Danieri Chitsauko 8:13-27 Kubva panaIsaka kusvika panaJesu. Nekusimuka kweChikara
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Sungano yaMwari naAbrahama yaisanganisa Chibereko chake kana mwanakomana wake Isaka.
Abrahama akavimbiswa mwanakomana aizoberekwa makore makumi maviri nemashanu aizotevera. Saka kuberekwa kwaIsaka kunokwanisa kuonekwa sekuuya kwemwanakomana wechipikirwa weropa. Uyu mucherechedzo wekuuya kweMwanakomana waAbrahama wemweya, Jesu Kristu.
Asi Jesu anogaroita zvisingagoneki zvisina munhu anogona kuzviita.
Saka Jesu ane Kuuya kunodarika kumwechete.
Kuuya kwake kwekutanga kwaive kusvikofira vanhu vake paCalvari.
Kuuya kwake kwepiri, chinova chakavanzika chikuru, kunobvisa Mwenga kubva panyika.
Asati atsika panyika anotora Mwenga wake kukwira kudenga, kereke yechokwadi, kunosangana naye kumakore.
Anotora Mwenga kuenda Kudenga kuchirayiro cheMuchato.
Izvi zvinotanga chiitiko chekupedzisira. Nyika inopinda munguva yeKutambudzika kukuru apo maprofita maviri Mosesi naEria anotora Evangeri kudzokera naro kumaJuda.
Jesu anonosiya Mwenga Kudenga paanodzoka panyika zvakavanzika kuzonunura maJuda 144,000 kubva pakuparadzwa naPope wekupedzisira wechikara nehondo yake yepasi rese yevaurayi vane hutsinye. Simba iri rinokurudzira maJuda 144,000 kuti Jesu ndiye Messiasi.
Jesu anodzokera kudenga maprofita maviri nemaJuda 144,000 vanovurawa. Asi vanomutswa kuti vachengetedze Mwenga panodzoka Jesu neMwenga panyika kuhondo yeAmagedhoni. Uku kuuya kwechitatu kwaJesu Kristu kuzoparadza hondo yaantikristu.
Saka zvichibva pamaonero echiJuda nhorondo yavo inoita seyakaguma paCalvari nerufu rweMwanakomana wechipikirwa pavakaramba Evangeri. Kunobva kwaita mukana kana kuti mukaha wemakore anosvika 2000 ekurwadziswa nekuenda muhutiziro vasati vadzoserwa kuNyika yavo yechipikirwa. Kereke kana kuti mwenga anobva paKuuya kwechipiri kana panguva inodaidzwa nevazhinji kuti Repucha nguva yeKutambudzika kukuru yobva yatanga. Nhorondo yemaJuda inobva yatanga zvakare. Kwemakore matatu nehafu anozotevera vanogamuchira Evangeri zvishoma nezvishoma munguva yeKutambudzika. Pakupedzisira muvengi anoparadzwa mukudeurwa kweropa kunodaidzwa kuti Amagedhoni.
Sungano yaMwari naAbrahama inoreva mwanakomana wake wechipikirwa Isaka.
Saka rudzi rwevaJuda rwaizotanga paizoberekwa Isaka ari mwana waAbrahama. Kana Abrahama aive asina mwanakomana, sungano yake naMwari yaizova isina basa mumashure mekufa kwaAbrahama.
Saka nekuzvarwa kwaIsaka rudzi revaJuda rwakabva rwatanga nhorondo yarwo yakareba.
Urwu ndirwo rudzi rwakasarudzwa naMwari kuti aunze Messiasi, Jesu Kristu.
Kuuya kweMwana waAbrahama weMweya, Jesu, kwakaoma kunzwisisa nekuti kunobata Kuuya kunodarika kumwechete. Jesu Akauya kekutanga ari Messiasi akarambwa akavurawa.
MaJuda anopesana neKuuya kwake kwechipiri paanotora kereke mukubwaira kweziso (Repucha) asi maJuda anobva apinda zvakare muhurongwa hwaMwari munguva yeKutambudzika vanokunda vanozopembera pakupera kwenguva yeKutambudzika.
Kuuya kwechitatu kwaJesu paAmagedhoni kunogumisa nguva yeKutambudzika.
Mune Vhesi rimwechete muBhaibheri rinotaura pamusoro peKuuya kwekutanga zvese neKutambudzika kukuru kunozouya makore 2000 kumberi.
ISAYA 61:1 Mweya Washe JEHOVA uri pamusoro pangu, nokuti JEHOVA wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro maShoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane moyo yakaputsika kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokunavakasungwa kuti vachazarurirwa.
2 Kuti ndiparidze gore rengoni dzaJEHOVA, nezuva rokutsiva raMwari wedu.
Kuuya kwekutanga kwaJesu kwaive kuzobatsira nekupa maJuda rusununguko nevaya vaive muhusungwa kumirairo yakaitwa nevanhu yanarabhi, vaFarise, musynagoge, nevaSaduse zvaive zvagara zvisiri chikamu cheMurairo waMosesi.
Asi gore regoni rehushumiri hweKuuya kwake kwekutanga rakayananiswa nezuva rekutsiva rinova nguva yeKutambudzika kukuru inogumira paAmagedhoni. Izvi zvinoitika mumashure meKuuya kwake kwechipiri zvichatora kereke yeChokwadi kuenda nayo Kudenga.
Jesu paakazadzisa chiprofita ichi, paKuuya kwake kwekutanga, akasiya hafu yechipiri yevhesi iri.
RUKA 4:19 Nokuzivisa gore raShe rakanaka.
Hapana kutaurwa zvekutsiva.
RUKA 4:21 Zvino akatanga kuvaudza achiti: Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.
Apa ndipo pakakosha.
Vhesi rimwechete rinotaura zviitiko zviviri zvakapatsanurwa nemakore 2000.
Jesu aiziva kuti ihafu ipi yaitaura Kuuya kwake kwekutanga. Akabva asiyana nehafu yechipiri yevhesi iri sezvo izvi zvaizoitika chete masenturi akawanda aizouya. Asi Mwari anoona zuva rimwe riri makore churu, saka mumaziso aMwari zviitiko zviviri zvakapatsanurwa nemazuva maviri. Saka kutaura nezvawo muvhesi rimwechete hazvina dambudziko.
II PETRO 3:8 Asi vadikanwa musakanganwe chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru sezuva rimwe.
Kune umwe muenzaniso wevhesi rimwe chete rinotaura zviitiko zvakapatsanurwa nemakore 2000.
MARAKI 4:5 Tarira ndichakutumirai muprofita Eria; zuva iro guru raJEHOVA rinotyisa, risati rasvika.
6 Iye uchadzorera moyo yamadzibaba kuvana, nemoyo yavana kumadzibaba avo, kuti ndirege kuvuya ndirove nyika nokutuka.
Johane Mubapatidzi akazadzisa hafu yevhesi iri chete. Eria chiGiriki chezita Erija.
Mutumwa akati kuna Zakaria, baba vaJohane Mubapatidzi.
RUKA 1:17 Vachafamba pamberi pake nomweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana, navasingatereri kuvuchenjeri bwavakarurama; agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.
Madzibaba echiJuda aive asina kuvimbika vaichengeta Murairo vaifanira kundendeutsirwa kuvuchenjeri rweEvangeri revana vavo vakarurama, Jesu nemapostora, kuti vagone kuwana chokwadi.
Vadzidzi vakatanga vari vana vakakura pavaidzidziswa naJesu kuti vave madzibaba ekereke yekutanga.
Zuva guru rekutsiva kwaMwari” inguva yeKutambudzika kukuru. “”Kutuka” ndiwo marwadzo nekupisa kunoita moto webhomba renyukiriya richaparadza nyika munguva yeKutambudzika kukuru.
II PETRO 3:12 Imi munotarira nokushuva vo kwazvo kuvuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyautswa zvichipiswa?
Tsananguro dzakakwanira dzemamiziri ari kuuya enyukiriya achaputika pamusoro pavo.
Bhomba rekutanga rakaputika pamusoro peHiroshima raive pachinhambwe chemamita 700. Raive bhora guru remoto rainyungudutsa nekunyautsa zvese zvaive pasi paro.
Kuti vakudze kuparadza kwawo, mabhomba enyukiriya anoputitswa mamita mazana mashomanana muchadenga. Munzvimbo munogona muchitonhora zvekuchena chando, kupisa kwemarasha, muzere chiutsi chinobva mumoto wemasango, yakasvibiswa nemafemu emumaguta, makanyarara murunako, muchidzvova mabhanan’ana, zvimvuramabwe, nemadutu emhepo zvichienderana nekuti iwe uripi, zvinogona kudaidzwa kuti denga. (Mwari nevatumwa vanogara munzvimbo dzepamusoro-soro dzedenga remweya risingavonekwe).
Nguva yeKutambudzika inotyisa iyi isati yatanga nekuputika kwayo kwemanyukiriya, takavimbiswa muprofita wenguva yekupedzisira kuti atitendeutsire sevana vechiKristu kuzvitendero zvemadzibaba mapostora enguva yekereke yekutanga. Munhu mumwechete akakwana pahushumiri uhwu aive muparidzi wekuAmerica William Branham.
Saka vhesi rimwechete iri, Maraki 4;6, rinotsanangura zviitiko zviviri zvakapatsanurwa nemakore 2000.
Ngatidzokerei pakudanwa kwaAbrahama (ipapo aive achiri Abram) makore anosvika 2000 Kristu asati auya.
GENESISI 12:1 Zvino JEHOVA wakati kuna Abrama: ibva panyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza iyo;
2 Ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza;
Mwari paakadana Abrahama akaisa kukosha kwese parudzi rwevaJuda rwaive mwana waAbrahama.
Kukosha kwaive kusiri panaAbrahama chete asi mwanakomana wakewo kana kuti chibereko chake pachiri paizobva rudzi .
GENESISI 12:7 Zvino JEHOVA wakazviratidza kuna Abrama, akati: Ndichapa vana vako nyika iyi:
Saka Abrahama akavimbiswa mwanakomana naMwari. Mwanakomana waAbrahama akavimbiswawo nyika.
Dai Abrahama aive asina mwanakomana hakunawo rudzi rwaizobva paari.
Saka sungano iyoyo yakatanga kuita chirevo pakazvarwa Isaka panyama, makore anokwana 25 akazotevera.
Sungano yaisanganisira Nyika duku yechipikirwa (nzvimbo isingasviki chikamu chimwechete muzana chechiso chenyika). Nekufamba kwenguva chipiriso chisina kukwanira chemuTembere zvichibva pamurairo waMosesi chaizotevera, asi chakakundikana kuita kuti vanhu vave vanhu vari nani. Murairo wakasungirira vanhu kubasa raisagoneka rekuwana ruponeso nekuita mabasa akanaka. MaJuda akamedzwa nekuzvida nehupfumi.
Mwanakomana wechipikirwa, Isaka. Nyika yechipikirwa, Israeri. Kukosha kwaive pasungano kana zvipiko zvaMwari.
Saka muMurairo maivewo nechivimbiso chesungano iri nani apo murairo waingove munongedzo kana kuti mumvuri. Murairo waingova nheyo dzenguva duku. Tembere yaive chivakwa chikuru chaizoparadzwa kaviri.
Sungano yenyama iyi kana vimbiso iyi yaizotora nguva yakareba sei iriko?
Yakatanga nekuberekwa kwemwana wechivimbiso Isaka, zvikapa maJuda Nyika yeChipikirwa uko rudzi rwaizogara vogamuchira Messiasi wavo variko.
Nekufamba kwenguva maJuda aizopihwa Murairo. Asi izvi zvaisazoita musiyano mavari. Murairo wakagumiswa muprista mukuru Kefasi paakabvarura nguvo dzake paakapomera Jesu.
MATEO 26:65 Ipapo muprista mukuru akabvarura nguvo dzake, akati: Wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai, manzwa zvino kumhura kwake.
Muprista mukuru Aroni aive nenguvo yakasarudzika, yakakomberwa muhuro senguvo yekurwa nayo, kuti isabvaruke.
Eksodo 28:30 Unofanira kuisawo muhombodo yechifuva yekutonga Urimi Tumimi, kuti zvive pamoyo waAroni kana achipinda pamberi paJEHOVA; Aroni agotakura kutongwa kwavana vaIsraeri pamoyo wake pamberi paJEHOVA nguva dzose.
31 Unofanira kuita jasi reefodi rose remucheka mutema.
32 Ngarive neburi rokupinza musoro pakati paro, rive nomupendero wakarukwa unopotedza buri raro, sepaburi renguvo yokurwa, kuti irege kubvaruka.
Nguvo yokurwa inguvo yekuzvichengetedza muhondo inofukidza chipfuva nemusana.
Saka muprista mukuru akaputsa Murairo wakabva wagumiswa. Mwari akazobvarura chidzitiro cheTembere kuraitidza kuti Murairo waive waguma.
MATEO 27:51 Ipapo tarira, chidzitiro cheTembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Kubvaruka kubva kumusoro kusvika pasi zvinoratidza kuti Mwari ndiye akabvarura.
MaJuda akaparadza Murairo muruvengo rwavo rwakaipa uye rudo rwavo rwekuvuraya Messiasi wavo.
Vakasarudza Barabba, munhu werufu, pachinzvimbo chaJesu Muchinda weHupenyu.
Kubva pakuzvarwa kwemwana wechipikirwa chepanyama Isaka, kusvika pakufa kweMwanakomana wechipikirwa chepaMweya Jesu, paive nenguva yakatarirwa vaIsraeri kuti vaberekerwe Messiasi saMuponisi wavo. Jesu aikwanisa kuponesa vanhu kana afira zvivi zvavo chete. Saka maJuda aifanira kumuvuraya.
Danieri akawana mhinduro yehurebu hwenguva uhwu , hwaive mazuva 2300.
Mumashure mekuvuraya Messiasi maJuda akakunda kuwisira pasi hurongwa hwaMwari. Mwari akatendeukira kuvaHedeni kuti atsvake kereke.
Muchiprofita, zuva rinokwanisa kumiririra gore rimwe remuBhaibheri remazuva 360.
Jakobo aida kuroora Rekeri mwanasikana waRabani. Rabani akati aizoshanda makore manomwe kuti amupe mwanasikana wake. Rabani akadaidza makore aya kuti vhiki.
Saka muBhaibheri zuva rimwe rinogona kumiririra gore
GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyi, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwe zve.
Nguva yeKutambudzika kukuru inodaidzwa kuti mwedzi inamakumi mana nemiviri kana kuti mazuva 1260. Score kuChirungu inoreva 20.
ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kuzhe kwetembere usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedeni, vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
13 Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviprofite, zvakapfeka masaga mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
Saka mwedzi wemuBhaibheri une mazuva 30. Kune mazuva 1260 mumwedzi 42 ine mazuva 30 pamwedzi mumwechete.
Saka gore reBhaibheri remwedzi gumi nemiviri rine mazuva 12 x 30 = 360.
Isaka aive mwanakomana akavimbiswa Abrahama panyama.
Asi Isaka aingove mumvuri wekuratidzirwa kwezvinhu zvikuru zveChipikirwa cheMwanakomana waAbrahama wemweya, Jesu.
Muprista mukuru Kefasi akagumisa murairo, saka sungano itsva yakabva yaitwa.
Sungano itsva yemweya yakatanga pakafa Jesu Mweya Mutsvene wake ukabuda mumuviri Wake wenyama.
Jesu ega ndiye aigona kuzadzisa zvivimbiso zveruponeso sezvo aizofa otakura zvivi zvedu kuenda kure kugomba regehena. Hakuna umwe aigona kufa okunda kukurira rufu. Ropa rake chete ndiro raigona kunatsa nzvimbo tsvene yekumusoro kudenga kubva kuzvivi. (Rusifa “Satani” aive Kudenga paakazivisa chivi). Ropa raJesu chete ndiro raikwanisa kushandura chigaro chekutonga chekudenga kuchiita chigaro chenyasha.
Calvari yakateya nheyo dzechokwadi kuchivimbiso cheDenga idzva neNyika itsva.
Calvari ndiyo yakava chiitiko chikuru chepakati pehupenyu hwerudzi rwevanhu. Ikoko Jesu akateya nheyo dzenguva dzese dzehushe hweDenga.
Kubva pakuberekwa kwaIsaka, mwanakomana wechipikirwa panyama, ruponeso rwakabva rwabva kumaJuda vakazotungamirirwa neMurairo.
Kubva pakufa kwaJesu, mwanakomana wechipikirwa chemweya, ruponeso rwakayambukira kurudzi rwevaHedeni rukatongwa neNyasha.
Izvi zvinokwanisa kuratidzwa nemufananidzo wemuHedeni wakavonekwa naNebukadnezari muchiroto.
Pamuchinjikwa ndipo paive “kuyambukira” kweruponeso kubva kumaJuda kuenda kuvaHedeni.
Saka Calvari ndiyo yakabva yava chiitiko chikuru chinorangarirwa murudzi rwevanhu.
DANIERI 8:13 Ipapo ndakanzwa mumwe mutsvene achitaura, zvino mumwe mutsvene zve akati kunaiye wakanga achitaura: ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini; izvo zvechipiriso chinopiswa nekusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?
Vhesi iri rinotaura zvinhu zvina.
Chipiriso chemazuva ose muTembere chakamira kuwana chirevo mumashure mekufa kwaJesu, sezvo ndiye aive chipiriso chikuru.
Kudarika kutyora kana kusaterera Shoko raMwari.
Kudarika kwemaJuda kwaive kuramba kwavakaita Messiasi aive azadzisa Shoko raMwari.
Kushaiwa maturo kwechipiriso cheTembere yavo kwakazvosvika pakuti Tembere yavo yakaparadzwa vari muhutiziro hwemakore anoda kukwana 2000. pamweya uku kwaive kunyangadza kwekuramba vachiedza kuchengetedza kutenda kwemuTembere ivo vasinayo Tembere yacho. Mubairo wekutsauka kwavo kukuru.
Nzvimbo tsvene kana Tembere yakaparadzwa kana kutsikirwa pasi petsoka mugore AD70 nemukuru wemauto eRoma Titus.
Makore anokwana 2000 aizotevera kusatenda kwaizokura pakupera kwenguva yeKutambudzika apo Pope wekupedzisira anounganidza hondo yake yepasi rese kuti aparadze Israeri neJerusarema. Iye anozoparadzwa naJesu paAmagedhoni nehondo yake yotsikirirwa pasi petsoka kusvikira ropa ravo rasvika pamatomo emabhiza.
ZVAKAZARURWA 14:19 Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.
20 Chisviniro chikatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro rikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda masitadia anechuru chinamazana matanhatu.
Masitadia masere kusvika pamaira. Zvitunha zvakanyautswa neropa zvakaungana kuita mamaira 200.
EZEKIERI 39:4 Uchaparadzwa pamakomo aIsraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi avanhu anewe; ndichakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose nezvikara zvesango, kuti udyiwe nazvo.
5 Uchawira pakachena pabani; nokuti ini ndakazvitaura -ndizvo zvinotaura Jehova MWARI.
Kumira pachiedza chezuva musi werima, mutumwa anodana makondo.
ZVAKAZARURWA 19:17 Zvino ndakavona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga; Vuyai muvungane pachirayiro chikuru chaMwari.
18 Kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezvuru zvamazana, nenyama yavanesimba, nenyama yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.
Vanhu ava vakangoraramira zvido zvenyama dzavo chete.
Vanhu ava vese vakafa paAmagedhoni ndivanani? Pope wechikara wekupedzisira nehondo dzake dzese. Hondo huru yakamirira kutsikirirwa pasi petsoka naJesu.
ZVAKAZARURWA 19:19 Zvino ndakavona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakavungana kuti varwe naiye wakanga akatasva bhiza, nehondo dzake.
EZEKIERI 39:12 Imba yaIsraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga, kuti vanatse nyika.
Mumashure mekunge chikara nemakunguwo zvazvigutsa, maJuda anenge achiri kurarama vachapedza mwedzi minomwe yekutanga yeMereniyamu, kana kuti makore churu erugare, vachiviga mitumbi. Ropa iri nezvimwe zvinenge zvasara pakudyiwa zvinozogutsa ivhu.
MaJuda akaramba Jesu ari Munhu. Uku ndiko kwaive kurasika kwavo kukuru. Mwari akavagura serudzi kubva pamuzambiringa wake. Mugore AD 70 Tembere yakaparadzwa nemaRoma. Nhasi uno Mosiki yaOmar ndiyo imire panzvimbo yeTembere senyangadzi yekuparadza. Vakaita makore mazhinji emakore 2000 enguva dzemakereke vari muhutiziro vachirwadziswa nekuparadzwa. MaHedeni, vasinehanya kubva pakuberekwa kwavo, vakazoiswawo mumuzambiringa waMwari nekuda kwenyasha dzake.
Nhorondo inozvidzokorora.
Pakupedzisira kereke yemaHedeni icharamba Jesu seShoko nekuti akamira pamukova kunze kwekereke achigogodza.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
17 ... Usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza:
Kana zvitendero zvedu zvikabva paMagwaro, tinenge tabviswa kunaMwari.
Zvitendero zvemasangano hazvimo muMagwaro.
Mai vemasangano emakereke ikereke yeRoman Catholic.
Tsika dzevanhu dzavanozivisa mumakereke kungori kunyangadza pamweya nekuti madziri hamuna hupenyu husingagumi.
Mavai-vai, mbiri, kunakidzwa nekurongeka kangori kafuko katete kwazvo kasingagoni kufukidza matongo etsika dzemakereke dzisimo muBhaibheri.
Zvino Mwari anobva avhuna bazi revaHedheni raive rakaisirirwa pamuorivhi. Saka, pakupedzisira inguva yekudzosera bazi remaJuda pamuorivhi kuti paberekwe maJuda 144,000.
Chipiriso chenguva dzese chinofanira kupirwa nemaJuda muTembere chakatsiviwa nechipiriso chaKristu.
61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU.2
Kristu akauya akaparidza akaprofita makore matatu nehafu, chipiriso chenguva dzese muTembere chikagumiswa.
61-0308 TARISIRO
Johane, paaifamba, akanga amire zvino mumahombekombe aJorodani, akamira achiparidza. Maprista aive imwe mhiri akati, “Uri kutiudza here kuti kuchauya zuva iro chipiriso chichabviswa kubva paTembere, uye hakungave nechipiriso, chekupira zvakare?”
Akati, “kuchauya zuva iro rakuchave neUmwe achava chipiriso”.
Saka chipiriso chaicho ndiJesu.
65-0220 NZIMBO YAMWARI YAKASARUDZWA YEKUNAMATIRA.
Rimwe zuva aive amire pakadaro apo, achiparidza. Maprista aive kumhiri kune rumwe rutivi, akati, “Muri kutiudza here kuti kuchauya nguva iyo chipiriso chenguva dzese chichagumiswa; Tembere yatakavaka iyi, nemabasa ese atakaita pairi, isu sangano guru?”
Akati, “Kuchauya nguva ichagumiswa zvese izvozvo.”
“Hazvigoni kudaro. Uri muprofita wenhema!”
Akatarisa pakamupoteredza. Akati, “Tarira, uyu ari apo! Kune nzvimbo yaMwari yakasarudzwa yekunamatira. Iro Gwaiana, Gwaiana rechokwadi rinobvisa zvivi panyika.” Haana kuti, Iyi Methodisti, iyi Baptisiti, kana Catholic.” Akati, Iro Gwaiana raMwari rinobvisa zvivi kunyika.”
Nzvimbo imwechete yekuchengetedzeka ndiyo Gwaiana raMwari. Maari iye ega ndimo mune ruponeso; kwete mukereke, kana zviyera-yera, kana vanhu, kana baba, kana mai, kana munhu mutsvene kana chero chinhu, kana nzvimbo tsvene. NdiMwari mutsvene, Ishe Jesu Kristu, maari makaiswa Zita raMwari pamunhu, kuti atidzikinure, akaripira muripo wedu isu vatadzi. Ndiyo nzvimbo imwechete ine ruponeso pairi. Ndiye ibwe randimire pariri.
Ruponeso ruri muna Kristu. Hakuna kereke inokwanisa kuponesa chero munhu.
61-0730M KURAIRA KWAGABRIERI KUNA DANIERI.
Rangarirai, zvine chirevo chikuru chakafanana nekuti, “Dana mwanakomana wangu abve muEgipita.”Israeri payakadanwa, naJesu zvakare Mwanakomana wake akadanwa.
Gwaro rinotevera rine dudziro yakadzama zvese kuvaHedeni nekuvaJuda.
DANIERI 8:12 Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika
Mhomho yese yevanhu yaive ichipikisa Jesu, ikakumbira rufu rwake.
Rufu rwake rwakagumisa chipiriso chemakwai muTembere chaive chisisina basa.
Kudarika kwemaJuda kwaive kuramba Magwaro vachibva vatadza kuona kuti Magwaro aizadziswa.
61-0730E ZVINANGWA ZVITANHATU ZVEKUSHANYA KWAGABRIERI KUNA DANIERI
Kusvikira Mwari apedza nevaHedeni, Israeri inoramba yakapofomadzwa. Vakapinda muzvivi nekudarika vachimukira Mwari, nekuti Mwari aive avapofomadza meso avo kuti isu titemererwewo pamuorivhi.
Mwari akavapofomadza nekuziva kuitira imi neni. Havagoni kuona, nekuti Mwari akavapofomadza. Uye Israeri yese, Israeri yechokwadi ichaponeswa. Mutumwa akataura kuti kudii? Kubwinya. “Kupedza kudarika kwaIsraeri. Ndauya kuzokuudzai kuti kuchauya nguva apo kudarika kweIsraeri kuchapedzwa.” Mwari achagura bazi risiri repo riya odzosera zve bazi repo chairo.
Kereke yevaHedeni ichaita zvimwechete zvo sekudarika kwakaita maJuda. MaJuda akaramba Jesu ari Munhu. MaHedeni acharamba Jesu ari Shoko raMwari rakaziviswa vakatambira zvitendero zvemasangano emakereke avo. ChiRoman Catholic ndicho chakaita sangano rekutanga uye rinodaidzwa kuti mai vemakereke.
61-0806 VHIKI RECHIMAKUMI MANOMWE RADANIERI
Kupararira kwesimba reRoma kunotapa vasikana mapenzi vese, maJuda nevamwe ... tese tichava vaRoma kana kuti hatingavi chiro.
Chipiriso chemazuva ese chekereke ndiko kufa kuzvivi mazuva ese uye kuzvipira kupa kuda kwedu kuti kuda kwaMwari kuitike matiri.
MATTHEW 16:24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, kana munhu achida kuvuya shure kwangu ngaazvirambe asimudze muchinjikwa wake anditevere.
59-0612 MAZUVA EHUPENYU HWEDU
Ndinotenda kuti hupenyu hwechiKristu ndicho chipiriso chinoenda mberi nguva dzese.
“uyo achauya mumashure mangu, ngaazvirambe mazuva ose (mazuva ese, kwete mazuva makumi mana nematanhatu, asi mazuva ese), atakure muchinjikwa wake Anditeere,” ndizvo zvakataurwa naJesu. Kwete mazuva makumi mana nematanhatu, asi mazuva ose ... Hupenyu hwechiKristu hunoenderera mberi.
Oh, muKristu anoda sei kuita izvozvo. Haazviiti nekuvenga; anozviita achinzwa kuti anoda Mwari; uye anofara kuti anogona kuita saizvozvo. Rufaro rwekubatira Ishe Jesu Kristu. Rufaro rwekuzvipira. Rufaro rwekurumbidza Mwari. Rufaro rwekuitwa benzi reHushe hwaMwari. Rufaro rwekurega kuita zvinhu zvenyika ino. Zviri mumoyo yavo. Kunzwa kwakarurama. Kunzwa kunonzwika nguva dzese. Mweya waMwari unouya mamuri woshandura zvido zvemoyo yenyu.
53-1201 NZIRA YAKAPIWA NAMWARI
Makasungirwa kudzokera shure munguva duku, saka zvinoda kunamata nguva dzese.
Pauro akati “ndinofa mazuva ese.”
Kana Pauro aifa zuva nezuva, iniwo hangu ndingagare ndakafa zvakadii nguva dzese, kana Pauro aifa mazuva ese kuti agare akarurama pamberi paMwari. Uye zvakadaro, tese tinofanira kuita saizvozvo, kufa kuzvivi zvede. Ndiko kuwana nzira yaMwari.
Chipiriso chedu chemazuva ese kufa kuzvivi nekuda kwedu kuti Kristu ararame matiri.
54-0516 MIBVUNZO NEMHINDURO MURAIRO UNE MUMVURI
Zvino, mese hamungadi here kereke inotevera Bhaibheri chaiyo? Kereke yeBhaibheri chaiyo umo zvipo zvemweya zvese zvinenge zvakaiswa nenzira yazvo, zvinhu zvese zvichiratidzwa chaizvo nenzira yazvinofanira kuva. Hazvingavi zvakanaka here? Zvino, muchafanira kupa, kwete mari. Muchafanira kupa chii? Mamwe emazano enyu. Muchafanira kupa nguva muminamato. Muchafanira kuzvipira... zvichida kuda kwenyu kwekuoma moyo, kuzviparadza mukuzvininipisa. Mazviona? Muchava ... Kufamba kwese kwechiKristu kuzvipira. “Uyo uchanditevera, ngaazvirambe, atore muchinjikwa wake, anditevere mazuva ose.” Ndizvozvo here? Munozvipira kakawanda sei? Mazuva ese. Pauro akati, ‘anofa mazuva ese; mazuva ese, aifa.’
Asi kune hondo huru yemasangano inopikisa chipiriso chemazuva ese ichi.
Dzidziso dzebudiriro munyika yedu yekutarisa budiriro mune zvatakwanisa kuzviunganidzira.
Evangeri rakasanganiswa remabasa echitendero, riri nyore kutenda mariri nekuti rinoparidza nyaya dzatinoda kunzwa, dzinotendera, uye dzinotiita “tinzwe zvakanaka” kuti tidekare nekuvarairwa nekuita zvinoita ipapo. Moyo usina kuperera.
Evangeri rehuranda nekutya.Mwari akatsamwa neni nekuti handisi kuita zvakakwana mukuda kwake. Edza zvakare zvakati simbei. Evangeri rebhizi-nesi rinotisiya tisina nguva naMwari. Mabasa anokuchidzirwa nekutya. Bato rekutonga.
Kuita kunobva pakuzviruramisira. Rudo rwekufadza vanhu kuti uonekwe uye uzivikanwe.
Evhangeri rekunzwa uine Mhosva. Handina kusvika chaipo chaipo kunyange zvangu ndaedza zvakanyanya. Kusungikana, kupingaidzwa, kuzvifungira ini pachangu uye kutenda kwenhema. Kutya gehena, tariro yekupinda Denga. Kuzvichengetedza.
Evangeri raJesu semushonga wekubatsiridza (semapiritsi evhitamini C) kuhupenyu hwangu hwagara huine zvizhinji zviri kuitika mahuri. Ndiri kushaya nguva nekuti ndiri kuraramira zvinhu zvizhinji zvakanaka uye zvakakosha. Saka Kristu haasi pachigaro chekutonga muhupenyu hwangu, asi angoriwo mubatsiri wepano neapo kana zvinhu zvisina kumira zvakanaka.
Chinangwa chaMwari chekusingagumi chinotora nzvimbo yepiri kutangirwa nezvido zvangu zveipapo ipapo nezvandinoda kuita.
Hondo huru yemaKristu anhasi inobatwa mune chimwechete chezvinhu izvi.
Vashoma kwazvo vanotevera Magwaro zvakazara. Izvi zvinosvitsa pakuzvipira kurasikirwa neshamwari nembiri zvichibva pamarwadzo ekurambwa.
BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 4
Kuna 1 Vakorinte 9:24
Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange vanomhanya vose asi mumwechete unopuhwa mubairo."
Mubairo unopiwa akunda panhangemutange waive bazi remuorivhi. Asi korona yakarehwa kuna Zvakazarurwa, inopihwa kumukundi, ikorona yehumambo. Jesu anoidaidza kuti korona yehupenyu. Imwe korona ndeyevaya vakashingirira; imwe ndeyevaya vakapa. Korona idzi dzese hadzivori. Hadziparare. Mukundi wenhangemutange yehupenyu hwezvenyika anorasikirwa nemufaro wake wekupururudzirwa nenyika nekukasika. Kubwinya kwake kunoparara. Asi vaya vanopa hupenyu havo kuna Mwari, nekushingirira mazuva ese kana kudeura ropa ravo sechipiriso chehupenyu hwavo ivavo vachapihwa korona yehupenyu.
VAFIRIPI 2:12 … Pedzisai kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera.
Urwu harusi ruponeso kubva kugehena. Makawana ruponeso irworwo pamakatanga kutendeuka. Urwu ruponeso kubva kuzvitendero zvakawandisa zvemakereke zvisiri muMagwaro zviri kutungamiririra maKristu akaponeswa kunopinda munguva yeKutambudzika kukuru.
MATEO 24:13 Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.
Kana tikagara tichitevera Magwaro kusvika pakuguma tichaponeswa kubva kunguva yeKutambudzika kukuru.
Zvino kunobva kwauya chiprofita chikuru chemazuva 2300 anogumira paCalvari. Dambudziko redu riri pakutsvaga kuti chiprofita chakatangira papi.
DANIERI 8:14 Akati kwandiri: kusvikira madekwana namagwanani anezvuru zviviri namazana matamhatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.
61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU . 2
Zvino, kwakaita nguva yazvakapinda pakupokana. Kubva pazuva rechimakumi mana, kubva pazuva rekutanga rekunatswa kwenzvimbo tsvene, kana kuti Kristu paakaenda paCalvari, kwakaita mazuva makumi mana kusvika pakukwira kudenga.
54-0515 MIBVUNZO NEMHINDURO
... Hakuna chinhu chakadaro chakaita semusangano wekurindira. Maive muchakaipa. “Kurindira” hazvirevi kuti “kunamata”, “kurindira” zvinoreva kuti “kumirira”. Mumashure mekukwira kudenga, mumashure maJesu Kristu, kurovererwa pamuchinjikwa, kunatswa kwenzvimbo tsvene, uye mumashure mezuva rekururamisirwa, kumuka kubva kuvakafa ...
Gore remuBhaibheri rine mazuva 360. gore redu rechiRoma kana rechiHedeni rine mazuva 365. 24. Saka rakareba nemazuva 5,24.
Saka mumakore 69 tine 5.24 x 69 = 361 mazuva anoraudzira. Izvi zvinotaura rimwe gore rechiJuda remuBhaibheri.
Saka makore 70 emuBhaibheri ndiwo makore 69 echiHedeni.
Saka makore 70 ega ega emuBhaibheri tinofanira kubvisa gore rimwechete kuti timaise kukarenda redu.
Makore 2300 emuBhaibheri / 70 = 33 makore.
2300 – 33 = 2267 makore edu anhasi.
Mazuva aigarotarwa nekutanga kutonga kwevabati.
Augustus ndiye akaita mubati weRoma ane mbiri akafa muna 14 AD. Mwanakomana wake wekurera Tiberio akatanga kutonga muna 14 AD. Iri ndiro gore raakasarudzwa semubati naSeneta weRoma.
RUKA 3:1 Negore regumi nemashanu rokubata kwaTiberio Kesari, ...
2 … Shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje.
Saka 14 + 15 = 29 AD ndiro gore rakatanga Johane Mubapatidzi kuparidza.
Mumwedzi yakatevera, nguva yakapoteredza Gumiguru, Jesu akauya kwaari kuti abapatidzwe. Ipapo gore 29 AD raive rakutopera.
RUKA 3:23 Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu,
Mazuva anopindirana zvakanama. Raive roda kuita gore 30 AD Jesu akanga oda kukwanisa makore 30.
Saka Bhabheri rinotaura kuti Jesu akazvarwa mugore zero. Ndipo panotangirawo karenda redu.
Saka Jesu aizofa muna Kubvumbi wegore 33 AD apedza hushumiri hwake hwemakore matatu nehafu.
Saka tobvisa makore 33 kuti titangire pagore zero.
2267 – 33 = 2234 BC ndiro gore rekuberekwa kwaIsaka.
Kuti titarise gore iri zvakanaka, tinoona kuti vazhinji venhorondo vanoti Soromoni akatanga kubata vushe muna 970 BC.
Zvakaoma kwazvo kuedza kugadza zuva iri zvakanaka. Asi tinogona kutambira 970 BC seriri pedyo nekuva rechokwadi zvakanyanya.
Ngatirondei gore rakaberekwa Isaka kusvika pakatanga Soromoni kuvaka Tembere.
Kuti zvireruke, tichashanda nemakore emuBhaibheri tozoshandura zvabuda kuisa kumakore edu echiHedeni.
GENESISI 25:26 Pashure munun’una wake akabuda, ruvoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza Zita rake Jakobo. Isaka wakanga anamakore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
Score kuChirungu ndi makumi maviri (20). saka Isau aive ava nemakore 60 pakaberekwa Jakobo.
GENESISI 41:46 Zvino Josefa wakanga anamakore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weEgipita. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba akapota nenyika yose yeEgipita.
GENESISI 41:47 Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji namakore manomwe amaguta.
48 Akavunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe akanga aripo panyika yeEgipita, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe wakazvivigamo.
Nguva yakapera makore manomwe emaguta, Josefa aive ava nemakore 30 + 7 = 37.
Hope dzaFarao dzakamuvimbisa makore manomwe emaguta nemakore manomwe enzara zvichibva pakududzira kwaJosefa.
GENESISI 41:29 Tarira kunovuya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeEgipita.
30 Shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeEgipita; nzara ichapedza nyika.
Mumashure mekutanga kwenzara, vakoma vaJosefa vakauya kuEgipita kuzotsvaga chekudya. Josefa akati kwaive kuchiri nemamwe makore mashanu enzara.
GENESISI 45:11 Ndichakuchengetai’po nokuti mamwe makore mashanu enzara achipo;
Saka makore maviri enzara aive adarika, saka Josefa aive nemakore 37 + 2 = 39.
Vakoma vake vakadzokera kunotora baba vake Jakobo akamira pamberi paFarao achiti aive ava nemakore 130 ekuberekwa.
GENESISI 47:8 Farao akati kuna Jakobo: Manganiko mazuva amakore ovupenyu bwenyu?
9 Jakobo akati kuna Farao: Mazuva amakore ovutana bwangu makore anezana namakumi matatu;
Saka Jakobo aive nemakore 130 Josefa aine makore 39.
Saka Jakobo aive nemakore 91 pakaberekwa Josefa.
Saka Isaka aive nemakore 60 pakaberekwa Jakobo. Makore 60 aive adarika kubva pakuberekwa kwaIsaka.
Jakobo aive nemakore 91 achibereka Josefa. 60 + 91 = 151 ndiwo makore aive adarika kubva pakuberekwa kwaIsaka.
GENESISI 50:26 Ipapo Josefa akafa, ava namakore anezana negumi; vakamusasika akaiswa mubhokisi paEgipita.
151 + 110 = 261 makore aive adarika kubva pakuberekwa kwaIsaka pakazofa Josefa.
Josefa ndiye zera rekupedzisira revana vaAbrahama vaive vachiri muchivuno maAbrahama pakaitwa sungano iyi naMwari kuna Abrahama nevana vake. Saka sungano yaishanda kuna Abrahama, Isaka, Jakobo naJosefa.
VAHEBERU 7:9 Zvino tingati, naRevi, unopiwa zvegumi iyevo wakapa zvegumi munaAbrahama;
10 Nokuti wakanga achiri muchivuno chababa vake, pakusongana kwaMerkisedeki naye.
Revi, nevakoma vake vakaita marudzi gumi nemaviri, vaive muchivuno chaAbrahama tateguru wavo pakaitwa sungano naMwari kuna Abrahama nevana vake vaive maari.
Josefa paakafa sungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama yaive yazadziswa.
GENESISI 15:13 Akati kunaAbrama; Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo; vachava varanda vavo; vachatambudzwa makore anamazana mana.
MaJuda muEgipita havana kutambudzwa Josefa achiri mupenyu.
Vaifanira kumiririra Farao aisaziva Josefa. Izvi zvakaitika makore makumi matatu mumashure mekufa kwaJosefa.
EKSODO 1:8 Zvino paEgipita pakamuka umwe mambo mutsva, wakanga asina kuziva Josefa.
EXODUS 1:11 Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta anamatura Pitomi neRamesesi.
EKSODO 12:41 Pakupera kwamakore anamazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo hondo dzose dzaJEHOVA dzakabuda munyika yeEgipita.
Kwakaita makore makumi matatu chete erugare nemakore 4 oo ekurwadziswa muEgipita maJuda asati abuda muEgipita.
261 + 430 = 691 makore akadarika kubva pakuzvarwa kwaIsaka, pakazobuda maJuda muEgipita.
I MADZIMAMBO 6:1 Zvino pagore ramazana mana namakumi masere shure kwokubuda kwavana vaIsraeri panyika yeEgipita, pagore rechina rokubata vushe kwaSoromoni pakati paIsraeri, nomwedzi weZifi, ndiwo mwedzi wechipiri, wakatanga kuvaka Imba yaJEHOVA.
691 + 480 = 1171 makore akaitika mumashure mekuberekwa kwaIsaka pakazotanga Soromoni kuvaka Tembere.
Kushandura makore 1171 kubva kumakore eBhaibheri kumaisa kumakore edu akareba echiHedeni: 1171 / 70 = makore 17
Saka makore 1171 emuBhaibheri = 1171 – 17 = 1154 emakore edu echiHedeni.
Kubva pakuzvarwa kwaIsaka 2234 BC – 1154 = 1080 BC anova makore 110 kubva pagore 970 BC.
Zvisinei, mumakore evatongi vakarwadziswa kwemakore anokwana kuita 111 nemarudzi emapegani aive akavapoteredza.
Mwari haaverengi makore ese anorarama maJuda achitongwa neruvoko rwevavengi vavo. Nekuda kwaizvozvo maJuda aive asingararame neMurairo wavo muNyika yeChipikirwa. Vaive pasi pejoko remauto nehuranda uye vaifanira kubatira nekuterera mapegani vaive vavengi vavo. Sezvazvaive pavaive muhuranda muEgipita. Naizvozvo, havana kupunyuka kubva muhuranda muEgipita sezvo vakasangana nehuranda uhwu muIsraeri.
VATONGI 3:8 Saka kutsamwa kwaJEHOVA kwakamukira vaIsraeri, akavatengesa muruvoko rwaKushani-rishataimi, mambo weMesopotamia; vana vaIsraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere.
VATONGI 3:14 Vana vaIsraeri vakashumira Egroni, mambo waMoabi, makore anegumi namasere.
VATONGI 4:3 Zvino vana vaIsraeri vakachema kunaJEHOVA, nokuti wakanga anengoro dzamatare dzinamazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsraeri kwazvo makori anamakumi maviri.
VATONGI 6:1 Zvino vana vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJEHOVA: JEHOVA akavaisa mumavoko aMidiani makore manomwe.
VATONGI 10:7 Ipapo kutsamwa kwaJEHOVA kwakamukira vaIsraeri, akavatengesa mumavoko avaFristia, nomumavoko avana vaAmoni.
8 Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJoridani munyika yavaAmori, yaive paGireadi, makore anegumi nemasere.
VATONGI 13:1 Zvino vana vaIsraeri vakaita zve zvakaipa pamberi paJEHOVA, JEHOVA akavaisa mumavoko avaFristia makore anamakumi mana.
8 + 18 + 20 +7 +40 = 111 makore ekubatira nekuterera hutongi hwemuvengi asina kuverengwa.
Kana tichishandura kuisa mumakore evaHedeni : 111 = makore 109
1080 - 109 = 971 BC pakatanga Soromoni kuvaka.
Saka kana makore matatu akadarika soromoni asati atanga kuvaka Tembere saka anenge akatanga kutonga makore matatu izvi zvisati zvaitika muna 971 +3 = 974 gore riri pedyo kwazvo nenguva inofungidzirwa nevenhorondo kuti akatanga kutonga.
Saka makore 2300 echiprofita, mumakore eBhaibheri, akatanga nekuberekwa kana kuuya kwemwana wechivimbiso panyama Isaka akazoguma nekufa kweMwanakomana wechipikirwa paMweya kana kuti Mwana waAbrahama, Jesu Kristu.
DANIERI 8:15 Zvino ini iyeni Danieri ndakati ndavona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kunzwisisa, ndikavona mumwe wakanga akaita somunhu amire pamberi pangu.
DANIERI 8:16 Ndikanzwa inzwi romunhu richibva pakati pemhenderekedzo dzaUrai, richidana richiti: Gabrieri, dudzira munhu uyu zvaakaratidzwa.
Hazvigoneki kuti tinzwisise zviratidzo izvi kusvikira tazviziviswa neMweya Mutsvene nenzira inotenderana nezvese nhorondo uye Magwaro.
DANIERI 8:17 Ipapo akaswedera kwandakanga ndimire; zvino wakati achisvika, ndikatya, ndokuwira pasi nechiso changu; asi wakati kwandiri: Chinzwisisa iwe mwanakomana womunhu; nokuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.
Kana tava panguva yekupedzisira zvakaprofitwa izvi zvichazivikanwa.
Kana zvakaprofitwa izvi zvikaramba zvisina kuzivikanwa tinenge tisati tasvika pakuguma.
Asi Israeri yakaitwa nyika muna 1948. Yakawana nzvimbo dzayo huru dzenyika yayo yayaive nayo pakutanga muna 1967. Mugore 2018 Mutungamiri wenyika Trump akaita Jerusarema guta guru reIsraeri. Israeri yakadzorerwa saka muwonde uri kupukira mucherechedzo kana chiratidzo chikuru chekuti tasvika kumagumo.
Mwari anobvisa kereke painokwira kudenga mukubwaira kweziso (Repucha) paanotendeukira kudzokera kumaJuda.
MaJuda adzokera mumusha mawo, Mwari ari kutendeukira kudzokera kumaJuda.
DANIERI 8:18 Zvino wakati achataura neni ndikabatwa nehope kwazvo ndivete nechiso changu pasi; asi wakandibata akandimisa.
Abrahama akaradzikwa hope dzakadzama apo Mwari akaita sungano naye nevana vake,
Apa Danieri akusvika pakunzwisisa, anorarawo hope zvakare.
DANIERI 8:19 Akati: Tarira, ndichakuzivisa zvichava’po, panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJEHOVA nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Musikana mukadzi akachena. Izvi mucherechedzo wekereke yakaponeswa. Saka mufananidzo wevasikana vane gumi unomiririra makereke ese akaponeswa, vose maKristu vakazadzwa neMweya nevaya vasina kuzadzwa neMweya.
Pakupedzisira, zvichibva pamufananidzo, vese vakavata vakakotsira. Saka kana Mwari akuda kuita chimwe chinhu achizivisa zvinhu, vanhu vanovata vokotsira.
DANIERI 8:20 Gondobwe rawakavona, rakanga rinenyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedia navaPersia.
Ruvara rutsvuku ndihwo hwaive hushe hwevaMedia hwakatonga pamwechete naSairasi muPersia.
Ruvara rwegirini runomiririra hushe hwePersia.
DANIERI 8:21 Vuye nhongo inemvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga.
Kwakabva kwauya Alexander kubva kuGirisi aive munhu wekutanga aibva kumadokero kuzvidaidza mwari. Zvaakakwanisa kuita muhupenyu hwake zvakaita kuti vanhu vazhinji vatende maari.
DANIERI 8:22 Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzikabuda panzvimbo yarwo, vushe vuna vuchabuda parudzi urwo, asi haungavi nesimba rarwo.
Mumashure memakore makumi maviri ekurwisana pachavo, vakuru vemauto ake vana vakapatsanura hushe kuita zvikamu zvina. Umwe neumwe wavo akatonga chikamu chehushe hwaAlexander hwekutanga. Asi mutungamiri wemauto umwe nemumwe akabva azvidaidza kuti munhu-mwari.
Kubva pamaonero aDanieri, chikamu chakakoshesesa chaive kachidimbu kaduku kaive kakapoteredza guta rePergamosi uko chiprista cheBabironi chaive chaviga zvakavanzika zvacho mumashure mekutapwa kweBabironi naSairasi. Chidimbu ichi chakabva chakura kuita hushe hwakapfuma kwazvo hwePergamosi mutungamiri wayo akaonekwa semuprista mambo uye munhu mwari uye Pontiff wezvakavanzika zveBabironi nevaprista vayo.
Mugore 133 BC hushe hwaive hwakapfumisisa hwePergamosi hwakapihwa kuRoma. Mugore 63 BC Jurio Kesari akaitwa Pontiff mumashure mekufa kwake akaita munhu wekutanga muRoma kunamatwa samwari. Saka chiprista cheRoma chaive chisina kugadzwa muhushe hweRoma. Negore 450 AD bhishopu weRoma aive atora chinzvimbo chaPontiff kana kuti Pope. Saka chiprista cheBabironi chakapinda muhushe hwemweya hwekereke yeRoman Catholic payaipararira pasi rese sekereke yezvematongerwo enyika uye simba munezvemari.
Kunyangwe zvazvo Alexander aive asiri munhu wekutanga kugamuchira kukudzwa kwemweya, kuzvitora kwake kwakaisa muenzaniso kumadzimambo echiHerenisitiki, kuvabati veRoma, nevamwe vatongi.
Mugore 1302 Pope Bonface VIII akataura kuti zvaive zvakakosha kuti munhu ave wekereke yeCatholic kuti awane kuponeswa. Akataura kuti chinzvimbo chaPope chaizova musoro mukuru wekereke. Saka raive basa remunhu wese kuti azviwisire kuna Pope kuitira kuti vave vekereke uye kuti vawane ruponeso. Saka Pope amire panzvimbo yaMwari panyika. Ruponeso rwaibva pakuterera Pope.
Munguva dzeRima Pope aitengesa kuregererwa kwezvivi kwainzi Pope anoregerera zvivi. Saka Pope akatora nzvimbo yaMwari.
Mugore 1870 Pope akazviti iye aive munhu asingatadzi, kuzviita Mwari panyika. Mwari ega ndiye asingatadzi.
Saka kereke yeRoman Catholic yakasimuka kuva nehupfumi nesimba uye kuita bato rine simba kwazvo rine hurongwa hwekuzotonga pasi rese.
DANIERI 8:23 Zvino panguva yokupedzisira yovushe bwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo unechiso chinehasha, unoziva kuita namano akaipa, uchamuka.
Pakupedzisira kwenguva nomwe dzemakereke kuipa kuchasvika pakukura kwako kukuru. Kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 kune bhiza jena rehunyengeri muzvitendero rakapfekedzwa korona mumunhu Pope Nicholas I makore akapoteredza 860 AD. Makore akapoteredza 1310 yakazoita korona yezvidanho zvitatu. Ipapo bhiza dzvuku resimba rezvematongerwo enyika reRoman Catholic rakauraya makumi emamiriyoni evanhu vaiipikisa muNguva dzeRima nenguva dzeMutsiridzo dzakazotevera mukupikisa Rumutsiridzo rwaMartin Luther rwegore 1500. Pope akasimuka zvakadzikama kwazvo kuva nesimba kusvikira nhasi Pope ava mumwechete wevatungamiriri vezvematongerwo enyika nezvechitendero vane kurudziro huru pavanhu. Zvino bhiza dema resimba rezvemari raizosimudzira Vatican kuiita bato rakapfumisisa pasi rese. Saka huwori hwekereke hwakabva hwasvika pamusoro-soro.
Zvino pakupedzisira kwenguva nomwe dzemakereke Diaborosi achapinda mumunhu achatora chinzvimbo chaPope.
DANIERI 11:21 Panzvimbo yake kuchamuka munhu unofanira kuzvidzwa, wakanga asinokupiwa kukudzwa kwovushe; asi iye uchasvika nonguva yokufara kwavanhu, ndokutora vushe nokubata kumeso.
Pope waantikristu wekupedzisira haasi kuzosarudzwa pakanzuru yemaKadhinari sezvazvinosiitwa kuti munhu ave Pope. Neimwe nzira achashandisa muromo kukura nzira yake yekuti ave Pope. Achave nekutyisa kukuru. Munhu asingapikisike zvenhando.
Kunzwisisa mitsara yakadzima. Anotaura mazwi akadzama asi ainehunyengeri zvinonyengera vanhu. Asi anenge aine chipo chekuratidzika semunhu werunyararo uye munhu anogona kuisa runyararo zvichanyengera vanhu vose.
Ndiyani asingadi runyararo? Munhu wese achafadzwa nemunhu anounza runyararo. Asi runyararo rwenguva duku.
I VATESARONIKA 5:3 Kana vachiti, Rugare, nokugarika, - ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.
DANIERI 8:24 Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; uchaparadza zvinoshamisa asi uchafara pane zvese zvaanoita; uchaparadza vanesimba navanhu vatsvene.
Pope wekupedzisira (zvichida achadaidzwa kuti Petro weChipiri) achava nesimba guru rezvechitendero, zvematongerwo enyika nemari. Asi anenge asina simba remauto. Achapiwa simba iri nevadzvanyiriri gumi.
ZVAKAZARURWA 17:12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi achigere kupihwa vushe, asi vachapihwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguva imwe.
Simba samadzimambo. Vane simba ramambo asi vasina kugadzwa. Vadzvanyiriri gumi. Pope ndiye ega akava mudzvanyiriri muEurope kusvika mugore 2019.
“Nguva imwe” kudunhurirwa kwemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika.
ZVAKAZARURWA 17:13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo novushe bwavo.
Ndangariro imwe. Vadzvanyiriri gumi, zvigumwe gumi zvemufananidzo waDanieri wemuHedeni, vese vachiterera Pope waantikristu wekupedzisira. Vadzvanyiriri gumi ava vanopa simba remauto avo kuna Pope. Hondo gumi dzakapararira pasi rese ndiyo nzira huru inonyatsoshanda kutonga pasi rese. Kwese kwaita dambudziko kunenge kuine mauto akatomirira izvozvo kuti vaparadze vamukiri.
Izvi zvinonyatsoshanda sezvo zvakambotorera America mwedzi mitanhatu kuti iendese nekunoronga mauto ayo kune rumwe rutivi rwepasi pano. Chero izvozvi mauto eAmerica anotambudzika kuti aende nyika mbiri nguva imwechete.
Nesimba remauto rakaita sairoro anoparadza hupikisi hwese. Anouraya vasikana mapenzi, maKristu akaponeswa vanopesana neKukwira kudenga mukubwaira kweziso (Repucha) kunotora kereke yechokwadi kuti inosangane naShe kumakore.
ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.
Makereke akabuda mairi achabatana kuita mubatanidzwa wemasangano mukuru wepasi rese kuti vawane simba munezvechitendero, zvematongerwo enyika nezvemari. Vanenge vachiteedzera kubudirira kwekereke yeRoma. Chikara ndiyo kereke yeRoman Catholic. Mufananidzo wayo ndiwo mubatanidzwa wemakereke akateedzera kuita kwebato kunoshandiswa neRoman Catholic. Pope ndiye ega mudzvanyiriri muEurope. Vafundisi vemasangano emakereke akabuda mairi vanotongawo makereke avo sevadzvanyiriri. Murairo wekuita munhu mumwechete anotungamirira kereke. Vaya vanopikisa kuita kwemasangano emakereke vanobva vazourawa.
“Chichaparadza vakuru navatsvene”
Ava ndivo maJuda. Vatican ine mukana wekubata ndarama kana goridhe repasi rese. MaJuda ane mukana wekubata mari dziri mumusika wemari wepasi rese. Nekunzwisisa zvitaurwa zvakadzima, Pope wekupedzisira anoita sungano yezvemari nemaJuda. Anozoputsa sungano iyi paanotora mari dzavo dzese. Saka anovaparadza pamari asati avarwisa nemauto.
DANIERI 8:25 Zvino nokungwara kwake uchafambisa nhema noruvoko rwake; uchazvikudza mumoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo, uchamukira vo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruvoko rwomunhu.
“Noruvoko” kubata kweruvoko rwake. Kugadzira. Anoita mabasa munyika iri kupererwa nemari.
ZVAKAZARURWA 13:17 Kuti munhu arege kuva’po unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
Asi munenge muchifanira kuva veboka rehurumende yake imwechete yepasi rese uye chitendero chimwechete chepasi rese kuitira kuti muwane mabasa.
Pope waantikristu uyu anenge asingamisiki nesimba revanhu. Achazviiita sekuti ndiye Mwari panyika. Kudzoka kwaShe kwega paAmagedhoni ndiko kuchamuparadza.
DANIERI 8:26 Zvawakaratidzwa zvamadekwana nezvamagwanani, zvawakavudzwa, ndezvazvokwadi; asi iwe vanza zvawavona, nokuti dzezvamazuva mazhinji anozovuya.
Pakupedzisira chete ndipo patichagona kunzwisisa chiratidzo ichi.
Zuva rechiJuda harijairiki. Rinotangira kumadekwana. Kwovuya vusiku kwozovuya masikati.
Asi zvinonyorwa zvichinzi “madekwana nemangwanani”. Husiku hahutaurwi. Nei?
Mwari akasika nyika kubva pasina pakutanga chaipo. Mwari paakaita kuti nyika igone kutakura hupenyu kwevanhu akasarudza chikamu chenguva chemasikati .
GENESISI 1:5 Mwari akatumidza chiedza, akati masikati; nerima akaritumidza akati Vusiku. Madeko akavapo, namagwanani akavapo, zuva rimwe.
Paive nemasikati nevusiku asi mwari akasiyana nevusiku. Rima kungoshaikwa kwechiedza.
Mwari anoramba kutora kushaikwa kwechiedza sechikamu chenguva dzake.
Mwari anoona chiedza sandicho chega chakafanira kuverengwa mukutsanangura kwake zuva kana musi.
Saka patinoedza kubatira Mwari, haaverengi nguva dzatinopedza tichiita zvakaipa zvisiri muMagwaro, sezvo tinenge tofamba pasina chiedza. Tinobatira Mwari chete patinenge tichitenda muShoko rake rakanyorwa muBhaibheri, nekuti ndicho chega chiedza chatinacho.
Mwari aive asina basa zvakanyanya nekereke yekutanga. Jesu akadzidzisa mapostora vakanyora chokwadi chese muTestamente Itsva. Mapostora akaita kuti kereke yekutanga igare munzira yakanaka kusvikira mupostora wekupedzisira, Johane, afa muna 100 AD. Ipapo Ishe vakaziva kuti chokwadi chaizofa zvishoma nezvishoma apo nyika yaizopinda muNguva yeRima. Kuchibva kwazouya Rumutsiridzo, nguva yemamishinari, nekudzoka kwesimba rePentecosti kwaizomutsa kereke asi kukanganisa kuzhinji kunobva pakushaiwa Magwaro kwaizoramba kuripo.
Saka muprofita wenguva yekupedzisira William Branham pakati pegore 1947 negore 1965 akatapa mharidzo dzake dzaizivisa zvakavanzika zveMagwaro. Zaruriro yeBhaibheri yenguva yekupedzisira iyi yaive nzira yaMwari yakasarudzika sezvo yaizova panguva inekutadza kuzhinji mukereke kuchinosvika pamongo chaipo. Kereke yekupedzisira (vana) vaifanira kudzorerwa kuzvitendero zveTestamente Itsva zvemapostora (madzibaba). Mapostora ndivo vega vaive nechokwadi chakazara cheShoko. Asi Jesu ndiye Shoko. Jesu akati, regai vana vaduku (maKristu enguva yekupedzisira) vauye kwandiri (chokwadi cheBhaibheri chekutanga) pachinzvimbo chekuenda kutsika dzemakereke avo anhasi nedzidziso dzawo.
MATEO 19:14 Asi Jesu wakati kwavari: Regai vana vaduku , musavadzivisa kuvuya kwandiri: nokuti bwushe bwokudenga ndobwovakadai.
Nhasi mumakereke vanodzivisa vanhu kutevera Magwaro zvakazara. Makereke anoti mufudzi ndipasita kana mufundisi, kunyange zvazvo kusina Magwaro anotaura kudaro. “Pasita” mufundisi (mufudzi) [ndapota tarirai kuti mufudzi uyu akasiyana nemufudzi anorehwa nezwi rekuti shepadhi] akangotaurwa nezvake kamwechete chete muTestamente Itsva asi akatukwa kanokwana katanhatu muchiprofita muTestamente Yekare. Kutaurwa kamwechete muTestamente Itsva hakupi pasita kana mufundisi simba rekutonga kereke.
Asi kana vanhu vakapokana netsika dzekereke vakapikisa pasita vanodzingwa kubva kukereke. Saka vanhu vanoda havo kutevera Magwaro zvakazara vanoshungurudzika kwazvo munguva ino yekupedzisira, sezvakataurwa naJesu kuti zvichaitika.
Saka zaruriro yenguva yekupedzisira yechokwadi ndicho chiedza chemadekwana.
Nguva yeKutambudzika kukuru ndiyo nguva yehusiku ine rima.
Chiedza chemagwanani ndiyo nguva yeMereniyamu yehushe hwemakore 1 000 erugare.
Saka Bhaibheri parinoti: Madekwana neMangwanani” rinenge richitaura pamusoro pekereke yekupedzisira. Saka chiedza cheMadekwana chinodzosa Chokwadi cheTestamente Itsva chemadzibaba mapostora kuMwenga wekupedzisira. Kunobva kwauya Kukwira Kudenga mukubwaira kweziso (Repucha) kunomubvisa panyika.
Saka Mwenga haapindi muhusiku hwenguva yeKutambudzika kukuru sezvo anenge atove Kudenga kuChirayiro cheMuchato.
Mwenga anozodzoka naJesu pakupera kwenguva yeKutambudzika paanodzoka kuhondo yeAmagedhoni kuzoparadza chikara ogadza hushe hwemakore 1 000 erugare anova Mangwanani kunyika sevo inenge yava nguva yerugare chaiyo yekutanga panyika.
Saka “Madekwana neMagwanani” zvinongoreva kuti Mwenga anenge apesana nekupinda munguva yehusiku hwenguva yeKutambudzika kukuru.
DANIERI 8:26 zvawakaratidzwa zvamadekwana nezvamangwanani, zvawakavudzwa, ndezvazvokwadi.
Ichi chiprofita chekuti kereke yechokwadi inoguma sei.
Inguva yekukanganisika yekuti chikamu chokwadi cheMagwaro nechikamu chetsika dzemakereke nekukanganisa kwadzo zvinogonesa maKristu kuponeswa asi votadza kuzvidzivirira kuti vasapinde munguva yeKutambudzika kukuru. Mwenga wechokwadi anodzidza chokwadi chemapostora enguva yekereke yekutanga kubva kumutumwa wechadzera chemadekwana. Vakwira kudenga, vanopesana nehusiku hwenguva yeKutambudzika. Vanobva vadzoka kumangwanani enguva yeMereniyamu yemakore 1000 erugare anobva atanga.
ZAKARIA 14:6 Zvino nezuva iro, chiedza chichashaikwa, zvinopenya zvichadzima:
Chiedza chirimo kuti munhu aponeswe mumakereke edu anhasi, saka hamuna kunyanya rima. Asi hamuna chiedza chakakwana kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro, saka chiedza chinodzikira chotadza kuvheneka. Iyi inguva isina kugadzikika yemaKristu akaponeswa vanotenda kuti mune zvakakanganiswa, ngano, kuturikirwa kusiko, zvinhu zvisina kufanira uye kuzvirwisa muBhaibheri.
Asi Jesu ndiye Shoko. Saka zvese zvavanoti zvakakanganiswa muBhaibheri, havazvioni kuti vanenge vachitowana zvakakanganisika pana Jesu. Asi Jesu akarurama haana chipomerwa.
Saka Bhaibheri reKing James Vhezheni rinofanirawo kuva rakarurama pazvese.
Pamusoro pazvo zvese, Shoko raMwari ndiro richatitonga rimwe remazuva.
7 Asi richava zuva rimwechete rinozikanwa naJEHOVA, hapangavi namasikati kana vusiku, asi nenguva yemadekwana chiedza chichava’po.
Chiedza chinoparadza rima rine maKristu akaponeswa kuitira kuti tigone, kana tiri kunze kwemikova yemakereke kuna Jesu, kunzwisisa zvakanyorwa muBhaibheri. Chiedza chakakwana kuti tinzwisise Bhaibheri chotiita kuti tione kuti Magwaro akarurama.
Chiedza chinoreva kuti kugona kunzwisisa zvakanyorwa muBhaibheri.
DANIERI 8:27 Ini Danieri ndikapera simba, ndikarwara mazuva; ipapo ndikamuka, ndikabata mabasa amambo, ndikashamiswa nezvandakaratidzwa, kwakanga kusinomunhu waizvinzwisisa.
Kuwana mweya wakakwana kuti mugone kuona zviratidzo kwaive basa guru panyama yemunhu. Nyama inoneteswa muhuvepo hweMweya. Asi kukudzwa kwakadii kwatiri panguva yekupedzisira kuti Mwari anogona kutizivisa mifungo yaive isingagoni kunzwisiswa naDanieri.