Chirayiro Chikamu 2
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Chirayiro chakabva paChidyo chePaseka.
Paseka yaishanda pavana vematangwe chete. Ivo voga vaizofa kana paine chakanganisika.
Mwana wedangwe aifanira kukoshesa kuitwa kwegadziriro dzePaseka. Vaitevera zvakanakisa rairo yaMosesi. Kuchengetedzeka kwavo kwaibva pakuterera kwavo kwakazara.
EKSODO 12:12 "Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeEgipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeEgipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veEgipiti; ndini JEHOVA
Eksodo kana rwendo rwaisanganisira kufa kana kurarama kwemwana wedangwe aifanira kuita zvinhu nemazvo.
Mwana wedangwe akazvitora sei?
Vaive vasingadi kupesanisa zvinhu kana padiki kana kuti vaive nerudo rwekuwana zvese, zvinhu zvese netudiki twese, kuti zviitike nemazvo kuitira kuti vasafe.
Isu tinozvitora sei?
Dangwe richaramba richiongorora kuti zvinhu zvakamira zvakanaka here. Dangwe rinoramba rakasimba neMagwaro. Ndipo patinoziva napo kuti tiri matangwe pamweya.
EKSODO 12:13 Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeEgipiti.
Vana vematangwe havaigona kuzviponesa. Vaifanira kuvimba zvakazara neropa regwayana pamagwatiridzo akamiswa nekuchinjikwa emagonhi.
VAHEBERU 12:22 Asi imi makaswedera kugomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi.
23 Nokuvungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokunaMwari, Mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa.
Kereke yedangwe inoda kuti zvinhu zvese zvive panzvimbo zvakaringana nekuteerera Shoko raMwari.
Pasina mukana wekupinda kwechakaipa. Pasina Magwaro asina kutsanangurwa, kufuratirwa kana kurwiswa.
Ngatitarisei chingwa nezvachinoreva kana kumiririra.
REVITIKO 23:5 Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, iPasika raJEHOVA.
6 Nezuva regumi namashanu romwedzi iwoyo ndiwo mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; munofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe.
Jesu ndiye Chingwa cheHupenyu.
JOHANE 6:35 Jesu akati kwavari: Ndini chingwa chovupenyu; unovuya kwandiri, haangatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
JOHANE 6:42 Vakati: Uyu haazi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino ungagoti seiko: Ndakaburuka kudenga.
43 Jesu akapindura, akati kwavari: Musan’un’una pakati penyu.
Mana yake, Evangeri reruponeso rinobva kuna Mwari pachake, rakakosha kudarika chingwa chakararamisa maJuda murenje.
JOHANE 6:47 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, kwandiri unovupenyu bwusingaperi.
48 Ndini chingwa chovupenyu.
49 Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa.
50 Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa.
Mwari akatumira mana chiri chikafu chekuti vanhu vagute panyama ichidonha kubva kudenga zvakapa maJuda chekudya chemahara kwemakore makumi mana murenje, asi izvi hazvina kuita kuti maJuda atende. Vose vakafa. Mwari akavaita kuti vadzungaire murenje kusvika vafa.
Jesu anotiyambira kuti zvinhu zvese zvenyama zvatingapihwe naMwari zvakaita sehupfumi, hutano, mabasa nemikana nekuchengetedzeka zvingori zvinhu zvenguva duku hazvitipi hupenyu husingagumi.
Hatifaniri kurerutsa kana kutarisira pasi maropafadzo aMwari aanotipa panyama. Haarevi kuti takatendeka uye tinogona pamberi paMwari.
Tinofanira kutsvaga hukama hwakadzama naJesu. Kwete kutongwa nerudo rwekupfuma panyama asi kutongwa nerudo rwekubatira Mwari nekumutevera zvisinei nekuti taripira nemubairo upi.
MARKO 8:15 Zvino akavaraira, akati: Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarise nembiriso yaHerodhe.
Mbiriso yevaFarise mucherechedzo wekuvodzwa munezvechitendero.
VaFarise ndivo vaive vatungamiri vezvitendero vakatora zvinzvimbo nechisimba sezvo vasina kubvira vataurwa nezvavo muTestamente Yekare. Nhasi mufundisi akatora simba pahutungamiriri hwekereke kunyange zvazvo “pasita kana mufundisi” akataurwa kamwechete chete muTestamente Itsva, sehushumiri humwechete pahushumiri hushanu. Izvi hazvivapi simba rinobva muMagwaro kana Bhaibheri kuti vatungamirire kereke.
Mwari paakatanga kereke, haana kubvira ataura nezvemufundisi kana pasita.
I VAKORINTE 12:28 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapostora, rwechipiri vaprofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.
Saka, kuvodzwa pamweya mukereke kunotanga nedzidziso “yemunhu mumwechete -ari -mutungamiri -wekereke”.
Mbiriso yaHerode ndiko kuvodzwa munezvematongerwo enyika kwakapinda mukereke makore akapoteredza AD 312 apo mubati weRoma Constantine akapa muzinda weLaterani wakanakisa nehupfumi huzhinji kuna bhishopu weRoma.
Kubva ipapo, kereke yakavhurika kukurudziro dzezvematongerwo enyika ikasimuka mumasimba ezvematongerwo enyika kusvikira kereke yeRoman Catholic yatanga kutonga Europe. Izvi hazvina chakanaka chazvakaitira Europe sezvo venhorondo vakabva vadaidza nguva iyi kuti Nguva dzeRima.
1 VAKORINTE 5:6 Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here?
7 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu;
8 Saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi.
Kuneta kwedu kukuru kuri muhunhu hwedu. Kushata. Kuda kukaurisa. Kuda kutsiva. Rudo rwekuona muvengi achiwisirwa pasi. Kurwadziwa kana mumwe munhu akandikurira. Kuvengana pakati pemarudzi. Kushaiwa kunzwirana tsitsi apo tinoshingirira kuzvisimudzira nemakaro asina muganhu.
Kunyepera. Kutaura kuti muri munhu wamunoziva kuti hamusi. Kurasisa chokwadi cheBhaibheri. Kubatirira pakukanganisa kana kuchitiitira zvakanaka.
MATEO 16:6 Jesu akati kwavari, tarirai muchenjere mbiriso yavaFaraise navaSaduse.
7 Vakarangana pakati pavo vachiti unodaro nokuti hatina kutora chingwa.
8 Zvino Jesu achizviziva akati kwavari, imi vokutenda kuduku munorangana pakati penyu nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa?
Zvakare Jesu anokoshesa kutaura kuti Diaborosi paakangopinda muna Judasi, mutungamiri wekereke, nemupositora, saka kuvodzwa kukuru kunobva muhutungamiri hwekereke. Nhasi tinovadaidza kuti mapasita, mabhishopu, maachibhishopu, mapostora makadhinari maPope.
Chingwa chine chirevo chakadzama. Chinomiririra chikafu chemweya kumweya yedu. Saka chingwa chinoratidzira chokwadi chakavanzika cheMagwaro.
MATEO 16:9 Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani?
10 Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?
11 Hamunzwisisi neiko kuti handina kutaura kwamuri pamsoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yava Farise navaSaduse?
12 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFarise navaSaduse.
Mbiriso inomiririra kuwora nekuvodzwa. Kurambwa kwechokwadi cheBhaibheri.
Dzidziso dzenhema ndidzo tsime guru rekukanganisa mumakereke. Izvi zvinoita kuti vakuru vemakereke vatadze kunzwisisa zvinoreva Bhaibheri pamweya pamusoro pezviitiko zvemuBhaibheri. Kuvhariridza kusaziva kwavo, vanotaura pamusoro pevhesi iroro sezviitiko zvisina basa zvinokwanisa kudarikirwa. Uku kusavimbika sezvo vasingakwanisi kubvuma kuti havazivi uye havanzwisisi mavhesi iwayo.
Asi Shoko rimwe nerimwe riri muBhaibheri rakanatswa.
ZVIREVO 30:5 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa;
II TIMOTIO 3:16 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama,
Hapana chinhu chatinofanira kufuratira. Chinhu chese chine chirevo chinokwanisa kutidzidzisa chimwe chinhu. Mwari haana kuzadza Bhaibheri nemitsara isina kufanira. Asi mapasita anovanza kusaziva kwavo nekufuratira mavhesi avasingagoni kunzwisisa sekuti mavhesi iwayo haana basa.
Zvikamu zvishanu chete kubva muzana zveDNA redu ndizvo zvinoita sezvine basa. Saka, pakutanga, vesainzi vaifuratira zvikamu 95 kubva muzana vachiti “marara e DNA”. Ndiko kwaive kuita kwekusaziva kwavo zvinhu zvavaisanzwisisa. Zvishoma nezvishoma vakatanga kunzwisisa kuti “marara e DNA” aive akakoshera kuti masero emuviri arambe ari mapenyu. Hupenyu hwakaoma kudarika zvatinofungidzira.
Saka, kana muchifunga kuti sezvo makaponeswa, Magwaro ese amusingagoni kutsanangura “haana basa” (marara) munenge muri munjodzi yakaoma. Muchafa munguva yeKutambudzika muri chikamu chevasikana mapenzi kana vasikana vakanyengerwa. Vasikana vakangwara vakatenda kuti Magwaro ese ndeechokwadi uye akakosha uye ane chirevo chakadzama chinofanira kurondwa muMagwaro vachararama kuti vaende kuChirayiro cheMuchato Kudenga.
Jesu aitaura pamusoro pechingwa chakaraswa nehove dzakaraswa nemaJuda. Chingwa nenyama mucherechedzo wedzidziso. Jesu airatidza kuti vanezviuru zvishanu nevanezviuru zvina vaizoramba dzidziso dzeEvangeri. Izvi zvakaratidzirwa nekurasa kwavakaita chingwa chisina kudyiwa nehove dzavasingadi, kana kutsvaga.Saka, vakaratidza kuti chimwe chikafu chavakapihwa naJesu chaive chisina kufanira nekuti vaive vadya zvakavakwanira ivo vaive vasisade chimwe. Saka, vainzwa kuti Jesu akakanganisa. Akavapa chingwa chavaisada. Akaudza vadzidzi vake kuti vaunganidze chingwa chese nemafufu aive araswa aya. Matengu gumi nemaviri airatidza kuti pakupedzisira kwenguva nomwe dzemakereke mafufu akarambwa aya aizoita Evangeri aizodzokera kumaJuda munguva yeKutambudzika kukuru kunoburitsa maJuda 144 000.
Matengu manomwe echingwa chakarambwa aimiririra kuti mafufu akarambwa nemaJuda aizonongwa nevadzidzi vogadzira Testamente Itsva. Mafufu akarambwa nemaJuda aya aizove dzidziso dzaizovakirwa kereke padziri apo dzaizofamba munguva nomwe dzemakereke. Nguva imwe neimwe yaizosangana nedambudziko rayo nezviitiko zvayo zvekuti Bhaibheri raizovatungamirira kuti vakurire.
VAGARATIA 5:9 Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.
Kukanganisa hakurambi kuri kuduku. Kunokura.
Bhaibheri harina kubvira ratiudza kuti tipembere kuzvarwa kwaShe.
Negore rinenge AD 35O Bhishopu weRoma Jurio I (chinzvimbo chisimo muMagwaro sezvo kereke yekutanga yaitungamirirwa nevatariri kana vakuru, kwete munhu mumwechete) akakotamira kumanikidzwa kwaakanga akatarisana nako akazivisa kupembererwa kwekuzvarwa kwaJesu. Akatevedzera pfungwa iyi kubva pakuzvarwa kwamwari wezuva wemapegani kwaive kwatangwa nemubati weRoma yechipegani Aurelian, muna AD 274, kukaiswa kuti kuve musi wa 25 Zvita. Mazuva matatu aive adarika Aurelian agura musoro wabhishopu weRoma.
MaRoman Catholic vanopemberera mutambo wavanodaidza kuti Masi. Saka izvi zvakazoitwa Masi yaKristu kana kuti Kisimusi.
Vemasangano akapikisa chiCatholic havapembereri Masi. Asi kana vakapemberera Kisimusi vanenge vachipemberera Masi yeCatholic. Vachapinda dambudziko pavachamira pamberi paMwari pakupedzisira. Vemasangano akapikisa chiCatholic vanofanira kunge vakazvitsaura kubva kutsika dzeCatholic kare.
Parizvino pane matambudziko matatu.
Vemasangano vanopemberera kuzvarwa kwaKristu asi Bhaibheri risina kubvira ratiti tiite saizvozvo.
Kisimusi izwi risimo muMagwaro rinobva paizwi risimo muBhaibheri rekuti “masi” kana kuti mhemberero, dzakatangwa naPope.
25 Zvita izuva risimo muMagwaro.
Hakuna chiitiko chemuBhaibheri chakabvira chakayananiswa nezuva rakasarudzika pagore. Mwedzi yemuBhaibheri yaitariswa mwedzi wemuchadenga. Paseka yaive yakaiswa pazuva rechigumi nemana remwedzi mutsva (zuva rekutanga remwedzi raive risingabudi mwedzi). Paive pasina zuva raitozivikanwa kuti izvi zvaizoitika pagore.
Saka Pauro akaramba kuedza kwese kuyananisa zviitiko zvechiKristu kuzuva repamwedzi kana pagore.
VAGARATIA 4:9 Asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?
Zvinhu zvehurombo zinotiwisira muhurombe nehuranda kutsika dzechipegani.
VAGARATIA 4:10 Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.
Zuva rakasarudzika, remwedzi wakasarudzika, gore rega rega dzaive tsika dzeRoma kwete tsika dzeBhaibheri.
17 Zvita, gore rega rega, yaive nguva yemhemberero dzeSaturnalia. Nguva yaidhakwa vanhu, kuita zviito zvakaipa zvisina kufanira vanhu, nekufadza vamwari vezviumbwa. Munhu wese aifanira kukwazisa nekwaziso isina zvainoreva yekuti “Yo Sartunalia”.
25 Zvita, gore rega rega, yaive nguva yekupemberera zuva rakaberekwa mwari wemapegani wezuva. Nhasi, totenda kereke yeRoma, vemasangano vakutopembererawo.
25 Zita, gore rega rega, senguva yekisimusi. Munhu wese anotaura mashoko asimo muBhaibheri ekuti “Meri kisimusi”.
VAGARATIA 4:11 Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.
Pauro akatarira vanoenda kumakereke akatya navo. Vanoenda kumakereke nhasi uno vari kutambisa simba rake nekuda kwerudo rwatinarwo nezvitendero zvechipegani.
Jeremia Chitsauko 10 anotiudza kuti tisadzidza tsika dzemarudzi evaHedeni vanotema muti musango voushongedza nesirveri nendarama. Vanoenda kumakereke vanofuratira zvakataurwa naJeremia votevedzera tsika dzevaHedeni, muti weKisimusi usimo muMagwaro. Vanoisa zita raKristu patsika yechihedeni vozvidaidza kuti chokwadi cheBhaibheri. Sekuti Mwari anofadzwa nekuti zita rake riyananiswe netsika dzechipegani dzakavodzwa.
JEREMIA 10:2 Zvanzi naJEHOVA; "Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu,
3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.
4 Vanoushongedza nesirveri nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka.
5 Zvakafanana nembiru dzakavezwa, dzisingatauri; ...
Vasikana mapenzi (vakadzi vakachena mhandara) vanomiririra maKristu akaponeswa vanoguma vapinda munguva yeKutambudzika nekuti vakanyengerwa kupinda mutsika dzechipegani. Vakakanganwa kuti Mwari akadana Abrahama kubva muchipegani kuti anamate Mwari mumwechete wechokwadi.
Vazivi vekumabvazuva vakapinda mumba, kwete muchidyiro. Vakaona Jesu ava Mwana, kwete rusvava. Maria mai vake ndivo vaivepo kwete Josefa. Vakanga vafamba kwemakore maviri.
Saka, vazivi havana kutora zvipo zvavo vakaendesa pakazvarwa Kristu.
MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.
Izvi zvinoisa panjodzi mari yevazhinji vemabhizimisi vanoita mari nekutengesa “Zvipo zveKisimusi”.
Jesu akadzinga vaiita mari muTembere musi weMuvhuro vakazomuuraya musi weChina.
Musafe makapokana nemufundisi nemawaniro aanoita mari kana kuedza kushoropodza nzira yavo huru yekuita nayo mari yakazara chipegani nemashoko mashomanana echiKristu. Venhorondo vakataura pamusoro pekereke yeRoman Catholic vachiti yaive chipegani chakabapatidzwa. Vemasangano akambobuda munamai vemakereke Catholic vachiipikisa vakutenda muzvinhu zvainokanganisa zvisimo muMagwaro.
Kuti vanhu vese vafare, mufundisi anofanira kuramba chokwadi otaura kuti vazivi vekumabvazuva vakasvika pakazvarwa Jesu. Vatungamiri vemakereke vakava imbwa dzisina mazino dzinohukura dzisingagoni kuruma.
Zvakadaro, pfungwa imwechete yakaipa yekuti “Tinofanira kupemberera kuzvarwa kwaJesu” yakabereka dzimwe pfungwa zhinji dzakaipa.
Izvi ndizvo zvinoitwa nembiriso. Inopararira yowanza dzidziso dzakaipa.
Mbiriso mucherechedzo wakaipa.
Nhasi uno tinoidaidza kuti yisiti. Yisiti kana mbiriso inopararira kana kuwora, kuti iite kabhoni dhayokusaidhi (CO2) mweya wakafa watinoburitsa pakufema.
Pane kurwa kukuru pakati pembiriso (kun’ora pamweya maererano neBhaibheri) neMweya Mutsvene, anova Hupenyu uye anotevera Magwaro chete.
VAROMA 8:2 Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu.
VAROMA 8:10 Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.
Mweya Mutsvene Hupenyu husingagumi uye unoramba uchitidzosa kune zvakanyorwa muBhaibheri.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.
Humbowo hwehuvepo hwerubapatidzo rweMweya Mutsvene isimba rako rekugona kuverenga nekunzwisisa Shoko raMwari rakanyorwa.
Chero Munhu ane Mweya Mutsvene maari haavaki dzidziso kubva pamafungiro ake ega.
Dzidziso dzese dzinofanira kurondwa dzichiwanikwa mumavhesi eBhaibheri dzidziso yoita nzira yainofamba nayo.
Mateo Chitsauko 13 ine mifananidzo yeHushe hunomwe hweKudenga hunotsanangura nguva nomwe dzemakereke.
Nguva yekereke yechina ndeyeTiyatira zvinoreva kuti mukadzi anotonga. Nguva iyi yakataura pamusoro paJezeberi aive mukadzi akavodzwa pavose munhorondo yemaJuda. Nguva yaJezeberi naAhabu ndiyo yaive Nguva yeRima panguva yakararama maJuda muNyika yechipikirwa.
Mukadzi mucherechedzo wekereke.
Nguva yekereke yechina iri pakati nepakati penguva nomwe dzemakereke.
Saka, idzi dzinofanira kuva nguva dzepakati, dzinodaidzwawo nevamwe munhorondo kuti Nguva dzeRima.
Nguva dzerima ndidzo nguva dzakaita huwori hwakanyanya munhorondo yekereke.
Mukadzi anotonga mucherechedzo wekereke yeRoman Catholic yakatonga Europe muNguva dzeRima.
Kutadza kwake kukuru kwaive kupi? Chitendero cheTiriniti.
MATEO 13:33 Akavavudza mumwe mufananidzo akati, Vushe hwokudenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
Mbiriso kuvodzwa kwekushaya Magwaro. Hupfu hunomiririra Shoko raMwari.
Zviyero zvitatu mucherechedzo wekupatsanura Mwari kumuisa muVanhu vatatu. Tiriniti.
“Tiriniti” harisi izwi riri muMagwaro. Kana kuti “Mwari weTiriniti”. Kana mukangotenda kuTiriniti munenge makufanira kutendera mamwe mazwi ese asimo muMagwaro kuti ave chokwadi. Mazwi akaita seKisimusi, Pope, Kadhinari, Archibhishopu, maisita egi, Masi, ovhasiya (mutariri) wedunhu, mutevedzeri wapasita kana wamufundisi, nezvimwe zvakadaro.
Saka vanoenda kumakereke vanotenda mumazano asimo muMagwaro akawanda. Mbiriso inopararira.
Zivo yemaGiriki, yakachenjera kwazvo asi isiri muMagwaro, inozivisa pfungwa yevanhu – vatatu -mumwe (vanhu vatatu munaMwari Mumwechete) nepfungwa “esenzi” (essence) zvisinei nezvazvinoreva sekuti “Baba Mwanakomana naMweya Mutsvene ndivo chaivo ivo vakafanana”. Pfungwa idzi hadzisi muMagwaro asi dzinoita sedzakanaka (zvinoshandiswa kubika zvinodaidzwa kuti vanira esenzi zvinonaka pakudya saka “esenzi” rinoshandiswa nekuti rinoita serakanaka uye rinogona kureva chero chinhu chaunoda kuti rireve). Ndicho chakavanzika chefirosofi. Mazwi anonzwika akachenjera. Asi kuwana zvinoreva izwi iroro zvinenge zvakafanana nekumhanyisana nebvuri riri muguti.
Vefirosofi vakatanga nekutaura kwekuti “Mwari Mwanakomana”. Munhu mumwechete chete ndiye akambodaidzwa izvi, Nimrodi, aizivikanwa sa Eri Bari munguva dzakare. “Eri” zvinoreva kuti Mwari “Bari” zvinoreva kuti “Mwanakomana”.
Nekudaidza Jesu “Mwari Mwanakonama” vanotenda kuTiriniti vanozvisanganisa nemuvengi waMwari wakare akamukira Mwari akatanga zvakavanzika zveBabironi.
Tiriniti imbiriso inopararira. Kuti mururamisire pfungwa iyi, kutaura kuzhinji kusimo muMagwaro kunofanira kushandiswa.
“Mwari Mudzimu unoyera”
“Munhu weKutanga muhuMwari”. “Munhu wechipiri muhumwari”. “Munhu wetatu muhuMwari”.
“Mwanakomana weNokusingaperi”.
“Jesu ari muhuMwari” ASI Pauro anotiyambira kuti tisanyengerwe nezivo uye iye anoisa kuzara kwehuMwari muna Kristu.
COLOSSIANS 2:8 Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, ...
9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura kuti nei “Mwari Baba” havana kubvira vataurwa muTestamente Yekare.
“Mwari Mwanakomana” uye “Mwari Mweya Mutsvene” havana kubvira vataurwa muTestamente Yekare kana muTestamente Itsva. Havana kubvira vawanikwa muMagwaro.
Tinobva tasvika panzou iri mumba. Dambudziko guru rinofuratirwa rinogona kutorega kutaurwa. Mwari weTiriniti haana zita. Hamugoni kuwana Zita rimwechete rekupa Vanhu vatatu.
Zvakare, rimwe dambudzoko. Hakuna Zita reMweya Mutsvene muMagwaro.
Nekupererwa, vanotenda kuTiriniti vanoedza kutaura kuti Zita rake “ndiShe”. Asi “Ishe” chinzvimbo, kwete Zita.
Saka, vanozvinyengera nekunyengera vamwe vakapusa kusvika pakutenda kukanganiswa kunoitwa mazwi uku.
Zvinobva zvawedzera, bvunzai Zita raMwari, vanodaira:
“Muzita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene”. Asi havagoni kutaura kuti zita racho nderekutii.
Saka, vanoenda kumakereke vanonyengerwa kusvika pakunamata Mwari asina Zita.
AMOSI 6:10 Ipapo uchati "nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha."
Hakuna anoenda kukereke nhasi anoedza kubvunza kuti Zita raMwari Wamasimbaose nderekutii.
Zvakavanzika zveBabironi zvakabvisa Zita rake zvikaritsiva nezvinzvimbo.
Zvino, hakuna anoenda kukereke anotenderwa kubapatidzwa neZita raJesu Kristu nenzira yakashandiswa kuna Mabasa 2:38.
Saka, Babironi yakavanzika iri mukereke inorambidza vanoenda kumakereke kuterera Petro akapihwa makiyi kuti azarure mukova weDenga.
MATEO 16:19 Ndichakupa kiyi dzovushe hwokudenga. Chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika chichasungwa kudenga nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika chichasunungurwa kudenga.
Petro akasunga rubapatidzo rwaJohane Mubapatidzi rwanga rwusisashande sezvo rubapatidzo rwaJohane rusina Zita rarwaitaura.
Murubapatidzo rweMvura chete ndimo Mwenga anokwanisa kutora Zita reMurume Jesu Kristu.
Mwenga anozviwisira kumurume wake chete anotora zita remurume wake.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
Asi makereke anozvidza kubapatidzwa muZita raJesu Kristu nekuda kwerudo rwavo rwavanarwo neTiriniti.
MaJuda akatevera Mosesi (Zita) vachipinda mumvura dzeGungwa Dzvuku. Vakararama.
VekuEgipita vakatevera Farao (chinzvimbo) vachipinda mumvura dzeGungwa dzvuku vose vakafa.
Rubapatidzo muzita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene ruri kuendesa vasikana mapenzi kana vasikana vakanyengerwa (mhandara kana vakadzi vakachena, maKristu akaponeswa) kunofa munguva yeKutambudzika kukuru.
Saka, mbiriso yeTiriniti yaive yadzikisira simba rekereke yanhasi rekuti iwane chokwadi cheMagwaro. Tiriniti yakagadzirwa namai vemakereke Roman Catholic payakaita dzidziso iri pamurairo pakanzuru yeNecaea muna AD 325. Nhasi, iri kuteverwa zvakazara nevanasikana makereke emasangano.
Chingwa newaini zvese zvichadyiwa nevanotenda kuBhaibheri sezvo zvese zvichisanganiswa nepfungwa yekuyanana naMwari. Tinotaura naye Mwari otidaira neMagwaro ake.
1 VAKORINTE 10:16 Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here?
17 Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
MaKristu haasi ekereke yakasarudzika, ndeeMuviri waKristu weMweya.
1 VAKORINTE 12:12 Yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadaro vo Kristu.
13 Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJuda, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.
14 Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.
Muviri une nhengo zhinji dzakasiyana asi hupenyu humwechete huri muropa hunofamba nenhengo dzemuviri wose, huchudzibatanidza.
Vanotenda kuMagwaro, semunhu mumwe nemumwe, vanogona vakabva mumakereke akasiyana (kune makereke 45,000 akasiyana siyana) asi Mweya Mutsvene unotungamirira munhu mumwe nemumwe kupinda muchokwadi chakadzama cheMagwaro, vanhu vakasiyana siyana vanoita yanano yemweya mumuviri wemweya.
Nhasi, nenyasha dzaMwari, tinoona kuratidzirwa kweizvi apo vanhu vakasiyana siyana vari kure nakure vachikwanisa kusangana paZOOM kuti vadzidze Bhaibheri pamwechete. Vashoma vakarambwa vanokwanisa kusangana pamwechete kuti vawadzane vachinamata Mwari. Ndiwo makomborero akauya neCOVID–19. Yakavhara makereke (ikakurudzira vanhu vakazvimiririra kuti vatange kutsvaga chokwadi kunze mwemakereke avo) vakatanga kushanda netekinoroji yeZOOM yaita kuti vanhu vakapararira vanoda kubatana nevamwe vatendi vabatane. Mwari ngaakudzwe.
Eksodo yeChitatu. Tichitarisa kunze kwemakereke emharidzo ane mufundisi wavo mumwechete achitonga.
1 VAKORINTE 11:29 Nokuti unodya nokunwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganatso nzwisisa muviri waShe
Muviri waShe ndevaya vanovaka kutenda kwavo paMagwaro, kwete pakuturikira zvakabatwa paitaurwa zvakasarudzika.
Kana musingagoni kupatsanura pakati pedzidziso dzinowanikwa muMagwaro mumavhesi akawanda eBhaibheri nedzidziso dzinoti dzinotsanagura nekuturikira zvakataurwa zvakasarudzwa nehungwaru, ipapo hamufaniri kuita chinhu pachirayiro.
Kana tikaita chirayiro nenzira isiriyo, tinenge tiri mudambudziko guru.
Chirayiro chingoriko kune avo vanotenda kuchokwadi cheMagwaro nekutevera Jesu Kristu seMusoro wekereke.
VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
Kristu ega ndiye Muponesi wemuviri wakaitwa nevatendi, kereke yemweya yakaitwa nevatendi munguva yemakore 2000.
Saka, iye ega ndiye anokwanisa kuita musoro wekereke. Muparidzi ane chipo kwazvo nhasi anogona kuparidza kurudziro yake munguva duku yemakore 2000. havana kurudziro mukati menguva refu dzakadarika. Musoro wekereke unofanira kutonga kereke yese.
1 VAKORINTE 11:27 Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.
28 Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu.
Chirayiro hachisi cheavo vanongoitawo havo. Chirayiro ndecheavo vakakurira.
Vaya vakaisa kutenda kwavo muShoko raMwari. Vaya vakasendeka ruchiva kune zvenyika ino.
Ishe Jesu vakadzidzisa Pauro pamusoro pezvakaitika husiku hwechirayiro chekutanga.
1 VAKORINTE 11:23 Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupai vo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa;
24 Akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.
Chirayiro chakaitwa husiku. Chinowanzodaidzwa kuti Chirayiro chaShe. Chaive chisiri chisvusvuro chaShe chemangwanani.
25 Saizvozvo vo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.
Pese panopembererwa Chirayiro, zvinoitwa kurangarira kufa kwaShe.
Pano Jesu anotiudza kuti tirangarire kufa kwake.
Haana kubvira ati tirangarire kuberekwa kwake.
26 Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya.
Kukosha kuzhinji kwakaiswa pachinhu chimwechete chakakoshera muKristu. Kufa kwaJesu achifira zvivi zvedu. Muviri wake uchiputswa apo Mweya Mutsvene, mweya wehupenyu wakabuda maari. Zvichimiririrwa nekugurwa kwechingwa.
Akatsemurwa kuva zvikamu zviviri. Muviri wake wakarwadziswa wakagara muguva sembudzi yakaurayirwa zvivi. Mweya wake Mutsvene unoshamisa, sembudzi yekurasirira, wakatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure kugehena.
Ari Mweya wemunhu akafa, mweya mutsvene waikwanisa kupinda mugehena kunorasira zvivi zvedu kuna Diaborosi.
Tinofanira kurangarira izvi kusvikira achidzoka. Asati auya, kana tichigona kutenda zvakavanzika zveBhaibheri zvakaziviswa, ndipo Kutinhira kunomwe kuchatiratidza kuti tingashanduke sei kupinda mumuviri mutsva. Tinenge tisisade Muponesi.
Chinhu chechipiri chakakosha kumuka kwake. Hupenyu muRopa rake. Mweya Mutsvene mukuru wakamuka kubva kugehena pawakakurira Diaborosi ukapinda zvakare mumuviri wake kuti umumutse kubva kuguva. Chiratidzo chinodakadza. Mutungamiri mumwechete wechitendero akagona kumuka kubva kuvakafa.
Ndizvo zvatinofanira kurangarira. Chipo chimwechete chinooneka cheHupenyu husingagumi hwakarurama muropa rake rinosuka- zvivi Akafa, akagurwa nepakati apo Mweya Mutsvene wakabva maari pasina mazuva matatu Mudzimu Unoyera wakadzoka kubva kugehena kunomumutsa kubva kuvakafa.
Saka, danho rekupedzisira reEksodo apo Mwenga anobuda mumakereke richatanga nekumutswa kwevatsvene veTestamente Itsva.
Kwaive nemazuva makumi mana kubva pakumuka kwake kuvakafa kusvika pakukwira kwake kudenga.
Kunogona kuzoita nguva yakafanana neiyi pakati pekumuka kwevatsvene vakafa munguva nomwe dzemakereke nekukwira Kudenga kwekereke mukubwaira kweziso.
Ipapo kutinhira kunomwe kuchatipa kutenda kwekukwira Kudenga pakucharatidza kuti togamuchira sei muviri wakashandurwa. Hatigoni kukwira Kudenga mukubwaira kweziso mumiviri yedu yatiinayo.
Kukohwa ndeapo mbeu inobviswa pagunde. Mvura yegohwo ichaona vatsvene vakafa munguva nomwe dzemakereke vachibviswa kubva mumakuva parumuko. Ipapo ivo nevanorarama, vanoshandurwa vanotorwa kubva panyika kunosangana naShe kumakore.
Mumiviri yavo mitsva, hakuna mumwechete wemwenga achave neropa mutsinga dzake.
I VAKORINTE 15:50 Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.
Nemiviri yedu isina ropa, Mweya Mutsvene uchafamba mutsinga dzedu.
Muviri waJesu wakagurwa, kwete kuchekwa kuita zvidimbu zvidiki zvidiki.
Mucherechedzo wacho, chingwa, chinofanirawo kugurwa, kwete kuchekwa.
EKSODO 23:18 Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana.
EKSODO 34:25 "Usauya neropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa, uye chibayiro chomutambo wePasika ngachirege kuvata usiku kusvikira mangwana.
Pasina mbiriso, pasina dzidziso dzisimo muMagwaro dzinotenderwa kusvika kuMwenga wechokwadi.
Hakuna chikamu cheropa raJesu chinofanira kuzanganiswa nekukanganisa nekun’ora.
Izvi ndizvo zvinodzudza makereke. Vanogona kugamuchira ruponeso rwechokwadi nekudzidza zvinhu zvakaita sehutsvene, kuparidzira, kupa nemabasa akanaka. Asi vari kudzidziswa kutadza kwese kwemakereke, pavanoedza kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro. Kukanganisa uku kuchavakanganisa kuti vasagadzirire kushandurwa kwemiviri Ishe asati auya.
Jesu ndiye Shoko raMwari. Bhaibheri rinotiudza mafungiro Ake. Kuti anofunga sei. Hamugoni kutsaura munhu kubva kupfungwa dzake. Saka, Magwaro anotizivisa mafungiro aJesu. Zvakadaro, hamugoni kutaura kuti kune chakakanganiswa muBhaibheri reKing James Vhezheni remuna 1769. Kana mukawana chakakanganiswa muBhaibheri, munenge muchiwana chakaipa muna Jesu. Asi hamuna mbiriso muChingwa cheHupenyu.
Kuzvidza Bhaibheri rinoratidza mafungiro aJesu, zvinoreva kuti muri kuti Jesu anotadza, zvinoreva kuti imbiriso.
Zvisinei, mafungiro ako ndiwo akaipa. Mafungiro ako ndiwo ane mbiriso, akavodzwa.
Husiku mucherechedzo wenguva huru yeKutambudzika.
Mangwanani ndiko kutanga kweMereniyamu, zuva rechimomwe, rakareba makore 1000 erugare.
Ropa rechipiriso rinotaura pamusoro pemaKristu akaponeswa. Asi ruzivo rwechokwadi rwechipiriso cheMuponesi harifaniri kusanganiswa nembiriso yekukanganisa kwavo kana tasvika pakutsanangurwa kwezvakavanzika zvakadzama. Kuponeswa kuchaponesa munhu kubva kugehena kwete kubva kuKutambudzika kukuru. Hapana pakati pemaKristu akaponeswa, vanotenda kukanganisa kwemakereke avo, vachatenderwa kusvika mangwanani, muMereniyamu. Saka, maKristu akaponeswa vasina kubvira vada kudzidza zvakavanzika zveBhaibheri zvakaziviswa panguva yekupedzisira vachaparadzwa munguva yeKutambudzika Kukuru.
EKSODO 12:5 Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi;
Jesu ndiye Shoko raMwari. Munofanira kutenda kuti Jesu uye Shoko raMwari zvakarurama, pasina chipomerwa. Chipomerwa mugwayana rechipiriso chinoreva kuti harigoni kuripira zvivi zvemunhu. Kana mukawana chipomerwa muBhaibheri, ipapo Bhaibheri iroro “rakaipiswa” harigoni kukuponesai kubva kunguva yeKutambudzika.
Jesu akazvarwa kuBeterehema zvinoreva kuti Imba yeChingwa chaMwari.
Jesu anozvarirwa muchidyiro chairatidzika sechigaba chekuchengetera chingwa kana kuti chaive mucherechedzo wechigaba chekuchengetera chingwa. Zvinoda moto kuti bundu rehupfu riite chingwa. Moto wekurwadziswa wakatanga kushandiswa paari aine makore maviri naHerode. Hupfu hwegorosi hunoda kupiswa kuti huite chingwa. Shoko, Chingwa cheHupenyu, chakakura mukurwadziswa Achizadzisa zviprofita zvese. Egipita neNorth Africa ndidzo dzaive nyika dzaibva chingwa cheRoma kwavaitora gorosi ravo. Jesu akakurira kuEgipita kubva pamakore 2 kusvika 12. Egipita ndiko kunorimwa gorosi raiita Chingwa raiendeswa kuRoma.
Kukosha kwekurwadziswa kwake kwaive pakuedzwa nekurovererwa kwake. Mauto eRoma akamusvipira. Chingwa chinofanira kuputirwa nemate chisati chamedzeka.
Chingwa chisina mbiriso chinotaura nezvehutsvene, dzidziso dzakanaka, uye kushaikwa kwezvinangwa zvevanhu zvakavanzwa zvinovodza mafungiro edu.
Catholic “hondo”
DANIERI 8:11 Rukazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa.
Kukanganisa kunokwezva vanhu zvakaipa zvopararira apo rudzi rwevanhu rwakazara zvivi runokudza pfungwa dzakaipa dzotsvaira pavari kunze kwekunge Mwari asimudza muganhu kwazviri. Kukanganisa kunotsvaga ruzhinji, hondo huru, inofamba sedutu kuti ikurire vapikisi.
Pope anoti Petro ndiye mukuru wemaPostora uye kuti maPope ndiwo anotsiva Petro.
Chimwe chezvinzvimbo zvavo chaive Vicarius Petri, pachinzvimbo chaPetro. MaPope anoti ndiwo anoita mutsetse mukurusa wekutsiva chinzvimbo ichi kubva kuna Petro.
ZVAKAZARUWA 17:8 ... vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.
Kana vachiti Petro ndiye Pope wekutanga zvinoreva kuti kwakabvira kare kuina Pope.
Hachichipo. Pope anenge afa. Chichazovapo. Pope mutsva anosarudzwa.
Kutsiviwa kwemaPope ndiwo mutsetse wakarebesa wevatongi pasi rino.
SaPontiff wezvakavanzika zveBabironi zvakaita mutsetse wevaimutsiva kutangira kuna Nimrodi. Negore AD 450, apo Pope Leo I paakati iye aive Pontiff, zvakavanzika zveBabironi zvakabva zvapinda mukereke yeRoman Catholic, yakazoita Babironi yakavanzika.
Kurudziro nesimba rekereke yeRoman Catholic zvakapararira pasi rese kuiita kereke hurusa pasi rese. Saka, yakakura kuita Babironi huru guta guru rakavanzika.
ZVAKAZARUWA 17:5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.
Vemasangano akabuda mairi munguva yemutsiridzo ndivo vanasikana. Asi vemasangano vakachengeta nekutevera tsika zhinji dzeCatholic nekuzokudzawo zvitendero zvavo zvisimo muMagwaro. Saka, vanasikana vakapomba nemazano evanhu vakavawo mhombwe.
Makore akapoteredza 754 Pope Stephen akaburitsa gwaro rakaitwa zvechikopo kopo rinonzi Donation of Constantine. Gwaro iri raitaura kuti Petro ndiye aive Vicarius Filii Dei, pachinzvimbo cheMwanakomana waMwari. Munhu achitora nzvimbo yaJesu panyika. Izvi zvakaita Petro Muchinda wehondo yeRoman Catholic. Saka Pope, semutsivi waPetro, muchindawo sezvo ariye mukuru wehudzvanyiriri pamusoro pekereke yeRoma.
Kereke yeRoma ine vakatendeuka mairi vanodarika 1,2 biriyoni. Munyika yePhilipi, boka revanhu 5 kana 6 miriyoni rakaenda kunoita Masi naPope. Vatican ndiyo nyanga duku” nyika dukusa yakazvimiririra pasi rese, asi ine vazhinji vanoenda kwairi vanotenda mairi.
Mweya weRoma yechipegani wakakuvadzwa ukapihwa ronda rekuuraya nemarudzi evatorwa vakaparadza Hushe hweRoma mugore 476 AD. Mweya wechipegani uyu wakamuka kuva mupenyu ukava kereke yeRoma pamatongo ehushe hweRoma. Mubati weRoma yechipegani ainamatwa samwari,kunamata Kesari, nekuti aive nechinzvimbo chaPontiff (kana kuti Pontiff Maximus) zvakamuita kuti ave Muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi. Nekudaro aive mutsivi waNimrodi, mumukiri waMwari wekutanga.
Simba rese rezvechitendero nezvematongerwo enyika rakarasika muhushe hweRoma yechipegani rakanongwa naPontiff kana kuti Pope. Pope aishandisa chififa chechingwa chakaita denderedzwa kupa vanhu ruponeso. Munofanira kugarodya chififa chechingwa chakatenderera ichi kuti muponeswe. Chififa chechingwa ichi kana kuti chidyo, kana chikanamatirwa nemuprista, chinoshanduka kuita muviri waKristu wakarovererwa pamuchinjikwa. Saka, vanodzokorora kana kuti kudzosa kurovererwa kwaKristu mazuva ese sechipiriso chemazuva ese. Kudya chidyo ichocho mazuva ese, chinokwanisa chete kushandurwa kuita muviri waJesu nemuPrista, zvinounza vanhu vose vakatendeuka kuchiCatholic pakuzviwisira kuna Pope, sezvo achitonga semudzvanyiriri pamusoro pemaprista.
Mubati mukuru wemauto weRoma yechipegani Tito aive mwanakomana wemubati Vaspasian saka nekudaro aiveMuchinda. Tito akaparadza Nzvimbo tsvene kana Tembere muJerusarema mugore AD 70.
Nekuparadza Tembere, Tito akagumisa chipiriso apo maJuda aifanira kuuraya chipuka mazuva ese.
DANIERI 8:12 Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi chokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita.
“Hondo” rinoreva zvinhu zviviri.
Pope anopikisa chokwadi chepaCalvari nechififa chechingwa (chinodaidzwa kuti chidyo) uyewo kutonga boka revanoenda kumakereke, kereke hurusa pasi rese.
Chipiriso chemazuva ese muTembere apo maJuda aifanira kuuraya mhuka mazuva ese kuripira zvivi zvavo.
Jesu akafira zvivi zvedu chipiriso chaJesu chimwechete chakatsiva chipiriso chemazuva ese.
Mazuva ose, tinofanira kutendeuka kubva kuzvivi zvedu, patinorangarira chipiriso chaJesu chakaripira zvivi zvedu. Hatina chatinogona kuita kuti tizviwanire ruponeso pachinzvimbo chekutendeuka totenda nekutenda kuti Akafira zvivi zvedu. Tinogona chete kurangarira Calvari. Hatigoni kudzokorora zvakaitwa pamuchinjikwa chero kuzvitevedzera. Tinogona chete kutenda nekutenda.
Kumukira Mwari kwakapinda mukereke vanhu pavakafunga kuti vane zvavaikwanisa kuita kuti vaponeswe. Vakataura kuti vaifanira kudya chidyo, mazuva ese emitambo yemaMasi ekereke yeRoman Catholic.
Kutaura kuti chingwa chaishanduka kuita muviri waJesu Kristu, kwakaita kuti Masi yekereke yeRoma ive kudzokororwa kwechiitiko chepaCalvari. Jesu anorovererwa zvakare mazuva ose panoitwa Masi.
Kuwana ruponeso nekuti waita chimwe chinhu kwakawisira chokwadi pasi. Hatigoni kuponeswa nekuita mabasa. Masi inosika chipiriso chaJesu mazuva ose chinova chinhu chakaipa. Akafa kamwechete chete.
Makore akapoteredza AD 170 maprista eRoman Catholic akatanga chiito chekupa vanhu chingwa chavaidya. Kudya chingwa chavaikwanisa kupihwa nemuprista chete kwakaitwa chiito cheruponeso. Kuita uku kwakabudirira apo chiRoman Catholic chakapararira pasi rese kuita kereke hurusa pasi rese.
Waini here kana chimwiwa chemazambiringa pachirayiro?
1 VAKORINTE 11:20 Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe;
21 Nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa.
Chingwa chimwechete chinogurwa kuita zvidimbu gumi nezviviri chingori chirango chechingwa, mucherechedzo wakagadzirirwa kugadzirisa mafungiro edu pamusoro pekutambudzika kwake paCalvari. Chidimbu chiduku ichocho pamunhu chinomisa chero munhu kuti asaite makaro oda kutora chidimbu chake mumwe munhu asati.
Komichi imwechete yewaini ichigovanwa nevanhu gumi nevaviri yaizongotendera munhu kuti advute zvishoma.
Ichi chaive chiitiko chakachenjera kuratidzira simba reRopa rake asi isingadhake chero munhu. Saka, iyi yaive waini, kwete chinwiwa chemazambiringa.
Pane yambiro pano.mune simba muzvipo zveMweya Mutsvene zvinomiririrwa newaini. Asi simba remweya rinoenda zviri nyore pamusoro pemunhu odhakwa nesimba zvekuti vanobva vashandisa zvipo zvavo zvemweya kuzvisimudzira. VaHedeni vanowira zvirinyore kumuyedzo wekuzvikudza kana vakabudirira.
Waini chaiyo inopihwa simba nekureba kwenguva yayagara. Chimwiwa chemazambiringa chinoramba chiri zvachiri kusvika chawora.
Waini mucherechedzo wekusimudzirwa kwezaruriro. Kufara pamusoro pezaruriro dzakadzama dzezaruriro yaMwari. Ichi chiitiko chinoramba chichienda mberi chisingazomiri.
MATEO 24:27 Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakonana womunhu.
Chokwadi chakarasika munguva dzerima Mwari akutarisana nenguva nhatu dzemakereke ekupedzisira, kutanga makore akapoteredza 1520 kuGermany neMutsiridzo yaMartin Luther. Munguva yekereke yechishanu, akazivisa kuti tinofanira kuponeswa nekutenda chete. Kururamisirwa.
Makore akapoteredza 1750, John Wesley muEngland akadzosa hutsvene (kunatsirwa) nekuparidzira zvakazounza nguva huru yemamishinari.
Mugore 1904 paive nekusanganiswa kupfurikidza Pentekositi muWales.
Izvi zvakaenderera mberi kusvika kuRumitsiridzo rwemumugwagwa weAzusa muLos Angeles muna 1906, muAmerica. Izvi zvakadzosera zvipo zvemweya unoshamisa asi pasina zaruriro yezvakadzama zvezvakavanzika zveBhaibheri.
Kubva muna 1947 – 1965 William Branham akazivisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro zvinogona kutigonesa kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri kupfurikidza kutevera nzira dzazvo nemicherechedzo yazvo muMagwaro.
Pakupedzisira, Kutinhira kunomwe kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10, izvi zvinoitika mumashure mekumuka kwevatsvene veTestamente Itsva vakafa munguva nomwe dzemakereke, kwogonesa Mwenga anorarama kugamuchira miviri yekubwinya.
Padanho rimwe nerimwe, chokwadi cheBhaibheri chakawanda chinoziviswa. Kusimudzwa kwezaruriro kunokura kwosimba. Waini yemweya inowedzera kunaka kwayo patinotanga kunzwisisa zviri nani Magwaro aimbove akavigwa kwatiri.
Waini yakagadzirwa nemutowo wekuti inosimba nekureba kwenguva yayagara. Chimwiwa chemazambiringa hachiiti izvi.
Saka waini inomiririra simba reMweya Mutsvene nezaruriro dzayo zvakakura uye kuiwana simba mukati menguva nhatu dzekupedzisira dzekereke.
Chigadziko chemwenje minomwe chinomiririra nguva nomwe dzemakereke.
Nguva ina dzekutanga dzemakereke dzekuna Zvakazarurwa Chitsauko 2 dzinomiririra rimi remoto wechokwadi pamwenje wepakati waive kereke yekutanga wakaenda uchidzima kupfurikidza hutungamiri hwevanhu hwakasimudzirwa munguva yekereke yechipiri. Tiriniti, zvematongerwo enyika, netsika dzevapegani zvakapinda mukereke munguva yekereke yechitatu pakanzuru yeNicaea munaAD 325. Nguva dzerima dzakaonawo rimi rechokwadi richidzima apo kereke yeRoma yakabva pakutenda kwekereke yekutanga ikarasika.
Luther munguva yekereke yechishanu, Wesley munguva yekereke yechitanhatu, uye Pentekositi naWilliam Branham munguva yekereke yechinomwe vakadzosa rimi rechokwadi cheBhaibheri munguva imwe neimwe apo chokwadi chakatanga kusimba.
Asi Mwenga wenguva yechinomwe anofanira kudzorerwa zvakazara kuchokwadi cheMagwaro chenguva yekereke yekutanga yemapostora vakatanga kereke yekutanga.
Waini yemweya watiinawo inofanira kusimba patinodzidza kunzwisisa kwakadzama zvinhu zvakakura zvenzira dzeMagwaro zvakaziviswa nehama Branham.
1 VAKORINTE 11:22 Ko hamunedzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi.
Chirayiro hachisi madyo ekugutsa nzara nenyota. Vazhinji mukereke yechokwadi varombo. Saka, munhu mumwe nemumwe akawana kachidimbu kechingwa nekudzvuta waini, zvinobatsira kuti munhu wese arambe akaninipa. Vapfumi havagoni kuratidzira kupfurikidza kudya zvizhinji kudarika varombo. Munhu wese anobatwa zvakafanana.
Mwari haatsauri vanhu kana kuremekedza vamwe achisiya vamwe.
II MAKORONIKE 19:7 Naizvozvo zvino kutya JEHOVA ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nokuti kuna JEHOVA Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro."
Kana kutora zvipo. Ukapa muparidzi chipo anoparidza zvaunoda kuti aparidze.
Tarisai kuita kwaDanieri.
DANIERI 5:17 Ipapo Danieri akapindura akati pamberi pamambo, "Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.
Danieri haana kutsvaga kuzviunganidzira zvinhu zvenyika ino nekuda kwekuti aiparidza zvakavanzika zvaMwari.
Pauro haana kurumbidza vaya vanokudza zvido zvavo pamusoro pezvevamwe vakaderera zvakanyanya.
Mwari haafadzwi nehupfumi. Vapfumi vachatambudzika kupinda Denga.
MATEO 19:24 Ndinoti kwamuri zve: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
RUKA 6:24 Asi munenhamo imi vafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu.
VAROMA 12:10 Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.
Kugura chingwa kune chirevo chakadzama pamweya.
Jesu paakazivisa zvakavanzika zveMagwarokwatiri akatigonesa kunzwisisa zvaaireva zvakadzama zvakavanzwa muBhaibheri.
Pamweya, anogura vhesi kwatiri ozarura meso edu kuti tione zvarinoreva. Tinodya chidimbu ichocho, tochidzeya, chova chikamu chekurarama kwedu mazuva ese. Chikamu chekufunga kwedu. Saka kufunga kwedu kunova kwakadzurwa paMagwaro nekuti vhesi rimwe nerimwe ratinonzwisisa rinotibatsira kuzarura rimwe vhesi rakavharika. Kukanganisa kwese kwatinotenda makuri kunovhariridza simba redu rekuti tinzwisise zvakati wandei.
RUKA 24:30 Zvino wakati agara navo pakudya, akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.
31 Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari.
Saka kugura chingwa mucherechedzo wekuzarurwa kwemeso edu kuchokwadi chakadzama. Kuziva Jesu paanofamba nemapeji eBhaibheri. Nemamwe mazwi, kugona kuziva Shoko.