Chii chakakanganisika mumunda weEdeni? Chikamu 1 Genesisi:Chitsauko 1



Genesisi 1 - Kuwana ruzivo rwekuti zvese zvakakanganisika sei

First published on the 20th of August 2017 — Last updated on the 15th of September 2017

Chii chakakanganisika panyika nhasi uno?

Nyika yava nevanhu vakawandisa vari kudzingirirana nezvinhu zvishomanana.

Hakuna kugovana zvakafanana pazviwanikwa zviripo. Vakapfuma vanozviunganidzira nemakaro, vanotora zvakawandisa uye vorasa zvakawandisa. Tinoparadza nekusvibisa nharaunda tichigadzira zvinhu zvizhinji zvisina maturo nezvombo zvakawandisa zvehondo. Mabhizimisi edu makuru ndeepfuti nezvombo, kupara mhosva, zvinodhaka, hwahwa nekuputa. Kutadza kufambisa zvinhu zvakanaka, makaro, huwori nekudzvanyirira zvinoita kuti nhamo, kusagovana zvakafanana kwehupfumi, nekuparadzwa kwehupfumi kuenderere mberi. Hafu yevanhu vepasi rese iri kugara mumaguta edu anonyangadza uye anonyengera, nemimvuri yedzimba dzawo inoita kunge rima rehusiku munogadzirwa matangwena mahombe nemadiki mumiganhu yenzimbo dzemukati kana dzekunze kwemaguta. Kuvanhu vakawanda nzvimbo iyi ndiyo Babironi idzva, hupenyu hunenge rufu sezvo vakavanzwa kubva muzviitiko chaizvo zvezvehupfumi. Matangwena ari kuwanda aya ndidzo nzvimbo dzekurasira kana kuchengetera vanhu vawandisa. Sezvakaburitswa pachena neSiria, vapoteri vakawanda vanokwanisa kutambirwa. Nzvimbo dzinogara vapoteri dzinobva dzava nematangwena nekukasika. Matangwena emuAfrica ari kukura nekukasika zvakapetwa kaviri kana tichitarisa kukura kwakaita maguta ayo ari kuita seave kuputika. Nekuti kune vagari vakawanda vemumatangwena, maguta haasisina mabasa ekuti vaite.

Mukaha uri pakati pevapfumi nevarombo unokura apo vatungamiriri vane huwori vanokonzeresa kubviswa kwehupfumi hwakawanda kubva kuvarombo huchiiswa kuvapfumi. Dambudziko remari rakaitika muna 2008, kudzikira kukurusa kwakaitika kubva pakaitika izvi pane yakadaidzwa kuti Great Depression yemuna 1929, rakaona hurumende ichiburitsa mari zhinji yemitero yakabva kuvanhu ichipa vanhu vakapfumisisa pavanhu vose vakararama panyika, kunyange zvazvo vanhu ava vaive vamboita zvakaipa neimwe nzira. Parizvino kukwira kwakanyanya kuri kuita mitero yedzimba kuri kusiya vanhu vechidiki vakawanana vachirarama muzvikwereti kwehupenyu hwavo hwese. Mamiriyoni akawanda evanhu vari kutambudzika kurarama munguva dzakaoma. Hupenyu hahusi nyore kwavari.

Kuwandisa kwakaita vanhu panyika kunoita kuti vakawanda vedu vararame hupenyu hunorwadza.

Huwandu hwevanhu pasi rese hwakawedzera zvakapetwa kaviri pamakore 40 ari pakati pa 1960 na 2000 AD kubva pamabhiriyoni matatu kuenda pamabhiriyoni matanhatu. Kuwedzera kwakadai hakungaenderere mberi kwakadai munguva inouya.

Saka kusangana pabonde kuri kugadzira bhomba rekuwandisa kwevanhu ringangoputika chero nguva. Nyika haichakwanise kutakura mutoro uyu izvozvi. Hakuna kuenderera mberi kunotora nguva yakareba kana tikafunga nenzira yekuti munhu wese anofanira kufara pahupenyu uhu akapombonoka. Parizvino 20% yevanhu vepasi rese havana mabasa kana kuti vane mabasa asingavape mari yakakwana vachirarama munhamo yakapfurikidza inokonzerwa nechavanodaidza kuti “chirwere chevachena” chirwere chakaipa chemari.

Kana Mwari wemaKristu ari ndiye Musiki wechokwadi, nzira iyi yekuwanda nekusangana pabonde yaive isingabudiriri zvakanaka sezvo vanhu vanodarika zvikamu zviviri pazvikamu zvitatu zvevanhu vari panyika vasingatendi maari nhasi.

Zvino chifungai nezvemamwe matambudziko anoyanana nekusangana pabonde; hupombwe, kurarama muzvivi, kubata pamuviri kwevana vadiki, AIDS, zvirwere zvepabonde, kubatwa chibharo, chipfambi, vana vasingadiwi vasina kurongwa, kurambana, nherera, nevachembera vanongosiiwa vari voga. Sezvazvaive mumazuva eSodoma.

Zvino kune kusatambanuka kunokonzerwa nekutakura mimba, kurwara mangwanani, kurwadziwa uye njodzi iripo pakupona mwana.

Kurutivi rwakanaka rwacho, kusangana pabonde chinhu chakanaka pakati pemurume nemukadzi wake. Kana kuzvara mwana kwadarika, kune mufaro unounzwa nekusvika kwemwana mutsva.

Saka kusangana pabonde ndiwo muenzaniso wakanaka wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa.

Ndicho chinhu chinoitwa nevanhu chine rutivi rwakanaka kwazvo, nerutivi runorwadza rwakaipa.

Kusangana pabonde kwakanaka muwanano asi kwakaipa kunze kwewanano.

Ndiyo yega nzira yatinoziva yekuti tiwande, asi inzirawo inotitora kunotisiya mukuwandisa kwevanhu nemubairo uripo weizvi. Saka haisi nzira inoshanda zvakanaka kwenguva refu. Asi zvisinei nekuti kusangana pabonde kwaitwa nenzira yakanaka kana yakaipa, chinhu chimwechete chinoramba chakadaro, ndechekuti hakukwanisi kuburitsa hupenyu husingagumi.

Chokwadi, pakutanga Mwari aive nezano rakanaka.

GENESISI 1:12 Nyika ikameresa vuswa, nemirivo inobereka mbeu dzinamarudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

Muti wemuchero, semuenzaniso muapura, unoita mbeu yehupenyu mukati memuchero.

7705837

Mbeu yega yega inofanira kuita muviri wayo yega.

I VAKORINTE 15:38 Asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.

Izvi zvinoisa mucherechedzo wakadzama muzano raMwari rokutanga.

Dambudziko redu rava rekutsvaga kuti sei mhuka dzaizowanda nebonde dzisingazadzi nyika.

GENESISI 1:21 Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvinamarudzi azvo, neshiri dzose dzinamapapiro, dzinamarudzi adzo; Mwari akavona kuti zvakanaka.

22 Mwari akazviropafadza akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa, neshiri ngadziwande panyika.

Mhuka hadzina simba rekuzvisarudzira. Dzinorarama nekuitwa kwakasikwa kuri mupfungwa dzadzo. Dandemutande rinoita dendere raro rakanakisa asi harikwanisi kugadzira rumwe rudzi rwedendere. Mhuka dzinoberekana nebonde asi izvi zvinodzorwa nemasikirwo adzo apo mumukadzi wemhuka kuda bonde kunobatidzwa kwenguva duku apo inenge iri “nenhomba” kwobva kwadzimwa zvakare. Papaizova nemhuka dzakakwana panyika, Mwari aizongodzima kuda bonde kwadziri zvachose kuti rudzi rumwe nerumwe rusawandise.

GENESISI 1:21 Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvinamarudzi azvo, neshiri dzose dzinamapapiro, dzinamarudzi adzo; Mwari akavona kuti zvakanaka.

Hove neshiri zvisikwa zvakasarudzika. Miviri yazvo yakaitwa nezvinhu zvepanyika, asi Mwari aizosika mweya wakasarudzika wehupenyu kuti zvinorarama mugungwa zvigone kurarama pasi pemvura pakamanikidzika pakufema. Miviri yazvo yaifanira kugona kurarama munzvimbo dzakasiyana nenyika yakabva miviri yazvo. Mubhuku yaZvakazarurwa chikara chine misoro minomwe chinosimuka kubva mugungwa matinogona kuona senzvimbo ine kumanikidza kukuru kwemari zhinji inova nzvimbo yekuberekana kukuru kwemweya yakaipa. Bvunzai Judasi. Hatikwanisi kubatira Mwari nemari pamwechete.

Zvino Mwari akabva aita zvimwechete neshiri kuti dzikunde kurarama dziri munzvimbo mune kumanikidzika kushoma dziri kudenga.

GENESISI 1:25 Mwari akaita mhuka dzenyika … dzinamarudzi adzo nezvipfuwo zvinamarudzi azvo...

Miviri yemhuka yaive yakaitwa nezvinhu zvakabva panyika yadzairarama dziri.

Kana tikasvika pakurarama kwemhuka, Mwari akangodziita. Mhuka dzese idzi dzaive nenzira yekurarama yakasikwa iri madziri yaive yakarukirirwa mupfungwa dzadzo yaizoita kuti dzirarame nenzira inozivikanwa. Dzaive dzisina sarudzo asi kurarama nemasikirwo adzo.

Asi kana tikasvika pamunhu, Mwari akashandisa nzira yakasiyana kwazvo. Akatora nguva yake pakusika munhu. Haana kungomuita. Kutora nguva kwaakaita achisika munhu kwakapa munhu chiremerera. Munhu ndicho chisikwa chaMwari chepamusoro-soro saka aizosikwa nemufananidzo waMwari. Chinangwa chaMwari chekupedzisira chaive chekugara muvanhu. Satani anofara achirarama mumhuka senguruve dzepaGedara, asi Mwari anoda chete kurarama muvanhu.

JOHANI 4:24 Mwari ndiMweya.

Saka mufananidzo waMwari waizova mweya mudiki.

Uyu waizosikwa kubva pasina nekuti mweya haugoni kuitwa kubva paguruva renyika.

Munhu wemweya uyu aizova saMwari, saka munhu aifanira kuva nesimba rekuzvisarudzira. Mwari haana kuda kuti munhu amanikidzwe kumuteerera, aida kuti munhu amubatire nekuda kwake.

Saka kuna Genesisi chitsauko 1 Mwari akasika munhu wemweya asingaonekwe kubva pasina. Haana kuita munhu kubva kuguruva. Saka apa hatisi kutarisa munhu watinoona wenyama. Mhuka dzese dzaive mumiviri yenyama inoonekwa. Mhuka idzi dzaifanira kuwanda nekuita bonde.

Asi Mwari, kupa munhu simba rekuzvisarudzira nekudzivirira kuwandisa kwevanhu, aive nerimwe zano mupfungwa dzake rekusika naro vanhu. Ngatitii munhu anozvisarudzira voita vana vakawandisa sekuda kwavo kuita uku koenderera mberi nekusingaperi! Kuwandisa kwevanhu kwaizoita kuti hupenyu munyika ine miganhu husararamike. Asi kana Mwari akadzima kuda bonde muvanhu, sezvaanoita mumhuka, munhu haazovi nekuzvisarudzira.

Saka kwete semhuka, kana Mwari achizopa munhu simba rekuzvisarudzira, Mwari aizoisa munhu munzvimbo yaaizova nemukana wekusarudza kubva pazvinhu zvakasiyana. Dai kwaive kusina sarudzo yakaipa paisarudza munhu, munhu angadai asina simba rekuzvisarudzira. Saka Mwari, kuitira kuti aise simba rekuzvisarudzira, aifanira kuisira munhu imwe sarudzo inokwezva moyo otarisira kuti munhu aizoda Mwari zvekuti haaizosarudza kubva pane imwe sarudzo.

Ngatitarisei munhu wemweya akasikwa naMwari.

JOHANE 4:24 Mwari ndiMweya.

GENESISI 1:26 Mwari akati: ngatiite munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu, ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.

MaKristu mazhinji anotora izwi rekuti “ngati” kuti rinoreva Mwari weTiriniti weVanhu vatatu: Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene. Hapana mukadzi pavatatu ava.

Asi izvi zvinounza dambudziko kana Mwari akasika murume nemukadzi, vanhu vaviri, panyika.

GENESISI 1:27 Mwari akasika munhu nemufananidzo wake, akamusika nemufananidzo waMwari, akavasika murume nomukadzi.

Vanhu vaviri panyika, mumwe wavo ari mukadzi, hakungave nemufananidzo weVanhu vatatu Kudenga. Pavanhu ava pasina mukadzi.

Drawing0-1

Mufananidzo uyu wakakanganiswa. Nei? Musanganiswa wemweya mitatu Kudenga nevanhu venyama vaviri vanoonekwa panyika.

Vanhu venyama havasi mufananidzo weMweya waMwari. Mweya wemunhu ndiwo mufananidzo weMweya waMwari.

Saka ngatitarisei chitsauko 1 muzvikamu zvemweya.

Izwi rekuti “ngati’ “isu” kana richiiswa kuvanhu rinoreva vanhu vanodarika mumwechete.

Asi pano tiri kutaura nezvemweya. Mweya wemunhu wakasangana.

Ungarwisane nemifungo yako asi hazvingakuite vanhu vaviri.

NEHEMIA 5:7 Zvino ndakarangarira mumoyo mangu,

Nehemia aive asingatauri neumwe munhu. Kana Davidi.

MAPISAREMA 77:6 … ndinotaurirana nemoyo wangu:

Vesainzi vakaona kuti tinopedza nguva yakawandisa tichitaura tega sezvo zvichibatsira kutambanudza pfungwa dzedu dzakasangana.

Mumutauro mune kumwe kudaidzwa kusina kujairika “kwehumambo kwaisu”.

Madzimambo, maPope kunyangwe mabhishopu vanoshandisa “isu” pachinzvimbo cha “ini”.

“Isu” wavo anoratidza kuzara kwemasimba avo uye hukuru husingakwanisi kutsanangurwa neizwi rekuti “ini” rinoreva munhu mumwe.

Tsamba yakanyorwa kuna mambo Artashasta ari mumwechete. Izwi rekuti “iye” raireva kuti yaive isina kunyorerwa mambo neimba yake.

EZRA 4:11 Ndiwo mashoko emwadhi yavakatuma kuna mambo Artashasta:

Tarirai mhinduro yamambo.

EZRA 4:18 Mwadhi yamakatitumira ndairavirwa zvakanaka.

Shoko rekuti “nda” rinotaura mambo semunhu mumwechete. Shoko rekuti “ti” inzira yekudaidza pahumambo “isu” rinoshandiswa nemadzimambo nemaPope kuzvitsanangura.

Saka Mwari, saMambo wezvese zvaAkasika, akakodzera zvakapfurikidza kuti ashandise “Isu” wehumambo kuzvitsanangura.

Drawing1-4

GENESISI 1:27 Mwari akasika munhu nemufananidzo wake, akamusika nemufananidzo waMwari, akavasika murume nomukadzi.

Mweya waMwari wakasika mweya wemunhu semufananidzo weMweya wake usingaonekwe.

Hunhu hwemunhu hwaibvepi?

JOBO 38:4 Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira kana une zivo iwe.

JOBO 38:7 ...vuye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro?

Vanakomana vaMwari vose vaivepo pakusikwa kwenyika. Izvi zvinogoneka kana tose taive mupfungwa dzaMwari pekutanga. Pfungwa ndiwo mweya unoshandisa masero enjere dzedu, pakutanga, asati aiswa mumuviri wenyama, pfungwa dzaAdamu dzaive mweya pachawo. Saka humunhu kana kuti hunhu hwemunhu, hwaive pane imwe nzvimbo mupfungwa dzaMwari, hwakamirira kuzoiswa mumiviri yakasiyana siyana yevanhu. Nenzira imwechete hunhu hwechikadzi hwemukadzi waAdamu aizouya, hwaive pane imwe nzvimbo mupfungwa dzaAdamu, hwakamirira kuzoiswa mune umwe muviri. Mukadzi haana ndangariro dzinoziva kusvika panguva iyi. Hatina ndangariro dzepataive tiri muna Mwari pakusikwa kwenyika. Asi taivepo mukusaziva tikatopururudza paaitanga kusika musha wedu waizouya. Tese hatirangariri kuva tiri munanababa vedu vachiri vaduku, asi taive mavari sembeu yababa. Taive takamirira vanamai vedu kuti vagotipa muviri wedu.

Drawing12-1

 

Panguva iyi Adamu aingova mweya usingaonekwe une hunhu hwechikadzi mukati mawo. Mweya wechikadzi waiva usina kana ruzivo rwezvaiitika. Paive apa pakataurwa naMwari kuti vanhu vanofanira kuwanda. Asi aireva kuwanda kupfurikidza mweya sezvo paive pasina miviri yevanhu yaivepo. Saka Mwari aive asina zano rekuti izvi zviitike nebonde.

GENESISI 1:28 Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: berekai, muwande, muzadze nyika, mubate vushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvese zvinokambaira panyika.

Mwari aitarisira kuti kuwanda uku kuchaitika sei sezvo aitaura nemunhu wemweya? Gwara riri padudziro yemweya yezwi rekuti “berekai”.

GENESISI 1:12 Nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

“Berekai” rinomiririra muchero uyo mbeu yawo iri mukati mawo.

Izvi zvinorevei?

Erisabete akataura naMaria aive nemimba.

RUKA 1:42 Akadana nenzwi guru akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa.

RUKA 8:11 Zvino mufananidzo ndiwo: Mbeu ishoko raMwari.

Chibereko chedumbu ndiye mwana.

Mwari aida kuti mweya wemunhu uunze Mwana akaberekwa nemhandara aive nekuzara kweShoko raMwari muMwana. Mwana uyu ndiye aizova mbeu yehupenyu husingagumi.

Mwana aizokura kuva munhu ane simba rekuzvisarudzira aizoteerera Mwari nenzira dzake dzese aisazoita chivi zvachose. Ipapo rufu rwaisazopinda muParadhiso.

Murume akura uyu aizodaidza vatsvene vake kubva muguruva renyika, ofemera mune mumwe nemumwe wavo chikamu cheMweya Mutsvene wake kusvikira ava nehuwandu hwakakodzera kuti azadze nyika. Apa aizomira kusika vanhu. Kuberekwa kwevanhu kwemweya kwaibva kwapedziswa.

Pangadai pasina vanhu vakaipa vachazotsva kugehena.

Kusangana kwevanhu pabonde kungadai kusina kubvira kwavapo. Kana rufu.

Chinhu chinodakadza, zvinhu zvinowanda nekusangana pabonde ndizvo chete zvinofa.

Zvaive zvisingagoneke kuti munhu wemweya Adamu abereke Mwana uyu, saka chaaigona kuita chete kumirira Mwari kuti azadzise zano rake nenguva yake. Uku ndiko kwaive kuedzwa kwemunhu kwekutanga. Kuratidza simba rekugona kutsungirira kumirira Mwari kuti azadzise Shoko rake.

Mwari aive aita zvinomera zvakasiyana siyana zvine hupenyu hwezvinomera mazviri nemhuka dzakasiyana siyana dzine hupenyu hwemhuka madziri. Mhuka nezvinomera hazvitadzi saka paive pasina chikonzero chekuti zvife. Asi miti nemhuka zvine nzira yazvo yekurarama nayo yakarukirirwa mupfungwa dzazvo muchiberekerwo. Saka hazvina sarudzo.

Zvino Mwari aive akuda chimwe chinhu chakasiyana neizvi zvose. Aida kuita Terbanekari yemoyo yevanhu kuti agorarama mumoyo yevanhu vake. Aisada kungoita chikwata chevanhu vane hupenyu hwevanhu mavari, sekunge ndivo vaive rudzi rwemhuka rwepamusoro soro. Aida kuti vanhu vazvisarudzire zvavanoda uye kuti vamubatire nekuda kwavo. Nzira iyi yaive nenjodzi huru nekuti kuzvisarudzira kunoreva kuti pane sarudzo yakaipa pakati pekusarudza uku kunotenderwa kuti munhu aite. Kuita chakaipa ndicho chivi, chivi chaizounza rufu. Kuita sarudzo dzakasununguka, Mwari aizovapa zvakanaka nezvakaipa. Asati aita izvi, Mwari akatanga adzidzisa Adamu munzvimbo dzemweya dzakachengetedzeka apo Adamu aizodzidza chokwadi uye kuziva kuona chakanaka kubva kune chakaipa.

Ndapota batisisai kuti hapana kutaurwa nezvemuti wekuziva chakanaka nechakaipa kuna Genesisi chitsauko 1. Adamu paaive mweya Satani aisakwanisa kumuita chero chinhu nekuti adamu aikwanisa kuona mweya saka aiziva mweya wakaipa kana akauona.

GENESISI 1:29 Mwari akati: Tarirai ndakakupai mirivo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose inemichero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvekudya zvenyu.

Mwari akavaitira miti yemichero kuti vagodya munguva yaiuya. Vhesi 29 rine chiporofita. “kuti zvive zvekudya zvenyu”. Kumberi Mwari aizovaisa mumiviri yenyama yaizoda kuti vadye chikafu. Chikafu ichi chaive chatovapo chiri michero yaibva kumiti yemichero.

“nemiti yose, inemichero yemiti inobereka mbeu”. Muti wese wemichero waive wakanaka. Paive pasina chakaipa pakudya kubva kune chero muti waibereka michero. Adamu haana kuudzwa kuti asabate muapura sezvo akanzi miti yese yemichero yaive yakanaka.

GENESISI 1:30 Mhuka dz0se dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinomweya wovupenyu, ndakazvipa mirivo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo.

Hakuna chiporofita chekuti mirivo minyoro ichava chikafu. “Ndakazvipa”. Zvaive zvakatoitika. Mhuka dzose dzaive dzava mumiviri yenyama. Chekudya chadzo chaive mirivo minyoro, yaidyiwa neshumba nemakwai. Kwaive kusina mhuka dzinodya nyama, kusina mhuka dzaidya nyama mazuva iwayo.

GENESISI 1:31 Mwari akavona zvose zvaakaita vonei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, mangwanani akavapo, zuva retanhatu.

Adamu aive munhu wemweya. Hakuna chaikwanisa kumukanganisa. Zvinhu zvese zvaive zvaitwa, miti yemichero, yaive yakanaka. Mweya waAdamu waisakwaniswa kukanganiswa nechero chinhu chaivapo. Kwaive, ipapo, kusina muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa sekuti zvese zvaive zvakanaka.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23