Izwi raMwari



Izwi raMwari iBhaibheri. Hama Branham ndivo Izwi remutumwa wechinomwe.

First published on the 23rd of September 2023 — Last updated on the 23rd of September 2023

Mutumwa wechinomwe anodzorera Shoko asi haagoni kutsiva Shoko

 

Hama Branham vaifanira kutevera Magwaro pane zvavaitaura.

62-0627 TICHAONA JESU

Zvino, muMharidzo yandiri nayo, ndichaedza kuzvirerutsa, nekuti inguva yekutanga yamuno ... pamwe vanhu vanga vari mumusangano. Zvinoita sezvinoshamisa kwamuri pakutanga. Kana zvikadaro, ndinokumbira kuti mundinzwirewo zvishoma (Mazviona?) mogarotsvaga kunzvera zvandinotaura. Kana zvisina kufanana neMagwaro, musatenda mazviri.

ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.

Zvakavanzika (chinhu chimwe) zvaMwari ndeapo kereke yenguva yekupedzisira ichagona kudzorerwa kunotenda zvakatendwa nemapostora ekereke yekutanga.

Izvi zvichaitika chete kana Hama Branham vazivisa zvakavanzika zvaMwari zvenguva yekupedzisira (muuzhinji), zvakavanzika zveMagwaro.

63-0630 EKSODO (RWENDO) YECHITATU

Tererai Bhaibheri, Izwi raMwari richikudaidzai nhasi uno.

Izwi raMwari iShoko rake, Bhaibheri reKing James.

65-1125 KUBATANA KUSINGAONEKWE KWEMWENGA WAKRISTU

... saka, muKristu akazvarwa patsva chaiye anoziva here Izwi rawari kana achitaura kupfurikidza Shoko.

Hatione Jesu achiziviswa ari munhu nhasi, tinomuona achiziviswa achifamba nemapeji eBhaibheri.

65-0815 HAVANA KUZIVA

Iri ndiro Izwi raMwari mumucherechedzo wetsamba, nekuti iyi ndiyo zaruriro yaJesu Kristu yakazara, Testamente Yekare zvese neItsva dzakabatanidzwa. Amen. Ndizvozvo.

60-1211 VASIKANA GUMI NEMAJUDA 144,000

Ndizvo zviri kunetsa nhasi

Vasikana vakavata vakagarisa zvekugona kugamuchira chikamu cheShoko asi kwete Shoko rese. Kereke yakanyengerwa yakagarisa kuti iwane chikamu cheShoko asi havana kuwana Shoko rese, vakazvininipisa vakava pachokwadi pamusoro penhau iyi. Eva akanyengerwa ! Bhaibheri rinotaura kudaro. “Akanyengerwa.”

Vanhu vemharidzo vanobata zvinhu zvishoma zvakakosha kubva pane zvakataurwa nehama Branham vokoshesa kuturikira zvimwe zvacho zvakasarudzwa zvakanaka vasina kuzvitsigira neMagwaro. Nekukasika vanozotaurawo Magwaro mashoma shoma sezvo zviri nyore kuverenga mharidzo dzehama Branham. Kudzidza Bhaibheri kwakaoma. Nekudaro, vanhu vemharidzo vakutowedzera kushaiwa zivo pamusoro peShoko.

65-0429 MBEU HADZIGARI NHAKA PAMWECHETE NEHUNDI

Izwi raMwari chii? Izwi raMwari.

640719 MUTAMBO WEHWAMANDA

... Takaona tikanzwa Izwi raMwari richitaura kupfurikidza Shoko rake.

 

 

Hama Branham vaitokanganisawo

 

64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO. 1

Asi vanogamuchira Shoko mukuzara kwaro, kwete nekuti ndini ndiri kuriparidza, asi nekuti iBhaibheri riri kutaura kudaro. Vaya vanogamuchira izvi vakasununguka vaka-- Shoko rakatongwa kare.

Zvakataurwa nehama Branham zvinobuda kuva zvechokwadi kana mukazvitsigira neBhaibheri chete.

Sezvamuchaona kubva pazvikamu zvinotevera zvemharidzo dzeMbeu yemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka, hama Branham vanokwanisa kusanganisa zvavanofunga zvakanyanya dzimwe nguva panzvimbo isiyo.

58-0928 MBEU YEMHUKA YAKATUKWA IKASHANDUKA KUITA NYOKA

... vakaenderera mberi kwemakore akati kuti (makore mazana matatu nemakumi maviri nemashanu) kusvika paNecaea, France.

[Kwete. Nicaea yaive muAsia Minor, Turkey yanhasi]

Kwavakaita Kanzuru huru yeNecene. Ikoko vakaita dzidziso idzi dzave mukereke yeCatholic ikozvino, zvikazobatirwawo kumakereke emasangano.

Sezvandataura mudzidziso mangwanani ano, imwe neimwe yenguva dzemakereke kusvika nguva yekereke yeTesaronika.

[Kwete. Yaive nguva yekereke yeTiyatira.

Makore zviuru gumi nezvishanu zvenguva dzerima,

[Kwete. Nguva dzerima dzakatanga pavakawedzera Tiriniti kuBhaibheri muna AD 325 dzikapera pakatanga mutsiridzo dzaMartin Luther muna 1520. Nguva Dzerima dzakaita makore 1200]

Yaive isiri nguva imwe asi zvaakataura, “Muchiri nezita rangu.” pane rumwe rutivi urwu, vaive vasisiri muna Kristu zvachose vakange vamuzita resangano: Catholic, Luther, Wesley, Baptisiti, Presibheterio, Pentekositi zvichienda zvakadaro. Asi nguva isati yapfugwa akati, “Ndaisa pamberi penyu musuwo wakazaruka.” mazviona? Ndiyo nguva yandinotenda kuti tiri mairi izvozvi, musuwo wakazaruka, pakati pekuenda kwekupedzisira kwekereke yeRaodikia.

Makore mazana matatu nemakumi maviri nemashanu chaiwo kuti tisvike pakanzuru yeRaodikia.

[Kwete. Kanzuru yeRaodikia yaive muna 363].

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvino, Zvino, Jesu, Messiasi, akatasva mbongoro achipinda muguta reJerusarema, nekukunda, ari kumusana kwembongoro chena musi weSvondo yeMichindwi, Chivabvu 2, A.D. 30. Jesu akatasva mbongoro achipinda muJerusarema musi weSvondo yeMichindwi, AD 30.

[Yaive isiri mbongoro chena. Soromoni akatasva mbongoro musi wekugadzwa kwake. Jesu akatasva mbongoro. Magwaro haatauri ruvara rwembongoro kana ndogi iri].

... kanokwana ka 434 kakapetwa ka 49 kanoburitsa makore 483.

[Kwete. 434 kusanganisa ne 49 = 483].

... kusvika panguva yekurambwa kwaKristu nemaJuda muna AD 33,

[Apa vakati Svondo yeMichindwi muna AD 33 asi ivo vaive vamboti yaive muna AD 30].

Kukanganisa pakurangarira uku hakuna kukosha. Hakuna munhu akarurama, kunze kwaJesu. Kungori kurangaridzwa kuti hamufaniri kutaura kuti Hama Branham vaive vasingatadzi. Munofanira kuongorora zvamunotaura.

62-1007 KIYI YEMUKOVA

... kuti ndakarurama handitadzi. Kuti hakuna ... uye, oh, nezvimwe zvakaipisisa zvamunganzwe zvichitaurwa.

Ndapota nzwisisai. Hama Branham vakauya kuzotiratidza kuti tonzwisisa sei Bhaibheri rakanyorwa kuti tidzorerwe pakutenda kwemapostora enguva yekereke yekutanga. Havana kuuya kuzogadzira dzidziso itsva. Havana kubvira vataura kuti Kutinhira kunomwe kwakareva.

62-0908 DANHO RINO REHUSHUMIRI HWANGU

Ndovimba achagadza hushumiri hwangu pane izvi, ondisiya ndotora nguwo dzeShoko, ndoshongedza Mwenga wake nenguwo ddzeShoko.

Kutaura uku hachisi chokwadi nekuti hamaBranham vakadaro. Vanokanganisawo nekutaira zvinorwisa zvimwe zvavanotaura dzimwe nguva. Zvavanotaura ichokwadi chete kana zvichigona kutsigirwa neMagwaro.

64-0619 KUTSUNGIRIRA

... vaive pamberi paMwari, vakanzwa izwi raMwari Pahuvepo hwaMwari. Ameni. Raive risingori izwi, raive izwi reMagwaro.

Kune ndudzi dzese dzemazwi. Tarisai izvozvo paShoko.

Panhau dzezvitendero, tine basa panguva yekugumisira reMagwaro kana kuti tongobvumirana nekereke inongoita maungira ezvinotaura mapasita?

 

64-0313 IZWI RECHIRATIDZO

... izwi rinotevera rechiratidzo rinofanira kuva izwi raMwari richitaura kubva muShoko, kunguva. Manzwisisa here?

Dambudziko rekusaziva. Muvengi mukuru wezivo hakusi kungoshaiwa zivo chete, kushandiswawo kwezivo kurasisa vanhu. Vanhu vanobatanidza zvakataurwa zvakasarudzwa pamwechete nenzira isingazotsigirwi neMagwaro.

63-0714 UNOCHEMEI TAURA

Izwi reMagwaro, Izwi raMwari, rakataura kufurikidza apo, ...

63-0120 IZWI RAMWARI MUMAZUVA ANO EKUPEDZISIRA.

... Nekuti Izwi raMwari rinotaura kwamuri ikozvino kupfurikidza Shoko richakupomerai zuva iro.

 

Hatifaniri kutevera izwi remunhu

 

63-0120 IZWI RAMWARI MUMAZUVA ANO EKUPEDZISIRA

America inoda Izwi remuprofita waMwari, ndiyani angasimuke kuzvidza Hollywood, nekuzvidza zvinhu izvi muZita raJesu Kristu, Kereke yeMweya Mutsvene inobva yapindira. Kukanganisika kwakanyanya, tarirai, mazwi akawandisa anozvirwisa.

Kereke, izwi rayo, imwe neimwe inoda nhengo dzakawanda. VeBaptisiti vanoda zvese, Methodisiti inoda zvese, Presbyterian. Tese tinazvo. MaCatholic anoita seachatora zvese, vanototora. Ndiro Izwi raMwari riri muBaibheri. Vachatonga.

Asi Mwari Wamasimbaose achazotonga pakupedzisira. Vatsvene vachatora ushe, rimwe zuva, Bhaibheri rinotaura kudaro. Vachakurira.

Mazwi akawandisa akaipa! Kuchibva kwaita izwi remuprofita wenhema. Izwi rakaipa, munhu anozviti muprofita. Muprofita, hongu, muparidzi. Izwi rechimanje manje “muprofita” zvinoreva kuti munhu anoparidza pasi pekurudziro .” kune murume amire achizvidaidza kuti muprofita, achiramba Shoko raMwari, achiramba Chokwadi chaMwari. Kune mazwi akawandisa!

62-0318 IZWI RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA.1

Saka, kana kereke iine Izwi raMwari, munofanira kunzwa izwi rekereke, sezvatinoudzwa nevanhu veRoman Catholic. Saka kana, mavari, vakakanganisika vakaita dzidziso dzakasiy ana maRoma, maGiriki nemarudzi akasiyana, hakungaiti nzvimbo yekuita kutenda. Nekuti, ndeipi kereke? Roman Catholic ndiyo chaiyo here, kana kuti kereke yemaGiriki, kana mamwe emakereke ndiwo chaiwo here? VekwaLuther ndivo vari kugona here, veBaptisiti, veMethodisiti kana kuti vePresibeterio ndivo vari kugona here? Kana kuti, ndiyani ari kugona, kana paine kusiyana kwakakurisa kudaro pakati pavo? Imwe neimwe iri kure sekuMabvazuva kubva kuMadokero, kubva kune imwe.

Asi, mafungiro anguwo, izwi raMwari ndiro mutongi. Saka, Izwi raMwari, kana rakarurama kwazvo, rinofanira kubva pachinhu chakarurama.

Kana munhu akauya naro neimwe nzira, nemasangano avo akasiyana, hakuna nzira yekusimbisa kutenda mune zvavanotaura. Ndovimba zvakajeka. Mazviona? Nekuti, kana munhu akataura kuti zvakadai, umwe anoti, “Munofanira kupinda kereke iyi. Kereke iyi, chete, ndiyo ine ruponeso.” ndiko kutaura kweCatholic. VekwaLuther vanouya voti ndivo vane nzira chaiyo. Kwouyawo maMethodisiti nezvavowo, Baptisiti nezvavowo, kunoita sekune ungano yekukanganisika mafungiro.

Ipapo, kana mukatora Izwi rakanyorwa iri kuisa kuhama dzedu, vakawanda vavo vanoti, “Zvakanaka, zuva racho harisati rasvika.” Umwe anoti, “inhorondo.” umwe anoti, “Ibhuku renhetembo.” Umwe otiwo, “Kereke ine kodzero dzekurishandura.” isu tosara takamira papi? Kune here kune nzvimbo yekuzorora yekutenda?

Kana, Mwari, nekuti anorarama nekusingaperi... ndinotenda, kuti kana tichisvika pakutongwa, uye kana taive tagara tichitongwa, kana tichatongwa nechero chinhu, tichatongwa neShoko raMwari rakapihwa basa.

Zvino, kana tichifanira kutongwa neShoko, Mwari vanozova Mwari vasina kururama, nekuti vakaisa kukanganisika kwakadaro panyika, ndangariro dzevanhu dzakaneta dzakaremedzwa, hadzichaziva zvekuita. Umwe anopindawo pane izvi, opinda pane izvo. Munhu achiedza kufunga, ari kuedza kutsvaga nzvimbo chaiyo, achateerera sangano iri, oterera rimwe sangano. Iri roita kunge riri nani kudarika iro; anoenda. Chinhu chekutanga, anodzoka kune rekutanga zvakare. Haazivi zvekuita.

Asi kana Mwari achatonga nyika nechimwe chinhu, achatonga neShoko rake. Ndotenda mune izvozvo.

 

Bhaibheri reKing James ndiro Mukuru

 

62-0121 VANA VAKO VACHATONGA MASUWO EVAVENGI VAVO

Vanotonga masuwo evavengi vavo. Ameni. Nei? Vakagara nezvaitaura Shoko.

... garai neShoko, izwi raMwari rinotaura nemi.

64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO. 1

Asi vanogamuchira Shoko nekuzara kwaro

Kwete nekuti ndini ndiri kuriparidza, asi nekuti iBhaibheri rataura kudaro.

Vanogamuchira izvozvo vakasunungurwa, nekuti Shoko rakatongwa kare.

KUZIVISWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE. CHITSAUKO 9. NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA

... nekuti muprofita wechokwadi anogarotungamirira munhu kuShoko osungirira vanhu pana Jesu Kristu haaudzi vanhu kuti vamutye kana kutya zvaanotaura, asi kuti vatye zvinotaura Shoko.

62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA.2

Zvino, zvinhu izvi zvose zvandareva, kana zvisingafambirane neShoko raMwari, zvakaipa, zvakaipa,

650801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA

… saka ndivo vanhu vakatenda Mharidzo

Yakapihwa naShe Jesu kunguva yake, vanogona kuziva zviri kuitika,

Vozviisa muMagwaro.

RUKA 18:8 Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?

VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.

63-1201 MUKURU

Shoko raMwari ndiro Mukuru.

63-1226 HURONGWA HWEKEREKE

... Mukuru wangu iShoko, Bhaibheri.

 

Hama Branham havasi Mwanakomana wemunhu

 

Haafi akatora nzvimbo yaKristu. Chinzvimbo cheCatholic chavanopa Pope. Vicarius Kristu. “Panzvimbo paKristu”.

Hama Branham havasi Chokwadi. Vanozivisa chokwadi kupfurikidza kutsanangura zvakavanzika zveBhaibheri.

61-0611 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU.1

Uye, nekuda kwaizvozvo, zvinondimanikidza kutaura kuti ndakusiya hushumiri, nekuti kune zvimwe zvasimuka pakati pevanhu zvaita ndidaro, ndizvo,

Kuti ndakabviswa panzvimbo yangu yekuva “mushumiri” kana “hama” ndikadaidzwa kuti Jesu Kristu, izvozvo zvaizondiita antikristu.

Ndichasangana naMwari ndiri munhu anorasa tariro ndisati ndasangana naye ndiri antichristu anoda kutora kubva kwaari.

 

Mweya mutsvene unotiita kuti titevere Magwaro

 

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa,

62-0704 TICHAONA JESU

Garai muchirangarira, chengetai ndudzi nhatu dzevanhu mundangariro dzenyu. Vagara variko, vaya: vanotenda, vanoitwa vatendi nevasingatendi. Vari muboka rimwe nerimwe. Mazviona?

Kwese kwamunowana vatendi, kune vanoitwa vatendi nevasingatendi zvakare. Ndiro dambudziko rine kereke yega yega.

Vatendi, zvisinei, vanokwezva vanonzi vanoidzwa vatendi nevasingatendi.

65-1206 ZVIITIKO ZVANHASI ZVINOJEKESWA NEZVAKAPROFITWA

Rangarirai, kwagara kune mapoka matatu evanhu muungano yega yega, vaya, vanoidzwa vatendi, vasingatendi nevanotenda. Tinavo muboka rimwe nerimwe. Vakagara variko nguva dzese.

61-0402 CHISIMBISO CHEISITA CHECHOKWADI

... Izwi raMwari rakanyararidzwa nemakaro negodo, zvakagara zvakadaro mukereke kubva pakutanga, kuedza kunyararidza Izwi raMwari rechokwadi.

Boka rekereke rinoita zvemari. Kana pakaita munhu anosveerera kuenda pamusoro ozviti, zvisimo muMagwaro, pasita ndiye musoro wekereke, rinobva raita basa rinobhadhara zvakanakisa.

“Chegumi ndechapasita.” kutaura kusimo muMagwaro.

Pasita anobhadharwa kuti adzidzise Shoko asi godo rekuti mudzidzisi weBhaibheri anogona kutsanangura zvakanyorwa muMagwaro kudarika pasita. Saka pasita anobvisa mudzidziso weBhaibheri.

Hakuna hushumiri hunonzi musoro wekereke.

Hushumiri humwe nehumwe hune basa rakasiyana nehumwe rekuita.

Pasita munhu anogona kuita mabasa ehufudzi ekubatsira nhengo dzekereke dzine matambudziko.

Testamente Itsva inoti “mapasita” [vafudzi] (muhuzhinji) pamwechete pakataurwa pamusoro pehushumiri uhu. Saka kereke haina pasita umwechete. Chero mukuru anobatsira pakuchengetedza nhengo dzekereke ndipasita.

Ndicho chikonzero nei kereke imwe neimwe ichitongwa neboka revakuru.

I PETRO 5:1 Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:

2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa;

3 musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka.

Hakuna muhu anonzi ishe kana mukuru wekereke. Boka revakuru, vakaenzana, ndivo vanotonga kereke.

63-0724 MWARI HAADAIDZI MUNHU KUNOTONGWA ASINA KUTANGA AMUYAMBIRA

Asi, munoona, mukereke muna pasita, pasita ivavo munhu akasarudzika. Akavakwa kuti agone -- agone kurarama nevanhu vanonetsa. Mutakuri wekurema, ndiye dhonza reboka rake. Ndiye munhu anogona kugara pasi kana.... mumwe munhu aine bope neumwe, anogara navo vari vaviri pasi (asina divi raanotora) ovagadzirisa oita kuti runyararo ruve pakati pavo. Mazviona? Mufudzi, anoziva kuti ogadzirisa sei zvinhu.

Muvhangeri munhu akakosha. Munhu anopisa sebhora remoto. Anomhanya muguta kunoparidza mharidzo yake, obudira kumwewo. Munhu akakosha.

Mudzidzisi munhu akakosha. Anogara pasi pezodzo yeMweya anogona kutora Shoko oribatanidza neMweya Mutsvene, zvekuti, pasita nemuvhangeri vese havangakwikwidzani naye.

59-0628 KEREKE YAKANYENGERWA NENYIKA

“Samusoni, vaFirisitia vari pamusoro pako.”Tabernakeri yekwaBranham, zvenyika zviri kupinda pakati penyu.

... “Zvakanaka, ndinovimba kuti zvakanaka. Tinoda kuterera pano neapo, kana tisina kuneta.” Ndiyo Tabernakeri yekwaBranham. VaFirisitia vari pamusoro penyu.

Kuipa kunopinda mukereke nemitemo inoitwa nevanhu inotora simba zvishoma nezvishoma.

61-0108 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA. 3

Izwi raMwari Ishoko rake.

60-0804 APO GONDO RINORINDIRA DENDERE RARO

... kana ndichinzwisisa Magwaro zvakanaka, ndiro Izwi raMwari richitaura richibvumira.

60-0518 KUTORA

Makambotarisa Mosesi here, muiti weminana mikuru yakadzosa Israeri munyika, akavadzosa kuNyika yeChipikirwa, asi haana kuvapa nhaka yavo? Haana kuvapa nhaka yavo; akavatungamirira kunyika, asi Joshua akagovanisa nyika kuvanhu vayo. Ndizvozvo here? Kristu akaunza kereke kunzvimbo uko zvinhu zvavo zvakaitwa zvavo, zvikapihwa kwavari, kuyambuka Jorodani, asi Mweya Mutsvene ndiwo wakagadza kereke, Joshua wanhasi anogadza kereke panzvimbo, Joshua wanhasi anoisa kereke panzvimbo, achipa umwe nemumwe, zvipo, nzvimbo, nezvigaro. Ndiye Izwi raMwari richitaura kumunhu wemukati akaponeswa naKristu: Mweya Mutsvene.

Zvino, muri kuzviona here? Zvino, tiri kupinda muBhuku raVaefeso. Zvino, nenzira imwechete, ari kuisa kereke panzvimbo payo. Zvino, Joshua akaisa maJuda muNyika yeChipikirwa. Zvino, Mweya Mutsvene uri kuisa kereke panzvimbo, munyika iyo vacha ... panzvimbo yavakafanira, nhaka yayo.

Kutinhira nemafaro zvinokonzera njodzi.

59-0412 WANZWEI IWE ERIJA

Rangarira zvinhu zvakatanga kuitika. Izwi rakapedzisira kureva. Chaive chinhu chekupedzisira.

Takaita mhepo dzaimhanya, kutinhira, nezvimwe zvese. Asi nguva iri kuuya apo izwi raMwari rinotaura. Anotsigira kuti ndiye.

Aive iye akatumira kutinhira. Vakatevera kutinhira pachinzvimbo chekuteerera izwi.

Akatumira mhepo, asi vakatevera mhepo pachinzvimbo chezwi.

Vanotevera mharidzo vakaita dzidziso dzavo vega dzinodarika makumi maviri dzekutinhira kuti varasise mapoka emharidzo.

 

Musaedza kuva nani kudarika vamwe

 

59-0412 WANZWEI ERIJA

Munozivei? Harizi dziva guru rinoshinyira rinozouya rinokonzera mhere mhere inoratidzirwa nenyeredzi dzekudenga. Kadziva kaduku kakadzama, kanonzwika kunge kakanyarara kanoratidzira nyeredzi. Zvinhu izvi zvese inzira dzaMwari dzekuita izvi.

... Nyika inogona kunyengera nekufadza. Kereke haisi mafaro. Haifaniri kufadza. Inofanira kuparidza kuzvarwa kutsva kunoita chisikwa chitsva munaKristu. Asi nyika iri kutsvaga mafaro kukereke, mitambo yekufara, kunakidzwa nezvimwe.

Zvino, ndiri kuda kuti muone kuti chii chiri kuitika.

Kazhinji hazvisi zvinhu zvine ruzha zvinoita zvinhu zvikur.

Hazvisi zvinhu zveruzha. Ngoro inogona kupinda mumunda; kana isisina chinhu inorovera, inonzvenga nzvenga yoita ruzha, inogona kudzoka neipapo yazara nezvinhu zvakana, isingatoiti kana ruzha. Nei, yakazara. Zvinoda kereke nhasi kuzadzwa, kuzadzwa nerudo rwaMwari.

Zuva rinogona kusveta magaroni miriyoni emvura neruzha rushoma kudarika yatinogona kudira mugirazi tichishandisa mushini. Ndizvo chaizvo. Denga rinogona kumwaya dova pasi rese neruzha rushoma kudarika kudiridza kwamunoita huswa hwepamberu pemba yenyu chete. Chokwadi. Makambonzwa mapuraneti achitenderera here.

Zvinhu zvikuru zvinhu zvakanyarara.

Ongororai Mweya Mutsvene paunosvika husiku hwanhasi kuti unonyararidza sei zvinhu zvese.

Asi isu tiri kutsvaga zvatinonzwa, tomhanyira zvinhu zviduku, totadza kunzwa izwi iroro.

59-0412 WANZWEI IWE ERIJA

Ndinozvibvunza, kuti dai tisinganyanye kuteerera mhepo dzinodarika, nemoto neropa nezvimwe zvese, totadza kunzwa izwi duku rakanyorovera. Ndoshaya kuti kana tikatarisira zvakanyanya kuzvipo zvatisingaoni atipa. Munoziva, America iri panjodzi neruzha. Ndicho chikonzero nei mumhanzi weroku-endi-ro une mbiri kwazvo, nerumwe ruzha rwese rwatinganzwe.

Zvino, takanzwa mhepo dzinomhanya dzinodarika; takasangana nekuzunguzwa kukuru, asi Mwari aive papi pazviri zvese? Erija akati aive asiri mazviri zvese. Takaitei nemhepo dzinodarika?

Takaitei nezvese zvatakanzwa? Zvakatisvitsepi zvese izvi? Takasarudzwa nekuunganidzwa pakasungwa zvekuti hatigoni kuwadzana nevamwe.

Takaitei nazvo? Kereke iri nani here? Yakaringaniswa nemhepo dzinovhuvhuta here? Kwete,baba.

Inoringaniswa chete kana ivo vanhu vakanzwa Izwi riya duku raMwari.

Kurudziro yemaGiriki yaive yakasimbiswa nekuzvikudza nerudo rukuru rwekuita makwikwi ekuva nani kudarika vamwe vanhu vese.

 

Vanhu vanokoshesa zvishandwa kwete chokwadi

 

59-0301 UNOITEI PANO

Hamufanira kuva nemachinda, nezvimwe zvakadaro kuti mumire pano sekuti handizivi. Hadzisi nguwo dzamakapfeka kana kutsetseka kwerurimi rwenyu pakutaura.

Chimwe chinhu chiri mukati menyu, izwi iroro raMwari. Ndizvozvo zvazviri.

Vanoshambadza havana chavanoziva kudarika kungoti vanofanira kushambadza.

Putin, mudzvanyiriri mukuru, aitya vane shungu nesimba. Vaizova njodzi pahudzvanyiriri hwake. Aingokoshesa vatsigiri vake vaitenderana naye. Vaimuudza zvaaida kunzwa, kwete zvaaifanira kunzwa.

Ndiko kukanganisa kumwechete kunoitwa nehutungamiriri hwemunhu mumwechete mukereke. Chimisikidzo chakadaro hachina kubva muMagwaro.

62-0211 HUMWECHETE

Munoti, “Zvakanaka, Hama Branham, ndinotaura nendimi. Ndakadanidzira. Ndakaita izvi.” kana muchiri nemweya wakadaro muchiramba Shoko raMwari, hamuna Shoko raMwari mamuri, hamuna Mweya waMwari mamuri. Kana mukagara muchinzwa hwamanda dzichiparidzwa, mukadzitsvaga muBhaibheri mukaona chiri Chokwadi, moramba kuita zvarehwa, hausi Mweya waMwari. Handinei nekuti mataura zvakadii nendimi, madanidzira zvakadii, uri vemakereke akadii, kana kuti makabapatidzwa kangani, kana chii zvacho. Shoko nderechokwadi. Ndiro rinoyera chokwadi. Kana mune chimwe chokwadi chese ichi neShoko, amen, zvinoreva kuti munoziva muri kuuya kumusha.

63-0123 KUZIVIKANWA

Tiri kuratidzira chii, chaizvo,

Kana tingori neruzha rwakawandisa, uye tichigona kudanidzira nekutamba, nekutomuka tichikwira nekudzika? Oh, ndakaona vekwaMohamedi vachidaro. Ndakaona tsoko dzichidaro.

Hapana chekutaura. Handirevi izvozvo, ndiri kutamba hangu. Haizi nzvimbo yekutambira ino. Iri iShoko raMwari. Mazviona?

Asi ndakaona mhuka dzichitomuka, dzichitamba, tsuro. Hazvingashayi zvazvinoreva. Hazvingadaro. Muri kufara. Chero chinhu chinogona kukufadzai, chero chinhu chiduku chamunoona. Ndakamboona vatadzi vakadhakwa, vachifara kwazvo! Chokwadi. Hazvina zvazvinoreva.

Asi mufaro wavo uri kubvepi? Tsime rawo nderei? Zvinorevei pamusoro penyu? Zvinoratidzei pamusoro penyu?

Mumwe munhu anogona kuramba Shoko raMwari; mumwe anorarama munyika; umwe anonzwa Chokwadi obva abva kwachiri; votengesa nhaka dzavo vachida zvisina maturo?

Oh, Mwari tibatsirei, Hama, hanzvadzi, tibatsirei tidzokere Kristu azviratidze, zvakare, matiri, saizvozvo. Oh, maiwe! Dai Mwari atibatsira kuti tiwanikwe maari, zvekuti, Shoko rake neHuvepo hwake hunorarama matiri, kumuratidza kunyika, amen, sezvatichaona.

 

Makereke ave mariva ehunyengeri

 

vaFarise vakasangana naMwari ari munhu vakaona kuti aive chipingaidzo kumasimba avo nezvinzvimbo zvavo.

Soshari medhiya inodzidzisa vanhu kushaiwa rukudzo kune vamwe, kunyanya kana vasingabvumirane pane chimwe chinhu.

Makereke haagoni kuwana chero chinhu chitsva chiri muMagwaro asi vanokanganisa zvikuru nekupokana neMagwaro anopikisa maonero avo.

Kana kusaziva kuchidanidzira, huchenjeri hunenge hunyerere.

65-1127 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI HUSIRI HURONGWA HWAMWARI

Tarirai zvaive zvinangwa zvaDavidi: aiunza areka kumba kwake.

Raive risiri guta, yaive isiriyo nzvimbo, yaive yeJerusarema. Asi Davidi aiuya nayo kumba kwake iye pachake.

Aida kuti vapikisi vave musangano rake iye.

“Oh, kana muri Ungano, zvakanaka. Kana muri Vamwechete, zvakanaka. Kana muri Pentekositi , zvakanaka”.

Munhu wese anofunga kuti kereke yake ndiyo yakanaka.

65-1128 NZVIMBO IMWECHETE YAMWARI YATAKAPIHWA YEKUNAMATIRA

Uko kuTucson, vari kuterera mangwanani ano, ndakambozvibvunza ...

Ndinogarokurudzira vanhu ndichiti, “endai kumakereke, zvisinei nekuti maendepi.”

Ndinoona vanhu vachiita sevanodzokera shure, vachienda rumwe rutuvu. Ndikafunga kuti, “Chikonzero chimbori chii?”

Ndakaenda kune vamwe vavo,

“Zuva rekutanga pamunosvikako, vanouya kwamuri voti, ‘Ivai nhengo yekereke yedu.’ kana mukasaita izvozvo, hamutambiriki.” Mazviona? Mazviona? Ndezvekumanikidzwa, zvinomanikidzirwa pamuri, mazviona, ndiyo Babironi.

Asi muna Kristu, munouya nesarudzo dzenyu; kwete nekumanikidzwa, moyo yenyu ndiyo inokukwezvai.

Mwari havana kuisa zita ravo muBabironi nguva iyoyo. Nazvino wese.

Haangaisi zita rake muBabironi, makereke.

Oh, vano, vanoisa zita rake imomo, asi havadi. Kwete.

64-0629 MWARI WAMASIMBAOSE ACHIRATIDZWA PAMBERI PEDU

Mwari ari kudana eksodo,

Kuti vabve kuseri kwezvidzitiro zvenyama vanoedza kumanikidza, vanoedza kupinda kereke.

Kwete Methodisiti, Baptisiti, Puresibeterio, ese, asi makereke ePentekositi.

Inhau yemunhu akazvimiririra. Ndiwe naMwari. Munofanira kupinda, kwete boka, kwete kereke yenyu, kwete pasita wenyu, asi ndimi munofanira kupinda mukati.

1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9 KEREKE YERAODIKIA

“Shingairai mutendeuke.” Ikozvino kereke yenhema iyi ine zvivindi; musakanganise ipapo. Zvivindi zvayo zvakaita sezvemaJuda, Johane 2:17

Ndezveimba yekuvaka kwavo voga. Ndezvezvitendero zvavo vega, dzidziso nemapato avo voga.

Kururama kwavo voga.

Vakabvisa Shoko mumazano avo vega.

Vakadzikisira Mweya Mutsvene vakaita vanhu vanotungamirira.

Vakabvisa Hupenyu husingaperi seMunhu vakahuita mabasa akanaka, kana kutenderana nekereke pachinzimbo chemabasa akanaka.

Jesu akauya kuzopa, kwete kutora.

Tinoda makwikwi akanaka. Makwikwi akanaka hakusi kusimbirira kuvaka zvakakura chete.

Vanhu vakasiyana pazvinhu zvikuru. Vakazadzwa netunyaya twavo tudiki. Zvido zvehupenyu huno. Kana vakatarisana nechokwadi chezviitiko, vanhu vanotyiswa vodududza zviri nyore kuenda pakuvaka kusina kwakunoenda kana kudzungaira.

65-0220 NZVIMBO YAMWARI YAKASARUDZWA YEKUNAMATIRA

Vanofunga kuti munofanira kuva nhengo yekereke kana kuti hamuende Kudenga. Zvakaipa. Kutenda izvozvo kuva antichristu. Ndichataura izvi; kana muchitenda mumweya wakadaro, makarasika.

Tinoona zvakarema kurangarira kuti chokwadi chitsva chinenge chakamira sei, saka tinotya ramangwana tobatirira pane zvatiinazvo nhasi. Asi ramangwana hatigoni kurimisa rinoitika.

Putini ari munzvimbo isingaoneke. Semudzvanyiriri anopihwa huchenjeri husihwo, zvinhu zvaanoda kunzwa. Musungwa wekuita kwake kwakarongwa kusingadi kupikiswa. Pope ndiye ega mudzvanyiriri muEurope. Pope anoshanda saPutini sezvo anodzinga vapikisi. Pope akaedza zvakanyanya kuuraya Martin Luther muna 1520.

Mapasita anotongawo makereke awo saizvozvo vari munhu mumwechete anotungamirira vatori nedambudziko rimwechete iri. Vanouraya vapikisi nenzira dzekusvibisa mazita avo.

Kukanganisa kukuru kwevanhu vanoenda kumakereke ndekwekuti kana vakapokana nedzidziso, vanovenga zviri nyore munhu adzidzisa havana chakanaka chavanotaura pamusoro pake.

 

Vadzidzisi vakanaka vanodiwa kuti vaparidze chokwadi

 

Antioki yaive kereke yakasimba munguva yekereke yekutanga. Vaive nevadzidzisi vashanu, vaviri vavo vaibva kuAfrica. Niger inyika hurusa muAfrica. Rwizi rweNiger rwizi rukuru. Cyrene raive guta riri kuMusoro kweAfrica kwakabva Simoni, murume akatakura muchinjiko waJesu.

MABASA 13:1 Zvino pakereke yapaAntiokia paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Barnabasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakanga arerwa pamwe chete naHerode mubati, naSauro.

Zvinodakadza, hapana kutaurwa nezvapasita.

“Pasita” akataurwa kamwechete chete muTestamente Itsva, hapana paakataurwa ari umwechete. Saka, pasita umwechete haana kubvira aita Musoro wekereke zvakadaro pasita haana kukosaha kwakakura kudaro muTestamente Itsva.

55-0220 KUGUTSIKANA NEKUTENDA

Kana kwaimbove nenzvimbo yakamboita Babironi yanhasi, kuAmerica. Ndinovimba hazvifi zvakabata minganhu yeAfrica kana dzimwe nyika dzevahedeni.

Ndinovimba kuti vadzidzisi veEvangeri vachasvikako kunodzidzisa vanhu.

52-0713 KUSANGANA NEMWEYA KWEKUTANGA

Zvino, zvino hama yangu, handisi kuzvidza vaparidzi; muri vanhu vanonamata. Muri kuita zvakawanda pamisangano nezvimwe, vaparidzi vanonamata ava, asi kana muchida kupinda mudambudziko, zvisanganisei neboka revaparidzi. Ndizvozvo chaizvo. Ndicho chikonzero ndichitambira kure navo. Ndizvo chaizvo. Zvino, ndizvozvo chaizvo.

Vakati, “Ishe vanotaura kwatiri, sezvaanoita achitaura nemi”.

Ndakati, “Kora aifunga zvimwechetezvo, rimwe zuva.” ndizvozvo. Ndakati, “Ndinoziva ...”

Kora naDatani vakatora hutungamiri hwerwendo Eksodo vakafa vese nevatsigiri vavo pakudengenyeka kwenyika.

Tarisai mufungo wakaneta wehama Branham wavaive nawo pamusoro peboka revaparidzi nekuti vaiziva Magwaro mashoma asi ivo vakazadzwa nemifungo nemazano avo vega.

60-0331 KUBVA PANGUVA IYOYO

Zvino, Dai Jesu ari pano, manheru ano, achionekwa, zvingadai zvakaipa. Dai Jesu akamira papurupeti pano husiku huno, Jesu Kristu weKudenga, akamira papurupeti pano husiku huno achiti ndiye Jesu Kristu, anenge ari antikristu. Ndizvo chaizvo zvaanenge ari. Nekuti Jesu paanoya, Kukwira Kudenga mukubwaira kweziso kunoitika. “Sekuuya kunoita chiedza kubva kumabvazuva richienda kumadokero, ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana weMunhu.”

Musafe makataura kuti Hama Branham ndivo Jesu Kristu.

64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO 3

Kundiita munhu waShe Jesu Kristu, ndinenge ndiri antikristu.

Musafe makati hama Branham ndivo Shoko raMwari. Jesu ndiye Shoko raMwari.

Musafe makati hama Branham ndivo Izwi raMwari. “Izwi raMwari” harina kutaurwa muTestamente Itsva.

Makwikwi haasi ekuti tipedze bhuku, asi kuti tinzwisise zvakazara zvarinotaura. Zviri munhau imwe neimwe zvinova musuwo unotungamirira kusvika pane imwe nhau.

Ngatiendei pane nhau dzeMagwaro akaziviswa toona kuti towana kunzwisisa chokwadi cheMagwaro chakadii. Asi zvakanyanya kukosha, ngatishingirirei kuti tibvise chero kukanganisa kusimo muMagwaro kwatichiri takabatirira pakuri.

DANIERI 12:10 asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.

Vasikana vakachenjera ndivo boka rakafanira kupinda.

Hatigoni kuzviti tirimo muboka iri kunze kwekunge tichinzwisisa Shoko rakanyorwa muBhaibheri reKing James Vhezheni.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23