Chirayiro Chikamu 1
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Chirayiro chaShe chekupedzisira chinodaidzwa nemaCatholic kuti Chidyo chinhu chakakosha asi chinorema kunzwisisa.
Dzidziso iyi yakapatsanura Catholic nevanoipikisa vemasangano makore akapoteredza 1500.
Chirayiro, chinodaidzwa kuti Chidyo, ndicho chikonzero chikuru chakaita kuti kereke yeRoma iise Bhishopu kuti ave munhu mumwechete anotungamirira sangano rega rega, makore anosvika 200 kubva pazuva rePentekositi. Pakutanga Bhishopu chaive chinzvimbo chemukuru mukereke. Boka revakuru rinofambisa zvinhu pasangano repanzvimbo. Vatariri vaidaidzwa kuti mabhishopu.
VAFIRIPI 1:1 Pauro naTimotio, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose munaKristu Jesu, vari paFiripi, navatariri navaranda vekereke.
Kwaive nemabhishopu akawanda muguta reFiripi.
Shanduko ine mano uye yakachenjera yakaitika apo kereke yakati Bhishopu akagadzwa chete ndiye anokwanisa kufambisa zvinhu nekuita sakaramente, wafa (chififa chechingwa chakatanderera) chinotsiva chingwa chakagurwa. Izvi zvinopa kereke yeRoma simba rekugadza mutungamiri pakereke imwe neimwe.
Mufananidzo wewafa kana Eukari, kana sakaramente, sekudaidza kunoita maCatholic.
Tarisai mavara ekutu IHS.
Mavara aya akabva kutiriniti yeEgipita yaIsis, Horus naSeb.
Kurudziro dzemapegani dzakapinda mukereke kuti kereke igamuchire chipegani.
Chingwa newaini zvakabva pakuva murangaridzo wemucherechedzo weruponeso zvichibva zvaitwa nzira yeruponeso.
Mutambo weChirayiro wakabva wadaidzwa kuti Masi. Kereke yeCatholic yakasimbisa kuti unowana ruponeso kupfurikidza kumwaiwa mvura uri mwana mudiki (zvavanodaidza kuti rubapatidzo) nekuedza kumutambo weMasi kakawanda.
Negore 300 AD, maiponeswa kwete nekuti matendeuka nekugamuchira Jesu saMuponesi wenyu, asi nekudya chidyo kana chififa chechingwa chakatenderera, chinodaidzwawo kuti “Chidyo”
Pakupera kwesenturi rechitatu (AD 300), Dionysius wekuAlexandria akatipa gwaro rinoratidza kuti nguva iyoyo kuregererwa kwezvivi kwaive kusingabvi pakutendeuka kwemunhu kana kureurura zvivi kuna Mwari. Kuregererwa zvivi, munhu ari panhowo yake atarisana nerufu aifanira kuita chidyo. Kana kuti anenge aita chirayiro. Kana akasadaro anenge afa kuraswa. Mukana wekupona kupfurikidza kutendeuka nekunamata wakatsiviwa nekuita kwakagadzirwa nekereke kwekuitisa munhu chirayiro. Izvi zvinoreva kuti Bhishopu chete kana muprista ndiye aikwanisa kukupa wafa kana gwati rechingwa rakatenderera rawaidya kuti uponeswe. Kukoshesa mumiriri pakati pemunhu naMusiki kwakatsiva basa remuKristu rekutsvaga Kristu pachake kuti awane ruponeso. Izvi zvkaitika pakati nepakati pesenturi rechina (AD 350).
Bhishopu aive amira semuprista pakati paMwari nevavanhu.
Kereke yeCatholic yaive yatanga kugadzira zvakare chiprista chaAroni chaive chakamira pakati pemaJuda naMwari. MaPrista aya akapira zvipiriso zvezvivi kasingaperi. Masi kana Chidyo chakabva chava chiitiko chisina muganhu chiri chipo chaipihwa nemaprista eCatholic kuti vanhu vanovatevera vaponeswe.
Pakunopera kwesenturi rechipiri nekunotanga kwesenturi rechitatu AD 170 kusvika AD 230, chinangwa cheChidyo chakatanga kushanduka kubva pakuva chidyo chekutenda kuitwa “chidyo cheruponeso”. Pachinzvimbo chekuva chiratidzo chekunze cheruponeso, chingwa kana Chidyo chakaturikirwa senzira yaive yakaiswa muKereke kuti ipe maKristu ruponeso. Izvi zvakaisawo kukosha kusiriiko pavakuru vekereke yeothodox vakabva vava midziyo yakakosha yaisada kushaikwa paChirayiro kuti vabatire vanhu. MaBhishopu aya akabva atsiva mapostora.
Bhishopu akabva amira panzvimbo yaMwari kuti ape ruponeso achipa chingwa, chififa chedenderedzwa. Bhishopu akava muprista aimira pakati paMwari nevanhu. Chingwa chakava “Chipo chakaropafadzwa chakakosha”. Rubapatidzo neChirayiro zvakabva pakuitwa zviratidzo nemicherechedzo yekupona zvakaitwa nzira dzekupona nadzo.
Mubairo webasa reChirayiro, chinonzi chinotiporesa, waive wekuti kunamata nehupenyu hweKereke hwakanga hwava mumaoko mevabati zvakanyanya. Vakanga vave vatenderi kana vapi vekupona.
Saka nekuedza kuwana kutonga nesimba pamusoro pevaipikisa kuita kwavo nekusimbisa kubatana kwemaKristu, Kereke yakanga yava tsime rekupikisa kukuru kwayaiedza kuparadza nekuzvidzivirira kubva kwakuri.
Dojcin Zivadinovic,Yunivhesiti yeAndrews, Mapepa etsvagiridzo pamusoro penhorondo yethiyoroji. 2008.
Bhishopu akasimudzirwa kuva pamusoro pekereke.
Idzi itsika dzavaNikoraiti, dzinovengwa naMwari.
Kusimudzirwa kwemunhu mutsvene kuitwa musoro wekereke kwakatanga mapostora achangofa “sezano rakakosha rakanaka”.
ZVAKAZARURWA 2:6 Asi Chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neni vo.
Pfungwa iyi yakabatira ikava nhungo yemweya waantikristu yaanotonga nayo kereke.
Nenguva yekereke yechitatu, pfungwa yaBhishopu akasimudzirwa achitonga kereke yaive yaitwa dzidziso yenheyo dzekusimuka kwemakereke emasangano. Zvakazoendawo kumakereke evanopikisa chiCatholic pasita- (mufundisi)-achitonga- kereke.
Mabasa ndiwo ava dzidziso. Zvatinoita zvakukonzeresa kune zvatinotenda mazviri.
ZVAKAZARURWA 2:15 Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti.
Kupamba ungano uku kana sangano kwakaziviswa muChisimbiso chekutanga. Negore 1315 Pope aive azviwanira korona ine zvidanho zvitatu.
ZVAKAZARURWA 6:1 Zvino ndakavona Gwaiana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi romutinhiro: Vuya uvone.
2 Ndikatarira, ndikavona bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, wakanga anovuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, vuye kuti akunde.
Mweya waantikristu uri pabhiza jena rehunyengeri hwezvitendero. Uta husina museve kuropodza zvako. Haana Magwaro kuti amutsigire. Zvichibva kuMagwaro, Jesu ega ndiye Musoro wekereke.
VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
Kristu ega ndiye anokwanisa kuponesa kereke, muviri wake wakaitwa nevatendi.
Kuti asimbise hutongi-hwake- hwemunhu- mumwechete- mukereke, Bhishopu akatora simba rekugadza maprista mumakereke aive pasi pake. Hakuna muprista aigona kuita Masi opa Chidyo (chingwa) kuvanhu kunze kwekunge atenderwa naBhishopu.
Makore akapoteredza 170 AD, vatungamiri chete (Bhishopu nemaprista aaive asarudza) ndivo vaitenderwa kunamata paChirayiro kana kuti Masi kana Chidyo. Kuwedzera pakusimudzirwa kwevanhu vaitungamira ava, vatungamiri voga ndivo vaitenderwa kunwa waini.
Makore akapoteredza AD 70, kereke yeRoma yaive yatanga kuvaka chimiro chekereke chemazano evanhu. Kukosha kwaive pakereke nevatungamiri vekereke, kwete Bhaibheri. Guta rimwe nerimwe raifanira kuita Bhishopu aitungamirira guta iroro.
MaCatholic aiti Bhishopu kana muprista akanamata, munamato wake waishandura chingwa newaini kuzviita Muviri neRopa raJesu Kristu. Saka kudya chingwa ndiyo yega nzira yaizoita kuti munhu aponeswe. Kuti zviite chiremera uye kuti zvikoshe vakashandura chingwa kuchiita wafa diki, yakatenderera. Izvi zvakaita kuti zvive nyore kugovera muungano huru.
(Mwari anoda here ungano huru?)
Kereke yeCatholic yaitenda nekusimbisa pfungwa iyi kwemakore 1200 kusvika Martin Luther avamukira muna 1520, akataura kuti chingwa newaini micherechedzo kwete muviri neropa raShe.
Vemasangano anopikisa chiCatholic vakaenderera mberi vachiita zvimwe zvinhu zvakaipa zvaive zvaziviswa neCatholic.
Vakaenderera mberi nekuita zvinhu nenzira yeCatholic yekuita Chirayiro mangwanani, Chisvusvuro chaShe chemangwanani, pachinzvimbo chechirayiro chehusiku.
Vemasangano anopikisa chicatholic vakawanda, vakafuratira kugezeswa kwetsoka.
Vemasangano anopikisa chiCatholic vakazivisawo zvimwe zvinhu zvitsva kana kukanganisa kutsva.
Kukanganisa kukuru kwaive kwekushandisa chingwa chaicho chinobikwa nembiriso (chakavidzwa).
Ipapo, kuti zvivaitire, chingwa ichi chinochekwa kuita tudimbu tudiki pachinzvimbo chekugurwa nemaoko.
Vemasangano anopikisa chiCatholic vakadzosa pfungwa yekuti ungano inomwa waini, asi vakatanga kuisa waini mumakomichi maduku. Komichi imwechete pamunhu mumwechete. Paive pasisina kushandisa komichi imwechete pavanhu vese.
Kuzvirwira kwavo kwaive kwekuti havasi vemitemo.
Vaive vasingafaniri kuevedzera muenzaniso waKristu nemo nemo.
Saka, vakasairira miganhu kusvika kure kwakadii?
Vanogona here kushandisa chingwa chakatositwa nechimwiwa chechingere-ngere chemaranjisi? Kana kokokora nepitsa? Kana zvinwiwa zvinotonhorera nehamubhega?
Vanhu vakazotenderana kuti mienzaniso iyi haitambiriki.
Asi mienzaniso iyi ichiripo nekuti vanoshandisa chimwiwa nechidyiwa .
Vachiri kungoshandisa zvinhu zviviri.
Chirayiro chekutanga chaicho chaive nezvinhu zviviri, chingwa newaini.
Kana tikatevedzera zvimwe zvinhu zvakaitwa naMwari, nei tisingatevedzere zvese zvaakaita.
Ndapota rangarirai, kuteerera hakusi kutevera mutemo.
Kutevera mutemo kuita chinhu nekuti muri kufanira kuchiita.
Kuteerera kuita chimwe chinhu nekuti muri kuda kuchiita.
Kana tikatyaira zvinyoro-nyoro tichitevera mitemo yemumugwagwa nekuti tinofanira kuzviita, kuti tipunyuke pakuripiswa kuti tatyora mutemo wemumugwagwa, ndiko kutevera mutemo. Apa kukosha kuri pakuti tinowanei pazviri. Handifaniri kuripa muripo wekukanganisa.
Kana tikatyaira tichitevera mirairo yemumugwagwa kuti migwagwa yedu ifambike zvakanaka, kungoita kwekunatsa nekuterera mitemo yemumugwagwa. Apa kukosha kuri pakuchengetedzeka kwevamwe vanhu. Handigoni kuisa hupenyu hwavo panjodzi kana kukuvadza michovha yavo.
Kana tichida kuteveta muenzaniso waShe, tinofanira kutevedzera zvese zvaakaita.
Hakuna munhu ane mvumo yekushandura zvimwe zvinhu zvinodiwa naJesu kuti kereke iite.
Zvese zvamungashandure, munenge muchizviita pasina mvumo yeBhaibheri. Saka, munorasisa vanhu.
Mutemo unoti (mumitemo inegumi) handifaniri kuuraya, handifaniri kunyepa, handifaniri kuba.
MuKristu akazvarwa patsva haana rudo rwekuuraya, kuba kana kunyepa. Izvi hazviiti muKristu ave munhu anotevedza mutemo.
Izvi zvinongoita kuti muKristu ave munhu akavimbika uye munhu anoziva basa rake munharaunda. Anokoshesa hugaro hwevamwe vanhu hwakanaka sechinhu chakakosha. Ivowo, vanozoona muKristu uyu semunhu akavimbika wavanogona kuvimba naye nekutaririra kwaari.
Kuteerera mutemo nekuti tinoda kuuterera kwakakosha pakufamba zvakanaka kwezvinhu munzvimbo dzinogara vanhu.
Tyora mutemo, munenge mutori newamaitira rakaipa anenge ari munhu anoitevera.
Kuteerera mutemo nekuti munofanira kuitevedza zvinoreva kushaiwa kuita kwekuzvarwa patsva.
JOHANE 14:15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
Humbowo hwerudo rwedu naMwari hunoonekwa nekumuteerera.
Vanhu vanozviitira zvikonzero zvakaipa zvekururamisira kusatevera kwavo muenzaniso waKristu.
Ko kana muri muchitsuwa chegwenga mungori nemazepi nechinwiwa chemizambiringa?
Mhinduro. Hamusi munyika dzegwenga. Saka teverai muenzaniso weBhaibheri sezvauri.
Ko kana muri padenderedzwa repora (polar circle) apo mazuva nehusiku zvakareba kwemwedzi mitamhatu?
Mhinduro. Hamusi mudenderedzwa repora.
Kana muri pachinzvimbo chekuti hamukwanisi kuita chirayiro zvakanaka, regai kuchiita.
Mbavha pamuchinjikwa yakatendeuka asi haina kubapatidzwa. Saka, haana kunzi abapatidzwe.
Micherechedzo yeChirayiro iriko kuti ive rutondedzo kana murangaridzo.
Kutondera chipiriso chaKristu achiripira zvivi zvedu.
I VAKORINTE 11:24 Akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.
25 Saizvozvo vo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.
Tinofanira kurangarira rufu rwake rwakaitirwa kuripira zvivi zvedu.
Kana chingwa newaini zviri micherechedzo chaiyo inodiwa naMwari kuti tishandise, zvinofanira kuwanikwa muBhaibheri kubva kwarakatangira kusvika kwarakaperera.
Chokwadi chinozadziswa kana chichiwanikwa muMagwaro, kutangira kuna Genesisi (Chitsauko chembeu).
Chingwa newaini zvakashandiswa naJesu pachirayiro zvakataurwa kuna Genesisi.
Merkisedeki (runyoro muchiHeberu) akaropafadza Abrahama mumashure mekunge Abrahama akurira muhondo paakanunura Roti akauraya madzimambo echipegani paKenani.
GENESISI 14:18 Merikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.
Merkisedeki aive ani?
Aive Mwari, akanonga chitsama cheguruva akazviitira muviri wenyama kwechinguvana kubva kuguruva, akapinda kugara mauri. Mwari akabva abata basa remuPrista mukuru akapa chirayiro kuna Abrahama. Mwari paakabva kuna Abrahama, akangosiya muviri iwoyo ukadzokera kuva guruva. Nenzira iyoyo, aive asina baba asina mai. Haana kuzvarwa semwana. Haana kufa nekuti hakuna mutumbi wakazowonekwa wakawora waakasiya.
VAHEBERU 7:3 Asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muPirisita nokusingaperi.
4 Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abrahama chegumi chezvaakapamba.
Chikamu chimwechete muzvikamu gumi ndicho chegumi. Chegumi chinopihwa Mwari. Izvi zvinoratidza zvakare kuti Merkisedeki aive Mwari mumuviri wemunhu akauya akura kare waakaitira izvi chete.
Chirayiro chakaitwa naMerkisedeki chakayeuchidza Abrahama pamusoro pehondo dzaakakurira.
Chirayiro chinofanira kutirangaridza pamusoro pehondo dzekurwisa zvivi dzakarwiwa naJesu paCalvari.
Chirayiro chinodzoka zvakare muhupenyu hwaJosefa paaive mutorongo kuEgipita.
GENESISI 40:1 Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weljipiti.
GENESISI 40:2 Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.
GENESISI 40:3 Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa.
Vose vakarota hope Josefa akadziturikira. Kumukuru wavadiri akati:
GENESISI 40:13 Mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.
Waini waive mucherechedzo wehupenyu kumudiri. Chingwa chaive mucherechedzo werufu kumubiki wechingwa. Saka pachirayiro, chingwa chinogurwa, mucherechedzo werufu.
Josefa akati kumubiki wechingwa:
GENESISI 40:19 Mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri."
Chingwa mucherechedzo werufu. Jesu aive afa (chingwa chakagurwa) kwemazuva matatu ari mubwiro. Akamuka zvakare kuHupenyu mumashure memazuva matatu (waini).
Chirayiro chinoyanana neeksodo kana rwendo rwakatanga nechidyo chePaseka.
Rwendo (eksodo) rwekutanga rwaive rwemaJuda achibuda muEgipita. Paseka ndiyo yaive mucherechedzo weizvi.
Chirayiro chinofanira kutiyeuchidza “kubuda” muzvitadzo zvedu zvekusatevera Magwaro zvataiita patinopinda murenje redu tega rekurambwa nemakereke munyika. Ipapo, chete, ndipo patinogona kupinda muNyika yeChipikirwa yeShoko rakaziviswa kuzuva redu.
EKSODO 12:3 Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, `Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.
Jesu, seGwaiana raMwari, akapembererwa saMambo wemaIsraeri musi weSvondo yeMichindwi akaendeswa kuTembere kwaakanotasva mbongoro nemwana wayo.
Saka Svondo yeMichindwi inofanira kuva zuva rechigumi remwedzi wekutanga wepakarenda remaJuda. Tembere yaive imba yaMwari Baba.
JEREMIA 7:11 Ko imba ino panodanwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura JEHOVA.
Vatungamiri vezvitendero zvemaJuda vaishandisa Tembere senzvimbo yavo yekuitira mari kupfurikidza huwori.
Jesu akavadzinga.
JOHANE 2:15 Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutembere makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo.
16 Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.
Mwari akabva ashandura nzvimbo yake yaaigara akaenda kunogara mumuviri waJesu Kristu.
Nenzira iyoyo, Mwari aive akukwanisa kukudza rutivi rwake rwekurarama semunhu paikura Jesu kubva parusvava kuita murume. Mudzikinuri wedu nekuti isu tinokura kubva pakuva vasvava kuita vanhu vakuru.
Merkisedeki aive Mwari mumuvuri wemunhu mukuru. Zvaive zvakafanana naAdamu, akaitwa kubva kuguruva ari munhu mukuru asina ropa mutsinga dzake. Nekudaro, Merkisedeki aive asiri Mudzikinuri wedu.
I VAKORINTE 15:50 Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.
Mweya Mutsvene waifamba mutsinga dzaAdamu, uchimupa hupenyu husingagumi. Adamu paakatadza, Mweya Mutsvene wakabuda maari, Mwari akazadza tsinga dzemuviri waAdamu neropa, raimupa hupenyu hwenguva duku. Hupenyu hwenyama uhwu hwaisazogara kwezuva raMwari rimwechete, rakareba kwemakore 1000.
II PETRO 3:8 Asi, vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.
SaBaba, Mwari akagara PAMUSORO pemaJuda.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
SaEmanuere, Mwari akagara NemaJuda, ari Jesu Kristu, seMudzikinuri nekuti aive neropa, uye aive azvarwa seMwana.
REVITIKO 17:11 Nokuti upenyu hwenyama huri muropa;
Zvaive zvakakosha kuti Jesu ave Mudzikinuri Musununguri zvaive nyama neropa.
Zvichimiririrwa nechingwa newaini pachirayiro.
Hupenyu husingagumi hwaive muropa raive mukati menyama yake yaive isina zvivi. Paakafa, hupenyu hwakabuda muropa rake hukadzoka mumuviri wake waive usina zvivi parumuko. Paive pasina chikonzero chekuti ropa rive mumuviri wake wakamutswa kubva kuvakafa nekuti aive aripira muripo kuzivi zvedu.
Ropa raive kunze kwemuviri wake rakaiswa pachigaro chenyasha kuti richenese zvivi zvedu.
Saka, Kudenga, nguvo dzake dzakanyikwa muropa rake.
ZVAKAZARURWA 19:13 Wakanga akapfeka nguvo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMwari.
Mwari ndiMweya, saka sezvo ari Mweya, anokwanisa kuva panzvimbo dzinodarika imwechete nguva imwechete.
JOHANE 3:13 Hakunomunhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye mwanakomana womunhu.
Jesu akataura kuti aive Kudenga iye aive pano panyika.
Mweya waMwari waive maari waive munzvimbo dzinodarika imwechete nguva imwechete.
JEREMIA 23:24 Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazivikanwi ini ndikasamuvona here? Ndizvo zvinotaura JEHOVA. Koini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura JEHOVA.
Vesainzi nguva shoma yadarika vakaona kuti masai sai emagetsi anokwanisa kuva nzimbo inodarika imwechete nguva imwechete. Izvi, pachokwadi zvinoita sedambe mundangariro dzedu “dzakakwana” dzemafungiro evanhu.)
Makore 2000 adarika, Mweya waMwari waive muTembere, Mwari vaivewo muna Jesu.
Mweya Mutsvene waive muNjiva zvakare muna Johane Mubapatidzi parubapatidzo rwemvura.
Mweya Mutsvene hauna kupinda muna Jesu, Mweya wakagara pamusoro pake.
JOHANE 1:32 Johane akapupura, akati: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamsoro pake.
33 Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye unobapatidza noMweya Mutsvene.
Mwari akaratidzira Mweya Mutsvene wake sezodzo yekunze kana pamusoro paJesu.
MaJuda aisarudza kunamatira muTembere nokuti vanhu ndivo vaibatako, uye vaikwanisa kuvodza Tembere nekuishandura kuti vaishandise zvavanoda ivo nezvinangwa zvavo zvemakaro.
Jesu paakafa, Mweya waMwari wakabva mumuviri wake ukabva munzvimbo Tsvene yeVatsvene nekuti chidzitiro cheTembere chakabvarukawo. Asi Mweya waMwari wakamuka muMuviri waJesu wakarurama usina ropa, kwete muTembere. Saka Tembere yaive yapera simba, ikaparadzwa makore 38 akatevera muna AD 70 nemukuru wemauto eRoma Tito.
Iyi yaive yava eksodo itsva kana rwendo rwutsva. Mwari akasiya Tembere muna AD 33 pakafa Jesu paCalvari.
Rwendo rwechipiri rwaive rwekereke yemaKristu ichibuda muchiJuda.
Chirayiro ndicho chaive mucherechedzo weizvi.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene rwaive rwakupatsanuka, chikamu cheMweya waMwari waifanira kuuya MUKATI memuKristu mumwe nemumwe serubapatidzo rweMweya Mutsvene.
Vaitenda muMweya Mutsvene muTestamente Itsva waizovagonesa kupinda eksodo kana rwendo rwekubuda muchiJuda. Dzidziso dzemapostora dzaizovatungamirira.
Baba Mwanakomana, naMweya Mutsvene kutaura kunomiririra hushumiri hwaMwari paakaratidzwa pamusoro pemaJuda, nepaaive ari nemaJuda ari Emanuere, nepaaive mukereke make ari Mweya Mutsvene.
EKSODO 12:6 Zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.
Kana Svondo yemichindwi, pakasarudzwa Jesu, raive zuva rechigumi, aifanira kufa zuva rechigumi nemana, raizova China.
Jesu akati aizova mubwiro kwehusiku hutatu.
MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
Jesu akafa neChina.
Husiku hutatu hwaive husiku hweChina, husiku hweChishanu, nehusiku hweMugovera.
Svondo ndiro zuva rekutanga revhiki. Mugovera ndiro zuva rechinomwe revhiki.
Mangwanani emusi weSvondo, Jesu aive amuka kubva mubwiro.
JOHANE 20:1 Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akavona ibwe rabiswa pabwiro.
Kereke yeCatholic yaitaura zvisizvo, kuti kurovererwa kwaJesu kwaive musi weChishanu. Vemasangano akaipikisa akabuda mairi vakagamuchira nhema idzi.
Kuita kwechikara chaantikristu kuchashandura nguva dzeBhaibheri nemirairo yeBhaibheri.
DANIERI 7:25 Achataura mashoko okumhura Wokumusoro-soro, achaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.'
VeCatholic vanoramba vachidzokorora nguva dzavo dzakashandurwa idzodzo. Sabata, ravakashandura kubva pamugovera kuenda paSvondo, zuva rekurovererwa vakaribvisa paChina kuriisa musi wechishanu. Zuva rakazvara Jesu risina anoziva ravanoti raive musi wa 25 Zvita, ravakatevedzera kumapegani vairiita zuva rakazvarwa Mwari wavo wezuva (sun god). Vakashandura kureba kwegore remuBhaibheri kubva pamazuva 360 kuriita pamazuva 365.24. Izvi zvaive zvakavakoshera kuti karenda ravo rienderane nemafambiro ezvinhu zvemamiriro ekunze. Asi vakaita kuti rirasike pakuturikira zviprofita negore remazuva 365.24.
Kuita kwavo kwaive kwakasimba kusvika pakuti vakavapikisa vakaita masangano akabuda mavari vapera simba vakasiya kuvapikisa. Nekuti vaive vakanda mapfumo pasi pahondo iyi, vemasangano akabuda mavari vakangogamuchira zvakataurwa namai vavo vemasangano Kereke yeCatholic pakushandura kwayakaita nguva kwese.
ZVAKAZARURWA 17:5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.
Catholic ndiyo mai vemakereke. Vakaipikisa vakabuda mairi vakabuda mairi vari makereke vanasikana. Makereke ese zvino anoshandisa dzidziso dzakaitwa nevanhu pachinzvimbo chekushandisa zvakanyorwa muBhaibheri reKing James. Zvitendero zvese zvisiri muMagwaro zvakaipa mumaziso aMwari. Kunyanya mumazuva edu apo zvakavanzika zvakaziviswa kare.
“Vanoita mano okushandura nguva nemirairo.”
“Mano”. Mano avanhuakatanga kushandura Bhaibheri Shoko rakanyorwa.
Izvi zvinotaura pamusoro peHushe hweRoma yemapegani nekereke yeRoman Catholic, yakamuka kubva mumatongo ehushe hweRoma yechipegani hwaive hwaparadzwa.
Ngatitarisei kuti maRoma echipegani nekereke yeRoma akashandura sei nguva dzeBhaibheri.
Gore remuBhaibheri raive rakareba mazuva 360.
ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
Mwedzi 42 x 30 = mazuva 1260.
Saka, mwedzi mumwe nemumwe unofanira kuita mazuva 30.
Tinoda ruzivo rweBhaibheri urwu kana tichida kunzwisisa zviprofita zveBhaibheri.
Kana mwedzi wedu uine mazuva 30, mwedzi gumi nemiviri inenge iine mazuva 360. Ndiro gore remuBhaibheri rechiprofita.
Jurio Kesari, mudzvanyiriri weRoma yechipegani, akashandura karenda muna 45 BC kuti gore riite mazuva 365.25.
Pope weRoma Pope Gregory 13 akagadzirisa karenda muna 1582 kuti riite mazuva 365.2422.
Gore rechiHedeni reroma iri rinoshanda zvakanaka kuzviitiko zvemazuva ese, asi kwete kune zvakaprofitwa.
Karenda rekutanga reBhaibheri raive nemazuva 360. izvi zvakashanduka pamafashamu Mvura yaNoah apo nyika yakasudurudzwa zvishoma kubva kuZuva ikawoma kuita chando mukuita uku kwakaita nzvimbo dzinonzi north Pole nenzvimbo inonzi south pole dzakafukidzwa nechando.
Mwari akasiya maRoma kuti ashandure nguva nekureba kwegore.
Munguva yeKutambudzika, nyika ichasairirwa pedyo neZuva, kupisa kweZuva kwonyungudutsa chando chiri panzvimbo idzi, gungwa rosimuka zvemamita anoda kukwana 70. Chikamu chinoda kuita chimwechete kubva muzvikamu gumi zvenyika, kusanganisira maguta mazhinji ari kumahombekombe, zvichanyura mumvura. Vanhu vazhinji vachava vapoteri munzvimbo dziri kure nemakungwa.
ZVAKAZARURWA 16:8 Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto.
Kana matambudziko enguva yeKutambudzika apfuvura, nyika inenge yatwasuka panzvimbo payo yodzokera pamazuva 360 kuitira Mereniyamu yemakore 1000 erugare.
Gore remazuva 365.24 rinenge raenda zvachose. NeVatican yeRoma nekuti bhomba renyukiriya rinenge raiparadza munguva yeKutambudzika.
ZVAKAZARURWA 18:8 Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba.
Richapiswa zvakazara nemoto.
ZVAKAZARURWA 18:9 Madzimambo enyika, akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, kana achivona vutsi bwokupiswa kwaro;
10 Ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.
Nei vachimira kure? Nei vasingapindi kuti vadzime moto? Nekuti kuputika kwenyukiriya nekupararira kwaro kunotyisa. Hamugoni kuswedera pedyo mukasara muri vapenyu.
Sabata remaJuda rekuzorora raive zuva rechinomwe, Mugovera. Kereke yeRoma yakashandura Sabata kuriita musi weSvondo, vemasangano anopikisa vazhinji vakatevera muenzaniso uyu.
Sabata rechokwadi rubapatidzo rweMweya Mutsvene patinozorora kubva kuzvivi zvedu torega kudzokera kwazviri zvakare. Mwari akazorora kubva kumabasa ake ekusika haana kuzodzokera zvakare kwaari.
Kubata basa. Kuzorora basa kwezuva rimwechete kana maviri modzokera zvakare kunobata basa rimwechetero zuva rinotevera, handizvo zvakaitwa naMwari.
VAHEBERU 4:10 Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari panaake.
Hatina kubvira tanzi tipemberere kuzvarwa kwaJesu. 25 Zvita izuva rakaberekwa mwari wemaRoma wezuva. Rakasarudzwa mugore 274 AD nemubati weRoma yechipegani Aurelian, ainamata zuva. Zuva rakaberekwa Mwari wezuva wemapegani rakatevedzerwa kuita zuva rakaberekwa Mwanakomana waMwari naBhishopu weRoma, Jurio I, asati afa muna AD 352. Kereke yeRoma yakashandisa kutaura kusimo muMagwaro kwekuti “Kirisi Masi” kutsanangura zuva risimo muMagwaro iri. Nhasi uno vemakereke vanoridaidza kuti Kisimusi. Vanoti ndiwo mutambo mukuru ‘wemaKristu” pagore. Bhaibheri harina kubvira ratiti tipemberere kuzvarwa kwaKristu. Saka tinoterera ani, Pope kana Bhaibheri?
VaEgipita vakatanga kugadzira gore remazuva 365,25. vaEgipita vanotangawo zuva ravo pakati pehusiku. Sezvo izvi zvichipikisana nepakati pezuva masikati, nguva dzakajekesera dzezuva.
MaRoma echipegani akatevedzera zuva revaHedeni vekuEgipita, rinotanga pakati pehusiku, negore reEgipita rine mazuva 365,25. Kereke yeRoman Catholic yakatevedzera nguva idzikubva kumaRoma echipegani.
Saka zuva rechiHedeni rinotangira murima guru pakati pehusiku (kushaiwa zivo pamusoro peMagwaro kuri muchipegani) rogumira murima guru pakati pehusiku (kukura kwechipegani vaHedeni vopararira munguva yeKutambudzika kukuru, nguva yeRima).
Izvi zvinoratidza hupofu pamafungiro evaHedeni.
Bhaibheri rinotipa maonero akasiyana kwazvo pamusoro pezuva.
GENESISI 1:5 Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe.
“Madekwana” anomiririra zaruriro yechokwadi pakupedzisira kwenguva yekereke yechinomwe. William Branham anobva kuAmerica akazivisa zvakavanzika zveMagwaro zvakadzama kuti Mwenga wenguva yekupedzisira anzwisise Bhaibheri.
Zaruriro yechokwadi ichabereka kumutswa kwevatsvene vese vakafa mukati menguva nomwe dzemakereke. Kekutanga, mwenga wese achave Panyika.
ZEKARIA 14:7 Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJehovha, hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo.
“Madekwana nemangwanani raive zuva rekutanga.”
Hapana kutaurwa nezvehusiku, hunomiririra nguva yeKutambudzika kukuru. Izvi zvinoreva kuti mwenga achange asiri panyika munguva yeKutambudzika. Mwenga anotorwa kukwira Kudenga Kutambudzika kukuru kusati kwatanga.
Pakazotaurwa zvakare pamusoro pemwenga paAmagedhoni, panonatswa nyika, kunenge kuri “kubuda kwezuva mangwanani” ezuva idzva, Mereniyamu, kana chiuru chemakore erugare. Kristu nemwenga wake vachatonga nyika muchiedza chechokwadi cheMagwaro.
Madekwana nemangwanani ndidzo nguva mbiri panopenya chokwadi panyika pese kubva kuMwenga wese.
Todzokera kuPaseka kuEgipita.
Mukova wepuranga umwe neumwe une mapango maviri kumativi awo akamira akati twii nerimwechete rakachinjika pamusoro pemukova.
Ropa rakadeurwa pagwai rePaseka rakazodzwa pamagwatiridzo egoni nechivivo chegonhu chakachinjika.
EKSODO 12:7 Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatiridzo maviri egoni, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira.
Kristu ndiye musuvo wekupinda Denga. Ropa rakabuda patsoka dzake dzakabaiwa nezvipikiri pamutanda wakamira wakatwasukwa pamuchinjikwa. Ropa rakabva pamavoko ake akaroverwa nezvipikiri aive pamutanda wakachinjika wemuchinjikwa.
Patinogamuchira chipiriso chaKristu seGwaiana redu rechibairo chePaseka, ndipo Mwari paanodarika zvivi zvedu asina kutitonga.
EKSODO 12:8 Vadye nyama yaro vusiku ubwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemirivo inovava.
Chingwa chisina kuviriswa chinotaura pamusoro pekururama kwehupenyu hwaKristu hutsvene. Aive asina mbiriso kana kuvodzwa.
Asi akaripira mubairo unorwadzwa wezvivi.
Kukosha kwaive paropa nenyama, zvinoratidzirwa pachirayiro sewaini nechingwa.
EKSODO 12:9 Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro.
Paive pasina pekubuda napo. Paive pasina mvura yekutuvidza kurwadza kwekupisa kwemoto wekuripira zvivi zvedu. Akatambudzika nekurwadziswa neGehena nekuda kwedu paakagamuchira kutakura zvivi zvedu. Akatakura zvivi zvedu mumoto wegehena kuti anozvirasira paanaDiaborosi.
ZVAKAZARURWA 1:15 Tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; inzwi rake rakanga rakaita senzwi remvura zhinji.
Moto wegehena wakaedza kumupisa. Asi unogona kupisa zvivi chete. Saka gehena rakakurirwa nehutsvene hwake nekutendeka kwake kuShoko rakanyorwa.
EKSODO 12:10 Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.'
Zvivi zvedu zvese zvaifanira kuripirwa. Hakuna chakasara chisina kuripirwa.
EKSODO 12:11 Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha.
MaJuda aifanira kuva akagadzirira kubuda muEgipita murwendo rwavo rweeksodo yekutanga.
Kereke yemaKristu yaifanira kugadzirira kubuda muchiJuda mueksodo yechipiri.
Nhasi, Mwenga anotenda kuShoko anofanira kugadzirira kubuda mumakereke nekuita kwawo mueksodo yechipiri.
ZVAKAZARURWA 18:1 Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.
Izvi zvinoita sezvinoreva hushumiri hwaWilliam Branham ari nhume kunguva yekereke yechinomwe. Hushumiri hwake hweMweya hwaidakadza.
Zaruriro yake pamusoro peBhabheri Shoko raMwari yakaparura chiedza chekuzarura meso edu kuti tiverenge nekunzwisisa Shoko rakanyorwa muBhaibheri pachedu.
ZVAKAZARURWA 18:2 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.
Akanongedzera kuguta reVatican rekereke yeRoman Catholic nemutungamiri waro, Pope, seBabironi yakavanzika, mweya waantikristu weRoma yechipegani wakamuka uri kereke yeCatholic kubva mumatongo ehushe hweRoma yechipegani.
ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.
“Budai mariri”. Rwumwe rwendo kana eksodo nekuda kwerimwe izwi, kwete izwi remutumwa.
Mweya Mutsvene chete ndiwo unogona kutitungamirira muzvokwadi yese (Johane 16:13)
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.
Mweya Mutsvene hautarisi zvinotaurwa nevanhu vakazadzwa nemweya pamusoro pavo.
Zvino “rimwe izwi”, izwi remukati memoyo rinotsiura reMweya Mutsvene, rinotiyambira kuti tibude mumakereke anotongwa nevafundisi kana mapasita. Hakuna kwakabvira kwagadza pasita kana mufundisi kuti ave musoro kana mutungamiri wekereke nevapostora. Izvi zvakatanga nekereke yeRoma vanoisa muprista kana Bhishopu kuti atonge kereke kuti vaunze vanhu vese pasi pehutongi hwemunhu mumwechete.
EKSODO 12:12 "Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeEjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini JEHOVA.
Mwari achafamba nekutonga pamusoro pemakereke edu ese munguva “yehusiku” yeKutambudzika kukuru.
EKSODO 12:13 Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti.
Ropa regwayana ndiro raizoponesa maJuda vaive vakapfigirwa sezvo vaive vakanzi vagare mudzimba dzavo.
Hutachiwana hweCOVID -19 hwekorona hwakavharira pasi rese mugore ra 2020.
Ndicho chiratidzo chikuru chenguva.
Kuvharirwa mudzimba ndicho chakava chiitiko chekupedzisira muEgipita (nyika) rwendo kana eksodo isati yaitika.
Kuvharirwa mucherechedzo wenguva yekupedzisira yeMwenga, vaya vanogona kuverenga vachinzwisisa Shoko rakanyorwa muKing James Vezheni reBhaibheri regore 1769, vasati vasunungurwa pakuuya kwaShe.
65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO
Chinhu chekutanga chinouya, apo paanotanga kuburuka kubva Kudenga, kunouya kudanidzira. Chii ichi? Imharidzo, kugadzirira vanhu kuti vaungane. Mharidzo inouya, pekutanga. Zvino, nguva yekugadzirira mwenje, “Simukai mugadzire mwenje yenyu.”
“Mharidzo” ndiyo mhere inoita kuti munhu mumwe nemumwe agadzire mwenje wake azvinatse ave akagadzirira.
Munhu mumwe nemumwe anofanira kugadzira mwenje wake kwete kuvimba nevamwe vanhu vafundisi veMharidzo vanoti “mhere” yaive hama Branham vachiparidza vachizivisa zvakavanzika, zvakapera muna 1965.
Asi tarisai zvaakataura mumwedzi wekupedzisira wehupenyu hwake muna 1965.
Akazivisa kuti mhere yaive ichiri muzviitiko zvenguva inouya. Saka mhere iyi aive asiriiye aizounza zaruriro dzakadzama apo aidzidzisa Mwenga.
Mhere ndeapo Mwenga mumwe nemumwe anowana zaruriro inogonesa munhu mumwe nemumwe kunzwisisa chokwadi chezvakavanzika pachavo.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari, munguva ino, ichava nguva senguva ino apo kuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kudenga nekudanidzira, nenzwi reMutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari, vakafa munaKristu vachamuka.
Saka mugore 2020, “mhere” ichiri munguva inouya.
Mharidzo yenguva yekupedzisira haisi hama Branham vachiunza chokwadi. Mharidzo yenguva yekupedzisira ichapedziswa kana imi neni takugona kunzwisisa chokwadi pachedu.
Eksodo yekubuda muEgipita yakabudirira apo wekupedzisira, uye muJuda aive asina kutarisirwa, paakadarika Gungwa Dzvuku.
EKSODO 12:14 Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi.
Paseka yaive murangaridzo.
Murangaridzo wezvinhu zvaive zvaitika munguva yakadarika. Kufa kwegwaiana. Ropa nenyama. Chirayiro chinofanira kutirangaridza chipiriso chaKristu nekufa kwake.
Muviri wake neropa rake.
Muviri wake mutsvene wakatakura nekunorasira zvivi zvedu zvakasviba kugomba regehena. Mweya Mutsvene, Hupenyu hwaive muropa rake. Ropa rake rakatisuka kubva kuzvivi, Hupenyu hwaive muropa rake hwakauya kwatiri kuzobvisa kuda kwedu kwematadzo.
Hakuna chatinokwanisa kuita . Tinofanira kubvisa zvese zvatinofunga kuti tinokwanisa kumuitira, tomutevera kupfurikidza papeji eMagwaro.
Rwendo kana eksodo rwekubuda muzvido zvedu zvenyama tichipinda muKuda kwaMwari, Muono mukuru waMwari kuzuva redu.