richipera nguva dzepakati pehusiku dzakukwana zvakare. Rinotanga, kana tichiverenga zvinoda kufanana nenguva dzeruzhinji, maawa matanhatu mumashure mekunge zuva rechiJuda ratanga, zvichibva nekuti panyika pano muripi.

 

 

Pakutanga kwezuva rechigumi nemana vaidya chingwa chisina mbiriso pakwaitanga kudoka – rangarirai kuti zuva rechiJuda rinotanga madekwana. Nekufamba kwenguva pazuva rimwechete iri, masikati, vaiuraya vogocha Gwaiana repaseka pakupera kwezuva rechigumi nemana.

 

 

Pakunotanga kudoka rinenge razuva rechigumi nemashanu, vaidya gwaiana rePaseka pamutambo wePaseka.

Mangwanani, richiri zuva rechigumi nemashanu, vaitanga eksodo kana rwendo rwavo rwekufamba vachibuda muEgipita. Ndicho chikonzero nei zuva rechigumi nemashanu raive zuva rekutanga remazuva manomwe “emutambo wechingwa chisina kuviriswa”. Mucherechedzo wekubuda kwavo muEgipita.

Zuva rekutanga nezuva rechinomwe aive mazuva eSabata ekuzorora. Zuva rechigumi nemashanu nezuva rechimakumi maviri nerimwe emwedzi.

 

 

Zuva rePaseka nezuva rechingwa chisina kuviriswa aiyananiswa nemazuva maviri, zuva rechigumi nemana nezuva rechigumi nemashanu. Makore anoda kuita 1500 kumberi vatsvene vemuTestamente Yekare vakamutswa mumashure mekumuka kwaJesu. Apa ndipo paiperera Eksodo yavo pekupedzisira, kupunyuka kwavo kubva parufu, gehena, neguva.

Mateo 27:50 Zvino Jesu wakadanidzira zve nenzwi guru, akarega mweya wake.

51 Ipapo Tarira, chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.

52 Mabwiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete, yakamutswa.

53 Vakabuda pamabwiro iye amuka, vakapinda muguta dzvene, vakavonekwa navazhinji.

#2: Eksodo yakatevera kwaive kubuda kwekereke yekutanga kubva mumurairo waMosesi nemutsika dzechipegani. Pazuva rechigumi nemana rePaseka, rakatanga manheru, Jesu akatora chingwa chisina mbiriso chePaseka akatanga chirairo chaShe. Akasungwa akaedzwa husiku, akarovererwa mangwanani seGwaiana rePaseka. Akafa masikati iwayo, nguva dzenhatu dzichangodarika (15:00), richiri zuva rechigumi nemana.

 

 

Ruka 22:7 Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, rakafanira kubairwa paseka naro.

Raive zuva rechigumi nemana.

Jesu aive dangwe revakamuka kuvakafa sezvo akamuka mazuva matatu asati apera, zvekuti muviri wake hauna kuziva kuwora.

MAPISAREMA 16:10 Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; hamungatenderi mutsvene wenyu kuti avone kuvora.

Kuvora kunopindira mumaawa 72. Jesu akamuka maawa 72 asati adarika.

1 VAKORINTE 15:20 Asi zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata.

 

 

EKSODO 12:18 Nemwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina- kuviriswa, kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana.

Pano mazuva masere ese ekudya chingwa chisina kuviriswa anoyananiswa.

EKSODO 12:16 Nezuva rokutanga munofanira kuita vungano tsvene, vuye nezuva rechinomwe vungano tsvene zve, namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi.

Hakuna basa raifanira kuitwa muzuva rokutanga nezuva rechinomwe. Hakuna mazano evanhu “akajeka” (zvisimo muMagwaro) aidiwa. Mazano aidiwa aigona kuteverwa mumavhesi emuBhaibheri chete.

Paseka yaimiririra kurovererwa kwaJesu. Mazuva manomwe emutambo wezvungwa zvisina kuviriswa aimiririra Jesu mutsvene apo aibatsira kereke kufamba mukati menguva nomwe dzemakereke. Mapostora akatanga kereke yekutanga pamakereke manomwe (zvinomiririrwa nezuva rechigumi nemashanu). Zuva rekutanga remutambo iri ndiro raive Zuva Guru kana kuti Sabata rekuzorora. Zuva iri raive risiri Sabata remazuva ese remusi wemugovera.

Johane 19:31 Zvino zvawaive musi wekugadzirira paseka, vaJuda vakakumbira kuna Pirato kuti makumbo avo avhunwe, vabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamuchinjikwa nesabata, nokuti zuva iro reSabata raive guru.

Paseka raive chibairo, rinozivikanwawo nekunzi musi wekugadzirira musi wakauraiwa Gwaiana.

Kana tikatarisa nguva nomwe dzemakereke, zuva rechigumi nemashanu reSabata rinomiririra mapostora achizadzwa neMweya Mutsvene pazuva rePentekositi, vachizorora kubva kuzvivi nekusatenda. Vaitenda chete kuTestamente Itsva.

Zvino chokwadi chakazorasika zvishoma nezvishoma kukaberekwa Nguva dzeRima. Rumutsiridzo nehutsvene munguva dzemamishinari zvakadzosa chimwe chokwadi. Chingwa chisina mbiriso mucherechedzo wehutsvene hwaJesu paanofamba munguva nomwe dzemakereke, achitungamirira nekuchengetedza kereke yake yechokwadi. Asi makereke emasangano aive aisa vanhu mumajoko awo edare kupfurikidza hutungamiri hwawo huri pamunhu mumwechete uye dzidziso yeTiriniti. Uyezve kusaziva kwavo Bhaibheri kunokatyamadza.

Hosea 4:6 Vanhu vangu vaparadzwa nekushaiwa zivo.

MaKristu anhasi akanyengerwa kusvika pakutenda kuti mune zvakakanganiswa muBhaibheri, uye kuti mune zvinorwisana muBhaibheri.

 

 

Kune imwe eksodo munguva yekereke yechinomwe (yekupedzisira).

#3: Zuva rechinomwe remutambo wechingwa chisina kuviriswa, rinomiririra nguva yekereke yechinomwe, rinofanira kuperera mumutambo wechingwa cheMagwaro chisina kuvidzwa – chisina kuvodzwa kana mbiriso yetsika dzemakereke nezvemunyika, uye tsika dzechipegani dzakaitwa nevanhu.

Eksodo kana rwendo rwemweya rweMwenga anotenda kuBhaibheri, anotsvaga kunzwisisa Bhaibheri achibuda muhutapwa hwemakereke nekutongwa kusanganisa chokwadi, kukanganisa, rudo rwemari, mafaro, mimhanzi yemadhisiko, humhare, zvemunyika, uye kusaziva Magwaro mazhinji. Eksodo yemwenga achibuda mumakereke emasangano.

Zvakazarurwa 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro, pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.

Sabata rezororo kubva kumazano evanhu emumasangano nemirairo yevanhu yakaitwa mumakereke.

Marko 7:7 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.

Pakupedzisira tinofanira kudzokera pakutenda zvakatendwa nekereke yemapostora yeTestamente Itsva.

Johane 16:13 Asi kana asvika iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose.

Humbowo hwerubapatidzo rweMweya Mutsvene ndiro simba rekunzwisisa Magwaro.

Mateo 13:23 Wakakushwa muvu rakanaka, ndiye unonzwa Shoko, akarinzwisisa, ndiye unobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.

Tinoda kugona kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri Shoko raMwari.

Johane 4:24 Mwari ndiMweya: vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.

Johane Mubapatidzi akauya muMweya waEria, akauya neEvangeri idzva, raisanganisa rubapatidzo rwemvura rutsva uyewo kuzozivisa Messiasi asina kubvira akaonekwa Jesu Kristu.

Johane haana kudzorera maJuda, akavanongedzerera kune chimwe chinhu chitsva.

Mumashure mekufa kwaJohane Jesu akataura pamusoro peumwe Erija (anodaidzwa kuti Eria muchiGiriki) achauya munguva inouya kuzodzorera kereke yenguva yekupedzisira kunotenda zvakatendwa nemapostora ekutanga.

Mateo 17:11 Akapindura, (Jesu) akati: Eria uchavuya hake avandudze zvinhu zvose.

Eria wenguva yekupedzisira, muprofita, anouya kuzodzorera vana vemaKristu pane zvakatendwa nemadzibaba avo mapostora enguva yekereke yekutanga hushumiri uhu hwakazadziswa naWilliam Branham zvakanakisa aibva kuAmerica, akatidzidzisa kuti titende kune zvakanyorwa muBhaibheri chete. Saka tinofanira kupunyuka kubva mumisungo yemakereke anhasi anotongwa nemunhu mumwechete ari mutungamiri wawo. Kunobva kwauya kumuka kwevatsvene veTestamente Itsva uye kushandurwa kwemiviri yedu patinodaidzwa tichikwira kudenga kunosangana naShe kumakore. Izvi zvinozadzisa kana kupedzisa Eksodo yemwenga wechokwadi anobva mukati memakore 2000 enguva dzemakereke manomwe.

 

 

Kunobva kwauya eksodo yemaJuda 144,000 anobva munguva yekutambudzika kukuru.

#4: Mwenga paanokwira kudenga, Diaborosi anoburuka kunogara panaPope wenguva yekupedzisira. Nyika yese inopinda mumatambudziko akaipisisa kwazvo nezviitiko zvehumhondi zvenguva yeKutambudzika kukuru. Vasikana mapenzi ndivo maKristu anhasi akaponeswa vanosimbirira pakuita chitendero chemasitayira pachinzvimbo chekutsvaga kunzwisisa Bhaibheri. Mazano emafungiro evanhu anofonyora pfungwa dzavo pachinzvimbo cheBhaibheri. Vachaparadzwa zvinorwadza kwazvo munguva yemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru. Asi maprofita maviri, Mosesi naEria, vanounza maJuda 144,000 kubva mumajoko echitendero chechiJuda, masangano emapoka emakereke, netsika dzechipegani.

Pavanogamuchira Ishe Jesu Kristu munguva yeKutambudzika kukuru hushumiri hwavo huchava nekuratidzira zvizhinji asi huri hwenguva pfupi. Vanouraiwa vose pakupedzisira asi nekukasika vanomutswa vorarama zvakare, sezvakaitwa naJesu, vokwaisa kuva zvibereko zvekutanga. Vanozochengetedza Mwenga paanodzoka naJesu kuhondo yeArmagedhoni.

ZVAKAZARURWA 14:1 Zvino ndakatarira ndikaona Gwaiana rimire pagomo reZioni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vane zita raro, nezita rababa varo, rakanyorwa pahuma dzavo.

4 Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari, nokuGwaiana.

 

Ngatitarisei pakupedzisira kwemaBhuku mana eEvangeri kuti tiwane micherechedzo miviri yezviitiko zvenguva yekupedzisira. Vakadzi vakaenda kuguva raJesu raive risina munhu vakaoma pamwe mutumwa mumwechete, pamwe vatumwa vaviri.

Vakadzi (mucherechedzo wekereke) pavakaenda kubwiro vakawana Jesu amuka.

Kuna Mateo naMarko vakaziviswa chokwadi ichi nemutumwa mumwechete. Izvi zvinomiririra muprofita wenguva yekupedzisira William Branham akatidzidzisa kuti tonzwisisa sei chokwadi cheShoko rakanyorwa muBhaibheri. Muprofita mumwechete aive nehushumiri kuvaHedeni. Muprofita mumwechete akatanga kuuya akabvisa ibwe guru rekusatenda kwekereke. Shoko rakaziviswa rakasununguka kutenderera pakati pevanhu. Mateo anoratidza Jesu ari Shumba, Mambo. Mambo anouya kuzotora Mambokadzi wake, Mwenga wake muHedeni.

Marko anoratidza Jesu ari Nzombe, Muranda. Anoshandisa muprofita wemuHedeni kuzivisa zvakavanzika kuvaHedeni kubva gore 1947 kusvika mugore 1965, zvakatora makore gumi nemasere kudzidza nekuzvitapa pamakaseti. Kubva mugore 1966 zvichienda mberi tiri kurarama “mumazuva enzwi remutumwa wechinomwe”. Akafa asi izwi rake rakatapwa rakasara kuti ritidzidzise nekutizivisa chokwadi. Saka izwi rake rinotishandira chero mumashure merufu.

Asi zaruriro idzi dzichaenderera mberi zvakare kuvaprofita vaviri vechiJuda vaive nemakore matatu nehafu chete, saka vanofanira kuwana nhau idzi kubva kuvaHedeni kuti vanodzikinura hama dzavo maJuda.

Saka maJuda 144,000 vanowana chokwadi chenguva yekupedzisira ichi vachichidzidziswa nemaprofita maviri Mosesi naEria.

Saka Ruka naJohane vanotaura kuti kwaive nevatumwa vaviri pabwiro raJesu raive risina munhu. Shoko harichada kupimwa nekusaziva kuri mumasangano (dombo guru raive pamukova weguva). Maprofita maviri aya vanounza maJuda 144 000 kuzosangana naJesu Messiasi wavo.

Ruka anotaura pamusoro paJesu semunhu. MaJuda, sevanhu vakapofomadzwa naMwari kuti agone kutendeukira kuvaHedeni. Mwari zvino anobva aponesa maJuda akapofomadzwa. Vanowana chekuvanda nacho, vaive vanhu vakapofomadzwa. Saka vanoregererwa munguva yeKutambudzika kukuru.

Johane anotaura pamusoro paJesu saMwari, Gondo rinobhururuka nemapapiro aro maviri. Saka maprofita maviri echiJuda anodzosa maJuda kuna Mwari sezvo achida maJuda 144,000 kuti vave varindi vemweya vanochengetedza Mwenga, Mukadzi weGwaiana.

Saka kereke yechokwadi, vasikana vakachenjera, nemaJuda 144,000 vanozobatana pakupedzisira.

 

 

Eksodo inoitika nenzira ina dzakasiyana.

  1. Eksodo kana rwendo rwemaJuda achibva muEgipita.
  2. Eksodo kana rwendo rwekereke ichibva muchiJuda.
  3. Eksodo kana rwendo rweMwenga achibva mukereke pakupedzisira kwenguva nomwe dzemakereke.
  4. Eksodo kana rwendo rwemaJuda 144,000 vachibva munguva Yekutambudzika kukuru.

Paseka nemutambo wezvingwa zvisina mbiriso zvinomiririra maJuda achipunyuka muhunhapwa muEgipita. Paseka yairatidza kuti ruponeso rwaibva pachibairo chisina chipomerwa, kwete kubva pakuita kwavo ivo. Gwaiana raive risina chipomerwa raifa, asi raisagona kumuka kubva kuvakafa. Zvino mazuva manomwe echingwa chisina mbiriso airatidza kuti kutiza kwavo kwaizova kwerwendo rurefu murenje, uye kwaivimba neminana uye hutungamiri hwaMwari Mutsvene, kwete pakuziva kwavo ivo. Chingwa chisina kuviriswa hachina kuvodzwa kana chivi uye chakati sandarara, mucherechedzo wekuzvirereka nekuteerera. Izvi ndizvo zvaifanira kuitwa nemaJuda.

Zvino maJuda, nekuuraya Jesu pazuva raifanira kubaiwa gwayana rePaseka, vakamugonesa kuripira zvivi zverudzi rwevanhu, uyezve kutungamirira kereke kubuda muchiJuda ichipinda munguva nomwe dzemakereke. Jesu ega ndiye aikwanisa kuva Gwaiana rePaseka risina zvivi akasuka zvivi zvenyika, nekukurira rufu, gehena neguva. Gwaiana raMwari risina zvipomerwa rakafa, asi rakamutswa pazuva retatu mumashure mekufa kwake. Nguva nomwe dzemakereke dzaizotanga nechokwadi chemapostora cheTestamente Itsva munguva yekereke yekutanga.

Chokwadi cheBhaibheri chaizorasika munguva nhatu dzekereke dzaizotevera dzaisanganisa rwendo rurefu mukati meNguva dzeRima. Asi zvishoma nezvishoma chokwadi chakatanga kudzoka muRumutsiridzo nemunguva dzemamishinari. Pakupedzisira kwenguva nomwe dzemakereke pachava nekudzorerwa kwakazara kunotenda chokwadi chakatendwa machiri nevenguva yekereke yekutanga yemapostora. Nguva dzemakereke dzinoti yechishanu, yechitanhatu neyechinomwe dzaizofanira kuona chokwadi cheBhaibheri chakazara chichimutswa kubva murufu rwechokwadi rwakaunza rima muNguva dzerima. Nguva nhatu dzekereke dzaidiwa kudzosa chokwadi cheMagwaro. Chingwa chisina mbiriso chinomiririra hutsvene nekunaka kwaShe Jesu achitungamirira vatendi vechokwadi munguva imwe neimwe nezviitiko zvayo. Shoko raMwari ndiro chingwa chedu chemisi yose. Kushaiwa mbiriso mucherechedzo wehutsvene husina kusvibiswa mukati menhorondo yemakereke.

Zvakazarurwa 1:13 Napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu,

Chigadziko chemwenje minomwe chinomiririra nguva nomwe dzemakereke. Mweya waKristu chete uri muvatendi ndiwo unogona kutungamirira kereke munguva nomwe dzemakereke. Kereke yechokwadi inomutswa pakupera kwenguva nomwe dzemakereke yotorwa kuti ikwire Kudenga.

Nguva yekereke yechinomwe ndiyo magumo enhorondo yekereke. Nguva yeKutambudzika kukuru inobva yarova apo Rufu runopinda rwakatasva bhiza rakapfumburuka – musanganiswa wekunyengera kwezvechitendero, simba rezvematongerwo enyika, simba rezvemari zvichikurudzira madhimoni. Ipapo maJuda 144,000 anoponeswa, ozadzwa nemweya odzoka kuchokwadi chenguva yekereke yekutanga chinovagonesa kubuda muchiJuda. Asi vanourawa pedyo nekumagumo emakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.

ZVAKAZARURWA 6:11 Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguvo chena; vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwechete navo nehama dzavo (maJuda 144,000), dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.

Asi mumashure mekunge vavurawa maJuda 144,000 vanomutswa kuti vararame kuzochengetedza Mwenga sezvo kereke yechokwadi ichidzoka naKristu kuhondo yeArmagedhoni vasati vagara hushe hwemakore 1000 erugare.

 

 

Magwaro anotsananguva zviitiko zvacho.

Zuva rechiJuda rinotanga manheru.

Genesisi 1:5 Madeko akava’po, namangwanani akava’po zuva rimwe.

 

 

Saka kune nzira dzakasiyana dzekutsanangura zuva.

Madeko nemangwanani: Izvi zvinosiya husiku nemasikati. Nei? Madeko pakunotanga kusviba anotaurwa kusati kwataurwa nezvemangwanani pakunotanga kuchena.

Mwari anonyanya kutsvaga chokwadi. Kereke yekutanga yaive nemapostora kuti vatungamirire kereke. Asi nguva yekereke yekupedzisira inofanira kupedza nyaya dzehuwori hwekunyengera kwezvitendero uyezve kupinda kwemakereke munezvematongerwo enyika nezvemadhimoni zvemasimba ezvemari. Tiri panjodzi yekuratidzira kwezvitendero kwakachenjera kunoda kuba pfungwa dzedu kunobva pakunyepa, uye makaro emari.

Kuti apikise mamiriro ekurasika aita kereke aya Mwari akavimbisa mutumwa wemadeko wenguva yekupedzisira kuti azivise zvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri. Kupenya kwechiedza, apo kereke inorasika kupinda muzvinhu zvisina kunyorwa muMagwaro, kuchagonesa Mwenga kunzwisisa Shoko raMwari.

Zecharia 14:7 Asi rimwe rinozikanwa naJEHOVA, hapangavi namasikati kana vusiku, asi nenguva yemadekwana chiedza chichavapo.

Asi nguva yemadekwana ndiyo yakatarisiswa naMwari nekuti zvakaipa zvese nekukanganisa kwese zvasvika pakukura kwazvo.

Mateo 7:14 Nokuti suvo rakamanikana nenzira inhete, inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.

VAFIRIPI 2:12 … Pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.

Izvi zvinoreva kuti kuponesa kubva pazvitendero zvemakereke zvisina kufanira uye zvakarasika zviri kuparidzwa mumakereke 45,000 akasiyana – siyana panyika nhasi, ari kutungamirira maKristu akaponeswa kunopinda munguva yeKutambudzika kukuru inotyisa.

Vanhu vakutya kutevera Magwaro apo maKristu anokoshesa zvavanobata panotaura vanhu vachisiya nekufuratira mavhesi eBhaibheri vachiti haana kukwanira, kana kuti akakanganiswa, kana kuti anorwisana kana kuti ingano, kana kuti hazviwadzani nezvinoreva sainzi kana kuti zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvinongofuratirwa.

Nguva yeKutambudzika ndiro rima renguva yehusiku. Asi Mwenga anopunyuka nguva iyi paanotorwa kukwira Kudenga kuenda kuchirayiro cheMuchato neGwaiana.

Zvino Mwenga anodzoka naJesu kuzokurira zvakaipa pahondo yeArmagedhoni sekudzinga kunoitwa rima nemirazvo yezuva mangwanani. Zvino Jesu neMwenga vanobva vagadza hushe hweMereniyamu. Aya ndiwo mangwanani kana kutanga kwemazuva manomwe achatora makore 1000. Kugara nyika kwemakore 1 000 ndicho chiedza chemangwanani apo chokwadi chinenge chagadzwa pasi rese.

Saka “madekwana nemagwanani” zvinoreva kuti kudzoka kwenguva yekupedzisira pakutenda kwekutanga kuBhaibheri kunogonesa Mwenga wekereke yekupedzisira kupesana nenguva yeKutambudzika kukuru. Izvi zvinogonekwa nekupunyuka vachikwira kudenga kuChirayiro cheMuchato, vozodzoka kunopedzisa nguva yeKutambudzika kukuru paAmagedhoni. Zvino chiedza chemangwanani chinobva chatanga makore 1000 erugare panyika. Ndicho chikonzeri nei husiku husina kutaurwa.

Jesu, Chokwadi, akafa masikati. Ndicho chikonzero nei masikati asina kutaurwa. Mwari ndiye Chiedza uye haafadzwi nekufa kweChiedza chenyika.

Saka “madekwana nemangwanani” zvinoreva kuti Mwenga haazoende munguva yeKutambudzika. Nekuti Mwenga anotenda muchiedza cheShoko rakanyorwa.

Madekwana ndiko kudzorerwa kwechokwadi chemapostora. Magwanani anogonesa hushe hwaMwari kutanga pasi rese kwemakore 1000.

2 Petro 3:8 Asi vadikanwa, musakangwanwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru sezuva rimwe.

Adamu mwanakomana waMwari, nemwenga wake vaifanira kutonga nyika kwezuva rese rechinomwe remakore 1000. Vakakanganisa. Jesu, Mwanakomana waMwari neMwenga wake, kereke yechokwadi, vachatonga nyika kwemakore 1000.

Izvi zvichapedzisa zuva rechinomwe rakapindirwa rikakanganiswa naSatani mumunda weEdeni.

Saka Satani anogona kukanganisa zano raMwari, asi haagoni kumisa hurongwa hwaMwari. Nekudaro Satani mukundikani.

 

 

Jona 1:17 Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu novusiku hutatu.

Zuva rinoreva zvinhu zvinodarika chimwechete.

Zuva remaawa makumi maviri nemana rinobatanidza zvose husiku nemasikati pazuva rimwe.

Asi zuva ringona kurevawo maawa gumi nemaviri akunenge kuine chiedza, chinonzi chiedza chezuva. Zuva nehusiku zvinoreva kuti maawa 12 echiedza nemaawa 12 erima. Apa chiedza chataurwa rima risati rataurwa. Nemicherechedzo izvi zvinoreva kuti “ yambiro kutongwa kusati kwauya”. Chiedza cheShoko raMwari chinotiyambira kuti tidzokere kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga. Asi kana tikaramba kana kufuratira yambiro tinobva tanopinda murima renguva yeKutambudzika kukuru.

Chinhu chakakosha ndechekuti zuva rechiJuda rinotanga nenguva dzenhanhatu zuva rodoka. Atinoti madekwana.

Eksodo 12:3 Taura kuungano yose yavaIsraeri, muti: Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore Gwaiana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive neGwaiana rayo:

Eksodo 12:6 Zvino murichengete kusvikira pazuva regumi nemana romwedzi ipapo vungano yose yavanhu vose vaIsraeri ngavarivuraye madekwana.

Eksodo 34:25 Usavuya neropa rechibairo changu pamwe chete nechingwa chakaviriswa; vuye chibairo chomutambo wePaseka ngachirege kuvata vusiku kusvika mangwana.

Gwaiana rePaseka rinofanira kusarudzwa pazuva rechigumi.

Vaidya chingwa chisina kuviriswa kana kuiswa mbiriso pazuva rechigumi nemana panodeurwa ropa regwaiana rechibairo. Ropa reGwaiana raMwari harigoni kusanganiswa nembiriso mucherechedzo wekuvodzwa.

Gwaiana rePaseka rinovurawa madekwana ezuva rechigumi nemana rogochwa. Izvi zvinotora nguva. Panopedza kudyiwa gwayana iri, rinodaidzwa kuti chirayiro chePaseka, hunenge hwava husiku zuva rechigumi nemashanu.

Zuva rechigumi nemana iri rinodaidzwa kuti Paseka, kana kuti zuva rekugadzirira.

 

 

Zuva rechigumi nemana ndiro raigadzirwa gwaiana rePaseka, nekuriuraya nekurigocha, kuti rigone kudyiwa zuva rechigumi nemashanu sechirayiro chePaseka.

Tichiwedzera, chingwa chisina mbiriso chinofanira kubikwa zuva rechigumi nemana kuti chigodyiwa musi wechigumi nemashanu sezuva rekutanga remutambo wezvingwa zvisina mbiriso rinenge riri Sabata kana zuva rekuzorora.

Johane 19:31 Zvino zvawaiva musi wekugadzirira Paseka, vaJuda vakakubira kuna Pirato kuti makumbo avo avunwe, vabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamuchinjikwa nesabata,

Jesu akafa akavigwa zuva rechigumi nemana kwakuvira. Iri raive zuva rekugadzirira Paseka.

Mateo 27:62 Fume mangwana (rechigumi nemashanu) ndiro zuva raitevera zuva rekugadzirira (rechigumi nemana) – vaprista vakuru navaFarise vakavungana kuna Pirato.

Ipapo raive rava zuva raitevera, zuva rechigumi nemashanu, sezvo zuva richitanga madekwana pakudoka kwezuva.

Ipapo gwaiana rechibairo raidyiwa madekwana ezuva rechigumi nemashanu. Uyu waidaidzwa kuti mutambo wePaseka.

Hakuna nyama yaifanira kusara ichisvika mangwanani aitevera sezvo isingafaniri kuona kuvora, sezvo izvozvo zvaizoitika payairaswa.

Revitiko 23:5 Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, ipaseka raJEHOVA.

6 Nezuva regumi namashanu romwedzi iwoyo ndiwo mutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa; munofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe.

7 Nomusi wokutanga munofanira kuita vungano tsvene; musabata basa ravaranda.

8 Asi munofanira kupa JEHOVA chipiriso chinopiswa mazuva manomwe, pazuva rechinomwe munofanira kuita vungano tsvene; musabata basa ravaranda.

Basa ravaranda zvinoreva kushanda, usinei nezvido zvako. Saka hakuna munhu anofanira kukuudzai zvekuita. Hamufaniri kuzvipereka pakuita zvinodiwa neumwe munhu. Teverai Magwaro chete.

 

 

Zuva rechigumi nemashanu raive rimwe remitambo minomwe yakakosha pagore raive rakatsudzwa kuti rive dzvene musi weSabata – sezvo paive pasina basa raifanira kuitwa.

Sabata zvinoreva kuti zororo. Iri raive zororo repagore kana zuva dzvene “hori-dhe”. Patinowana pfungwa yatinoshandisa kuti hori-dhe.

Mazuva manomwe emutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa aimiririra nguva nomwe dzemakereke apo kereke inoita rwendo kana eksodo, ichibuda kana kubva pamirairo yechiJuda netsika dzechipegani.

Zuva rechinomwe raivewo zuva guru kana kuti Sabata repagore raive zuva rekuzorora. Mwari aida kuti nguva yekereke yechinomwe ifanane nenguva yekereke yekutanga yakatangwa nemapostora.

Genesisi 2:3 Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti wakazorora nawo pabasa rake rose, raakanga aita nokusika iye Mwari.

Sabata rakaropafadzwa nekuda kwekuzorora, kwete nekuti raive zuva rechinomwe. Saka chero zuva rakanzi izuva rekuzorora iSabata.

Zvakadaro zuva rechinomwe rega rega (Mugovera) raive Sabata rekurangarira kuzorora kwaMwari. Asi kuwedzera pamusoro peizvi paive nemazororo manomwe kana maSabata aiyanana nemitambo mishanu yemitambo minomwe yemaJuda.

Ruka 22:8 Akatuma Petro naJohane achiti, Endai mundotigadzirira Paseka, kuti tidye.

Chidyo chePaseka chezvingwa zvisina mbiriso chaitanga madekwana ezuva rechigumi nemana. Kwotevera husiku. Kwotevera mangwanani. Masikati ezuva rechigumi nemana Paseka yaiurawa yogochwa. Chingwa chisina mbiriso chemadekwana ezuva rechigumi nemashanu, kwaive kutanga kwezuva rechigumi nemashanu, chaigadzirwawo zuva rechigumi nemana.

Saka zuva rechigumi nemana raive zuva rekugadzirira. Iri raive zuva rimwechete musi wemutambo wePaseka usati waitwa pazuva rechigumi nemashanu.

Johane 13:1 Zvino mutambo wePaseka usati wasvika, Jesu wakaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.

 

 

Aya aive madekwana ezuva rechigumi nemana, nguva yechirairo chekugumisira. Vakadya chidyo chezvingwa zvisina mbiriso chaidaidzwa kuti Paseka.

Johane 13:2 Zvino vakati voraira, Diaborosi atoisa mumoyo maJudasi, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire.

Chirayiro chepaseka chakadyiwa madekwana ezuva rechigumi nemana. Kuchibva kwauya husiku Gwaiana rePaseka richibva razobaiwa masikati akatevera acho, raive richiri zuva rechigumi nemana.

4 Akasimuka (Jesu) pakurayira akabvisa nguvo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chivuno.

5 Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake akadzipisika nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.

Ruka 22:1 Zvino mutambo wezvingwa zvisina mbiriso, unonzi Paseka, wakaswedera.

Mazuva maviri, zuva rechigumi nemana nezuva rechigumi nemashanu, akabatanidzwa nekuti Gwaiana rePaseka rakavurawa madekwana ezuva rechigumi nemana rikagochwa. Rakazodyiwa mumashure maizvozvo pazuva rechigumi nemashanu. Nekuti Gwaiana raidyiwa zuva rechigumi nemashanu, zuva rechigumi nemashanu iri raidaidzwa kuti mutambo wePaseka. Zvingwa zvisina mbiriso zvaidyiwa zuva rechigumi nemana zvaingodaidzwa kuti Paseka. Asi zvingwa zvisina mbiriso zvaidyiwa zuva rechigumi nemashanu zvaidaidzwa kuti mutambo wezvingwa zisina mbiriso.

Saka zuva rechigumi nemashanu raive mutamo muzvikamu zvegwaiana rePaseka nezvingwa zvisina mbiriso.

Mucherechedzo wezuva rechigumi nemashanu waive mapostora achibvisa kereke yekutanga mumurairo wechiJuda mukati menguva yekereke yekutanga. Sabata ravo raive rubapatidzo rweMweya Mutsvene.

 

 

Zvino ngatitarisei kusarudzwa kweGwaiana rePaseka.

Johane 12:1 Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu akasvika Betania, paive naRazaro, wakadeya kumutswa naJesu kuvakafa.

Mazuva natanhatu, Paseka ichizosvika. Iri raive zuva rechisere remwedzi. Jesu paakasvika Betania.

 

 

Johane 12:2 Vakamuitirapo Chirayiro; Marta akavashandira: naRazaro wakanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya.

Nguva dzemadekwana, rimwe zuva raibva ratanga. Saka chirayiro chakadyiwa zuva rechipfumbamwe.

Saka paive pane mazuva mashanu kuti Paseka isvike.

 

 

Johane 12:13 Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji vakanga vavuya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu ovuya Jerusarema,

Ava mangwana. Iri raive zuva rechigumi. Raive zuva rekusarudza gwaiana rePaseka.

Saka mazuva mana aive asara, Paseka isati yasvika.

 

 

EKSODO 12:3 Taurai kuvungano yose yavaIsraeri, muti: nomusi wegumi womwedzi uno, umwe nomumwe ngaatore gwaiana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwaiana rayo.

Johane 12:13 Vakatora mashizha emichindwe, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti: Hosana! Ngaarumbidzwe unovuya muzita raShe mambo wavaIsraeri.

14 Jesu wakati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo; sezvazvakanyorwa zvichinzi:

Pazuva rechigumi vanhu vakataura kuti Jesu aive mambo wemaJuda muJerusarema, vakaenda naye kuTembere sezvo aive ndiye Muprista Mukuru. Vanhu vaive vasarudza Gwaiana rePaseka.

Saka Paseka yaizoitwa mazuva mana mumashure mekunge Jesu atasva mbongoro muJerusarema.

Kana Jesu akapinda muJerusarema musi weSvondo yemichindwi, gwaiana repaseka rakauraiwa musi weChina.

 

 

Marko 11:9 Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera; vakadanidzira vachiti: Hosana! Ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe.

11 Ipapo Jesu wakapinda muJerusarema mutembere; akati aringa ringa, zvunhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Betania navanegumi navaviri.

Izvi zvakaitika musi weSvondo yemuchindwi, zuva rechigumi.

Marko 11:12 Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya

Uyu waive Muvhuro zuva rechigumi nerimwe.

 

 

Marko 11:13 Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaenda’ko, achiti zvimwe ungawane chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.

Marko 11:14 Akapindura akati kwauri: Kusava nomunhu unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.

Uyu waive mucherechedzo wekusatenda kwaive nemaJuda. Muvonde mucherechedzo wevaIsraeri. MaJuda aida kuuraya Messiasi zvaireva kuti vaive vasina zvibereko zvavaiunza kubva kumurairo waMosesi. Kuvuraya Munhu asina mhosva kunorwisa murairo zvakazara.

Marko 11:15 Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhana mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva.

Zvino Tembere, paive panheyo dzeMutemo wemaJuda, yaive yangova nzvimbo yekuitira mari yaive yakabatwa neboka rembavha.

Vanhu vaiita mari nechitendero vaive vakapfuma ndivo vaitonga ikoko. Israeri yaive yava dambudziko pamweya. Wawoma kubva pamidzi.

Marko 11:19 Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, waienda kunze kweguta.

Zuva rinotevera rinotanga nguva dzemadekwana. Chipiri zuva rechigumi nemana.

 

 

Marko 11:20 Vakati vachipfuvura napo mangwanani, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi.

Chaive chichiri chikamu chechipiri zuva rechigumi nemaviri.

Marko 13:1 Wakati achibuda mutembere, mumwe wevadzidzi vake akati kwaari: Mudzidzisi tarira mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!

2 Jesu akati kwaari unovona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowiri pasi.

Zviitiko izvi zvaive zvichiri musi weChipiri zuva rechigumi nemaviri sezvo pasina kutaurwa kushanduka pamazuva. Tarirai musoro wenyaya pakupedzisira pacho.

Jesu akauya kuzowona Tembere. Zuva rakatevera akabvisa vaiita mari muTembere. Zuva rakatevera akatuka kuvakwa kweTembere yaizoparadzwa nemaRoma mugore AD 70.

Tsivai izwi rekuti Tembere nekutaura kuti “makereke emasangano kana mapato emakereke” munobva mawana musoro wenyaya wakanangana nenguva yekereke yekupedzisira.

Marko 14:1 Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwepaseka nomutambo wezvingwa zvisinembiriso. Vaprista vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutovo wavangamubata nawo namano, kuti vamuvuraye.

Mateo 26:2 Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuvura Paseka inosvika, Mwanakomana wemunhu uchaiswa kuvatongi, kuti aroverwe pamuchinjikwa.

 

 

Chipiri. Mazuva maviri anofanira kupfuvura. Ndicho Chitatu nechina.

Saka panopfuvura mazuva maviri chinenge chiri chishanu.

Saka Paseka izuva rinovurawa nekugochwa gwaiana nguva dzemadekwana pazuva rechigumi nemana. Asi raive risiri zuva remutambo.

Zuva remutambo raive zuva rechigumi nemashanu. Uyu waive mutambo wePaseka nemutambo wezvingwa zvisina mbiriso.

Marko 14:2 Nokuti vakati: Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.

Ichi chaive chipiri zuva rechigumi nemaviri. Saka vakabvumirane kuti vasasunge Jesu musi wechigumi nemashanu, sezvo raive zuva remutambo, chaive chishanu.

Zuva rechigumi nemashanu raive zuva remutambo wePaseka pavaidya gwaiana rePaseka raivurawa zuva rechigumi nemana. Raivewo zuva remutambo wezvingwa zvisina mbiriso waizotora mazuva kubva musi wegumi nemashanu kusvika musi wechimakumi naviri nerimwe.

Marko 14:10 Judasi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri, wakaenda kuvaprista vakuru, kuti amuise kwavari.

Ichi chaive chichiri chipiri. Hapana kushanduka kwemazuva kwakanyorwa.

Saka vaimurangana vaive vasarirwa nemazuva maviri kuti vavuraye Jesu. Zvaizoitika musi weChitatu zuva rechigumi nematatu kana kuti musi wechina zuva rechigumi nemana. Zuva rechidyo chePaseka pavaive neChirayiro chekupedzisa.

Ruka 22:7 Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, rakafanira kubairwa paseka naro.

Iri raive zuva rechigumi nemana.

Ruka 22:1 Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi Paseka, wakaswedera.

Paseka yaitora mazuva maviri.

Pakupera kwezuva rechigumi nemana vaiuraya gwaiana rePaseka-- zuva rekugadzirira. Iri raive risiri zuva reSabata rekuzorora.

Pakutanga kwezuva rechigumi nemashanu vaidya gwaiana rePaseka. Uyu waive mutambo wegwaiana rePaseka, uye raive Sabata rekuzorora. Raive risiri Mugovera, raidaidzwawo kuti Zuva Guru.

Johane 19:31 Zvino zvawaiva musi wekugadzirira Paseka, vaJuda vakakubira kuna Pirato kuti makumbo avo avunwe, vabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamuchinjikwa nesabata, nokuti zuva iro resabata raive guru.

 

 

Rekitengo yegirini inomiririra maSabata.

Zuva rechigumi nemashanu raive zuva remutambo. Zuva rechigumi nematanhatu raive zuva reSabata nekuti raive Mugovera.

Eksodo 12:17 Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naizvozvo chengetai zuva iro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murairo nokusingaperi.

Izvi ndizvo zvaive zviitiko zvezuva rechigumi nemana, zuva rePaseka.

Gwaiana rePaseka raiurawa zuva rechigumi nemana.

Zuva raitevera vakabuda muEgipita, raive zuva rechigumi nemashanu. Zvingwa zvisinembiriso zvaimiririra chipata-pata chavakabuda nacho nekuti izvi zvaireva kuti havana kuwana mukana wekusiya mbiriso ichivira nekufutisa chingwa.

Eksodo 13:6 Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa, mazuva manomwe; pazuva rechinomwe JEHOVA ngaaitirwe mutambo.

Mazuva manomwe emutambo wezvingwa zvisinembiriso aive mucherechedzo wenguva nomwe dzemakereke apo kereke yaikwanisa kubuda muMurairo wechiJuda netsika dzayo dzakaitwa nevanhu.

 

 

Nguva yekereke yekutanga (yakamiririrwa nezuva rechigumi nemashanu) yakaona eksodo kana rwendo rwekereke payaibva mumiko neMirairo yechiJuda. Kubuda muEgipita. Egipita mucherechedzo wezvenyika. Nguva yekereke yechinomwe kana kuti yekupedzisira (inomiririrwa nezuva rechimakumi maviri nerimwe) inoona kupera kweeksodo yekereke apo kumuka nekukwira kudenga kweMwenga (kereke yechokwadi) kunovatora kubva panyika vachikwira Kudenga.

Eksodo 12:16 Nezuva rokutanga munofanira kuita vungano tsvene, vuye nezuva rechinomwe vungano tsvene zve, namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi.

 

Zuva rokutanga raive risina mabasa evanhu apo Mwari aitungamirira mapostora kuti agadze chokwadi cheTestamente Itsva.

Mwari akakurudzira vanhu kunyora Testamente Itsva. Izvi zvakaratidza nzira yekupunyuka nayo kubva muzvivi nemuMurairo wechiJuda, zvakasanganisira kufa kwaKristu achifira zvivi zvedu achibva azogara muvanhu vake kuti avatungamirire mukati memakore 2000 enhorondo yekereke. Munguva yekupedzisira kana kuti yechinomwe Mwari aida kuti kereke idzokere kuMagwaro eTestamente Itsva oshaya chekuita nemakereke akaitwa nevanhu nedzidziso dzawo uye tsika dzawo.

Kereke yekutanga yaiterera Mwari kupfurikidza kuterera Testamente Itsva.

Nguva yekereke yechinomwe inofanira kudzokera kuTestamente Itsva uye chokwadi cheBhaibheri. Kwete kumutambo wemifungo yevanhu kana tsika dzekereke. Pasina chekuita nemunhu, nekuti munhu haatenderwi kuita chero chinhu. Kungoterera Shoko raMwari sezvarakanyorwa Mubhaibheri.

EKSODO 23:15 Uite mutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbibi (nokuti wakabuda nawo Egipita); kurege kuva nomunhu unovuya pamberi pangu asinechinhu.

Hatigoni kuvonekwa tisinechinhu. Tinofanira kunzwisisa Magwaro torega kugara tichiti. “Handizivi”, kana kuti “hazvina kukosha kana kuti “Bhaibheri rine zvakakanganiswa mariri uye rinozvirwisa”

2 Timotio 3:16 Rugwaro rwese rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira nokururamisa, nokuranga kuri mukururama.

Magwaro ese akakosha. Hakuna rinofanira kutarisirwa pasi nekuda kwechero chikonzero.

Abibi harisi zita rakakwana remwedzi, asi chikamu chekutaura kunotsanangura, “mwedzi wehura hwezvirimwa zvenyu”. Nhasi uno mwedzi uyu unodaidzwa kuti Nisani paKarenda rechiJuda ranhasi. Abibi izita remwedzi wekutanga “wegore raMwari”.

Zvinoreva: “kubuda ...” kana kuva munyoro; kusvibira sehura huduku kwembesa.”

Gore raMwari rinotanga munguva “yepfumvudza” hupenyu pahunotanga patsva, apo “zvirimwa zvekutanga” zvinotanga kutunga. Zvakadaro Abibi “mwedzi wehura hwakasvibira”.

Jesu akadzidzisa vadzidzi vake vaive vachiri nehura huduku sembeu itsva. Vaive vana vaizobva pamadzibaba echiJuda vaive vakazadzwa netsika dzeMurairo wechiJuda.

Vadzidzi ava vakakura semapostora vakava madzibaba enguva yekereke yekutanga vaigona kutungamirira kereke yekutanga kubva muchiJuda netsika dzacho uye kubva mudzidziso dzetsika dzechiPegani. Maposotora vaipikisawo tsika dzekuti munhu mumwechete anotonga kana kutungamirira kereke dzaizokura kuva masangano asina kunyorwa nezvawo muMagwaro etsika dzevaNikoraiti. Izvi zvinosimudzira munhu mumwechete mutsvene pamusoro peungano kana sangano kuti apambe vanhu nekuvaisa pasi pehutongi hwedare hwemasangano. Muenzaniso wakanaka weizvi uri kuna 3 Johane vhesi 9 ne 10.

Izvi zvakangofanana nehutungamiri hwekereke hwehudzvanyiriri. Munhu mumwechete ndiye mambo wekereke uye haadi kunzwa Magwaro emupostora Johane kana mamwewo Magwaro, anomurwisa uye nemufaro anodzinga chero vanhu mukereke nekuda kwekupokana naye. Hukuru hwakakosha mumakereke emasangano akarongwa.

Kuti vawane kutonga, mapasita vanosimbirira pakubatanidza chinzvimbo chekuti “pasita” kumazita avo, chero zvazvo izvi zvisina kubvira zvaitwa muTestamente Itsva. Nhasi mutungamiri haachadaidzwa kuti Jim, anofanira kudaidzwa kuti Pasita Jim. Asi “pasita” izwi rakataurwa kamwechete muTestamente Itsva, chero rakatukwa kanokwana katanhatu muTestamente yekare.

3 Johane 1:9 Ndakanyorera kereke; Asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.

10 Naizvozvo, kana ndichivuya ndichayevudza mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatende naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.

Nguva yekereke yekupedzisira inofanira kutendeutsira nzeve dzayo dzakasvibira sevana (vakasununguka kubva kumazano emazuva ano nedzidziso dziri mumakereke 45,000 akasiyana-siyana nemasangano awo) kudzokera kudzidziso dzemadzibaba mapostora. Ndiro zuva rekupedzisira remutambo apo mwenga wekupedzisira anobuda mumasangano nemapato emakereke achisiya kuterera kumazano evanhu.

Vana venguva yekupedzisira vanoterera chete kuShoko rakanyorwa . “Zvakanyorwa zvichinzi ...”.

Eksodo yekupedzisira inoona Mwenga achibuda mumakereke.

Revitiko 23:5 Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi nemana romwedzi, madekwana, ipaseka raJEHOVA.

Gwaiana rePaseka rakafa zuva rechigumi nemana.

Revitiko 23:6 Nezuva regumi namashanu romwedzi iwoyo ndiwo mutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa, munofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe.

MaJuda akabuda zuva rechigumi nemashanu. Mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa waive mhemberero dzerusununguko rwavo kubva kuEgipita kwavaive varanda kumitemo yevanhu.

Zuva remutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa mucherechedzo wekubatira Mwari zvakachena nekuterera zvakanyorwa muMagwaro. Kwete zvinotaurwa nemunhu. Kwaive nemazuva matsvene maviri muvhiki remutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa. Zuva rekutanga nezuva rekupedzisira. Saka nguva yekupedzisira inofanira kudzokera pane zvakatendwa nekereke yekutanga chaizvo. Zvisina kuviriswa zvinoreva kuti Bhaibheri, risina kuvodzwa nemifungo yevanhu.

Pasina mabasa edu. Pasina mazano edu. Pasina tsika dzevanhu, ingori “zvakanyorwa zvichinzi ...”

 

 

Magwaro anowanzotarisirwa pasi anotiudza kuti Jesu akaita mazuva matatu nehusiku hutatu ari pasi penyika.

Mateo 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nevusiku bwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.

Pano zuva rinotaura pamusoro pechiedza chemasikati chemaawa gumi nemaviri chinoteveerwa nemaawa gumi nemaviri erima rehusiku.

Mateo 27:45 Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose.

Idzi inguva dzechiJuda apo nguva dzinotanga pakudoka kwezuva.

Awa rechitanhatu raive masikati, maawa matanhatu mumashure mekubuda kwezuva. Nguva dzehusiku dzaizova nguva dzenhatu (15:00) masikati.

Mateo 27:46 Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Eri, Eri, rama sabatkani? Ndokuti: Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko?

50 Zvino Jesu akadanidzira zve nenzwi guru akarega Mweya wake.

KumaJuda, Chishanu chavo chinotanga musi wedu weChina manheru. Saka regai titarise zviitiko muzvikamu zvemisi yedu isu yechiHedeni.

 

 

Akafa masikati emusi weChina. Saka muviri wake waive muguva China manheru, Chishanu manheru, neMugovera manheru.

Saka Jesu akafa mumashure menguva dzenhatu dzemadekwana (15:00). Izvi zvakasiya maawa anoda kuita matatu echiedza chezuva kota yezuva remaawa gumi nemaviri.

Gwaiana rePaseka raifanira kuurawa nekugochwa nguva dzetanhatu dzisati dzasvika (18:00) nekutindiko kwaive kutanga kwezuva rechigumi nemashanu, raive Sabata rekuzorora pagore. Sabata guru.

Maawa matatu musi wechina (anoratidzwa neruvara rutsvuku) aiverengwa masikati. Kuchizouya maawa gumi nemaviri echiedza chezuva musi wechishanu nemusi wemugovera. Aive masikati emazuva matatu akasiyana.

Asi nekuti aive asina kukwana mazuva matatu akazara echiedza chezuva, izvi zvaiita chokwadi chekuti Muviri waShe hauna kuona kuvora. Zvinotora mazuva matatu akazara (maawa 72 kuti kuvora kupinde)

 

 

Zvakati torei nguva kuti muviri waJesu unoiswa muguva nguva dzetanhatu dzisati dzakwana (18:00). asi paakangofa nenguva dzenhatu (15:00) Mweya Mutsvene wake wakasiya muviri wake kuti utakure zvivi zvedu kuenda kugehena, waive mucherechedzo waimiririrwa nembudzi yekurasirira ichitakura zvivi zvemaJuda gore rimwe nerimwe. Ikoko aifanira kukurira Satani sezvo gehena riri zvimbo yaSatani.

1 VAKORINTE 2:8 Bwusina kuzivikanwa navamwe vavabati venyika ino, nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisaroverera Ishe wokubwinya.

“Mumoyo wenyika” zvaisareva muviri wake muguva. Zvaireva hondo yaJesu yemweya achirwisana nemadhimoni nemweya yegehena, Mweya Mutsvene pawakabuda mumuviri wake parufu ukaenda kugehena, sezvo mweya wemunhu akafa uchidaidzwa kuti mudzimu. Mugomba rakadzika dzika raipisa raisavaraidza kuva ari mariri akanokurira Satani.

Paakazokunda hondo iyi achikurira madhimoni nekuita kwese kwerima mweya wake wakapinda zve mumuviri wake ukamuka kubva kuvakafa mangwanani emusi weSvondo.

Aive asisiri muguva pakabuda zuva musi weSvondo mangwanani.

Johane 20:1 Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magdarene wakaenda kubwiro mangwanani, kuchakasviba; akavona ibwe rabviswa pabwiro.

 

Zuva rinogona kutsanangurwa semaawa makumi maviri nemana, uye rinotanga chero nguva. Basa rako repazuva rinogona kutanga chero nguva. Asi richizotangazve nguva imwechete iyoyo maawa 24 anotevera.

MAPISAREMA 16:10 Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; hamungatendere mutsvene wenyu kuti avone kuvora.

Kufa kwemazuva matatu AKAZARA nehusiku hutatu hwakazara zvaizoita kuti kuvora kupinde. Saka zuva rekutanga, zuva rechigumi nemana pakavurawa gwaiana repaseka, raive risiri zuva rakazara sezvo akafa masikati. Saka Jesu haana kuona kuvora panyama yake.

(Vanhu vanoti Jesu akafa musi weChitatu vane dambudziko rekuti vanosara nemaawa anodarika 72 panguva yavo, zvinobva zvarwisa gwaro rinotaura kuti muviri wake haungaone kuvora.)

 

 

Marko 14:58 Takamunzwa isu achiti: Ndichaputsa Tembere iyi yakavakwa namavoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namavoko.

Saka tinotanga kuverenga kubva panguva dzenhatu musi weChina pakafa Jesu. Tichitora zuva rimwe nerimwe riine maawa 24. Zuva rimwechete rinotevera rinokwana nguva dzenhatu musi weChishanu. Zuva rechipiri rinotevera rinokwana nguva dzenhatu musi weMugovera. Zuva rechitatu rinofanira kukwana nguva dzenhatu musi weSvondo. Asi Jesu aive atomuka kare nguva dzetanhatu dzisati dzakwana musi weSvondo mangwanani. Saka aive afa kwemazuva anodarika maviri asi asingasviki matatu.

 

 

Saka kana tikaverenga muzviverengo zvemaawa 24 kubva pakafa Jesu, zvakanakisa kutaura kuti akamuka zuva rechitatu.

RUKA 24:46 Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu.

 

 

RUKA 9:22 Achiti, Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokurashwa navakuru navaprista vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa nezuva retatu.

Imwe nzira yekutsanangura zuva ndeyekutarisa nekuisa nzvimbo yaro pavhiki.

 

Ruka 24:21 … vuye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo.

Jesu akarovererwa musi weChina, zuva iro zvinhu izvi zvakaitwa.

Chishanu raive zuva rekutanga kubva pazvakaitika. Mugovera raive zuva rechipiri Svondo zuva rechitatu kubva paakarovererwa pakaitwa zvinhu izvozvo.

 

 

Imwe nzira yekutsanangura zuva ndeyekutarisa nzvimbo yariri pavhiki.

Zvino chidimbu chimwe nechimwe chinogona chete kuratidzira zuva iroro.

Marko 8:31 Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokurashwa navakuru, navaprista vakuru, navanyori avurawe, amukezve mazuva matatu apfuvura.

 

 

Marko 14:12 Nezuva rokutanga rezvingwa zvisine mbiriso, musi wavaibaira Paseka nawo, vadzidzi vakati kwaari: Munoda kuti tikugadzirirepiko kwamungadya paseka?

Marko akatsanangura zuva rechigumi nemana sezuva rekutanga remutambo wezvingwa zvisina mbiriso. Nekuita izvi akabatanidza zuva rezvingwa zvisina mbiriso nemazuva manomwe emutambo wemutambo wezvingwa zvisina mbiriso.

Zvingwa zvisina mbiriso zvinotsanangura eksodo yekubva muEgipita mucherechedzo wezvenyika nekuvodzwa kwatinoti huwori hwezvenyika.

Eksodo 12:18 Nomwedzi wokutanga nezuva regumi nemana romwedzi, madekwana munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa, kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana.

 

 

Asi mazuva masere aya ese anobatanidzwa pamwechete sezvo zvingwa zvisina mbiriso zvaidyiwa mazuva aya ese ari masere. Saka zuva rechinomwe remutambo wezvingwa zvisina kuviriswa rinova zuva rechisere – kubatanidzwa kwechiverengo chechinomwe nechechisere kunodakadza.

Mika 5:2 Asi iwe Beti-rehema Efrata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJuda, kwauri kuchandibudira mumwe uchava mubati pakati paIsraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akare-kare.

Izvi zvinotaura pamusoro pekuzvarwa kwaJesu kuBeti-rehema riri munyika yaJuda.

Mika 5:5 Iye uchava rugare rwedu. Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzovushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu kuti varwe naye.

Jesu uchamutsira muvengi rudzi rwunodakadza rwune chiverengo chechinomwe nechiverengo chechisere.

Vatumwa vanomwe kutungamirira nguva nomwe dzemakereke mukati mezviitiko zvakasiyana siyana zvenguva nomwe dzekereke. Nevanhu vasere vakanyora mabhuku makumi maviri nemanomwe eTestamente Itsva anoshanda senhungamiri dzekereke mukati menguva imwe neimwe:

  1. Pauro (maBhuku 14)
  2. Johane (maBhuku 5 )
  3. Ruka (maBhuku maviri)
  4. Petro (maBhuku maviri)
  5. Mateo
  6. Marko
  7. Jakobo
  8. Judasi

Marko ari kubatanidza chibairo chaJesu chakarurama nechokwadi cheBhaibheri Shoko raMwari risingavori rinotsungirira kurarama mukati mekurwiswa kwese kwenguva dzose nekuvaka vatendi munguva nomwe dzemakereke.

Marko anotsanangura Kristu seMuranda akarurama mutsvene. Haana kuvora pakufa kwake, kana muhupenyu hwake mumakereke mukati menguva yemakore 2 000. Pasina mbiriso zvinoreva kuti Jesu anoshandira kutevera Magwaro zvakarurama kuti azadzise zvakaprofitwa pamusoro pake. Aive asingafadzwi neshanduko dzevanhu dzaibva pakuita kwepfungwa dzavo.

Sezvo takatarisira kuponeswa kubva kumabasa edzikinuro aakaita paCalvari, kereke yaive yakatarisira kuna Kristu zvakazara nekuchokwadi cheMagwaro chakaziviswa kuti irarame munguva nomwe dzemakereke.

Saka nguva yekereke yekupedzisira yakatarira kuna Kristu zvakazara kuti azivise zvakavanzika zveBhaibheri kuitira kuti tigadzirire kukwira kudenga mukubwaira kweziso (“repucha”). Zvatinotenda zvinofanira kubviswa kubva pahuwori hwese nembiriso yedzidziso dzemakereke, mazano emakereke akaitwa nepfungwa dzevanhu, netsika dzavo. Jesu ega anogona kuita kuti kumuka kuvakafa kuzadziswe. Jesu ega ndiye anogona kushandura miviri yedu kuti ifuke kusavora. Tinotarisira kuMuranda uyu zvakazara.

Kunaka nekurevesa kweShoko rakanyorwa muKing James vhezheni reBhaibheri. Kurudziro yevatumwa vanomwe vakajekesa dzidziso dzeShoko nguva imwe neimwe kuti izive Magwaro avaida kuti vararame munguva yavo.

Bhaibheri ndiJesu muShoko.

Zvaunofunga pamusoro peBhaibheri ndizvo zvaunofunga pamusoro paJesu.

 

 

ZVAKAZARURWA 1:13 Napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka akazvisunga napachipfuva nebhanhire rendarama.

14 Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto.

Jesu anofamba munguva nomwe dzemakereke nengowani chena yemutongi mukuru. Meso ake semoto paanopisa zvivi nekusatenda. Hakuna kuvodzwa kunodiwa. Zvingwa zvisina kuvidzwa zvinomiririra muviri wake wakarurama mutsvene. Kereke ndiyo muviri wake. Anoda kuti muviri wake uve wakarurama uchitevera Magwaro zvakazara pasina chimwe. Anochengetedza sei muviri kwake, kereke, kuti ive yakarurama? Nekuinatsa neRopa rake nekuisuka nemvura dzeShoko.

ZVAKAZARURWA 1:5 Kunaiye unotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake,

VAEFESO 5:26 Kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko.

Asi nguva nomwe dzemakereke dzinovimba muChibairo chake seGwaiana rePaseka. Mabasa ake, kwete mabasa edu, anotiponesa. MaKristu munguva nomwe dzemakereke anovimba muna Kristu kuti avatungamirire kuchokwadi cheShoko rake. Kristu anotakura kereke munguva imwe neimwe yekereke, semuzambiringa unotakura madavi awo.

Saka hutsvene hwechibairo paCalvari hunobatana nehutsvene hwenguva nomwe dzemakereke, hwoburitsa mazuva masere. Chibairo chake paCalvari chakazadzisa zvakaprofitwa, nenzira yekereke mukati menguva nomwe dzemakereke yakaprofitwa zvakare. Tinofanira kutevera Magwaro zvakazara, Jesu ega ndiye anokwanisa kutibatsira kuzadzisa zvakaprofitwa pamusoro penguva yekupedzisira uye mifananidzo yacho.

Chiverengo chechisere chinotaura pamusoro pechiitiko kana chimiro chitsva. Nomwe chiverengo chekupedzisa sezvo mazuva manomwe anopedzisa vhiki. Zuva rechisere rinenge ravhiki rinotevera (idzva). Sere chiverengo chezvinhu zvitsva sezvo nguva yekereke yechinomwe inenge yapera.

(Ndicho chikonzero nei vanhu vasere vakanyora Testamente Itsva.)

 

 

Panguva yekupedzisira, munhu wese achange ari muchiitiko chimwechete chezviitiko ziviri zvitsva.

Kuita 1: Satani anopinda muna Pope waAntikristu anounza rufu nekuparadzwa panyika yese vasikana mapenzi vakaponeswa vachiparadzwa munguva yeKutambudzika kukuru.

Asi Kristu neimwe nzira achagonesa maJuda 144,000 kumugamuchira saMessiasi. Saka anobatsira maJuda kupedza makore 2000 avaive vakaparadzaniswa naMwari, akatanga pavakakumbira kuvurawa kwaJesu. Jesu haasingori muranda anokanganwira chete kumaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru, asi anoregererawo maJuda akaurairwa kutenda kwawo mukati menguva dzemakereke.

Zvakazarurwa 6:9 Wakati wazarura chisimbiso chechishanu, ndikavona panyasi peartari mweya yavanhu vakanga vavurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura.

Ava vaive maJuda vaitenda kuTestamente yekare, vaive vasina kupupura kwaJesu. Vakafira kupupura kwavo pachavo nekutenda kwavo. Asi Jesu akavaregerera, akavapa nguvo chena dzekururama.

Zvakazarurwa 6:11 Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguvo chena;

MaJuda 144,000 ndivo boka rimwechete rinowana hupenyu husingagumi munguva yekutambudzika kukuru. Ndivo mwenje unopfuta munguva yakaipa iyi.

Vasikana mapenzi vakaponeswa vakabva munguva nomwe dzemakereke vachatwasanudzwa zvine kurwadza kukuru vachibuda mumasangano emakereke avo nekutadza kwawo, vanobva vavurawa. Vakasarudza nzira yakaomarara kuti vapinde nayo Denga, asi vacharegererwa paMusi weKutongwa, nekuti vakaponeswa kare nguva yekutambudzika isati yasvika. Ndivo boka guru revanoenda kumakereke nhasi vaivimba mumakereke avo pachinzvimbo cheBhaibheri.

Zvakazarurwa 7:9 Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikavona vazhinji-zhinji vasingagone kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi peGwaiana vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo.

Zvakazarurwa 7:14 ... Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.

1 VAKORINTE 3:15 Kana basa remunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.

 

 

Kuita kwechipiri: Mwenga anoshandurwa kupiwa miviriri isingavori, pavanozogona kutorwa kukwira kudenga kunosangana naShe kumakore vachinorarama nekusingaperi.

Iyi ndiyo eksodo (rwendo) yemwenga yekupedzisira, ndivo vaive kereke yechokwadi munguva nomwe dzemakereke.

Marko anoona Kristu ari Muranda mukuru. Akatifira kuti atakure zvivi zvedu aende nazvo kure, akabva afamba munguva nomwe dzemakereke achititakura pamitoro yedu yese nekuremerwa kwedu, kushungurudzika, kunyengerwa kwese kunoitika munguva dzekereke imwe neimwe.

Kupera kwenguva yechinomwe Jesu anomutsa vakafa kubva munguva nomwe dzese dzemakereke. Aya makore 2000 mumashure meChibairo chake chikuru paCalvari.

Anobva atakura kereke kuenda Kudenga iri mumiviri yekubwinya, apo nyika inowira munguva yeKutambudzika kukuru ichairova setsunami kana dutu rekurwisana kukuru, ndufu, nekusatenda. Saka Jesu ndiye Muranda mukuru kuMwenga wake sezvo achimuponesa kubva kunguva yeKutambudzika kukuru.

1 VATESARONIKA 5:2 Nokuti imi mumene munoziva kwazvo kuti zuva rashe rinosvika sembavha vusiku.

3 Kana vachiti, rugare, nokugarika – ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.

 

Dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa nguva dzedu dzevaHedheni pachinzvimbo chenguva dzevaJuda.

Johane 19:14 Zvino wakanga uri musi wokugadzirira paseka, yaive nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJuda: Tarirai Mambo wenyu!

Nekuti kumaJuda chiedza chezuva chinotanga nenguva dzenhanhatu mangwanani ndiyo zero yavo.

Saka tinofunga kuti nguva dzetanhatu aive masikati.

Asi Pirato haana kutonga nekupomera Jesu masikati – nekuti masikati Jesu aive atove pamuchinjikwa kare panyika yese pakava nerima.

Mateo 27:45 Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika.

Munogona kuona izvi sekurwisana, kana kuti kuona chikonzero nei Johane akataura kuti nguva dzenhanhatu.

Pirato aive muRoma, Johane akashandisa nguva dzekuRoma. Zuva rekuRoma kana rechiHedeni rinotanga pakati pehusiku dzinova nguva zero. Saka nguva dzenhanhatu dzaive 6:00 (nguva dzenhanhatu) mngwanani munguva dzeRoma.

Vanyori veEvangeri vaive vatanga kuunza nguva dzechiHedeni, nekuti nguva dzedu dzechiHedeni kana dzeRoma dzaizotonga pasi rese makore 2000 aizotevera.

Ruka aive atonongedzera kare kuti Mwari aive ashandisa sei maHedeni munguva yadarika pachinzvimbo chemaJuda.

Mateo 17:11 Akapindura akati: Eria achauya hake, avandudze zvinhu zvose.

RUKA 4:25 ndinokuvudzai shoko iri razvokwadi, kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsraeri, pamazuva aEria panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose.

26 Asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, asi wakatumwa Sarepta bedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waive chirikadzi.

Eria chiGiriki chezita rekuti Erija. Sidoni raive guta remaHedeni. Saka Erija akachengetwa nechirikadzi yechiHedeni, mucherechedzo wekereke yekupedzisira yechiHedeni yaizotambira zaruriro dzeBhaibheri dzemuprofita wenguva yekupedzisira Eria, akatidzosera kunotenda zvakatendwa nekereke yevapostora.

RUKA 4:27 Kwakanga kunavaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsraeri pamazuva emuprofita Erisha; hakunomumwe wavo wakanatswa asi Naamani bedzi, muSiria.

Erisiusi ndiye Erisha muchiGiriki. Akaita kuti muHedeni muSiria Naamani anyudzwe murwizi Jorodani kanomwe kuti maperembudzi ake apere. Kereke yemaHedeni yaizofamba nguva nomwe dzemakereke chokwadi chakazara cheBhaibheri chisati chaziviswa munguva yechinomwe kunorapa isu vaHedeni kuchirwere chedzidziso dzakaitwa nevanhu nezvavaitenda mazviri. Mvura mucherechedzo weShoko.

Iri raive gwara rekuti Evangeri raizotendeukira kuvaHedeni rimwe zuva.

Saka Johane akazivisa nguva dzechiHedeni muEvangeri. Gwara raitevera kwaizoenda zvinhu nguva yaizouya.

 

 

Mateo akazivisawo nguva dzechiHedeni.

Mateo 26:17 Nezuva rokutanga rezvingwa zvisinembiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati: munoda kuti tikugadzirireipiko pamungadya paseka?

Asi zuva rechigumi nemana rekugadzirira Paseka nezuva rechigumi nemashanu raive zuva rekutanga remutambo wezvingwa zvisina kuviriswa.

Nei Mateo akazviisa pazuva rimwechete? Nekuti ari kushandisa karenda rechiHedeni.

Zuva rechigumi nemana remaJuda raipera nenguva dzenhanhatu (18:00)masikati. Chidimbu cheyero chinomiririra madekwana akatangira pazuva rechigumi nemashanu.

 

 

Asi kumaHedeni, aya aive achiri madekwana ezuva rechigumi nemana. Saka mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, takatarisana nemaHedeni, wakaitika musi wechigumi nemana (waizivikanwa sekunzi zuva rekutanga rezvingwa zvisina mbiriso nemaJuda.) zuva remaHedeni rinopera pakati pehusiku. Zuva rechiJuda rinopera nenguva dza 6 (18:00). Paive nemukana wemaawa matanhatu aionekwa sechikamu chemazuva maviri akasiyana. Saka kumaHedeni raive zvese zuva rekutanga rezvingwa zvisina mbiriso, sezvo chaive chichiri China kwavari. Asi vakaona maJuda achipemberera mutambo wezvingwa zvisina mbiriso mumashure mekudoka kwezuva, kumaHedeni raive richiri China zuva rechigumi nemana.

Saka kumuHedeni achishandisa zuva rechiHedeni, zvese Paseka nemutambo wezvingwa zvisina kuviriswa zvaiitwa zuva rimwechete.

Kushandisa nguva dzechiHedeni chaive chinhu chakachenjera kuedza kuratidza kuti vaHedeni vaive chikamu chehurongwa hwaMwari munguva inouya. Kutsanangura zviitiko munguva dzevaHedeni zvakaita kuti zvive nyore kuvaHedeni kuti vanzwisise.

RUKA 22:1 Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi paseka, wakaswedera.

Saka Paseka nemutambo wezvingwa zvisina mbiriso zvakaitika zuva rimwechete revaHedeni.

 

 

Mutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa, madekwana ezuva rechiJuda rechigumi nemashanu, wakaitikawo pazuva rechiHedeni rechigumi nemana.

Asi zuva rechigumi nemana raive zuva rezvingwa zvisina kuviriswa.

Saka kumaHedeni, zvingwa zvisina-kuviriswa nemutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa zvaiitika zvese zuva rechigumi nemana rechiHedeni.

Saka vaiona zuva rechigumi nemana sezuva rekutanga remutambo wezvingwa zvisina-kuviriswa.

Rimwe gwara rekuratidza kuti Mwari aizotendeukira kuvaHedeni rimwe remazuva raive pakuti vanhu vaDavidi vaive vakuru kwazvo vaive vaHedeni.

2 SAMUERI 23:8 Ndiwo mazita emhare dzaDavidi: Joshebi-bashebeti muTakemoni, mukuru wevatariri; iye wakanga ari Adino muEzni, wakavuraya vanhu vanamazana masere nenguva imwe.

9 Wakamutevera wakanga ari Eriazari mwanakomana waDodai mwanakomana womuAhohi, mumwe wemhare nhatu dzakanga dzina Davidi,

11 Wakamutevera wakanga ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari.

Asi Mwari aive achichiita chakavanzika kubva kumaJuda kuti aizotendeukira kukereke yevaHedeni. MaJuda akaita seairasika pagwara raifamba hurongwa hwaMwari hwenguva yaizouya.

 

Danieri akatipawo gwara rakavanzwa kwazvo pamusoro pemakore 2000 enhorondo yekereke.

Ngatitarisei zvakare nhorondo yehushe hweRoma nekereke yeRoma. MaRoma akatonga pasi rese vakaroverera Jesu makore 2000 akadarika kuti vamuparadze ari Munhu.

Ipapo hushe hweRoma hwakaparara kereke yeRoma ikasimuka kubva mumatongo ayo iri chipegani chakabapatidzwa. Kereke yeCatholic yaive iyo yega chimisikidzo kana bato rakabva muhushe hweRoma rakapona mukuparadzwa kwehushe hweRoma. Kuita kwebato resangano rekereke yeRoman Catholic kwaizopinda mumakereke emasangano akabuda mairi kuitira kugonesa Pope wekupedzisira kutonga pasi rese.

 

 

Zvakazarurwa 13:1 Zvino ndakavona chikara chichikwira chichibva mugungwa chinenyanga dzinegumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga panekorona dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.

Chikara chaimiririra vose mapegani nehushe hweRoma, zvakarewo kereke yeRoman Catholic.

Chikara isimba. Simba rekuita kuti vanhu vanamate munhu. MaRoma echipegani vainamata vabati vavo sevamwari vavo. Vakatorawo dzidziso yeTiriniti yevamwari, nekuti hakuna zita rimwechete reVanhu vatatu vari muTiriniti. Saka munhu mumwechete anofanira kuva Mwari akazvimiririra. Asi vamwari vatatu kutadza, kunova kumhura Mwari.

Gungwa mucherechedzo wemarudzi emuEurope asina kugadzikika. Chikara chaive zvese simba rekuparadza rehushe hweRoma uyezve simba rekuparadza rekereke yesangano reRoman Catholic.

Misoro minomwe yaimiririra zvikomo zvinomwe zvakavakirwa guta reRoma.

Zvakazarurwa 13:3 Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga raifanira kuvuraya, rakanga rapora nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.

 

 

Zvakazarurwa 17:9 ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, ...

Temberi reJupita, iri pachikomo chikuru, yaive ndiyo muzinda wehushe hweRoma. Chakapiwa ronda rekuvuraya, chikarasikirwa nesimba racho nekutonga kwacho, pakauya marudzi evatorwa achiparadza hushe hweRoma.

Muzinda weLaterani, pachikomo cheCaelia, wakava gurukota rekereke yeRoman Catholic rakatora simba nekutonga kwakarasikirwa neRoma pachikomo chikuru.

Nhasi kereke yeRoma iri kusimuka kutosvika pakutonga pasi rese, uye pane chinangwa chavo chikuru kuparadza chokwadi cheMagwaro.

Danieri akaprofita pamusoro pemweya waantikristu.

Danieri 7:25 Uchataura mashoko ukumhura Wokumusoro-soro, uchaparadza vatsvene, vuye uchatsvaka mano okushandura nguva nemirairo; ivo vachaiswa mumavoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.

Kereke yeRoma inotaura ichipikisa Bhaibheri. Vakashandura Mwari kumuita Tiriniti asina zita, sezvo musingagoni kuwana zita rimwechete rinodaidza Vanhu vatatu. Vakabva vataura kuti “Muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene” ndiro Zita raMwari. Asi izvi zvinzvimbo kwete mazita. Saka vanomwaya vana mvura asi vana vacho vasina kutendeuka, voti rubapatidzo. Mukuita izvi vanoramba rubapatidzo muzita raJesu Kristu. Vemasangano anopikisa akabuda mairi vakatevedzera muenzaniso wayo, nezita raMwari remunhu, rinova Jesu Kristu, rakatsiviwa nemazita ezvinzvimbo matatu. Zvakadaro, Mwari wemaKristu akarasikirwa nezita rake. Bvunzai vanoenda kumakereke nhasi kuti Zita raMwari nderekuti kudii. Vanopererwa nekuti havagoni kuwana Zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu.

VeRoma vakaparadza maKristu muNguva yeRima apo makumi emamiriyoni evapikisi vayo vakaurawa. Vadzidzi veRoman Catholic vakavaka chitendero chakasimbiswa apo munhu mumwechete, Pope, aive musoro wehudzvanyiriri, chiumbwa chesangano ichi chakatevedzerwa nevemakereke vasiri veCatholic. Vadzidzi veCatholic vakataura kuti maive nezvakakanganiswa, kurwisana uye kuturikirwa kusiko muBhaibheri. Izvi zvakabva zvangotambirwa nevemakereke anoipikisa. Nhasi vanhu vanotya kwazvo kutaura kuti Shoko rimwe nerimwe remuBhaibheri reKing James Vhezheni nderechokwadi, nekuti kune dutu rine simba kwazvo revanopikisa vanotaura kuti Bhaibheri rine zvakakanganiswa mariri.

Roma ndiyo yakaita mirairo miviri yakashandura karenda rinotara nguva dzedu.

Mudzvanyiriri weRoma Jurio Kesari akaisa mutemo wekugadzirisa karenda muna 46 BC.

Pope weRoma Gregory 13 akabva aisa murairo wekugadzirisa karenda muna 1482.

Bhishopu weRoma mugore 325 AD pakanzuru yeNicene akaita Svondo yeIsita ive pazuva rakatarwa pavhiki. Akabvisa zuva reIsita pakuva mazuva matatu mumashure me14 Nisani raive Paseka remaJuda. Mirairo iyi yakabva yabata zvine simba pasi rese. Saka simba reRoma rakabva rapararira kupinda mune mamwe makereke. Rufu rwaJesu rwakabviswa kubva pamusi weChina kuiswa pamusi weChishanu chakanaka (Good Friday) . (Hazvigoneki kuti tive nehusiku hutatu kubva paChishanu masikati kusvika musi weSvondo magwanani). Asi mamwe makereke ese akagamuchira izvi. Mabhanzi echipegani anemuchinjikwa pakati unomiririra Tammuzi, Nimrodi wechipegani akauraiwa akanzi akamuka kubva kuvakafa, akava makirosi bhanzi.

Kereke yeRoma yakashandura Sabata kubva paMugovera kuriisa paSvondo ravaidaidza kuti Zuva raShe. Vemasangano vanoipikisa nevamwe vasiri maCatholic vakatevedzera izvi. Sabata rinofanira kuva riri zororo kubva kuzvivi nekusatenda. Zuva reSabata kumaKristu ndiro zuva ravanogamuchira rubapatidzo rweMweya Mutsvene. Zuva raShe ndiro nguva yeKutambudzika kukuru panouya kuranga kwaMwari panyika.

Kereke yeRoman Catholic yakaunza mazuva makumi mana erenti echipegani seumwe murairo wechitendero unobva panguva.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23