I VAKORINTE 5 Maonerwo anoitwa makereke eMharidzo nevari kunze
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
I Vakorinte 5: Makereke eMharidzo anoTurikira kutendera chiPrista chemaPasita kutsiva ChiPrista chevaRevi chakakundikana.
First published on the 2nd of November 2025 — Last updated on the 2nd of November 2025Makereke akapfuma anoda Pasita anenge ari muzvinabhizimisi kuti avatungamirire
Kuzvidzwa kunotyisa uku kwakatumirwa nevekunze kuratidza maonerwo anoitwa makereke eMharidzo nevamwe vanhu.
Izvi zvinotsigira mafungiro aive naJesu pamusoro pekereke yeRaodikia kuna Zvakazarurwa Chitsauko 3.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera Mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
16 Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
17 Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama;
Jesu akazvidza kereke iyi achiti yakafanira kuva marutsi mumuromo Make.Kereke yakapfuma, inozvikwanira, asi isina maturo pakugadzirira vanhu Kuuya kwaJesu kweChipiri. Ibofu kuMagwaro apo vanowedzera kushaiwa zivo yeMagwaro.
Jesu anotiwo, haasisiri mukereke. Zvinoreva kuti chero kereke, kusanganisira makereke eMharidzo anoti anotevera William Branham, apo Jesu amire kunze kwemusiwo wekereke.
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.
Jesu haasi kuedza kubatsira chero kereke. Ari kungotsvaga vanhu vakazvimiririra vanogona kubuda mukereke.
Ngatitenderei vanobva kunze kupa mafungiro avo pamusoro pemakereke eMharidzo.
ChiPrista chevaRevi chakararama nekuti chiPrista chaibva kuna baba chichienda kumwanakomana zvakachengeta mari mumhuri.
ChiPrista chemapasita nhasi chinobvawo kuna Baba kuenda kuMwanakomana, apo Mutemo mukuru usimo muMagwaro wevaNikoraiti ndewekuti chegumi ndechapasita.
Pasita neMwanakomana wake ibhizimusi rine chiremerera.
Tarirai kuti maPasita anoturikira sei I VAKORINTE 5 kuti vachengetedze makereke avo eMharidzo.
1. Zvinonzi kune zvivi pakati penyu, asi kana ari kupikisa ari pachidanho chakanaka, aine zita rinoremekedzwa, kana kuti achipa chegumi, hazvitaurwi nezvazvo.
Chero pasi rese rinogona kushamiswa nezvinoitika seri kwemagonhi akavharwa, asi hatingazvitenderi, nekuti zvinokanganisa kubatana kwekereke.Nhau huru ndeyekuchengetedza pfungwa yekubatana chero kuri kwekunyepera.
Kubatana zvinoreva kuzvininipisa kuna Pasita nevanhu vake vanotenderana naye.
2. Pachinzvimbo chekuungudza munofanira kurwira zvakaipa, muchiti, “Musabata muzodziwa waMwari!”
Nekuti tiri vanani kuti titonge hama dzedu?Zvisinei, kutaura uchipikisa zvivi hakutenderwi.
3. Chero kana munhu akatadza zviri pachena, tinofanira kuita sepasina zvaitika.
Uye kana pakaita anoti munhu arangwe, vanenge vari vanyonganisi kana vatsvagi vezviratidzo.4. patinoungana muzita raShe Jesu, tinofanira kukosheda zaruriro, kwete kubatirira munhu.
Nekuti tiri vanhu vakadanwa- vakadanwa kubva munyika, asi hatina kudanwa kubva mukun’ora kwedu.Panotaurwa zvinhu zvisiriizvo, sekuti America ichaparadzwa negore 1977, takabva tangofuratira nhau iyoyo muna 1978 zvichienda mberi.
Kana kutarisa munhu anenge achibvuna neziso rekugodora moramba kuti makambotaura zvinhu zvakadaro.
Kana takati Hillary Clinton achakurira sarudzo dzemutungamiriri wenyika muna 2016, taizongonanzva maronda edu kusvikira tatanga kuti Kamala Harris achakurira Sarudzo dzeMutungamiri weAmerica muna 2024. Apa tinobva tananzva maronda akawanda.
Kukanganisa katatu.
Mumutambo weBhesibho ukangorova katatu watobuda. Mapasita emharidzo anofanira kunge akarizaina kare nekuti vakarasika kakawanda kasina tariro. Pachokwadi, vakatinyepera katatu.
Asi vanotsiva nekurwisa Trump uyo zita rake rinoonekwa kaviri muBhaibheri, richiyanana nekumuka kwevakafa.
Saka, Trump chiratidzo chenguva.
Rumuko rwuri kuswedera.
Mwari vari kushandisa Trump kuchengetedza Israeri. Akazadzisa chiprofita nekuita Jerusarema Guta guru reIsraeri muna 2018.
I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
I VAKORINTE 15:52 Nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.
Vhesi iri rinoti nehwamanda (trump) uye Hwamanda zvichibva zvasiyana. [ndapota tarirai trump muchishona rakashandisirwa hwamanda saka toriti nehwamanda kuti zviite musiyano]. Ari kuedza kutiudza chimwe chinhu.
Kubva muma 2025, Trump ari munguva yake yekupedzisira muhofisi yekutonga nyika.
Trump akakurira kaviri musarudzo asi maPasita eMharidzo akati aizokurirwa mukadzi okurira.
Kutaura kuti Pasita weMharidzo atadza hazvirengerereke. Trump anofanira kurangwa nekuda kwaizvozvo.
Saka, tinofanira kumurwisa nekuti Pasita wedu haana kuzadzisa chiprofita. Uye hakuna munhu ari nani kudarika pasita.
Hakuna munhu ari pamusoro paPasita. Mutemo wekutanga.
Pamusoro pazvose, maPasita emharidzo haakanganisi. Vanotevera muprofita asingatadzi akaitwa Izwi raMwari. Akaiswa pamusoro pamwechete naPope.
5. Kana munhu akaenderera mberi muzvivi, tinomunamatira tomirira Ishe Jesu kuti vazivise- kunze kwekunge, zviri pachena, akabuda mukereke kana kutaura achipikisa Pasita, munhau iyi anenge ari waDiaborosi anofanira kudzingwa pakarepo.
6. Kuzvikudza kwenyu kunorevererwa, nekuti imi moga mune manna yakavanzwa, zvivi zvesangano hazvina basa kana dzidziso dziine chokwadi. Hamuzivi here kuti mbiriso duku inoonekwa kana iri kunze kweboka redu?
Pasita wangu ane dzidziso dzechokwadi, zvisinei nekuti anopikisana nemamwe maPasita. Saka, hatinei nemusiyano wemapasita. Tinoshingirira kunyepedzera kubatana.7. Kurwa hakubatsiri, nekuti nyasha dzinofukidza munhu wese- kunze kwekuti ari munhu watisingadi, munhau yakadai vanofanira kubviswa zvakanaka.
8. Saka, ngatirambei tichipembera, kwete nembiriso yekubvuma nekugadzirisana, asi nembiriso yekare yekutsvairira zvinhu pasi perupasa.
Pasita akapfuma. Vanogona kutenga mhasa dzechirungu hombesa.9. Ndinokunyorerai mutsamba yangu kwete kuti ndifambidzane nevasina kugadzikika mune zvepabonde- kunze kwekunge, zviri pachena, vane chinzvimbo mukereke, munhau yakadai vanofanira kudzorerwa chinyararire pasina murango.
Kana pasita akanhumburisa munhu, anofanira kungonyangarika kuti asapindire panhau dzehushumiri hwake hwakazodzwa.10. handirevi vanhu vemunyika, nekuti tinofanira kugarozviyeuchidza kuti tiri nani zvakadii kuvadarika. Ndinoreva kuti kana chero munhu akakanganisa pakati penyu, munongoita semusina kuzviona moyambira vamwe kuti “vasanyanye kuongorora zvakadzama mazviri”.
Musatarisise zvakanyanya kuti mutsvage zvakaipa mukereke.Musaongorore kuti mutsvage mibvunzo yakaoma muBhaibheri. Bhaibheri harinyanyi kushandiswa mazuvano sezvo tiri kunyanya kukoshesa kuturikira zvakataurwa nevanhu.
“Ndakanzwa kuti” zvakuonekwa zviri nani kudarika kutaura kuti “Zvakanyorwa zvichinzi”.
11. Asi ikozvino ndinonyora zvakare: kana munhu akabuda mukereke akataura zvakaipa nezvayo, musadya naye, musamhorese munhu iyeye, musabvume huvepo hwake. Asi kana munhu akaramba ari mukereke, zvisinei nechivi chake, muregei arambe arimo sepasina chakaitika, kuitira kuti kubatana kwakakosha kudarika hutsvene.
Kuvimba nedzidziso dzekereke. Kuenda kukereke nguva dzese. Ndizvo zvinochengeta nzvimbo yenyu Kudenga12. Nekuti tinofanira kuwanei nekutonga vari mukereke? Hatifaniri kunge tichituka nyika here pachinzvimbo?
Kuita dzimba dzedu dzine tsvina hakufaniri kutimisa kubuda kunotaura pamusoro petsvina iri kuitwa nevamwe mudzimba dzavo.13. Mwari achatonga vekunze; vakaipa pakati pedu – vasiyei vakadaro, tingakonzeresa kusawirirana.
Ndiwo maonerwo anoitwa makereke eMharidzo nevanhu vakawanda.Hachisi chinhu chinonakidza.
Hazvisati zvanyanya kunonoka kuti vanhu vari mumakereke eMharidzo vatendeuke vabude.
ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi kubva kudenga richiti: Budai kubva mariri vanhu vangu, kuti murege kuva vagovani vezvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro;
“Rimwe izwi” izwi remukati rekuzvitsiura rinobva kuMweya Mutsvene anoda kuti mutevere Magwaro zvakazara.