Danieri 9:24-27 MaJuda vane nemakore 490 chete
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Makore evaHedeni 483. Jesu ndiye aive nemakore manomwe ekupedzisira. Akavurawa mumashure memakore matatu nehafu. MaJuda achiri kukweretwa makore matatu nehafu naMwari.
- Chiprofita chinobatika
- Kugovaniswa kwenguva
- Mwari aive asisaverengi nguva kumaJuda mumashure meCalvari
- Kuverengerwa mazuva kweIsraeri kunoenderera mberi munguva yeKutambudzika kukuru
- Mazuva 1335
- Chisimbiso chechitanhatu mucherechedzo wemaJuda munguva yeKutambudzika
- MaPrista emuTembere haagoni kuita nguwo dzakabvaruka
- Mavhiki makumi manomwe akatanga riini?
- Mavhiki makumi manomwe haana kupera nekuti Messiasi akagurirwa panzira
- Mwari akasimbisa sungano muna Kristu
- Rufu runopinda munguva yeKutambudzika
Chiprofita chinobatika
DANIERI 9:24 Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako
Kubva mugore 446 BC mambo wePersia Artashasta akaudza Nehemia kuti avakezve masvingo eJerusarema, kwaizove nemakore 490 emuBhaibheri (emazuva 360) nehushe hwemakore 1000 erugare (hunodaidzwa kuti Mereniyamu) anozogadzwa maJuda achitonga nyika.
MaJuda ese chavaifanira kuita kugamuchira Messiasi wavo mukati memakore manomwe ehushumiri hwake paakauya kuzobapatidzwa pedyo nekupera kwegore AD 29.
Messiasi akaziviswa neumwe wevaprofota vakuru kwazvo, Johane Mubapatidzi akazunguza Israeri yese. Munhu wese akaziva kuti muprofita asvika.
Jesu akabvunza maprista makuru kuti Johane akawanepi simba rake. Kubva kuna Mwari kana kuti kuvanhu? Vakatya kudaira nekuti dai vairamba kuti aive muprofita waMwari, vanhu vaizokakavara nekuratidzira.
MATEO 21:26 Asi kana tikati [maprofita makuru], kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johane muporofita.
Asi MaJuda paakauraya Messiasi pamuchinjikwa mumashure memakore matatu nehafu mugore AD 33, zvinhu zvese zvakashanduka.
Nhorondo yaizodzokorora zvakare kufamba nenzira yakaprofitwa naDanieri.
Kugovaniswa kwenguva
Mukana wemakore 2000 wenguva nomwe dzimakereke waizotevera mushure mekurovererwa. Ipapo, mukati memakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru, Mwari anotendeukira kudzokera kumaJuda kunopedzisa makore avo matatu nehafu anofanira kuzadzikiswa.
Mukati menguva nomwe dzemakereke hakuna kuverengwa nguva sezvo Mwari aive asiri kushanda nemaJuda.
Nguva yekupedzisira yemakore manomwe inopatsanurwa nepakati nenguva nomwe dzemakereke.
Saka, nguva nomwe dzekereke dzinogona kushandiswa “sekupatsanurwa kwenguva.
Chikara isimba risina tsitsi reRoma yechipegani yakaparadzwa mugore AD 476 nemarudzi evatorwa rikamuka kubva mumatongo eHushe hweRoma rava Kereke yeRoman Catholic. MaCatholic anouraya kereke yechokwadi votsvaga kuparadza kurudziro yeBhaibheri reKing James (rinova Jesu muShoko) sekushandisa kwakaita Roma yechiPegan ichishandisa Pontiusi Pirato kuparadza Jesu pamutumbi. Kunyangadzwa kwechokwadi uku, kuchishandura, kuchirwisa, nekufuratira Magwaro zvichaenderera mberi kusvika kumagumo. Nguva yakatarwa inosvika “pakupatsanurwa kwenguva” kana pakupera kwenguva nomwe dzemakereke. MaRoma echipegani akauraya Jesu pakutanga kwekupatsanurwa kwenguva. Chimisikidzo chesangano reRoman Catholic chechitendero chakarongwa chinopokana neBhaibheri reKing James Vhezheni nemaKristu echokwadi munguva dzemakereke. Vachaenderera mberi nepavanogona napo kupikisa Shoko rechokwadi kusvika pakuguma “kwekupatsanurwa kwenguva” kuchamira kana Mwenga atorwa kukwira Kudenga. Ipapo makore matatu nehafu eKutambudzika kukuru anobva atanga.
DANIERI 7:25 Achataura mashoko okumhura Wokumusoro-soro, achaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.
“Kushandura nguva”. Mudzvanyiriri weRoma yeChipegani Jurio Kesari akashandura Karenda mugore 45 BC kuti Gore riite mazuva 365.25. Pope Gregory 13 vakabva vagadzirisa zvakare karenda muna 1582 kuti gore riite mazuva 365.24. Mutemo weRoman Catholic ndewekuti zviprofita zvinofanira kutsanangurwa nezvikamu zvenguva dzekarenda idzva remazuva evaHedeni, kwete gore remuBhaibheri remazuva 360. Ndicho chikonzero nei zviprofita kumakereke zvinorasika kana zvikaiswa mazuva.
Semuenzaniso, makereke anoti Jesu akazvarwa mugore 4 BC. Vanoenda kumakereke vanotobvumawo kupusa kusvika pakuti Jesu akazvarwa makore mana kuzvarwa kwake kusati kwasvika.
Makore akapoteredza AD 350. Pope Jurio I vakashandura nguva dzekuzvarwa kwaJesu kubva pazuva risina anoziva kuisa pamusi wa25 Zvita sezvo iri raive zuva rakaberekwa mwari wezuva. Akaisa mutemo mutsva wekuti vanhu vanofanira kupemberera kuzvarwa kwaJesu. Bhaibheri harina kubvira rati tipemberere kuzvarwa kwaJesu. Misangano yekunamata kwemaCatholic inodaidzwa kuti masi. Saka Pope Jurio vakaisa mutemo mutsva vakaidaidza kuti Kiristu masi zvakazodaidzwa kuti Kisimusi.
Kana muchipemberera Kisimusi muri kuteerera murairo weCatholic, masi yeCatholic, kwete Bhaibheri.
Kereke yeCatholic yakashandura kufa kwaJesu kubva pamusi weChina kuenda chishanu, nekuti Chishanu (Friday) rakatumidzwa kubva pana Freya aive mwarikadzi wechipegani. Aive mwarikadzi wembereko mucherechedzo wake waive hove nekuti hove dzinoita vana vakawanda kudarika zvimwe zvinhu zvese. Ndicho chikonzero nei maRoman Catholic nemamwe masangano mazhinji semasowe vachidya hove Chishanu. Ichi chaive chikamu chekunamata vakadzi kunoitwa neRoma zvinosanganisawo Maria.
Nemurairo weRoma, Paseka kana Isita inofanira kuitwa chishanu gore rega rega. Paseka haisi pazuva rimwechete pavhiki gore rega rega, zvinobva nekuti Mwedzi wakazara uripo rini. Asi nhasi makereke ese anopemberera Paseka musi weChishanu, ichinzi (Good Friday) Chishanu chakanaka hazvisi muMagwaro. Zvichiteverwavo nekumwe kupemberera kusimo zvakare muMagwaro “Isita yeMuvhuro” pasina kana chakaitika zuva iroro muMagwaro.
Makore akapoteredza AD 195, kuedza kuwana hukuru pamusoro pemamwe makereke Pope Victor I akati mhemberero dzeIsita dzeCalvari hadzifaniri kuitika mwedzi wakazara sezvakaitika kuna Eksodo paPaseka, asi inofanira kuitwa musi weChishanu. Izvi zvakazozivikanwa nekunzi “Chishanu chakanaka chisimo muMagwaro”.
Chidyo chakabviswa kubva pakuva chidyo chenguva dzehusiku (Chirayiro chaShe) kuitwa magwanani (Chisvusvuro chaShe). Murairo mutsva weCatholic unoti maprista chete ndivo vanokwanisa kunwa waini. Chingwa chaifanira kuva wafa rakatenderera, raimboshandiswa pakunamata mwari wezuva saka nekudaro, hachigoni kugurwa. Jesu akagura chingwa.
Vhiki rine mazuva manomwe.
Rabani akati kuna Jakobo.
GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve."
Zuva rinomiririra gore muzviprofita.
MaJuda aive nemavhiki makumi manomwe = 70 x 7 = mazuva 490.
= makore 490 emuBhaibheri.
Mwari aive asisaverengi nguva kumaJuda mumashure meCalvari
Chaizoitika mumashure memakore 69 nehafu kwaizova kuuraiwa kwaMessiasi apo hafu yevhiki (makore matatu nehafu ) aive achiripo asati ashandiswa.
Mwari akabvisa maJuda panguva iyoyo.
Nekuda kwekudarika kwavo kukuru, vaizobviswa kubva muzano guru raMwari.
Mweya waMwari waizouya pazuva rePentekositi kuzosimbisa kereke yekutanga.
Pakupedzisira kumagumo, Mweya Mutsvene uchasimudza Mwenga kunosangana naShe kumakore paKuuya Kwake.
Ipapo, kupedzisa dambudziko ravo rekugurwa, Mwari anotendeukira kumaJuda mumakore matatu nehafu eKutambudzika. Kunyanya kumaJuda 144,000 vaakasarudza.
Kuverengerwa mazuva kweIsraeri kunoenderera mberi munguva yeKutambudzika kukuru
Izvi zvinangwa zvichazadziswa naMwari kumaJuda mukati memakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru, kana Mwari atanga kuverenga nguva kwavari zvakare.
DANIERI 9:24 Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, ... kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi,
[Mwari achatendeuka kubva kukereke yemaHedeni ozvigamuchirira maJuda 144,000 kuti vadzoke mundima mukati menguva yeKutambudzika. MaJuda havazove davi rakatemwa naShe muna AD 33. Vachadzorerwa pamuwonde weZano guru raMwari]
nokuyananisira zvakaipa,
[maJuda vanokumbira kuti ropa rake rive pamusoro pavo nevana vavo. Zvikamu zviviri kubva muzvitatu zvemaJuda vachauraiwa munguva yeKutambudzika. MaJuda 144,000 vachauraiwa mumashure mekugamuchira Jesu. Izvi zvinogumisa chikwereti cheropa]
... nokuuyisa kururama kusingaperi,
[kurova Mufudzi paCalvari. Zvakaitwa nemaJuda zvaive zvisina kufanira zvakaipa kwazvo. Zuva rekururamisirwa rinotaura pamusoro pekutendeuka kwavo kana maJuda 144,000 akasangana vakaziva Jesu saShe Messiasi wavo akauraiwa nemaJuda]
... nokuuyisa kururama kusingaperi,
[Mumashure mehondo yeAmagedhoni, Satani achasimbiswa muGomba risina magumo nengetani dzezviitiko zvisingamutenderi kupindira pahupenyu hwepanyika mukati memakore 1000 eHushe hwerugare]
nokusimbisa zvakaratidzwa nomuporofita,
[Tichaziva zvakavanzika zvese kumagumo. Totenda hama Branham Mwenga akufanira kugona kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri kunze kweparinotaura pamusoro pemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika. Asi Mosesi naErija vachazarura chisimbiso chechitanhatu ipapo zvakavanzika zvenguva yeKutambudzika zvinobva zvazivikanwa. Saka, pakupera kwemakore matatu nehafu eKutambudzika, zvakavanzika zvese zvinofanira kuzivikanwa.]
nokuzodza nzvimbo tsvene-tsvene.
Tembere Itsva muMereniyamu.
Ichavakwa mumazuva 75, zvichida nemweya unoshamisa waJesu. Aya mazuva 75 pakupera kwemazuva 1260 enguva yeKutambudzika ndeekugezwa apo runzinji rwevatadzi runenge rwabviswa.
DANIERI 12:12 Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
1335-1260 = mazuva 75.
Chikamu chimwechete chemaJuda nevaHedeni vasina kubvira vanzwa Evangeri vachagona kurarama paAmagedhoni. Ndivo vanhu, semaJuda muTestamente yekare, vanofanira kurarama nemurairo wekubaira zvipiriso muTembere yeTestamente Itsva kuti varegererwe zvivi.
Kana Jesu akabva pachigaro chenyasha kuti anotore mwenga wake, ndipo panopera nyasha kutongwa k orova nyika mumakore matatu nehafu enguva yekutambudzika kukuru. Saka, Mwari anofanira kuva nenzira itsva muhushe hweMereniyamu kana makore 1000 erugare kuti maJuda asina kuponeswa nemaHedeni asina kuponeswa kuti vaponeswe.]
Rabani akati kuna Jakobo.
GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve."
Zuva rinomiririra gore muzviprofita.
MaJuda ane mavhiki 70 = 70 x 7 = mazuva 490 = makore 490 emuBhaibheri.
Mazuva1260.
ZVAKAZARURWA 11:3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
Mwedzi 42 = mazuva 1260.
Saka mwedzi mumwechete = mazuva 30.
Saka, gore remuBhaibheri – 12 x 30 = mazuva 360.
Makore 69 echihedeni emazuva 365. 24 = makore 70 emuBhaibheri emazuva 360.
Makore emuBhaibheri 70 ega ega, isu maHedeeni tinenge takarasikirwa negore rimwechete.
Saka, mumakore 490 emuBhaibheri, tine makore 490/70 = makore mashoma nemakore 70 kumakore edu vaHedeni.
Nguva dzese dzasarira maJuda paKarenda redu makore 470 – 7 = makore evaHedeni 483.
(Mazuva 1260 ekupedzisira achava makore matatu nehafu ekutambudzika kukuru.)
Mazuva 1335
DANIERI 12:12 Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
Mukati menguva yeKutambudzika kukuru, maJuda anodzorerwa kuna Mwari.
Mwari haazoverengi mazuva 75 anozotevera sezvo inenge iri nguva yekuvurayiwa kukuru apo Mwari anobvisa zvivi panyika munguva yehondo yeAmagedhoni. Panguva iyo vanhu vachatsvaga kupera.
Chidzidzo chakakosha: Mwari dzimwe nguva anoita chinhu chisina kunyorwa kuti aratidze zvaanenge achida kuti tione.
Kana Mwari akasiya mazuva 75 zvinoreva kuti akaoma zvakanyanya kunzwisisa.
Mwari haashande nemaJuda mumazuva 75 aya. Anenge achiuraya vasina kuponeswa nechikero chepamusoro. Nekusaverenga mazuva aya mumazuva emaJuda, Mwari anenge achiti achange asingaurayi maJuda mumazuva 75 iwayo.
Muenzaniso wakanaka wekusiya zvimwe zvinhu waive weZuva raMwari rekutanga.
Zuva rekutanga kuna Genesisi raive RISIRI mangwanani nemadekwana. Asi raipesana raive, Madekwana nemangwanani.
GENESISI 1:5 Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe.
Nei husiku kwakasiiwa? Nekuti huntaura makore matatu nehafu eKutambudzika kukuru. Nguva yerima. Pasina chiedza. Pasina chokwadi cheBhaibheri.
Rima neHusiku kushaikwa kwechiedza, saka Mwari akazvisiya.
Nguva yeKutambudzika inoona Rufu ruchipinda mumashure mekubuda kweHupenyu apo mwenga anotorwa kukwira kudenga neMweya Mutsvene kunosangana naShe kumakore. Rufu kushaikwa kweHupenyu mumashure mekubva panyika kweMweya Mutsvene.
ZVAKAZARURWA 6:8 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Kota yenyika (vanhu vanoda kukwana 2 biriyoni) vachafa.
Mwari akasiya husiku nekuti vanhu ivavo vachasara munguva yeKutambudzika kukuru (husiku hwemweya huri kuuya) nekuti vakasiya chiedza cheShoko raMwari rakaziviswa pakupedzisira. Saka anovasiyawo kunze kweShoko rake, kuti azivise chokwadi chakadzama kune avo pakati pedu vanoda kuziva chokwadi.
Ndudzi huru nomwe dzemavara dzinobatana kuita chiedza chichena. Mavara akasiyana siyana anomiririra nguva nomwe dzemakereke dzakasiyana.
Chiedza chemadekwana pakaziviswa Zvisimbiso zvinomwe, chakaona chokwadi cheMagwaro chakadzama chichiziviswa.
Ruzivo rwenguva nomwe dzese dzemakereke runofanira kubatanidzwa kuti ruite chiedza chichena chokwadi chakazara.
DANIERI 12:9 "Iye akati, `Chienda hako, iwe Danieri, nokuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.'
10 Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
Vasikana vakachenjera chete ndivo vachanzwisisa Bhaibheri nekuti ivo voga ndivo vanogona kubatanidza shinda kubva munguva nomwe dzemakereke kuti vaburitse chiedza chichena.
Ndiyo mharidzo yechiedza chemadekwana.
ZEKARIA 14:7 ... hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo.
Rumuko rwenguva nomwe dzese dzemakereke runobva rwaitika.
Ndiyo ichava nguva yega yekuti Mwenga akazara (chiedza chichena) chinenge chiri panyika. Mwenga anobva atorwa kukwira Kudenga kuChirayiro cheMuchato.
Saka anopunyuka husiku hwenguva yeKutambudzika hunotsvaira nyika.
Anodzoka panyika kuzotanga Mereniyamu, mumashure meChirayiro cheMuchato Kudenga. Mangwanani ndiko kutanga kwezuva idzva, reMereniyamu. Zuva kuna Mwari rakaita sechuru chemakore.
II PETRO 3:8 Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.
Husiku hune ndangariro dzisingafadzi dzemakore akaoma enguva yerima yeKutambudzika kukuru, anoda kukanganikwa. Saka, Mwari anosiya husiku.
Saka Mwari haadi kutaura nezverima renguva yeKutambudzika paanotaura nezvechiedza.
Kusiya husiku kune chirevo chakadzama. Mwenga akazara anenge ari panyika pamadekwana enguva dzerumuko.
Asizve Mwenga haapindi mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.
Ndizvo zviri kutaurwa naMwari paanosiya husiku.
Madekwana nemagwanani raive Zuva reKutanga.
Ko masikati? Jesu akarovererwa pakati penguva dza9 na3 masikati.
Chero zuva rakaramba kupenya kwemaawa matatu kubva zuva rocheka nyika pakafa Chiedza chenyika.
Kuuraya Shoko raMwari chaive chivi chinotyisa kwazvo zvekuti Mwari haana kubvira ataura nezvemasikati sechikamu chezuva. Chiitiko chakaipisisia ichi chaive chisiri chikamu chechiedza chezuva chakanaka.
Saka, Mwari ari kutiudza kutii nekusiya kwaakaita masikati pakutsanangura kwake mamiriro eZuva?
Kana tikaita chinhu chinouraya kurudziro yeKing James kupfurikidza kurishandura, kurirwisa, kana kurifuratira mavhesi aro Mwari anotisiya kubva muBhuku rake reHupenyu.
Bhaibheri reKing James vhezheni ndiro Jesu muShoko saka tinofanira kutenda kuti ndiro Izwi raMwari risingatadzi.
Tinokwanisa kutadza kuzvidza King James Vhezheni reBhaibheri nechero nzira sezvo dziri ndangariro dzaJesu asi hatingamuzvidzi.
Chisimbiso chechitanhatu mucherechedzo wemaJuda munguva yeKutambudzika
Zvino tinosvika kumaJuda muChisimbiso chechitanhatu vanofanira kupinda mumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru.
Iyi inguva inotyisa apo kutsamwa kwaMwari kunodururwa pamusoro perudzi rwevanhu runotadza kwazvo.
Kutyisa kuchava mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kuchavapo, hondo yeAmagedhoni ichange yakanyanyisa.
Saka, Mwari anosiya mukana wemazuva 75 aasingaverengi nekuti hakuna munhu anoda kuva nendangariro dzenguva inotyisa iyi. Hondo yeAmagedhoni nekunatswa kwezvivi hazvifaniri kuverengwa. Uku ndiko kuurayiwa kunotyisa murudzi rwevanhu nekuti vanhu vachange variko ndevanorarama vanofa. Vapenyu panyama, asi vakafa zvakazara pamweya. Vaive vakarasika chose pasina tariro pamusoro pavo.
Vanongofanira kukanganikwa sezvo zvaive vara rakashata rehuwori pachiso chehunhu vakaita nepavaigona napo kuparadza chokwadi. Mwari anosvotwa kwazvo navo zvekuti haatodi ndangariro dzehupenyu hwavo hwakaipa kuti dzirambe dziripo. Ingori nzvimbo isina chinhu. Marangwanda avo chete neropa zvichava rutondedzo runorwadza rwemubairo wezvivi kune avo vanopona paAmagedhoni.
Kana mazuva 1260 enguva yeKutambudzika adarika, kana maprofita maviri nemaJuda 144,000 vavurawa vakamutswa zve kuti vararame, kune mazuva 75 anenge asarira vanhu (vanorarama vemaJuda nevaHedeni vanorarama vasina kubvira vanzwa Evangeri) vanokomborerwa paTembere yeMereniyamu Itsva.
Zvinoreva kuti mumazuva 75 iwayo, hondo yeAmagedhoni inoitika. Hondo ichange yakaipisisa kuti muinzwisise. Ropa richierera kusvika mumabvi emabhiza chinhambwe chemamaira 200 muIsraeri. Asi zvichava manyowa ekuita kuti renje ripfumvure zvakare seruva munguva yeMereniyamu kana kuti makore 1000 erugare.
MaPrista emuTembere haagoni kuita nguwo dzakabvaruka
Mwari akashanda nemaJuda nenzira dzekunamata muTembere kana chete muPrista mukuru aisabvarura nguwo dzake.
Nguwo dzinotaura pamusoro pekururama.
MAPISAREMA 132:9 Vaprista venyu ngavafukidzwe nokururama; Uye vatsvene venyu ngavapururudze nomufaro.
Jesu, seMuprista wedu Mukuru, aive nekururama kwakakwana.
REVITIKO 21:10 "Munhu, ari muprista mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomuprista mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
MATEO 26:65 Ipapo muPrista mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake.
Nguva dzemaJuda dzaifamba gore negore kubva pakuvaka masvingo kwaNehemia kusvika pakubvarura nguwo kweMuprista mukuru Kefasi.
Izvi zvakagumisa Murairo wemaJuda.
Mwari akabva adaira nekubvarura chidzitiro cheTembere.
Mwari aive asisiri kushanda nemaJuda saka kuverenga kwakabva kwamira.
MATEO 27:51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Asi imwe nguva munguva inouya kuchava nemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru (yemazuva 1260) anopihwa kuna Pope wekupedzisira (anogona kuzvidaidza kuti Petro II) kuti atore simba atonge pasi rese. Ipapo Mwari anozoita zano idzva kuti abatsire maJuda 144,000 nekuti Jesu anenge asisiri pachigaro chenyasha.
Mavhiki makumi manomwe akatanga riini?
Nehemia paakapihwa murairo wekuvaka masvingo eguta reJerusarema.
DANIERI 9:25 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
NEHEMIA 2:1 Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Artashasta,
NEHEMIA 2:5 ndikati kuna mambo, "Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka."
Dhorobha raizodaidzwa kuti guta kana ravakira masvingo akarikomberedza.
Nekuvaka masvingo akapoteredza zvivakwa zveJerusarema, Nehemia aiitawo kuti zvivakwa zveJerusarema zvive guta.
NEHEMIA 6:15 Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri
Atashasta akava mambo mugore 465 BC.
Encyclopaedia Britannica
Artashasta I, (akafa muna 425 BC Susa, Elm [muIrani izvozvi]) Achaemenid mambo wePersia (akatonga kubva muna 465 kusvika 425 BC).
Gore rake rechimakumi maviri rinozova 446 BC.
Mavhiki makumi manomwe haana kupera nekuti Messiasi akagurirwa panzira
Bvisai 446 BC kubva mumakore 483 evaHedeni.
483 – 446 = 37
Saka, nguva yemaJuda yaifanira kupera muna AD 37 Messiasi aizogadza makore 1000 erugare maJuda otonga nyika.
Asi chii chakaitika?
Mubati weRoma Augusto akafa muna AD 14.
Tiberio kaitwa mubati kana kuti Kesari paakapihwa chinzvimbo neSeneti.
RUKA 3:1 Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari,
14 + 15 =29
Apa tava mugore AD 29 pakatanga Johane Mubapatidzi hushumiri hwake.
Imwe nguva gore iri rakunopera Jesu akauya kuna Johane kuzobapatidzwa akuda kukwanisa makore 30.
RUKA 3:23 Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu
Saka, Jesu paakatanga hushumiri hwake kwaive kwasara makore 37 – 30 = 7
Akafa makore matatu nehafu akazotevera muna AD 33 pakabvaruka chidzitiro cheTembere Mwari akamira kushanda nemaJuda.
Parufu rwaJesu, maJuda aive asara nemakore matatu nehafu nekuti Mwari akabva amira kushanda navo.
Mwari haaverenge nguva kumaJuda kubva paakamira kubata navo paCalvari.
DANIERI 9:26 Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa
[Achavurawa paCalvari],
... akasara asina chinhu
[akatifira];
... vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene;
[Mukuru wemauto Tito aive muchinda sezvo aive mwanakomana wemubati weRoma Vespasian. Saka Tito aive mucherechedzo wemuchinda wekupedzisira Pope achazouya]
... vachaparadza guta nenzvimbo tsvene;
[Izvi zvakaitika muna AD 70]
... asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatemwa, kusvikira pakuguma.'
[MaRoma echipegani akatema miti yese pamamaira aisvika 11 munzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vachisiya nzvimbo idzi dzanyangadzwa. Pakapera Hondo yemaJuda (AD 66-70) vakabva muJerusarema sezvo yaive yanzvimbo yakaparadzwa Tembere yakapiswa ikaparadzwa.
Mweya weRoma yechipegani waizomuka mumatongo ehushe hweRoma wave kereke yeRoman Catholic.
Kereke iyi yaizoshandura kuturikirwa kweBhabheri kuisa muchiRatini nekushandura Magwaro mazhinji nekusiya mamwe Magwaro mazhinji.
Tsika yemasangano yekuita munhu mumwechete semutungamiriri wekereke akasimudzirwa yaizopindawo mumakereke masangano akapikisa akabuda muRoma.
Hondo yemweya yairwisa chokwadi cheBhaibheri yakaona pasita ari musoro wekereke imwechete nemavhezheni anodarika zana eBhaibheri rechirungu.
Mufundisi mumwe nemumwe aive nemafungiro ake saka chiKristu chakapatsanurwa kuita masangano anodarika 45,000 akasiyana, imwe neimwe nezvitendero zvayo nedzidziso dzisimo muMagwaro.
Hutungamiri hwevanhu nemazano akaitwa nevanhu asimo muMagwaro zvakaderedza makereke kuita tsvina apo Jesu, Shoko, akamira asingadiwi ari kunze kwekereke.
Dzidziso dzisimo muMagwaro dzakaita “seTiriniti”, “Kisimusi”, “Chishanu Chakanaka (Good Friday)”, “mutungamiriri haatadzi”, “Nguva yeKutambudzika yemakore manomwe”, uye “Bhaibheri reKing James rakakanganiswa”, zvakabatsira kufambisa hondo yemweya ichipinda kunorwisa King James Vhezheni yeBhaibheri].
Muchinda anouya achave Pope wekupedzisira nekuti anofanira kuva muRoma.
Mwari akasimbisa sungano muna Kristu
DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe;
Uyu haasi antikristu aiita sungano nemaJuda yemakore manomwe eKutambudzika kukuru sezvinotaura makereke.
Uyu ndiMwari paCalvari achisimbisa sungano yeruponeso yakaitwa naMwari kuna Abrahama nemwana wake, mumwechete, anova Kristu mwana waAbrahama weMweya]
VAGARATIA 3:16 Zvino, izvo zvipikirwa zvakarebwa kunaAbrahama nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Kumwana wako; uyu ndiye Kristu.
17 Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu,
DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo,
[mumashure memakore matatu nehafu Jesu akafa pakati pevhiki rekupedzisira, zvipiriso zvese zvemhuka zvakashaya basa. ]
Asi chakavanzika chikuru chaive chekuti rufu rwaJesu haruna kuputsa sungano, rwakasimbisa sungano.
... zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa."
[Tembere yakaparadzwa nemaRoma echipegani. MaRoma akavaka Tembere yechipegani nekunyangadza kwayo panzvimbo yeTembere. MaMosiremu kavakawo mosiki yeAl Asqa neDome of the Rock panzvimbo yeTembere zvinovawo zvakare nyangadzi dzinoita kuti nzvimbo iyi igare yakaparadzwa pamweya. Hakuna kunamata kwechokwadi kunoitika ipapo. Zvivakwa izvi zvicharamba zviripo kusvikira pakuguma kuvodza nzvimbo yeTembere nekuita kuti chokwadi chayo chiparadzwe.
Zvitadzo zvemaMosiremu nemaCatholic zvichaparadzira nyangadzi yemweya. MaMosiremu ndiwo chitendero chiri kukurisa nekukasika nguva ino. ChiRoman Catholic chemasangano akarongwa chakapararira mumakereke ese.
Asi kuchauya hosha dzichadururwa pamusoro pavo munguva yeKutambudzika kukuru yemakore matatu nehafu nekutongwa kwekupedzisira paAmagedhoni].
Mwari akaita sungano naAbrahama nemwana wake kuna Genesisi 15. Izvi zvinoita sekuti Isaka naJakobo nemaJuda asi zvaive zvisizvo nekuti mwana anotaurwa apa mumwechete, kwete vazhinji.
Mwari akasimbisa sungano iyoyo murufu rwaKristu, Mwana waAbrahama wemweya.
Saka, sungano dzakaitwa kuna Abrahama dzakazadziswa muhushumiri hwaKristu hwaizoitika kwemakore manomwe.
Asi Jesu aive panyika kwemakore matatu nehafu chete pahushumiri hwake. Saka Mwari ANOKWERETA maJuda mamwe makore matatu nehafu aanofanira kuvapa munguva yeKutambudzika.
Kristu akatiwanira ruponeso rwedu vaHedeni paCalvari asi maJuda, vakamuuraya, vakagurirwa panzira. Vakapofomadzwa nekuzvininipisa kwaMessiasi.
Kuvatungamiri cechiJuda, Jesu akararama hupenyu hwakareruka kwazvo.
Vakafunga kuti Messiasi aizova nehupenyu hunorema huzere hupfumi. Ruvengo rwezvematongerwo enyika rwaive nemaJuda kuvaRoma rwakavapofomadza kuti vasaone Muchinda weRugare. Saka, Mwari aive achiri kukwereta maJuda mamwe makore matatu nehafu nekuti Mwari aive avapofomadza makore 2000 akadarika, kuti isu tiwanewo mukana.
Rufu runopinda munguva yeKutambudzika
Asi Mwari haagoni kutendeukira kumaJuda kana achiri kushanda nevaHedeni.
Kana maHedeeni akatorwa kukwira Kudenga neMweya Mutsvene Mwari anobva atendeukira kumaJuda. Mweya Mutsvene Hupenyu. Kana Hupenyu hukabuda Rufu runopindira rwotasva bhiza rakachenereka rine ruvara rwechitunha richipinda munguva yeKutambudzika. Kota imwechete yevanhu 8 bhiriyoni vari panyika vanofa. Ndufu 2 bhiriyoni.
ZVAKAZARURWA 6:8 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Chikamu chimwechete muzvikamu zvitatu zvemaJuda ndivo vanokunda makore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.
ZEKARIA 13:8 "Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura JEHOVA migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
Hushumiri hwaJesu hahuna kupera nerufu rwake asi nekumuka kwake nekukwira Kudenga.
Saka, hushumiri hwemaprofita maviri kuvaIsraeri hahuperi nerufu rwavo asi nekukwira kwavo Kudenga.
Ndipo panogumira mazuva 1260.
MaJuda akaponeswa vakagamuchira Rubapatidzo rweMweya Mutsvene munguva yeKutambudzika ndivo maJuda 144,000.
Izvi zvinopedzisa ruponeso rwemaJuda runopera kana mazuva 1260 eKutambudzika apera.
Nzira imwechete yekuponeswa mumashure maizvozvo kupona pahondo yeAmagedhoni wonamata Jesu muTembere Itsva muchipira mhuka.
Pakupera kwemazuva 1260, zvikamu zviviri pazvikamu zvitatu zvemaJuda vanenge vaurayiwa.
ZEKARIA 13:8 "Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura JEHOVA migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
Chikamu chimwechete muzvikamu zvitatu zvemaJuda chinenge chasara chinorarama paAmagedhoni vopinda muMereniyamu kana makore 1 000 erugare. Ikoko vachanamata muTembere nezvipiriso zvemhuka kuti vaponeswe.
Mumashure memazuva 1260 kune mazuva 75 anosanganisa kuparadzwa kwezvakaipa zvinoparadzwa nenzira yakaomarara mukudeurwa kweropa kukuru paAmagedhoni. Mumashure maizvozvo Satani anosimbiswa kuiswa mugomba rakadzika dzika osungwa nengetani dzezviitiko dzinoita kuti ashaye simba rekupindira pazviitiko zvenyika kwemakore chiuru anotevera.
Kristu anozodza Tembere yake Itsva ichave nheyo dzekunamata kwemarudzi ese vanenge vapona paAmagedhoni. Ndiko kuchava kuzodza kweMutsvene Mukuru, kwaanoita Tembere inogara Kristu.
Kwouya Mereniyamu yerunyararo rukuru.
DANIERI 9:27 ... zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa.
MaRoma echipegani akaparadza Tembere mugore AD 70 vakaba zvikoshwa zvemuTembere zvavakatora vakaenda nazvo kuRoma kunovaka gomba reshumba. Nhandare huru kwairwadziswa nekuurairwa maKristu achipihwa shumba kuti dzidye munguva yeShumba, chisikwa chekutanga chakapoteredza chigaro chehushe kuna Zvakazarurwa Chitsauko 4.
ZVAKAZARURWA 4:7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.
Kuuraiwa kwevanhu mukereke kwakatanga nemaRoma echipegani mumazuva emubati weRoma yechipegani Nero. Akarwisawo Israeri muna AD 66 negore AD 70 mauto eRoma vari pasi pemukuru wemauto Tito akaparadza guta reJerusarema akaparadza Tembere. MaJuda anodarika miriyoni rimwechete vakauraiwa 90,000 vakatorwa kuitwa varanda kuti vavake gomba reshumba nezvikoshwa zvemuTembere zvakabiwa nemaRoma. Nzvimbo yeTembere yakanyangadzwa. Negore rinenge AD 130 mubati weRoma yechipegani Hadriani akatanga basa guru rekuvaka. Akafukidza nzvimbo yeTembere nevhu kuti isagone kuwanikwa akavaka Tembere yechipegani ipapo. Jerusarem rakavakwa zve muguta rechipegani rinonzi Aelia Capitolina. Hadrian akauraya maJuda 580 000 muhondo yeBar Kochba yakazopera muna AD 135. Akaendesa maJuda aive asara muhupoteri akaita kuti vapararire nzvimbo dzese.
Vatapi veRoma vaive nehutsinye vakatonga nedare nzvimbo dzavakawana neropa.
Roma yechipegani yaive chikamu chenyangadzi yekuparadza.
MATEO 24:15 Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarebwa nomuporofita Danieri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).
Asi tinofanira kunzwisisa kuti izvi zvinozadziswa kanodarika kamwechete. MaMoziremu vakavakawo nyangadzi panzvimbo yeTembere.
Muna AD 637 maMoziremu akatapa Jerusarema negore AD 705 vaive vavaka Dome of the Rock panzvimbo yeTembere nemosiki yeAl Aqsa. Pamweya nzvimbo yeTembere yakaramba iri nyangadzi kusvika nhasi uno sezvo pasina kunamata kwechokwadi kunoitwa ipapo.
Roma yechipegani yekuMadokero yakaparadzwa nemarudzi evatorwa muna AD 476. Mweya weRoma yechipegani wakamuka uri kereke yeRoman Catholic. Pakati pemasenturi aya ese nzvimbo yeTembere yakaramba yakanyangadzwa pamweya nezvivakwa zvemaMosiremu zviri panzvimbo iyoyo.
Asi pane kuzadziswa kwakadzama.
Bhaibheri rechokwadi (King James Vhezheni) ndiro Muzinda Mutsvene uko maKristu anonzwa Izwi raMwari risingawiri pasi. Asi panzvimbo yeKing James Vhezheni, paane mavhezheni anodarika zana emaBhaibheri eChirungu . Mavhezheni emaBhaibheri ehuwori akatanga munana AD 300 mazuva emubati weRoma Constantine. Kubva ipapo makereke akatanga kushanduka, kusiya zvimwe nekurwisa zvinotaura Bhaibheri reKing James. Saka, kusaziva Bhaibheri kunokura mumakereke apo vanhu vanotevera maVhezheni anhasi eBhaibheri vobatirira pamazano asimo muMagwaro nezvakataurwa nevanhu nevatungamiri vemakereke. Jesu Shoko raMwari, rakamira risingadiwi kunze kwemusiwo wekereke.
Kupikisa Bhaibheri reKing James kunoenderera Mberi kusvika kumagumo kwenguva nekusukurudza pfungwa dzevanoenda kumakereke.
DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa."
Zvivakwa zvemaMosiremu zvicharamba zviripo kusvikira pakupedzisira, kumedzwa kwezvakaipa mumakore matatu nehafu enguva yekutambudzika kukuru zvakaipa pazvinosvika pakukurisa pasi paPope anovodza nekushandura Magwaro.
Haasi kuzosarudzwa nekanzuru yemaKadhinari. Achatora chigaro chehuPope nechisimba nenzira imwechete yakashandiswa nemukuru wemauto Gariba mugore AD 68 achitora chigaro chemubati weRoma kubva kuna Nero aive achengetwa naAugustus, mubati weRoma wekutanga. Saka, Nero aive pachigaro zviri pamurairo nekuda kwekuti aive nhengo yemhuri yemubati. Gariba aive mubvakure aive murwi wehondo akapinda muRoma akatora chigaro nechisimba chezvehondo Nero paakazviuraya.
Pope wekupedzisira haasi kuzosarudzwa nemaKadhinari. Neimwe nzira achangopinda pachigaro.
DANIERI 11:21 "Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
Ipapo Pope wekupedzisira achasimba nemasimba emauto evadzvanyiriri gumi kuti atore pasi rese.
ZVAKAZARURWA 17:12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
“Samadzimambo”. Havasi madzimambo asi vane masimba ezvematongerwo enyika akaita seemadzimbo. Vanodzvanyirira.
ZVAKAZARURWA 17:13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
Chikara chinoda simba rawo rezvehondo nesimba remauto avo kuti chitonge.
DANIERI 8:24 Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo;
SaPope, ane vatsigiri 1,4 biriyoni pasi rese nehupfumi huzhinji hwebato reGuta reVatican. Vatican ndiro bato rakapfumisisa pasi rese. Asi simba rekutonga pasi rese harisi kuzobva kukereke asi richabva kumasimba ezvehondo nesimba revadzvanyiriri gumi.