Danieri 12:10 – 13 - Vakachenjera vega ndivo vanonzwisisa
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Mavara manomwe ari pamurarabungu anobatana kuita chiedza chichena. Tinocheneswa chete kana mwari azadzisa Zano rake kunguva nomwe dzemakereke.
- Ndangariro dzaKristu dzega ndidzo dzinotigonesa kunzwisisa Bhaibheri
- Kune zviitiko zvitatu kuMwenga munguva yekupedzisira
- Mwari anoda zvinhu zvitatu kubva kukereke yenguva yeRaodikia
- Zvitendero zvenhema zvakaitwa nevafundisi kana mapasita emharidzo
- Ndiyani nyangadzi inoparadza?
- Ndiyani ari kutonga madhimoni ese aya ari muzvitendero?
- Chiprofita chemakore 1290
- Chiprofita chemazuva 1335
Ndangariro dzaKristu dzega ndidzo dzinotigonesa kunzwisisa Bhaibheri
I VAKORINTE 2:16 Asi isu tinomurangariro waKristu.
Kristu ega ndiye anonzwisisa Bhaibheri. Kana tiine Mweya Mutsvene, ndangariro dzake dzinouya mumoyo yedu kuti inzvere Shoko rake kuti tinzwisise kuti toyananisa sei mavhesi eBhaibheri akafanira.
ZVIREVO 4:7 Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire vuchenjeri, uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
Huchenjeri hunotigonesa kunzwisisa Magwaro. Ruzivo runotitendera kuona nzira ichifamba ichiita hochekoche Magwaro akasiyana siyana.
DANIERI 12:10 Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubvisa tsvina, asi vakaipa chachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
Nhanho nhatu dzakakosha. Kuzvinatsa. Kucheneswa. Kuedzwa.
Tinoziva sei kuti vakaipa ndevapi?
Vaya vasinganzwisise Bhaibheri.
Vaya vasingagoni kutsanangura zvinoreva mavhesi eMagwaro.
Vaya vasingagoni kunzwisisa mavhesi eBhaibheri chero zvikatsanangurwa kwavari.
Vaya vasina ruzivo rwekubatanidza mavhesi eBhaibheri pamwechete kuita nzira inofamba neBhaibheri kuti vatsigire zvavanotenda mazviri nezaruriro dzavo.
Vakachenjera, vanoti, “tinofanira kuziva”.
Vakaipa vanoti, “Tinofanira kuziva here?”
Pamagumo, chakanyanya kukosha haasi mabasa makuru asi simba rekugona kubuda nemuono wakadzama muzvakavanzika zveMagwaro.
Bhaibheri rinosimbisa ndangariro dzaJesu.
Kana tiine ndangariro dzaKristu, tinozonzwisisa mafungiro ake saka tinozogona kunzwisisa zvakanyorwa muBhaibheri.
Humbowo hweMagwaro hwerubapatidzo rweMweya Mutsvene chii?
JOHANE 16:13 Asi kana asvika Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirira muzvokwadi yose.
Kugona kwedu kunzwisisa chokwadi kubva kuBhaibheri rakanyorwa.
Tinoda here kuziva chokwadi cheMagwaro?
Tinogona here kunzwisisa Bhaibheri kana munhu akatitsanangurira nezvaro?
Ndapota tarirai. Pamagumo, Mwari anosimbirira pakunzwisisa Shoko raMwari.
Kune zviitiko zvitatu kuMwenga munguva yekupedzisira
1. Tinoda kuti zvitendero zvese zvisimo muMagwaro zvibviswe matiri.
Ndarama inorohwa nekupiswa kuti zvakaipa zvese zvibve. Kurovererwa kunoenderera mberi kusvikira munhu akukwanisa kuzviona chiso chake pandarama. Saka, Mwari anoroverera “zvido zvedu” kuti zvibude matiri kusvikira Mweya wake wakukwanisa kuratidzirwa matiri. Mweya wake uchatenda chete zvakanyorwa muMagwaro.
tinofanira KURASA zvese zvakaipa nezvitendero zvisizvo kubva mundangariro dzedu zvatakanonga mumakereke.
2. Kucheneswa. Kuchena kururama. Kururama kwedu kuri mukutenda muShoko raMwari chete.
Tinofanira KUDZIDZA ZVE zvinoreva zvakavanzika zveMagwaro zvechokwadi kubva kudzidziso dzehama Branham. Kurasa zvataimboturikira nazvo Magwaro kare tozvitsiva nekunzwisisa kwechokwadi kutsva kwatinenge taanako muBhaibheri.
ZVAKAZARURWA 19:7 Ngatifare , tifarisise, timukudze nokuti mutambo wokuwana weGwaiana wasvika mukadzi waro wazvigadzira.
8 Wakapiwa simba rokuti apfeke mucheka wakanaka; unopenya, usinetsvina, nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.
Mukadzi akapfeka zvichena kuitira muchato.
Nei zvichena? Izvi zvinotaura pamusoro pezano guru raMwari.
Ruvara ruchena runouya kana ndudzi nomwe dzemavara mumurarabungu dzikabatanidzwa kana kusanganiswa.
Mwari ane Zano Guru risingagoni kuonekwa nevanhu. Takarurama chete kana Mwari achigona kutiita kuti tizadzise Zano rake guru kupfurikidza kutishandisa, pachinzvimbo chekuzadzisa zvido zvedu isu zvenyama.
Mwenga wekupedzisira anofanira kubva kunguva nomwe dzemakereke akasiyana kwavakasangana nezviitiko zvakasiyana siyana. Nguva idzi dzese dzaifanira kubatanidzwa kuita nzira imwechete apo Mbeu yeShoko raMwari inogadzwa munguva yekereke yekutanga. Inofa paKanzuru yeNicaea muna AD 325 apo izwi risimo muMagwaro rekuti Tiriniti rakaziviswa chikavigwa mutsvina yeNguva yeRima. Mashizha ekutanga akatunga pakadzoswa ruponeso neKutenda chete naMartin Luther. Rumborera rwehutsvene hwaJohn Wesley nekuparidzira kwakapararira pasi rese munguva huru yemamishinari. Pentekositi yakaita hura uhwo William Branham akakwanisa kudzorera zvakavanzika zveMagwaro kusvikira Mbeu yakaibva yakazofanana nembeu yakatanga kudyarwa.
Mwenga pakupedzisira anofanira kubatanidza shinda dzese kuita nzira imwechete inozivisa Zano Guru raMwari.
Johane muBapatidzi aiziva kuti aive asina kufanira kuti abapatidze Jesu.
Saka, Jesu akayeuchidza Johane pamusoro peZano Guru.
MATEO 3:15 Asi Jesu wakapindura akati kwaari: Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.
Jesu aive Gwaiana rechibairo raifanira kugezwa risati rapirwa sechipiriso.
Saka, Johane aida kuziva paaikwana paZano Guru raMwari. Zvimwe zvese zvakaitwa naJohane zvaive zvekutangisa. RuBhapatidzo rwake rwaizotsiviwa nerubapatidzo muzita raJesu Kristu (Mabasa avapostora 2:38).
Rubapatidzo rwake rwaive rwenguva pfupi.
Asi basa rake rimwechete guru, rakakoshesesa pahushumiri hwake, raive rekusuka Gwaiana raMwari. Asina kusukwa, Jesu aisazoitwa chipiriso.
II MAKORONIKE 4:6 Akaita vo midziyo yokusukira inegumi; akaisa mishanu kurudyi, nemishanu kuruboshwe, yokusukira’mo; zvinhu zvezvipiriso zvaipiswa, zvaisukirwamo; asi dziva rakanga riri ravaprista rokushambidzira’mo.
Uku ndiko kururama kwaitaurwa naJesu.
Johane airarama hupenyu hwakachena. Asi kururama kwake kwaisazozadzisa Zano guru raMwari.
Kunzwisisa basa rake muZano guru raMwari ndiko kwaive kururama kukuru kwaJohane.
Totaura nezvaAbrahama.
VAROMA 4:5 ... kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
Abrahama aive azvipira kuuraya mwanakomana wake mumwechete oga nekuti Mwari aizomutsa Isaka kubva kuvakafa.
Saka, kutenda kwaAbrahama kwaive muMuono mukuru waMwari. Simba raMwari rekumutsa vakafa.
“Kuchena” zvinotaura kuti tinoziva Muono waMwari mukuru tigomutendera kutishandisa nenzira isingatarisirwi kuzadzisa Zano rake Rakadzama.
VAROMA 1:17 Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: wakarurama uchararama nokutenda.
Nguva imwe neimwe yaive nemugove wakasiyana wekutenda waiziviswa kwavari muShoko raMwari, hatigoni kugara muMuono Mukuru wanezuro.
Chiedza chemba yemwenje hachigari panzvimbo imwechete kwenguva refu.
Hakuna ngarava inogona kufamba nemhepo yazuro.
Saka, chii chakatarisirwa naMwari kuti tinzwisise kubva kuShoko rake nhasi?
DANIERI 12:13 Asi iwe chienda hako kusvika kuguma kwava’po; nokuti iwe uchazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.
“Mugove” ndiyo nhaka yakagadzirirwa muKristu mumwe nemumwe naMwari mune chero nguva yekereke yaanorarama. Hatina sarudzo pamusoro penguva nezviitiko zvinotiwira tichirarama. Basa redu nderekuziva kuti Mwari anoda kuti tiite sei uye titende mune zvipi nhasi, sekuziviswa kwazvinoita muMagwaro. Ndiko kuda kwedu, kuti tinoda kuzviita nenzira yaMwari zvakanaka here kana kuti nenzira yedu tisingabudiriri.
Tinofanira kubatanidza ndudzi nomwe dzemavara kuti tiwane chiedza chichena. Ruvara rumwe nerumwe runomiririra nguva yakasiyana.
Zvinoda mavara ese ari manomwe, achishanda pamwechete, kuti agadzire chiedza chichena.
Saka, “ruvara ruchena” runotaura pamusoro peZano Guru rakadzama. Kubatanidza ndudzi nomwe dzese kana nguva nomwe dzemakereke muMuono Mukuru mumwechete wabatana.
Kuchaita chete chiedza chichena pakupedzisira kana Mwenga anzwisisa nguva nomwe dzese dzemakereke uye akukwanisa kubatanidza dzese mungetani dzezviitiko zvinobata nhorondo yemakereke mukati menguva nomwe dzese dzemakereke.
Saka, “kucheneswa” zvinoreva kuti tinofanira kupindirana nenguva nhanhatu dzese dzemakereke dzakaitika isu tisati tavapo.
Zvakafanana, tinofanira kuziva mugove wedu kana kuti nhaka yedu inodiwa kuti tidzoserwe kukereke yekutanga.
Kukohwa kunoitika chete kana mbeu yekupedzisira yafanana nembeu yakatanga kudyarwa. Mukukohwa mbeu inobviswa padavi rakafa. Mvura yekukohwa inoguma neMwenga achibviswa panyika achikwira Kudenga.
Rumuko harugoni kuitika kusvikira takutenda zvakafanana nezvakatendwa nekereke yekutanga. Ipapo chete ndipo panokwanisa vatsvene vakafa kubviswa mumabwiro kuti mvura yekukohwa itange.
VAHEBERU 11:40 Nokuti Mwari akanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuvura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.
3. Kuedzwa.
kuedzwa kwedu. Tinogona here kusiya kuzvitutumadza kwedu tosiya zvitendero zvedu zvekare? Tinoda chokwadi zvakakwana here kuti tisimbise maonero matsva eMagwaro atakaunzirwa nemuprofita wenguva yekupedzisira?
Tine hushingi here hwekushingirira kurambwa nekuzvidzwa nehama neshamwari munzvimbo dzemakereke?
Nhanho nhatu idzi dzinogonesa Mwenga kunzwisisa.
Mwari anoda zvinhu zvitatu kubva kukereke yenguva yeRaodikia
ZVAKAZARURWA 3:18 Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto; kuti uve nefuma, nenguvo chena, kuti uzvifukidze nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa, nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.
Nguvo dzemweya dzinobva pakunzwisisa Magwaro akaziviswa.
Mwari anotaura kuMwenga wake panguva yekupedzisira, achiti tinoda zvinhu zvitatu.
1. “Kutenga ndarama yakaidzwa mumoto”. Jesu ega Shoko raMwari, ndiye ega Munhu anoedzwa zvakazara chero kumoto weGehena sezvo aifanira kutora zvivi zvedu kuenda nazvo ikoko paakafa akanozvirasira pana Satani.
Kutenga zvinoreva kuti kuripira muripo.
Muripo wekurambwa nekuzvidzwa nekuda kwekutenda kuti Bhaibheri reKing James chete ndiro Chokwadi Chikuru.
Jesu anozviita kuti azivikanwe muchakavanzika chakavanzwa chinozoziviswa pakupedzisira. Zvatinodzidza chete nekunzwisisa Magwaro ndizvo zvakachena. Shoko raMwari rakaedzwa nekupimwa mukati memasenturi rikaramba richitsanangura ramangwana renguva imwe neimwe semauyiro araizoita.
Tinofanira kudzidza kutenda muBhaibheri semanyorerwo arakaitwa.
Shoko raMwari rakakurira kuedzwa kwemoto. Hatina imwe nhungamiri yakanaka kudarika apa.
Kutenga. Nekuripira muripo. Kutenda zvinorambwa nevanoenda kumakereke vese nhasi vachiti inhema. Tinoda kutenda kuti Bhaibheri reKing James Vezheni haritadzi. Kristu, Shoko raMwari, ndiye mukuru wedu.
2. Nguvo chena
zvakare, chinhu chekuva chikamu cheMuono Mukuru. Kuzadzisa chikamu chedu chemakore 2000 echimiro chekereke.
Kudzorerwa kukereke yekutanga.
3. “Kuzodza meso ako nechizodzo chameso kuti uvone”.
Tinoda hushingi hwekugona kuona chokwadi nekumira zvakasimba kupikisa nhema dzemapasita emakereke.
Hapana muTestamente Itsva pakambotungamirirwa kereke napasita. Iwoyo mweya wavaNikoraiti.
Asi edzai kupikisa pasita (mufundisi), munenge maisa mari yake panjodzi. Munenge mava mudambudziko nemiwo. Munoda kushinga.
Pakupedzisira, Jesu akakandira panze vaiita mari muTembere. Musi weSvondo yemichindwi nezuva rakatevera racho, raive Muvhuro. Kukanganisa vatungamiri vezvitendero pamari dzavo kaviri mumazuva maviri zvaive zvanyanya. Vakabva vamuuraya musi weChina.
(Aifanira kuita husiku hutatu ari mubwiro asati amuka musi weSvondo mangwanani. Hakuna kutaura kwekuti “Chishanu chakanaka” [Good Friday] muBhaibheri).
Mufundisi nemari yake havasi nyore kupatsanura.
Kuparidza rava basa rinobhadhara kwazvo. Hakusisina kudanwa mariri.
Mbeu inokohwewa inofanira kufanana nembeu inodyarwa pakutanga.
Saka nguva yekereke yechinomwe inofanira kufanana nenguva yekereke yekutanga.
Kukohwa ndipo mbeu dzinobviswa padavi radzakaberekwa.
“Mvura yekukohwa” kana “mvura yekupedzisira” inosanganisira kutinhira kunomwe kucharatidza Mwenga kuti oshanduka sei muviri wake opiwa kutenda kwekukwira Kudenga.
Nekutenda kwekukwira kudenga, miviri yavo mitsva inogona kubviswa panyika kunosangana naShe kumakore, nekutibvisa munguva kupinda muhupenyu husingaperi.
Kana mangoiswa mumiviri isingavori, munenge musisiri munguva sezvo munenge musisachembere kana kufa.
Pakuuya Kwake Kwekutanga, kwaive nemazuva makumi mana pakati pekumuka kwake nekukwira kwake Kudenga.
Nzira iyi ichadzokorora paKuuya kwake kweChipiri.
Mvura yedzidziso yakatanga muna 1947 hama Branham vachitapa mharidzo dzavo. Dzidziso idzi dzinozovapo kusvika pamagumo.
Asi mumwedzi wekupedzisira, pakati perumuko nekukwira kudenga, mvura yedzidziso inopenderwa nemvura yekukohwa kana vatsvene vakafa vamutswa kubva kuguva.
JEREMIA 5:24 Havati momoyo yavo: Zvino ngatitye JEHOVA Mwari wedu, unotipa panguva yazvo mvura yokutanga neyokupedzisira; iye unotichengetera mavhiki akatarwa okukohwa.
Zvinhu zvese zvinoitika nenguva yazvo yazvakatemerwa nemwaka wazvo. Gohwo rinoitika mumavhiki mashomanana.
JOERE 2:23 Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna JEHOVA Mwari wenyu; nokuti unokupai mudzidzisi wokururama, vuye unokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokutevera nomwedzi wokutanga.
Mvura yedzidziso nemvura yekukohwa zvinopenderana mumwedzi.
Zvino, tadzidza kubva kudzidziso dzehama Branham. Dzidziso dzake dzakafemerwa zvakadzama, asi tinofanira kudzidza kuti tinotsigira sei zvaakadzidzisa tichishandisa Magwaro. Asi kune zvizhinjisa zvinouya kana vakafa vamutswa kubva kumakuva. Ipapo tichanyatsodzidza kuti towana sei muviri mutsva kubva muKutinhira kunomwe kwakavanzika. Tichange zvakare tiri pahuvepo hwevatsvene vakamutswa kubva kuvafi vanenge vari mumiviri yavo mitsva.
Hatigoni kurangarira kuti zvichange zvakamira sei.
Maria, mai vaJesu, vaisagona kuziva Mwana wavo pakutanga mumashure mekumuka kwake. Akafunga kuti aive mubatsiri wemubindu. Paakazomudaidza nezita ndipo Maria paakaziva.
JOHANE 20:14 Zvino wakati achireva izvozvo, wakatendeukira shure, akavona Jesu amire; asi haana kuziva kuti ndiJesu.
15 Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achiti ndiye murimi womunda, akari kwaari: Ishe kana muriimi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndinomutore.
16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendevuka, akati kwaari nechiHeberu: Raboni; ndokuti: Mudzidzisi.
51-0509 KUPUPURA
Akamuka kubva kuguva. Vadzidzi vake vainzwisa tsitsi vakapararisa sehwai dzisina mufudzi ... vamire nebwiro, mai vake vamirepo, vachichema. Zuva raive robuda; njiva dzichibhuririka, dzichichema. Akati, “Maria”. Iye akamuziva.
63-0320 CHISIMBISO CHECHITATU
Mwenga haasati amutswa. Mazviona? Hakuna kumutswa uko, hapana kuzviratidza kwaMwari achisanganisa Mwenga wake. Mazviona? Takakutarisira. Kuchatora Kutinhira kunomwe kusina anoziva kuti kumumutse zvakare. Achakutumira. Akavimbisa. Zvino, zvino, tarira. Zvino, aive akafa.
Parizvino, Mwenga akafa, akakotsira.
Kutinhira kunomwe kuchava mhere huru yekumumutsa.
ZVAKAZARURWA 3:19 Vose vandinoda, ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingirira utendevuke.
Kuti tive vakarurama, Mwari anofanira kutiranga.
Kurangwa zvinoreva kuti tinenge tichitadza zvakanyanya. Saka, kutiudza kuti takadzungaira zvakaita sei kuti takatenda zvakaipa zvakawandisa zvakaipa zvakawandisa nezvisina maturo kubva kuvafundisi vedu vachiparidza dzidziso dzisimo muMagwaro.
Kutiranga nekuda kwekutsiva Magwaro nezvatakabata zvakataurwa nevanhu.
Kutiranga nekuti tinodaidza zvakataurwa nevanhu kuti Izwi raMwari. Zvakabatwa paitaurwa zvaive izwi remutumwa wechinomwe.
Bhaibheri ndiro Izwi raMwari.
63-0630 EKSODO YECHITATU
Nekuti vanonzwa zvakajeka Izwi raMwari richidaidza, kupfurikidza Shoko rake.
... Tererai Bhaibheri, Izwi raMwari riri kudaidza imi nhasi.
Kurangwa zvinoreva kuti Mwari ari kuzama chose kuti isu tisiye zvakaipa zvatakadzidza.
“Kurova”.
Vanhu veMharidzo vanotenda zvinhu zvakawanda zvakaipa. Tinoda kurohwa kwakasimba. Ipapo, toziva zvatiri kukanganisa, tozvininipisa, tinogona kuzoita kuti meso edu avhurwe kuti tidzidze Magwaro.
“Shingirirai mutendeuke”.
Kushingirira. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuda kutendeuka.
Zvinoreva kuti tinotenda zvakaipa zvakawanda. Tiri kudya chikafu chakaipa chakawandisa chisina kunakira mweya yedu.
Tinofanira kutendeuka kubva pakutevera hutungamiri hwevanhu.
Tinofanira kutendeuka kubva pakutadza kutsigira zvatinotenda neBhaibheri.
Tinofanira kutendeuka kubva pakutenda zvinhu zvizhinji zvisimo muMagwaro.
Tarisai dzidziso inotevera yakatenderera muvazhinji vanotenda kuMharidzo.
Zvitendero zvenhema zvakaitwa nevafundisi kana mapasita emharidzo
William Branham ndiye mukuru, haakanganisi Shoko raMwari. (kutenda izvi kukanganisa).
62-1007 KIYI YEMUKOVA
- kuti ini handitadzi zvachose. Kuti hakuna chiro ... Uye, oh, zvimwe zvizvinhu zvakaipisisa zvamunganzwe.
William Branham ndiye Mwanakomana wemunhu. (Kutenda izvi kukanganisa)
65-0725 VAKAZODZWA NGUVA YEKUPEDZISIRA
“Muzuva iroro kana Mwanakomana waMwari aziviswa” Zvakazarurwa 10:1-7, muverenge kana masvika kumba, “mharidzo yemutumwa wechinomwe, achizarura zvisimbiso.” chimbori chii? Mutumwa ndiye Mwanakomana weMunhu; asi nhume ndiyo inozivisa Mwanakomana wemunhu. Muri kukwanisa kuzvinzwisisa kana zvapatsanurwa here? Ndipo pazvinoita sezvinokuomerai. Mazviona. Kwete Mwanakomana wemunhu pachake; asi mutumwa wechinomwe, mutumwa wechinomwe, ari kuzivisa Mwanakomana weMunhu, nekuti rakabuda mudumba. Haagoni kuzvigadzirisa. Imbeu, Iyo pachayo zvakare.
Hama Branham vaizivisa Mwanakomana weMunhu kubva pazvakavanzika zveBhaibheri sekuratidza kwaanoita Jesu achifamba nemapeji eBhaibheri.
Kutinhira kunomwe kwakareva. (Kutenda izvi kukanganisa)
Hama Branham havana kubvira vataura kuti “Kutinhira kunomwe kwakareva.”
Tinoziva mazita aJesu matsva. (kutenda izvi kukanganisa)
ZVAKAZARURWA 19:12 Meso ake akanga akaita semurazvo womoto; pamusoro wake pakange panekorona zhinji, wakanga ane zita rakanyorwa, risina-kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.
Hakuna munhu mumuviri uzere zvivi wenyama anoziva zita idzva. Tese tinovimba nezita raJesu rinoregerera zvivi.
Kana mava mumuviri mutsva usingavori, munenge musisakanganiswi nezvivi. Ipapo chete ndipo pamunogona kuziva zita idzva.
Kana zita idzva rikazivikanwa, hamuzoshandisi zita rekuti Jesu zvakare.
Tinoziva zvakarehwa nekutinhira.(kutenda izvi kukanganisa)
63-0324 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Kutinhira kunomwe kwakatevedzana, hakuna kureva ... kuchiita -- kuchiiti kamwe, kepiri, ketatu, kechina, keshanu, kechitanhatu, kechinomwe zvakadaro. Denga harina kukwanisa kunyora izvozvo. Denga harina kuzviziva, hakuna umwe, nekuti hakuna chakaitika ipapo. Inguva yekunyarara. Kwaive kukuru zvekuti kwakavanzwa kubva kuvatumwa vese. Zvino, nei?
Kana Satani akazviziva, anogona kukanganisa zvinhu zvikuru. Pane chinhu chimwechete chaasingazivi. Zvino, anokwanisa kuzviturikira nepaanoda napo, nekunyengera kuva nechero rudzi rwechipo (ndinovimba muri kudzidza.), asi haagoni kuziva izvi. Hazvina kana kunyorwa muShoko. Ndicho chakavanzika chakazara. Vatumwa, zvese zvakanyararidzwa. Dai vakaita chero nhanho imwechete zvaizozivisa chimwe chinhu, saka vakangonyarara, runyararo, zvinhu zvese zvikamira.
... chimwe chezvakavanzika zveZvisimbiso, chikonzero nei zvisina kuziviswa, kwaive kutinhira kunomwe kwakareva manzwi ako, zviripo zvakanakisa, nekuti hakuna chinoziva nezvako; hazvina kubvira zvanyorwa. Saka tava panguva yekupedzisira; tasvika.
Mutumwa mukuru wekuna Zvakazarurwa, Chitsauko 10 akaburuka. (kutenda izvi kukanganisa)
64-0119 SHAROMI
Kana Mutumwa, wekuna Zvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.
Gore rimwechete mumashure mekutorwa kwemifananidzo yeGore guru hama Branham vaive vachiri kutaura pamusoro peMutumwa muzvikamu zvenguva inouya.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.
Mwedzi mumwechete asati afa aive achiri akatarisira mhere nenzwi reMutumwa mukuru kuti rimutse vakafa.
Tichiwedzera, kune kutinhira kumwechete kwatisina chatinoziva nezvako. Kuchaitika munguva inouya.
Hama Branham vakamira pasi peGore rinoshamisa regore 1963. (Kutenda izvi kukanganisa)
Gore guru rakatorwa mifananidzo musi wa 28 Kukadzi 1963 zuva richangodoka, nechekumusoro kweguta reFlagstaff. Hama Branham havana chavaiziva pamusoro peGore guru iri parakaonekwa.
Vatumwa vanomwe vakaita Gore vakangouya kune hama Branham mazuva masere mumashure mekuonekwa kwegore pagomo reSunset Peak nenguva dza 8 mangwanani. Sunset Peak inenge mamaira mazana mavivi kuzasi kweFlagstaff. Havana gore ravakaita musi iwoyo.
Gore nekushanya kwevatumwa zvaive zviitiko zviviri zvakasiyana zvakaitikira nzvimbo dzakasiyana.
Saka hama Branham havana kubvira vamira pasi pegore.
Kristu akauya pagomo reSunset. (Handizvo, nhau dzekunyepa)
Gore rakagara pachinhambwe chemamaira 42 muDenga pamusoro peFlagstaff, kwemaminetsi anenge 28.
Gore harina kubvira rasvika paSunset Peak.
Jesu haasi kuzouyira murenje.
MATEO 24:26 Zvino kana vakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje; regai kubuda.
Sunset Peak iri murenje guru reSonorani.
Zvakadaro, Jesu haaikwanisa kuva akasvikira kuSunset Peak.
Dambudziko guru revatendi vemharidzo nderekuti paive nemakore maviri.
Petro akataura zvakataurwa kuna Joere.
MABASA 2:19 Ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro; nezviratidzo panyika pasi; Ropa, nomoto, nemhute yevutsi.
“Mhute yevutsi” zvinotaura pamusoro pegore rakaitwa nechivutsi chakabva paroketi raive raputika. Asi izvozvo zvinogona chete kutsanangura gore rakaita duku racho raive mamaira anoda kuita 20 mumashure megore guru raishamisa.
Chiratidzo cheMwanakomana wemunhu mudenga chaive Gore rinoshamisa rakaitwa nemapapiro evatumwa.
MATEO 24:30 Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga:
65-0718 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI HUSIRI HURPNGWA HWAMWARI
muchiitiko chikuru ichi, kuti nyika ishaiwe, vachiri kushungurudzika kuti chii chakaitika. MuTucson, vaongorori vakuru vakatora mifananidzo yaro riri mudenga; vachiri kushaiwa kuti chii chakaitika. Kuti chaimbove chii? Vaive vachiri kuzvinyora mumapepa, “Kune anozivawo kuti chaive chii here, kuti zvakaitika sei?” kwaive kusina mhute kudenga, kusina mhepo ikoko, kusina hunyoro; mamaira makumi matatu muchadenga. Oh, miwe!
“Kuchave nezviratidzo kumusoro kudenga. Uye kana izvi zvikaitika, kudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana siyana, kuchaonekwa kudenga chiratidzo, cheMwanakomana wemunhu.”
DANIERI 12:11 Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva anechiuru chimwe, namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
Ndiyani nyangadzi inoparadza?
MATEO 24:15 Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza, yakarebwa nomuprofita Danieri, imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherechedze);
Zvimbo tsvene ndiyo yaive nzvimbo yeTembere nekuti Mwari aigara munzvimbo Tsvene Tsvene.
Mugore AD 70, hushe hweRoma yemapegani hwakapinda panzvimbo yeTembere hukaparadza Tembere neguta.
Mubati weRoma aive nechinzvimbo chaPontiff, Muprista Mukuru weZvakavanzika zveBabironi.
Makore akapoteredza AD 382, mubati wekumabvazuva Theodosius akapa chizvimbo chake kuna sekuru vake Damasus, Pope. Akanga auraya vaimupikisa vaidarika 300 kuti ave nechokwadi chekuti anokunda musarudzo dzekuti aitwe Bhishopu weRoma.
ZVAKAZARURWA 13:1 Zvino ndakavona chikara chichikwira chichikwira chichibva mugungwa, chine nyanga dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.
Makereke haagoni kudavira mubvunzo uyu, Zita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene nderekutii?
Saka Mwari weTiriniti haana zita. Pane chinhu chisina kuita zvakanaka.
ZVAKAZARURWA 13:3 Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvika parufu: asi vanga, raifanira kuvuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.
Paibva simba rehushe hweRoma yechipegani paive pachikomo chikuru cheRoma.
Chakagamuchira vanga raifanira kuvuraya kubva kumarudzi evatorwa, hushe hukaparara.
Negore AD 476, hushe hweRoma yemapegani hwaive hwaparadzwa zvakazara nemarudzi evatorwa.
Aya ndiwo makomo manomwe aive akavakirwa Roma pakutanga.
Nekufamba kwenguva, Pope akava mugadzi wemadzimambo pakati pemarudzi evatorwa akazova nesimba pamusoro pavo. Akataura kuti Petro chete ndiye aikwanisa kuvazarurira masuwo eDenga. Uye kuti Petro aizogona kuita izvozvo chete kana mukaterera nekubatsira Pope.
Saka, mweya une hutsinye usina tsitsi weRoma yechipegani wakamukira mumatongo eRoma yechipegani uchipinda mukereke yeRoman Catholic.
Ronda rekuvuraya rakapora apo Pope, neMuzinda weLaterani pachikomo cheCaelian chiri gurukota rekereke reRoman Catholic, akatora simba guru raive rarasika kuvabati veRoma.
Munhu mumwechete wenhorondo akatsanangura kereke yeRoman Catholic sechipegani chakabapatidzwa.
ZVAKAZARURWA 17:10 Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo; umwe ugere kusvika, kana achisvika anofanira kugara chinguva chiduku.
Jurio Kesari aive mudzvanyiriri kwekupenyu hwese paakaparadza nyika yeRoma. Mhuri yake yaiti Augustusi, Taiberio, Karigura, naKraudi vakabva vatonga vakafa.
Mumashure memoto mukuru weRoma muna AD 64, mubati Nero, aive mwana waKraudi, akapomera nekuroverera maKristu. Mupostora Johane akatongerwa kugara mutorongo muchitsuwa chePatmosi, kwaakanyora Bhuku raZvakazarurwa.
“Mumwe uripo” aitaurwa ndiNero. Nero paakafa mugore AD 68 vasungwa vese vemhosva dzezvematongerwo enyika, vaisanganisa Johane vakasunungurwa.
Nero ndiye aive wekupedzisira mumhuri yaKesari.
Mukuru wemauto wekuSpain Gariba akatora chigaro nechisimba akazouraiwa mumashure memwedzi minomwe. Kutonga hushe hweRoma yechipegani kwakava dambudziko. Pakati pegore AD 200 Negore AD 285, vakaita vabati vaidarika 30.
Kumberi, Johane akasungwazve nemubati Domitian. Akapedzisa Bhuku raZvakazarurwa akasunungurwa kubva kuPatmosi mugore AD 96 pakafa Domitian. Saka, Johane aive musungwa kaviri pachitsuwa chePatmosi.
Nero akauraya maKristu. Vabati vakasimbirira pakunamatwa kwanaKesari kunge vaive vamwari. Diocletian, mubati weRoma yechipegani wekupedzisira, akatanga nguva inorwadza yemakore gumi ekuuraiwa kwevanhu akaedza kuparadza maBhaibheri ese.
Chiverengo chechisere chiikiko chitsva. Saka Pope paakatora simba remubati akatanga chiitiko chitsva chechipegani mukereke yechiKristu.
Vakauraya maKristu vakaregerera zvivi sekunge vaive Mwari. Vakaita nepavaigona napo kuparadza Bhaibheri munguva dzeRima. Chero nhasi vari kuedza nepese pavanogona napo kubvisa zvachose Bhaibheri reKing James Vhezheni. Kune dzimwe sarudzo dzinodarika zana dzendudzi dzemaBhaibheri dzinounza kusagadzikika panyaya iyi. Saka vanoenda kumakereke havachatendi kuti kune Bhaibheri rakarurama zvachose.
Saka maPope vaive “vevanomwe”, verudzi rumwechete rwemaKesari rwunouraya maKristu rwune makaro emari vachida kwazvo kunamatwa sekuti ndivanamwari.
Hutungamiri uhu husina kugadzikika hweRoma yemapegani hwakatanga kusagona kutsigisa zvinhu. Vanakomana vasina maturo vakatevera madzibaba avo aive akangodarowo vakawedzera dambudziko.
Asi chiPope chakazozivisa kuita kwakasimba mumashure mekuwira pasi kwehushe hweRoma yechipegani.
MaPrista maBhishopu, maKadhinari nemaPope havatenderwi kuroora. Saka, kana Pope akafa, maKadhinari vazokwanisa kusarudza munhu akakodzera kuti amutsive. Kwaive kusisina nhaka inobva kunaBaba ichienda kumwana zvinokonzeresa huwori.
ZVAKAZARURWA 17:11 Chikara chaiva’po; chisisi’po, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.
MaCatholic vanoti Petro ndiye Pope wavo wekutanga. Saka, zvichibva kwavari, kwakagara kuina Pope kubva pakutanga kwekereke .
“Chisisipo” zvinoreva kuti Pope anofa.
ZVAKAZARURWA 17:8 … kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, chichazova’po.
“Chichazovapo”. Pope mutsva anosarudzwa.
MaPope ndiwo hutongi hune mutsetse wakarebesa pasi rese.
Vanoita muzvezve wenyoka.
Vane mhosva yekuita mazano akaipa vachiaisawo kumakereke emamwe masangano zvoita kuti masangano aparadzwe pakutenda.
Chese chisimo muMagwaro inyangadzi.
Madhimoni anokura munzvimbo isina Magwaro.
Bhaibheri rega ndiro rinokwanisa kuita kuti Diaborosi agare panzvimbo pake.
61-1119 SIMBA RAKANAKA RAKAITWA NEKUNETA KWAKANAKA
Uye, hama, mivharo inobva pagehena (Ndizvo chaizvo.) Hova dzesimba remadhimoni dzinodira kubva kwese kwese. Dzinotapa marudzi. Dzinotapa zvematongerwo enyika kusvika huwori hwasvika pabhonzo. Dzinotapa kereke kusvikira vasisina zvimwe zvavanoziva kunze kwesangano ravo.
Kereke yeChatholic uye iyezvino mamwe makereke vakaita kuti vanhu vasaone King James Vhezheni yeBhaibheri seMukuru wavo. Saka madhimoni ari pabasa guru sezvo mamwe mazano matsva, mazano asimo muMagwaro ari kutonga makereke. Kuparadzwa kwekushaiwa Magwaro kwapararira mumakereke.
Ndiyani ari kutonga madhimoni ese aya ari muzvitendero?
ZVAKAZARURWA 9:1 Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi, yakabva kudenga yawira pasi, ikapiwa kiyi yegomba rakadzika dzika.
Satani akawa kubva Kudenga kuuya kumusha wake gomba regehena.
ISAYA 14:12 Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase,
ZVAKAZARURWA 9:2 Ikazarura gomba rakadzika dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, suvutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.
Gomba rakadzika dzika. Hakuna nheyo dzeBhaibheri. Vaparidzi vanogaroita mazano matsva anovaitira ivo. Mazano aya anoramba achishanduka achikura sehutachiwana hunouraya.
Choto chegehena. Chivutsi chefungidziro nekuturikirwa kwezvakataurwa kusiko. (Mucharangarira kuti Hillary Clinton ainzi achakurira sei sarudzo demuna 2016 dzemutungamiri wenyika yeAmerica nekuda kwekukanganisa chete kwakaitwa kuturikira zvaive zvataurwa?) fungidziro pamusoro pezvinenge zvataurwa dzinosvibisa zuva, Shoko raMwari, apo vanhu vanotsvaga Bhaibheri zvishoma. Mhepo yemuchadenga kana denga racho rinosvibiswawo. Pokanai nemufundisi kana pasita wemharidzo mugoona kuti mhepo kana denga rinoshanduka sei apo vanotsamwa voshatirwa zvinhu ipapo zvotoshanduka.
ZVAKAZARURWA 9:3 Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.
Madhimoni anosunungurwa. Mhashu chaidzo dzinodya huswa nemashizha. Idzi mhashu dzemadhimoni hadzidyi.
ZVAKAZARURWA 9:4 Dzikavudzwa kuti dzirege kutadzira vuswa bwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasinechisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
Asi mhepo yemadhimoni iyi ichatambudza vose vasina chisimbiso cheMweya Mutsvene pahuma dzavo pane ndangariro dzavo. Ndangariro dziri mupfungwa.
Vasikana vakachenjera chete ndivo vachave nemafuta akakwana mumwenje yavo kuti vaite chiedza chakakwana kuti vaone zvakavanzika zveBhaibheri kuti zvinzwisisike. Kugona kuverenga nekunzwisisa Magwaro ndirwo ruchengetedzo rumwechete rwatinarwo kubva kumadhimoni nezvitendero zvawo zvakaipa zvakasiyana siyana.
Saka madhimoni anovodza chokwadi ochiita mazano emakereke akaitwa nevanhu ana mambo.
ZVAKAZARURWA 9:10 Dzakanga dzine miswe yakaita seyezvinyavada, novumborera; pamiswe yadzo pakanga pane simba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
“Muswe” paChingezi (tail) ndiyo “ngano” (tale) kana nhema dzavanotaura.
Tererai nyaya yavo kana nhema dzavo, munoguma mava munguva yeKutambudzika Kukuru.
ZVAKAZARURWA 9:11 Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake rechiHeberu ndiAbadoni, nechigiriki zita rake ndiAporioni.
Mazwi aya anoreva kuti vaparadzi.
Mambo vanopfeka korona.
Pope wekutanga kupfeka korona yemitumbi mitatu kana kuti Tiara aive Clement V, akaitwa Pope muna 1305.
Korona yaive nemitumbi mitatu zvikamuita mambo kudenga panyika nepugatori kunogara madhimoni.
Pope aiti Petro aingovhurira masuwo eDenga kune avo vaiterera Pope. Izvi zvakaitwa mutemo muna 1302 unonzi Unum Sanctam. Zvinoreva kuti, hakuna ruponeso kunze kwekereke yeCatholic.
Ipapo, nekutenga kuregererwa zvivi, Pope aikwainisa kuburitsa vanhu mupugatori nzvimbo yemadhimoni mavairangirwa zvivi zvavo. Saka, Pope aitonga madhimoni pasi penyika mupugatori.
Saka nyangadzi iyi yakabvisa ruponeso rweMagwaro zvakazara kubva kuvanhu. Izvi zvakaita kuti ruponeso ruparadzwe. Mirairo yakarasika iyi haina wayaiponesa.
Mari yaiwanikwa pakutengesa kuregererwa kwezvivi yakaripira kuvakwa kweChapero yeSistine nekereke yeSt Petro muVatican.
Vaive vava pasi pekutonga kwaPope, saka vakarasika vakaparadzwa. Zvese kuripira zvivi mupugatori uye Petro Kudenga hapana zvavaikwanisa kuita kuponesa mweya yavo.
Mari dzekutenga kuregererwa kwezvivi dzakavaka Vatican dzikazosiiwa nekereke. Pope John 2 akadzosa kuita uku kune vanoda havo muna 2000. Pope Pauro 6 akaramba korona yemitumbi mitatu muna 1963 mumashure mekuziviswa kweZvisimbiso zvinomwe kwakaitwa naWilliam Branham. Mutasvi webhiza raantikristu akapiwa korona. Chero kereke yeCatholic yakagara pasi pamberi pezaruriro iyi.
Chiprofita chemakore 1290
Gore rechiJuda rine mazuva 360.
Gore rechiHedeni rine mazuva 365.24.
Saka makore 70 echiJuda anenge ari makore 69 epakarenda rechiHedeni reRoma.
Makore edu echiHedeni akaitwa nemudzvanyiriri weRoma yechipegani Jurio Kesari rikazonyatsogadziriswa naPope weRoma Gregory 13 muna 1582. Saka makore epakarenda redu anozivikanwa nekunzi makore echiRoma.
Makore 70 ega ega echiJuda, anorasikirwa negore rimwechete pakarenda rechiHedeni reRoma.
DANIERI 12:11 Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva anechiuru chimwe, namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
1290/70 = 18
Saka panguva yemakore 1290, isu vaHedeni tinenge tine makore mashoma kumaJuda nemakore 18 pakarenda redu reRoma.
Saka, makore 1290 echiJuda = 1290 – 18 = makore 1272 eRoma.
Jesu akafa muna AD 33, zvakachenesa nzvimbo tsvene kubva kuzvivi neRopa rake.
Ndipo pakabviswa zvipiriso zvenguva dzese. Mwari akabvarura chidzitiro chemuTembere zvipiriso zvemaJuda zvikagumiswa zvikashaya basa kana chirevo.
Chipiriso chaKristu chega ndicho chaive chane simba kubva ipapo.
33 + 1272 = 1305
Saka mugore 1305 nyangadzi inoparadza yakagadzwa pakaitwa Clement V Pope akazivisa Korona yemitumbi mitatu zvakamuita mambo wePugatori, nzvimbo yepasi pasi inogara madhimoni.
Saka chiCatholic chakaparadza chirevo cheBhaibheri chekuponeswa nenyasha kupfurikidza kutenda.
Chimisikidzo chemasangano, chinobva pamadhimoni, chaizopararira pakati pemakereke emasangano zvakare.
Zvakadaro, kushaiwa zivo pamusoro peBhaibheri kunoita kuti vanhu vashaye hanya neMagwaro.
Zvino zvinhu zvinobatwa panotaura vanhu mumakereke netsika dzechipegani dzakaita seTiriniti neKisimusi ndizvo zvakutonga.
Nyangadzi inopararira.
Muna 1870 Pope akaitwa munhu asingatadzi.
Nhasi vanhu vemharidzo vanotiwo Hama Branham havatadzi.
Kuparadzwa kunoramba kuchipararira apo maSangano emakereke anotora mazano eCatholic.
Chiprofita chemazuva 1335
DANIERI 12:12 Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
Makore matatu nehafu enguva yeKutambudzika Kukuru anoitika kwemazuva 1260, maprofita maviri obva avurawa.
1335 – 1260 = mazuva 75.
Vhesi 12 rinotaura vanhu vanozouya mazuva 75 kana mwedzi miviri nehafu mumashure memazuva 1260 enguva yeKutambudzika Kukuru.
Zvimwe zviitiko zvinofanira kuzadziswa Mwari asati agadza Hushe Hwake muIsraeri.
MaJuda 144,000 vakagamuchira Jesu vanofanira kuvurawa.
Chisimbiso chechishanu chinozivisa maJuda akafira kutenda kwawo vakaurayiwa mukati menguva dzemakereke manomwe. Pavanoona Mwenga achikwira kudenga, vanokumbira kudzoka kuzorwisa antikristu nekuita kwake kwakavaurayisa.
ZVAKAZARURWA 6:9 Wakati azaura chisimbiso chechishanu, ndikaona panyasi peartari mweya yevanhu vakanga vavurwa nokuda kweShoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura:
Chisimbiso chechishanu. Shanu chiverengo chenyasha. Mwari anoregerera maJuda vanourayirwa kutenda kwavo.
Vakabata kupupura kwavo, kwete kupupura kwaJesu.
ZVAKAZARURWA 6:10 Vakadana nenzwi guru vachiti: Tenzi mutsvene wazvokwadi mucharega kutonga vanogara panyika nokuvatsiva ropa redu kusvikira rinoko?
MaKristu vanoregerera vakavauraya. MaJuda anokumbira kunotsiva.
ZVAKAZARURWA 6:11 Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena, vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chuduku, kusvikira vamwe varanda pamwechete navo nehama dzavo dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.
Vakafira kutenda kwavo vanofanira kumirira kuti makore enguva yeKutambudzika aitike.
MaJuda varanda vaMwari. MaHedeni ndiwo Mwenga wake.
Vamwe varanda pamwe navo, maJuda 144,000, vanofanira kutanga kugamuchira Jesu mumakore enguva yeKutambudzika vobva vavurawa.
MaJuda 144,000 vanomutswa kuenda kunosangana naShe kana auya neMwenga wake kuhondo yeAmagedhoni.
“Zvibereko zvekutanga” mucherechedzo wekumutswa kwevakafa.
I VAKORINTE 15:20 Asi zvino Kristu wakamutswa kuvakafa akava chibereko chokutanga chavavata.
ZVAKAZARURWA 14:3 Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro chovushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, navakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu asi vaya vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.
4 Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi nokutu vakanaka semhandara [makereke]; ndivo vanotevera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokuGwanana.
MaJuda 144,000 ndivo varindi wemweya vanochengetedza Mwenga.
Zvino hondo yeArmagedhoni inofanira kurwiwa.
Zvese izvi zvichatora nguva uye zvichaitika mumazuva 75.
Zvimwe zviitiko zvichaitika nguva iyoyo, zvimwe zvinogona kutadza, kuitika mumazuva 75.
Miganhu yenyika yeIsraeri inofanira kutarwa kuitira kuti chikamu chimwechete muzvikamu zvitatu zvemaJuda vanorarama hondo yeArmagedhoni vazive kwekugara mumakore 1000 erugare panotonga Jesu neMwenga wake.
Tembere itsva inofanira kuvakwa kuitira kuti vanopona hondo yeArmagedhoni vazhinji vacho vachave vaHedeni vasina kubvira vanzwa nezvaMwari.
Panogona kuvakwa nevanhu kana kuti panogona kuvakwa naJesu achishandisa simba rake rinoshamisa.
Asi mazuva 75 mumashure mekufa kwemaprofita maviri Mosesi naErija, kana vavurawa, rugari runopinda muMereniyamu.
DANIERI 12:13 Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwava’po, nokuti iwe uchazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwaya.
“Mugove wako”.
Munhu wese anozvarwa pane imwe nguva munguva yekereke.
Saka munhu mumwe nemumwe anofanira kudavirira nguva yaaive panyika.
Nguva imwe neimwe ine zviitiko zvakasiyana siyana zvinoitika mairi.
Asi munhu wese anofanira kutsvaga Kuda kwaMwari munguva yaairarama mairi.
Tiri panguva yekupedzisira apo Mwari anosimbirira pakunzwisisa Bhaibheri.
Muvengi wedu mukuru kunyengerwa.
Mwenga anoti, “Tinofanira kuziva”.
Mapenzi kana vasikana vakanyengerwa vanoti, “Tinofanira kuziva here?”