Danieri Chitsauko 8:1-12 Gondobwe neNhongo
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Danieri akaona zviratidzo zviviri muChitsauko 7 neChitsauko 8 zvakayanana nechiroto chaNebukadnezari chiri muChitsauko 2.
DANIERI 7:1 Negore rekutanga raBershazari mambo weBabironi Danieri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhovo dzake; akanyora zvaakarota.
2 Danieri akataura, akati: Ndakavona panezvandakaratidzwa vusiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru.
3 Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina-kufanana.
Shumba ine mapapiro, bere richidya mbabvu nhatu, ingwe yaive nemapapiro mana, nemhuka yekupedzisira yaityisa kwazvo. Mhuka yaityisa yekupedzisira iyi yaive musanganiswa wemweya weRoma yechipegani yakatora nzvimbo dzeminda yevanhu nehushe hweMweya hwekereke yeRoma hwakatora ndangariro dzevanhu.
Roma yaive nemaitiro ekupatsanura nekupamba. Vaiita kuti marudzi munyika imwechete arwe apo Roma zvishoma nezvishoma yakatapa rudzi rumwe nerumwe ikavamanikidza kuzviwisira kwairi.
Kurudziro yeRoma mukereke yakaita kuti vaparidzi vapatsanurwe kubva kuungano sechiprista chakasarudzika chine mweya. Zvino chiprista chakabva chakurirwa pavakatanga kuita zvitendero zvisimo muBhaibheri. Maprista akabva apamba vanhu akavaita kuti vazviwisire nekuremekedza kwazvo chiprista. Ungano yaingofanira kugara, yoteerera, nekuita zvese zvayaiudzwa. Saka vanhu kana ungano vakamanikidzwa kutenda dzidziso dzakaitwa nevanhu dzakagadzirwa nevaparidzi vakasimudzirwa vakaita zvigaro mubato iri. Vemasangano akabuda mairi vakatevedzera chimiro chesimba chaive mukereke yeRoman Catholic. Hushumiri hwemabasa mashanu hwakazvitorera simba hukatsikirira vanhu kusvika pakuti vaizviwisira kuzvido zvevaparidzi. Mukadzi mucherechedzo wekereke. Mweya uyu unokurudzira vanhukadzi vari mukereke kuzora zvinoshandura nekunakisa meso avo. Kuratidzika kwemukadzi kunoratidzira chimiro chekereke pamweya. Runako rwekunze rwemukadzi ruzhinji nerwedzidziso dzekereke harusi rwechokwadi, rwakangoitwa kubva pamifungo yevanhu zvichinyengera. “Mhepo ina dzedenga” dzinoratidza kuti takatarisana nekubata kwemweya mina yehushe huna hwechipegani. Kuti zvimwe zvezvinhu zvavaifunga nekutenda zvinomedzwa sei mukereke yaizouya. Nekunze zvinhu zvese zvaiita sezvakanaka nehushe huna hwevaHedheni. Mufananidzo wemuHedeni waifadza meso wakaonekwa kuhope dzaNebukadnezari kuna Danieri Chitsauko 2 waive murume akagadzirwa nesimbi ina dzakasiyana. Tsoka dzemufananidzo dzaimiririra makore 2 000 enguva dzemakereke.
Asi maive musina ruponeso musimbi dzakasimba dzaive dzakaita mufananidzo. Ruponeso rwaive rwemaJuda kusvika pamuchinjikwa paCalvari.
Ipapo ruponeso rwakayambukira kumufanaidzo wemuHedeni.
Calvari ndiyo yakava nzvimbo yakakosha uye chiitiko chakashandura zvinhu munhorondo yevanhu.
Tsoka dzaive dzakaitwa nedare rakasimba nevhu rakaneta. Izvi zvaimiririra kubata nekutonga kwechiRoman Catholic kwakasimba kwakaita sedare, kwaive kwakakurudzirwa nehushe huna hwaive hwadarika. Vesainzi vanoti simba rakasimbisisa rinobata pazvinhu riri musimbi kana dare. Roma ndiyo mai vechiKristu chemasangano vanosungirira vanhu zvakasimba kukereke, kwete kuBhaibheri. Ivhu nyoro raive rakaneta asi ndiro rega nzvimbo mumufananidzo yaigona kukura mbeu yehupenyu. Izvi zvinomiririra Mwenga wechokwadi waKristu anogara nekurarama neMagwaro. Ivhu chete ndiro rinogona kumwa mvura dzeshoko. Simbi dzakaoma uye hadzimedze mvura. Hushe uhu hwese hwakaramba Shoko raMwari.
VAEFESO 5:26 Kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko.
RUKA 8:11 Zvino mufananidzo ndiwo: Mbeu iShoko raMwari.
Shoko raMwari rinogona chete kukura muvhu rakanyorova.
DANIERI 2:43 Vuye zvamakavona dare rakavhenganiswa nevhu rokuvumba naro, naizvozvo vachavhengana namarudzi avanhu asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani nevhu.
Ndudzi mbiri dzemakereke dzinobarwa. Imwechete inotongwa nemifungo yevanhu netsika dzemakereke neimwe inotevera Magwaro zvakazara.
Masangano akasimba anosimuka, achinamatidza vanhu vawo nezvitendero zvinoti chikamu Magwaro chikamu dzidziso dzakaitwa nevanhu nepfungwa dzavo. Izwi rekuti “Kisimusi” nezuva 25 Zvita zviri muBhaibheri here? Muti weKisimusi wakabvepi? Takambonzi tipemberere kuzvarwa kwaKristu here? Muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvinoti chikamu chokwadi (Jesu akazvarwa) asi chikamu manyepo netsika dzisina nheyo dzeMagwaro.
MATEO 15:9 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.
Kutenda chero chinhu chisiri muMagwaro kunoita kuti kunamata kwedu kuve pasina.
JOHANE 4:24 Mwari ndimweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.
Kunamata Mwari muMweya hazvina kukosha kuna Mwari asi tinofanirawo kutenda chokwadi cheMagwaro.
Chikonzero chikuru cherubapatidzo rweMweya Mutsvene chaive chekutidzidzisa chokwadi kuti tigone kuwana nzvimbo yatakatarirwa muzano raMwari.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose.
Kutsvaga chokwadi kunokurudzira rumwe rudzi rwekereke. Kereke inotaridzika yakaneta sevhu rokuvumbisa yakasununguka kubva kukunyengera nemifungo yevanhu. Chinangwa chavo chaive kutsvaga magwaro nekugamuchira zaruriro dzeBhaibheri dzinoziviswa apo Mwari anodzizivisa. Mwenga uyu anozosimba pakubatanidza mavhesi eBhaibheri pamwechete kuti ave nechokwadi chekuti zvavanotenda zviri muMagwaro zvakazara. Vanozotarisa zvakanakisa kuti hakuna Magwaro anopikisa zvavanotenda mazviri.
Kuratidzika kwekunze kwesimbi kwaifadza nekudakadza. Izvi ndizvo zvaibata hushe muchiroto. Ivhu harina kana kuvonekwa, vashoma vakazvininipisa.
Asi zvisikwa zvipenyu zvinouraya zvekuna Danieri Chitsauko 7 zvinozivisa mweya mina yemukati mehushe hwevaHedeni hwairatidzika zvakanakisa kwazvo pazvaitaurwa namambo weBabironi Nebuchadnezari kubva kuchiroto chake chemufananidzo wemuHedeni. Hushe huna hwaive Babironi, Persia, Greece neRoma.
Chisikwa chipenyu chekutanga kana simba rekutanga raive Babironi. Shumba ine mapapiro egondo.
Izvi zvaive mufananidzo wakafanana nechisikwa chekutanga nechekupedzisira pazvisikwa zvakapoteredza chigaro chaMwari chehushe. Satani haana chaanoita chake ega chakanaka anongotevedzera.
ZVAKAZARURWA 4:6 Pamberi pechigaro chevushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure.
7 akanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chine chiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobhururuka.
Nei mucherechedzo weBabironi wakatevedzera zvisikwa zviviri chekutanga nechokupedzisira?
Babironi yakatanga chiprista chemweya chaive nezvitendero zvaidakadza asi zvakaipa. Satani anogarotsvaga kutevera mamwe Magwaro kuti akwezve vanhu apedza kudaro anobva atungamirira vanhu vachibva kune zvinotaura Bhaibheri. Musanganiswa wechokwadi nenhema uyu unonyengera vanhu vazhinji wozoguma wavodza kereke. Zvakaipa zveBabironi zvinonyengera ndizvo zvaizova muvengi mukuru wekereke yaizouya. Saka Danieri akaronda gwara rekutadza pamweya iri apo kutadza kwemadhimoni kwakafamba nenzira yako kuchibva kuBabironi kuchipinda muRoma. Madhimoni ane chinangwa chimwechete chekuita kuti vanhu vasatende mune zvimwe zvikamu zveBhaibheri. Kuita chimwe chokwadi chakasanganiswa nekutadza kunoita kuti vatendi vadziye vasingapisi kana kutonhora mumaziso aMwari. Izvi zvinosvota Mwari.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
ZVAKAZARURWA 3:16 Zvino zvaunodziya usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
Kana Mwari akarutsa kereke yechinomwe kana yekupedzisira kubva mumuromo make (mune Shoko rake) ipapo Satani nemadhimoni ake vanenge vakunda pazvinangwa zvavo munguva yedu.
Gwaro riri pamusoro apa chiprofita.
Kana tiri panguva yekupedzisira chiprofita ichi chiri kuzadziswa. Kana kuti chakatozadziswa kare, asi taive takapofomara kwazvo zvekuti hatina kuzviona.
ZVAKAZARURWA 3:17 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu, usingazivi kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu risina chokufuka.
Vakanyengerwa nehupfumi nebudiriro mune zvatakakwanisa kuzviunganidzira, tiri mapofu asi hatigoni kuona kushaiwa zivo kwatinako pamusoro peMagwaro.
Makereke anoshandura mavhesi eBhaibheri, vanofuratira mavhesi eBhaibheri, vanotiwo Magwaro anorwisana.
“Tisingazivi” kuti tiri muchimiro chakaipa kwazvo takatarisana neMagwaro patinenge takagara hedu mumakereke takavarairwa mumakereke medu. Tinokanganwa kuti kune makereke anodarika 45,000 akasiyana siyana. Ese akasiyana, asi ese anoti ari kunatsa. Tinofuratira zviri nyore chinhu chekuti kune chinhu chakakanganisika zvakanyanya nemakereke edu anhasi, zvakare nesuwo pachedu.
Kuipa pamweya kwehushe hwevaHedeni hwekutanga hweBabironi huchaonekwazve pakupedzisira munguva yekupedzisira yehushe hw c evaHedeni. Hushe hweRoma kuchaputsanyiwa kereke yeRoma inobva yasimuka nekutambudzika kukuru asi yakasimba pakuda kutonga pasi rese pakupedzisira. Hunyanzvi hwendangariro dzechiBabironi hunorarama mumasenturi ese kuti hudzikisire kereke yechokwadi hwosimudza kereke yenhema inoti chikamu inotevera Magwaro chikamu haitevere Magwaro ichavawo muvengi mukuru waMwari neShoko rake.
Shumba yerudzi rwaJuda inotaura nezvaJesu Mambo. Asi Nebuchadnezari wekuBabironi akafunga kuti aive ndiye mambo mukuru. Munhu anotsvaga kusimudzirwa kusvika pachinzvimbo chaMwari. Kushaiwa tsitsi uye kuzvikudza ndiyo nzira yaitonga namambo weBabironi. Izvi zvakazova mutemo wakasungwa mumakereke emasangano. Bvumirana nesu kana kuti buda mukereke. Terera kana kuti.
Mapapiro pashumba chinhu chakaipa. Hachisi chinhu chakanaka kana chakagara chiriko, asi chinhu chenhema chinosvibisa chokwadi. Mapapiro anotaura pamusoro pekukwira kudenga nekuita mwari. Nimrodi, mumukiri mukuru wechipegani akamukira Mwari, akati akaita izvi nerusvingo rwake rweBaberi. Baberi zvinoreva kuti suwo ramwari.
Nebuchadnezari akafunga kuti Babironi raive danho rekukwira naro Kudenga. Semusoro wendarama mumufananidzo wemuHedeni. Akafunga kuti ave panzvimbo yaMwari panyika.
Asi Baberi rakangova tsime rekudzungaira. Sanhasi ndudzi dzemakereke dzinosvika 45,000 dzakasiyana siyana nemavhezheni emaBhaibheri eChirungu anodarika zana. Mifungo yevanhu isina magumo, chingotora zvinokuitira.
VATONGI 17:6 ... munhu mumwe nemumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
Majuda akanyudzwa mazuva evatongi. Munhu mumwe nemumwe achiita zvaaifunga kuti zvakanaka.
Nhasi tinongosarudza kereke nevhezheni reBhaibheri zvinotiitira, tinobva tafunga kuti zvese zvakanaka.
Mukadzi anomiririra kereke. Musikana mukadzi akachena anomiririra maKristu akaponeswa.
Mumufananidzo wevasikana gumi, vamwe vaive vakachenjera vamwe vari mapenzi. Asi chinhu chinosuwisa ndechekuti pakupedzisira vese vaive vakavata. Vasikana vane gumi ava vanomiririra maKristu ese akaponeswa panguva yekupedzisira.
MATEO 25:5 Zvino Chikomba chakati chichinonoka, vakakotsira vose vakavata.
6 Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere; chikomba chovuya! Budai mumuchingamidzei!
Kana chikomba (chakamiririra Jesu) chikazouya, anovawana vose vari munzvimbo dzakaipa sezvo vanoenda kubva pavaive vakarara vakadekara kuti vanosangana Naye.
Ndiyani anoita kuti kereke igare yakadekara yakavata? Vaparidzi vehushumiri hwemabasa mashanu. Vanoparidza kumakereke vhiki rimwe nerimwe, asi vanhu vose vanoramba vakarara. Saka nyaya dzakakosha dzemuBhaibheri dzinosara dzisina kutaurwa. Vatauri vanozvinzwawo fani vane mbiri vanonakidza vanhu vave kutungamiririra makereke nhasi, vanonyenyeredza zvakaipa chaizvo zviri mumakereke zvinogona kumutsa vanhu kana vakazviziva.
Asi kumutswa kuri kuuya kuchazunza vaya vakavata vakavarairwa havo, asi vari maKristu akaponeswa, vachibva mumakereke avo nekunzwisisa kwavo Bhaibheri kwakaisirwa miganhu. Vanobva vaedza kutsvaga mafuta avo kuti vatungidze kuti vawane chiedza chakakwana kuti vaverenge nekunzwisisa Bhaibheri. Kunzwisisa Magwaro ndiyo yega nzira yekuenda nayo kuna Mwari.
Mwari haasi kufadzwa nekuti takavata (tichifunga kuti takamuka) munguva yake yekukohwa.
ZVIREVO 10:5 ... Asi unovata hope mukukohwa, mwanakomana unonyadzisa.
MATEO 25:7 Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
Kana mhere yekumutswa ikazosvika, ichave nekutyisa kukuru. MaKristu akaponeswa achazunzwa zvinorwadza votsvaga chokwadi. Vachawana kuti havasi pavanofanira kuva vari uye havasi zvavanofanira kuva vari. Nguva yekugadzira mwenje inguva yakaoma. Izvi zvinoreva kuti kucheka kunorwadza patambo yemurambi (zvivi nekusatenda) kuti mafuta atsve ape chiedza.
Chinangwa chemwenje hachisi chekuita mafuta, kunyange zvazvo akakosha. Chinangwa chemafuta ndechekutsva kuti atipe chiedza chekuti tigone kuverenga nekunzwisisa Bhaibheri. Kana musingagoni kunzwisisa mavhesi eBhaibheri chikonzero ndechekuti hamuna chiedza. Munogona kuva muine mafuta asi anenge asingapfuti. Kunzwisisa mavhesi eBhaibheri ndihwo humbowo hwekuti kune chiedza chakabva pamafuta.
Zvichibva pamufananidzo uyu, hakuna maKristu achava panzvimbo yakanaka pakupedzisira. Tinofanira kushingirira kutarisana nekunzwisisa Magwaro, kwete kuti tive nhengo dzekereke netsika dzayo.
VAFIRIPI 2:12 ... Pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.
Uku hakusi kuponeswa kubva kugehena zvisingagoneke nekubata kwedu isu tega. Uru ruponeso kubva kunguva yeKutambudzika kukuru kwatichaenda kana tisina kugadzirira Kuuya kwaShe.
Zvinosuwisa, vashoma vachatora yambiro iyi zvakanaka.
RUKA 13:23 Mumwe akati kwaari: Ishe, vachazoponeswa vashoma here?
24 Akati kwavari: Irwai kupinda nesuvo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
Chinangwa chaSatani ndechekugara mumunhu akasimudzirwa kuti atore nzvimbo yaMwari.
ISAYA 14:13 Iwe wakati mumoyo mako: ndichakwira kudenga ndichakwiridza chigaro changu chovushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari:
14 Ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.
Nyeredzi dzaMwari ndivo vatsvene vake.
DANIERI 12:3 Vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, vuye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
Kukura nekunaka kwezvivakwa zvaNebukadinezari kwaive humbowo hwehukuru hwake. Kukazokwikwidzwa nehukuru hwezvivakwa zvechitendero zveVatican.
Babironi pasi pamambo wavo mukuru Nebuchadnezari akasimudzwa kuva mutongi akasimbisa pasi rese.
Ichi ndicho chinangwa chikuru chekutsiviwa kwemaPope.
Asi hatiponeswe nekuvaka mabasa makuru. Zvisinei, tinonyengerwa zviri nyore nekutungamidza zvivakwa.
Asi zvakadaro, kereke vanhu kwete chivakwa.
Kumabvazuva mambo ainamatwa kuitwa mwari.
GENESISI 4:16 Ipapo Kaini wakabva pamberi paJEHOVA, akandogara panyika yeNodi, kumabvazuva kweEdeni.
Kaini akaenda kumabvazuva nehunhu hwake hwaive nemweya wechikara chakatukwa chikaitwa nyoka. Kubva ipapo kumabvazuva kwakanga kuri musha wemadhimoni.
Chinhu chimwechete pamusoro pemadhimoni ekumabvazuva aya ndechekuti mambo wekumabvazuva, saNebukadnezari, akatora nzvimbo yaMwari panyika.
VICARIVS DEI muchiLatini. Panzvimbo yaMwari.
Nei? Vekumabvazuva vainamata kuna Mwari wavo vasingawani mhinduro. Zviri pachena kuti vamwari vavo vaive vasingatereri.
Asi kana mambo aive mwari panyika paive nemukana wekuti vaitumira tsamba kuna mambo aizoita chimwe chinhu kuti abatsire.
Zano rekunamata mambo samwari iri raifanira kuzoyambukira kumadokero.
Ndipo pakabatwa basa guru neGirisi. Munhu akava muchenjeri mukuru munezvehondo kumadokero aive Alexander the Great. Zvaakagona kuita zvaive zvikuru kwazvo zvekuti paakazviita mwari, vazhinji kumadokero vakanga vakagadzirira kumutambira. Ndiko kwakava kuita kwembiri yake zvekuti chero vanhu vana vakazotevera shure kwake vakagonawo kutaura kuti vaive vamwari. Zvaive zvakamiririrwa nemapapiro mana aive pangwena. Alexander akaparadza Persia mumakore mashomanana.
Madzimambo echiprista kana maPontiff emuPegamosi akava misoro yezvakavanzika zveBabironi asi vaida Pontiff aive nembiri iri nani kuti zvavaitaura zvikosheswe. Izvi zvaizoitika apo Pegamosi yakapiwa kuRoma Jurio Kesari aitwa Pontiff.
Mazano aya ese akasanganiswa kuita zvakavanzika zveBabironi zvaizopinda mukereke yemaKristu nekufamba kwenguva. Nekutarisa mweya waive mukati, Danieri ari kusimbirira pazvikonzero zvemweya zvakakonzereswa nehushe huna hwevaHedeni. Nzira yazvaizokonzeresa nayo mumakereke aizouya.
Nebuchadnezari, akafadzwa nemuonero wechiprofita chaDanieri, akabva aripira zvaive zvisina kufanira nekuita kuti vanhu vanamate mufananidzo wemuprofita Danieri. Ndicho chikonzero nei Danieri aive asiko. Aisazonamata mufananidzo wake.
Uku ndiko kwakava kukanganisa kukuru kweBabironi. Kusimudzira muprofita mutsvene kusvika pahuMwari.
Izvi zvaizodzikisira zvakanyanya hushumiri hwemuprofita. Vakazvinyanya. Danieri airemekedzwa zvakanyanya (zvaive zvakanaka) zvekuti vakanzwa kunge aive munhu asingatadzi uye aifanira kutonamatwa samwari panyika (zvaive zvakaipa).
Pope Pius 9 akazviita munhu asingatadzi muna 1870. Asi Mwari ega ndiye asingatadzi. Saka munhu akazvisimudzira kusvika pachinzvimbo chaMwari.
Munguva dzepakati Pope aitengesa kuregererwa kwevanhu kwaaiti vaizoregererwa zvivi. Mwari ega ndiye anoregerera zvivi. Zvakare, Pope aitora simba ringori naMwari chete. Izvi zvakatungidza Rumutsiridzo rwaMartin Luther.
Nhasi veRoman Catholic vanoreurura zvivi kumuprista anotora nzvimbo yaKristu. Ichi chiprista chakasimudzirwa chakamira pakati pevanhu naMwari. Tsika dzavaNikoraiti ndiko kupamba ungano kana sangano kupfurikidza kusimudzira munhu mutsvene pamusoro pesangnao. Mwari anovenga kusimudzirwa kwevanhu mukereke.
Kune kuneta kuri mumakereke mazhinji. Zano risimo muMagwaro rinopinda mukereke rinoita kuti kereke ikure.
ZVAKAZARURWA 2:6 Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neni vo.
Zvino, zvisingaonekere zvakanaka, pfungwa iyoyo isimo muMagwaro yakabva yava dzidziso inosunga mukereke imomo nekufamba kwemakore. Makereke anoshingirira pamazano akachenjera asimo mumagwaro akaita semazano ekuvaka mabhizimusi akatungamirirwa nevaparidzi vanotonga vari muhushumiri hwemabasa mashanu vanozviunganidzira simba pamusoro pekereke.
ZVAKAZARURWA 2:15 Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga.
Hushe hwevaHedeni hwekutanga hwainamata muprofita Danieri. Kunamatwa kwemuprofita kumwechete kwakaitwa muprofita kwaizoitwa zvakare munguva yekupedzisira apo muprofita kuvaHedeni anofanira kudzorera chokwadi cheBhaibheri kupfurikidza kukwikwidza dzidziso yemakereke emasangano dzakasvibiswa nedzidziso dzeRoman Catholic. Nekutaura kuti muprofita haatadzi, vateveri vake vanozvitendera kutsiva Magwaro nezvaakataura. Vanotozotanga kuzviti vanoziva kuturikira zvakarehwa neKutinhira kunomwe. Vanotaura apo Mwari anenge akanyarara. Saka vanozvipira kugadzirisa Mwari nekugadzirisa zvakanyorwa naMwari, kuzvikoshesa kwakadaro chipingaidzo chikuru kuchokwadi chiri kuparidzwa. Hazvina maturo sekukosha kwaive naNebukadnezari.
ZVAKAZARURWA 10:4 Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga richiti: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.
Mwari anoratidzira ndangariro dzake muShoko rake. Kana Shoko raMwari risina kunyorwa panyaya, hapana anokwanisa kuti ari kuziva mifungo yake. Mafungiro avo pane zvinotaurwa nekutinhira kunomwe haagoni kuva achiturikira Magwaro nekuti hakuna Magwaro ekuturikira akanyorwa nezvako.
Berishazari aive mambo weBabironi kwemakore matatu. Akabva avurawa.
Izvi zvinoratidza kuti mweya waantikristu une hunhu hukuru hutatu hunonyatsoshanda.
Bhiza jena rehunyengeri hwechitendero. Bhiza dzvuku resimba rezvematongerwo enyika. Nebhiza dema resimba munezvemari. Kwozotevera rufu.
Chitendero chinosanganisa zvematongerwo enyika nemari zhinji kuti zvigadzire mhamba yakaipa kwazvo inoparadza kutenda kuBhaibheri.
Bhiza rakachenuruka harisi bhiza rakazvimiririra. Rakangoita ruvara rwakapfumburuka nekuda kwekusangana kwemweya mitatu yesimba rekereke yaantikristu yekupedzisira inotasva nerufu. Bhiza chikara kana simba kuchiratidzo chekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6.
Rangarirai Judasi aive wechitendero akabva azvisanganisa nechiprista chechiJuda chaiita zvematongerwo enyika akamutengesa nekuda kwemari. Tiriniti inoti zvechitendero, zvematongerwo enyika nemari yakamutumira kurufu rwake.
Mabhiza matatu ekutanga, anomiririra matanho ekukura kwemweya waantikristu, anobatana ese kuita danho rebhiza rechina rakaipisisa rinouraya.
ZVAKAZARURWA 6:2 Ndikatarira, ndikavona bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, akanga anovuta; akapiwa korona, akabuda achikunda vuye kuti akurire.
Hunyengeri hwechitendero hwakawana korona makore akapoteredza 860 AD pakagadzwa Pope Nicholas I. Negore 1310 izvi zvakashanduka kuita korona yemaPope yezvidanho zvitatu.
ZVAKAZARURWA 6:4 Ipapo rimwe Bhiza rakabuda riri dzvuku; wakanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vavurayane; akapiwa munondo mukuru.
Simba rezvematongerwo enyika. Kereke yeRoma, pakati pekudeuka kweropa zhinji, yakasimuka muNguva yeRima kunotonga Europe.
ZVAKAZARURWA 6:5 Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya! Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva akanga anechiyereso muruvoko rwake.
6 Ndikanzwa izwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedenari, nezviyero* zvitatu zvebari nedenari, usatadzira mafuta newaini.
Simba remari. Kereke yeRoman Catholic yakava bato rakapfumisisa pasi rese.
ZVAKAZARURWA 6:8 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakacheneruka, wakanga akaritasva, zita rake rufu; vuye Hadesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Hunyengeri muchitendero, zvematongerwo enyika, nesimba remari zvinobatana pamwechete kutipa Pope wekupedzisira achatonga nyika nekuparadza vasikana mapenzi vakaponeswa munguva yeKutambudzika kukuru.
Toenda kuna Danieri Chitsauko 8.
DANIERI 8:1 Negore rechitatu rekubata vushe kwamambo Bershazari, ini Danieri ndakaratidzwa chiratidzo, shure kwechiya chandakaratidzwa pakutanga.
Kutanga nechitatu zvakayananiswa muvhesi iri. Hushe hwekutanga nehushe hwechitatu zvinoita sezvinokosheswa. Hushe hwechitatu hwevaGiriki neruzivo rwavo vazopa tsananguro dzakachenjera dzekusimudzira zvakavanzika zveBabironi. MaGiriki aizopawo Alexander aionekwa nevekumadokero samwari nekuda kwezvaakagona kuita zvikuru.
Danieri akavona chiratidzo chezvisikwa zvina mugore rekutanga rekubata vushe kwaBershazari nechiratidzo chembudzi negondobwe mugore raBershazari rechitatu.
Gore rekutanga rekubata hushe kwaBershazari mucherechedzo wechisikwa chekutanga chemusanganiswa weshumba negondo.
Izvi mucherechedzo weBabironi nechiprista chechipegani chakabudirira kubereka zvakavanzika zveBabironi. Izvi zvaizokura nekufamba kwenguva kuita musanganiswa wakachenjera wechiKristu nechipegani unodaidzwa kuti Babironi Huru yakavanzika. Izvi zvairatidza kuti yaizova kereke ine hunyengeri hukuru yaizonyengedza mamiriyoni emaKristu. Zvakavanzika zvekutanga zveBabironi izvi zvaizokura kusvikira zvava chipingaidzo chikuru kuchitendero chechiKristu chechokwadi. Ndicho chikonzero nei Danieri aironda kubudirira kwazvo mukati mehushe hwechipegani hune kurudziro yaizoita zvakavanzika zveBabironi zvaizokura kuva kunyengera kukuru.
Mugore rechitatu raBershazari, Danieri akaona chiratidzo apo mbudzi yechiGiriki yakaparadza gondobwe rePersia.
Abrahama paakanga akuda kubaira Isaka, Mwari akamumisa. Gondobwe rehwai raive mugwenzi rakabatwamo nyanga dzaro ndiro rakazova chipiriso, Isaka akaponeswa.
Saka gondobwe rehwai raive mucherechedzo wekuuya kwaKristu, Wakazodzwa, kuzotiponesa.
ISAYA 45:1 Zvanzi naJEHOVA kumuzodzwa wake, kunaKoreshi,
Koreshi wakaponesa maJuda kubva kuzviito zveBabironi kupfurikidza kuvatumira kuti vadzokere kuIsraeri. Ndiye ega mambo aive asiri muJuda akadaidzwa kuti muzodzwa, zvinoreva kuti Kristu.
Saka gondobwe rehwai raive mucherechedzo wePersia, mambo wayo akazodzwa akaponesa maJuda, sezvo Persia yaive hushe hwakatangwa naKoreshi.
Chiprista cheBabironi pachakanga chamukira vaPersia, chakatiza kubva kuna mambo wavaPersia Koreshi kunogadza zvakavanzika zvavo kuPergamosi kuAsia Minor kumacheto kwehushe . Ikoko vakapunyuka vasina kuonekwa. Asi Persia yakatapawo Egipita zvakaunza kurudziro yetiriniti yeEgipita (baba, mwanakomana, nemukadzi vaizivikanwa nekudaidzwa kuti Osirisi, Horusi, naIsisi) nekunamata mwari wezuva kwavaiita, muzvakavanzika zveBabironi. Persia yakazivisa pfungwa yekuita hurongwa hune mutungamiriri hunogona kutonga hushe hwepasi rese. Zvaikupai rugare nekurongeka kana maizvipira kwahuri zvakanaka. Vatican yaizokura kuita bato rakarongwa zvakanaka raizotonga kereke yepasi rese yeRoman Catholic.
Persia, senyika duku, iri muruvara rwegirini yakadzima mumepu, ndiyo yakatanga kurwisa nekukurira maMediani. Vakatonga pamwechete nevaMediani vachinzi Medo-Persia. Mbabvu nhatu mumuromo webere kuna Danieri Chitsauko 7 ndiko kwaive kukurira kwavo Pergamosi, kwouya Babironi, kwouya Egipita. Saka zvakavanzika zvechipegani cheEgipita zvakabatanidzwa muzvakavanzika zveBabironi paPergamosi totenda kurwisa nekupamba kwePersia.
Hushe hwePersia hwakakura sekuratidzirwa kwahwakaitwa nezvidimbu zveruvara rwegirini yakajeka. Yakava hushe hwepasi rese hwekutanga huchitambanuka kubva kumabvazuva kuenda kumadokero. Nekufamba kwenguva kereke yeRoman Catholic yaizovawo hushe hwepasi rese munezvemweya, huri panheyo dzebato rakarongwa nehunyanzvi hwevanhu paVatican.
Kwakabva kwauya nhongo inotonga. Alexander the Great akabva kuGirisi. VaPersia vakamupfugamira. MaGiriki aipfugamira mwari chete. Kuti vabatanidze maGiriki nemaPersia kuvaisa mutsika imwechete, apo vanhu vose vaimupfugamira, Alexander, muGiriki akazivisa pfungwa yekusimudzira munhu kumuita mwari nekuda kwezvipo zvake zvinodakadza ari mukuru wemauto kumadokero. Totenda Alexander, maGiriki akazivisa nyika dzekumadokero pfungwa yekusimudzira munhu kumuita mwari.
MaGiriki aive nemano kwazvo kupfurikidza tsananguro dzavo nezivo dzavo vakaita pfungwa yetiriniti yakaita seyekuti baba nemwanakomana vanoonekwa vari nehuremu humwechete, asi vari vanhu vakasiyana. Pfungwa yetiriniti yemapegani ekumabvazuva yakasimudzirwa kuPergamosi.
Zvakavanzika zvechipegani zvakabva kuBabironi kuenda kuPergamosi. Danho rekupedzisira rezvakavanzika zvebabironi yechipegani raive rekubva kuPergamosi kuenda kuRoma.
Danho rechina raive Roma uko Jurio Kesari akaita Pontiff kana muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi uye mudzvanyiriri muRoma. Zvakavanzika zveBabironi zvaive zvane munhu aive nembiri kwazvo pasi rese semuprista wazvo uye musoro kana mambo. Kesari aizviona samwari mugore 46 BC asi akauraiwa nekukasika muna 44 BC. Nekukasika mumashure mekufa kwake akanamwatwa samwari. Iyi ndiyo yakava nguva yekutanga yekuitika kwezvinhu zvakadai muRoma. Asi zvakavanzika zveBabironi zvaive zvawana gwara muhushe hweRoma nemubati weRoma ari Pontiff uye achionekwa samwari. Vabati veRoma yechipegani vakazokudza pfungwa yekunamatwa kwevabati.
Kunamata mubati weRoma, kana kuti kupembererwa kwehumwari hwevabati, kwakatangwa naJurio Kesari (46 -44 B.C.E.) Akazvidzidza kubva kumaGiriki. MaGirikiwo vakanga vatora pfungwa iyi kubva kuvaEgipita nevekuBabironi. Kesari akatsvaga kuti shungu dzake dzive pamurairo dzekuita hutongi hwehupenyu hwese nekutaura kuti aive werudzi rwakasanangurwa rwemweya. Kukanganisa kwake kwaive kwekutaura izvi achiri mupenyu, vanhu vaifanira kumunamata semusanangurwa akabva kunamwarikadzi Venasi.(www.vision.org)
Chisikwa chechina muchiratidzo chaDanieri chikara chemusanganiswa chinounza rufu. Kutanga nemubati wehushe hweRoma Nero muna 64 AD maRoma echipegani akarwadzisa nekuuraya maKristu anosvika mamiriyoni matatu Constantine asati amisa kuurayiwa kwemaKristu uku muna 312 AD.
Hushe hweRoma hwakaparara mugore 476 AD nekuda kwekuuya kwemarudzi evatorwa nekupamba kwawo. Kubva mumatongo ehushe hweRoma yechipegani makasimuka bato rakasimba munezvematongerwo enyika uye hupfumo rekereke yeRoman Catholic. Babironi Huru yakavanzika naPope ari Pontiff wezvakavanzika zveBabironi.
MuNguva dzeRima Pope akadzosa mweya wekurwadzisa nekuuraya wenguva yaNero akauraya makumi emamiriyoni emaKristu vairamba kuzviwisira kunoita zvaaida.
Mumashure megore 250 AD vadzidzi vechiCatholic vakatanga kubatanidza zivo dzemaGiriki netsika dzechipegani kuzviita zvitendero zvechiKristu kuburitsa musanganiswa unoshamisa asi uzere hunyengeri wakaipa kwazvo panaMwari weTiriniti nemudzvanyiriri anozviti haatadzi Pope. Mafungiro emaGiriki akaitawo basa guru pakusimuka kwezviyera-yera nezvitendero zvechiCatholic.
Mwari vatatu-mumwe aive chibereko chezivo dzechiGiriki sezvo zvisina kunyorwa muBhaibheri.
Saka kereke yeRoma yakashandura zvitendero zvayo kuti zvifambirane nezivo dzemaGiriki, pachinzvimbo chekushandura zvitendero zvayo kuti zvifambirane nezvakanyorwa muBhaibheri.
Chiratidzo chaDanieri kuchitsauko 8 chinotanga negondobwe rehwai rePersia nenhong0 yechiGiriki.
Berishazari zvinoreva kuti Bel kana kuti Baari chengetedza mambo.
Berishazari akatonga makore maviri akazouraiwa mugore rechitatu rekutonga kwake naDariusi muMediani (539 BC).
Asi zita rake raive nedudziro. Chitendero chenhema chezvakavanzika zveBabironi chaive chachengetedza chikakura kuita nheyo dzenhema dzezvitendero zvemamiriyoni emaKristu nhasi uno.
DANIERI 8:2 Ndikavona panezvandakaratidzwa; zvino ndakati ndichitarira, ndakanga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikavona panezvandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai.
Shushani zvinoreva ruva. Urai (Ulai) mvura yakanaka. Shushani rakazova guta guru renyika yePersia.
Kana nzvimbo ikaita guta guru inokosha yoita mbiri. Izvi zvinowanzokonzeresa kufa kwechokwadi. Chokwadi chinokura mukuzvininipisa pachinenge chisingaratidzirwi uye muvurombo.
Vazivi vekumabvazuva vakashaya nyeredzi pavakapinda muJerusarema, guta guru reIsraeri.
RWIYO RUKURU RWASOROMONI 2:2 Seruva pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Ruva ndicho chokwadi chakachena cheShoko raMwari rinofanira kukura pakati peminzwa yekutadza kwemasangano kwakabva kuzvakavanzika zveBabironi netsika dzemapegani.
Izvi zvinoratidza kuipiswa kunoitwa vatendi vechokwadi venguva dzemakereke aizouya.
Asi Urai (Ulai) inoratidza kuti kuchagarova nemvura dzakanaka dzakachena dzeShoko kune avo vanotsvaga chokwadi chete.
DANIERI 8:3 Ndikarinzira meso angu, ndikatarira ndikavona gondobwe rimire pamberi porwizi, rinenyanga mbiri; nyanga mbiri dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuvura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.
MaMediani akatanga kusimuka kuva nesimba. Hushe hwavo hunoratidzwa muruvara rutsuku mumepu iri pamusoro apa. Asi vakabva vatapwa naKoreshi muPersia. Persia ndiyo nzvimbo duku iri muruvara rwegirini yakadzima pamepu. Aifara vachitonga pamwechete naye chero aive ndiye mambo mukuru. Koreshi aive mukuru wemauto aigona kwazvo uyezve munhu aifambisa zvinhu zvakanakisa fani. Akabva atambanudza hushe hwevaPersia kuhuita hushe hwepasi rese hwekutanga.
Persia yakatanga iri kanzvimbo kaduku kari muruvara rwegirini yakadzima ikazokura kuita hushe hwepasi rese hwekutanga, huri kuratidzwa muruvara rwegirini yakajeka.
DANIERI 8:4 Ndikavona gondobwe richitunga kumativi amavirazuva nokumusoro, nezasi; hakunezvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro; vuye kwakanga kusina wagona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.
Persia yakapamba nzvimbo zhinji kumabvazuva. Nzvimbo idzi ndidzo dzakabva hupfumi hwavo huzhinji uye vashandiri vazhinji vemumauto avo akawandisa. Asi Danieri akafuratira izvi. VaPersia vaizorasikirwa nehushe hwavo votsakatika kubva pachiso chenyika. Saka Danieri haana kutarisa zvavakazviunganidzira zvinoonekwa. Aifadzwa neBabironi, Egipita nePergamosi nekuti ndiko kwakanga kune hunyengeri hwemunguva inouya hwaizotsotsonywa hwopinda mukereke.
Danieri aifadzwa nekuronda zvakavanzika zveBabironi zvaizokura nekudzikisira kutenda kwemaKristu munguva yaizouya. Kwaive nenzvimbo nhatu dzaizoumba nhandare yezvakaipa.
Babironi nezvakavanzika zvayo nechiprista naPontiff. Egipita netiriniti yayo namwari wezuva ainamatwa ikoko nePergamosi yaizova musha mutsva wezvakavanzika zveBabironi. Ikoko vaizoumba mazano echiGiriki ekuti mambo ndimwari munzvimbo dzekumadokero. Mambo mwari uyu kana Pontiff nechiprista chake cheBabironi zvaizopiwa kuRoma. Nhasi Pope ndiye Pontiff uye mudzvanyiriri wekereke yeRoman Catholic. Pope ndiye ega mudzvanyiriri muEurope yekumadokero.
Koreshi akaenda kumusoro kubva kuPersia yekutanga achienda kunotapa maMediani vakabva vabatana kuita vaMedo-Persia, nyanga mbiri dzegondobwe rehwai.
Kuti vakurire Pergamosi (zita rePergamum rechiGiriki) Koreshi aifanira kubva kumusoro nekumadokero. Persia yekutanga ndiyo yaive nzvimbo duku inoratidzwa pamepu. Pergamosi yaive muhushe hweRidia.
Mambo weRidia akavamukira apo Koreshi akadzokera kuPersia yekutanga.
Koreshi akarwisa Babironi zvakamuita kuti aende kumusoro nekumadokero achibva muPersia yekutanga.
Chiprista chemuBabironi chakatiza. Vaiziva Koreshi achidisa kwazvo kurwisa kumabvazuva zvakare, saka vakatizira kuPergamosi. Vakafungira chaizvo kuti Koreshi aisazoendako sezvo aive ambosvikako ruviri.
Koreshi akafa mwanakomana wake Kambisesi akarwisa Egipita. Pegamosi neEgipita zvaive zvisiri chikamu chehushe humwechete pfungwa dzakachenjera dzetiriniti nedzekunamata mwari wezuva dzakatanga kudururwa kubva muEgipita dzichienda kuPergamosi. Zvakavanzika zveBabironi zvakakwiridzirwa zvikatowedzera hunyengeri hwazvo.
DANIERI 8:5 Zvino ndakati ndichafunga izvozvo, ndikavona nhongo ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose asi isingatsiki pasi; zvino nhongo yakanga inorunyanga rukuru pakati pameso ayo.
Nhongo yaifamba nekukasika, ichiita seisingagumhi paasi. Alexander akarwisa nekukurira munzvimbo zhinji dzekuPersia mumakore mashoma shoma.
Guta guru reGirisi rekare raidaidzwa kuti Aegae kana kuti Goat City (Guta reMbudzi). Girisi inyika ine makomo. Mbudzi dzemumakomo ndidzo dzinonyatsomatsanangura zvakanaka. Kunyanya pavakatapa Persia vakasvika kumakomo echiHindu eKushi vari munzira yekuenda kuIndia uyezve makomo eAfghanistan.
DANIERI 8:6 Ikasvika pagondobwe raive nenyanga mbiri, randakavona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo.
Rwizi Urai rwune chirevo chakadzama. Mutungamiri wechigiriki Alexander akarwa kurwa kwake kuviri kwekutanga nemaPersia achibva nekumhiri kwerwizi. Alexander tingati ndiye aive mutungamiriri wehondo aive nechipo chikuru munhorondo yese. Akakurira nekuparadza vaPersia kusvika zvese zvavo zvava mumavoko ake.
DANIERI 8:7 Ndikavona ichiswedera pedyo negondobwe, hasha dzayo ndikarimutsirwa, ikatunga gondobwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri, gondobwe rakanga risinesimba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, ikatsika pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondobwe pasimba rayo.
“Yakariwisira pasi” zvinoreva kukurira kwakazara.
“Ikatsika pamusoro paro” zvinoreva kuti akanga ava kutonga hushe hwevaPersia zvakazara.
Alexander akashungurudza vamwe kuti aratidzire masimba ake ekutonga.
Makereke akawandisa nhasi akazadzwa nekuda kuratidzira kuti vari nani kudairika mamwe makereke ese.
Vanhu vanoda kwazvo kusimudzirwa kuti varatidzire masimba avo. Asi kuzvitutumadza kunotangira kuwira pasi.
DANIERI 8:8 Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo; zvino yakati yasimba, runyanga rukuru ndokuvhunika nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina ndokudenga.
Alexander akasvika kuEgipita akanozviita mwanakomana waMwari ikoko.
VaEgipita vakaita Farao wavo mubati wemweya unoyera. Nekuzviita akabva kudzinza remweya unoyera reZeus-Ammon, Alexander akaisa Egipita pasi pekutonga kwake sezvo vaida kutongwa namwari. Zeus wechiGiriki aifanira kuva mwari mumwechete akafanana naAmmon wekuEgipita. Saka chitendero chechipegani chevaGiriki nevaEgipita chakarukaniswa.
VaPersia vakapambwa vaive vajaira kunamata madzimambo avo sevamwari.
Mukuita kwekutsvaka kunatsa kwaive nehutsinye akava munhu mumwechete akakwanisa kutapa Afghanistan.
Ipapo akazviita mwari. Izvi zvaive zvakangodaro kumadzimambo ekumabvazuva.
Uku ndiko kwaive kuita kwekukurira kwake kwekuti Alexander akava munhu wekutanga kumadokero akagamuchirwa kwazvo nevazhinji samwari. Alexander aive ava zvose mambo uye mwari.
Asi munhu aizova mwari akabva afa kusati kwapera makore mana mushure mekuzviita mwari.
Jesu akaita hushumuri hwemakore matatu nehafu. Saka kana uchifunga kuti uri mwari, une nguva shoma kwazvo yekuzadzisa zvinangwa zvako. Jesu ega, saMwari panyika, akakwanisa kuzadzisa hushumiri hwake munguva duku yakadaro.
“... nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga”.
Nyanga ndiro simba remhuka. Nyanga inoita kuti mhuka ityise.
Mumashure mekufa kwaAlexander kwakaitika hondo inotyisa yemarudzi yakatora makore makumi maviri hushe hwake hukapatsanuka kuita zvidimbu zvina. Mumwechete wevakuru vemauto vana Lysimachus, akatora nzvimbo dzaive dzakapoteredza Pergamos. Hupfumi muPergamosi hwakakura kwazvo ikapfuma zvinotyisa. Naizvozvo yakawana kukosha mumaziso evanhu. Tinogarofadzwa nemunhu akapfuma. Saka vanhu vanoshandiswa nerudo rwemari.
Vakuru vemauto vana vaitonga hushe hwaAlexander vakatanga kutevera muenzaniso wake vakazviita madzimambo nevamwari. Izvi zvaimiririrwa nemapapiro mana aive pangwena.
Hunyanzvi hwaAlexander hwekurwa hwakamuita munhu wekutanga kumadokero kutambirwa samwari. Saka vekumadokero vakayemura munhu aive auraya vanhu vazhinji kwazvo murudo rwake rwekutonga. Uyu ndiwo mweya wakapinda mukereke yeRoma muNguva dzeRima apo makumi emamiriyoni evanhu vaiipikisa vakaurayiwa.
Lysimachus akafa pakupedzisira munhu ainzi Attalus akazopedzisira ava muprista mambo wePergamosi mugore 241 BC. Chiprista cheBabironi chakamuona samwari. Attalus aive akatendeuka kuRoma akapihwa nzvimbo zhinji dzenyika nevaRoma kuti aite hushe hwePergamosi hwakapfuma kwazvo.
Kukudzwa kwechiprista cheBabironi muPergamosi kwaibva pakuzivikanwa kwemadzimambo avo maPontiff. Pergamosi (zita remuchiGiriki rePergamum) ndihwo hwaive hushe hukurusa muAsia Mino. Nekuita mambo wehushe hwePergamosi hwakapfuma Pontiff wavo, chiprista cheBabironi chakawana kukosha mumaziso memapegani.
Maprista aya muPergamosi aive nekukudzwa kukuru sezvo vaionekwa nemapegani semutsetse chaiwo wekutsiviwa kwechiprista cheBabironi chekutanga.
Kuva mugari wenhaka kumutsetse wevatsivi vechinzvimbo chaPontiff muchiprista kwakatanga naNimrodi kwakaita kuti Pontiff weBabironi akoshe.
Pope akazotevedzera pfungwa iyi sezvo achizviti mugari wenhaka yemutsetse mukurusa unodzokera kunosvika kuna Petro, wavanoti Pope wekutanga. Nei izvi zvakakosha? Nekuti Jesu akapa Petro makiyi eDenga. Saka Pope anoti kana ukamuterera, semutsivi waPetro, Petro anozokuzarurira Mukova weDenga kana mafa. Kutaura kwekunyengera kwakakurudzira mapegani nevemarudzi evatorwa vaimukira Roma kuti vadzikame.
Babironi rakazoyananiswa neBaberi naNimrodi zvakazobata mifungo yemapegani. Hushe hwaNimrodi hukuru hwaive mundangariro dzemapegani aitenda muchitendero chake chakaitwa nemunhu nezvakavanzika zvacho zvaidzidziswa muchiprista cheBabironi. Pfungwa yechitendero chakavanzika yaifadza vanhu. “Tinotenda machiri kunyangwe zvazvo tisinganyatsochinzwisisi” Ndiko kwaive kutaura kwavo kwekutenda. Sezvinoitwa nemaKristu anhasi achitsanangura dzidziso yeTiriniti isimo muMagwaro. Ndangariro dzaNimrodi dzekutapa zvakavanzika zvezvitendero dzakapararira kuenda kure.
Chiratidzo chechikara muhuma dzedu. Pahuma penyu ndipo pane pfungwa panoitika pfungwa nendangariro. Chiratidzo chechikara ndipo pamunenge masukurudzwa pfungwa kusvika pakutenda dzidziso dzisimo muMagwaro. Ipapo ndangariro dzenyu dzinenge dzava pasi pehutongi hwekufunga kwevanhu pachinzvimbo cheBhaibheri. Mwari anoda kutonga mafungiro enyu kusvika pachidanho chekuti munotanga kutenda kune zvese zvakanyorwa muBhaibheri. Hunyengeri hwechitendero, hushe hwaNimrodi hwemweya, huripo kuita kuti mubve kuBhaibheri neimwe nzira. Nhasi kereke imwe neimwe inokuudzai kuti Bhaibheri rine zvakakanganiswa mariri kana kuti rinozvirwisa. Vanokuudzai kuti mavhesi mazhinji emuBhaibheri haana maturo uye kuti mune zvinhu zvakawanda muBhaibheri zvisinei nekuti tizive. Saka kurudziro yaNimrodi yakapararira.
Nzvimbo dzakapambwa naAlexander dzakasvika kuIndia veko vaivewo netiriniti yavo yaBrahma, Krishna, naSiva. (Musiki, muchengetedzi, nemuparadzi). Iyi tiriniti yaive yevarume vatatu. Zvaive nani pane kuita munhukadzi muhumwari. Misoro mitatu pamuviri mumwechete ndiko kwaive kuedza kwavo kuratidza vamwari vatatu vaive neimwe nzira, mwari mumwechete.
KuPergamosi chitendero cheTiriniti yekuEgipita (Osirisi, Horusi, naIsis vari Baba Mwana namai) zvakabatanidzwa netiriniti yekuIndia yaive nevarume vatatu muhumwari. Kuita kwekutenda kutiriniti kwaive kwatanga kukura.
Mufanaidzo wekuEgipita wevanhu vatatu muhumwari wairatidza humwari sechigaro chehushe chikuru chaive nevanhu vatatu vakagarapo. Iyi yaive nzira iri nyore yakatambirwa nevanhu vekumadokero.
Vaingofanira kushandura mukadzi Isis kumuita mwari wechirume. Zvaizouya nguva yaizotevera paKanzuru yeNicaea mugore 325 AD pavakasarudza Mweya Mutsvene se “Munhu wechitatu muTiriniti” zvisimo muMagwaro.
Zivo dzemaGiriki dzakachenjera dzakazoita chitendero chevatatu-mumwe pamunoona asi neimwe nzira (hakuna anoziva kuti sei) paive nemumwechete. “Vakaenzana” uye “vekuita kumwechete” vari mumwe. Aya aive mazuva epamusoro pekufunga kwezivo. Zvainzwika zvese zvakachenjera. Asi chaingove chiutsi nezvivoni voni zvaive zvisina chaicho chairatidzwa pazviri. Asi mazano akavanzika aya aifadza vafungi munezvechitendero.
“Baba nemwanakomana ndevekukosha kumwechete”. Hameno kuti zvinorevei. Humwari hwakaputirwa mubutiro rechakavanzika chinopusisa. Saka vazivi vechiGiriki vakapusisa mazwi nenzira yakachenjera yakaputirwa nechivutsi chinoita sechinoonekwa asi chichisiya vanhu vakapusa vasina mufananidzo wakajeka wekuti mwari wavo aive ani kana kuti zita rake raive rekutii.
Mapegani, vaitenda muvamwari vakawanda, vaikwanisa kutambira kuita uku zviri nyore.
Chitendero cheBabironi chakavanzika chakakudzwa pakukosha kwacho nekuita muprista-mambo wehushe hwePergamosi Pontiff wavo uye musoro wavo. Zvaive zvisisina kuvanzwa zvisingaoneke kubva kuna mambo wePersia Koreshi aive akavatsamwira . Mambo Attalus aive akuchengetedza zvakavanzika izvi naPontiff.
DANIERI 8:9 Zvino kunorumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku, rwakazokura kwazvo, kumativi ezasi, nokumavirazuva, nokunyika yakaisvonaka.
“rwakazokura kwazvo” zvinoreva kuti Pope akaparadzira kurudziro yake kudarika yaAlexander.
“Nyanga duku”. Kaguta nyika keVatican kakatora nzvimbo yakakura sikweya kiromita ndiko kanyika kaduku duku pasi rese. Ine vagari vasingasviki 800.
“ruchienda kumabvazuva”. Kaini akaenda kumabvazuva. Kubva ipapo kumabvazuva ndiko kwakava musha wemadhimoni. Vahendeni vakare vakaita pfungwa yekunamata vamwari vetiriniti. Vachinamata kumifananidzo. Nekunamata kuvatsvene vakafa naMaria, chiCatholic chakapinda pakadzama mumadhimoni. Kunamata zvifananidzo. Vachitaura kuti Petro ane simba rekukupinzai Denga. Kutaura kuti kereke yeRoma inoregerera zvivi nemitambo yakaita seyekumwaya mwana mvura apo “nyasha dzeruponeso dzinonzi dzinoratidzwa mukubapatidzwa kwevacheche”. Ruregerero rwaitengeswa rwainzi Pope aive nesimba rekuregerera zvivi zvevanhu.
Kubva kumabvazuva kwakauya madhimoni netiriniti dzavo uye kunamatwa kwezvifananidzo. Kuunza izvi mukereke yeRoma kwakaita kuti igamuchirike zviri nani kumapegani. Zvifananidzo zvakavezwa zvakapinda mukereke. Saka mapegani akanzwa achitambirika ari mumusha mawo.
I JOHANE 5:21 Vana vaduku zvichenjerei kuzvifananidzo. Amen.
Kunamata mai nemwana kwakabva kumabvazuva sezvakaratidzwa muchiumbwa chechiHindu ichi.
Kunamata zvifananidzo pakwakapinda mukereke, kunamata mai nemwana kwakauyawo. Mufananidzo waMadona une mbiri.
Madzimambo ekumabvazuva madhimoni.
ZVAKAZARURWA 16:12 Zvino wechitanhatu wakadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.
13 Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuprofita wenhema;
14 Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoratidza zviratidzo.
Chiratidzo chikuru chiri kuitwa naSatani kubatanidza makereke. Zvakare kubatanidza kereke yeRoma nechiIsramu.
ChiRoma chakasimuka sechipegani chakabapatidzwa.
“nekunyika yakanaka”. Kumunhu muJuda saDanieri iyi inogona kuva nyika yeIsraeri chete.
Mugore 1964, Pope Paul VI akasvika muJerusarema kunoshanya kwekukasika kwemaawa gumi nerimwe kunzvimbo dzechiKristu.
Kanzuru yeVatican yeChipiri yakasimbisa dzidziso yekuti maJuda ndiwo aive nemhosva yekufa kwaJesu.
Mugore 1994 Vatican yakaita Israeri nyika.
Pope John Paul II akashanyira Jerusarema muna 2000. aida kunatsa hukama pakati peRoma neIsraeri.
Chido chake chaive “chekuisa kereke yake pamoyo wechitenderano chechitendero chitsva chaizounza maJuda pamwechete. MaMosiremu, maKristu mumubatanidzwa mukuru wechitendero (armada)”.
Saka nhasi kereke yeCatholic yakaunzwa pedyo nemaJuda. Pope mutsva mumwe nemumwe anoshanyira Jerusarema.
Zuva richauya apo Pope wekupedzisira achanyorerana chibvumirano chesungano nemaJuda sezvo Roma ine mukana wakakura kugoridhe repasi rese maJudawo aine mukana mukurusa kumusika wemari wepasi rese.
Ngatimbodzokerei kunhorondo.
Muguta rechiGiriki rePergamosi, chiprista cheBabironi chakagamuchira kuzunzwa kukuru kuviri kwavaive vasina kutarisira zvachose kwaive kusiri kwekuda kwavo.
Mugore 133 BC pontiff nemuprista-mambo wePergamosi, Attalus III, akafa akapa hushe hwake kuRoma muwiri yake. Chiprista cheBabironi, nenguvo dzavo dzakanaka nemitambo yavo yakanakisa, chaive chava chikamu chevabati veRoma.
Kwakabva kwauya kumwe kuzunzwa kukuru. Jurio Kesari, aizova munhu ane mbiri kwazvo pavaRoma, akafadzwa kwazvo nenguvo dzaidakadza dzaPontiff weBabironi zvekuti muna 63 BC akakwereta mari kuti aite chioko muhomwe kumaprista kuti asarudzwe kuva Pontiff wezvakavanzika zveBabironi. Paakazova mudzvanyiriri weRoma zvaireva kuti Pontiff weBabironi aive ava munhu ane simba kwazvo pasi rese. Panguva imwechete iyi akaita kuti hushe hweRoma huve pasi pehudzvanyiriri. Kesari akagumisa rusununguko rweRoma. Hushe hweRoma hwakaberekwazve hwaizotongwa nevadzvanyiriri.
Izvi zvakateya nheyo dzekusimuka kwekereke yeRoma.
Kereke imwe neimwe panzvimbo muTestamente Itsva yaifambiswa yakazvimiririra neboka revakuru.
Kereke yeRoma yaida munhu mumwechete kuti ave murista achitonga kereke. Kwoita munhu mumwechete ari bhishopu aitungamirira maprista muguta. Achibhishopu asimo muMagwaro aitonga boka remabhishopu. Nakadhinari asina kutaurwa muBhaibheri aitonga maAchibhishopu. Pope asimo muMagwaro aive mutungamiriri mukuru wepasi rese. Nhasi Pope ndiye ega mudzvanyiriri muEurope, anodaidzwa zvakare kuti Pontiff.
Hama yaJurio Kesari yekupedzisira kuita mubati yaive Nero. Mugore 64 AD akatanga kuuraya maKristu akakonzeresa kuti St Johane vaende muhupoteri kuchitsuwa chePatmosi. Johane akaburitswa muna 68 AD pakafa Nero.
Domitian akaitwa mubati muna 81 AD akaurayawo maKristu. Akaendesa Johane kunopotera kuchitsuwa chePatmosi zvakare. Zvakare Johane akaburitswa pakafa Domitian. Raive gore 96 AD.
Kereke yeRoma yakatora mweya uyu wekurwadzisa maKristu muNguva dzeRima vakauraya maKristu makumi emamiriyoni vairamba kuzviisa pasi paPope.
Negore 476 AD hushe hweRoma yechipegani hwakawira pasi nekuda kwekuremerwa kwekurwiswa nemarudzi evatorwa. Kubva mumatongo ehushe hweRoma kereke yeRoma yakaberekwa ikakura kuita hushe hwemweya nekuparidza mazano ayo mundangariro dzevanhu ichisimuka iri kereke uye simba munezvemari zvakaita kuti Pope aive munhu ane simba kwazvo muEurope muNguva dzeRima.
Nhasi Pope ndiye mumwechete wevatungamiriri pasi rese ane kurudziro dzinobata vanhu zvakanyanya.
Ungano hurusa yevatungamiri vedzinyika pasi rese yaive parufu rwaPope John Paul 2.
DANIERI 8:10 Rukakura kusvika iko kuhondo dzokudenga; rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamusoro pazvo.
Nhasi Pope, nevanhu vanodarika bhiriyoni vanopinda Roman Catholic pasi rese, ndiye munhu ane simba kwazvo pasi rese. Pope ndiye ega mudzvanyiriri ari muEurope. Kukudzwa kwake kwakura kwazvo. Anotonga hushe hwakakurisa kwazvo hwemweya kudarika zvakabvira zvaitwa naAlexander.
Ignatius zvisina kuva muMagwaro, akazvidaidza kuti bhishopu weAntiokia gore 110 AD risati rasvika akanga atotaura kuti “bhishopu wenyu anogara panzvimbo yaMwari”. Idzi dzaive tsika dzavaNikoraiti, kusimudzira munhu mutsvene kumuisa pamusoro pevamwe vanhu vese mukereke kana paungano. Zvino apo shungu dzinoita kuti munhu uyu asimuke kuva nesimba, kereke inogadzira zvinzvimbo zvisimo muBhaibheri zvakaita saachibhishopu, metiroporiteni, kadhinari, vosvika kumusoro-soro kuna Pope. Zvizvimbo izvi zvinowanikwa nekugara mukereke.
Kereke yeRoma yakaita mazano ekunamata kuvatsvene vakafa nekuna Maria. Izvi zvinovaderedza kubva panyeredzi Kudenga kuvaita vemashavi. Kunamata vanhu vatsvene vakafa ndiko kupira kwepamusoro-soro.
Mabhishopu eRoma anozviti vakabva kumupostora Petro. Vanokwidziridza Petro kumuita Muchinda weMapostora. Sevatsivi vaPetro vanozviti (“Vicar of Peter”) “Panzvimbo paPetro” (VICARIVS PETRI). Nemamwe mazwi zvinoreva kuti vakamira pachinzvimbo chaPetro. Saka vakakweva Petro kumudzikisira kubva panzvimbo yake yekuva chadzera chinopfuta kudenga vakamukandira pasi. Izvi zvakadaro nekuti “vakaita” Petro kuti apinde munezvematongerwo enyika zvekukura kwekereke yeCatholic. Vakabva vaita kuti zviite kunge Petro ndiye aive Pope wekutanga.
Jesu akapa Petro makiyi eDenga.
Petro akazarura musuwo weDenga pazuva rePentekositi nekiyi iyoyo.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure vanozodanwa naShe Mwari wedu.
Imwe kiyi yaPetro yaive yekupfiga rubapatidzo rwaJohane Mubapatidzi rwaive rwusingatauri nezvekufa, kuvigwa nekumuka kwaJesu.
MaPope akashandura zvese izvi. Vakati munofanira kuterera Pope weRoma, sandiye akatsiva Petro, kuti mupinde Denga.
MaPope, “saVicar yaPetro” vanoti ndivo vakatsiva Petro. Vakagadzira chinzvimbo “chaVicar yeMuchinda weMapostora” uye “Vicar yeKuvona kweMapostora”. Zvinzvimbo izvi zvese zvaidiwa kusimbisa kutonga kwemaPope pamusoro pemamwe makereke kupfurikidza kusimbisa kukosha kwaPetro. Uyu mweya wakasimba wekusimudzira munhu mutsvene pamusoro pemakereke ese.
DANIERI 8:11 Rikazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo, rikamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa.
Muchinda wehondo dzeDenga dzevatsvene ndiJesu.
Pope angazvisimudzira kusvika ipapo sei?
Zvakare vaifanira kuvimba nekuita kwaizivikanwa kwaPetro. Petro aive akapiwa makiyi eDenga.
Zvino kunobva kwauya kukanganisa kwakachenjera asi kune simba kwazvo.
MaPope akabvumirana kuti Jesu aive mukova wekupinda Denga asi zvaive zvakakosha kufadza Petro. Nekuti Petro, sezvo akapihwa makiyi, aive murindi weMusuwo aisarudza kuti okuzarurira here kana kukupfigira musuwo weDenga.
Saka ruponeso nekutendeuka nekubapatidzwa muzita raJesu Kristu zvakatsikwa zvikafuratirwa.
Zvaiverengwa kwaive kuita kuti Petro afare.
Petro aizofara kana mukaita chimwe chinhu chakanaka muchiitira vanomutsiva, maPope. Kana ukapa kereke yeCatholic munda, kana mabwe anokosha, kana mari kana kuchengetedza kereke kubva kuvavengi vayo. Ipapo Petro aizokuvhurirai Musuwo. Jesu aive asisiriye Muponesi ega. Kereke yaive yakutaura kuti ruponeso rwaibva pamabasa akanaka amakaitira kuvandudzwa kwekereke. Kana takatarisa paruponeso, kufadza Petro kwaive kwakanyanya kukosha kudarika kutendevuka nekugamuchira Jesu seMuponesi wako. Mukanguva kaduku duku mashoko aPetro pazuva rePentekositi aive akanganwikwa uye aive asisiri chikamu chezvaitendwa maziviri mukereke yeRoman Catholic.
Mugore 754 AD chiitiko chakakura chakaitika.
Pope kuRoma akaona kuti mubati weRoma muConstantinople (Istanbul yanhasi) aive asisagoni kumuchengetedza kubva kuvarwi vemarudzi evatorwa vaive vazara muEurope.
Rudzi rwemaRombardi rwaive rwatora zvikamu zvizhinji zveItaly Roma ikasara iri panjodzi.
Pope Stephen vakabva vaenda kuParis kunotaurirana nemaFrank vari pasi pemutungamiri wavo Pepin. MaFrank ndivo vaive rudzi rwevatorwa rwakasimbisa muEurope.
Pope Stephen aizogadza Pepin samambo wemaFrank kana Pepin adzinga maLombard kubva muRoma opa Pope minda inozivikanwa nekunzi Nzvimbo dzemaPope. Dzinoratidzwa neruvara rutsuku mumepu inotevera. Nzvimbo idzi dzaidaidzwa kuti chipo chaPepin (Donation of Pepin) inonzi Pepin aive atenga nayo nzira yake yekupinda Denga.
Saka Pope akatanga kutendeutsira marudzi evatorwa kukereke yeRoman Catholic nekutaura kuti aizogadza madzimambo zvichibva pakutendera kwaMwari. Kutsiva izvi maFrank aizochengetedza Pope.
Bhizimisi rakanakisa asi rine kunyengerwa kwevanhu kuzhinji. Pope aizviwanira minda muItaly pasina muripo.
Asi kuti akurudzire Pepin, Pope Stephen akagadzira gwaro rechitsotsi raitaura kuti Constantine aive apa maPope nzvimbo dzese dzekumadokero sezvo vaive vagari venhaka yaPetro. Mugwaro iri St Petro vaitsanangurwa sa VICARIVS FILLI DEI (vaive panzvimbo yeMwanakoma waMwari). Pope ati ndiye akatsiva nzvimbo yaPetro uye Petro aive amire panzvimbo yeMwanakoma waMwari nekuti aizozarura Musuwo weDenga kuti Pepin apinde kana Pepin akaitira Pope zvakanaka zvekumupa Nzvimbo dzemaPope (Papal States) muItaly.
MuchiLatini I =1 V = 5 L = 50 C = 100 D = 500 asi A, R, S, F, na E haana manhamba aakamiririra.
V I C A R I V S F I L I I D E I
5 1 100 1 5 1 50 1 1 500 1 Dzikasanganiswa dzinoburitsa 666 chiverengo chechikara.
ZVAKAZARURWA 13:18 Ndipo panokuchenjera. Unoziva ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matamhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.
Kamwechete chete munhorondo ndiko kakashandiswa chinzvimbo ichi. Chakashandisirwa Petro. Zvichibva kuna Pope, Petro aive atora nzvimbo yaJesu. Semuchengetedzi wesuwo reDenga, Petro aisarudza kuti ndiyani waangasiye achipinda Denga. Hamugoni kuwana nzvimbo yepamusoro-soro kudarika yekutora nzvimbo yaJesu.
Gwaro rakaitwa zvechitsotsi iri rakadonhedzera Petro pasi kubva pakuva mutsvene kudenga, mumwechete wevatsvene vepamusoro, zvikamuwisira pasi semurevi wenhema akasviba. Kwaingove kuda kugutsa makaro aPope ekuda minda nesimba pamusoro pemarudzi evatorwa vakuvimba kuti Petro ndiye muponeso wavo nekuti anovazarurira Musuwo weDenga. Izvi zvose kuita kwaantikristu.
Uku kuipa kukuru kwekunyengera kwamungawana.
Uyu muenzaniso wakaipa kwazvo wekuti mbiri yevatsvene inokwanisa sei kuzvuzvurudzwa kubva kudenga ichisiiwa muvhu.
Petro haangapomerwe panyaya iyi nekuti haana kubvira ataura izvi.
Saka Pope akasimuka kuva nesimba pakati pemarudzi evatorwa nenzira dzekushandisa gwaro rechitsotsi. Asi chakanyanya kukosha, marudzi evatorwa akatanga kutya Pope zvakanyanya. Vaive vane chokwadi chekuti Petro aisazovazarurira Musuwo weDenga kana vaisaita zvaidiwa naPope.
Saka muzvezve wenyoka waive watanga, mutsetse murefu wemaPope vanozviti vakatsiva Petro.
Iri raive zano ravo guru rekuunza mapegani pasi pehutongi hwaPope.
ZVAKAZARURWA 17:8 ... vachivona chikara, kuti chaive’po, hachichi’po vuye chichazova’po.
Chikara isimba rinoita kuti vanhu vade kunamata vanhu samwari panyika.
Kereke yeRoma isimba rezvemweya rinoda kusimudzira Pope kusvika amira panzvimbo yaKristu semuregereri wezvivi.
Pope Innocent III akatora chinzvimbo chaVICARIVS CHRISTI kana kuti Vicar yaKristu (pachinzvimbo chaKristu) makore akapoteredza 1200 AD.
Pope aive akutenda kuti aive ava panzvimbo yaKristu panyika. Saka aionekwa semunhu asingatadzi muzvikamu zvedzidziso. Aitiwo aive nekodzero dzekuregerera zvivi sezvo aive amire panzvimbo yaKristu.
Saka Pope akazvikudza kusvika panzvimbo yaJesu.
Pope ndiye musoro wechimiro chechikara chekereke yeRoman Catholic .
“Chikara chaivepo hachichi’po”.
Pope “aivepo” sezvo kwaigarova naPope zvichibva pakutaura kwemaCatholic kwekuti Petro aive Pope wekutanga (kutaura kusimo mumagwaro). Zvino Pope “haachipo” paanofa.
Asizve Pope mutsva anosarudzwa nekanzuru isina kutaurwa nezvayo muMagwaro inonzi yemaKadhinari. Saka Pope mutsva anorarama “achazova’po” kwemamwe makore mashoma kusati kwasarudzwa zve umwe.
Kutsiviwa kwemaPope uku ndiwo mutsetse wakarebesa wevatongi kumadokero.
DANIERI 8:11 Rakazvikudza kusvika kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa.
Chipiriso chinopiswa nguva dzose chakapera pakapera Murairo.
Kefasi, Muprista Mukuru, akabvarura nguvo yake akagumisa murairo.
Kutaura pamusoro penguvo yaAroni, Muprista mukuru wekutanga, Bhaibheri rinoti nguvo iyi haifaniri kubvira yabvarurwa.
EKSODO 28:31 Unofanira kuita jasi reefodi rose remucheka mutema.
32 Ngarive neburi rekupinza musoro pakati paro, rive nomupendero wakarukwa unopotedza buri raro, sapaburi renguvo yokurwa , kuti irege kubvaruka.
MATEO 26:65 Ipapo muprista mukuru akabvarura nguvo dzake, akati: Wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai, manzwa zvino kumhura kwake.
Kuita uku kwakagumisa Murairo weTestamente Yekare.
Zvino Jesu paakafa chidzitiro cheTembere chakabvarurwa naMwari kuzadzisa kuti Kefasi aive agumisa Murairo.
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzira zve nenzwi guru, akarega mweya wake.
51 Ipapo tarira, chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvika pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka;
Kunyangwe mabwe aive pachiso chenyika akatsemuka.
Mwari akabvarura chidzitiro cheTembere pakafa Jesu. Uku kwaive kupera kwekunamatira muTembere. Chipiriso chemazuva ose, sezvo vaivuraya gwaiana mazuva ose, izvi zvakabva zvashaya maturo kubva zuva iroro.
Aive Pontius Pirato weRoma akatarira Jesu rufu zvakagumisa chipiriso chemazuva ose.
Uyezve aive mukuru wemauto eRoma Titusi akaparadza Tembere kana nzvimbo tsvene muna 70 AD. Kuita kuviri uku kwakaratidza kuti Roma yemapegani ndiyo yakatanga kuita kwakazoguma naPope weRoman Catholic, akamiririrwa nechikara, achizvisimudzira kunomira panzvimbo yaKristu panyika.
Pope akazvuzvurudzawo Petro kubva Kudenga nekutaura kuti Petro, muchengetedzi weSuwo, kwete Jesu anosarudza kuti ndiyani anopinda Denga. Izvi zvakafadza vemarudzi evatorwa vaive vapamba hushe hwenyika yeRoma. Vakatutunuka kunobatana naPope aive mutauriri waPetro panyika. Kana kuti ndizvo zvavaifunga.
51-0729 KUMUKA KWARAZARO KUBVA KUVAKAFA
Tarirai. Ipapo chinhu chekutanga chamunoziva, akaitei? Akasanganisa nzvimbo. Zuva rimwe nguva dzinenge dzegumi neimwe masikati, aiparidza kwakamira muprista mutana kumhiri akati, “Muri kunditaurira here Mudzidzisi, kuti nguva ichauya yatichange tisisina chipiriso chenguva dzose? Handizvo makarasika”.
Akati, “Kuchauya nguva apo munhu ndiye achava chipiriso.”
51-1003 IMI TENDAI IZVI
Jesu akenda naye kuJorodani. Ndinomuona achiuya achifamba nguva dzinenge dzegumi neimwe masikati. Ndinonzwa mutana Johane kumhiri uko. Vanhu vakawandisa zvekuti vakamuendesa kune rumwe rutivi, maprista kune rumwe rutivi, vachiti, “Rabbi, muri kutiudza here kuti kuchauya nguva apo chipiriso chenguva dzose chichabviswa?”
Akati, “Kuchauya nguva apo munhu achafira zvivi zvenyika”.
Ndinonzwa maprista achiti, “Oh, marasika Rabbi.”
Akati, “Tarirai, kunouya Gwaiana raMwari rinotora zvivi zvenyika”.
54-0516 MIBVUNZO NEMHINDURO MURAIRO UNE MUMVURI
Zvino, mese hamungadi here kereke inotevera Bhaibheri chaiyo? Kereke yeBhaibheri chaiyo umo zvipo zvemweya zvese zvinenge zvakaiswa nenzira yazvo, zvinhu zvese zvichiratidzwa chaizvo nenzira yazvinofanira kuva. Hazvingavi zvakanaka here? Zvino, muchafanira kupa, kwete mari. Muchafanira kupa chii? Mamwe emazano enyu. Muchafanira kupa nguva muminamato. Muchafanira kuzvipira ... zvichida kuda kwenyu kwekuoma moyo, kuzviparadza mukuzvininipisa. Kuita kwese kwemuKristu kuzvipira. “Uyo uchanditevera, ngaazvirambe, atore muchinjikwa wake, anditevere mazuva ose.”
Ndizvo here? Munozvipira kakawanda zvakadii? Mazuva ose. Pauro akati, “Anofa mazuva ose; mazuva ose anofa.”
MaKristu anofanira kudzidza kuzvipira kuramba mazano avo nekuda kwavo.
Tinofanira kutsigira mazano edu nekubatanidza Magwaro pamwechete. Kwete zvatinofunga, asi zvinotaurwa neBhaibheri.
Tinofanira kuramba kuda kwedu. Tinofanira kutendera Mwari kutitonga zvakazara.
Uku kuzvipira kwemazuva ese kufa pakuda kwedu nekutenda nekuterera Shoko rakanyorwa.
61-1231 KANA MWARI ARI NESU SAKA MINANA YACHO YESE IRIPI
Saka chii chakaitika ipapo? Aida kuona mabasa aMwari. Johane akati, “Ndichamuziva kana Asvika.”
Rimwe zuva aive amire pakadaro apo, akati, “Hongu, kuchauya nguva yekuti chipiriso chenguva dzose chichabviswa. Messiasi achava chipiriso chemazuva ose. Uye nyangadzi yokuparadza ichapindira.
Jesu seShoko kana Bhabheri acharambwa. Nenzira imwechete yakarambwa nayo Jesu ari Munhu.
55-0403 KUWADZANA NEKUDZIKINURWA
Zvino, Israeri, pavakasvika pakuwadzana naMwari, paive nenzvimbo imwechete chete yekuwadzana naMwari, maive muTabernakeri. Mutabernakeri ndimo maienda chipiriso chaibuda ropa, nguva dzose. Vanhu ... Mwari haana kubvira avimbisa kusangana nevanhu imwewo nzvimbo asi pasi peropa rakadeuka. Fungai nezvazvo. Ndakusiya kuti zvinyauke kwekanguvana zvino.
Takugadzirira kuvhara.
Tarirai. Mwari haana kubvira avimbisa kusangana nechero munhu nekuda kwake, kana kuti nekunaka kwaakaita, kana nekuita kwake kwakanaka. Haana kubvira avimbiswa kusangana navo ipapo. Hakuna kuwadzana naMwari mukuda kwenyu. Nzvimbo imwechete chete ine kuwadzana pasi peropa rakadeuka. Kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa, zvinobva paropa, muripo weropa risina mhosva kunofukidza zvivi pamutadzi: ropa chete.
Zvino, tarirai, nekukasika. Israeri yakaenda kuchivakwa; vakadeura ropa. Muchivakwa ichocho ndimo moga maive nenzvimbo yavaizosangana naMwari owadzana nevatendi. Muchivakwa umu ndimo maive neropa rakadeuka.
Gwaiana raifa paaritari mazuva ose. Ropa raierera, chiutsi chitema chaipwititika patabernakeri. Mwari haaizoona zvivi, saka vanhu vaienda pasi peropa vonowadzana naMwari.
Mazuva ose tinofanira kureurura zvivi zvedu. Mazuva ose tinofanira kubvuma nekutenda chipiriso chatakaitirwa naJesu.
Mazuva ose tinofanira kurangarira kuti Jesu akadeura ropa rake kuripira zvivi zvedu.
Tinoedza kwazvo kuva vanhu vakanaka asi hatigoni kunaka zvakakwanira.
MuJuda paaiunza gwaiana rake kuaritari sechipiriso, muprista aiongorora gwaiana iroro, kwete muJuda. Kana gwaiana risina chipomerwa kana kuipa, chipiriso chaitambirwa muJuda oregererwa.
Chipiriso chedu chemazuva ose chezvivi zvedu ndiJesu. Ndiye Shoko. Zvese zvamunofunga pamusoro peBhaibheri ndizvo zvamunofunga pamusoro paJesu. Kana mukafunga kuti mazwi ari muBhaibheri akakanganiswa anoda kushandurwa, munenge mabvuma kuti chipiriso chenyu chine mhosva. Kana mukati Bhaibheri rinozvirwisa, Chipiriso chenyu, Jesu anozvirwisa saka anenge asina kururama. Chipiriso chenyu chinenge chisingatambiriki uye chivi chenyu chaicho, kusatenda, hachikanganwiriki.
Hamuzogoni kusangana nechokwadi cheBhaibheri chakaziviswa.
Saka tinofanira kurangarira kuti chipiriso chedu chemazuva ose chakarurama. Jesu muShoko muBhaibheri reKing James Vhezheni rakarurama.
Ndipo pakakandirwa chokwadi pasi nekereke yeRoma kupfurikidza kugamuchira zvinhu zvisiri muBhaibheri nekuramba zvinhu zviri muBhaibheri. Vemakereke akabuda mairi achipikisa izvi vakatevera muenzaniso wayo zvakadaro. Makereke mazhinji nhasi anoona Bhaibheri reKing James semuvengi wavanopikisa zvakanyanya.
Saka kuramba chokwadi cheBhaibheri reKing James kwapararira pasi rese. Vanoenda kumakereke vazhinji nhasi vanozviti maKristu asi vachitenda kuti Bhaibheri rine zvakakanganiswa mariri uye rinozvirwisa. Saka kusatenda kwabudirira. Kuzvidza Bhaibheri kwagonesa makereke kuti akure kwazvo.
Kereke yeRoman Catholic inoti ndiyo mai vemakereke sezvo ndiyo yakaita sangano rekereke rekutanga. Kereke yekutanga kuva nesimba pamusoro pemamwe makereke nedzidziso dzakaitwa nevanhu netsika dzechipegani dzakachatiswa nechiKristu. Zvino zivo dzechiGiriki dzakachenjera nemitambo inoyenderana nadzo zvakaita kuti vanhu vavimbe nekuita kwezvitendero zvemakereke pakupona kwavo. Nhasi vazhinji vanotenda kuti vakaponeswa nekuti vanoenda kukereke nguva dzose.
Kurudziro imwechete yechiGiriki yakabata kereke kugona kwemaGiriki kurwira zvakaipa.
Saka makereke nhasi anogona kurwira chakaipa nenzira yakachenjera kwazvo.
Kutaura kwavo kunodakadza kwazvo asi kuchirwisa Magwaro mune dzimwe nzvimbo.
Vanovimba nenzira yakanakisa ine hunyanzvi kuitira kuvanziridza kusaziva Bhaibheri kwavanoita.
Chiprista cheRoman Catholic chakasimudzirwa (tsika dzavaNikoraiti) kuti dzimire pakati pevanhu naMwari. Vanhu vaifanira kuzviwisira kuvaprista kuti vaponeswe.
Nyangadzi iriko kutsiva ruponeso kupfurikidza kutenda muchipiriso chaJesu Kristu nemamwe mabasa ekereke nedzimwe tsika dzakaitwa nevanhu. Ruponeso runobva rwaita musanganiswa wekutenda nemabasa ekereke.
Tendai muna Mwari asi fambai nezvirongwa zvekereke.
Vanhu vanowana kuchengetedzeka kupfurikidza kuva nhengo dzekereke. Vanomira kuzvifungira sezvo vanotanga kuvimba nemunhu-mumwe- anotungamirira anenge achivaudza zvekutenda mazviri. Kana vachingouya kukereke nguva nenguva vanenge vachivimba kuti zvese zvakavanakira. Asi kune masangano emakereke 45 000 akasiyana-siyana. Saka kereke inonatsa ndeipi? Kune kereke inonatsa here?
Asi vose vanobereka kufungira vachikonzeresa kutsaurana kuita mapoka anopikisana. Rimwe nerimwe rinotsungirira kuisa vamwe pabvute.
Mwari akati akarutsa nguva yedu yekereke yekupedzisira yeRaodikia (kodzero dzevanhu) kubva mumuromo make.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
16 Zvino zvaunodziya usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
Saka Jesu,Shoko, haasisiri mukereke. Bhaibheri riri kurambwa nekuzvidzwa richinzi rine zvakakanganiswa mariri, sekurambwa kwakaitwa Jesu nemaJuda paakauya ari Munhu.
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza:
Zvinosuwisa, Jesu akamira kunze kwekereke yedu yanhasi.
Asi Jesu ndiye Shoko. Kana tichiti mune zvakakanganiswa muBhaibheri tinenge tichiti mune zvakakanganisika munaJesu Kristu. Hazvishamisi nei amire kunze kwekereke yedu nhasi.
DANIERI 8:12 Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi zvokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita.
Jesu akamira ega muimba yaPontiusi Pirato yekutonga.
Vanhu vose vaive vari mhomho huru kwazvo vakamuramba. Hakuna akataurawo ari kurutivi rwake. Mhomho yese yakamupomera.
Zvimwechete zviri kuitika nhasi muzvitendero zvemasangano. Vanorwisa chokwadi cheBhaibheri chakati wandei.
Bhaibheri rinotsanangurwa richinzi rine zvakakanganiswa mariri, kuzvirwisa, fungidziro, nemazwi anoda kushandurwa.
Kana muchiti Shoko rimwe nerimwe riri muBhaibheri reKing James rakanaka ipapo kunowanika boka guru remaKristu rinokupomerai.
KumaKristu nhasi, chipiriso chemazuva ese chinosanganisira kutevera Magwaro nekungotenda mune zvinotaurwa neBhaibheri. Chipiriso ichi chinosanganisa kurambwa nemakereke mazhinji. Chipiriso chekuverenga Bhaibheri nekuwana kuti vanhu havadi kuterera. Havadi kuziva. Uye marwadzo ekudadirwa nekurambwa nevanoenda kumakereke.
Vanhu vazhinji, hondo huru, yemaKristu inotenda zvinhu zvisina kunyorwa muBhaibheri zvakafanana nekushanduka kwemhuka dzichiita vanhu inonzi ivhorusheni neBig Bang.
Chitendero chinotendwa nevazhinji mumakereke ndechekuti nguva yeKutambudzika kukuru ichaita makore manomwe pachinzvimbo chemakore matatu nehafu.
Kunobva kwauya Kisimusi isimo muMagwaro musi wa 25 Zvita, Tiriniti, uye kuramba kubapatidzwa muZita raJesu Kristu.
Kuramba kubvuma kuti Eva akarangwa nekuda kwekuti akabata mimba.
GENESISI 3:16 Kumukadzi akati: Ndichawedzera zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba;
Kurangwa kwake kwaive kusiri pakubata mimba kubva kuna Adamu aive murume wake ari pamurairo.
Saka chokwadi chakakandirwa pasi.
Kereke yeRoma yakagamuchira dzidziso yeTiriniti pakanzuru yeNicaea muna 325 AD. Vakaiparidzira vapikisi vechiCatholic.
“Mwari Mwanakomana” uye “Mwari Mweya Mutsvene” hazvina kunyorwa muBhaibheri. Chero “Mwari Baba” hazvina kumbotaurwa muTestamente Yekare.
“Vatatu -mumwe ...” zvakabva muzivo dzevaGiriki, kwete muBhaibheri.
Hakuna Zita rimwechete rinowanika rekudaidza Vanhu vatatu vakasiyana nguva imwe. Saka Mwari wemaKristu akarasikirwa neZita rake totenda Tiriniti.
Izvi ndizvo zvakatsamwisa Muhammed paakavaka chitendero chinopipisa chechiMoziremu akapa Mwari zita, Allah. Saka dzidziso yeTiriniti yaivewo chimwe chikonzero chekusimuka kwechitendero chechiMoziremu, pavanoenderera mberi kutsikirira chokwadi pasi.
MaKristu haagoni kupa Mwari zita rimwechete.
Vanotaura Pamusoro peZita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene asi havagoni kutiudza kuti zita iri nderekuti kudii.
Chichechi-chechi chemasangano chakurisa uye chabudirira kuita hondo huru. Chava ndicho chakabata ruzhinji rwemaKristu. Kukanganisa kwabudirira apo huwandu hwevanoenda kumakereke hwawedzera zvakanyanyisa. Vanhu vari kugara vakadekara muruzhinji rwemakereke avo.
Vanotenda kuti kuchengetedzeka kwavo kunobva pakuva kwavo nhengo dzemakereke uye kuvimbika kwavo kuzviyera-yera zvemakereke avo.
Vanotenda kuTiriniti asi vanoti Munhu akasikwa nemufananidzo waMwari.
Asi munhurume nemunhukadzi panyika havasi mufananidzo weVanhu vatatu Kudenga.
“Zvakaitwa, zvikabudirira.”
Kereke imwe neimwe yaiita tsika dzayo dzakaitwa nevanhu nemitambo inodiwa nevanhu. Vanomwaya vana mvura mutsika yerubapatidzo vozovasimbisa. Vanoisa miti yeKisimusi nekuishongedza. Tisingatauri Santa Claus maIsita egi nemaIsita rabhiti. Mimhanzi yedhisiko vanhu “vachitamba mangoma” vachimira panomiririrawo ngoma kurira. Ngoma hadzina kubvira dzataurwa muBhaibheri asi dzave chinhu chakakosha mumafaro ekereke mazuvano.
Rubapatidzo runoitwa muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene. Asi hakuna munhu anobvumidzwa kubvunza kuti Zita racho nderekuti kudii nekuti vanoenda kumakereke havagoni kudavira mubvunzo iyi. Vanhu vose vanonyenyengereka kufunga kuti zvinzvimbo zvitatu izita.
Asi kuita uku kwakanyengera vanhu vazhinji kukawedzera huwandu hwenhengo dzemakereke. Vanoenda kumakereke vanoona vanhu vazhinji nemari zhinji sezviratidzo zvekubudirira.
NGUVA YEKEREKE YEPEGAMO- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 5
Zvino tinoziva kuti musoro wakapihwa ronda rekuvuraya hushe hweRoma yechipegani, simba riya rezvematongerwo enyika repasi rese. Musoro uyu wakasimuka ukava “hushe hwemweya hweRoman Catholic”. Zvino tarirai zvakanakisa. Chii chakaitwa nenyika yeRoma yechipegani chaive nheyo dzebudiriro yayo? “Yakapatsanura ikapamba”. Ndiyo yaive mbeu yeRoma - - kupatsanura nekupamba. Mazino ayo edare aibvarura nekudambura. Waaibvarura nekudambura haaizogona kumuka zvakare sezvayakaita payakaparadza Carthage ikaidyara kumunyu. Mbeu imwechete yedare yakaramba iri mairi payakamuka yava kereke yenhema, mutemo wayo wakaramba uri mumwechete – kupatsanura nekupamba. Ndidzo tsika dzevaNikoraiti dzakavengwa naMwari.
[Tsika dzavaNikoraiti kusimudzira muparidzi pamusoro peungano kuti paitwe chiprista chakasarudzika]
[I PETRO 2:9 Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, vuprista bwamambo, ...
MaKristu akaponeswa ese inhengo dzechiprista. Hakuna muprista ari pamusoro peumwe muprista. Muprista Mukuru chete, Jesu, ndiye ari pamusoro pedu tese]
Izvozvi chinhu chinozivikanwa kwazvo munhorondo kuti pakapinda chakaipa ichi mukereke, vanhu vakatanga kutsvaga basa rabhishopu nechikonzero chekuti chinzvimbo ichi chaipihwa vanhu vakadzidza uye vakabudirira vane zvinhu zvavo uye vanhu vane ndangariro dzezvematongerwo enyika. Ruzivo rwevanhu nekuita kwavo zvakatanga kutora nzvimbo yeruzivo rwemweya uye Mweya Mutsvene waive usisatongi pavari. Uku kwaive kuipa kukuru, nekuti mabhishopu akatanga kugadzirisa kuti zvaive zvisisina basa nekuti munhu aive muKristu kuti ashumire Shoko kana mabasa mukereke nekuti zvaive zvaitwa nezvirongwa zvemo zvaitariswa. Izvi zvakatendera vanhu vakaipa (vanhu vanonyengera) kuti vapatsamure boka.
Nedzidziso dzakaitwa nevanhu dzekusimudzirwa kwabhishopu kusvika panzvimbo yepamusoro- soro isina kutaurwa neMagwaro, nhanho yaitevera yaive yekupihwa kwezvinzvimbo zvakarongwa zvaizokura kuita bato rezvechitendero; nekuti nekukasika kwakava nemaachibhishopu vaive pamusoro pemabhishopu nemakadhinari aive pamusoro pemaachibhishopu nenguva yaBoniface wechitatu paive panaPope pamusoro pavo vose, Pontiff.
[Boniface aive Pope mugore 607 AD akabva angofawo gore iroro. Akatsvaga akawana mvumo kupfurikidza gwaro kumubati Phocas kuConstantinople raitaura kuti “Mbeu yaPetro akakomborerwa mupostora anofanirwa kuva musoro wemakereke ese.” izvi zvinosimbisa kuti chinzvimbo”chaUniversal Bhishopu” chaive chaBhishopu weRoma chete. Saka Bhishopu weRoma aive ava Pope akagadzwa aiva zvakare musoro wekereke].
Chiiko nedzidziso dzevaNikoraiti nekuchatiswa kwechiKristu netsika dzeBabironi mhedzisiro yazvo inoguma yava zvakaonekwa naEzekieri muChitsauko 8:10
“Ipapo ndakapinda ndikavona; tarira, mifananidzo yose yezvinokambaira pasi, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri zvakafananidzwa parusvingo kumativi ose.”
Zvakazarurwa 18:2
“Akadanidzira nenzwi guru achiti: Rawa! Rawa! Babironi, guta guru, yava nzvimbo munogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nenhare yeshiri dzose dzine tsvina dzinovengwa. Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamwa kwovupombwe bwaro.”
Zvino dzidziso dzavaNikoraiti idzi, murairo uyu wakatangwa mukereke hauna kunyatsorova zvakanaka pavanhu vazhinji nekuti vaikwanisa kuverenga mwadhi dzekare kana zvinyorwa pamusoro peShoko rakanyorwa nevanhu vanonamata. Saka kereke yakaita sei. Yakadzinga vadzidziso vakarurama ikapisa zvinyorwa zvese. Vakati, “Zvinoda kudzidza kwakasimba kuti munhu agone kuverenga nekunzwisisa Shoko. Nei Petro akatoti zvinhu zvizhinji zvakanyorwa naPauro zvaive zvakaoma kunzwisisa.” Nekuti vaive vabvisa Shoko kuvanhu, zvakakasika kusvika kuvanhu kuti vaive vongoterera zvaitaurwa nemaPrista chete, nekuita zvavaivaudza kuti vaite. Vaidaidza izvi kuti Mwari neShoko rake dzvene. Vakatora pfungwa nehupenyu hwevanhu vakavaita varanda vechiprista chakaipa ichi.
Izvozvi kana muchida humbowo hwekuti kereke yeCatholic inoda hupenyu hwevanhu nendangariro dzavo, tererai kutaura kwaTheodosius X. Kutaura kwaTheodosius kwekutanga.
Kutaura uku kwakaburitswa chinguvana mumashure mekubapatidzwa kwake nekereke yekutanga yeRoma. “Isu vabati vatatu tichaita kuti vanhu vedu vatevere chitendero chakadzidziswa naPetro mutsvene kuRoma, chakachengetedzwa zvakavimbika netsika dzedu uye izvozvi chakutungamirirwa naPontiff, Damasus weRoma, [mugore 366 AD Damasus akatenga matsotsi kuti auraye nhengo dzebato raipikisa 137 mazuva mashoma shoma akateve akaitazve zvimwechetezvo kuti vauraye vanhu 160 vaipikisa zvakare, vaive vemaAriani aisatenda kuTiriniti, kuti iye asarudzwe kuva Pope] naPetro, Bhishopu weAlexandria, murume wehutsvene hwemapostora zvichibva pakugadzwa kwemapostora, nedzidziso dzeEvangeri; ngatitendei muhuMwari humwechete hwaBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene, vehukuru hwakaenzana muTiriniti Tsvene. Tinoti vese vanotevera chitendero ichi vadaidzwe kuti maKirstu eCatholic; tinobva tatumidza vese vasinezivo vanotevera zvimwe zvitendero nezita rekuti vapikisi, torambidza kodzero dzavo dzinobva pamazita emakereke. Kunze kwekumhurwa kwekururamisirwa kwezvechitendero, vanofanira kutarisira murango unobva kudenga uyo simba redu, rinotungamirirwa neruzivo rwedenga rwuchatifungisa zvakakodzera kuti tivarwadzise ...”
Mirairo gumi nemishanu yemirango yakatemwa nemubati uyu ndeyemakore mazhinji ichirambidza huvangeri hwese, kodzero dzekuita zvezvitendero zvavo, kuvabvisa kubva kumabasa ese ehurumende, nekuvaisa panjodzi yekuripiswa, kusungwa, kudzingwa chero pane dzimwe nhambo kutovurawa.
Munoziva chii? Takananga ikoko chaiko.
Kereke yeRoma inozvidaidza kuti mai vemakereke. Inozvidaidza kuti kereke yekutanga. Izvi zvese ichokwadi. Ndiyo yaive kereke yekutanga paRoma yakazotsvedza ikapinda muzvivi. Yakava yekutanga kurongwa. Mairi makawanikwa mabasa uye dzidziso dzevaNikoraiti. Hakuna angaramba kuti ndimai. Ndimai vakabereka vanasikana. Mwanasikana anobva mumukadzi. Mukadzi akashonga nguvo tsvuku agere pachikomo cheRoma chechinomwe. Imhombwe yakabereka vanasikana. Vanasikana ava ndivo Masangano akabuda mairi achisvora dzidziso dzayo asi akangodzokera zvakare muhurongwa hwayo uye muchiNikoraiti. Mai vemakereke vanasikana vavo ava vanodaidzwa kuti mhombwe. Ndiye mukadzi aive asina kuvimbika kusungano yewanano yake. Aive akaroorwa naMwari akabva aenda nenzira yevupombwe naSatani mukupomba kwake akabereka vanasikana vakangofanana naye.
Mubatanidzwa wamai nemwanasikana uyu unoramba Shoko, unoramba Mweya, uyewo unoramba Kristu (antikristu). Hongu, ANTIKRISTU.
Zvino ndisati ndanyanya kuenda kure ndinoda kutaura kuti mabhishopu ekutanga aya aifunga kuti vaive pamusoro peShoko.
Vaiudza vanhu kuti vaigona kuregerera zvivi kana munhu akareurura zvivi zvake. Ichi hachina kubvira chava chokwadi. Vakatanga kubapatidza vacheche musenturi rechipiri. Vaitoita rubapatidzo rwekudzokorora. Hazvishamisi nei vanhu vakangokanganisika nhasi. Kana vaive vakakanganiswa ipapo, pedyo nekuPentekositi, izvozvi vave munzvimbo yakatoipisisa, makore 2000 kubva pachokwadi chekutanga.
Oh, kereke yaMwari, kune tariro imwechete chete. Dzokerai kuShko mugare naro.