13 Matenda enyoka
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Kana zvikaongororwa nekutenda muchinjikwa unoita dzikinuro yedu kubva kuzvivi nekuponeswa kwedu kubva kuhurwere.
First published on the 27th of October 2023 — Last updated on the 27th of October 2023Mosesi akatungamirira Rwendo (Eksodo) rwekubuda muEgipita vachienda Israeri. Asi rwakava rwendo rwakaoma munzira dzinorwadza.
NUMERI 21:4 Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kugungwa dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdomi; vanhu vakapera moyo kwazvo panzira.
VaIsraeri vakanyunyuta nekushaya chekudya nemvura. Vakanga vavenga manna yavaipihwa pachena naMwari zuva nezuva.
Egipita mucherechedzo wenyika. MaKristu ari mueksodo kana rwendo rwekubuda mune zvenyika.
Asi maKristu anonyunyuta nekuungudza, vanoda kupfeka mapfekero emunyika.
Kereke inoda zvemunyika inoratidzirwa nemukadzi. Saka vakadzi vechiKristu vanoda “kugadzira” mitemo yavo vega yemapfekero nekushongedza zviso zvavo. Vanozora mafuta nezvekunakisa zviso, vopfeka midhebhe kuti vave nesimba pamusoro pevarume, vanopfeka nguwo dzine mabhechu dzichiratidzira zvipfuva dziri pfupi zvekuti hadzifukidzi mabvi avo. Gogo dzavo dzinongoreva kuti vari kuteremuka mawere. Mhete dzavo dzinoshanda semanera ekuti madhimoni akwire mumisoro yavo.
Mafoni echimanje manje aya anozarura mikova kuti maKristu anoita nguva zhinji ari pasoshari medhiya vachingoona zvisina musoro. Kuverenga Bhaibheri hakuchadiwe. Ko vanganetsekerei kuti vanzwisise Magwaro? Ritori basa rakaoma. Tinongoda kunzwa zvinhu zvemasekonzi gumi chete. Mhinduro dzisina maturo dzinokasika. Pasina marwadzo. Pasina kushanda nesimba kuti tidziwane. Vanhu vemakereke vawedzera kushaiwa zivo pamusoro peMagwaro.
NUMERI 21:5 Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMosesi, vakati: Makatibuditsireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapane zvokudya, hapane mvura, mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.
Mwari vakapindura nenyoka dzine huturu. Kana mukanyunyuta pamusoro pezano rangu kwamuri, ifai. Kutambudzika kukuru kuri kuuya nekukasika. Ndiko kuchagumira vanyunyuti.
NUMERI 21:6 JEHOVA wakatuma nyoka dzinopenga pakati pevanhu, dzikaruma vanhu; vanhu vazhinji vaIsraeri vakafa.
Mhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka yaive isiri nyoka pakutanga. Yaive mhuka ine mano kwazvo pakati pezvisikwa zvipenyu. Chipfuwo. Yaive yakada kufanana kwazvo nemunhu kudarika matiro. Yaigona kutaura nekufunga. Yakanyengera Eva kuti aite zvivi. Kubva ipapo, nyoka yakazogara iri mucherechedzo wezvivi.
Ndarira mucherechedzo wekutongwa.
DEUTERONOMIO 28:23 Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira,”
Nzira yekutonga vanhu vazere zvivi kushandisa nzara. Zuva rinopisa riri mudenga risina kana gore rinoratidzika sendarira mukupisa kusina tsitsi.
Saka, nyoka yendarira yaive mufananidzo wezvivi zvaitongwa.
Izvi zvinoratidza kuti Kristu akatora zvivi zvedu akaripira muripo wazvo zvese.
NUMERI 21:7 Zvino vanhu vakauya kuna Mosesi vakati: takatadza, nokuti takapopotera JEHOVA nemi, kumbirai kuna JEHOVA kuti abvise nyoka kwatiri. Mosesi akakumbirira vanhu.
Kuomerwa nerufu zvakasvitsa vaIsraeri pakutendeuka. Vaida kuti nyoka dzibviswe. Vaida mushonga wekurapa kurumwa nenyoka.
Iyi yaive njodzi yakavawira vari murenje.
NUMERI 21:8 Ipapo JEHOVA akati kuna Mosesi, uzviitire nyoka inopenga ugoiturika padanda: Zvino mumwe nomumwe wakarumwa kana akaitarira, achararama.
Nyoka inopenga inyoka akagadzirwa nendarira inopenya inoratidzira zuva zvakajeka kwazvo.
Vezvehutano vakatevedzera mucherechedzo uyu sezvo vakazvipira kuenda chero nzvimbo inenge yaitika njodzi yezvehutano. Vanofanira kukwanisa kushanda nechero rudzi rwekukuvara kana urwere.
Vanofanira kusimba uye kugona basa ravo vachifambirana nenguva munezvehutano zvaveko nhasi uno nemichina yazvo. Vanhu ava magamba.
Asi nyoka yendarira yaMosesi yaive nani kwazvo. Munhu anenge akufa aingofanira kuitarisa chete otopora.
Zvinorevei kwatiri nhasi uno?
NUMERI 21:9 Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda, zvino mumwe nomumwe wakati kana arumwa, akatarira nyoka iyoyo yendarira, wakararama.
Kwaive nemutemo mumwechete. Nyoka yendarira yaifanira kusimudzwa iri padanda. Nei?
Mufananidzo waJesu pamuchinjiko.
JOHANE 12:32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vese kwandiri.
Jesu paakaturikwa pamuchinjiko akatambira zvivi zvedu zvese nehurwere akazvisuka muRopa rake.
Chiitiko chekuyambukira chakaitika.
Ndikatarisa pamuchinjiko nekutenda ndikatendeuka, zvivi zvangu nekunyadziswa kwangu zvinopinda muna Jesu kururama kwake kwopinda mandiri.
Muchinjikwa unova tsime redzikinuro kubva kuzvivi nekuponeswa kwangu kubva kuzvirwere nehosha.
I VAKORINTE 12:9 nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu;
“Zvipo zvekuporesa” zviri muhuzhinji.
Mwari anoporesa nenzira dzakawanda.
Munamato. Kudzokedzana kunotora nguva nekuti kupora chinhu chinoitika zvishoma nezvishoma.
Mwari anoshandisa vana chiremba vanorapa. Maropafadzo emishonga inotirarisa sezvakaita Adamu panochekwa nyama dzedu nemabhonzo.
Vanamazvikokota nanachiremba nemishonga mavhakisini. Nemishonga yemidzi.
Vana mukoti. Vanoongorora hutano hwemiviri. Vemabhonzo, maekisireyi, nemasona. Kuchengetedzeka muchipatara, munochengetwa varwaisa nevamwe vanenge vasisina tariro.
Veparamedhikisi vanodzikamisa varwere. Vemaamburenzi vanotakura varwere.
Vana chiremba vemazino. Nevamwe vakadaro.
Tichiwedzera, muviri unozvirapa wega kubva kuzvirwere zvizhinji kana ukapihwa nguva.
1 VAKORINTE 12:10 nekune umwe kuita mabasa esimba,
Jesu anoitawo mabasa esimba apo ruponeso rwacho runoitika nekukasika.
William Branham wekuAmerica aive nehushumiri hunoshamisa kwazvo munguva yedu yechinomwe kana kereke yekupedzisira yakatanga muna 1906 ruri rumutsiridzo rwePentekositi muMugwagwa weAzusa, muLos Angeles.
Hushumiri hwake hwakakurudzira rumutsiridzo rwevarapi vanorapa nekutenda.
Zvisinei, vanhu vashoma kwazvo vakapona pahushumiri hwake vakazoenda mberi vakatevera hushumiri hwake hwakanakisa hwekuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri. Kana zvakavanzika (zvizhinji) zvaMwari zvikazivikanwa chete ndipo patinoita tariro yekudzorerwa pakunotenda kwekutanga kwekereke yekutanga yakatangwa nemapositora eTestamente Itsva.
Izwi rechisikwa chipenyu gondo rekuna Zvakazarurwa Chitsauko chechina rinotidzorera kuchisikwa chipenyu Shumba chaPauro nemapositora.
Nguva yekereke yekutanga ndiyo yaive mbeu yakadyarwa. Chokwadi chakafa chikafusirwa mutsvina yeNguva yeRima ikamera muMutsiridzo yaMartin Luther yeruponeso kupfurikidza nyasha nekutenda. Bhaibheri dzvene reKing James rakaturikirwa. Mhepo yekufuridzirwa kwekuparidzira kwaJohn Wesley yakavhuvhuta pasi rese ichibata munguva huru yemamishinari. Hama Branham vakadzorera kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri. Patichadzokera pakunotenda zvakatendwa nekereke yeKutanga panguva yekupedzisira, ndiro richava goho richakohwewa munguva yekereke yekupedzisira.
Rangarirai, Jesu ndiye wekutanga nowekupedzisira.
Gohwo ndeapo mbeu dzinobviswa padzinde rakaoma. Kana Mwenga atorwa kunosangana naShe kumakore.
Kana maKristu enguva yekereke yekupedzisira akatendeuka akadzorerwa kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga, zvichapedzisa chakavanzika chaMwari (chimwechete). Ndicho chakavanzika chekereke chekuti muviri waKristu ungori nemusoro umwechete, Jesu Shoko, nekuti ndiye Mwari Wamasimba ose.
ZVAKAZARURWA 15:3 Vakaimba rwiyo rwaMosesi muranda waMwari nerwiyo rweGwaiana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene.
Gwaiana ndiro Mwari Wamasimbaose.
ZVAKAZARURWA 15:4 Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi mega mutsvene;
Gwaiana roga ndiro dzvene. Saka, hakuna Tiriniti.
Kune mharidzo ichaparidzwa naMosesi kumaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru.