Jesu akati, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu”. Kutenda kwenguva Itsva.



First published on the 14th of June 2020 — Last updated on the 14th of June 2020

Tiri kurarama munguva ine kukanganisika kukuru. Kune makereke anosvika kana kudarika 45,000 akasiyana-siyana emasangano emaKristu nhasi. Vamwe vavo vari kupinda pasi pemusoro unoti “Nguva Itsva”. Kumwe kutenda kwenguva itsva uku kunokurudzira munhu kuzvisimudzira kusvika pachidanho chekuva mwari. Vobva vazvinamata vachizviti vakazvisika. Vanokoshesa kukosha kwavo ivo kuti vagone kuyananisira kuzviyemura kwavo. Vanonzwa kuti ivo ndimwari mukati mavo. Mafungiro aya anoyanana zviri nyore nezviitiko zvenguva yatiri kurarama “yemaserufi” mifananidzo yatinozvitora nemafoni edu.

‘Maserufi’ mifananidzo yatinozvitora tega nemafoni edu, tega, kuitira kuzvishambadza padandemutande reintaneti. ‘Maserufi’ anotsanangura nguva yedu yanhasi apo munhu anozadzwa nekuzvida achitsvaga mbiri itsva.

Zvitendero zvenguva itsva zvinouya zvakasiyana-siyana zvinokura sepfungwa itsva dzakachenjera dzinopararira nekukasika, zvobva zvawana ivhu rakakodzwa munjere dzevanhu vasina mweya mavari. Kurudziro yavo inobva kunyika dzomweya, dzinowanzodaidzwa kuti masai-sai (machaneri) anovapa mazano.

Kumwa hwahwa, kubhema zvinodhaka, nekahupenyu “kakasununguka” kubva pakutsiurwa kana pamiganhu yetsika zvinokwezva vanhu vazhinji.

Kutadza kwakachenjera kweNguva Itsva kuchenjera, asi kusiri kwenguva refu, kwemazano anobva muBhaibheri, kunodzikisira Bhaibheri kusvika pakuva ngano.

Kune tsananguro dzakati wandei dzeNguva Itsva dzinotangwa nevatungamiri vakasiyana-siyana vakaita saAlex Jones, David Icke naJordan Maxwwell. David Icke anoona kuzara kwehuMwari seNjere Hurusa dziri maari iye “semwanakomana wehuMwari”.

Jordan Maxwell, mudzidzisi weNguva Itsva, anoti, “Handizivi kuti Mwari chii”.

Nekuti haazivi Mwari, Jordan achitaura anongoburitsa kushaiwa zivo kwake pamusoro paMwari. Anobva ataura pamusoro paMwari achiti “simba remweya riri kudenga nepanyika”. (Hondo dzeNyeredzi dzinotauraawo nezve “simba” risina anogona kuritsanangura kana kuziva zvarinoreva.)

Saka veNguva Itsva vakatarirwa kudzidza nezvaMwari kubva kuvanhu vasingazivi Mwari.

Icke naMaxwell havachataudzane saka zvinotoreva kuti vane zvinhu zvakawanda zvavasingawirirane mazviri.

Asi chavarinacho vese chinhu chekuedza kuburitsa simba pachena mapoka esimba rakavanzika rinofadza vanhu ari matsime emari akakura apo vanhu vanobhadhara vachitenga mabhuku avo, maDVD, edzidziso dzavo. Vanhu ava vanogona kunge vachitenda kana kuti vasingatendi mune zvavanotaura, asi vanoita mari zhinji nekutaura izvozvo.

Chidzidzo chimwechete hachigoni kubata zvese zvinotaurwa neveNguva Itsva saka chidzidzo chino chichangotarisa pfungwa dzinoshandiswa naJordan Maxwell.

Dzimwe nguva Jordan anoremekedza Bhaibheri zvakanyanya, asi nemufaro anorirwisa pese paadira.

Anoti Jeriko harina kubvira raita masvingo akaripoteredza. Izvi zvinorwisa Magwaro zviri pachena. Anotiwo “vaHeberu havana kubvira vatenda muna Mwari umwechete wechokwadi”.

Kunyepa mugungwa rekunamata zvifananidzo kwaiitwa nemamwe marudzi akapoteredza vanhu vechiHeberu (maJuda) vainamata Mwari mumwechete.

DEUTERONOMIO 6:4 Chinzwa Israeri : JEHOVA Mwari wedu, ndiJEHOVA mumwe chete.

Kutaura kwaJordan kunokwanisa kuzvirwisa kwega.

Anoti, “Kunogona kushaikwa chinhu chechokwadi kunhorondo yemaJuda” oenda mberi oti, “Ndinoremekedza Bhaibheri zvemhando yepamusoro”.

Saka nei achiremekedza Bhaibheri kana riine nhorondo yakawandisa yacho yemaJuda yekunyepa?

Mapegani vaive nemazano akawandisa akatangira kuna Genesisi.

Mbeu yemunhukadzi. Munhukadzi haana mbeu. Mbeu maari inobva kumurume wake. Saka mbeu yemukadzi zvinoreva kuti haina kumurume kwainobva uye inofanira kusikwa naMwari maari. Iyi ipfungwa yekubereka kwemhandara. Mapegani akawanda aive nemaonero awo uye mafungiro awo pamusoro pekubereka kweMhandara. Asi hakuna akakwanisa kuzviita kuti zviitike panyama.

Here was the big difference between Israel and the pagans. Pano pane musiyano mukuru pakati pevaIsraeri nemapegani.

Mapegani aikwanisa kutaura pamusoro peMbeu yemukadzi, asi vaisakwanisa kuiwana.

Israeri yakawana Mbeu yemukadzi, apo mukadzi mumwechete Mary paakatenda Shoko raMwari, kwete sengano asi chokwadi chakazara.

Rufu, kuvigwa nekumuka zvakaratidzwa naKaini paakauraya Abero Seti akavapo kutora nzvimbo yaAbero. Kwete kumuka kuvakafa chaiko asi pakaitika zvaikwanisa kuitwa kugadzirisa zvinhu.

GENESISI 4:25 Adamu akaziva zve mukadzi wake; akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAberi, zvaakavurawa naKaini.

Saka mapegani aida chiratidzo chekumutswa chaicho chechokwadi. Mapegani vaishandiswa muti wakatemwa wozotungira nekufamba kwenguva. Tamuzi (Nimrodi) aive munhu akafa akamutswa mumifungo yevanhu. Mapegani aishandisa pfungwa yekuita mumwe munhu aikwanisa kutora nzvimbo yemunhu. Asi Jesu akafa akamuka seMwanakomana waAbrahama. Saka mutsetse waAbrahama wakabereka chokwadi chekumuka kwevakafa.

VeNguva Itsva, semapegani, havagoni kuburitsa chokwadi ichi saka vanotsvaga kumanikidza Bhaibheri kusvika pakuriita sengano dzavanogona kurwisa pavanodira.

Vanobva vataura zvinhu zvisina chinhu chechokwadi chinogona kuzvitsigira.

Jordan Maxwell akati, “Hondo dzose nekurwisana zvinogona kurondwa gwara razvo kunosvika kupuraneti Sachuni”. David Icke akaita nguva hurusa yehupenyu hwake achiti kutongwa kwepfungwa dzevari panyika kunobva kumwedzi.

Zvavakataura izvi zvingatsigirwa sei? Uyu muenzaniso mukuru wemazuva edu anhasi ekungoropodza kwakabva kuRoma yemapegani kwavaifunga kuti puraneti Mars ndiye mwari wehondo.

Kuneta kwetsvagiridzo dzezvemuchadenga ndekwekuti hapana kuyanana pakati pepuraneti rakafa nevanhu vanorarama. Simba rekudhonzera repuraneti Sachuni panyika ishoma kwazvo, shoma kwazvo kudarika remwedzi nekuti Sachuni iri kure kwazvo kubva kwatiri. Tichiwedzera, kuti uve weNguva Itsva, unofanira kuona kuropodza kwekuti puraneti rinogona kutonga hupenyu hwedu sechokwadi. Asi hakuna humbowo hwekuti puraneti inotitonga. Kungofungidzira chete.

Saka Maxwell anotaura kutaura kuviri kukuru kwazvo. Anotora kutaura kwenhorondo yeBhaibheri achiti ingano obva atenda zvakare kuti kuropodza kana ngano inoti mapuraneti anotitonga, ichokwadi.

Uku kutaura kwekutaridza kuti kunoshandurika. Kana chokwadi chiri ngano saka ngano inenge iri chokwadi.

Jordan anobva ayananisa Sachuni nesikweya neruvara rutema.

Anoda kuti Sachuni iyanane nesikweya uye ruvara rutema kuti ati sikweya reruvara rutema mucherechedzo wekutongwa kwenyika nevanhu vakaipa.

Vanhu vakaipa vanotonga nyika yedu asi hazvikonzereswi nepuraneti asi nekuti Satani haana zororo uye Mwari ari kusvitsa nyika pakuguma kwayo, kunodaidzwa kuti Amagedhoni. Mwari haaiparadza nyika paAmagedhoni dai rudzi rwevanhu rwaiita zvakanaka munyika. Saka chakaipa chinofanira kutonga pakupedzisira kuitira kururamisira kuparadzwa kwenyika yedu. Saka veNguva Itsva vanotibvisa pazvirongwa zvaSatani zvakatarwa kare muzviprofita zveBhaibheri votisiya tichimhanya tichitenderera sehuku dzadamburwa misoro mukuedza kwedu kutsanangura zviitiko zvenyika zvatakura kurema nekuipa kukuru. Kupunyuka tichipinda mukudhakwa nekushandisa zvinodhaka zviri nyore nekuti nguva yanhasi ine rima uye ine zvipo hazvitori nguva refu tisati taziva kuti hatikwanisi kuzviponesa.

Anoyananisawo Sachuni nedenderedzwa nekuti ine ringi. Saka Sachuni inoyananiswa nesikweya nedenderedzwa zvakare.

Vanotenda muchiBuddhist vanoshandisawo sikweya kana denderedzwa. Asi izvi zvitendero zvakaoma kwazvo. Kune mashepi mashoma ane zvimiro zvakareruka kunyora uye zvitendero zvizhinji zviri kutsvaga rogo rakareruka. Saka mamwe mashepi kana mifananidzo tinozoona zvichishandiswa nezvitendero zvakati kuti. (Tarisai vagadziri vemotokari. Mercedes ndiyo imwe yemotokari dzine mufananidzo wakareruka pabhoneti payo. Edzai kufunga umwe mufananidzo wakasiyana naiwoyo. Hazvisi nyore).

Maxwell anoti, “Vaidaidzwa kunzi Phoenicians vekare muParesitina vaigaroziva kuti Sachuni ine ringi.” Zviri nyore kutaura asi hazvisi zvechokwadi.

Vakaziva sei pamusoro peringi reSachuni pasina materesikopu ariko mazuvano akazotanga kuwanikwa makore akapoteredza 1600?

Chatisingaudzwi naMaxwell ndechekuti zvinyorwa zvizhinji zvemaPhoenicians zvakarasika.

Saka tinoziva zvinhu zvishoma kwazvo pamusoro pavo nezvavaitenda.

Asi muJuda akanaka aitambira kure nezvitendero zvemarudzi akapoteredza.

 

 

Sachuni ndiyo puraneti yechitanhatu kubva kuzuva masetiraiti akaona kuti muna 1981 nemuna 2006 kuita kwemamiriro ekunze kwakaoma kunzwisisa mupuraneti iyi kwakakonzeresa kuti kuitwe hekisagoni hombe kwazvo muzvikamu zvemakore kupowo rayo rekumusoro (North pole). Rimwe nerimwe remativi matanhatu aro akaenzana rakareba kudarika hupamhi hwenyika. Kusvika parizvino ichi chinhu chinodakadza muzviitiko zvemuchadenga. Asi hapana mapegani kana vamwe vavo, veNguva Itsva, akaona kuti chiratidzo cheSachuni ndechemufananidzo weHekisagoni uye chiverengo chayo, kana iine chimwechete ndinhanhatu. Asi hakuna sikweya kuSachuni, saka dzese dzavanotaura inhau dzenhema.

Nei achiti Sachuni iri muruvara rutema?

Chakakanganisika pano ndechekuti Sachuni ndiyo yaive puraneti yaive kure kwazvo kuti ionekwe nemeso edu. Saka ipuraneti inotonhora zvakanyanyisa nekuti iri kure kwazvo nezuva. Mukuona kwedu vanhu inofanira kuva iine rima gurusa, nekuti iri kure chete asi haina rima rakadaro. Sachuni inoratidzira chiedza kudarika mamwe mapuraneti ese kunze kweJupita neVhenasi.

Ruvara rutema runoreva kuti chinhu chinotora chiedza chese chorega kuratidzira chiedza zvachose.

Mwedzi wedu unoratidzika wakajeka kwazvo asi unoratidzira 12% chete yechiedza chinosvika pauri. Sachuni inoratidzira 47% yechiedza chinosvika kwairi. Asi rangarirai kuti Sachuni ine makiromita 1200 miriyoni kubva kunyika. Mwedzi uri padyo zvakanyanya pamakiromita 384,000 kubva kwatiri ndicho chikonzero nei mwedzi uchiita sewakajeka zvakanyanya.

Sachuni inoratidzira chiedza zvakanaka kwazvo. Ndiko kuita kweruvara ruchena, kwete rutema. Mekiyuri ndiyo puraneti “yakasvibisa” sezvo ichiratidzira 12% chete yechiedza chezuva. Mapegani neveNguva Itsva vakarasika pazvinhu izvi. Merkiyuri ndiyo yakafanirwa neruvara rutema.

Kutaura kuti Sachuni ndiyo inokurudzira hondo dzedu kungofungira zvakare.

Mars, puraneti tsvuku nekuti ine ayoni okusaidhi yakatsvukuruka mairi, yaionekwa samwari wehondo. Saka anotonga hondo ndiyani Sachuni kana kuti Mars? Hakuna Puraneti inonyatsokwanisa kutonga mhirizhonga pakati pevanhu.

Zvinhu zvese pamusoro penyika zvakashanduka zvinoshamisa nehondo yekutanga yepasi rese nezvakaitevera.

Zvinhu hazvina kuzoramba zviri zvimwechete mumashure maizvozvo sezvo mweya wemadhimoni ehudzvanyiriri wakabva wasunungurwa mukati mehondo iyoyo. Mweya uyu wakatorwa nevadzvanyiriri vakaita saMussolini, Lenini, Stalin naHitler. Vadzvanyiriri ava vakapinza nyika muhondo yepasi rese yechipiri apo mweya inokurudzirwa nemadhimoni yakasunungurwa pavaIsraeri muhorokasiti yakauraya maJuda 6 miriyoni.

Hakuna boka resimba rakavanzika rakagona kutanga Hondo yepasi rese yekutanga. Mabara maviri akatanga zviitiko zvakagadzira nyika yatakurarama nhasi. Archduke weAustro-Hungary, pakarepo akati oshanyira chipatara cheSarajevo kunoona muuto aive akuvadzwa nebhomba rakabuda mumotokari risati raputika pamotokari dzaArchduke, aive nemutyairi aive asina kuudzwa shanduko idzi. Mutyairi akaenda kurutivi rwerudyi rwemugwagwa waibuda mumugwagwa mukuru pachinzvimbo chekuenda kuruboshwe nekukanganisa. Paakamira kuti adzokere, akamira mamita anoverengeka kubva pamunhu aida kuvaurayisa Princip aive asina simba pamusoro pezviitiko akabva apfura Archduke nemukadzi wake . Kubva ipapo zviitiko zvese zvakavirikidzana kusvika yaita hondo. Chiitiko ichi chakangoitika sezvo Princip aive asina simba pazviitiko zvaiitika, kunyangwe zvake akabudirira pachinangwa chake.

Vesainzi vakaona kuti atomi rine hunhu hunoshamisa. Hatina mufananidzo wakajeka wekuti Atomi chii asi tinonzwisisa kuti maatomi anoshandidzana sei. Zvisinei kuita kwemaatomi uku kunonyatsotsanangurwa nemirairo yemikana.

Ngatitorei vanhu pachinzvimbo chemaatomi. Munyika yanhasi ine kukanganisika zviitiko zvizhinji zvisingafungidziriki zvinongoitika. Boris Johnson akatungamira sarudzo dzeBritish Brexit kuti ibude muEuropean Union. Paakakunda, aive asingachade basa. Hillary Clinton aive akasimba achidiwa kwazvo zvekuti aive akatarisirwa kuti anokunda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzegore 2016, asi akakundwa.

Ngatitarisei kuuraya kwakatanga Hondo yePasi rese yekutanga. Mutyairi achienda nenzira isiriyo achisvikomira parutivi nemuurayi. Izvi zviitiko zvakangoitikawo. Zvinoita sekutamba kwete chokwadi.

MuHondo yePasi rese yekutanga Hitler neshamwari dzake vaive vakagara mukadumba. Mauto akauya akavati vabude. Vaifanira kuenda kure kwazvo kuti vasanzwe chinhu. Maminetsi makumi maviri akatevera shero reBritain (zvakagoitikawo nekuti cannoni raive risingaonekwe) rakasvikomira padumba iri chaipo, rikaputika, rikauraya vanhu vose vakanga vari mukati Hitira akararama akapfuurira mberi kukonzeresa Hondo yePasi rese yechipiri.

Saka shero rimwechete ringadai rakaponesa pasi rese kubva KuHondo yePasi rese yechipiri nevanhu 60 miriyoni vakafa mairi. Ndiko kuita kwemikana isina munhu, kana bato rakavanzika rinogona kuimisa.

Hitira akararama kanokwana ka20 kaaida kuuraiwa muhupenyu kwake. Hapana bato rakavanzika ringadai rakaronga rufu rwake zvese nekumuchengetedza pamwechete. Pane imwe nguva raiva bhomba mundege duku rakaramba kuputika. Rimwe bhomba rakaputika nenguva asi Hitler, zvisina kunzwisisika akanga abva pamusangano iwoyo maminetsi makumi maviri nguva yaaifanira kubva chaiyo isati yasvika. Saka pakaputika bhomba, aive asisipo.

Kungoitika kwezvinhu kunokanganisa nhorondo yedu vanhu zvoita kuti zviomere munhu kana boka revanhu kutonga nzira dzemasimba dzisina kugadzikika.

Vaivarwisa pavakasvika kuti vapambe Normandy paD-day musi wa 6 Chikumi 1944, Hitler aive akarara vaimubatsira vakatya kumumutsa. Mukuru wemauto Rommel, aive pamasimba ekudzivirira nzvimbo iyi, aive akaenda kuGermany kunopemberera zuva rakaberekwa mukadzi wake raivewo musi wa6 Chikumi. Zviitiko izvi zvakapa vaivarwisa mukana wekufema nekusvika panzvimbo yavaive zvaisakwanisa kurongwa nechero munhu kana bato rakavanzika, zvisinei nekuti vaive nesimba rakaita sei.

Kuita kwehunhu hweatomi kwekuti zvinokaruka zvangoitika kunoshatishaisa simba rekunzwisisa kuita kwaro. Saka tinoshandisa murairo wemukana kutsanangura hunhu hweboka remaatomi. Ndiro dambudziko rimwechete ratinosangana naro pakuedza kuongorora zviitiko zvehupenyu hwevanhu.

Zviitiko zvinobva zvarukaniswa zvakanyanya uye zvongoitika zvakaoma zvekuti hakuna rushinda rwendangariro runokwanisa kuzvitsanangura. Truman aikurirwa zvakaipa naDewey mumatunhu ese musarudzo dzemutungamiri weAmerica dzegore 1948. Bato raTruman reDemocratic raive rapatsanuka kuita mapato matatu anopikisana, saka aive asina mukana. Zvino musi wesarudzo, kwakanaya mvura zvakanyanya munzvimbo dzemaruva dzevarimi dzakaita seMississippi Valley yezasi neIllinois ikawanza kwazvo kuzasi kwenyika. Dutu rePacific rakarova zvakare kumusoro kweCalifornia uko Dewey aive nevateveri vake vaive varimi ikoko. Nekuda kwematope akasimba aive munzira dzevarimi ikoko havana kubuda kuenda kunovhota. Saka Truman akakunda.

Hakuna munhu kana puraneti rakagona kunayisa mvura zhinji munzvimbo dzekumaruva dzevarimi pamusi wesarudzo.
Asi Jesu Kristu anokwanisa. Angazviitirei? Nekuti Truman aive mutungamiri wekutanga kuita kuti Israeri iwonekwe senyika muna 1948.

Saka zano rakadzama riri kufamba munhorondo yevanhu ndeapo Mwari paari kuunganidza maJuda pamwechete munyika yavo yechipikirwa kuti adzoke kwavari sezvaakavimbisa kuita . Truman, achiziva kana kuti asingazivi, akapindira pakubatsira chinangwa chaMwari kumaJuda. Mwari akamupa mubairo wemamwe makore mana achitonga.

“Occult” zvinoreva kuti chakavanzika. Vechakavanzika kana kuti vanhu veNguva Itsva vanotaura chokwadi pavanoti kune nzvimbo dzakavanzika dzinoitika zvinhu zvakavanzika kumeso edu mazuva ose. Hongu, ve Illuminati, vanhu vezvemari kana zvemabhangi, neveFree Masons nevamwewo. Variko uye vari kushingirira kuti vawane simba rekutonga pamusoro pevanhu kuti simba ravo nehupfumi hwavo zviwedzerwe. Asi kungori nemaFree Masons anosvika mamiriyoni matanhatu panyika. Dambudziko ravo nderiri. Nyika yakakurisa kuti vave nesimba pamusoro payo yese. Vanogona kukwanisa kuita simba kana kutonga panzvimbo, asi vanenge vakaita semubatanidzwa wemadhamu, nekuti mvura yavo kana kurudziro yavo inongoerera iine muganhu.

Kutonga nyika kunoda simba rezvematongerwo enyika repasi rese. MaRussia, maChina, maMosiremu nevamwewo vose mapato anesimba kwazvo ekuti hakuna boka rakavanzika rinogona kuatonga.

Mutongi mumwechete wepasi rese anofanira kushandisa chitendero kuti anamanidze pasi rese pamwechete. Saka tinofanira kutarisa kukura kwembiri yaPope sezvo ane simba rezvechitendero uye zvematongerwo enyika pasi rese.

Uku ndiko kukanganisa kwevanhu venguva Itsva vakaita saMaxwell. Vanoti vanotenda kuBhaibheri, asi vobva varambaa zvakawandisa zvakanyorwa mariri. Saka havana chavanopa chinobatika kunze kwefungidziri dzavo dzenyama.

Chavanodzidzira Bhaibheri chii kana vachingotsvaga zvavanoti zvakakanganiswa mariri?

Uku kuita kusina maturo. Maxwell anoshoropodza makereke achiti vanokanganisa asiwo naiye oita kukanganisa kumwechete kunoitwa nemakereke. Makereke anodzidzawo Bhaibheri kuti anongedzere kukanganisa kwese kuri muBhaibheri nekuti vane maonero asina kukwanira kuti vabatanidze mavhesi iwayo pamwechete nenzira dzaakanyorwa kuti vabude nezaruriro yakakwana.

Tichiwedzera, hakuna ane simba rakakwana remauto kuti atonge nyika.

America ndiyo nyika yakasimba kwazvo asi yakagomararisa zino rayo remauto munyika dzeAfghanistan nemujecha reIraq. Pasi paObama America yakangonobata muSyria, yaive nedambudziko rakakurisa repasi rese parudzi rwevanhu kubva pahondo yepasi rese yechipiri, isina maitiro ainyatsoshandako zvakare. Izvozvi Trump ari kuda kuvaka fortress America, zvichabvisa zvakare meso ake pakuedza kuchenengetedza nyika.

Zvakazarurwa 17:12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe, asi vachapiwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguva imwe.

13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo novushe bwavo.

“Simba samadzimambo” zvinoreva kuti ava vadzvanyiriri vasina kugadzwa asi vane simba rambo. Fungai nezvaPutin munhu akasimba weRussia. Anoita zvaanoda achiramba ari pachigaro sekuda kwake. Mupikisi wake mukuru Boris Nemtsov, akapfurwa akafa pedyo neKremlin muna 2015. Hongu, Putin aive asarudzwa zviri pamutemo asi kusarudzwa kwake kungori kwekungoitawo. Pachokwadi tisingadi kuvanza mudzvanyiriri. Madzimambo gumi akaita saiye achapa “simba novushe” kuchikara. Izvi zvichagonesa Pope wekupedzisira kutonga pasi rese.

Saka dambudziko guru rine vanhu veNguva Itsva nderekuti havatarisane nemuvengi mukuru.

Vanoronda vanhu vezvematongerwo enyika vanhasi nevaya vanobata basa vakavanzika nemapoka esimba akavanzika. Ava vose vane chekuita muzviitiko zvepasi rese asi havasivo vavengi vakuru verudzi rwevanhu. Zviitiko zvakanyanya kupindana nekurukaniswa kuti zvinzwisisike. Dutu riri kuronga munzvimbo dzemweya dzakavanzika vesimba remweya vemakereke neveNguva Itsva vachapesana nemuvengi chaiye nekuti vanoturikira Bhaibheri zvisirizvo.

Aya ndiwo mafungiro eveNguva Itsva:

“Mvura zhinji isati yauya, Sachuni yaionekwa nemarudzi ese evanhu samwari mukuru mutongi wemadzimambo. Vatsvagiridzi veOccult vanoti Sachuni yaitonga hushe hweAtlantis.”

Tine humbowo hupi hwezvakanyorwa hunoratidza zvayaive nguva yeMvura yaNoa isati yauya? Hakuna. Saka idzi dzese dzingori fungidziro. Atlantis yaive kontinenti, inogona yaiwanikwa muAtlantic, ikabva yanyura panguva yeMvura yaNoa. Izvi zvinogona zviri zvechokwadi. Humwe humbowo hunoita sehunotsigira pfungwa iyi ihove dzekuAmerica dzakada kufanana nenyoka dzaienda pakati peAtlantic, sekuti kwaimbova nenzvimbo yadzo yekuberekera ikoko, dzobva dzanoshaya chinangwa chekuva ikoko. Zvinoita sekuti pane kahunhu kakarukirirwa mupfungwa dzadzo kare kare pakwaive kuchiri nekontinenti muAtlantic. Asi humbowo hupi hwatinahwo hwekuti Sachuni yaive mambo weAtlantis? Hapana. Uku kungofungidzira pasi humbowo hunobatika.

GENESISI 4:26 NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJEHOVA.

Vanhu vekutanga vainamata Mwari. Kwatova kumberi mukufamba kwenguva ndipo pakatanga vanhu kunamata zvinhu zvakaita sezuva, mwedzi, nemapuraneti.

Enoshi wakararama muhutsvene kwazvo zvekuti haana kufa. Mwari akangomutora kuenda naye kudenga. Hakuna puraneti kana mwari Sachuni anogona kuita izvi.

GENESISI 5:24 Enoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.

Mumashure meMvura Zhinji yaNoa, Mwari aive akatarisisa maJuda zvakanyanya kuti vaisafanira kuzvisanganisa mukunamata zvifananidzo kana zviri muchadenga.

DEUTERONOMIO 17:2 Kana pakati pako mukati merimwe ramasuwo ako, aunopiwa naJEHOVA Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJEHOVA Mwari wako, achidarika sungano yake.

3 Akandoshumira vamwe vaMwari, akanamata kwavari, kana kuzuva kana kumwedzi, kana kune chimwe chehondo dzokudenga, chandisina kukuraira.

II MADZIMAMBO 17:15 Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJEHOVA kuti varege kuita saivo.

16 Vakasiya mirairo yese yaJEHOVA Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo, zvakavumbwa, zvemhuru mbiri , vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Baari.

ISAYA 47:13 Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherekedza nyeredzi, navanofembera zvomwedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira.

Kuwira pasi kwedudziro dzezvemuchadenga. Chero muchifungira chaizvo chaizvo zvinoitika nguva inouya, hamugoni kuzviponesa kubva kwazviri. Mwari akaudza Noa pamusoro peMvura zhinji yaizouya Akamuponesa kubva kwairi.

MuBabironi, maJuda mana vaive neShoko raMwari vaiziva zvakawandisa kudarika zvese zvaifungidzirwa nevanoshopera. Saka dudziro dzezvemuchadenga hadzibatsiri.

DANIERI 1:19 Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDanieri naHanania, naMisheki naAzaria, saka ivo vakamira pamberi pamambo.

20 Pamashoko ose ovuchenjeri nookunzwisisa, avaivhunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuvura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaive pavushe bwake.

Saka maJuda aitenda zvinhu zvaive zvakasiyana kwazvo nemapegani.

Maxwell anoramba achitaura pamusoro “pevaHeberu vekare”.

Kwaive kusina chinhu chakadaro. Abrahama, paaive munyika yechipikirwa achitenda kunaMwari mumwechete, ndiye akava munhu wekutanga kudaidzwa kuti “muHeburu” Izwi iri rinoreva kuti “kuyambuka” nekuti akayambuka rwizi rweYufratesi kuti aende kunyika yechipikirwa. Aifanira kuyambuka dambudziko guru iri asati akunda chinangwa chehupenyu hwake. Aifanira kuyambuka otsaurwa kubva kutsika dzemapegani dzaiitwa kuBabironi kune rumwe rutivi rweYufratesi kuti anosangana naMwari.

MaHeberu aive nemazita akawanda aaidaidza nawo Mwari aive Mweya. Zita rimwe nerimwe raimiririra hunhu hwakasarudzika hwaMwari. “El” (“Eri”) raidaidza Mwari rinoreva “Simba”. Elah zvionoreva kuti Wakanaka raivewo rimwe zita raMwari.

Mwari mweya usingaonekwe. Mazita aaidaidzwa nawo muTestamente yekare airatidza hunhu hwake paaishanda nevanhu. Mwari mumwechete aive nenzira zhinji dzekuzviratidza nadzo. Aipa. Airapa. Mufudzi wedu. Ndiye rugare rwedu. Kururama kwedu. Aive nemazita akasiyana ekutsanangura kuita uku kwese.

NdiMwari mumwe achizviratidza ari pamabasa akasiyana kana kuti achizviratidza nenzira dzakasiyana.

Izvi zvakafanana nesimba risingaonekwe. Tinopa simba zita nekuda kwekubata kwaro pachinhu. Simba rinofamba. Simba rehurebu. Simba rechiedza. Simba rekupisa. Rese iri isimba rimwechete. Simba iri, riri pasi pezviitiko zvakasiyana, rinoitawo zvakasiyana sekuita kuti chinhu chifambe nekukasika kana kuti chiende mudenga kana kujekesa chinhu kana kuchiita kuti chipise.

Asi mazita aya ese eMweya waMwari (anokanganiswa nevanotsanangura zvemuchadenga vachiti ndivanaMwari vakasiyana) akaita seakatsakatika muTestamente Itsva apo Mwari akazvivanza mumuviri wemunhu Jesu Kristu. Mwari akazviratidza ari Munhu akatora zita remunhu rekuti Jesu Kristu.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari (Jesu) pamuviri.

VAKOROSE 3:17 Vuye zvose zvamunoita, kana zviri zvoshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu.

Jesu zvino ndiro rega Zita ratinoda raMwari.

MATEO 28:18 Ipapo Jesu wakasvika, akataura kwavari, akati: Ndakapiwa Simba rose kudenga napanyika.

Masimba aMwari ose akaratidzwa mumunhu Jesu. Mwari akava munhu. Hatigoni kuwana mufananidzo waMwari unodarika iwoyo.

Jordan Maxwell akati, “mazita aMwari akasiyana ari muBhaibheri anoratidza kuita kwake achidarika munguva zhinji apo puraneti imwe yaitsikirira imwe iyo ichinotsikirirwawo neimwe yaitevera muhondo dzezvemuchadenga.”

Izvi hazvisizvo. Mapuraneti haagoni kurwisana. Imwe neimwe yakangogara panzvimbo haibvi. Mazita aMwari akasiyana aimiririra nzira dzakasiyana dzaaibata nadzo pamusoro pemaJuda. Zvino izvi zvose zvakapera nekuti Mwari akazova Munhu, akatifira izvozvi akugara mumoyo yedu kana tikatendeuka tikamugamuchira saMuponesi wedu.

MuTestamente Yekare aigara pamusoro pemaJuda nemazita ake akawanda, akagara nemaJuda ari Emanueri zvino anogara matiri seMweya Mutsvene waJesu Kristu.

Hakuna rimwe Zita raMwari ratingade nhasi, kunze kwezita Jesu Kristu.

 

 

Maxwell anodaidza Mwari kuti Huvepo hweMweya Unoshamisa. Saka Maxwell ari kumashure nemakore 2000. Mwari akaisa Mweya wake mumunhu izvozvi tinokwanisa kudaidza Mwari seMunhu akaita sesu. Parizvino anogara mumoyo yevanhurume nevanhukadzi vakazvarwa patsva.

Maxwell anoti, “kuita kwechitendero chechiKristu, chiJuda, chiIsramu kunoisa kunamata Sachuni muzvikamu zvakavanzika, sekuona kwataita pano, Ishe wemadengeredzwa achiriko muzvitendero zvine mbiri asi anoonekwa chete neavo vane meso anoona nekunzwikwa nevane nzeve dzinonzwa”.

Asi vanhu vekare havana chavaiziva pamusoro pemadenderedzwa eSachuni akazongoonekwa pakati pemakore 1610 ne1650 pakanga pagadzirwa materesikopu ane simba rakafanira aikwanisa kukudza chinhu kakapetwa ka 50.

Mugore 1979 takazivawo kuti Jupita ine denderedzwa kana ringi zvakare. Urenasi yakaonekwawo kuti kusvika nhasi uno ine maringi kana madenderedzwa 13 denderedzwa rekutanga rakaonekwa muna 1977. Mugore 1989 zvakaziviswa kuti Nepuchuni ine maringi kana madenderedzwa mashanu. Saka Sachuni yakarasikirwa nechinzvimbo chayo chayaive yapuhwa sepuraneti imwechete ine denderedzwa kana ringi. Chero tsananguro dzinotaura nezveSachuni nekuda kwekuti ndiyo yega ine ringi ndedzekunyepa.

Asi venguva itsva vaisaziva izvi pavakasimbirira padenderedzwa reSachuni.

Maxwell anoti, “Vanogirajuweta vanopfeka heti tema yesikweya pamisoro yavo (mortar board). Izvi zvinoratidza huwori huri muzvikamu zvedzidzo.”

Ane muono wakanaka pamusoro pezvikamu zvedzidzo kuti zvine huwori asi heti tema, yesikweya haina kuyananisa kwainoita dzidzo neSachuni nechero nzira.

MaPegani ekare vanodaro vakataura izvi asi hakuna chekutsigira kutaura uku. Vanoti mukadzi anozvarwa nguva yemucherechedzo wevirgo muzviratidzo zvenyeredzi anofanira kuva ari mhandara asi hazvisizvo panguva zhinji.

Arisi yaive nguva yepfumvudza kuBabironi makore 4000 adarika. Asi makore 2000 ega ega chiratidzo chenyeredzi chenguva yepfumvudza chinofamba parizvino akweriyasi inoratidzwa nemufananidzo wedende rekutakurisa mvura. Saka kuturikira uku hakuna kutsarukana nekuti zvinhu izvi zvinoshanduka nenguva.

Maxwell anonongedzera maguta nemadhoromba mazhinji ane masikweya.

Saka kuwanikwa kwesikweya muguta kana dhorobha kwaari zvine chirevo chisina kuita zvakanaka chinodudzira simba rezvematongerwo enyika rehuwori. Ane dama rakanaka paanoti simba rezvematongerwo enyika rine huwori asi sikweya yemuguta kana mudhoromba haiyananisi zvematongerwo enyika neSachuni. Akataura masikweya matatu ane mbiri zvakanyanya, ese anoyanana nemasimba epasi rino ezvematongerwo enyika akaipa.

St Peter’s Square iri muVatican. Red Square iri muMoscow. Times Square iri muNew York.

Chinhu chiripo ndechekuti hapana pakati pemasikweya aya anyatsori masikweya pachimiro chawo kana achipimwa.

“Vatican Square” inodaidzwawo kuti St Peter’s Square. Ine chimiro chemufananidzo weripisi (denderedzwa rakapwanyiwa) rikabatanidzwa nemawoko maviri anokombama zvinonoburitsa chimiro chemufananodzo wetiraipeziyamu.

Red Square iri kuMoscow irekitengo rakareba rinonotsveyama parinonosvika padyo nezambuko.

New York Square: Time Square haina mufanaidzo wesikweya pakutarisika kwayo, asi yakaita mufanaidzo webhoti (bowtie) kakaitwa nematiraiengo maviri akangoenda zvisina tsarukano kumusoro nekuzasi kubva mumugwagwa we45 Street. Asi zviri nyore kutaura kuti “Times Square” pachinzvimbo chekuti “Times Bowtie”.

Saka munzvimbo nhatu huru dzezvematongerwo enyika idzi masikweya haana chimiro chesikweya, kana Red Square yeMoscow hainzi”black” square zvingaenderane netsananguro dzaMaxwell.

Saka zvinotaurwa naMaxwell mune zvichauya zvinogona kufuratirwa sezvo kutaura kwake kwekuti zvinoyanana nesikweya hazvisizvo.

Kutaura kwaMaxwell kwekuti maringi emuchato anoratidza kubata kweSachuni pamusoro pevanhu, nekuti Sachuni ine ringi rakatenderera pairi. Asi ringi rakatenderedza satuni iri rakazoonekwa pakati pegore 1610 negore 1650 apo materesikopu ane simba akanga agadzirwa. Vanhu vekuEgipita, maGiriki, nemaRoma vese vaive nemaringi emuchato, kare vanoongorora zvemuchadenga vasati vaziva pamusoro pedenderedzwa reSachuni. Tingati mapuraneti ese egasi makuru anemaringi , Jupita Urenasi, Napuchuni, neSachuni. Saka nei Sachuni iine mbiri yese?

Ongororo yeveNguva Itsva “New Agers” kutaura kwekuti, “Hazvidakadzi here kuti vatumwa kana ngirozi dzine maringi mumisoro yadzo uye Sachuni ndiyo yega puraneti ine ringi kana denderedzwa pairi?”

Tine hurombo Maxwell -- Jupita, Nepuchuni, neUrenasi ane madenderedzwa zvakare. Mapegani ekare vanodaro vaiti Sachuni ine ruvara rutema asi hakuna chiriko chekutsigira kutaura kwavo. Uyezve vanhu vanopfeka mbatya tema havasi vose vanonamata Sachuni. Haasi mavara akawanda anobva anyatsozivikanwa asi kune mapoka akawanda evanhu anoda kuzivikanwa neruvara rwavanopfeka. Saka chero boka rinoda kupfeka ruvara rwakasarudzika harina mavara akawanda ekusarudza kubva paari. Mapoka akawanda asina kuwiririna pakati pawo anoguma akushandisa ruvara rumwechete. Boka remaMoziremu rinonzi ISIS neve North Vietnamese Vietcong vose vanopfeka ruvara rutema asi havana yanano zvachose. Varimi veSouthern Vietnamese vaipfeka ruvara rutema nekuti runoratidza tsvina zviri nani kudarika ruvara ruchena mauto enorthern Vietcong aida kuonekwa kunge maSouthern Vietnamese kuti vafambe pakati pevanhu vekuSouth Vietnam.

Vazhinji, kana vasiri vose maArabu anogara mumarenje vanopfeka ruvara rutema vanoona ruchivaitira kudarika ruchena. Izvi hazvina chitendero mazviri. Ruvara rutema runotora mudziya wemiviri yavo yourasa kana kuinekamhepo, sekuti kana vakatasva kamera richifamba. Ruvara ruchena runodzosa mudziya mumunhu otsva zvakanyanya. Zvinoita sezvisingasangani asi ichokwadi, mumarenje ruvara rutema runotonhorera kudarika ruvara ruchena kana vakatasva makamera achifamba.

Kune vamwe, ruvara rutema runoratidza simba, kushinga nekuoma. Kune vamwe, ruvara rutema ruvara rusina charunoreva muChina yanhasi ruvara rutema runoshanda pambatya dzemazuva ese.

Mapegani achiti ruvara rutema nderweSachuni kungotaura kusina zvakunoreva. Hakuna ruvara rutema kuSachuni. MuChina vanoti ruvara rutema nderwepuraneti Mekiyuri yero ndiyo yeSachuni. Uku kwese kutaura kwefungidziro dzevanhu.

Kana vanotevera Sachuni vachiti ruvara rutema ndirwo rwavo, izvozvo hazvirevi kuti munhu wese anopfeka mbatya dzeruvara rutema anonamata Sachuni. Vamwe vanhu vanopfeka ruvara rutema nekuti vanoda kuratidzika sevanesimba. Vamwewo vanopfeka ruvara rutema nekuti vanofunga kuti runovaita kuti vataridzike zvakanaka.

Zvinotaurwa nevanhu pamusoro pembatya tema: Mbatya tema dzakanaka. Dzinogona kugara nguva yakati rebei dzisina kuwachwa kana kuayinwa kudarika mbatya dzemamwe mavara. Unogona kurasira svutugadzike padziri kwoshaikwa anozviona.

Saka hakuna boka rinoti ruvara rutema nderwavo sezvo vanhu vachipfeka ruvara rutema nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

Maxwell anotuka vatongi nekupfeka magawuni matema, anoti izvi zvakabva kuchiprista chakare cheSachuni. Anodaro achitaura chokwadi, asi kune zvimwe zvinhu zvinosanganiswawo ipapo.

Vemarudzi evatorwa vakaparadza hushe hweRoma vaipfeka midhebhe. VeRoma vaipfeka toga yakaita kunge magawuni. MaRoma akaenda mberi netoga yavo kuti varatidze kuti vaive vasiri verudzi rwevatorwa. Vadzidzi veRoma, kusanganisa vatongi, vakazogadzirisa toga kuriita gawuni remuzvikoro. Maprista aidzidzisawo pamayunivhesiti saka vaipfekawo magawuni aya. Ruvara rutema ruvara rwakanaka sekuti haruratidzi tsvina zviri nyore. MuNguva dzerima kana nguva dzepakati (Middle ages) vanhu vaisageza nguva dzese kana kutorega. Saka mbatya dzeruvara rutema dzaipfekwa kwenguva refu dzisati dzagezwa. Nguva dzeRima dzaitonhora, dziine rima netsvina. Farai kwazvo hamuna kuberekerwa munguva iyoyo.

Saka maprista, vadzidzi vemayunivhesiti nevatongi vaitofanirwa nemagawuni matema.

Asi kunewo mukana wekuti kunowanikwa vemapoka akavanzika vanoshandisa mbatya dzeruvara rutema, kunyanya mukereke yeRoman Catholic sezvo vaiuraya vanovapikisa vazhinji zvaishamisa muNguva dzeRima.

Venhorondo vazhinji vanoti tsika dzekupfeka gawuni dema muEngland dzakatanga pakuchema parufu rwaMambokadzi Mary II muna 1694.

Zvakaoma kuti tizive uye tinzwisise kuti tsika dzegawuni dema dzakapinda sei muvatongi mumakore 200 adarika.

Hakuna murairo wakatara izvi.

Tsika iyi inogona yakatangwa nevatongi veFree Mason. Asi humbowo huripi hwekuti veFree Mason vane kubata pamusoro pemitemo nekuti vanodaro vakaita kuti vatongi vapfeke magawuni matema. Vatongi muEngland neAmerica vanoita sevakazvimiririra uye vangori vatongi, sekubata kwavanoita, zvichibva pamurairo wenyika.

Hakuna mitemo unosungira kuti vatongi kana vari mumabasa emutemo vapfeke chii vari pabasa, kana nzvimbo inowanikwa magawuni ekumakoti epamusoro -soro.
Maxwell anoti nyeredzi yaDavidi ine miseve mitanhatu ndeyechitendero chevaKenani iri chiratidzo chamwari wavo vakare, Sachuni.

Izvi zvinongoita kunge fungidziro.

Nyeredzi ine minongedzo mitanhatu yaiyanana nevaEgipita maHindu, maBuddihisiti nemaJains.

Kagome crest yeJapani ine minongedzo mitanhatu inogona kuwanikwa mumapako akawanda eShinto emazuva anodzokera kusenturi rechishanu BC, uye iri pamatombo ose anowanikwa takusvika paIse-jingu.

Hakuna yanano yakajeka pakati peIsraeri nemaHindu, maJains, maBuddihisiti neShinto Japan. Makomo makuru eKush eHindu, anowanikwa kwakaperera Himalayan range, aive muganhu wakakura kwazvo pakati peIsraeri neIndia.

Kana maJuda akati nyeredzi yeminondedzo mitanhatu ndeyechiratidzi chechitendero chavo hazvirevi kuti vanotendawo mutsika dzeShinto, Buddhist, Hindu, Jain kana zvinamato zveEgipita.

Hakuna akagona kubatanidza zvitendero izvozvo zvese kuita chinhu chimwechete chisingaparare.

Pamusoro pazvo zvese, maBuddihisiti havana mwari. Vanotsvaka kuva chinhu chimwe nedenga nenyika, hameno kuti zvinorevei.

MaHundu vane vamwari vakawandisa mamiriyoni chaiwo nezvinyorwa zvavo zvinoyera, Veda.

VeShinto vanosimbirira pakupira midzimu vachizviita nekuzvipira kukuru, kuti vachengetedze yanano pakati peJapan yanhasi neJapani yakare. Havana Magwaro avanoyeresa.

MaJains, “vamwari” variko mweya yakachena yevanhu vakazova vatsvene uye vasingateveri sainzi, vakachena vanofara nekusingaperi.

Zvitendero izvi zvese hazviyanani neSachuni kana kunamatwa kwayo zvisinei nekushandisa nyeredzi yeminongedzo mitanhatu.

Hakuna munhu anganzi muridzi wemucherechedzo. Zvitendero zvakasiyana zvinokwanisa kushandisa chiratidzo chimwechete chero zvisina kufanana.

Chiratidzo, mazwi, nemavara hazvisi zvemunhu mumwechete kana boka rimwechete nekuti munhu anenge ataura kuti ndezvedu.

 

 

Chinangwa chikuru cheveNguva Itsva (New Agers) ndechekuti vatungamiri vavo vakaita saMaxwell vaburitse pachena zvakavanzika zvemapoka esimba. Mapoka esimba aya ariko anorarama asi haana chekuita neshanduko dzese dzinoitika.

Hakuna boka resimba rakavanzika rinotonga mamiriro ekunze.

Hitler paakaita simba rakakurisa akapotsa apamba Russia akamiswa nechando chakanyanyisa nemvura zhinji yakaita kuti ivhu rese rive matope. Sarudzo yake, yakaitwa muna 1936, yekuisa matayi pamuchovha wake wehondo pachinzvimbo chematireki ematangi, zvakamukundisa kuita hondo munzira dzeEurope dzaive netara asi zvikamukundisa muhondo neRussia. Hakuna simba rakavanzika rakaronga izvozvo. Mwari ega ndiye akazviita.

Major Sweeney akaenda nendege kuguta reJapani reKokura kunodonhedza bhomba reatomi rechipiri muna 1945. asi guta rese raive rakaputirwa nemakore saka akaramba achienda akanodonhedzera bhomba paNagasaki. Hakuna munhu angadai akagona kuronga izvi.

VeNguva Itsva vanoedza kuita mufananidzo wevanoita zvesimba vakavanzika vari kuedza kubatanidza zvinhu vari kwakavanzika vari kupesana nemuvengi chaiye. Kusimbirira kwavo pasimba rakavanzika remapoka akavanzika ezvematongerwo enyika uye zvemari kunogona chete kuzivisa chidimbu chete chezviri kuitika chaizvo. Havasi vemabhangi kana vezvematongerwo enyika vakavanzika vachatora nyika, chero vainekubata kukuru kwavachaita mazviri pakupedzisira. Kutonga pasi rese kunoda simba nekutonga munezvechitendero mari uye zvematongerwo enyika. Saka chakavanzika chakavanda kutonga kwezvechitendero kwemakereke edu achishandisa dzidziso yenhema nekusanganisirwa munezvematongerwo enyika.

Jordan Maxwell nevamwe veNguva Itsva (New Agers) vanoedza zvakasimba kuburitsa pachena kuti kunamata Sachuni kuri kutonga pasi rese.

Anoziva kuti chipegani chakadzikisira chitendero.

Asi kukanganisa kwake kukuru ndekwekushandisa chipegani chisiri mukereke. Judasi aive antikristu wenguva yake asi aive mumwechete wevadzidzi. Aibata mari .

Saka kukanganisa kukuru kwanhasi kudisa mari kuri mumakereke emasangano. Makereke akapfuma kwazvo, kunyanya kereke yeRoman Catholic.

Kutaura kwekuti puraneti yakafa Sachuni inotonga hondo dzedu nehupenyu hwedu hazvina kurudziro. PaKuuya Kwekutanga kwaJesu, aive mudzidzi Judasi akapindwa naSatani. Saka kana tichida kuwana pachadzikisirirwa chiKristu nechipegani, tinofanira kutsvaga tsika dzechipegani dzinotorwa nemakristu uye dzichitendwa zvakanyanyisa nemaKristu mumakereke. Zvichibva kunaZvakazarurwa 17 ikereke yeRoman Catholic nemakereke akabuda mairi achiti anopikisa zvainotenda mazviri vari pakati pehuwori chaihwo hwenguva yekupedzisira. Kana tisingatenderani nechiprofita cheBhaibheri ichi, tinorasika.

Tese takadarikirwa nezviitiko zvanhasi. Nei? Tinotarisa nemugirazi toona maonero akazanganiswa uye, zvisinei, nzira dzaMwari dzakakwirira kwazvo kudarika zvatinofungira. Zviitiko zviriko zvakakwirira kwazvo kudarika mafungiro evanhu.

Maxwell anokwanisa zvisingarambiki kutipa ruzivo ruzhinji rwemapoka akavanzika nezvinamato zveSachuni, asi ruzivo irworwo runogona sei kutiponesa kubva kudutu rekutongwa riri kuuya? Anotaura chokwadi kuti mapoka akavanzika aya vavengi asi haasiwo muvengi mukuru werudzi rwevanhu. Maxwell haana nzira iyo vateveri vake, kana isu kana tichiterera kwaari, yatinogona kupunyuka nayo kubva kunguva yeKutambudzika kukuru iri kuuya.

Bhaibheri rine nzira yekupunyuka nayo inodaidzwa kuti kukwira kudenga mukubwaira kweziso apo Jesu achashandura miviri yevatendi vake vechokwadi kuiita miviri yakafuka kusavora isingafi ovatora kukwira navo Kudenga pamwe naye, apo vamwe vese pasi pano vanopinda mugehena renguva yeKutambudzika kukuru.

Asi Maxwell haanzwisisi zvinoprofitwa neBhaibheri zvakanaka zvekugona kutiudza kuti kukanganisa chaiko kwekereke ndekupi uye kuri kutiputira sei.

Antikristu wekupedzisira achasimba kwazvo nezvitendero zvechipegani zvakatorwa nemaKristu. ChiRoman Catholic chine zvimwe zvitendero zvakaipa, zvakatorwa kubva kuchipegani, ikaparidza uye iri kuparidza zvitendero izvi kune vakabuda mairi. Rimwe zuva masangano akabuda mairi akasiyana aya achabatana pasi pehutungamiri hwaPope. Pope wekupedzisira uyu achaita kubata munezvemari nemaJuda eWall Street nevezvezvishongo zvematombo anokosha sezvo vaine simba pamusoro pemusika wezvemari pasi rese. Ipapo vezvemabhangi pasi rese vanenge vane basa rekuita asi vanenge vasiri vatungamiri kana vatongi . Vanenge vachifanira kuva pasi paPope wekupedzisira vomuterera zvaanotaura. Simba remari rine kurudziro huru kwazvo asi haitongi pasi rese. Vanhu vazhinji vane rudo munezvechitendero saka antikristu anofanira kuva wechitendero kuitira kukunda pasi rese.

Saka chekutanga Diaborosi anofanira kutapa zvitendero zvapasi rese.

Ichi ndicho chinangwa chake chikuru. Antikristu achatora chigaro chapope neimwe nzira obatanidza vemasangano nezvimwe zvitendero. Vachabvumirama nehutungamiri hwake.

Musika wemari wemaJuda unobva wapa Pope wekupedzisira simba guru pamusoro pezviitiko zvepasi rese nevemabhanga vezvemari nevamwe vakuru vanobva vawira pasi pehurongwa hwake. Chipopu chine vateveri vazhinji munezvematongerwo enyika saka chichabatana nekutonga mapoka akavanzika ezvematongerwo enyika. Makereke, naPope pamisoro yavo, vachatonga nekuti makereke, nezvimwe zvitendero, ndiro richava boka rinofambisa zvinhu panyika.

Mapoka ese azvechitendero, maKristu nevamwewo, vanodzidzisa vanhu vavo kuti vaterere nekutevera vatungamiri vavo nekutenda kwemapofu. Saka chatinongoda izvozvi kuuya kwemukuru wezvechitendero achava Pope wekupedzisira kuzotonga vatungamiri vezvitendero. Izvi zvichava nyore kana Pope akutonga mari yepasi rese. Vakuru vemakereke vanoda kwazvo kupfuma.

Zvino vadzvanyiriri gumi vanobva vapa simba remauto avo kuna Pope.

Kubva ipapo zvichienda mberi achava asingamisike kana kutangika sezvo simba rake remauto rinobva ramisa vapikisi vose. Vadzvanyiriri gumi vari makona mana enyika vanozotonga nyika yese zviri nyore sezvo umwechete wavo anenge ari padyo nechero nzvimbo yada kutangira kusarongeka. Zvinenge zvisina kuita sanhasi apo veAmerica vanotora kana mwedzi mitanhatu kuti mauto avo ave mune imwe nzvimbo pasi rino. Nenguva yavanenge vaisa mauto munzvimbo mbiri dzakasiyana pasi rino, simba remauto avo rinenge ratosvika pamuganhu waro.

Chipegani chonodzikisira chiKristu chii?

Zvichibva kunaZvakazarurwa Chitsauko 17 zvakavanzika zveBabironi, kwete mwari wevapegani Sachuni wekuEgipita. Sachuni marara sezvo Zvakazarurwa haitotauri nezvayo.

Zvitendero zvipi zvine maKristu zvakabva kuBabironi?

Kereke huru ine munhu mumwechete anoitonga.

Kunobva kwaita kusimudzirwa kwemunhu anotungamira, zvinodaidzwa kuti tsika dzavaNikoraiti. Mutungamiri anobva apamba ungano apo sangano rinodzidza kuzviwisira kumusoro waro, mufundisi. Musoro wekupedzisira wemisoro yese yemakereke achava Pope.

Tarisai zvinotaurwa nekereke yeRoma. Pope akatosimudzira St Petro kuva muchengetedzi wemusuwo wedenga. Sezvo aine makiyi edenga saka munokwanisa kupinda denga chete kana muchibvumirana naPope nekuzvininipa pamberi pake sezvo ari ndiye mumiririri waPetro panyika. Izvi zvakagara zvichipa Pope simba guru pakati pemapegani. Pope ega ndiye anogona kuti ane chekuita nekupinda kwemunhu denga.

Bhishopu weRoma Damasus, makore akapoteredza 378 AD akatora chinzvimbo chemuprista mukuru chaPontiff, izvi zvakamupa kukudzwa kukuru pakati pemaKristu nemapegani. Vanhu vakachenjera vakatanga kurukanisa mazwi echiKristu neechitendero chechipegani. Ishtar eggs akava maIsita egi. 25 Zvita, zuva rakazvarwa mwari wezuva, rakava zuva rakazvarwa Mwanakomana waMwari. Nyaya yekuzara kwehuMwari yakanyengera maKristu yaive isiri yamwari wemapegani Sachuni (isina maKristu anotenda mairi), asi pfungwa yetiriniti yemapegani yakapararira kubva kuBabironi kuenda kuEgipita ikaenda kuGreece ikazoenda kuRoma. Mugore 325 AD pakanzuru yeNicene yakabva yatorwa kuva dzidziso yechiKristu yaBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene. Mukuitika kweizvi Mwari akarasikirwa nezita rake izvozvi akugarodaidzwa nemazita eZvinzvimbo zvake zvitatu. Uku kutadza kukuru, saJudasi, mukereke yemaKristu. Bvunzai muKristu kuti zita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene ndiyani munozoona kuti havazivi. Totenda chipegani, Mwari wemaKristu akarasikirwa neZita rake.

Kana muchida kuona njodzi chaiyo ine kereke, tarisai zvitendero zvechipegani zvakaitwa dzidziso chaiyo mukereke.

 

 

Chinhu chinotyisa chinotendwa neveNguva Itsva kugona kwavo kudzikisira minana yemuBhaibheri kuiita zvinhu zvazvowo zvisina kusiyana nezvinhu zvinoitika mazuva ose.

VeNguva Itsva vakadzikisira minana yaJesu nekutaura kuti zvinhu zvinongoitika mazuva ose.

VeNguva Itsva vanoti, “kuratidzirwa kwezuva kunofamba pamusoro pemvura kwokwira kudenga.”

Vanotaura kuti ndizvo zvinoreva “nyaya” yaJesu paakafamba pamusoro pemvura. Jesu ndiye Mwanakomana waMwari ndiye zvakare Chiedza chenyika. Jesu, vanotaura, angoriwo ngano inobva pazuva iro chiedza charo chinoratidzira chichibva mumvura.

Nenzira iyi veNguva Itsva vanosiya chishamiso chikuru vachiti inyaya kana ngano votaura kuti kwaingova kuratidzirwa kwechiedza chezuva chichibva pamvura.

Asi Jesu akafamba pamusoro pemvura mudutu guru raive rasimuka. Dutu rakasimudza masaisai hariratidziri zuva, panodiwa kuti pamusoro pemvura pati sandarara kuti paratidzire chiedza chezuva.

Saka Jesu akaita zvisingagonekwi nezuva. Akafamba pamusoro pegungwa rakatsamwa risingagoni kuratidzira chiedza chezuva. Edzai kutarisa mufananidzo wechiso chenyu mugungwa rakatsamwa. Hapana chamunoona.

Akaitawo kuti Petro afambe pamusoro pemvura. Zuva harigoni kukwikwidza izvozvo. Akabva araira dutu remhepo rikamira. Zuva rinogona kuita izvozvo here? Zvakare, zuva rinokurirwa neMusiki waro.

Kuratidzirwa kwezuva.... kunokwira kudenga”. Ndiko kunyaradzwa kunoitwa nyaya yekukwira kudenga kwaJesu, Mwanakomana waMwari, Chiedza chenyika, neveNguva Itsva.

Asi 15% chete yezuva, rinobva panyika, ndiyo inodzorerwa kudenga (kana kuti inokwira kudenga”) kana kusina makore kudenga. Mvura yegungwa inoratidzira 6% yechiedza chinorova pairi. Asi Jesu akafamba pamusoro pemvura mugungwa reGarirea. Gungwa reOntario, gungwa rine mvura inomwika, inoratidzira 7 % kusvika ku 11 % yezuva. Kune zvikamu zvisingadariki 2% zvechiedza chezuva zvinodzokera zvinobva pamusoro pemvura. Saka chiedza chese “chinokwira kudzokera kudenga” kubva mumvura dzegungwa hachidariki 13% (chikamu chimwechete kubva muzvinomwe zvechiedza chezuva). Asi izvi ichokwadi kana uri musi usina makore. Kana kuine makore muchadenga, chiedza chizhinji chacho chinoratidzirwa pamusoro pemakore. Ndicho chikonzero nei makore achitipa bvute. Chiso chenyika chinobva charatidzira chiedza chishoma kwazvo chichidzokera kudenga uye chiedza ichocho chizhinji chacho chinobva chamedzwa nemakore ari pamusoro penyika. Saka chiedza chaicho chinobva kuzuva chishoma shoma kwazvo “chinokwira kudzokera kudenga” pamusoro pemakore, chichibva panyika.

Asi Jesu akakwira Kudenga negore. Iye wese (100%) akakwira kudenga, chero paive paine gore raivepo. Zvakare, chiedza chezuva hachigoni kutotanga kukwikwidza nezvinogona kuitwa neChiedza chenyika zvachose.

Chisikwa kamumvuri kakadzima kwazvo pane Musiki. Chisikwa hachina kufanira kunamatwa.

Maxwell anoti 98% yechiJuda (Testamente Yekare) inobva pakunamata Sachuni.

Asi ko zvese zvakaprofitwa zviri muTestamente Yekare? Vamwari vemapegani havagoni kuprofita.

Ko Tabernakeri neTemberi zvaive zvisina chekuita neSachuni.

MaRoma akatumidza Mugovera kuti “Dies Saturni” (“Saturn’s Day”) tisati tasvika musenturi yechipiri (pakati pe100 AD ne 200 AD) vachiitira puraneti Sachuni. MaJuda akanamata musi wemugovera karesa izvi zvisati zvaitika, makore anoda kuita 1700 isati yatanga kudaidzwa kuti (Saturn’s Day) Satadheyi.

Maxwell anoti kunamata Mugovera zvinotiita vanamati veSachuni.

Asi maKristu anonamata musi weSvondo. Saka anotiwo tinonamata zuva.

Saka tikafunga nenzira iyoyo, Muvhuro (Monday) zvinotiita vanamati vemwedzi (Moonday). Chipiri (Tuesday) ndera mwari weNorse weTiw. China (Thursday) nderamwari weNorse wemabhanan’ana, Thor. Chitatu (Wednesday) nderamwari weGerman Wodan. Chishanu (Friday nderamwarikadzi wemaAnglo-saxon Frige.

Saka kana zvichibva kuna Maxwell, kana muchinamata pane chero musi munokurudzirwa nechipegani.

Asi hakuna chitendero chinogona kutaura kuti zuva rakati nderavo. Kune zviuru zvezvitendero nemazuva manomwe chete muvhiki. Saka zvakadaro, zvimwe zvitendero zvakasiyana zvinoguma zvakunamata zuva rimwechete.

Chitendero cheRoma yechipegani nechiMithra chekuPersia vakasarudza Svondo sezuva ravanonamata. MaKristuwo akaita zvimwechetezvo. Izvi hazvirevi kuti maKristu aive mapegani kana vanamati veMithra.

Maxwell anoti, “maJuda 6 miriyoni vainamata Mwari kuti avabatsire panguva yeHorokositi yaHitira asi hakuna rubatsiro rwakauya”.

Zvisinei, kuzvipira kwavo kwakarwadza pasi rese zvekuti nyika dzepasi rese dzakanzwira maJuda tsitsi kwekanguvana vakasarudza kuti vapuhwe chidimbu chePalestine, vakakunda nemavhoti maviri kudarika chinzvimbo chezvikamu zviviri kubva muzvitatu zvevaipikisa mumusangano weUnited Nations muna 1947, kuita musha wemaJuda.

PaChisimbiso chechishanu kuna Zvakazarurwa chitsauko 6 tinoona kuti maJuda vakafira kutenda kwavo vanoenda kudenga sezvo vakapuhwa nguwo chena. Saka vakapihwa mubairo wekupinda denga mamwe maJuda ese vakapihwa musha wavo wechipikirwa. Saka Mwari vanonzwa nekudavira, asi nenzira yakasiyana kwazvo nezvatinenge takatarisira.

Maxwell anoti, “minamato yemaKristu muAmerica haidairwi nekuti zvakaipa zviri kuramba zvichiwanda uye tese takarasiswa nekunyengerwa. Saka tinofanira kuziva chokwadi”.

Asi zvakavimbiswa kuti zvinhu zvichaipa.

II TIMOTIO 3:13 Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nekutsauswa ivo.

Kutenda haisi nyaya yekuwana hupenyu hwakareruka. Kutenda inyaya yekushingirira nekukurira panoipa zvinhu.

MuBhaibheri ndimo matinogona kuwana ruzivo runotiponesa.

II TIMOTIO 3:15 Kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva manyoro matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.

Maxwell anoti chitendero chevaKenani chakapararira kuenda kuvaDruid. Izvi hazvisi zvechokwadi. MaDruid akatangira kuEngland, kwaive kure kwazvo, vakapararira kubva ikoko kupinda pakati peFrance.

VaKenani vaive nehuwori kwazvo uye Mwari aive araira kuti vaparadzwe. Kupa vana sezvipiriso, chikanabari chisodhoma nezvimwe zvakadaro ndidzo dzaive nzira dzavo dzekurarama.

Jushua akavabvisa kusara kwevamwe vaigara muGeza. VaKanani ava vaifanira kugara munzvimbo dzaEfraimi.

NUMERI 21:3 JEHOVA akaterera izwi ravaIsraeri, akavapa vaKanani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Horma.

DEUTERONOMIO 20:18 Kuti varege (VaKanani) kukudzidzisai kuita zvose zvavo zvinonyangadza, zvavakaitira vaMwari vavo. Imi mukatadzira Jehova Mwari wenyu.

JOSHUA 16:10 Havana kudzinga vaKanani vakanga vagere Gezeri; asi vaKanani vakagara pakati pavaEfraimi kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.

Zvinoita sepasitorina chinozivikanwa pamusoro pezvitendero zvemaDruid, kunze kwekupira kwavaiita nemuoki nemumistletoe zvinotsanangurwa naPliny Mukuru wavo.

Pliny anongoyananisa maDruid nemuoki nemistletoe. Asi mamwe mapegani aishandisa muhori muivhi zvakazokudzwa kuitwa mhemberero dzeKisimusi, asi muhori hauna kubva kuvaDruid.

VaDruid vakatanga kutsanangurwa naJurio Kesari vakatsikirirwa nevaRoma. Vaive vatsakatika mugore 200 AD.

Hapana kuyanana chaiko pakati pevaDruid vekure vari kuEngland nevangadai vakararama vemuKanani vakasara vakazogara munzvimbo dzevaEfraimi.

Kuneta kuri patsananguro dzeveNguva Itsva itsika yayo yekutaura zvinhu zvisina humbowo hunobatika.

“Zvinhu” zvinotaurwa izvi ifungidziro dzakazara apo vanotsvaga kutsigira mifungo yavo isina nheyo dzakasimba.

Mwari wevaKanani mukuru aive El. “El” izwi rinongoreva kuti “Mwari” kana kuti “mwari”. Izwi rinotaura simba. Wezvenhorondo wechiGiriki Philo anotsanangura El wevaKanani semudeuri weropa, uyo kuita kwake kwaigumbura vamwe vaMwari vese, akabvisa baba vake pachigaro, akauraya mwanakomana wake waaidisa, akagura mwanasikana wake musoro. Nhetembo dzeUgaritic dzinowedzera mhosva dzeruvengo rusingadzoreki kuhunhu hwake hwaityisa uye kutsanangurwa kwekubata kwaakaita vakadzi vaviri vasina kutaurwa mazita, zvinyorwa zvakazara nyaya dzepabonde (zvizhinji zvezvinyorwa zvevaKenani zvinotaura zvitsverudzi).

VeNguva Itsva vakasimba kutarisa chitendero chevaKanani nezvitsverudzi zvekuti vanokwanisa kuwana kuzvipipirira pamaonero avo akazadzwa nezvitsverudzi. Saka vakawira mumuteyo wechivi chekutanga chaive kuunza hupenyu nekusangana pabonde. Vanokudza kusangana pabonde sechikonzero chikuru chinounza hupenyu, vachikanganwa kuti rudzi rwehupenyu ihwohwo runofa. Hupenyu husingaperi haugoni kuuya nenzira iyoyo. Jushua akaparadza vaKanani netsvina dzavo vaIsraeri vakabudirira. Asi mubudiriro yavo, pasi paSoromoni, maJuda vakadzokera pakunonyengana nemapegani zvakazovasvitsa pakuparadzwa neBabironi.

 

 

Maxwell anoti vanyori vakangonyorawo zvechitendero zvenguva yaJesu.

Asi basa revanyori raive rekutevedzera vachinyora zvaive zvakanyorwa zveTestamente yekare. Vaiita izvi zvakanakisa.

Akabva atuka Bhaibheri reKing James Vhezheni nekuti rakabvumirwa naMambo James. Uku kutaura kusina nheyo. Aitura kuti vaiturikira vaingonyora zvavaifunga.

Vadzidzi vanoda kusvika 60 vakaita basa remakore manomwe. Vese vaive nechipo muchiLartin, Giriki neHeberu.

Vaiturikira mazwi kubva muchiHeberu nechiGiriki vasina kutanga vaedza zvekufungira kuti zvairevei.

Ndicho chikonzero nei Bhaibheri reKing James Vhezheni riri Mukuru wedu. Munofanira kutenda kune zvarinotaura.

Mavhezheni anhasi eBhaibheri haateveri izwi nezwi zvakanaka. Vanokuudzai zvaifungirwa nevaturikiri kuti zvaida kurevei. Ndicho chikonzero nei kuine mavhezheni akawandisa emazuvano. Vaturikiri kana vashanduri vakasiyana vanofungs kuti rinorev zvinhu zvakasiyana.

Uku kutadza kukuru kweveNguva Itsva. Maxwell anoremekedza Bhaibheri zvakanyanyisa, asi anorishoropodza achiti kungobharabhadzawo. Uku kuzvirwisa kwakazara.

Mhedzisiro yatinowana kubva pakuzvirwisa uku ndeyekuti haatendi kuti Bhaibheri rinoshanda uye nderechokwadi.

Maxwell akati, “Vamwe vakadzi vanobvuma kutenda zvimwe zvitendero zvavasingatendi mazviri, pakutanga vanoti anokwanisa kuva ari Mwari Amai. Handizivi.”

Kutaura kwakadii uku. Zvichibva kuna Maxwell, Mwari anogona kuva ari mukadzi. Saka Maxwell akaburitsa kusaziva kwake pamusoro paMwari. Maxwell anoti, “ nei tichiti Mwari Baba? Nekuti maHindu anodaidza mwari kuti mvura yakaberekesa mai vanova nyika’”.

Chekutanga maJuda aive asina chaanoziva nezvemaHindu. Kana kutoda kuziva nezvavo. MaRoma vakavenga maJuda nekuti vaive vanhu vakasarudzika. MaJuda vaitambira kure nezvimwe zvitendero zvese.

Chechipiri, mvura inonaya haina wayakapa mimba.

Kupa mimba kuisa mbeu mudumbu. Kuhupenyu hwezvinomera, chinomera chega chega chine mbeu yacho. Kana mbeu iyi ikasadyarwa munamai nyika mvura isati yanaya, mvura haigoni kuita kuti ikure.

Anotaura kuti kamwechete pagore kwaive nemhemberero paPhonecia-Cana apo mvura dzezhezha dzinouya kuzomeresa nekupa hupenyu. Maxwell anoti mvura yezhezha yeKanani yekare ndiyo yaidaidzwa kuti mutambo wemuchato wepakana. (Zvakaoma kutora kutaura uku sekune musoro).

Rangarirai vaKanani vaive vaparadzwa naJoshua kusara kwevashoma shoma. Nzvimbo iyi yaive ichiri kudaidzwa kuti Kana asi rudzi rwaEfraimi ndirwo rwaigaramo. Vakararama vevaKanani vaive vashoma kwazvo. Jesu aive muJuda maJuda vaive vasinei nemichato yemapegani. Uyu waive muchato wemaJuda waaive akokwa.

Maxwell akabva aona muono “wakadzama” panyaya yemuchato wepaKana wemuBhaibheri. Mary, mai vaJesu, mucherechedzo wenyika nezviri mairi saamai achikumbira Jesu mucherechedzo wezuva rabuda kuti atore mvura inopwa ichikwira kumakore kwainonogadzana yozonaya kuti ikuze mizambiringa. Vanhu vanozoita kuti mizambiringa ive waini. Saka anoti zuva rinobuda rakashandura mvura kuita waini. Jesu, Muponesi akamuka, mucherechedzo wezuva rinobuda akatiponesa. Kana zuva rikasabuda mazuva ese tinofa.

Asi tsananguro iyi izere maburi. Jesu akazongoita zuva rabuda mumashure mekumuka kwake kubva kuvakafa. Panguva iyoyo, aive asiri zuva rakabuda. Aifanira kufa omuka asati ataura kuti aive Muponesi akamutswa.

Zuva harishanduri mvura kuita waini.

Mvura pachayo haina chiyamuro iri yega sezvo panofanira kuita ivhu nemuzambiringa. Zuva rowedzera chiedza. Asi kuita uku kunotora mwedzi yakati kuti muzambiringa, unofanira kupururirwa nekupihwa manyowa, usati wakugona kubereka mazambiringa. Zambiringa pacharo rinotobva pamvura inonaya uye pazviwanikwa zvinokudza zvinotorwa nemuti muvhu.

Vanhu vanofanira kunhonga mazambiringa panguva yakafanira vachirasa akaibvisa kana asina kuibva. Anofanira kusvina mazambiringa vomimina mvura yawo. Mbiriso inobva yaiswa mvura yawo yoviriswa kwenguva yakati rebei inoda kukwana mwedzi mumakate emuoki. Kubvisa tunhu tuduku, mapurotini nembiriso yakafa kunofanirawo kuitwa. Mvura yemazambiringa yakavidzwa inobva yaiswa zvakare mune rimwe gate remuoki yoitwa kuti igare irimo kwenguva refu. Mumashure menguva refu iyi chete nebasa rakaoma ndipo panonzi paane waini. (Saka tsananguro yekungwara kwaMaxwell yezuva rinobuda kudenga roita waini ndeyekunyeba zvayo.)

Jesu, Mwanakomana waMwari, aive asina zvese izvi. Akangoita kuti vanhu vachere mvura vakazadza magate matanhatu.

Mwanakomana haana kuchera mvura.

Pakarepo akabva ashandura mvura iyoyo kuiita waini. Pasina muzambiringa pasina ivhu. Pasina kusvina. Pasina kumimina kana kuwedzera mbiriso. Pasina kuvidza mugate remuoki. Pasina kunatsa mvura yemizambiringa yakavidzwa. Hapana rimwe gate remuoki rinodiwa kugadza waini kuti riisirwe mvura yakavidzwa iya kuti izoita waini.

Jesu aiitei chaizvo? Jesu apa aivepo kuratidza chakavanzika chakadzama.

Ndiye wekutanga nekupedzisira. Munana wake wekupedzisira unozova wekushandura vatsvene vapenyu kuvapa miviri mitsva inovagonesa kukwira Kudenga kuenda kumuchato neGwaiana. Saka munana wake wekutanga waive pamutambo wemuchato achishandura chimwe chinhu. Nei yaive mvura ichiitwa waini? Mvura inotaura pamusoro peShoko raMwari rinopa hupenyu. Munhu akaitwa zuva rechitanhatu zvichimiririrwa nemakate matanhatu. Tine basa rinoda kuti tizadzwe neMagwaro zvino pakupedzisira, achashandura mashoko eBhaibheri ari mupfungwa dzedu kumaita zaruriro yakadzama (waini mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro) inotigadzirira kuti tigogamuchira Kuuya kwaShe. Vaya vasina kudzidza nekutenda Shoko vachasara nekuti vanenge vasina mvura yakakwana kuti vashandure. Makate anofanira kuva akazara.

Maxwell anoti kune “kuchengetedza kwemweya unoshamisa kunopihwa nedenga nenyika kana uchiita zvakanaka”. Asi tingaite zvakanaka sei kana uchimhura Bhaibheri, tichitora minana iri mariri sedzidziso dzisina musoro dzamwari weSachuni, nekutaura kuti mune zvakakanganiswa muBhaibheri?

 

 

Zivo dzinonzi zivo dzeNguva Itsva

Mabhuku aDavid Icke anotaura pamusoro penguva Itsva. Aimbova shamwari yaJordan Maxwell. Izvi zvakashanduka. Saka kune mafungiro akasiyana pazvitendero zveNguva Itsva. Vanopokana pachavo.

Nzira inoshandiswa naMaxwell kudzidzisa anotsvaga zvinhu zvikuru uye manhamba, zvakakwanira kudzikisira chero anopikisa asingazivi zvakakwana. Ane ruzivo rwakanyanya zvekuti anokwanisa kubva panyaya imwechete achienda pane imwe saka anokwanisa kurwisa munhu achishandisa mativi akasiyana-siyana. Pfungwa dzemunhu dzinobva dzakwanisa kupusiswa zviri nyore nekushandura shandura kwake nyaya.

Asiwo pane kuneta kuri pakuita kwekuedza mafungiro evanhu kwaanoita.

Chekutanga, hazvisi zvaanotaura zvese zvechokwadi. Kutaura kwake kwakachenjera kwakasangana chokwadi uye kukanganisa.

Chechipiri, anoburitsa pachena zvisina tsitsi kuipa kwechichechi-chechi (mazano evanhu netsika dzavakaita ivo pakereke) obva akanganisa kupfurikidza kushandisa izvozvo kudzikisira chiKristu, vanenge vachitenda zvakanyorwa muBhaibheri chete.

Chechitu, akapesana nechokwadi chikuru cheBhaibheri. Kukanganisa kwezvitendero ndiko muvengi mukuru werudzi rwevanhu. Hudzvanyiriri muzvitendero huri kuvakwa. Hudzvanyiriri munezvematongerwo enyika huri kukurawo asi izvi zviri nani saka muvengi ari nani. Maxwell anonyanya kupedza nguva yake achitsvagana nezvematongerwo enyika nehuwori otadza kuona kukanganisa kukuru kwezvitendero kuri kuitwa nemakereke.

kutaura kwaMaxwell kuri mumakoma:

“Handizivi kuti Mwari ndiyani”. (Saka haazivi pamusoro penyaya huru yaanotaura nezvayo. Uku ndiko kuneta kukuru kuri mumafungiro ake muchitendero chake nekuti anoziva nezvaMwari asi haazivi iye Mwari wacho. Saka haagoni kutaura musiyano uri pakati pechichechi-chechi chinova chiKristu wo, patinobatira Mwari nenzira dzedu dzatinoda, nechiKristu apo tinobatira Mwari nenzira dzinodiwa neBhaibheri.)

“Mwari anoda kuyananisirwa kana kutonga vanhu vake”. (Ichokwadi. Asi ko nyasha dzaMwari sezvo achishanda nezvakawanda uye nenyika izere zvitadzo. Mwaxwell haana chaanotiudza pamusoro pekuti chivi chinoregererwa nekushambidzwa neropa raJesu patinotendeuka, inova nzira yega yekupesana nekuranga kwaMwari.)

“Vanhu vekutanga vaive vakachenjera, vaive vanhu vaiziva kuti unogona kuwadzana naMwari pachako usina kuenda kukereke kwamunonoudzwa zvekutenda mazviri.” (nevaparidzi)

Zvakanyorwa muBhaibheri zvinotiudza kuti totenda mune zvipi. Kutenda kuti Bhaibheri nderechokwadi nekuita hukama naJesu Kristu ndicho chiKristu. Chero chinhu chakasiyana neBhaibheri, chero uchiziva Jesu saMuponesi, ndicho chichechi-chechi.

Kazhinji Maxwell anonongedzera kukanganisa kwechichechi-chechi, tsika dzemakereke dzakaitwa nevanhu nemifungo yavo, achifunga kuti ari kurwisa chiKristu.

Maxwell anotiudza kuti Mwari “Huvepo hweAnoshamisa”. Izvi hazvisi zvake zvakabva kuBuddihism. Saka Maxwell anotiudzawo kuti totenda mune zvipi. Chinhu chimwechete chaanosvora chichiitwa nemakereke. Asi haazivi kuti Mwari chii. Saka mutungamiri asingazivi kwaanoenda. Muprofita asingazivi Mwari wake.

Nekupokana naMaxwell pazvinhu zvakawanda, ngatitangei kutarisa zvinhu zvakati kuti pakutaura kwake kwakachenjera paakataura zvakanaka kwazvo. Tinogona kudzidza zvakawanda kwazvo kubva pakutaura kwake.

"MuchiHeberu “kuziva” zvinoreva kuti kudzidza nekuita- saka, zvichibva muchiHeberu, kuziva Mwari zvinoreva kumudzidza nekufamba naye. Izvi ndizvo zvaishingirirwa nevaHeberu vekutanga vazhinji kana vose kuti vaite. Zvisinei, kereke yakapindira pakati paMwari nemunhu, kupfurikidza kuita “chitendero chakarongwa’.

Ichi ichokwadi. Chinhu chimwechete chatinogona kuvimba machiri kuita kwakaitwa nekereke yekutanga mumazuva eTestamente Itsva. Ndicho chaive chiKristu.

Kwakabva kwauya hutungamiri hwevanhu nemifungo yavo netsika dzavo kereke ikatsvedza ichipinda murima netsvina zveNguva yeRima. Chero chinhu chisina kunyorwa muBhaibheri chichechi-chechi chiKristu wo zvacho. Chichechi-chechi hachina kubvira chaponesa munhu.

Ndapota rangarirai. Zvakanyorwa muBhaibheri chete ndicho chiKristu.

Chero zvinodzidziswa nemakereke zvisimo muBhaibheri zvakaipa. Saka Maxwell apa anotaura zvakanaka. “Chitendero chakarongwa” chiratidzo chechikara pahuma dzedu. Ndipo patinofunga napo. Makereke akatisukurudza pfungwa achishandisa mazano asimo muBhaibheri.

“Pfungwa dzedu dzakafanana neparachuti, hadzishandi dzisina kuvhurika.”

Chikwadi. MaKristu anovanda mumapoka awo makereke vachiramba kutenda chero chinhu chinotaurwa nevari kunze kwemapoka avo. Vanongotevera vatungamiri vemakereke avo chete. Asi vatungamiri vemakereke vakaita masangano anodarika 45,000 akasiyana siyana nezvitendero zvakasiyana, zvichibva pamafungiro uye maonero evanhu. Saka vatungamiri vemakereke vari kufamba vachienda mativi anodarika 45,000 akasiyana. Uye rimwe nerimwe remasangano anodarika 45,000 aya vese vanoti vanonatsa.

Saka chero sangano kana kereke yamunosarudza kuenda, mune mukana mumwechete pamikana 45,000 yekuva muchigona.

Saka zvakangonaka kuti muone makereke ese kana masangano ari anotadza. Nei?

“Vanhu havazivi munyika kuti chii chiri kuitika”.

Ichokwadi. Makereke arasika zvakanyanya. Saka chokwadi chiri kupi? Jesu amire kunze kwekereke apo vatungamiri vemakereke vanongoenda nemativi akasiyana-siyana. Mapasita kana vafundisi vanozviti ndivo misoro kana vatungamiri vemakereke. Asi Kristu ndiye Musoro wekereke. Muviri haugoni kuita misoro miviri. Saka kana mufundisi, semusoro wekereke, ari mukereke Kristu, Musoro chaiwo, haagoni kuva ari mukereke imomo zvakare saka zvakadaro anomira kunze kwekereke.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza;

Maxwell ari kurevesa. Makereke haazivi kuti chii chiri kuitika.

“Tinofanira kumuka, izvi zvinhu zvakakosha”.

100% chokwadi. Vasikana gumi vakakokwa kumutambo wemuchato. Asi vose vakavata vakakotsira. Izvi zvinotsanangura kereke nhasi. Imhere-mhere ipi ichavamutsa? Mhere-mhere haina kubva kwavari, yakabva kumwe kunhu. Asi vatungamiri vemakereke vanoita kuti vanhu vavo vaterere ivo chete, saka havazonzwi zvachose mhere yekumutswa sezvo isina kubva mukereke yavo, yakabva panze.

Mapoka emakereke akadzidziswa kufuratira nekuramba mazano anobva kunze kwekereke yavo.

“Kusaziva nekuita kwakwo kwekuramba, zvinozwisa tsitsi kutaura, kunotifambisa nenzira imwechete neyatagara tichifamba kubva kare munhorondo”.

Chokwadi chaicho. Makereke ari kuenda kunguva yeKutambudzika kukuru. Kereke imwe neimwe inoramba kuti inodaro ichikanganisa. Nhengo dzekereke dzinoramba kuti mutungamiri wavo anodaro achivatungamirira nzira yakarasika. Saka makereke haadi kugadziriswa.

RUKA 18:8 Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika uchawana kutenda panyika here?

Tazara nechichechi-chechi. Asi handicho chiri kutsvagwa naJesu. Ari kutsvaga kutenda kunobva pakutenda zvakanyorwa muBhaibheri. Anoti haasi kuzowana kutenda kunobva muBhaibheri kuzhinji. Nei? Tinotevera mazano evanhu netsika dzavo, kwete Bhaibheri rakanyorwa.

“Vanobata hurumende yeUnited States zvichibva pazvido zvavo. Vanotonga mapato ese ezvematongerwo enyika”. Zvandataura, hazvinei, ndezvekuti vanotonga mapato ese, pakati pezvimwe zvinhu zvakawanda pasi pano.”

Chokwadi. Pane mapoka ezvematongerwo enyika akavanzika anotonga United States achiudza mutungamiri wenyika zvekuita. Ichi ichokwadi munezvematongerwo enyika. Asi zvematongerwo enyika hazvisizvo muvengi mukuru.

Maxwell naIcke vanonongedzera masimba akavanzika munezvematongerwo enyika. Asi vari kupesana nechinhu chikuru. Hakuna simba rimwechete rezvematongerwo enyika rinogona kukurira nekupamba pasi rese.

Muripo wekupamba nekukurira wakakurisa kuti ugonekwe nenyika imwechete. Mutsetsse wekutaurirana nekufambiswa kwezvinhu unorebesa unoda vanhu vakawandisa kuti vachengetedze. Pakupedzisira zvinhu zvinomira.

Masimba pakati pemakereke ndiwo muvengi mukuru. Vatungamiri vemakereke vari kushandisa tsika nemifungo yevanhu zvisina kunyorwa muBhaibheri kusungirira vanhu mumasangano avo. Chichechi-chechi ichi neimwe nzira chichadhonzera vanhu pamwechete apo Pope weRoma akasimba achatora chinzvimbo.

Vanhu vanoda kunzi ndevekereke. Zvinovapa kapfungwa kekuti vakachengetedzeka.

Pope wekupedzisira akanzi “Pope Petro II”. Vadzvanyiriri gumi vanobva vapa simba ravo remauto kukereke. Izvi zvichaita nheyo dzakasimba dzekuita hurumende imwechete yepasi rese.

Kuterera kwemapofu kuvatungamiri vemakereke, zvematongerwo enyika kana zvechitendero zviri kugadzirira nyika kuti igotambira mutungamiri mumwechete achava mutungamiri wezvese zvematongerwo enyika uye zvechitendero. Asi izvi zvinenge zvisina kukwana. Anodawo simba rehudzvanyiriri. Dare reRoma mumufananidzo waDanieri wemuhedheni.

“Vose vanhu vakazvirereka, vanhu vakanaka apo muvengi wavo mukuru hurumende nevanhu vanotsigira hurumende vanoibata zvehuwori, nemakereke, zvapera!”

Zvakada kuita zvechokwadi. Anoita hurumende muvengi mukuru nekuita kuti makereke aite seari panjodzi. Asi zvichave nerumwe rutivi rwacho. Zvechitendero nezvematongerwo enyika zvinofanira kubatana pasi pemutungamiri mumwechete. Mutungamiri wezvechitendero ane simba kwazvo ndiPope. Saka achava iye zvakare. Makereke akabatana achawira mumuteyo waPope wekupedzisira achatonga hurumende yepasi rese.

“Vanhu vanotevera maonero evatungamiri vavo ... asingabvunzi mibvunzo”.

“Chichechi-chechi” hachibvunzi mibvunzo. Mugore 1963 makereke akapikisa kuziviswa kwemarokwe mapfupi nekupfeka midhebhe kuvakadzi. Asi havachina basa nazvo.

Muhondo yepasi rese yekutanga vakadzi vakapinda mumafekitari vakagura vhudzi ravo, kuriita pfupi kunge varume. Makereke mazhinji akaedza kupikisa izvi. Asi vakasiya.

Kuroorana vakadzi nevakadzi varume nevarume zvakugamuchirwa nevatungamiri vemakereke.

Kuita zvematongerwo enyika kwakugamuchirwa nevatungamiri vemakereke.

Vanotizisana vogara muchivi zvakubvumirwa uyewo mimba kunze kwewanano, vakadzi vanoparidza nekubvisa mimba nezvimwe zvakadaro.

Rockefeller akaramba mukadzi akaroorazve saka akatadza kumira musarudzo dzemutungamiri weAmerica.

Makore mashoma akatevera Reagan, akarambana nemukadzi akaroorazve, akasarudzwa kuita kutungamiri wenyika.

Saka hwaro hwezvinhu huri kuramba huchidzikira. Chero chinhu chinotenderwa nemutungamiri, vanhu vanochigamuchira.

Trump akarambana nevakadzi vaviri akasarudzwa kuita mutungamiri wenyika. Makereke akugamuchira kurambana nekuroora kana kuroorwa zve.

Vanhu vanotevera chero zvinoitwa nevatungamiri vavo.

MATEO 15:14 Varegei, mapofu anotungamira mapofu. Zvino kana bofu richitungamira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.

Gomba redu inguva yeKutambudzika kukuru.

“Kusukurudzwa pfungwa kunoparadza kuchibva kune vanomukira apo hudzvanyiriri hunobvisa rusununguko rwedu”.

Chokwadi chaicho. Makereke anotiudza kuti titende zvipi isu totya kupikisa nekuti tinozodzingwa. Vatungamiri vezvematongerwo enyika vanoshandisa zvivhiti-vhiti kuparidza zvavanoda. Vana havachafanira kunamata muzvikoro tinozvigamuchira. Tinogamuchira kuti vana vedu vanofanira kudzidziswa shanduko dzevanhu vachibva mumhuka inozi ivhorusheni inotaura kuti vakabva kumhuka. Tese tinobva tataura nekuchema-chema kuti vanoita semhuka. Chero chinonzi chiitwe nenyika kana nekereke, tinongoita saizvozvo. Hatipikisi.

“Kuita zvatinoda nekuzvisarudzira kunokonzeresa kuoma moyo nekuita zvinhu zvakaipa mukusaziva, kushaiwa hanya, kuzvivimba zvakanyanya uye huranda.”

Chokwadi. Tine husimbe zvakanyanya hwekuzvifungira tinoda kuti umwe munhu atifungire nekutiudza kuti totenda mune zvipi. Tinobva tavimba zvakanyanya muvatungamiri. Hatizvibvunzi kuti tiri kuendepi.

Magarikwa anouraya rudo rwemweya tofamba tichiungudza murufu urwu.

Evangeri rebudiriro rinosimbirira pamakomborero ezvinhu nepfuma. Izvi zvinounza kudekara pamweya.

“Kuti upfure, museve unofanira kutanga kudhonzerwa kumashure.”

Ichokwadi rudo rwakanyanya rwekubudirira patinowira muchiKristu chemakwikwi neEvangeri rebudiriro. Tinoramba nekusiya nzira inoda kutambudzika, kuzvipira nekurasikirwa. Asi hunhu hwedu hunenge hwakapfava huri nyore kufuririka. Hunhu hunosimbiswa kana hukarovererwa pamarwadzo nekukurirwa.

“takanamira zviso pamambozhanhare, tinoita semagoritoto.”

Ichokwadi. Kuramba tiri mumambozhanhare kunozadza pfungwa dzedu kwotiita kuti titye runyararo nekuva tiri tega. Asi murunyararo nepatinenge tiri tega ndipo Mwari paanogona kutaura nesu. Saka Mwari haatombokwanisi kusvika patiri. Kunyangadza kweruzha rwemazwi anobva kune vamwe vanhu kunonyudza shoko rekazwi Kake kakadzikama. Mbozhanhare dzinokudza kuzvikudza kwedu.

“Nzira yekubuda nayo inova kuzvikuvadza nekuramba uchiita chinhu”.

Ichokwadi. Mbozhanhare dzinotinzvengesa kubva pachokwadi chehupenyu dzotiisa mumafaro enyika atinozviitira tega. Hatigoni kurarama tisinadzo, kana mitambo isina zvainoreva yepamakombiyuta inotimedza.

“Haugoni kutanga chitsauko chitsva chehupenyu hwako nekuverenga chitsauko chadarika”.

Ichokwadi. Hatina chokwadi neramangwana tinotsvaga munhu wekutevera. Takatevera vatungamiri ava nguva yakadarika saka tinoramba tichivatevera. Ndizvo zvatajaira saka zviri nyore kwazvo pane kuzvifungira tega.

“Hamugoni kushandura zvinhu zvamunoramba kutarisana nazvo”.

Ichokwadi. Tinoramba kuterera vanhu vasiri muboka redu ratakasarudza. Saka hatigoni kugadziriswa tinoramba tiri muhusungwa kukushaiwa zivo nekutadza kweboka redu nevatungamiri vedu. Hatigoni kuona zvatinotadza tosarudza kungoropodza tichizviti hatitadzi.

Kutadza kwedu kukuru kuramba kwatinoita kutenda kuti tinogona tichitadza kana kukanganisa.

Vanodhakwa vane dambudziko rimwechete. Havagoni kubvuma kuti vane dambudziko.

“Dzimwenguva zvinhu zvakanaka zvinofanira kuparara kuti zvinhu zviri nani kudarika izvo zviitike”.

Ichokwadi. Tinochema nekuda kwenguva dzakaoma asi zvimwe zvinhu zvinofanira kuipa kuti tizunzike kubva mukugarika kwedu nekuvarairwa kuti tinzvere zvatinotenda mazviri, kuti titange kuona zvatinokanganisa.

Tiri vanhu. Hazviiti kuti paite chero mumwechete wedu akarurama.

“Hupenyu hausi zvinokuwira asi zvaunoita kana zvakuwira. Kana usingagoni kushandura chimwe chinhu, shandura nzira yaunofunga nezvacho.”

Tinoda kutangidza kufunga zvatinokoshesa. Kuongorora zvese zvatinotenda mazviri. Zvakanyorwa muBhaibheri here?

Kana vamwe vanhu vakaramba kushandura mafungiro avo, uchaita sei?

Kutanga nemusi weKisimusi, 25 Zvita. Musi uyu wakanyorwa muMagwaro here?

Hamudi mhinduro isimo muBhaibheri. Saka muchaita sei nezvazvo? Hapana?

VAGARATIA 4:9 Asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozivikanwa naMwari, modzokera zve seiko kunezvokuvamba, zvisinesimba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?

10 Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.

11 Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.

25 musi. Mwedzi waZvita. Nguva yeKisimusi. Inouya gore rega rega.

Pauro anofungei pamusoro penyu?

“Kushandura zvinhu musarwise zviripo, vakai chimiro chitsva chinoita kuti zviripo zvishaye basa.”

Ichokwadi. Chinhu chitsva kungogara nezvakanyorwa muBhaibheri. Hazvibatsiri kuzadza pfungwa dzedu nezvimwe zvinhu zvese zvatinokandirwa nevatungamiri vemakereke kana vezvematongerwo enyika. Zvitendero zvisimo muMagwaro hazvina maturo, hazvina zvazvinozotibatsira Kudenga. Asi zvinogona kutimisa kuendako.

“Ita nezvazvo nekuti zviri kunakidza. Asi zvinobva zvatanga kusvota”.

Ichokwadi. Tinoita zviripo zviri kuitika ipapo. Asi tinongokwanisa kuita mutserendende nazvo tichidzika. Mwari anofanira kutizunza kuti tishandure nzira yedu.

"Masimba ari kutiita kuti tigare muhuranda neshanduko dzisingagumi- mafirimu, zvivhiti-vhiti, mafaro, mitambo yepamakombiyuta, zvinodhaka, hwahwa, vachipa makondomu mune zvimwe zvikoro. Uye kana zvikabata vana vari vadiki, vanokura nenzira dzekudzidza dzakaipa nekuterera kwenguva pfupi. Mashoko akawandisa akabuda achiyananisa vanhu vehungwaru nezvekutengeserana zvinodhaka zvichipinda muAmerica. Vanoita nezvezvinodhaka ndivanani? Kazhinji vanhu vechidiki. Hazvirambiki kuti kutori nevari kuzviita pasi rese, asi hamukwanisi kuzvibata zviri nyore. Panozokura vanhu ava, muzera wacho wese, hakuna anozongwara zvekusvika pakuziva chekutsigira kana chekuita chakanaka. Chingofungai nezvemazuva “eLittle house Prairie”, makore ana 1800 nana 1900, apo zvikoro yaingova kamuri imwechete pakati pemapurazi nemagwaro ese mukamuri imwechete imomo vakagara vese imomo. Kubva mumavambo makuru aya, kubva mudzimba dzekudzidzira dzakadaro, makabuda makaputeni nemadzimambo ezvemafemu, vananyanduri vakurusa, vemetsi vakuru kwazvo, pfungwa hurusa dzakavaka America kuiita nyika hurusa yakakosha pasi rese. Nhasi, tine zvikoro zvikuru kwazvo, zvakagadzirwa nemutowo wepamusoro zvinehunyanzvi hwekuti vanotonhorerwa kana kudziirwa zvichienderana nemamiriro ekunze, zvine makombiyuta, zvese zvakadaro, havagoni kuwana nzira yavo yekudzokera kumba. Vanhu venguva ino ndivo vanhu vasina zivo vakambowanikwa munyika iyi. Zvinonzi 50% yevana vanopedza zvidzidzo zvesekondari zvepamusoro havagoni kuwana mepu yeAmerica pamepu isina kunyorwa. Izvi zvinotyisa.”

Izvi ichokwadi chacho.

Dzidzo inobva pakukirema nekudzokorora. Izvi hazvikudzi hunyanzvi hwekufunga kwevanhu.

“Patakabuda munguva dzerima tichipinda munguva Yekuzarurirwa, vatungamiri veZaruriro vacho vakauraiwa nekereke”.

Ichi chaive ‘chichechi-chechi’ pakuipa kwacho chaipo. Bhaibheri haritiudzi kuti tiuraye vanhu vesainzi kana vanofunga.

“Kereke inogarouraya chero anopokana nekereke kana nehurumende. Ndinotenda kuti vavengi vaviri vevanhu vakasununguka ihurumende nezvitendero, zvese. Vanobatirana zvakaenzana pakurwadzisa vanhu vanotitengesa. Hurumende inotichekeresa, kereke inotichekeresa. Ndicho chikonzero nei maKristu achinzi hwai. Nekuti nehwai, munodzichekeresa. Mobva madzidya. Uye hwai, zvakare, ndidzo mhuka dzakapusisisa pasi pano, mukasangana nechero murimi anokuudzai izvozvo. Ichokwadi. Chero munhu ane chaanoziva nezvemhuka nezvekuchengeta mhuka anokuudzai kuti mhuka yakadzungaira zvisingaiti yakambozivikanwa panyika ihwai. Hadzigoni kuziva kuti dzobuda sei musaga, uye dzinotevera chero munhu.”

Ichi ichokwadi chaicho. Maxwell ari kuswedera panyaya nekuratidza kuti zvematongerwo enyika nemakereke vari kutifambisa nenzira isiriyo. Saka tiri kurarama munguva inotyisa kwazvo. Hwai dzakadzungaira. Asi isu tine mufudzi. Jesu Kristu Shoko raMwari. Saka hwai dzinoda kusangana naJesu dzoponeswa. Ipapo dzinofanira kutanga kutenda zvakanyorwa muBhaibheri chete dzorega kuvimba zvimwe zvinhu zvose, zvavanofunga ivo kana mifungo yevamwe vanhu.

Christians are only safe when following Jesus. MaKristu akachengetedzeka chete kana vachitevera Jesu.

MAPISAREMA 23:1 Pisarema raDavidi. JEHOVA ndiye mufudzi wangu;

JOHANE 10:11 Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake vupenyu bwake.

 

 

Maxwell anoshora zvivakwa zvemakereke nekutevedzera zvivakwa zveEgipita zvavainamatira kare kare.

Uku kushora kuripo pazvinhu zvatinoona zvechokwadi.

"Ichi ndicho chikonzero nei makereke nedzimba dzekutonga mhosva zvafanana nhasi, nekuti kana mukapinda mumakereke munogara kuno kumashure nevarombo muzvigaro, asi hamugoni kusimuka kunopinda munzvimbo dzekumusoro dzakasimudzirwa, hamugoni kupinda mugedhe, hamugoni kupinda mutumagonhi tudiki, maprista chete ndiwo anogona kupinda imomo okushandirai ari imomo. Munogara kunze uku nevamwe varombo ikoko. Aritari inosimudzwa matanho matatu kubva pasi pakatsikwa nevamwe vanhu vese, nekuti kuEgipita ndiwo maitirwo azvaive zvagara zvichiitwa. Aritari yaive yagara ichisimudzirwa kuti mugone kuona mumiririri waMwari akashonga zvitema. Muprista anobuda paaritari akapfeka zvitema, anenge achikumiririrai, ndiye murevereri ari pakati pako naMwari.”

Zvakare tarisai kuzvidza kuri pakuwana zvakaipa nechichechi-chechi (mifungo yevanhu netsika dzavo) ozvishandisa kuroverera chiKristu chinotenda zvakanyorwa muBhaibheri chete.

Hapana muTestamente Itsva (chiKristu chechokwadi) patakabvira taudzwa kuti tivake makereke senzvimbo dzekunamatira. Nzvimbo imwechete yekunamatira yaivepo yaive Tembere Jesu akabva ataura kuti ichaparadzwa, sezvakazoitika muna 70 AD.

Chiprista chakafa neTestamente Yekare. Tsika dzavaNikoraiti kusimudzira munhu mutsvene kumuisa pakati pako naMwari. Hakuna akaudzwa kuti ashonge zvitema muTestamente Itsva.

Kana tikangotevera Bhaibheri, hapana chero chimwechete chekuzvidzwa uku chinotibata.

VAROMA 16:5 Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo.

Kereke yekutanga chaiyo vaisanganirana mudzimba. Kereke vaive vanhu kwete zvivakwa. Kubva panguva yemubati Nero muna 64 AD kusvika pana Diocletian makore akauya tichangodarika 300 AD, kuuraiwa kunokwana kagumi kwakazarurwa pamusoro pemaKristu. Havana kubvira vada kusangana pajekerere kana muzvivaka zvinozivikanwa sezvo vaizosungirwa munzvimbo idzodzo. Mazuva achangodarika kereke paChina yakapona kuuraiwa nekurovererwa kwemaKristu kupfurikidza kusangana mudzimba semakereke akavanzika.

Maxwell ari kureva chokwadi nekuyananisa maatari “ekereke” nechiprista chawo chakasimudzirwa nenzira yaishandiswa kuEgipita. Hapana chimwe cheizvi chinobva muTestamente Itsva.

Testamente Itsva inoti maKristu ose inhengo dzechiprista chitsvene.

Shoko rekuti “pasita” (mufudzi) rakataurwa kamwechete muTestamente Itsva saka mapasita haana simba rinobva muBhaibheri rekutonga kana kutungamirira kereke.

Hutungamiri hwevanhu vakasimudzirwa muBhaibheri hwakadaidzwa kuti “tsika dzavaNnikoraiti” dzakavengwa naMwari.

Mugore 312 AD mambo Constantine vakamisa kuuraiwa kwemaKristu vakabva vaita matemberi emapegani “makereke”. Saka “makereke” matsva akavakwa aive nemucherechedzo wemaTemberi echipegani aive agara akavakwa kare. Chichechi-chechi chakabva chatanga chakasimba. Asi musadaidze kukanganisa kwese uku kuti chiKristu.

Minongedzo iri pamusoro pemakereke yakatorwa kubva pamasvingo eBaberi, yakanongedzera kudenga kunogara Mwari. Asi Mwari anofanira kuraramira mumoyo yedu.

 

 

Maxwell anoti hakuna zuva reKutongwa richauya. Apa akarasika zvakanyanya. Pamwe ari kuedza kupunyuka izwi, rakanyorova rakadzikama remumoyo make.

“Uye dzizvozvo ndiro zuva racho ramuri kurarama nhasi ndiro zuva rekutongwa. Muri kutongwa izvozvi, kana muchizvinzwisisa, munokwanisa kuenderera mberi morega kunetseka nezvichaitika kwamuri kana mafa”.

Kwete. Mudare rekutongwa dzimhosva munomira kurutivi rweruboshwe sezvo murimi munenge muchipomerwa. Ipapo munodaira mibvunzo muchizvirwirawo. Iri izuva rekutongwa. Zvino mutongi anoedza kuongorora mutongo wake. Pane rimwe zuva munhu wese anodzoka kuzuva remutongo. Munobva mayambukira monomira kurutivi rwerudyi rwemba yedare rekutongwa kwemhosva, makatarisana nemutongi. Musi iwoyo hamuna chamunotaura chekuzvirwira. Mutongi anobatanidza humbowo opa mutongo wake.

Nhasi ndiro zuva redare apo munogona kutaura muchipokana muchiita zvese zvamunoda kuita. Humbowo hwese hunenge huchibatwa. Munobva mafa mobva mayambuka kuenda kune rumwe rutivi. Kunobva kwauya Musi weKutongwa. Musi iwoyo munenge makanyarara. Mufananidzo wefirimu rehupenyu hwako unenge uchiratidzwa pamberi pevanhu vese apo chero mifungo yako nezvinagwa zvako zvinoonekwa. Ipapo Mutongi, Jesu, anobva atema mutongo wake. Avo chete vanenge vatendeuka vasukwa zvivi zvavo muRopa reGwaiana ndivo vachange vaine zvikamu zvakaipa zvehupenyu hwavo zvakasukwa. Vachanzi havana mhosva. Saka musi weKutongwa uriko. Izvozvi chete, tichiri vapenyu ndipo patinokwanisa kusuka firimu rehupenyu hwedu nekutendeuka.

ZVAKAZARURWA 3:19 Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendevuke.

MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.

39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.

Zano rakapihwa naPetro raive ndiro rega nzira yakazaruka yekuti tiparadze zvivi zvedu.

Uku kuneta kukuru kwechitendero chaMaxwell. Anotaura nezvekutongwa asi haatipi gwara rekuti tingapunyuke sei kutongwa.

DANIERI 7:10 Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zvuru nezvuru zvakanga zvichimubatira, vuye pamberi pake pakanga pamire zvuru zvinegumi zvezvuru zvinegumi; kutonga kukatanga, bhuku dzikazarurwa.

Mabhuku aive nhorondo dzehupenyu hweumwe neumwe.

ZVAKAZARURWA 20:12 Ipapo ndakavona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku yovupenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.

Zvatinotadza nhasi, tinozviripira kumberi.

Zvakakosha kuti titendeuke kubva kuzvivi zvedu tigamuchire Jesu saMuponesi wedu.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23