Hakuna munhu ari parutivi paMwari Kudenga
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Hakuna munhu akamboona zvigaro zvehushe zvitatu Kudenga. Hakuna munhu akamoona vanhu vatatu Kudenga. Mwari Mumwechete muVanhu vatatu hazvimo muMagwaro.
First published on the 14th of April 2024 — Last updated on the 14th of April 2024ISAYA 43:11 Ini iyeni ndini JEHOVA: kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.
Hamugoni kuona Jesu agere kana kuti amire parutivi rwaMwari Baba sekuti pane Vanhu vaviri.
“Parutivi” zvinoreva “pedyo naye”.
Vanhu vatatu havana kubvira vaonekwa pachigaro cheHushe muBhaibheri sezvakaratidzwa neTiriniti yeRoman Catholic isimo muMagwaro.
Dambudziko nderekuti havagoni kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu. Saka, Mwari weTiriniti haana zita nekuti “Mwari” harisi zita.
MaMoziremu ane dambudziko rimwechete. “Allah” zvinoreva kuti Mwari muchiArabu. Saka “Allah” harisi Zita raMwari. MaMoziremu havanawo Zita rekudaidza Mwari wavo.
Kukanganisa kunouya nekurasika. Ikozvino vanoona sekuti zvinzvimbo mazita. Idzi inhau dzenhema nekuti Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene haasi mazita.
Mufananidzo uri pamusoro weTiriniti unotevedzerwa kubva kuEgipita yekare yaive neTiriniti yakawandisa.
Egipita yakaisa vanhu vatatu pamufananidzo vagere pachigaro chehushe. Izvi hazvina kubvira zvaonekwa muBhaibheri. Itsika dzemapegani.
Zita retiriniti iri raive Isisi, Horusi naSeb. Tiriniti yavo yevaMwari yaive nemazita matatu nekuti vaisakwanisawo kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu.
MaKristu vanoona zvisiriizvo Jesu agere kurudyi rwaMwari.
Asi Mwari haagoni kuonekwa nekuti Mwari ndiMweya asina chimiro.
JOHANE 1:18 Hakunomunhu wakatongoona Mwari:
JOHANE 5:37 Naivo Baba vakandituma, ndivo vakandipupurira vo. Hamuna kutongonzwa Izwi ravo, kana kuvona mufananidzo wavo.
ZVAKAZARURWA 3:21 Unokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu chovushe, seni vo ndakakunda, ndikagara pamwechete naBaba vangu pachigaro chavo chovushe.
Izvi zvinorevei kwamuri?
Zvigaro zviviri? Jesu agere naBaba vake pachigaro chavo.
ZVAKAZARURWA 4:2 Pakarepo ndakava muMweya: Tarira; Chigaro chevushe chakagadzw Kudenga, nomumwe agere pachigaro.
Chigaro chehushe chimwechete Kudenga neMumwe agere pachigaro ichocho.
Jesu munhu kunze asi akazadzwa neMweya waMwari unoshamisa mukati make.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Semuenzaniso, mune ndagariro dzinoziva (Mwanakomana) dzamunogona kutonga nendangariro dzemukati (Baba) dzine sima rakakurisa dzinotonga kushanda kwemuviri wenyu (kurova kwehana nezvimwe) nekuita kuti murambe muchifema kana makarara. Asi hamuna ndangariro mbiri. Kungori kuratidzirwa kuviri kwendangariro imwechete.
Munhu Jesu ndiye Mwanakomana ane kuita kwevanhu venyama.
Baba ndihwo hunhu hunoshamisa hweMweya Mutsvene hunotonga Munhu wenyama. Zvakadaro Njiva yeMweya inotungamirira Gwaiana rinozvininipisa.
ZVAKAZARURWA 5:6 Zvino ndakavona pakati pechigaro chevushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati pavakuru, Gwaiana rimire, rakaita serakabaiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yose.
ZVAKAZARURWA 5:7 Iro rikavuya rikatora bhuku muruvoko rwerudyi rwaiye akanga agere pachigaro chovushe.
Gwaiana raakuya muvhesi 7 rikatora Bhuku kubva kuna Mwari aive agere pachigaro chevushe.
Tinogona kuona mufananidzo uyu uri wevanhu vaviri kana tikafuratira nhau yekuti Gwaiana raive ragara riri pakati pechigaro chovushe risati ratanga kufamba.
Vhesi 6 rinoti Gwaiana raive rimire pakati pechigaro chehushe risati ratanga kufamba.
Saka, Gwaiana, Kristu, harina kubvira rafamba panyika nekuti raive richigara riri pakati pechigaro chehushe.
Izvi zvaigoneka sei?
Einstein akatidzidzisa kuti nzvimbo nenguva zvakarukaniswa kuita nzvimbo-nguva. Vanhu vanogona kufamba munzvimbo asi zvisikwa zveMweya zvinogona kufamba munguva zvakare.
Jesu aive agere munzvimbo asi achifamba mukati menguva apo anodzokera pamavambo kunotarisa zano rake reruponeso achiona kuti hakuna munhu aida kuponeswa akasiiwa kunze. Hakuna mazita anofanira kushaikwa muBhuku reDzikinuro. Akabva adzoka kubva kurwendo rwake rwaakaenda kunguva yakadarika nekuti Jesu anoongorora zvinhu zvese. Akakunda kuwana Ruponeso seGwaiana, Jesu seMusiki anotora Bhuku redzikinuro orizarura kuti azivise kuti akakurira sei Diaborosi nezano rake mumakore 2000 enhorondo yekereke.
Haasi Vanhu vaviri. Jesu ane hushumiri huviri. Musiki nemuponesi. Mwari ega ndiye anokwanisa kuzadzisa hushumiri huviri uhwu.
Kutsanangura hunhu ndeapo tinotambanudza hushumiri kana kuita kwahwo sekuti zvakaitwa nemunhu.
ISAYA 43:1 Asi zvino zvanzi naJEHOVA wakakusika, iwe Jakobo, wakakuvumba, Iwe Israeri: Usatya hako nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
Kana mukaona mavhesi aya sekuti paitaurwa Vanhu vaviri, Mweya mutsvene uripi? Wakatosiiwa kunze. Saka zvinoreva kuti Tiriniti haina kubvira yabereka ruponeso.
Vanhu vaviri vanoenderana nedzidziso yeZvapupu zvaJehova kuita kwakarasika.
Asi Vanhu vaviri havaenderane neTiriniti. Tiriniti izwi risimo muMagwaro.