Genesisi 1:26 ne 3:22 inoshandisa huwandu kutaura nezvaMwari



Nei? Huwandu hweMutongi hunoshandiswa nemadzimambo uye maPope. Hakuna izwi rinotaura chinhu chimwe rinonyatsotsanangura hunhu hwaMwari.

First published on the 17th of April 2023 — Last updated on the 17th of April 2023

Mweya Mutsvene hauna zita muMagwaro

 

Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu.

Asi Vanhu vatatu Kudenga vangaite sei munhurume nemunhukadzi panyika vovadaidza kuti mufananidzo wavo?

Kuna Genesisi Mwari anozvidaidza kuti “Erohimu” izwi inonoreva zvese vazhinji nehumwechete rinogona kushandiswa paMunhu mumwe kana kudarika.

GENESISI 1:26 Mwari akati: Ngatiite munhu no­mufananidzo wedu, akafanana nesu;

GENESISI 3:22 Zvino Jehovha Mwari akati, "Ta­rirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa;

Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu.

Ndi “ngati wehushe” anoshandiswa nemadzimambo, mapope nemabhishopu.

EZRA 4:11 Ndiwo mashoko emwadhi yavakatuma kuna mambo Aritashasita,

Vakatumira tsamba “kwaari” mambo. Kwete kuna mambo nekanzuru yake.

Tarirai mhinduro iyi.

EZRA 4:18 Mwadhi yamakatitumira, ndairavirwa zvakanaka.

“Yamati” kungoshandiswa kwa “ti wehumambo”.

Tarirai dambudziko renyu kana muchiona vatatu kudenga Vakasika Adamu maEva panyika.

 

 

Adamu naEva, murume nemukadzi, havasi mufananidzo wevanhu vatatu Kudenga.

Kutaura kwese kunotevera hakusi muMagwaro:

Zvakatonyanya kurasisa. “Mwari Mwanakomana” hazvina kubvira zvataurwa muBhaibheri.

Kana “Mwari Mweya Mutsvene” hazvina kutaurwa muBhaibheri.

“MwariBaba” hazvina kubvira zvataurwa muTestamente Itsva. Nei? Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura izvi.

Kutsanangura “Isu” kuna Genesisi, vanotenda kuTiriniti vanokasika kutaura kuti “Mwari Baba”, “Mwari Mwanakomana” “naMwari Mweya Mutsvene” vaivepo vese. Asi hakuna pakati pekutaura uku kwese kuri muTestamente Yekare. Saka kutaura kwavo kurasika.

Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura kuti nei “Mwari Baba” vasina kutaurwa muTestamente Yekare. Asi vakataurwa Mutestamente Itsva.

Saka kuzara kwehuMwari kwaMwari weTiriniti kwakavakirwa pamusoro pekutaura kusimo muMagwaro.

Uku kuwodzwa kweMagwaro totenda tsananguro dzemaGiriki.

Mumwe -muvatatu uye vese vari vekuita kwakafanana kutaura kuri mutsananguro dzechiGiriki, kwete kweBhaibheri.

Kunobva kwauya dambudziko hombe.

Mwari weTiriniti haana zita.

Baba ndivo JHWH kana kuti YHWH (zvichibva nekuti munoteerera ani).

Asi “zita” iroro haridaidziki. Saka rinogaroshandurwa kunzi ISHE. “ISHE” harisi zita.

Zita raMwari raive chakavanzika muTestamente Yekare.

“NDINI IYE” harisi zita. Kutaura kwekuratidza kuvepo kwake.

Vabereki vaSamsoni vakaona Mwari seMutumwa waShe. Mwari ari muMuviri weMutumwa.

VATONGI 13:18 Mutumwa waJEHOVA akati kwaari, "Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?

VATONGI 13:22 Zvino Manoa akati kumukadzi wake, "Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari.

Zita raMwari harina kubvira raziviswa muTestamente Yekare.

“Mazita” ose aMwari akafanana naErohimu naAdonai aive zvinzvimbo zvaireva kuti Mwari Ishe Aripo Achizviraramira, Umwechete, nezvimwe zvakadaro.

Kana tikatambira kuwedzera mamwe mavara kuzita rekuti JHVH tinosvika pazita rekuti “Jehova” kureva Baba.

Asi mazita ese emuTestamente Yekare ekudaidza Mwari aya haana kubvira ataurwa muTestamente Itsva.

Mwari aive atsamwa Kwazvo nemaJuda nekuti vaive vauraya Messiasi zvekuti akamira kushandisa chiHeberu seMutauro. Saka mazita ese echiHeberu aishandiswa muTestamente Yekare haana kuzoshandiswa zvakare.

Asi hazvibatsiri Tiriniti zvakare nekuti Mweya Mutsvene hauna kubvira wapihwa zita muMagwaro.

Jehova naJesu zvinotipa mazita maviri ekudaidza vanhu vatatu zvisingabatsiri kana takatarisa Tiriniti yevanhu vatatu. Nei umwe wevanhu vatatu ava asin zita?

Saka hatigoni kuwana mazita matatu ekudaidza vanhu vatatu vari mukuzara kwehuMwari.

Saka Jesu, “seMwanakomana waMwari” ndiro zita raMwari ari munhu.

Iri ndiro rega zita ratinogona kushandisa panaMwari muTestamente Itsva sezvo kusina rimwe zita raMwari rakazotaurwa.

Musafe makati “Mwari Mwanakomana” kana muchiremekedza Magwaro.

“Mwari Mwanakomana” uye “Mwari Mweya Mutsvene” haana kubvira ashandiswa muMagwaro.

Edzai kutsvaga zita rimwechete reTiriniti iyi. Hazvigoneki.

Saka hatigoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu ava.

 

 

Kereke inoramba ichitaura nezvekuti “Muzita raBaba, reMwanakomana nereMweya Mutsvene” asi haigoni kutaura kuti zita racho nderekutii.

Saka kereke, yakanyengerwa kusvika yakubvuma Tiriniti paKanzuru yeNicea mugore AD325, ikarasikirwa nezita raMwari.

VekuEgipita havana kubvira vatsvaga zita rimwechete rekudaidza Tiriniti yavo.

 

 

Vaive nenjere dzakakwana kuti vazive kuti Vanhu vatatu vakasiyana havagoni kuita zita rimwechete.

Mungaite fungidziro here dzekuti Tiriniti yakabvepi? Egipita yakabata basa guru.

Kuripira chinhu chekuti vaive varasikirwa nezita raMwari, kereke yeRoman Catholic yakatevedzera IHS yetiriniti yeEgipita sezvo mavara matatu ekutanga muchiRatini anoreva “Iesus Hominum Salvatore” zvinoreva kuti Jesu Muponesi wevanhu.

Hapana muBhaibheri patakabvira tanzi titevedzere zvimisikidzo zvechipegani tichiita setazvipa zvirevo zvechiKristu.

Izvozvo hazvitsananguri kuti nei izwi rekuti “Erohimu” riri muhuwandu pakutaura.

 

Mazwi ekuita anotiudza kana zita riri muhumwechete kana muhuwandu

 

“Erohimu” riri muhuwandu asi chiito chekuti “bara” (kusika) chiri muhumwechete.

GENESISI 1:1 Pakutanga Mwari wakasika.

MuChiheberu, zvinonzi “Erohimu bara”. “Mwari akasika.”

“Erohimu” izwi rinoreva zvese huwandu kana humwechete zvakanana nekuti “hwai” izwi rinoreva zvese imwechete nezhinji.

Saka Erohimu zvinogona kureva munhu mumwechete kana vanhu vakadarika mumwechete.

Unogona kuita hwai imwechete kana hwai zhinji.

Saka munofanira kutarisa izwi rinodudza chiito kana kuti zvakaitwa.

“Bara” chiito chinotaura humwechete, zvakafanana nekuti “kumhanya”.

Saka, “hwai yakamhanya” zvinoreva kuti hwai imwechete, chero zvazvo “hwai” zvinogona kureva hwai zhinji.

“Bara” nekuti rinotaura chiito chimwechete rinoita kuti “Erohimu” Munhu mumwechete.

GENESISI 1:26 Mwari akati: Ngatiite munhu no­mufananidzo wedu, akafanana nesu;

Tiriniti yevanhu vatatu haitipe zita RIMWECHETE rekudaidza mwari wemaKristu.

MaKristu anhasi anonyengerwa (vasikana mapenzi. Vasikana vakachena mhandara, vanhu vakaponeswa vakanyengerwa netsananguro dzechiGiriki kusvika pakutenda zvinhu zvisimo muMagwaro) vachibatira Mwari asina zita.

Amosi akaprofita pamusoro penguva yatichatadza kutenderwa kutaura zita raMwari.

AMOSI 6:10 ... ipapo uchati "nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha."

Zvinoshamisa kwatiri, kereke haitenderwi kutaura kuti Jesu ndiro zita raIshe Mwari wamasimbaose.

Mwenga anotora zita remurume wake kana aroorwa.

Tinogona chete kutora zita raJesu parubapatidzo rwemvura.

Ndicho chikonzero nei kereke inorambidza rubapatidzo rwemvura muzita raIshe Jesu Kristu. Izvi zvinomisa vasikana mapenzi kutora zita raJesu. Saka havafi vakakwana pakuva .

MaJuda vakatevera Mosesi (zita) mumvura dzeGungwa Dzvuku. Vakabuda vari vapenyu.

Vanhu vekuEgipita vakatevera Farao (chinzvimbo) vachipinda mumvura vakafa vese.

Vanhu vanobapatidza muna Mwari asina zita anonzi (Muzita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene” vanotevera zvinzvimbo izvozvo kupinda mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.

MaMoziremu vane dambudziko rimwechete.

“Allah” muchiArabu zvinoreva kuti Mwari. Asi “Mwari” haagoni kuva Mwari.

Saka “Allah” harizi zita raMwari.

“Allah” zvinongotiudza kuti ndiMwari. Saka maMoziremu havaziviwo zita raMwari.

Asi “isu” kuri kudaidza “Isu weHumambo” zvinoshandiswa neMadzishe epanyika, pamwechete nechiito chimwechete “bara” hazvitsananguri sarudzo yerudzi rwekudaidza kuri muhumwechete (humwechete kana huwandu zvinogoneka) pana Erohimu.

“Isu wehumambo” huwandu hweHushe. Mambo ane simba rakawandisa kwazvo uye ishe haana izwi rimwechete rinogona kunyatsomutsanangura zviito zvake zvese zvehushe.

Saka tsananguro imwe neimwee yamambo yakanaka asi iri yega inenge isina kukwana.

Kune zvizhinji kuhumambo kudarika zvinogona kutsanangurwa nezwi rimwechete.

Izvi ichokwadi pamusoro paMwari.

Mwari Wamasimbaose. Mwari Muponesi wedu. Mwari Muchengeti wedu. Mwari Murwiri wedu. Mwari Murapi wedu. Nezvimwe zvakadaro.

Kutaura kumwe nekumwe kwakanaka, kunotsanangura Chinzvimbo chaMwari, asi hakuna kutaura kumwechete kunopa mufananidzo wakazara. Saka, kutaura kuzhinji kunofanira kuiswa pamwechete (huzhinji hwekutaura kana zvinzvimbo) kana tichifanira kuedza kutsanangura Mwari, Munhu mumwechete.

EZRA 4:18 mwadhi yamakatitumira, ndairavirwa zvakanaka.

Saka, Mambo wePersia akati “yamakati” achizvitaura, achibva azoti zvakare “ndai”.

Huzhinji hwehushe. Hakuna izwi rimwechete rinogona kutsanangura zvakazara simba ramambo nekubwinya kwake.

 

Hatifaniri kusarudza nzira iri nyore

 

Mhinduro dziri pachena dzakareruka dzinobereka nungo pakufunga kuomerwa kunokurudzira kuti tiedze zvakasimba.

Mwari akati tinofanira kutsvaga uye zvakadaro vashoma kwazvo vachawana.

Kana tikasashingirira kutsvaga chokwadi nekuyananisa mavhesi eBhaibheri hatiwane chokwadi.

Kungotsvagawo hakuna kukwana. Hatifaniri kusarudza nzira iri nyore.

Takazvipira here kufunga zvakasimba nekuchera pakadzika?

MATEO 7:14 Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.

Bhaibheri rakanyorwa nenzira yekuti ruzivo rwevanhu harugoni kurinzwisisa.

Mwari havagoni kuviga chokwadi kuruzhinji kana vakataura zviri pachena nguva dzese.

Marko Chitsauko 4 inozivisa chokwadi chakadzama chinotyisa. Mwari havatambiri munhu wese.

Mwari vanotiedza kuti vaone kuti tine shungu here dzekuziva Bhaibheri.

Kuvadzidzi, akatsanangura chokwadi chemufananidzo wemukushi nekuti vakamukumbira kuti aite izvozvo pavhesi 10.

Asi vhesi 11 -12 rinoti,

MARKO 4:11-12 ... asi kunaava vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo. Kuti kuvona vavone asi varege kuvonesesa nokunzwa vanzwe asi varege kunzwisisa kuti zvimwe varege kutendevuka, vakangamwirwe zvivi zvavo.

Jesu ari kutiudza zviri pachena kuti kana tisingadi Magwaro tichisarudza mifungo yakaitwa nevanhu mumasangano isiri muMagwaro, haatidi. Tinoguma tapinda munguva yeKutambudzika kukuru nekuti takasarudza mbiri yevanhu.

Tiriniti yakavakirwa pakutaura kusimo muMagwaro, asi kana muchida kutaura kwakajeka tarisai kuna:

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Mweya waMwari wese unogara mumuviri wenyama weMunhu Jesu.

Izvi zvinoita Jesu Mwanakomana waMwari.

Kwete “Mwari Mwanakomana” nekuti Mwari Mweya, kwete munhu. Mwari haagoni kuva nyama.

ISAYA 43:11 Ini iyeni, ndini JEHOVA, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.

Saka ngwarirai kuti munoturikira sei Jesu agere kana kuti amire parutivi rwaMwari Kudenga sekuti munhu akazvimiririra.

Nekuti munenge maane Muponesi akamira parutivi rwaMwari.

Isaya anoti hamugoni kuwana muponesi kunze kwaMwari. Hakuna Muponesi akamira parutivi rwaMwari.

(Kwete “kunze kwaMwari”, asi “parutivi” kana pedyo naMwari).

Magwaro ese anofanira kuyanana. Asi zvinoda kuti tifunge zvakadzama.

Hakuna nzira iri nyore yekusvika kuchokwadi.

VAFIRIPI 2:12 ... pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera;

Hatiponeswe kubva kugehena nemabasa edu.

Pauro ari kutaura pamusoro pedu tichiponeswa kubva kumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru apo vasikana vakaponeswa mapenzi vachasangana nerufu rwakaipa runorwadza. Asi vanotenderwa kupinda Denga paMusi weKutongwa.

Kusatenda nekuturikira Magwaro zvisiriizvo kuri kupararira zvakanyanya zvekuti nekukasika kuchange kusisina vanenge vasara vachida kutevera Magwaro.

MATEO 24:22 Dai mazuva iwayo asaitapudzwa hakune nyama yairarama asi nokuda kwavasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.

Kuipa kunorasisa kwazvo zvekuti nekukasika tese tinonyengerwa. Kunze kwekunge Mwari vagurira nguva yacho.

Nguva yeKereke yeEfeso

Ndakati kereke yechokwadi inogaroedza kuva sezvayaive muBhuku raMabasa.

Ndizvozvo chaizvo. Asi takaona kuti Shoko rinodzidzisawo.

Kupindira kwezvakaipa kusvikira chokwadi chadzima zvakazara mumazuva ekupedzisira apo Ishe vanenge voda kuonekwa.

Hakuna muBhaibheri pakamboonekwa vanhu vatatu vagere pachigaro chehushe.

Dzimwe nguva zvinoita sekuti unoona Vanhu vaviri, Baba neMwanakomana.

Asi hakuna kubvira kwaita “Mwari Baba” muTestamente Yekare.

Hakuna kubvira kwaita “Mwari Mwanakomana” muBhaibheri.

 

Baba vanogara muMwanakomana

 

JOHANE 14:10 Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo.

Jesu ndiye Kuda kwaBaba. Baba vanogara muna Jesu pamuviri wenyama.

Mwari vaive nesu muMwanakomana uye Mwari vanesu muMweya Mutsvene.

Mwari vaive pamusoro pedu (vari Baba), vanesu (vari Mwanakomana), uye vari matiri (vari Mweya Mutsvene).

 

 

Kuratidzwa kwekutanga kwaMwari kwaive seMweya vari pamusoro pemaJuda. MuTestamente Yekare, vakazvireva “saBaba” asi kwete “Mwari baba”.

MuTestamente Itsva chete ndimo mavanodaidzwa kuti “Mwari Baba”. Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura kuti nei.

MuTestamente Itsva, Mwari akagona kuzvidaidza kuti Mwari Baba nekuti kekutanga vakaita Munhu (Jesu) kuti vagare maari zvakazara. Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari akazara, saka Mwari vaive vakukwanisa kuzvidaidza kuti Baba.

Mwari havasi munhu. Ndicho chikonzero nei Bhaibheri risina kubvira rati Mwari Mwanakomana.

I TIMOTIO 3:16 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama,

Kuzviratidza kwaMwari kwakatevera kwaive paakazvivanza muMunhu Jesu Kristu. Mwari muMunhu mumwechete.

 

 

Uyu aive Emannuere, Mwari anesu.

Kekutanga Mwari vakagara muMunhu zvakatendera Mwari kuratidza hunhu hwake zvakazara nekuti Munhu uyu, Jesu, aive achiteerera zvakazara kuMweya waigara maari.

Saka Munhu, Jesu, akava Mwanakomana waMwari nekuti Mwari aigara maari.

(Munova mwana waMwari chete kana mukatendera kuti chikamu cheMweya waMwari chigare mumoyo yenyu).

Zvino, pakupedzisira, Mwari akazviitira Munhu (Mwanakomana waMwari) kuti agare maari zvakazara, haana kubvira akanganisa, akazadzisa zvakaprofitwa. Kekutanga, Mwari akagona kuzvidaidza kuti “Mwari Baba”.

Hunhu hwemunhu Jesu hwakakura muMuviri wake wenyama.

Saka Mweya Mutsvene waMwari waive wava mubatanidzwa wezvese Mweya Unoshamisa nemweya wemunhu Kristu.

JOHANE 14:17 Ndiye Mweya wazvokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti ugere nemi, uchava mukati menyu.

 

 

Mweya Mutsvene ndiko kuratidzwa kweMweya waMwari mukereke.

Saka baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene ndiko kuratidzwa kwaMwari pamusoro, pakati uye mukati mevanhu Vake.

Mwari mumwechete, Mweya Mumwechete, anozvizivisa munzira nhatu dzakasiyana mukati menguva nhatu dzakasiyana.

Semunhu Mwari akazvitorera zita remunhu, Jesu, ratinogona kushandisa kumudaidza.

Kuedza kutsanangura zvinoitika kudenga haisi nzira yekuzivisa dzidziso, nekuti Denga riri kure kwazvo nekugona kunzwisisa kwedu.

JEREMIA 23:24 Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazikanwi, ini ndikasamuona here? Ndizvo zvinotaura JEHOVA. Ko ini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura JEHOVA.

Mwari ndiMweya. Mweya wake haugoni kuisirwa muganhu chero zvidii.

Hatigoni kunzwisisa mweya.

ISAYA 66:1 Zvanzi naJEHOVA, "Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu;

Tinoona Mwari pachigaro Kudenga. Mufananidzo une miganhu yakawandisa.

Denga chigaro chaMwari chehushe. Nyika chitsiko chetsoka dzake.

Zviri nyore kuti Mwari vagare pachigaro chavo chehushe tsoka dzavo dziri pachitsiko chetsoka dzavo panguva imwechete. Asi hatigoni kuzvinzwisisa izvozvo.

Mwari Mweya. Hatigoni kunzwisisa mweya nekuti hationi Mweya uye mweya uri pamusoro penyika yedu yezvikamu zvitatu zvatinoona. Mweya unogara nzvimbo yechina inosanganisira nguva. Saka mweya uri kumusoro kwazvo kudarika zvatinogona kunzwisisa hatigoni kunzwisisa kuti nguva chii.

Hatigoni kupima nguva. Tinopima kufamba kweminongedzo yenguva pachiringazuva, hatipimi nguva pachadzo.

 

Hatina mazwi anogona kutsanangura Denga

 

ISAYA 55:9 Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika,saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.

Mwari vari munzvimbo yepamusoro soro yatisingagoni kunzwisisa.

Kana muchifunga kuti munogona kunzwisisa Mwari Kudenga, muri kuzvinyengera. Chero mufananidzo wamunozviitira une miganhu kwazvo isingakuratidzei chokwadi chese.

I VAKORINTE 2:9 Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.

Hatigoni kufungira kuti Denga rakaita sei.

Saka musanyanye kuzviisa pakuedza kunzwisisa kuti nzvimbo yeMweya yeDenga inoshanda sei.

Denga inzvimbo iri pamusoro kwazvo kudarika nzvimbo yechina yenguva nemweya. Saka tinoziva zvishoma kwazvo pamusoro peDenga kudarika zvatinoziva pamusoro penguva. Uye hatina ruzivo kuti nguva chimbori chii.

Hatitorina mazwi ekutsanangura Denga.

II VAKORINTE 12:2 Ndinoziva munhu uri munaKristu, ave makore anegumi namana apfuvura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva), munhu wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.

3 Vuye ndinoziva munhu wakadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva)

4 kuti wakakwidzwa muparadiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti areve

Mashoko asingagoni kutaurwa.

Hatina mazwi ekutsanangura Denga.

Zvaive zvisitori pamutemo kuti pauro aedze kutsanagura zvaaive anzwa.

Denga riri kunze kwenguva, harigumi. Denga riri pamusoro soro kwazvo zvekuti zvese zvatinotaura pamusoro peDenga hazvina kufanira zvinokonzeresa kusanzwisisa chete, nekuti hatigoni kunzwisisa chero chinhu chiri kunze kwenguva.

Saka Mwari haatodi kuti tiedze kutsanangura Denga. Tinoita zvakaipa zvakawanda kudarika zvakanaka.

Saka chingotambirai zvinotaurwa neMagwaro pamusoro peDenga musafunge kuti mumuviri uno muchagona kunzwisisa Denga. Hamugoni.

JOHANE 3:12 Kana ndakakuvudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuvudzai zvinhu zvokudenga?

Kune zvakawandisa pamusoro penyika ino yatigere zvatinootoona asi hatigoni kuzvinzwisisa.

Vesainzi havazivi kuti simba rekudonha kwechinhu rinoshanda sei.

96% yezvinhu zviri panyika neDenga ratinoona zvinodaizwa kuti Simba reRima kana kuti dhaki eneji kana kuti dhaki meta.

“Rima” zvinongoreva kuti havazivi kuti chimbori chii uye chinoshanda sei.

Saka, tinoshanda mukusaziva kukurusa pamusoro pekuti zvatinorarama nazvo zvimbori chii. Denga nenyika ndizvo zvatinogona kuona. 4% chete dzedenga nenyika ndidzo dzinooneka. Uye zvakawanda zvacho inzvimbo isina chinhu, nzvimbo inoda kuita 3,6% ye4% dzacho.

Saka 90% yatinoti nzvimbo inoonekwa inzvimbo isina chinhu.

Saka tinoona chete 10% yenzvimbo inooneka inova 0.4% yezvinhu zvese.

Saka, tinoziva zvakawanda here? Kwete.

Nyeredzi dzatinoona, hatizivi kuti simba rekudonha rinodzichengeta sei dziri padziri.

Saka ruzivo rwedu rwenyika yemweya isingaonekwi yedenga rwunofanira kuva rushoma kudarika 0,4% nekuti hatina chatinoona.

JOHANE 3:13 Hakuno munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.

Jesu akati aive Kudenga paaitaura naNikodimasi panyika.

Izvi zvinoratidza kuti tinonzwisisa zvishoma kwazvo pamashandiro eMweya.

Jesu akararama panyika mumuviri wenyama apo ndangariro dzake kana Mweya wake waikwanisa kufamba Kudenga nguva imwechete iyoyo.

Hamugoni kuisira mweya waMwari Muganhu. Hauisike chero pai kana kushandurika. Ndangariro dzedu dzenyama dzine miganhu uye kunzwisisa kwedu kwakaisirwa miganhu.

 

Asi hakuna akamboona Mwari

 

Ongororai nhau inoita seinoreva kuti kune vanhu vaviri Kudenga.

(Asi Vanhu vaviri havatipi humbowo hwekuti kune Tiriniti. Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura kushaikwa kweMunhu weChitatu, Mweya Mutsvene, panzvimbo.)

DANIERI 7:13 Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake.

Ngatitaisei tiri pamuonero weTiriniti.

Jesu ari “Mwari Mwanakomana”, anouya kuna “Mwari Baba” Anova Mutongi.

Matambudziko akati kuti anobva anyuka.

Hapana kutaurwa “nezva Mwari Baba” muTestamente Yekare. Saka akakwegura pamazuva ake haagoni kuva Mwari Baba.

“Mwari Baba” ndiMwari muTestamente Itsva chete.

JOHANE 1:18 Hakunomunhu wakatongovona Mwari; chero nguva ipi; mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa isu

Mwanakomana waMwari anogona sei (Bhaibheri harina kubvira rati “Mwari Mwanakomana”) kuratidza Mwari anoonekwa?

JOHANE 14:8 Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana.

9 Jesu akati kwaari: Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipo? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti: Tiratidzei Baba

Tinoona sei Baba kana tichiona Jesu?

JOHANE 14:10 Hautendi here kuti ndiri munaBaba,

[Jesu ari muKuda kwaMwari zvakazara.]

naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo. Vanoita mabasa avo.

Baba ndivo Mweya Mutsvene waMwari unogara muMunhu Jesu paMuviri.

 

 

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Mhepo haionekwe. Saka tinoona sei mhepo?

Nekuita kwayo, zvainokonzeresa pamashizha emiti.

Mweya waMwari hauonekwe. Saka vadzidzi vaiona sei “Mwari Baba” asingaonekwe? Nekuita kwake nekutaura kweMwanakomana waMwari wavaigona kuona.

Hunhu hwemuviri wako nekutaura kwako zvinoratidza mweya usingaonekwe wehupenyu huri mauri.

Ndiyo nzira yakashandiswa neMwanakomana waMwari , Munhu aionekwa Jesu, airarama hupenyu hwairatidza kuzara kweMweya Mutsvene waMwari Maari.

Ndicho chikonzero nei Jesu akaramba achitaura Magwaro. Chero dai aisara akamira ega.

Saka Danieri ari kuedza kutiudza kutii? Kune chinhu chinonzi hunhu.

 

Hunhu

 

Maitiro mamwe nemamwe emunhu anoratidzirwa sekuti maitiro iwayo anoitwa neumwe munhu akazvimiririra ega. Maitiro makuru maviri aMwari ndeekuti akasika nekudzikinura rudzi rwevanhu.

Saka Danieri anoratidza Musiki neMudzikinuri sekuti vanhu vaviri vakasiyana vanoshanda vese kuitira rudzi rwevanhu zvakanaka.

Asi izvi zvinoratidza kuti Mwari ane zvinhu zviviri zvinopikisana zvaanofanira kuita.

Anosika nekupa hupenyu odzikinura nekufira zvivi zvedu. Munhu mumwechete angaite zvinhu izvi zvese sei?

Hazvigoneki nechero umwe munhu kuti aite zvinhu zviviri izvi.

Saka Danieri anonyora mufananidzo sekuti paive nevanhu vaviri vakasiyana.

Izvi zviri nyore kutsanangura pachinzvimbo chekutsanangura kuti munhu anogona sei kuita zvinhu zviviri zvinopesana zvachose.

ISAYA 43:1 Asi zvino zvanzi naJEHOVA, akakusika, iwe Jakobo, akakuumba, iwe Isiraeri, "Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikunura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.

Isaya akataura chokwadi chakajeka. Mwari vakasika vakadzikinura.

Asi, vari Munhu mumwechete.

ISAYA 44:8 Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi."

Tiriniti inobondera. Hamugoni kuona “Mwari Mwanakomana” akamira parutivi “rwaMwari Baba”.

ISAYA 43:11 Ini iyeni, ndini JEHOVA, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.

Izvi zvakadzama. Hamufi makaona Muponesi, Jesu, akamira kana kugara parutivi rwaMwari.

 

Mwari Baba havasi Mutongi

 

Ngatitarisei mufananidzo weTiriniti pavhezheni iri.

Akakwegura kumazuva ake ndiye Mutongi uye ndiye “Mwari Baba” nekuti Mukuru.

Asi kutsanangura uku kune pakakanganiswa.

JOHANE 5:22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose,

“Mwari Baba” havatongi munhu. Mwanakomana waMwari chete, Jesu ndiye anogona kuva Mutongi. Jesu anotonga sei.

Zviri pachena neShoko raMwari.

JOHANE 12:48 Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.

Jesu ndiye Shoko raMwari. Bhaibheri rinotiudza ndangariro dzake. Hamugoni kuparadzanisa munhu nendangariro dzake.

Ndangariro dzenyu dzinotiudza kuti muri ani.

Ndangariro dzakaiswa muBhaibheri dzakafanana nendangariro dzatichatongwa nadzo.

Saka Shoko raMwari, rinoratidza mafungiro aJesu, ndiro richatonga.

Izvi zvinosika dambudziko idzva.

Tinotsigira sei kuti Jesu ndiye Akakwegura wemazuva?

DANIERI 7:9 Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta.

“Bvudzi rakaita samakushe”.

Izvi zvinotaura pamusoro penguwani inopfekwa nemutongi inogadzirwa neshinda chena.

Bvudzi refu chiratidzo chekuzvininipisa nekuteerera.

Mukadzi ane bvudzi risingagerwi anozvininipisa kumurume wake.

Kana mutongi akaisa nguwani yake yemakushe anenge achireva kuti ave kuzvininipisa kumurawo wenyika. Anotonga chete maringe nemurawo wakanyorwa kuti munhu wese arave.

Hakugoni kuita chero chinangwa chakavandika pamutongo waanopa.

Saka mutongi anofanira kuziva murairo zvakanyanya.

 

 

ZVAKAZARURWA 1:14 Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena,

Bvudzi jena rinotaura pamusoro pezera. Asi Mwari haachemberi. Anorarama kunze kwenguva nekusingagimi.

Bvudzi jena rinotaura pamusoro peruzivo rwunouya nekuva munhu aripo kwenguva refu.

Jesu, seShoko raMwari, akanga aripo kubva pakutanga.

Aive Muviri weMweya waigara Mwari kuti Mwari aonekwe nevatumwa Kudenga.

Muviri weMweya uyu waigona kuonekwa seGore, Shongwe yoMoto, kana kuti Munhu.

Bvudzi jena harirevi kuti munhu achembera. Mwari anogara nekusingaperi saka haachemberi.

JOHANE 1:1 Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kunaMwari, Shoko rakanga riri Mwari.

JOHANE 1:14 Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu,

Mwanakomana waMwari ndiye Munhu wenyama uyo Mwari anoda kugara maari.

Jesu ndiye wakakwegura weMazuva nekuti aivepo kubva pakutanga.

JOBO 12:12 Vatana ndivo vakangwara, Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.

Kunyora pamusoro paJesu seAkakwegura weMazuva, Danieri ari kutiudza kuti Jesu ndiye Mutongi akarurama.

Aive aripo kubvira kare, nguva refu kwazvo zvinomuita kuti ave akachenjera. Mutongi anoda zivo kana achipa mutongo.

Nekufamba kwenguva munhu anonzwisisa zvakadzama pamusoro pehupenyu nevanhu.

Jesu aive aripo kwenguva refu kwazvo kudarika vanhu vose. Saka kana tasvika pavanhu, ane huchenjeri nekunzwisisa kukuru.

Anoziva zviitiko zvese, kuomerwa kwese, nemiyedzo yese yakasangana nevanhu vese. Anozivawo ndangariro dzese nezvinangwa zvese zviri mupfungwa dzevanhu.

Pakadzika dzika pemoyo wake anoziva kuti nei takaita hunhu hwatakaita nekutenda mune zvatakatenda.

Jesu ndiye Shoko raMwari. Nekudaro, anoziva Shoko, ratichatongwa naro, zviri nani kudarika vamwe vanhu vese.

Anozivawo zvese zvinodiwa neShoko raMwari.]

Semutongi, haafi akabva kune chiro chinhu chinodiwa neShoko raMwari.

Ari Akakwegura weMazuva, Jesu anoziva kuti Hushe huri kuda kugadzwa naMwari panyika ndehwei. Anozivawo Kuda kwaMwari Kudenga kuti ndekwei.

MATEO 6:10 Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.

Zvino, semurevereri wedu kana kuti Mwanakomana weMunhu, Jesu ane basa rakaoma kwazvo rekuita kuti vanoenda kumakereke panyika vateerere Kuda kwaMwari kweKudenga.

I JOHANE 2:1 Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama;

Murevereri anoita zvese zviri musimba rake kurwira munhu waanomiririra.

Mudare, zvinhu zvese zvinoongororwa zvakasimba nemurairo wenyika.

Jesu anoita zvese zvaanogona kukurudzira vanoenda kumakereke kuti vatevere Magwaro zvakazara. Nekuti tichatongwa neShoko raMwari rakanyorwa.

 

Vanhu venguva yeRaodikia vanozvida nekuzvinzwa

 

Kereke yeRaodikia chete ndiyo inotaura uye Shoko ravo rekutanga nderekuti, “Ndaka”.

Asi kereke inosarudza kuvaka hushe hwayo hwepanyika hunokuchidzirwa nemari, mbiri nesimba.

Kereke imwechete pamakereke manomwe kuBhuku raZvakazarurwa yakataura, ikereke yeRaodikia.

Vanhu vese vemuRaodikia vanozvida nekuzvikakata.

Vanozvida kwazvo uye vakazadzwa nerudo rwemari.

ZVAKAZARURWA 3:17 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu;

Izwi rekutanga rakataurwa nekereke nderekuti “Ndaka”. Kuzvida, makaro nekuzvifungira.

“Handishaiwi chinhu”. MaKristu nhasi vanofunga kuti havadi kugadziriswa. Havadi kugara vachitevera Bhaibheri reKing James Vhezheni. Havadi kufunganya pamusoro pemapfekero avo kana magadziriro avanoita zviso zvavo.

Kereke imwe neimwe inofunga kuti vari kugona kudarika vamwe vese.

Kereke imwe neimwe vanofunga kuti vane kodzero dzekuita zvitendero zvavo voga zvinovaitira.

Kereke imwe neimwe iboka rakapfigwa risingadi kuti chero munhu anobva kunze arigadzirise kana kuridzidzisa.

Murevereri Jesu anodzingirwa kunze kwekereke sezvo vasisade kutevera Magwaro zvakazara.

Kudana kwake kwekupedzisira hakuna kunangana nekereke iri boka, asi kumunhu akazvimiririra mukereke.

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu,

Asi makore matatu nehafu enguva yeKutambudzika Kukuru ari kuuya uye Jesu anoziva kuti kuri kuuya kurwadziswa kukuru nerufu kumaKristu akaponeswa vakasarudza kufuratira Shoko raMwari rakaziviswa.

Jesu akaripira muripo wezvivi zvedu. Vanhu vanoenda kumakereke vakaponeswa vacharipira muripo mukuru nekuda kwekusaziva kwavo zvakavanzika zveBhaibheri.

DANIERI 7:9 ... chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta.

“Chigaro choushe chakanga chakaita semirazvo yomoti”.

Ari Mwanakomana waMwari, Jesu akagovana marwadzo egomba remoto nevaHeberu vatatu.

ZVAKAZARURWA 1:15 Tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira;

Akarwadziswa mumoto wegehena kuti aripire zvivi zvedu apo akatakura mitoro yezvivi zvedu, sembudzi yekurasirira, achipinda mumoto wegehena kuti anorasira zvivi zvedu kuna Satani.

Ari Mwanakomana weMunhu Jesu aifanira kuripira muripo wezvivi zvedu kuti atidzikinure.

Akatambura kudarika zvatinogona kuita nekufungira.

Anoziva murango wakaomarara wezvivi nekutambudzika kunorwadza kwaakaita kuti akurire zvivi.

Jesu akaramba kuita zvivi asi akatitendera kuita zvatinoda sezvo tisiri mhuka dzinorarama nemanzwiro akasikwa ari madziri.

Saka anosangana nekutambudzika kwakaomarara kuti isu titevere Magwaro.

Zvido zvedu zvenyama, sevaHedeni, hakusi kuda kuteerera Magwaro. Tinobva kurudzi rwemapegani.

Munguva yekereke yeRaodikia, zvinoreva kuti “Kodzero dzevanhu”, vanoenda kumakereke vanonzwa kuti vane kodzero dzekuzviitira zvitendero zvavo vega.

Parizvino vakaita masangano emakereke anodarika 45,000 nemavhezheni anodarika zana eBhaibheri reChirungu. Idutu remweya apo mweya yevanhu inonyura mukusaziva Bhaibheri.

 

Mutumwa wechinomwe haasi Mwanakomana wemunhu

 

Ari Wakakwegura weMazuva. Jesu akanga ariko pamazuva aNebukadinezari, mambo weBabironi, akaedza kuti vaHeberu vatatu vanamate mufananidzo wemuprofita Danieri. Danieri aive asipo sezvo aive asingatarisirwi kunamata mufananidzo wake. Ndihwo hushe hwevaHedeni hwekutanga.

Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.

DANIERI 3:25 Iye akapindura, akati, "Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita soMwanakomana waMwari."

Nhasi, muhushe hwevaHedeni hwekupedzisira, vafundisi vemharidzo vakaita kuti vanhu vanamate muprofita wekupedzisira kuvaHedeni, William Branham, nekumudaidza kuti Izwi raMwari uye Mwanakomana weMunhu. Vakaisa zvaakataura pamusoro peMagwaro vachiti haatadzi uye zvaakataura ndizvo Shoko guru.

65-0725 VAKAZODZWA PANGUVA DZEKUPEDZISIRA

Ndaive ndisirini ndakaonekwa kurwizi; ndaive ndakangomirawo ipapo paakaonekwa.

Handisi Ini ndakaita zvinhu izvi nekuprofita zvinhu izvi zvakaitika sekuti;

Ndingori munhu anenge ari padyo paanozviita. Ndaingovapo akashandisa izwi rangu, kuzvitaura.

Zvaive zvisiri zvandaiziva; ndezvandakazvipira kuita, kuti ataure kupfurikidzeni.

Handisini, aive asiri mutumwa wechinomwe,

Oh, kwete; kwaive kuratidzwa kweMwanakomana wemunhu. Aive asiri mutumwa, mharidzo yake; zvaive zvakavanzika zvakaziviswa naMwari. Haasi munhu; ndiMwari.

Mutumwa aive asiri Mwanakomana weMunhu.

Aive mutumwa akabva kuMwanakomana wemunhu.

62-1007 KIYI YEMUKOVA

Ndizvo zvinokanganisa zvinhu, mazviona. Izvozvo, vakati dzimwe hama ikoko dzakati ndakadzituma, vachiparidza kuti vanhu vanofanira kusiya vakadzi vavo kuti vatsvage vadiwa vavo vemweya,

Kuti handitotadzi zvachose. Kuti hakuna chinhu ... uye, Oh, nezvimwe zvezvinhu zvakaipisisa kwazvo zvamunganzwe zvichitaurwa.

 

Kutsaura zvinzvimbo, hunhu nemabasa hazvirevi kuti vave vanhu vaviri

 

Danieri anoedza kunyora mufananidzo wakadzama.

Akatsaura hushumiri huviri hwaJesu sekuti vaive Vanhu vaviri. Kutsaura nekuda kwehunhu zvinzvimbo kana mabasa.

SeMutongi, Jesu anofanira kutiranga maringe neShoko raMwari.

Asi, semumiririri, kana tikatenda kuShoko rakaziviswa kunguva yedu, ipapo anogona kutichengetedza nekuti akaripira zvivi zvedu nekusatenda kwedu.

 

 

Jesu ega ndiye anogona kupfeka nguwani chena yemutongi nekuti ndiye chokwadi chakazara. Musiki wavose nezvose.

Jesu chete ndiye akaripira muripo wezvivi zvedu nekusatenda kwedu. Jesu ega ndiye anokwanisa kutitungamirira kupinda mukutenda chokwadi sekuziviswa kwacho muzuva redu. Izvi zvinomugonesa kutiponesa kubva kukunyengera kwemapato emakereke anhasi.

Anofanira kutigonesa kuziva zvakavanzika zveKutinhira kunomwe kana kwareva kuti kutiratidze kuti toshandurwa sei kubva mumiviri inowora kuti tipihwe miviri isingaori.

Ipapo chete, kana miviri yedu ikashandurwa, ndipo Jesu anotiponesa kubva kunguva yemakore matatu nehafu ekutambudzika kukuru nekutitora kuti tikwire Kudenga.

Asi isu, nekuda kwedu, tinofanira kuzvipira kuita Kuda kweShoko rake.

Kuda kwedu kunofanira kuva chete pakuzvininipisa kuMagwaro.

Kuita nheyo dzakanaka dzekutenda kwedu tinofanira kutenda kuti Bhaibheri reKing James Vhezheni regore 1769 rakarurama.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23