Chirayiro Chikamu 3



First published on the 28th of February 2021 — Last updated on the 28th of February 2021

Pazuva rePentekositi Mwari akaburuka kuzosangana nevanhu.

MABASA 2:1 Zvino zuva rePentekosta rakati rasvika, vakanga vakavungana vose nomoyo mumwe panzvimbo imwe.

2 Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere.

3 Vakavona vo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.

4 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva.

12 Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti: Izvi zvinoti kudiniko?

13 Asi vamwe vakaseka, vachiti: Vaguta waini itsva.

Waini mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro apo Mweya Mutsvene anovhura meso avo kuti vaone chokwadi cheShoko raMwari.

14 Zvino Petro amire navanegumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti: Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muterere mashoko angu,

15 Nokuti ava havana kubatwa sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva,

Vakazadzwa kwazvo nezaruriro yaMwari zvekuti vakadzadzarika sekunge vaive vadhakwa.

16 asi ichi ndicho chakarebwa nomuporofita Joeri, achiti:

17 Mwari unoti: Namazuva okupedzisira, Ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achavona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope.

Waini yezaruriro yemweya yakavapa mukana wekuwana muono wakadzama muchokwadi chaMwari.

VAEFESO 5:16 Mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.

17 Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe

18 Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya;

19 mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu;

Kunzwisisa kuda kwaMwari kwatiri nhasi nekuwana zaruriro yechokwadi cheBhaibheri chakavanzika ndiro tsime redu rerufaro.

MaJuda eTestamente Yekare vaive vasina chirayiro kana kusangana neMweya Mutsvene saka vaitenderwa kumwa waini kuti vafare. Asi izvi zvakakonzera kuti vaite zvidhakwa zviri nyore. Mufaro wedu unobva kuMagwaro akaziviswa. Kunzwisisa Bhaibheri rakanyorwa ndiko kunofanira kuva tsime remufaro wedu mukuru.

Uhu ndihwo humbowo hwechokwadi cherubapatsidzo rweMweya Mutsvene.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.

Tinonzwisisa Bhaibheri chete kana Mweya Mutsvene ukataura nesu kupfurikidza Shoko nekutungamirira pfungwa dzedu mukunzvera Magwaro anoita nzira yekunozivisa chokwadi chedzidziso yatinenge takanangana nayo.

Kusimudzwa kweZvakazarurwa

ZVAKAZARURWA 6:5 Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya uvone. Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiyereso muruvoko rwake.

6 Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedenari+, nezviyero* zvitatu zvebhari nedenari+; usatadzira mafuta newaini.

 

 

Chisimbiso chechitatu chinoshanda nenguva dzekereke yechishanu nekereke yechitanhatu pakadzoswa chokwadi. Kereke yeCatholic yaitengesa Shoko raMwari (zviyo nebaari) kuti ipfume. Kutengeswa kwekuregererwa kwezvivi, kwakaunza mari zhinji yekuvaka chapero yeSistini nekereke yeSt Petro iri paguta reVatican. Mwari akapindura nekuwedzera simba reMweya Mutsvene (mafuta) kuti Luther, neruzivo rwepanyama, adzosere kuponeswa nekutenda munaJesu Kristu chete. Iyi yaive waini yemweya kana kusimudzwa kwezaruriro kwakakurudzira Rumutsiridzo kukatanga nheyo dzenguva huru yemamishinari pakawedzerwawo mharidzo yaJohn Wesley yehutsvene. Waini yaive yatanga kusimba apo kunatswa nekururamisirwa kwakapindawo.

Vanhu vakatanga kuwana mufaro kubva pakusimudzwa kweruponeso uye kubva pakutsaurwa kubva kunyika nekuda kwehutsvene hwaive muhupenyu hwavo. Munguva yekereke yechishanu, Mwari akanyanya kutarisana nezviyo nebaari kupfurikidza kufemera dzidzo muvanhu kuti vaturikire zvakanaka nemonemo zvinyorwa zveBhaibheri mururimi rwechiHeberu uye chiGiriki pakati pemakore 1604 negore 1769 kuti vaumbe Bhaibheri reKing James Vhezheni. Mafuta eMweya Mutsvene newaini yekusimudzwa kwezaruriro zvakabatana kuvaka chikoshwa chatinacho mururimi rweChirungu. Chirungu ndicho chaizova rurimi rwunoshanda zvakanyanya padandemutande reIntaneti, chigadzirwa cheAmerica, chinogonesa Shoko raMwari kuparidzwa pasi rese.

Muto wemazambiringa ukagadzirwa chinwiwa unowora nekukasika, kunyanya mumakore akare pakwaive kusina midziyo yekutonhodza nekuchengetedza zvinhu. Asi Kunatsirwa munguva yekereke yechitanhatu kwakatora Kururamisirwa kubva munguva yekereke yechishanu zvikawedzera hutsvene nekuparidzira. Chokwadi chakadzorerwa chaive chatanga kusimba.

Saka chimwiwa chemazambiringa chisingasimbiswi nenguva chaive chisiri mufananidzo wakanaka weRopa reGwaiana raShe munguva yeRumutsiridzo rwenguva yechishanu nenguva yechitanhatu yekereke. Waini, inosimba nekureba kwenguva yayagara, yaive chiratidzo chiri nani cheRopa raShe. Asi izvi zvaitendera chete kuti munhu adzvute waini pachirayiro. Izvi hazviruramisiri kumwa waini dzimwe nhambo dzenguva. Hwahwa huri muwaini hwainoshanda semushonga mukati medzimwe nguva dzakare asi nhasi uno kune mishonga nemapiritsi mazhinji kwazvo.

Mucherechedzo - Humbowo hwekuti muripo waripirwa

EKSODO 12:13 Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeEgipiti.

Ruponeso rwaibva pakuonekwa kweropa pamagwatiridzo egonhi uye pamutanda wakachinjika wegonhi.

Humbowo hwega hweruponeso iRopa raJesu rakadeurwa pamitanda yemuchinjikwa. Ropa iri rinoda kugamuchirwa nekutenda. Hatigoni kuzviponesa.

Chingwa neWaini

GENESISI 14:17 Ipapo mambo weSodomu waka­buda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedorir-omeri nama­dzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).

18 Me­rkisedeki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.

19 Akamuropafadza, akati, "Abramu ngaaropafadzwe naMwari woKudenga­denga, muridzi wokudenga napasi.

Mwari akazviitira muviri wemunhu kubva kuguruva. Akazviratidza semuPrista Mukuru akataura naAbrahama, akapa Abrahama chingwa newaini zvaizova micherechedzo yechirayiro. Mumuviri uyu, Mwari aive asiri Hama Mudzikinuri nekuti aive asina kuzvarwa semwana, sezvatakaitwa isu.

“Saremi” zvinoreva kuti rugare.

Mwari ega ndiye anogona kuita Mambo uye Muprista mukuru.

Hakuna mumwe munhu anokodzera kubata zvinzvimbo zviviri izvi. Nekuda kwekuneta kwehunhu hwedu, vanhu vanowodzwa nesimba. Mwari anofanira kupima simba raanopa vanhu vake nekuti vanhu vanoshandisa simba nehupfumi zvisirizvo.

MAPISAREMA 110:4 JEHOVA akapika, haangazvidembi, achiti, "Iwe uri mupirisiti nokusingaperi. Unorudzi naMerkisedeki."

Kuperekerwa kwezita Merksedeki muchiHeberu. Uhwu hwaizova huprista hwaizobatwa naiye Mwari pachake, hwaizorarama nekusingaperi sezvo hwaisazovodzwa nevanhu vakaita saKefasi akapinda muchiprista chaAron kupfurikidza kubvarura nguvo yake.

REVITIKO 10:6 Zvino Mozisi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, "Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.

MATEO 26:65 Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake.

VAHEBERU 5:6 Sezvaanoreva vo paimwe nzvimbo achiti: ndiwe muprista nokusingaperi unorudzi neMerkisedeki.

Uku kunyora muchiHeberu.

VAHEBERU 5:8 Kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuterera nezvaakatambudzika;

9 Akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuterera;

10 Akanzi naMwari MuPirisita mukuru wegwara "reimba" yaMerkisedeki.

Jesu aive akarurama semunhu. Asi akazadzisa Magwaro anotaura nezvaMessiasi, saka akakwaniswa pakuzadzisa Magwaro.

Jesu ega ndiye aikwanisa kuzadzisa chinzvimbo chemuPristaMukuru werudzi rwaMerkisedeki nekuti ndiye Emanuere, Mwari anesu, mumashure mekuzvarwa semwana saka akava hama Mudzikinuri.

VAHEBERU 7:1 Nokuti Merkisedeki uyo, mambo weSaremi, muPrisita waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbrahama pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;

2 Abrahama akamupa vo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, vuye zve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo werugare;

Abrahama muhuvepo hwaMwari, akanzwa kufarira kwazvo kudzosera kunaMwari zvishoma zvezvaanga awana zvikamu gumi zvezvese zvaaive nazvo. Chegumi ichi chaive chisiri chekuti aive atombobvisa bvisa. Chaive chegumi chazvose zvaaive nazvo. Hakuna akamuudza kuti ape chegumi. Zvakabva pasi pemoyo wake nekuzvipira kwake. Ndiko kuita kunoita vanhu kana vasangana naMwari pachokwadi.

VAHEBERU 7:3 Asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muPirisita nokusingaperi.

Mwari akasika muviri kubva muguruva saka haana kuzvarwa panguva iyoyo, pakapera zvinangwa zvekushanya kwake nguva iyoyo akasiya muviri uya ukadzokera kuita guruva. Hakuna kuwanikwa chitunha chakazowora, saka hakuna rufu rwakataurwa pamusoro pemutumbi uyu. Saka Mwari haana kubvira afa kana kugumisa Hupenyu hwake, akangoshandura nzvimbo yekudendemara nekuti Mweya Mutsvene wakabuda mumuviri wenyama waaive azviitira kuti araramire kwenguva duku.

Jesu haagoni kufa zvakare mumashure mekumuka kwake kubva kuvakafa. Achagara nekusingagumi muMuviri wake unemavanga ezvipikiri usingavori. Saka acharamba ari muprista mukuru werudzi rwaMerkisedeki nekusingagumi.

VAHEBERU 7:12 Nokuti kana vuPrisita bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe vo

MuPrista mukuru waMerksedeki, neHupenyu hwake husingagumi, akatsiva chiPrista chaAroni chairarama neMurayiro akafa.

VAHEBERU 7:15 Izvi zvinoratidzwavo kwazvo, kana kuchimuka mumwe muPrisita wakafanana naMerkisedeki,

16 Usina kuitwa muPrisita nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba rovupenyu bwusingapedzwi.

17 Nokuti iye unopupurirwa, zvichinzi: Iwe uri muPrisita nokusingaperi, Unorudzi naMerkisedeki.

“Bwusingaperi”. Kana tikagamuchira Jesu semuPrista wedu Mukuru anobva abata basa iri nekusingaperi. Chinzvimbo chake chinorarama nekusingaperi, hatizodi zvakare umwe muPrista Mukuru.

Josefa, muzukuru waAbrahama, aive mucherechedzo waKristu wakazara. Akavengwa nevakoma vake asi akadiwa nababa vake. Akanyeperwa akapomerwa akaiswa mutorongo nevatadzi vaviri. Mumwechete wevaviri ava akafa mumwe wacho akararama.

Akabuda mutorongo akava nesimba sezvo ibvi rimwe nerimwe rakamupfugama paakazoenda kuvanhu.

(Akapomerwa ari manyepo, Jesu akaroverwa pakati pembavha mbiri. Mbavha imwechete pamuchinjikwa ndiyo yakagamuchira Jesu ikawana Hupenyu husingagumi. Jesu akamuka akakwira Kudenga ibvi rimwe nerimwe richamupfugamira paachadzoka).

GENESISI 40:1 Shure kwaizvozvo mudiri wama­mbo weEgipiti nomubiki wake va­katadzira tenzi wavo, mambo weEgipiti.

2 Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.

3 Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa.

Vaviri

GENESISI 40:3 Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa.

Vose vakarota hope Josefa akadziturikira. Kumudiri akati:

GENESISI 40:13 Mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, noku­kudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.

Waini mucherechedzo wehupenyu kumudiri. Chingwa mucherechedzo werufu kumubiki. Saka, pachirayiro chingwa chinogurwa, mucherechedzo werufu.

Josefa akati kumubiki:

GENESISI 40:19 Mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusu­ngirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri."

Chingwa chaimiririra rufu. Jesu aive afa (chingwa chakagurwa) akaita mazuva matatu ari mubwiro. Akazomuka kuHupenyu mumashure memazuva matatu (waini).

GENESISI 40:20 Zvino nomusi wetatu, musi woku­zvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womu­kuru wavabiki pakati pavaranda vake,

21 Akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;

22 Asi akasu­ngirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.

Nguva

EKSODO 12:5 Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi;

6 Zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.

Akasarudzwa pazuva regumi akaurayiwa zuva regumi nemana.

Jesu akasarudzwa pajekerere musi weSvondo yeMichindwi. Saka, ndiro raive zuva rechigumi.

Zuva rechigumi nemana raizova musi weChina. Chiitiko chepaCalvari chakaitika musi weChina.

 

 

“Chishanu chakanaka” (Good Friday) hazvisi muMagwaro uyewo musi usiriwo, wakagadzirwa nekereke yeRoman Catholic nguva dzakapoteredza nguva yeKanzuru yeNecaea muna AD 325.

Jesu aifanira kuita husiku hutatu muguva asati amuka musi weSvondo mangwanani.

Husiku hweChina, Husiku hweChishanu, Husiku hweMugovera.

MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.

Rima remubwiro mucherechedzo werima rezvivi naSatani apo Jesu akaenda kugehena kunokurira Satani. Yaive hondo yakaoma yaakakurira murima.

EKSODO 12:8 Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava.

Husiku hwaive mucherechedzo werima regomba risina magumo regehena. Jesu akafamba pamusoro pemoto wegehena kunorasira zvivi zvedu panaDiaborosi. Chingwa chisina mbiriso hachina kuviriswa kana yisiti inomiririra kuvodzwa. Jesu aive akarurama. Moto wegehena unogona chete kupisa zvivi. Maari maive musina zvivi, saka moto wegehena waisakwanisa kumupisa. Chingwa chisina mbiriso mucherechedzo wehupenyu hwake hutsvene nemuviri wake wenyama wakarurama mutsvene.

Kutakura zvivi zvedu chaive chiitiko chairwadza kwaari.

EKSODO 12:12 "Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeEgipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeEgipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veEgipiti; ndini JEHOVA.

Murima rehusiku, mucherechedzo wezvivi, kutongwa kwakarova Egipita. Imba imwe neimwe yaive isina ropa pamagwatiridzo egonhi wakarasikirwa nedangwe.

EKSODO 12:29 Zvino pakati pousiku JEHOVA akarova madangwe ose panyika kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutorongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.

30 Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaEgipiti vose, kukava nokuchema kukuru paEgipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa;

31 Akadana Mosesi naAroni usiku, akati, "Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imwi navana vaIsiraeri, endai mundonamata JEHOVA sezvamakataura.

Zvakatora kuita kwerufu rwunorwadza kuti Farao adzidze.

Murima rehusiku raimiririra nguva yeKutambudzika kukuru, kuurawa kunorwadza kwaPope waantikristu kunodzidzisa vasikana mapenzi. MaKristu aya akaponeswa nguva yeKutambudzika isati yatanga, vachazoguma vaona kuti vangadai vakatevedza Magwaro zvakazara pachinzvimbo chekuvarairwa vachirara vachiziva havo. Mapasita avo akavabvisa pazvizhinji zvakanyorwa muMagwaro. Asi pavachaurayiwa vachaona kuti hutungamiri hwekereke yavo hwaive nenhema dzakadii. Jesu naJohane Mubapatidzi havana kubvira vazvirereka pavaitaura nemaJuda kana kuvabhabhadzira nepavaitaura nevatungamiri vemaJuda vaSeduse nevaFarise. Pakuuya kwake kwechipiri, sezvazvakaita pakuuya kwekutanga, chakaipa chichawanikwa chakadzika midzi muhutungamiri.

1 VAKORINTE 11:23 Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupai vo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa;

Yaive nguva yehusiku apo Jesu akagovera Chirayiro.

JOHANE 13:1 Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.

2 Zvino vakati vapedza kurayira, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;

Rima rehusiku ndiyo nguva yakanakira Satani kuti apinde mumoyo yevanhu kuti avakurudzire kuita zvivi.

MATEO 27:45 Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose.

MARKO 15:33 Zvino yakatiyava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.

RUKA 23:44 Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rakavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.

Nguva dzaipimwa kubva pakubuda kwezuva, dzatinoti nguva dzenhanhatu. Saka nguva dzenhanhatu dzaive pakati pezuva.

Kwakaita rima nguva dzaive dzisina kufanira rima kwemaawa matatu. Kwaive kusiri kudzikatirwa kwezuva nemwedzi kwete. Kuvhariridzwa kwezuva kunoitwa nemwedzi kana kukatotora nguva refu kunenge kwatora maminetsi 7.5.

Zuva rakaramba kupenya apo zvivi nevatadzi zvainge zvichiuraya Chiedza chenyika.

Pamuchinjikwa, Jesu akatambudzwa nekurwadziswa nemasimba erima. Muripo waakaripira zvivi zvedu zvese waive wakakurisa.

JOHANE 8:12 Zvino Jesu wakataura zve navo, akati: Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza chovupenyu.

JOHANE 9:5 Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.

William Branham haasi chiedza chenyika. Akauya kuzozivisa Jesu, seShoko rakaziviswa. Shoko rakaziviswa chete ndiro rinogona kuunza Chiedza chinodiwa kuti nguva yekereke yekupedzisira ifambe machiri.

Hama Branham vakauya kuzozivisa Mwanakomana weMunhu achifamba mumapeji eBhaibheri. Kutaura kwake kwakazivisa zvakavanzika zveShoko raMwari, hazvina kutsiva Shoko raMwari.

Hama Branham vaive chikwangwani chainongedzera kuNzira.

Asi Jesu ndiye Nzira, Shoko rakaziviswa, ratinofanira kufamba mariri.

63-0630 RWENDO (EKSODO) RWECHITATU

... nekuti vanogona kunzwa Izwi raMwari, achidaidza mushoko rake

... Tererai Bhaibheri, Izwi raMwari richikudaidzai zuva ranhasi.

JOHANE 12:46 Ini ndakavuya munyika, ndiri chiedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.

Rima kutenda zvinhu zvisina kunyorwa muMagwaro. Kuisa hama Branham panzvimbo yaMwari kutadza. Testamente Itsva haina kubvira yavimbisa Izwi raMwari panguva yekupedzisira, asi izwi remutumwa wechinomwe kwozotevera Izwi reMutumwa Mukuru richimutsa vakafa.

MARAKI 4:1 Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura JEHOVA wehondo.

Zvakaipa zvichapiswa pakupedzisira. Kutanga muKutambidzika Kukuru zvozotsva zve muDziva romoto. Vanhu mudziva romoto havagoni kuwana Hupenyu husingagumi sezvo Hupenyu husingagumi hunotinunura kubva kumoto wegehena. Mutadzi mumwe nemumwe achapihwa mutongo wenguva muDziva romoto zvichienderana nezvivi zvake. Vane zvitadzo zvakanyanya vachatsva kwenguva refu. Asi kana nguva yavo yakwana vachamedzwa zvakazara, midzi zvese nemapazi, kusvika pasisina chasara.

Moto haugoni kuuya nekurova. Munhu ndiye anorova.

JUDASI 1:8 Akaitwa chiratidzo, akarobwa nomoto usingaperi.

DEUTERONOMIO 4:24 Nokuti JEHOVA Mwari wako, moto unoparadza, naMwari ane godo.

Mwari moto unoparadza anorova Mwari ndiye moto unoparadza vanorova neshamu isingagumi. Kana vakapa murango pamutadzi, mutongo iwoyo unogara nekusingaperi hauzobviswi. Zvakadaro mutongo kana nguva yemurango iriko nekusingaperi.

MARAKI 4:2 Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu.

Zita raMwari ndiJesu. “Zuva rekururama” rinotsanangura chiedza chaJesu chinobwinya apo Shoko rake rinokura muvanhu, vanokura vosimba pamweya. Mombe hono inoguma yava nzombe, mucherechedzo wesimba guru.

Chiedza chedu chimwechete chatinacho chinobva kuBhaibheri kana tikatevera zvarinotaura.

MAPISAREMA 103:20 Rumbidzai JEHOVA, imi vatumwa vake; Imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, Muchiteerera inzwi reshoko rake.

Kana vanhu vakaterera nekuvimbika kuShoko raMwari vanowana simba guru rinogara nekusingagumi.

GENESISI 1:3 Mwari akati: Chie­dza ngachivepo, chiedza chikavapo.

4 Mwari akaona chiedza, kuti chaka­naka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.

Chiedza cheShoko raMwari chakanaka. Panotaura Mwari chete ndipo panoita Chiedza. Rima kushaikwa kwechiedza. Rima harigoni kurondwa richiwanikwa pane chero chinhu chakataurwa naMwari. Chitendero chisimo muMagwaro irima. Chitendero chiri muMagwaro chiedza. Pachagara paine mukana kana musiyano mukuru pakati pemafungiro erima (Mwari akati here? Pane kukakavara) nechiedza (Zvakanyorwa zvichinzi. Chokwadi).

Vazhinji vachasarudza kusatenda Shoko raMwari uye vachazama kudzikisira vashoma vanosarudza havo kutenda.

GENESISI 1:5 Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, nama­ngwanani akavapo, zuva rimwe.

Rima rehusiku mucherechedzo weKutambudzika kukuru.

Zuva rekutanga harina kutaurwa nezvehusiku. Nguva dzemadekwana izaruriro yezvakavanzika zveMagwaro zvinoona Mwenga achikwira Kudenga kuMuchato neGwaiana.

ZEKARIA 14:7 Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJEHOVA, hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo.

Vanopesana nehusiku kana rima renguva yeKutambidzika. Vanodzoka kuMagwanani eMereniyamu, makore 1000 erugare. Richave zuva rekutanga iro Jesu neMwenga wake pavachatonga panyika.

II PETRO 3:8 Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.

Saka “madekwana nemagwanani raive zuva rekutanga” izvi zvinotiratidza kuti Mwenga haapindi munguva yeKutambidzika.

Maawa matatu erima pamuchinjikwa aive kutirangaridza kuti Jesu akarwisa madhimoni egehena murima kuti aripire zvivi zvedu kuti tiregererwe kubva kurima reKutambidzika kukuru.

Asi Satani akatanga kurwadzisa kwake munguva yemadekwana muchiedza cheMagwaro anoziviswa. Inguva inokanganisa mafungiro ine kukanganisa mukereke, mafungiro evanhu, tsika dzemapegani zvakasanganiswa nezvidimbu zvechokwadi chemuBhaibheri. Panoita kachadzera kechiedza chaicho apo zvakavanzika zveMagwaro zvinoziviswa naWilliam Branham. Vateveri vake vanotanga kumusimudzira kumuita Izwi raMwari vozanganisa chiedza chemadekwana nemazano evanhu “akachenjera”, apo zvakataurwa nevanhu nekuturikirwa kwazvo kunotsiva Magwaro.

NGUVA YEKEREKE YEEFESO

Ndakati kereke yechokwadi ichagaroedza kuti ifanane nezvazvaive muBhuku raMabasa. Ndizvo chaizvo. Asi takadzidza kuti Shoko rinodzidzisawo kupindira kwechakaipa kusvikira paita kudzimwa kwechokwadi mumazuva ekupedzisira apo Ishe vanenge vakuda kuonekwa.

Kudzimwa kwakazara kwechokwadi kunoreva kuti makereke emharidzo anenge akarasiswawo nevatungamiri vawo.

Nguva yekupedzisira iri pakati peboka diki rinoda kutenda zvese zvakanyorwa muMagwaro sezvakaitwa nekereke yekutanga yemapostora nevamwe vazhinji vanotevera ruzhinji rwevanhu nemifungo yavo inoedza kwazvo kutsvaira vose pambero pavo.

VAFIRIPI 2:12 Naizvozvo, vadikanwa vangu, sezvamakaterera nguva dzose, ndisati ndiripo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera;

Hatigoni kupedzisa kuponeswa kwedu tiri kugehena. Asi tinofanira kupedzisa nzira yedu yekuti tiponeswe kubva kuKutambudzika.

ZVIREVO 7:9 Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba.

Chiedza chemadekwana chinotsaurwa kubva kurima rehusiku sezvo Mwenga- wechiedza -chemadekwana anopunyuka kubva kuKutambudzika.

Nguva:

Nguva dzehusiku dzinomiririra kudisa kukuru kuti tipunyuke kubva kurima rezvivi neKutambuzika. Ndicho chikonzero nei husiku hwaive chikamu chePaseka nechirayiro. Chirayiro chinotaura nezvechipiriso chaJesu chaakaita kuti zvivi zvedu zviregererwe..

Kugeza tsoka.

JOHANE 13:1 Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.

2 Zvino vakati vapedza kurayira, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;

3 Jesu achiziva kuti Baba vakamupa zvinhu zvose mumavoko ake, vuye kuti wakabva kuna Mwari vuye kuti anoenda kunaMwari;

4 Akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chivuno.

5 Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipisika nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.

6 Akasvika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?

7 Jesu akapindura, akati kwaari: Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.

Petro haana kunzwisisa chiro pamusoro pekugezeswa tsoka. Saka, zvaive zvisina chekuita nekuzvininipisa kana kuzvideredza. Nekuti Petro ainzwisisa nyaya yekuzvininipisa.

Zvaive zvisinawo chekuita nehutsanana nekushambidzika. Kugeza guruva kubva patsoka dzemunhu asati apinda mumba ndihwo hutsanana. Petro aikwanisa kunzwisisa izvi.

8 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisingakushambidzi, haunomugove neni.

Petro akarasika pazvese izvi. Jesu aisafanira kugezesa tsoka dzake.

Jesu akamuyambira pamusoro pechirevo chakadzama chekuita uku. Dai tsoka dzake dzisina kugezwa mumvura, aizoshaiwa nzvimbo muhurongwa hwaMwari hweruponeso.

9 Simoni Petro akati kwaari, Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi mavoko angu nomusoro wangu vo.

Petro akatozonyanya kurasika. Aive oda kuti maoko ake nemusoro wake zvigezwe wo.

10 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba makumbo bedzi ipapo watonatswa iye wose. Imi makanaka asi hamuzi mose.

Kana tsoka dzemunhu dzakagezwa, munhu iyeye anenge akachena zvakazara.

Jesu haana kutaura nezvekushambidzika kwepanyama.

11 Nokuti wakanga achiziva uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna kunaka mose.

Ndiro gwara. Jesu aitaura pamusoro pekushambidzwa kubva kuzvivi.

Saka, mvura mucherechedzo wei sezvo asina kushandisa sipo?

VAEFESO 5:26 kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,

Kana tikaita zvinhu nenzira yeMagwaro chete ndipo patinogezwa kubva kuzvivi zvedu.

Saka nei kukosha kwakava patsoka kusina kuiswa pamusoro nemaoko? Jesu aitauranezvei?

Petro aizozivei nguva yaizouya chaanga asina kuziva panguva iyoyo?

 

 

Danieri akaturikira zvakarotwa naNebukardnezari zvichimiririra hushe huna hwevaHedeni. Ndarama (huchenjeri) hwezvakavanzika zvaPontiff kana chiPrista cheBabironi yechipegani, zvaive zvakatsiva Nimrodi, zvakatangira muBabironi. Vakabva vadzidza kukosha kwekuvaka chimisikidzo chehushe hwepasi rese chakatungamirirwa nekuitwa nehuchenjeri hwevanhu chemaMediani nevaPersia. Zivo dzemagiriki dzakazoita nheyo dzekukanganisa kwakachenjera kwazvo kwakaita seTiriniti, kuzvarwa kwamwari wezuva pakati penguva yechando, nekutsanangura ramangwana emunhu zvichibva pa “Nyeredzi naChinyanga”. Alexander ndiye akaita munhu wekutanga kumadokero kunamatwa saMwari. Zvino zvakavanzika zveBabironi zvakabva zvapinda muRoma maive nehutsinye hwehutongi hwetsvimbo yedare, makaro nekukarira mitero kwaive kwakanyanyisa. Mudzvanyiriri wekutanga muRoma kuita Pontiff aive Jurio Kesari akanamatwa saMwari mumashure merufu rwake. Ipapo hushe hweRoma yemapegani, hwakaparadzwa nemarudzi evatorwa, hwakamuka kutanga kurarama pamatongo ehushe hwenyika yeRoma hwava Kereke yeRoman Catholic. Ndiko kuchiri kugara Pontiff kana Pope. Ruponeso rwaive rwemaJuda rwuri kunze kwevaHedeni. Pamuchinjikwa, ruponeso rwakayambukira kubva kumaJuda kuenda kuvaHedeni. Nguva nomwe dzemakereke dzakaona mwenga wevaHedeni anomiririrwa nevhu nekereke yeRoman Catholic inomiririrwa nezvidimbu zvedare mutsoka.

Ndizvo zvaimiririrwa nekugezesa tsoka. VaHedeni vachigezwa neShoko rakaziviswa kunguva imwe neimwe mukati memakore 2000 enhorondo yekereke.

GENESISI 3:14 JEHOVA Mwari akati kunyoka, "Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedu­mbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.

15 Ndichaisa ruvengo pa­kati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwa­nya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo."

Mhuka yakanyengera Eva yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka.

MATEO 16:23 Asi wakatendeuka akati kuna Petro, ibva shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari asi zvinhu zvavanhu.

Nyoka ikasimuka kumashure kwemufananidzo wemuHedeni yaizoruma chitsitsinho, mucherechedzo weCalvari.

Nechitsitsinho chakakuvadzwa, Kristu haana kukwanisa kufamba kwemazuva matatu aaive mubwiro. Asi akamuka kubva kuvakafa.

Uku kwaingova kukanganiswa kwenguva duku.

Asi musoro wenyoka wakakuvadzwa. Wakakuvadzwa njere. Usisagoni kufunga maererano neMagwaro. Saka achagara achingorasika pane zvimwe zvinhu achibva paMagwaro. Kukuvara mumusoro kunokonzeresa kuti dziva reropa rizvimbe mumusoro rinoramba richikura kusvika ratsimbirira pfungwa munhu ofa. Satani nezvivi pakupedzisira zvichaparadzwa.

 

 

Ruponeso rumwechete rwakazarurirwa vaHedeni rwaive mutsoka dzemufananidzo wemuHedeni.

Petro aizodzidza nekufamba kwenguva, mumba maKonirio aona chiratidzo katatu, vaHedeni vaizouya muHushe. SemuJuda, Petro akazvidza veHedeni.

Musoro wehushe hweBabironi waive wakurirwa kare watsakatika. Nemavoko maviri ehushe hwemaMediani nevaPersia. Vose vaive vakurirwa nevaGiriki. Saka kugezesa mavoko nemusoro zvaive zvisina betsero. Zvaive zvisina chirevo, kuedza kugadzirisa hushe hwaive hwakurirwa kare.

DANIERI 2:31 "Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo-naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.

32 Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakanga uri wendarama yakaisvo-naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira,

33 Makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu.

Asi ivhu raive rakanyorova sezvo raikwanisa kuumba. Ivhu rakagezwa mumvura.

DANIERI 2:43 Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu

34 Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa-putsa.

Kuuya kwaShe hakubvi parubatsiro rwepfungwa dzevanhu.

35 Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose.

“Mhepo” ihondo nematambudziko enguva yeKutambidzika Kukuru.

Gomo ndiro Hushe hwerugare irwo Jesu anogadza panyika kwemakore 1000, mumashure mehondo yeAmagedhoni.

Saka, kugezesa tsoka kune chirevo chakadzama.

 

 

JOHANE 13:12 Zvino wakati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguvo dzake, akagara zve, akati kwavari: Munoziva zvandakakuitirai here?

13 Munondiidza Mudzidzisi, vuye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.

14 Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi vo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

15 Ndikakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.

Apa Jesu akatiudza kuti tinofanira kutevedzera muenzaniso wake.

16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake vuye wakatumwa Haazi mukuru kuno wakamutuma.

17 Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita

Kana tichiziva kugezesa tsoka tinofara sezvo Mwari akatipa zaruriro yakadzama nezvazvo.

Mwari anoda kuti tigezesane tsoka dzedu.

Jesu ndiShe wako here?

JOHANE 13:14 … nemi vo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

15 ... Ndikakuratidzai makwara… kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.

17 … Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita

Kuterera.

Kushambidzana tsoka kwakaitwa nekereke yekutanga.

1 TIMOTIO 5:9 Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete,

10 Inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.

 

 

MuTestamente Yekare, tsoka dzaiwadzana nekudzikinurwa.

Munhu aibvisa shangu dzake, zvairatidza tsoka dzake kana aive azvipira kudzikinura hama yake.

RUTE 4:7 Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavalsiraeri kana vachidzikunura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutoo wokupupura nawo pavalsiraeri.

8 Zvino hama iyo yomumba ikati kuna Bhoazi, "Chizvitengera hako uyo." Akabvisa shangu yake.

Boazi akabvisa shangu yake kuti adzikinure Rute.

Boazi aive mucherechedzo wekukurura kwakaita Jesu kubwinya kwake kudenga achiuya pasi kuzodzikinura rudzi rwevanhu. Akazvarwa nemhandara, aive Hama Mudzikinuri.

 

 

Kushambidza tsoka

I TIMOTIO 5:9 Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete,

10 Inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.

 

 

1 VAKORINTE 11:20 Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe;

21 Nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa.

Kana vamwe vaibatwa, zvinoreva kuti vainwa waini kwete chimwiwa chemazambiringa.

MaKristu haafaniri kunwa waini sezvo kusimudzwa kwezaruriro yezvakavanzika kuriko waini yedu yemweya.

Chinhu chimwechete chinotenderwa muTestamente Itsva kudzvuta waini pachirayiro.

MuTestamente Yekare, Mwari akaudza maJuda kuti vasaite mifananidzo yekuumba kana kuveza. Chinhu chimwe chaitenderwa aive makerubi maviri aive akatarisana aive pachigaro chenyasha pamusoro pechifunhiro chokuyananisira.

22 Ko hamunedzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi.

Chirayiro chaisafanira kuva chikafu chekugutsa vanhu. Jesu akamirira kusvikira mabiko ePaseka apera. Ipapo ndipo paakazounza Chirayiro.

Vanhu vanofanira kudya zvekupfachura kudzimba. Vanozotora Chirayiro chinongova chirango kana takachitarisa chiri chingwa chakadimburwa nekudzvuta waini.

JOHANE 13:2 Zvino vakati vapedza kurayira, Diaborosi atoisa mumoyo maJudasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;

JOHANE 13:4 Akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chivuno.

5 Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipisika nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.

Abrahama akagamuchira Chingwa newaini kubva kuna Merksedeki paakakurira kuhondo.

Chirayiro ndechemaKristu akazvipira vane hukama hwakadzama naJesu uye vakakurira hondo naSatani nekusatenda.

Zvakaipisisa kuita chirayiro kana hupenyu hwemunhu nenzira dzemararamiro ake asina kufanira Evangeri.

1 VAKORINTE 11:27 Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.

28 Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu.

29 Nokuti unodya nokunwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganatso nzwisisa muviri waShe.

30 Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete.

 

 

Murongo wazvo.

 

 

Chirayiro

Kuraya: kuyanana kwehukama hwakadzama

Chirayiro: Kuita kwekusangana, kuwadzana

Kutaurira: kugovera mashoko, kuzivisa, kudzidzisa

Kutaurirana: Kuita kwekuzivisana

 

 

“Chirayiro”- duramazwi raWebster

Kuita kwekugovana, kuyanana kuwadzana zvichireva kunzwisisana nekusimbisana mukuchinjana mifungo, zvibvumirano, nekuwadzana.

 

 

GENESISI 18:17 Zvino JEHOVA akati, "Ndicha­vanzira Abrahama zvandinoita here?

18 Abrahama zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari?

19 Nokuti nda­kamutsaura, kuti araire vana vake navei­mba yake vanomutevera, kuti vache­ngete nzira yaJEHOVA, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti JEHOVA avuyise pamusoro paAbrahama izvo zvaakataura pamusoro pake."

20 Ipapo JEHOVA akati, "Kudanidzira kweSodomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwa­zvo;

21 Ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokuda­nidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva."

22 Zvino vaya varume vakabva, va­kaenda Sodhomu; asi Abrahama aka­ramba amire pamberi paJEHOVA.

23 Zvino Abrahama wakaswedera, akati, "Mu­chaparadza vakarurama pamwechete na­vakaipa here?

24 Zvimwe vangavapo va­karurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mu­kasainzwira tsitsi nokuda kwavakaru­rama vana makumi mashanu varimo here?

32 Akati, "JEHOVA ndikataurazve ka­mwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo."
Akati, "Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi."

33 Ipapo JEHOVA akabva, apedza kutaura naAbrahama; naAbrahama akadzokera kumba kwake.

Mwari akagara achida kutaura nekuwadzana nevanhu. Dambudzika rinaMwari nderekuwana munhu akakodzera kuti ataure naye.

EKSODO 33:9 Zvino kana Mosesi apinda mutende, shongwe yegore yaJEHOVA yaiburuka ikamira pamukova wetende, JEHOVA akataura naMosesi.

11 Ipapo JEHOVA waitaura naMosesi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva patende.

NUMERI 12:7 Muranda wangu Mozisi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.

8 Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona JEHOVA kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mosesi?"

“Mwanakomana waMwari” ndiko kuratidzirwa kwaMwari mumuviri wemunhu “Baba” ndiko kuzviratidzira kwaMwari achigara zvakazara muMwanakomana.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

JOHANE 14:23 Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu; naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari.

Jesu anoda kugara mumoyo yevanhu vakatendeuka vakaita vatsvene pamabasa avo.

 

 

 

2 VAKORINTE 13:14 Nyasha dzaShe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuyanana kwoMweya Mutsvene, ngazvive nemi mose. Ameni.

VAFIRIPI 2:1 Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kunaKristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mumoyo nokunzwira tsitsi,

1 VAKORINTE 10:16 Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here?

17 Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

 

 

MAPISAREMA 4:4 Ityai murege kutadza; Tauriranai nemoyo yenyu panhovo dzenyu,muti mwii.

MAPISAREMA 77:6 Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; Ndinotaurirana nomoyo wangu; Mweya wangu wakanzvera kwazvo.

MUPARIDZI 1:16 Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, ...

 

 

2 MAKORONIKE 9:1 Zvino mambokadzi weSheba akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make.

Mambokadzi wezasi. Mucherechedzo wekereke yechokwadi kana Mwenga. Akabva muhutefetefe hwemba nehumambo hwake akatora rwendo rurefu rwairwadza kubva kuAfrica nekuti aida kuziva zvakawanda zvaMwari.

Aive nemibvunzo mizhinji yakaoma yaaida kudairwa. Nekuti mibvunzo yaive yakaoma, zvakaratidza kuti ave nerudo rwekuziva Chokwadi chakadzama. Aive asina asingangodi Shoko raMwari zvepano neapo kana kuti nekuda kwenzvimbo nenguva, aitova nerudo irworwo rwakasimba achida mhinduro.

RUKA 6:12 Namazuva iwayo wakabudira kugomo kundonyengetera, akapedza vusiku hwose pakunyengetera kuna Mwari,

Ndiko kuda kukuru kwaiita Jesu kutaurirana neMweya waigara maari zvekuti aigona kunamata husiku hwese paaive ega mugomo, zvisinei nekutyisa uye kushaiwa mudziya kana magarikwa kwaivepo.

Rudo rwake rukuru rwaive rwakareruka kwazvo, semunhu, aida kuva muKuda kwaBaba vake Mweya Mutsvene.

 

 

RUKA 22:3 Zvino Satani wakapinda kuna Judhasi wainzi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri.

4 Akaenda, akandorangana navaPrisita vakuru navakuru vetembere, kuti ungamuisa kwavari sei.

Zvinosuwisa, moyo wemunhu unogamuchira Diaborosi nemazano ake asimo muMagwaro. Tinobva tayanana nekuita-vatendi patinongowana mukana wekuzviwanira zvakanaka. Tinosarudza kuzviitira zvatinoda zvotonga moyo yedu pachinzvimbo chekuti Jesu atonge nekutitungamirira muKuda kwaMwari.

 

 

ISAYA 59:1 Tarirai, ruoko rwaJEHOVA haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa;

2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.

Zvakaipa zvakarehwa kuziva kuti chinhu chakaipa asi wochiita zvakadaro. Mwari anovanza chiso chake kubva kwatiri kana tikadaro, kusvikira tatendeuka tagezwa zvakare tacheneswa kupfurikidza kutenda muRopa rake.

ZVAKAZARURWA 1:5 NokunaJesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka, pazvivi zvedu neropa rake,

Enoki akafamba naMwari kwemakore 365 akayanana naMwari.

GENESISI 5:23 Mazuva ose aEnoki aka­nga ari makore ana mazana matatu nama­kumi matanhatu namashanu.

Haana kubvira afa akangokwira kudenga kuParadiso.

GENESISI 5:24 Enoki aka­famba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.

Uri murangaridzo wekufamba kwaEnoki kwakarurama achiyanana naMwari, Mwari akashandura kureba kwegore pakapera Mvura yaNoa.

Gore remuBhaibheri rine mazuva 360.

 

 

Gore raimbova nemazuva 360 asi izvozvi rane mazuva 365.

GENESISI 7:11 Pagore ramazana matanhatu rou­penyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzika­dzika akadziurwa, namahwindo edenga akazarurwa;

GENESISI 8:4 Nomwedzi wechino­mwe, nezuva regumi namanomwe ro­mwedzi, areka ikamira pamusoro pama­komo eArarati.

Kubva pazuva rechigumi nemanomwe remwedzi wechipiri kusvika pazuva rechigumi nemanomwe remwedzi wechinomwe panoita mwedzi mishanu.
GENESISI 7:24 Mvura ikaramba yakakwirira pa­nyika mazuva ane zana namakumi ma­shanu.

Kana Mwedzi mishanu iine mazuva 150, mwedzi umwe neumwe unenge uine mazuva 30.

Gore rine mwedzi gumi nemiviri rinoita mazuva 360.

Izvi zvinogona kutsigirwa muBhuku raZvakazarurwa.

ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.

3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.

Kana mwedzi makumi mana nemiviri iri nemazuva 1260 zvinoreva kuti mwedzi umwechete unoita 1260/42 = mazuva 30.

Gore remuBhaibheri rimwechete = 12 x 30 = mazuva 360.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23